ZVAKAZARURWA


1


1 Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa; akazvituma nomutumwa wake, ndokuzivisa muranda wake Johwani;

2 wakapupurira shoko raMwari, nezvokupupura kwaJesu Kristu, achireva zvose zvaakavona.

3 Wakaropafadzwa uyo unorava, navanonzwa mashoko okuporofita, uku vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedo.

4 Johwani kukereke nomwe dziri paAsia: Nyasha ngadzive nemi, norugare, zvinobva kunaiye uripo, wakanga aripo, nouchazovapo; nokunemweya minomwe iri pamberi pechigaro chake chovushe;

5 nokunaJesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kuvakafa, mubati wamadzishe enyika. Kuna iye wakatida akatisuka, pazvivi zvedu neropa rake,

6 akatiita madzimambo, navaprista kunaMwari naBaba vake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi peri. Ameni.

7 Tarirai, unovuya namakore, meso ose achamuvona, naivo vakamubaya; marudzi ose enyika achachema nokuda kwake. Hongo, Ameni.

8 Ndini Arifa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, ndizvo zvinoreva Ishe Mwari, uripo, wakanga aripo, nouchazovapo, wamasimba ose.

9 Ini Johwani, hama yenyu, mugoverani pamwe chete nemwi pakutambudzika, novushe, nokutsungirira munaJesu, Kristu ndakanga ndiri pachiwi chinonzi Patimosii, nokuda kweshoko raMwari, nokupupura muna Jesu Kristu.

10 Ndakanga ndiri muMweya nezuva raShe, ndikanzwa shure kwangu inzwi guru, rinenge serehwamanda,

11 richiti: Ndini Alpha na Omega wokutanga nowokupedzisira izvo Zvaunovona, zvinyore mubhuku, uzvitumire kereke nomwe, dziri muAsia, paEfeso, napaSimina, napaPergamo, napaTiatira, napaSardisi, napaFiraderfia, napaRaodikia.

12 Ndikatendevuka kuti ndivone inzwi rakataura neni. Ndakati ndatendevuka, ndikavona zvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama;

13 napakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu, akafuka nguvo yakasvikira kutsoka, akazvisunga napachifuva nebhanire rendarama.

14 Musoro wake nevhudzi rake zvakanga zviri zvichena samakushe machena, sechando; meso ake akaita somurazvo womoto;

15 tsoka dzake dzakanga dzakafanana nesafuri inopenya, inenge yakanatswa muvira; inzwi rake rakanga rakaita senzwi remvura zhinji.

16 Muruvoko rwake rworudyi wakanga akabata nyeredzi nomwe; mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka kose; chiso chake chaiva sezuva rinopenya nesimba raro.

17 Ndakati ndichimuvona, ndikawira pasi patsoka dzake sendinenge ndafa; akaisa ruvoko rwake rworudyi pamusoro pangu, akati: kwandiri usatya, ndini wokutanga nowokupedzisira.

18 naiye Mupenyu; ndakanga ndafa, tarira ndiri mupenyu nokusingaperiperi; ndinekiyi dzorufu neHadhesi.

19 Naizvozvo nyora zvawavona, nezviripo, nezvichazovapo shure kwaizvozvi;

20 zvakavanzika zvenyeredzi nomwe dzawavona muruvoko rworudyi rwangu, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe ndidzo kereke nomwe.


2


1 Nyorera mutumwa wekereke iri paEfeso, uti: Zvanzi naiye wakabata nyeredzi nomwe murovoko rwake rworudyi, unofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama:

2 Ndinoziva mabasa ako, nokutambudzika kwako, nokutsungirira kwako, uye kuti haudi kuvonana navanhu vakaipa; wakavaidza ivo vanoti, tiri vapositora, vasi ivo chaivo, ukavawana vari venhema;

3 ukatsungirira nokuva nomoyo murefu nokuda kwezita rangu, ukasaneta.

4 Asi handifari nechinhu icho kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga.

5 Naizvozvo rangarira pawakawa, utendevuke, ugoita mabasa ako okutanga; kana usingaiti saizvozvo, ndichavuya kwawuri, ndikabvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho, kana usingatendevuki.

6 Asi chinhu ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga nenivo.

7 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; unokunda, ndichamutendera kuti adye muti wovupenyu, uri muParadhiso yaMwari.

8 Nyorera mutumwa wekereke iri paSimina, uti: Zvanzi naiye wokutanga nowokupedzisira, wakanga afa, akararamazve:

9 Ndinoziva mabasa ako nokutambudzika kwako novurombo bwako, (asi uri mufumi), nokutuka kwaivo vanoti, tiri vaJudha, vasi ivo chaivo, asi isinagoge raSatani,

10 usatya izvo zvauchatambudzika nazvo. Tarira, Dhiabhorosi woda kuisa vamwe venyu mutirongo, kuti muidzwe; muchatambudzika mazuva anegumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona yovupenyu.

