TITO


1


1 Pauro, muranda waMwari, nomuapositora waJesu Kristu, nokuda kokutenda kwavakasanangurwa vaMwari, nokokuzivisa chokwadi iri pakunamata Mwari,

2 patariro yovupenyu bwusingaperi, bwaakapikira iye Mwari, usingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo,

3 asi panguva dzakafanira wakazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurairo waMwari, Muponesi wedu;

4 kunaTito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha netsitsi norugare, zvinobva kunaMwari Baba, naIshe Jesu Kristu, Muponesi wedu, ngazvive newe.

5 Ndakakusiya paKrete nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira izvo zvakanga zvasara, nokugadza vakuru mumaguta ose, sezvandakakuraira;

6 kana kunomunhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, unavana vakatendeka, vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori, kana kuti havateereri.

7 Nokuti mutariri unofanira kuva munhu usina chaangapomerwa, somuchengeti weimba yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri fuma yakaipa;

8 asi unoitira vaeni rudo, unoda zvakanaka, wakachenjera, wakarurama, mutsvene, unozvidzora;

9 unobatisisa shoko rechokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kuraira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara.

10 Nokuti vazhinji varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo, vanonyengera, zvikuru avo vokudzingiswa,

11 vanofanira kudzivirirwa miromo yavo; vanoparadza mhuri kwazvo, zvavanodzidzisa zvisakafanira nokuda kwefuma yakaipa.

12 Mumwe wavo, muporofita wokwavo, wakati: VaKrete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, navanokara vanovusimbe.

13 Kupupura uku ndokwechokwadi. Nemhaka iyi uvarange zvikuru, kuti varurame pakutenda.

14 varege kuteerera ngano dzavaJudha, nemirairo yavanhu vanofuratira chokwadi.

15 Kuna vakachena zvose zvakachena; asi kuna vakasvibiswa, vasingatendi, hakunechinhu chakachena, asi kufunga kwavo nehana yavo zvakasvibiswa.

16 Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo, zvavari vanhu vanonyangadza, vasingateereri, vasakafanira pamabasa ose akanaka.


2


1 Zvino iwe, taura zvakafanira dzidziso yakarurama.

2 Varume vakuru ngavave vakasvinuka, vanokudzwa, vakangwara, vakarurama pakutenda, naparudo, napakutsungirira;

3 saizvozvovo vakadzi vakuru ngavave nomufambire wakafanira vatsvene, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi vave vadzidzisi vezvakanaka;

4 kuti vadzidzise vakadzi vaduku, kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo.

5 vave vakangwara, vakachena, vanogara pamusha, vakanaka, vanoteerera varume vavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.

6 Saizvozvovo varume vaduku uvaraire kuti vave vakangwara;

7 pazvinhu zvose iwe umene uvaratidze makwara amabasa akanaka; uve nokusakanganisa pakudzidzisa, nomugarire unokudzwa.,

8 nokutaura kwakarurama, kusingagoni kushovorwa, kuti unopesana nesu anyadziswe, asi nechinhu chakaipa chaangareva pamusoro pedu.

9 Varanda ngavazviise pasi pavatenzi vavo, vavafadze pazvinhu zvose, vasingakakavari;

10 vasingabi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kose, kuti vashongedze dzidziso yaMwari, Muponesi wedu, pazvinhu zvose.

11 Nokuti nyasha dzaMwari dzakavonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa,

12 Dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino,

13 takatarira tariro inofadza, nokuvonekwa kokubwinya kwaMwari mukuru, noMuponesi wedu, Kristu Jesu.

14 wakazvipa nokuda kwedu, kuti atidzikinure pazvisakarurama zvose, kuti azvinatsire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka.

15 Taura zvinhu izvi, uraire, urange nesimba rose; ngakurege kuva nomunhu unokuzvidza.


3


1 Uvayevudzire kuti vazviise pasi pavabati navanesimba, kuti vateerere, kuti vave vanhu vakazvigadzira kubata mabasa ose akanaka,

2 varege kurevera mumwe zvakaipa, varege kuva negakava, vave vanyoro, vaitire vanhu vose vunyoro bwose.

3 Nokuti nesuvo kare taiva vokusafunga, tisingateereri, takarashika, tiri varanda vokuchiva kuzhinji navezvose zvinofadza, tigere mukati mokushata negodo, tichivengwa, tichivengana.

4 Asi vunyoro bwaMwari, Muponesi wedu, norudo rwake kuvanhu, zvakati zvavonekwa,

5 wakatiponesa, asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kokuberekwa kutsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,

6 waakadurura achiwanza pamusoro pedu, naJesu Kristu Muponesi wedu,

7 kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe vadyi venhaka nokuda kwetariro yovupenyu bwusingaperi.

8 Ishoko rechokwadi, uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, zvokuti avo vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Ndizvo zvakanaka, zvinobatsira vanhu;

9 asi unzvenge mibvunzo yovupenzi, namazita amadziteteguru, negakava, nokukakavara pamusoro pomurairo, nokuti hazvina maturo, hazvinebasa.

10 Munhu unodzidzisa zvakatsauka, kana arairwa kamwe norwechipiri, umurambe,

11 zvaunoziva kuti wakadaro wakatsauka, unotadza, wazvipa mhosva amene.

12 Kana ndichituma Artema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuvuya kwandiri Nikopori; nokuti ndakati ndichagara chando ikoko.

13 Zenasi, nyanzvi yomutemo, naAporo, uvaise zvakanaka parwendo, varege kushaiwa chinhu.

14 Vanhu vedu ngavadzidzevo kuramba vachiita mabasa akanaka, kuti vabatsire panoshaikwa zvinofanira kuvapo, kuti varege kuva vanhu vasinezvibereko.

15 vose vari kwandiri vanokukwazisa. Ndikwazisire avo vanotida pakutenda. Nyasha ngadzive nemwi mose.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE