VAROMA


1


1 Pauro, muranda waKristu Jesu, wakadamwa kuti ave muapositora, wakatsaurirwa evhangeri yaMwari,

2 yaakapikira kare navaporofita vake muMagwaro matsvene,

3 zvoMwanakomana wake, wakabva kurudzi rwaDhavhidhi panyama,

4 wakaratidzwa nesimba paMweya wovutsvene, kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kuvakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe wedu,

5 watakagamuchira naye nyasha novuapositora, kuti pakati pavahedheni vose, pave nokuteerera kokutenda nokuda kwezita rake;

6 nemivo muri pakati pavo, makadamwa kuti muve vaJesu Kristu;

7 kunavose vari muRoma, vadikamwa vaMwari, vakadamwa kuti vave vatsvene: Nyasha ngadzive nemwi norugare, zvinobva kunaMwari, baba vedu, nokunaShe Jesu Kristu.

8 Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu munaJesu Kristu, pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yose.

9 Nokuti Mwari chapupu changu, iye wandinoshumira mumweya wangu muevhangeri yoMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai,

10 ndichikumbira nguva dzose pakunyengetera kwangu, kuti zvimwe ndifambiswe hangu zvakanaka ndivuye kwamuri nokuda kwaMwari.

11 Nokuti ndinoda zvikuru kukuvonai, kuti ndikupei chimwe chipo chomweya, kuti musimbiswe.

12 Ndokuti ini ndinyaradzwe pamwe chete nemwi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda komumwe, kwenyu nokwangu.

13 Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazhinji ndaida kuvuya kwamuri, (ndikadziviswa kusvikira zvino), kuti ndive nezvibereko kwamurivo, sapakati pavamwe vahedheni.

14 Ndinengava kuvaGiriki nokuvatorwa, nokuvakachenjera navasina kuchenjera.

15 Naizvozvo, kana ndirini, ndakazvigadzira kukuparidziraivo evhangeri, imwi muri paRoma.

16 Nokuti handinyari pamusoro peevhangeri; nokuti isimba raMwari rokuponesa mumwe nomumwe unotenda, kutanga muJudha, uye muGirikivo.

17 Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakarurama uchararama nokutenda.

18 Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa, kuchibva kudenga, pamusoro pokusada Mwari kose nokusarurama kwavanhu, vanodzivisa chokwadi nokusarurama;

19 nokuti izvo zvingazikamwa zvaMwari zvinovonekwa mukati mavo; nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwavari.

20 Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingavonekwi, iro simba rake risingaperi novuMwari bwake, zvinovonekwa kwazvo, zvichizikamwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo;

21 nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisina maturo, nemoyo yavo isinezivo, ikasvibiswa.

22 Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi;

23 vakashandura kubwinya kwaMwari usingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu unofa, neshiri, nemhuka dzinamakumbo mana, nezvinokambaira.

24 Saka Mwari, mukuchiva kwemoyo yavo, akavaisa kutsvina, kuti vanyadzise miviri yavo pakati pavo.

25 Avo vakatsinhanha chokwadi chaMwari nenhema, vakanamata nokushumira chisikwa kupfuvura musiki, iye unokudzwa nokusingaperi. Ameni.

26 Mwari wakavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa;

27 saizvozvo vanhurumevo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubairo wakafanira wokurashika kwavo.

28 Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwari akavaisa kumurangariro wakarashika, kuti vaite zvisakafanira;

29 vakazadzwa nokusarururama kose, nokuipa, noruchiva, nokuvenga; vakazara negodo, nokuvuraya, norukave, nokunyengera, nechinya; vanhu vanoita zeve-zeve,

30 navacheri, navanovenga Mwari, navanodada, navanozvikudza, navanozvirumbidza, navavambi vezvakaipa, navasingatereri vabereki,

31 namapenzi, navanoputsa sungano, navasinorudo kwarwo, vasinengoni.

32 Avo, kunyange vachiziva havo chirevo chaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havaiti izvo bedzi, asi vanotenderana navanozviita.


2


1 Saka haunepembedzo iwe munhu, upi noupi, unotonga vamwe; nokuti pachinhu icho chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe, unotonga unoita zvinhu izvozvo.

2 Tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwechokwadi kunavanoita zvinhu zvakadai.

3 Iwe munhu, unotonga vamwe vanoita zvinhu zvakadai, iwe uchizviita vo, ko unoti ungatiza kutonga kwaMwari here?

4 Unozvidza kanhi fuma yovunyoro bwake, nomoyo wake munyoro, nomoyo wake murefu, usingazivi here kuti vunyoro bwaMwari bwunokuisa pakutendevuka?

5 Asi novukukutu bwako, nomoyo usingadi kutendevuka, unozvivunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kokutonga kwakarurama kwaMwari;

6 iye uchapa mumwe nomumwe paakaita napo:

7 Vanotsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, vachitsungirira pakuita zvakanaka, uchavapa vupenyu hwusingaperi.

8 Asi kunavanenharo, vasingateereri chokwadi, vanoteerera zvisakarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha.

9 nokutambudzika nenhamo kumweya mumwe nomumwe womunhu kunoita zvakaipa, pakutanga womuJudha, nowomuGiriki;

10 asi kubwinya, nokukudzwa, norugare kunomumwe nomumwe unoita zvakanaka, ku muJudha pakutanga, muGirikivo.

11 Nokuti Mwari haatendi zvinovonekwa zvomunhu.

12 Nokuti vose vakatadza vasinomurairo; vachaparadzwavo vasinomurairo; vose vakatadza vanomurairo, vachatongwa nomurairo;

13 nokuti vanzwi vomurairo havazi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vomurairo ndivo vanoruramiswa;

14 (nokuti kana vahedheni vasinomurairo vachiita pachavo zvinhu zvomurairo, vachava murairo wavo vamene;

15 nokuti vanoratidza basa romurairo wakanyorwa mumoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwe chete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza;)

16 nezuva iro, Mwari raanozotonga naro zvakavanzika zvavanhu, naJesu Kristu, sezvinoreva evhangeri yangu.