11 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; unokunda, haangakuvadzwi norufu rwechipiri.

12 Nyorera mutumwa wekereke iri paPergamo, uti: Zvanzi naiye unomunondo, unopinza, unocheka kose;

13 Ndinoziva mabasa ako uye kuti, paunogara, ndipo pane chigaro chovushe chaSatani; wakabatisisa zita rangu, ukasaramba kutenda kwangu, kunyange napamazuva aAntipasi, chapupu changu, munhu wangu wakatendeka, wakavurawa pakati penyu, apo panogara Satani.

14 Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti unavamwepo vanobatisisa dzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pavana vaIsraeri, chokuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita vupombwe,

15 Nokudaro unavamwe vo vanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti, chinhu chandinovenga..

16 Naizvozvo tendevuka; kana usingaiti saizvozvo, ndichakurumidza kuvuya kwauri, ndigorwa navo nomunondo womuromo wangu.

17 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Unokunda, ndichamupa mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzwa rakanyorwapo, risingazikamwi nomunhu, asi naiye unoripiwa.

18 Nyorera mutumwa wekereke iri paTiatira, uti: Zvanzi noMwanakomana waMwari, unameso akafanana nomurazvo womoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya;

19 Ndinoziva mabasa ako, norudo, nokutenda, nokushumira, nokutsungirira kwako, uye kuti mabasa ako okupedzisira anopfuvura okutanga.

20 Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesibheri, unozviidza muporofitakadzi, uye unodzidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite vupombwe, nokudya zvakabayirwa zvifananidzo,

21 Ndakamupa nguva kuti atendevuke; akaramba kutendevuka pakufeva kwake.

22 Tarira, ndoda kumukandira panhovo, navanoita vupombwe naye panhamo huru, kana vasingatendevuki pamabasa avo.

23 Navana vake ndichavavuraya norufu; nekereke dzose dzichaziva kuti ndini ndinonzvera itsvo nomoyo; ndichapa mumwe nomumwe wenyu paakabata napo.

24 Asi kwamuri, imwi makasara paTiatira, vose vasine-dzidziso iyi, vasingazivi izvo zvavanoti zvakadzika zvaSatani, ndinoti kwamuri: Handingakutakudziyi mumwe mutoro.

25 Asi batisai izvo zvamunazvo kusvikira ndichivuya.

26 Unokunda achichengeta mabasa angu kusvikira pakupedzisira, ndichamupa simba pamusoro pamarudzi;

27 uchaafudza netsvimbo yedare,sehari dzomuvumbi dzinoputsanyiwa; sezvandakapiwa vo naBaba vangu.

28 uye ndichamupa nyamasase.

29 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.


3


1 Nyorera mutumwa wekereke iri paSardhisi, uti: Zvanzi naiye unemweya minomwe yaMwari, nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti unonzi uri mupenyu, asi wakafa.

2 Pepuka, usimbise izvo zvakasara, zvakanga zvodo-kufa; nokuti handina-kuwana mabasa ako kuti akakwana pamberi paMwari wangu.

3 Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nokunzwa sei; uzvichengete, utendevuke. Naizvozvo kana usingapepuki, ndichavuya sembavha, haungazivi nguva yandichakuwira nayo.

4 Asi unamazita mashoma paSardhisi avanhu vasina kusvibiswa nguvo dzavo; vachafamba neni vanenguvo chena, nokuti vakafanirwa nazvo.

5 Unokunda, uchapfekedzwa saizvozvo nguvo chena; handingatongodzimi zita rake pabhuku yovupenyu, ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu, napamberi pavatumwa vake.

6 Unenzeve ngaanzwe zvinoreva mweya kukereke.

7 Nyorera mutumwa wekereke iri paFiradherfia, uti: Zvanzi naiye mutsvene, iye wechokwadi, iye unekiyi yaDhavhidhi, iye unoti kana achizarura, hakuna unopfiga, kana achipfiga, hakuna unozarura:

8 Ndinoziva mabasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazaruka, hakuna ungagona kuupfiga), kuti unesimba shoma hako; wakachengeta shoko rangu, ukasaramba zita rangu.

9 Tarira ndinokupa vamwe vari vesinagoge raSatani, vanoti, tiri vaJudha, vasiri ivo chaivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavavuyisa kuti vanamate pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ndakakuda.

10 Zvawakachengeta shoko rokutsungirira kwangu, ndichakuchengetavo panguva yokuidzwa yoda kuvuya panyika yose, kuidzwa vanogara panyika.

11 Tarira ndinokurumidza kuvuya