17 Zvino kana iwe unonzi muJudha, unovimba nomurairo, unozvirumbidza munaMwari,

18 unoziva kuda kwake, nokutsaura kuti zvakanaka ndezvipi, uchidzidziswa nomurairo,

19 unozviti iwe uri mutungamiriri wamapofu, nechiedza chavari murima,

20 nomurairi wamapenzi, nomudzidzisi wavacheche, zvaunomufananidzo wokuziva nowechokwadi pamurairo;

21 zvino iwe unodzidzisa mumwe, unoregereiko kuzvidzidzisa? Iwe unoparidza kuti munhu arege kuba, unobireiko iwe?

22 Iwe unoti munhu arege kuita vupombwe, unoitireiko vupombwe iwe? Iwe unosema zvifananidzo, unobireiko iwe tembere dzavo?

23 Iwe unozvirumbidza nomurairo, unoshovora Mwari nokudarika murairo neiko?

24 Nokuti, sezvazvakanyorwa zita raMwari rinomhurwa pakati pavahedheni nokuda kwenyu.

25 Nokuti kudzingiswa kunobatsira, kana iwe uri muiti womurairo; asi kana uri mudariki womurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa.

26 Zvino. Kana iye usina kudzingiswa achichengeta zvirevo zvomurairo, ko kusadzingiswa kwake hakunganzi kudzingiswa here?

27 Nousina kudzingiswa kubva pakuzvarwa kwake, kana achichengeta murairo, haangakutongi here iwe unodarika murairo, iwe unomurairo wakanyorwa, vuyevo kudzingiswa?

28 Nokuti uyo haazi muJudha, uri muJudha pakuvonekwa chete; nokudzingiswa hakuzi iko kunovonekwa, kuri panyama;

29 asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko komoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa; iye haarumbidzwi navanhu, asi naMwari.


3


1 Ko muJudha unopfuvura vamwe neiko? Kana kudzingiswa kunobatsireiko?

2 Zvizhinji, nemitovo yose: Pakutanga, kuti ndivo vakapiwa mashoko aMwari.

3 Nokuti zvinodiniko kana vamwe vasinokutenda? Ko kusatenda kwavo kuchakonesa kutendeka kwaMwari here?

4 Haiswa! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema; sezvazvakanyorwa. Zvichinzi: Kuti mururamiswe pamashoko enyu, Mukunde pakutonga kwenyu.

5 Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here, zvaanoita nehasha?(Ndinotaura nokutaura komunhu.)

6 Haisva! Mwari ungagozotonga nyika seiko?

7 Zvino kana chokwadi chaMwari yawanzwa nenhema dzangu, iye akakudzwa nazvo ko nenivo ndichatongerwei somutadzi?

8 Ticharegereiko kutaura (sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinodaro), tichiti: Ngatiite zvakaipa, kuti zvakanaka zvibudepo? Kutongwa kwavo kwakarurama.

9 Zvino todiniko? Tinovapfuvura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi;

10 sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Hakuna wakarurama, kunyange nomumwe.

11 Hakuna unonzwisisa.Hakuna unotsvaka Mwari;

12 Vakatsauka vose, vakava vanhu vasinamaturo, Hakuna unoita zvakanaka, kunyange nomumwe chete;

13 Huro dzavo bwiro bwakashama; Vakanyengera nendimi dzavo;Vuturu bwenyoka bwuri mumiromo yavo;

14 Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava;

15 Tsoka dzavo dzinokurumidza kutevura ropa;

16 Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo;

17 Nenzira yorugare havana kuiziva.

18 Kutya Mwari hakupo pamberi pavo,

19 Zvino tinoziva kuti zvose zvinorebwa nomurairo, unozvireva kunavose vari pasi pomurairo; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.

20 Nokuti hakunenyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurairo; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurairo.

21 Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze komurairo, kuchipupurirwa nomurairo navaporofita;

22 ndiko kururama kwaMwari kunovuya nokutenda kunaJesu Kristu kunavose vanotenda; nokuti havasiyani,

23 nokuti vose vakatadza vakasasvika pakubwinya kwaMwari.

24 Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikunura kuri munaKristu Jesu.

25 Iye wakagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaitira moyo murefu;

26 kuti kururama kwake kuratidzwe, nenguva ino, kuti arurame iye amene, uye aruramise uyo unotenda kunaJesu.

27 Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa, Nomurairo upiko? Wamabasa here? Kwete, asi nomurairo wokutenda.

28 Naizvozvo tinoti, munhu unoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurairo.

29 Ko Mwari ndiye wavaJudha voga here? Haazi wavahedheni vo here? Hongu, wavahedheni vo.

30 Mwari zvaari mumwe chete, ucharuramisa vakadzingiswa pamusoro pokutenda, navasina kudzingiswa nokutenda.

31 Zvino tinokonesa murairo nokutenda here? Haiswa! Asi tinosimbisa murairo.


4


1 Zvino tichatiiko? Abhurahamu, teteguru vedu panyama, wakawaneiko?

2 Nokuti dai Abhurahamu akaruramiswa namabasa ake, ungadai anechinhu chaangazvirumbidza nacho; asi haana pamberi paMwari.

3 Nokuti Rugwaro runoti kudiniko? Runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.

4 Zvino kuno unobate-basa, mubairo haunzi ndowenyasha, asi ndowengava.

5 Kunousingabati, asi unotenda kunaiye unoruramisa munhu usingadi Mwari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama.

6 Sezvinorevavo Dhavhidhi, kuti wakaropafadzwa munhu unonzi naMwari wakarurama, kunze kwamabasa,

7 achiti: Vakaropafadzwa vakakangamwirwa zvisakarurama zvavo, Navakafukidzirwa zvivi zvavo;

8 Wakaropafadzwa munhu usinganzi naShe unezvivi.

9 Zvino kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa, kana kwavasina kudzingiswa here? Nokuti tinoti, kunaAbhurahamu kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama.

10 Zvino zvakanzarwo seiko? Atodzingiswa, kana asinakudzingiswa here? Hazvina kunzarwo adzingiswa, asi asina kudzingiswa;

11 wakapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kokutenda, kwaakanga ana'ko asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama;

12 ave baba vokudzingiswa kunaivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambavo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa.

13 Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurairo, asi nokururama kokutenda.

14 Nokuti dai vomurairo vari vagari venhaka, kutenda hakunamaturo, nechipikirwa chinokoneswa;

15 nokuti murairo unovuyisa kutsamwa; pasina murairo hapana kudarika vo.

16 Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurairo bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamuvo, iye baba vedu tose,

17 (sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari unopa vakafa vupenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo.

18 Wakatenda netariro pasinetariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji,sezvazvakanga zvataurwa Rudzi rwako ruchadaro

19 Haana kushaiwa simba pakutenda, achifunga muviri wake wakanga watofa hawo(zvaiva namakore anenge zana), nokufa kwechizvaro chaSara;

20 akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari,

21 achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, wakanga anesimba rokuchiitavo.

22 Saka zvakanzi kwaari ndiko kururama.

23 Zvino hazvina kunyorwa nokuda kwake bedzi, kuti zvakanzarwo kwaari;

24 asi nokuda kweduvo; nesu tichanzarwo, iyesu, tinotenda kunowakamutsa Jesu Ishe wedu, kuvakafa.

25 iye wakaiswa kurufu nokuda kokudarika kwedu, akamutswa nokuda kokururamiswa kwedu.


5


1 Naizvozvo zvitinoruramiswa nokutenda ngative norugare kunaMwari naShe wedu, Jesu Kristu;

2 watakawana naye mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuvona kubwinya kwaMwari.

3 Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifarevo mumatambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunovuyisa kutsungirira;

4 kutsungirira kunovuyisa kuidzwa; kuidzwa kunovuyisa tariro;

5 tariro hainyadzisi; nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu noMweya Mutsvene watakapiwa.

6 Nokuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari.

7 Nokuti zvinorema kuti munhu afire wakarurama; nokuti zvimwe mumwe ungatsunga kufira wakanaka.

8 Asi Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi.

9 Zvino, zvatakaruramiswa muropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye pakutsamwa.

10 Nokuti zvatakayananiswa naMwari nokufa koMwanakomana wake, tichiri vavengi vake, zvikuru tichaponeswa kana tayananiswa novupenyu bwake;

11 zvisati zviri izvo bedzi, asi tinofara zvikuruvo munaMwari naShe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kuyananiswa.

12 Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhuvose, nokutivose vakatadza;

13 nokuti murairo usati wavapo, zvivi zvakanga zviri panyika; asi zvivi hazviverengerwi munhu, kana kusinomurairo.

14 Asi rufu rwakabata vushe kubva kunaAdhamu kusvikira kunaMozisi, kunyange napakativo pavasina kutadza nokudarika kwaAdhamu, waiva mufananidzo wowakanga achizovuya.

15 Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika komumwe, zvikuru nyasha dzaMwari nechipo chakavuya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, zvakawandira vazhinji.

16 uye chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe wakatadza; nokuti kutonga kwakavuya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakavuya nokudarika kuzhinji, kuti varuramisirwe.

17 Nokuti kana nokudarika komumwe rufu rwakabata vushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata vushe pavupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu.

18 Naizvozvo, kutonga sezvakwakavuya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe chipo chokungopiwa chakavuya kuvanhu vose, kururamisirwa kovupenyu kukavapo.

19 Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi nokusateerera komumwe, saizvozvo vazhinji vachaitwa vakarurama nokuteerera komumwe.

20 Murairo wakapindavo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuvurisa;

21 kuti zvivi sezvazvakabata vushe parufu, saizvozvo nyasha dzibate vushe nokururama, zviise kuvupenyu bwusingaperi naJesu Kristu Ishe wedu.


6


1 Zvino tichatiyiko? Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here?

2 Haiswa! Isu takafa kuzvivi, tichagara seiko mukati mazvo?

3 Ko hamuzivi here kuti isu takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?

4 Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwe chete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuvo tifambe novupenyu bwutsva.

5 Nokuti kana takava vamwe naye pakufanana naye, parufu rwake, tichadarovo pakumuka kwake;

6 tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi;

7 nokuti wakafa, waruramiswa pazvivi.

8 Zvino kana takafa pamwe chete naKristu, tinotenda kuti tichararamavo pamwe chete naye;

9 tichiziva kuti Kristu amutswa kuvakafa, haachazofi; rufu haruchavi nesimba pamusoro pake.

10 Nokuti pakufa kwake, wakafa kamwe kwazvo kuzvivi; zvino pakurarama kwake, unorarama kunaMwari.

11 Saizvozvo nemivo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kunaMwari, munaKristu Jesu, Ishe wedu.

12 Naizvozvo zvivi ngazvirege kubata vushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwawo;

13 uye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipei imwi kunaMwari, savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokururama kunaMwari.

14 Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha.

15 Zvino tichatiyiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haiswa!

16 Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana vokuteerera kunoisa kukururama?

17 Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imwi maiva varanda vezvivi, mukazoteerera nomoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi.

18 Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama.

19 Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kokushaiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kunezvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vekururama kunoisa kuvutsvene.

20 Nokuti panguva iyo muchiri varanda vezvivi, makanga makasununguka pakururama.

21 Zvino maiva nezvibereko zveiko panguva iyo pazvinhu izvo zvamunonyadziswa nazvo zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu.

22 Asi zvino makasunungurwa pazvivi, mava varanda vaMwari, munezvibereko zvenyu zvinoisa kuvutsvene, uye kuguma kwazvo ndibwo vupenyu bwusingaperi.

23 Nokuti mubairo wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndibwo vupenyu bwusingaperi munaKristu Jesu, Ishe wedu.


7

7
1 Hamuzivi here, hama dzangu, (nokuti ndinotaura navanhu vanoziva murairo), kuti murairo unobata munhu nguva yose yovupenyu bwake?

2 Nokuti mukadzi, unomurume, wakasungwa nomurairo kumurume wake, iye achiri mupenyu; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo womurume.

3 Naizvozvo zvino kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, uchanzi chifeve asi kana murume wake afa,wasununguka pamurairo, zvino haazi chifeve kunyange akawanikwa nomumwe murume.

4 Saka, hama dzangu nemivo makaitwa vakafa kumurairo nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye wakamutswa pavakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.

5 Nokuti panguva iyo tichiri munyama, kuchiva kwezvivi, kwakamutswa nomurairo, kwakabata mumitezo yedu kuti kubereke zvibereko zvinoisa kurufu.

6 Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kunaizvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare.

7 Zvino tichatiyiko? Murairo zvivi here? Haiswa! Asi handizaiziva zvivi kana murairo usipo; nokuti handizaiziva kuchiva, kana murairo usina kuti: Usachiva;

8 zvino zvivi zvakawana nzira nomurairo, zvikaita mandiri mitovo yose yokuchiva; nokuti kunze komurairo zvivi zvakafa.

9 Ini ndaiva mupenyu kare kunze komurairo, asi mutemo uchizosvika, zvivi zvakamuka, ini ndikafa;

10 nomutemo iwo waifanira kuisa muvupenyu, ndakauwana uchiisa kurufu;

11 nokuti zvivi zvakawana nzira nomutemo, zvikandinyengera zvikandivuraya nawo.

12 Naizvozvo murairo mutsvene, nomutemo mutsvene, wakarurama, wakanaka.

13 Ko zvino zvakanaka zvakazova rufu kwandiri here? Haiswa! Asi ndizvo zvivi, kuti zviratidzwe kuti zvivi, zvakandiitira rufu nezvakanaka; kuti nomutemo zvivi zvive zvakaipa kwazvo-kwazvo.

14 Nokuti tinoziva kuti murairo ndowomweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pezvivi.

15 Nokuti zvandinoita handizvizivi; nokuti zvandinoita hazvizi izvo zvandinoda; zvandinoda; handizvo zvandinoita; asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita..

16 Zvino kana ndichiita izvo zvandisingadi, ndinobvumira kuti murairo wakanaka.

17 Zvino handizati ndichiri ini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.

18 Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo.

19 Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.

20 Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handisini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.

21 Naizvozvo ndinowana murairo uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri.

22 Nokuti ndinofarira murairo waMwari nomunhu womukati;

23 asi ndinovona mumwe murairo pamitezo yangu, unorwa nomurairo womurangariro wangu, unonditapira kumurairo wezvivi uri pamitezo yangu.

24 Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko uchandisunungura pamuviri worufu urwu?

25 Mwari ngaavongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu. Naizvozvo nomurangariro ndinobatira Mwari, asi nenyama murairo wezvivi.


8


1 Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kunavari munaKristu Jesu vasingafambi nenyama asi nomweya.

2 Nokuti murairo woMweya wovupenyu munaKristu Jesu wakandisunungura pamurairo wezvivi noworufu.

3 Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana, wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, wakapa mhosva zvivi zviri munyama;

4 kuti zvakarebwa nomurairo zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama, asi nomweya.

5 Nokuti vari vomweya, vanofunga zvomweya.

6 Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga komweya ndibwo vupenyu norugare;

7 nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari; nokuti hakuzviisi pasi pomurairo waMwari; hakugoni vo;

8 zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari.

9 Asi imwi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati menyu. Asi kana munhu asinoMweya waKristu, haazi wake.

10 Kana Kristu ari mukati menyu, muviri wakafa nokuda kwezvivi, asi mweya mupenyu nokuda kokururama.

11 Zvino kana Mweya waiyeyo wakamutsa Jesu kuvakafa achigara mukati menyu, iye wakamutsa Kristu Jesu kuvakafa, uchaponesa miviri yenyu inofa noMweya wake, unogara mukati menyu.

12 Naizvozvo, hama dzangu, hatinengava nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama.

13 Nokuti kana muchifamba netsika dzenyama, muchafa; asi kana muchivuraya mabasa omuviri noMweya, muchararama;

14 nokuti vose vanotungamirirwa noMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.

15 Nokuti hamuna kupiwa mweya wovuranda kuti mutye zve, asi makapiwa mweya wokuitwa vana, watinodana nawo, tichiti: Aba, baba.

16 Mweya womene unopupurirana nomweya wedu, kuti tiri vana vaMwari;

17 zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka yaMwari, vadyi venhaka pamwe chete naKristu; kana tichitambudzika pamwe chete naye, tichakudzwavo pamwe chete naye.

18 Nokuti ndinoti matambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.

19 Nokuti zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.

20 Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo.

21 zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwevo pavuranda bwokuvora, zviiswe pakusunungurwa kokubwinya kwavana vaMwari.

22 Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.

23 Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesuvo, kunyange tinezvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa komuviri wedu.

24 Nokuti takaponeswa netariro; nokuti ndiani unotarira chaanovona?

25 Asi kana tichitarira chatisingavoni, tinochimirira nokutsungirira.

26 Saizvozvo Mweya unobatiranavo nokusava nesimba kwedu; nokuti hatizivi kunyengetera zvakafanira; asi Mweya amene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi;

27 uyo unonzera moyo, ndiye unoziva kufunga koMweya, nokuti unonyengeterera vatsvene sezvinoda Mwari.

28 Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwechete kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari, avo vakadamwa sezvaakafunga.

29 Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemeravo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji;

30 avo vaakatemera kare, ndivo vaakadanavo; vaakadana, ndivo vaakaruramisavo; vaakaruramisa, ndivo vaakakudzavo.

31 Zvino tichatiyiko pazvinhu izvi? Kana Mwari achitirwira, ndianiko uchatirwisa?

32 Iye usina kuramba kunyange noMwanakomana wake, asi wakamupa chose nokuda kwedu tose, ungarega seiko kutipavo zvose pamwe chete naye?

33 Ndianiko uchakwirira vasanangurwa vaMwari? Mwari ndiye unoruramisa;

34 ndianiko uchavapa mhosva? Kristu Jesu ndiye wakafa, zvikuru ndiye wakamutswa kuvakafa, uri kurudyi rwaMwari, unotinyengetereravo.

35 Ndianiko uchatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kana nzara, kana kushaiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here?

36 Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Nokuda kwenyu tinovurawa zuva rose; Takanzi tiri makwai anobayiwa.

37 Kwete, pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuvurisa naiye wakatida.

38 Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana vupenyu, kana vatumwa, kana vanesimba, kana zvazvino, kana zvinovuya kana masimba.

39 kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, ruri munaKristu Jesu, Ishe wedu.


9


1 Ndinotaura zvirokwazvo munaKristu, handirevi nhema, hana yangu ichindipupurira muMweya Mutsvene,

2 kuti ndineshungu kwazvo nokuchema kusingaperi mumoyo mangu.

3 Nokuti ndaida kuti ini ndimene ndive munhu wakatukwa, wakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu panyama;

4 ndivo vaIsraeri; kuitwa vana, nokubwinya, nesungano, nokupiwa murairo, nokunamata Mwari, nezvipikirwa, ndezvavo;

5 madzibaba ndaavo, naKristu wakabva kwavari panyama, uri pamusoro pavose, Mwari unokudzwa nokusingaperi. Ameni.

6 Asi handiti shoko raMwari rakakona. Nokuti vakabva kuvaIsraeri havazi vaIsraeri vose;

7 navari vorudzi rwaAbhurahamu havazi vana vake vose; asi zvinonzi: KunaIsaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.

8 Ndokuti havazi vana venyama vari vana vaMwari; asi vana vokupikirwa, ndivo vanonzi rudzi.

9 Nokuti shoko rakapikirwa ndirori: Nenguva yakaita seino ndichavuya, Sara uchava nomwanakomana.

10 Hazvizi izvozvo bedzi; asi Rebekavo, wakati ava nemimba kunomumwe, iye Isaka, baba vedu

11 nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakusanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kunaiye unodana,

12 zvakanzi kwaari: Mukuru uchashumira mudoko.

13 Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.

14 Zvino tichatiyiko? Kusarurama kuripo kunaMwari here? Haiswa!

15 Nokuti unoti kunaMozisi: Ndichanzwira ngoni wandinonzwira ngoni, ndichanzwira tsitsi wandinonzwira tsitsi.

16 Naizvozvo hazvibvi kunounoda, kana kunounomhanya, asi kunaMwari, munzwiri wengoni.

17 Nokuti Rugwaro runoti kunaFarao: Ndizvo zvandakakumutsira, kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.

18 Naizvozvo unonzwira ngoni waanoda; uye unowomesera moyo waanoda.

19 Zvino iwe ungati kwandiri: Iye uchapireiko mhosva? Nokuti ndianiko unoramba kuda kwake?

20 Ko zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakavumbwa chingati kunowakachivumba: Wandiitireiko kudai?

21 Ko muvumbi wehari haanesimba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa?

22 Zvino tichatiyiko kana Mwari, kana akanga achida kuratidza kutsamwa kwake, nokuzivisa simba rake, akaita nomoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa,

23 kuti azivise kufuma kokubwinya kwake pamusoro pemidziyo yengoni, yaakanga agadzirira kubwinya,

24 iyesu vakadamwavo naye, tisingabvi kuvaJudha bedzi, asi kuvahedhenivo?

25 Sezvaanorevavo pabhuku yaHosiya, achiti: Avo vakanga vasi vanhu vangu; Ndichavaidza vanhu vangu; Naiye wakanga asi mudikamwa, ndichamuidza mudikamwa.

26 Zvichaitika kuti paya pakanga parebwa kwavari: Hamuzi vanhu vangu, Ipapo vachaidzwa vanakomana vaMwari mupenyu.

27 NaIsaya unodana pamusoro pavaIsraeri achiti kunyange kuwanda kwavana vaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;

28 nokuti Ishe uchaita panyika shoko rake, nokuripedzisa, nokukurumidza nokururama.

29 Sezvaakamboreva Isayavo, achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiyira rudzi, Tingadai takava seSodhoma, takaitwa seGomora.

30 Zvino tichatiyiko? Tichati, vahedheni vasina kutsvaka kururama, ndivo vakawana kururama, iko kururama kokutenda;

31 asi vaIsraeri vakati vachitsvaka murairo wokururama havana kusvika pamurairo wokururama.

32 Neiko? Nokuti havana kutsvaka nokutenda, asi zvinenge namabasa omurairo. Vakagumburwa nebwe rinogumbusa.

33 Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Tarira, ndinoisa paZiyoni ibwe rokugumbusa, nedombo rokupinganidza; Unotenda kwaari, haanganyadziswi.


10


1 Hama dzangu, kuda komoyo wangu nokukumbira kwangu kunaMwari pamusoro paIsraeri ndiko, kuti vaponeswe.

2 Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi havaiti nokuziva.

3 Nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pokururama kwaMwari.

4 Nokuti Kristu ndimugumo womurairo pakutsvaka kururama, kuno mumwe nomumwe unotenda.

5 Nokuti Mozisi unonyora, achiti, munhu, unoita kururama, kunorebwa nomurairo, uchararama nazvo.

6 Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreva kudai: Usati mumoyo mako: Ndianiko uchakwira kudenga? (ndiko kuburusa Kristu;)

7 kana, ndianiko uchaburukira kwakadzikadzika? (ndiko kubudisa Kristu kuvakafa.)

8 Asi kunoreveiko? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako, nomumoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza;

9 kuti, kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumoyo mako, kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa;

10 nokuti munhu unotenda nomoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa.

11 Nokuti Rugwaro runoti: Aninani unotenda kwaari, haanganyadziswi,

12 Nokuti muJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, wakafuma kunavose vanodana kwaari;

13 nokuti aninani unodana kuzita raShe, uchaponeswa.

14 Zvino vachagodana seiko kunaiye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kunaiye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi?

15 Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzavanoparidza evhangeri yorugare, namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?

16 Asivose havana kuteerera mashoko omufaro. Nokuti Isaya unoti: Ishe, ndianiko wakatenda zvatakaparidza?

17 Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari.

18 Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu, zvirokwazvo, Inzwi ravo rakabuda kunyika yose, Namashoko avo kumigumo yenyika.

19 Asi ndinoti: VaIsraeri havanakuziva here? Pakutanga Mozisi unoti: Ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.

20 NaIsaya, asingatyi, unoti: Ndakavonekwa navasina kundibvunza.

21 Asi kuvaIsraeri unoti: Ndakatambanudzira mavoko angu zuva rose kuvanhu vasingateereri, navanokakavara.


11


1 Zvino ndinoti: Ko Mwari wakarasha vanhu vake here? Haiswa! Nokuti nenivo ndiri muIsraeri, worudzi rwaAbhurahamu, weimba yaBenjanimi.

2 Mwari haana kurasha vanhu vake vaakaziva pakutanga. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEria here? Kuti unokumbira kunaMwari pamusoro pavaIsraeri, achiti:

3 Ishe, vakavuraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu, ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotsvaka kundivuraya.

4 Asi Mwari unomupindureiko? Unoti: Ndakazvisiyira varume vanezvuru zvinomwe, vasina kufugamira Baari.

5 Zvino saizvozvo nenguva inovo vari'ko vakasara, vakasanangurwa nenyasha.

6 Zvino kana kusanangura kuri kwenyasha, hakuzati kuchiri kwamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzichiri nyasha. Asi kana kuri kwamabasa hakuzati kuchiri kwenyasha. Kana zvisakadaro basa harizati richibasa.

7 Zvino tichatiyiko? VaIsraeri havana kuwana zvavakanga vachitsvaka, asi vakasanangurwa ndivo vakazviwana; vamwe vakawomeswa,

8 sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope; meso, kuti varege kuvona, nenzeve, kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.

9 NaDhavhidhivo unoti: Tafura yavo ngaiitwe musungo, neriva,

10 Meso avo ngaasvibirwe, varege kuvona; Mukotamise musana yavo misi yose.

11 Zvino ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Haisva! Asi nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuti vamutsirwe godo.

12 Zvino kana kuwa kwavo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwavo kwakafumisa vahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?

13 Ndinotaura kwamuri, imwi vahedheni. Zvandiri muapositora wavahedheni, ndinokudza basa rangu.

14 Zvimwe ndingamutsa godo kunavenyama yangu, ndiponese vamwe vavo.

15 Nokuti kana kurashwa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi vupenyu pakufa?

16 Zvino kana chibereko chokutanga chiri chitsvene, bundu rose rakadarovo; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadarovo;

17 Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwe chete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi;

18 usazvikudza kumatavi; kana uchizvikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe.

19 Zvino iwe uchati, matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.

20 Ndizvozvo; vakavhuniwa nokusatenda kwavo, iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi utye;

21 nokuti kana Mwari asina kurega matavi awo, haangakuregi newevo.

22 Zvino tarira vunyoro nokukasharara kunavakawa, asi kwauri vunyoro bwaMwari, kana uchigara pavunyoro bwake;kana zvisakadaro, newe uchatemwavo.

23 Naivovo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari unogona kuvabatanidza zve.

24 Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi, uri wokudondo pakusikwa kwawo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nokusikwa kwazvo zvikuru sei ava vari matavi awo,vangabatanidzwa pamuorivhi wavo!

25 Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuwomeswa komoyo kwakavuya pamusoro pavamwe vavaIsraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda;

26 naizvozvo rudzi rwose rwavaIsraeri ruchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabuda Musununguri; Uchabvisa kusada Mwari kunaJakobho;

27 Iyi ndiyo sungano yangu navo, Musi wandichabvisa zvivi zvavo.

28 Kana iri evhangeri, ivo vavengi vaMwari nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikamwa nokuda kwamadzibaba.

29 Nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.

30 Nokuti semi kare makanga musingateereri Mwari, asi zvino makanzwirwa ngoni nokusateerera kwavo,

31 saizvozvo naivo zvino havana kuteerera, kuti nengoni dzakaitirwa imwi naivo vanzwirwevo ngoni.

32 Nokuti Mwari wakavapfigira vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose.

33 Haiwa kufuma kokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi!

34 Nokuti ndianiko wakanga ari murairi wake?

35 Ndianiko wakatanga kumupa, kuti aripirwe zve?

36 Nokuti zvose zvinobva kwaari, zviripo naye, zviripo nokuda kwake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.


12


1 Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu komoyo.

2 Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.

3 Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinovudza mumwe nomumwe uri pakati penyu, kuti arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuvura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari.

4 Nokuti sezvatinemitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose hainebasa rimwe chete;

5 saizvozvo isu, tiri vazhinji, tiri muviri mumwe chete munaKristu, mumwe nomumwe ari mutezo wavamwe.

6 Tinezvipo zvakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuporofita, ngatiprofite zvakaenzana nokutenda kwedu;

7 kana kuri kushumira, ngazvivonekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu;

8 kana kuri kuraira, pakuraira kwedu; unopa, ngaape nomoyo wose; uri mukuru, ngaabate nokushingaira; unoitira ngoni, ngaaite nomufaro.

9 Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Vengai zvakaipa; namatirai zvakanaka.

10 Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai.

11 Regai kuva novusimbe pakushingaira; pisai pamweya; batirai Ishe;

12 farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera;

13 govanai navatsvene pakushaiwa kwavo; itirai vaeni rudo.

14 Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka.

15 Farai navanofara; chemai navanochema.

16 Ivai nomoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamoyo yenyu makachenjera.

17 Musatsiva munhu chakaipa kana akakuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose.

18 Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.

19 Musatsiva, vadikamwa, asi munzvenge kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe.

20 Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kumwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake.

21 Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.


13


1 Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina kubva kunaMwari; iwo aripo akaiswapo naMwari.

2 Saka unoramba simba, unodzivisa zvakaiswapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa, vanozvitorera mhosva.

3 Nokuti vabati havatyisi unobata basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa navo;

4 nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuiitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kunounoita zvakaipa.

5 Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi pavo, musingadaro nokuda kokutsamwa bedzi, asi nokuda kwehanavo.

6 Nokuti nemhaka iyo munoripavo mutero; nokuti ndivo varanda vaMwari vanoramba vachingobatira chinhu icho.

7 Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa: Mutero kuna vanofanira kuteererwa; muripo kunavanofanira kuripirwa; kutya kuna vanofanira kutyiwa; kukudza kuna vanofanira kukudzwa.

8 Musava nechikwereti nomunhu, asi chokudana; nokuti unoda mumwe, wazadzisa murairo.

9 Nokuti izvo zvokuti: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupurira wokwako nhema, usachiva; kana murairo upi noupi, zvakavunganidzwa pashoko rokuti: Ude wokwako sezvaunozvida iwe.

10 Rudo haruitiri wokwako zvakaipa; naizvozvo rudo runozadzisa murairo.

11 Zvikuru ndinoreva izvozvi, zvatinoziva nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedo kupfuvura zuva ratakatanga kutenda naro.

12 Vusiku bwapfuvura, koedza; naizvozvo ngatirashe mabasa erima, ngatishonge nhumbi dzokurwa dzechiedza.

13 Ngatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana novupombwe, novutere, kana negakava, negodo.

14 Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.


14

1 Zvino gamuchirai usinesimba pakutenda kwake musingaiti gakava naye pamusoro pokufunga kwake.

2 Mumwe munhu unokutenda kuti ungadya zvose; asi usinesimba unodya mirivo.

3 Unodya ngaarege kuzvidza usingadyi; usingadyi ngaarege kupa mhosva unodya; nokuti Mwari wakamugamuchira.

4 Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe munhu mhosva? Iye unomira kana unowa pamberi paShe wake. Uchamiswa hake, nokuti Ishe unesimba rokumumisa.

5 Mumwe munhu unoti zuva rimwe rinopfuvura rimwe; mumwe unoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazive kwazvo mumoyo make.

6 Uyo unochengeta zuva, unorichengeta nokuda kwaShe; uyo usingachengeti zuva haarichengeti kunaShe, uyo unodya, unodya nokuda kwaShe, nokuti unovonga Mwari. Uyo usingadyi kunaShe haadyi asi unovonga Mwari.

7 Nokuti hakunomumwe wedu unozviraramira iye oga, hakuna unozvifira iye oga.

8 Nokuti kana tichirarama tinoraramira Ishe; kana tichifa, tinofira Ishe; zvino kana tichirarama, kana tichifa tiri vaShe.

9 Nokuti Kristu wakafira izvezvi, akamukiravo izvezvi akararama kuti ave Ishe wavapenyu navakafa.

10 Zvino iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newevo, unozvidzireiko hama yako? Nokuti isu tose tichamira pachigaro chokutonga chaKristu.

11 Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Novupenyu bwangu ndizvo zvinoreva Ishe ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, Rurimi rumwe norumwe ruchakudza Mwari.

12 Naizvozvo mumwe nomumwe we du uchazvidavirira kunaMwari.

13 Naizvozvo ngatirege kuramba tichitongana; asi zvirinani kuti mutonge, kuti munhu arege kuisa chigumbuso kana chinopinganidza pamberi pehama yake.

14 Ndinoziva, nokuzivisisa kwazvo munaShe Jesu, kuti hakunechinhu chinetsvina chimene; asi uyo unoti, chinetsvina, kwaari chinetsvina.

15 Nokuti kana hama yako ichisvibiswa moyo nokuda kwezvokudya, iwe hauchafambi norudo. Usaparadza nezvokudya zvako uyo wakafirwa naKristu.

16 Naizvozvo kunaka kwenyu ngakurege kuzvidzwa.

17 Nokuti vushe bwaMwari hazvizi zvokudya kana zvokumwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMweya Mutsvene.

18 Nokuti unobatira Kristu pazvinhu izvi, unofadza Mwari, uye unotendwa navanhu.

19 Naizvozvo ngatitsvake izvo zvinovuyisa rugare nezvatingasimbisana nazvo.

20 Regai kuparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvinhu zvose zvakanaka hazvo: asi zvakaipa kunounodya akagumbuka.

21 Zvakanaka kusadya nyama, kana kusamwa waini, kana kusaita chimwe chinhu chingagumbusa hama yako, kana kuipa vutera.

22 Unokutenda here? Iva nako kuve kwako pamberi paMwari, wakaropafadzwa usingazvipi mhosva pachinhu chaanotendera.

23 Asi uyo unonyunyuta wava nemhosva kana achidya, nokuti haadyi nokutenda; zvose zvisingabvi pakutenda zvivi.


15


1 Zvino isu, tinesimba, tinofanira kutakura vutera bwavasinesimba, tisingazvifadzi.

2 Mumwe nomumwe wedu ngaafadze wokwake pane zvakanaka zvinosimbisa.

3 Nokuti Kristuvo haana kuzvifadza; asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Kuzvidza kwavakakuzvidza nako kwakawira pamusoro pangu.

4 Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.

5 Zvino Mwari wokutsungirira nowokunyaradza ngaakupei moyo mumwe pakati penyu, sezvinoda Kristu Jesu;

6 kuti mukudze Mwari, baba vaShe wedu Jesu Kristu, nomoyo mumwe uye nomuromo mumwe.

7 Saka gamuchirai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe.

8 Nokuti ndinoti: Jesu Kristu wakaitwa mushumiri wokudzingiswa kuratidza chokwadi chaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba.

9 Vuye, kuti vahedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavahedheni, Nokukuimbirai zita renyu.

10 Vuyezve unoti: Farai imwi vahedheni, navanhu vake.

11 Vuyezve: Rumbidzai Ishe, imwi vahedheni vose; Marudzi ose ngaamukudze.

12 uye zve, Isaya unoti: Mudzi waJese uchavapo, Naiye unomuka, kuti abate vahedheni; Vahedheni vachamutarira iye;

13 Zvino Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muve netariro yakawandisa, nesimba roMweya Mutsvene.

14 Zvino, hama dzangu, ini ndimene, ndinoziva kwazvo pamusoro penyu, kuti imwi mumene muzere nokunaka, makazadzwa nokuziva kose, munogonavo kurairana.

15 Asi ndinokunyorerai zvimwe ndichinyanya kutsunga, ndichiita sendinokunyevudzai nenyasha dzandakapiwa naMwari,

16 kuti ndive muranda waKristu Jesu kuvahedheni, ndichiita basa rovuprista paevhangeri yaMwari, kuti chibayiro chavahedheni chifadze Mwari, chakaitwa chitsvene noMweya Mutsvene.

17 Naizvozvo ndingazvirumbidza munaKristu Jesu pazvinhu zvaMwari.

18 Nokuti ndingatya kutaura zvimwe zvinhu, asi izvo Kristu zvaakaita neni, kuti vahedheni vateereswe neshoko namabasa,

19 nesimba re zviratidzo nezvinoshamisa, nesimba roMweya Mutsvene; nokudaro kubva Jerusarema nenyika yakapoteredza, kusvikira Iriko, ndakaparidza kwazvo evhangeri yaKristu;

20 ndichishingarira chinhu ichi kuti ndiparidze evhangeri, apo pasina kumborebwa zita raKristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu;

21 asi, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Avo, vasina kuvudzwa zvake; vachavona; Naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.

22 Naizvozvo ndakadziviswavo kazhinji kuvuya kwamuri;

23 zvino zvandisina pokubata panyika idzi, uye zvaava makore mazhinji ndichida zvikuru kuvuya kwamuri,

24 kana ndichienda Spania, ndichavuya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuvonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemwi ikoko, kana ndamboguta zvishoma nemi.)

25 Asi zvino ndomboenda Jerusarema kundoshumira vatsvene.

26 Nokuti veMakedhonia naveAkaya vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari paJerusarema.

27 Nokuti vakatiira zvakanaka; vanengava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vanengavavo rokuvashumira pa zvinhu zvenyama.

28 Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndikavavigira chibereko ichi, ndichaenda Spania nokwenyu.

29 Ndinoziva kuti kana ndichivuya kwenyu, ndichavuya nokuropafadza kwakazara kweevhangeri yaKristu.

30 Zvino ndinokumbira zvikuru, hama dzangu, naShe wedu, Jesu Kristu, uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwe chete neni pakunyengetera kwenyu kunaMwari pamusoro pangu;

31 kuti ndisunungurwe kuna vasingateereri muJudhiya, uye kuti kushumira kwangu kunaveJerusarema kufadze vatsvene;

32 kuti ndivuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari, ndiwane zororo pamwe chete nemi.

33 Zvino Mwari worugare ngaave nemwi mose. Ameni.


16


1 Ndinoreverera kwamuri Fibi, hanzvadzi yedu, mushandiri wekereke iri paKenkrea.

2 Kuti mumugamuchire munaShe, sezvinofanira vatsvene, nokumubatsira pazvinhu zvose, zvaangashaiwa; nokuti iye amene wakabatsira vazhinji, nenivo ndimene.

3 Ndikwazisirei Priska naAkwira, vanobata neni munaKristu Jesu.

4 vakaisa mitsipa yavo kurwira vupenyu bwangu, vandisingavongi ini ndoga asi nekereke dzose dzavahedheni.

5 Ndikwazisireivo kereke iri paimba yavo. Ndikwazisirei Epeneto, mudikamwa wangu, ndiye chibereko chokutanga munaKristu paAsia.

6 Ndikwazisirei Maria, wakakubatsirai zvikuru.

7 Ndikwazisirei Andoroniko naJunia, worudzi rwangu, vakasungwa pamwe chete neni, vakakurumbira pakati pavapositora, vakanditangiravo kuva munaKristu.

8 Ndikwazisirei Ampriato, mudikamwa wangu munaShe.

9 Ndikwazisirei Urbano, unobata nesu munaKristu, naStako, mudikamwa wangu.

10 Ndikwazisirei Apere, wakatendwa munaKristu. Ndikwazisirei vokwaAristoburo.

11 Ndikwazisirei Herodhio worudzi rwangu. Ndikwazisireivo kwaNarkiso, vari munaShe.

12 Ndikwazisirei Trifania naTrifosa, vanobata munaShe. Ndikwazisirei Persisi, mudikamwa, wakabata zvikuru munaShe.

13 Ndikwazisirei Rufosi, musanangurwa munaShe, namai vake, navangu.

14 Ndikwazisirei Asinkrito, naFregoni, naHermesi, naPatrobasi, naHeramasi, nehama dziri kwavari.

15 Ndikwazisirei Firorogosi, naJuria, naNerea, nehanzvadzi yake, naOraimpasi, navatsvene vose vari kwavari.

16 Kwazisanai nokusveta kutsvene. Kereke dzose dzaKristu ndinokukwazisai.

17 Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti mucherekedze avo vanopesanisa, navanogumbusa, vachiita zvinopesana nedzidziso yamakadzidziswa imi; muvanzvenge.

18 Nokuti vakadaro havabatiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; vanonyengera moyo yavasina mano namashoko avo akanaka, nokubata kumeso.

19 Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kuvanhu vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kunezvakanaka, asi vasinenjere kunezvakaipa.

20 Zvino Mwari worugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.

21 Timotio, unobata neni, unokukwazisai; naRukio, naJasoni, naSosipatrosi, vorudzi rwangu.

22 Ini Tertiosi, unonyora mwadhi iyi, ndinokukwazisai munaShe.

23 Gaiosi,wakandigamuchira ini nekereke yose, unokukwazisai. Erastosi, muchengeti wemariyeguta, unokukwazisai, naKwaritosivo, hama.

24 Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu, ngadzive nemwi mose. Ameni.

25 Zvino iye, unogona kukusimbisai, sezvinoreva evhangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurebwa nguva dzisingaperi.

26 asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa kumarudzi ose, naMagwaro avaporofita, sezvakarairwa naMwari usingaperi, kuti vateerere nokutenda.;

27 iye Mwari wakachenjera oga, ngaave nokubwinya naJesu Kristu nokusingaperi. Ameni.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE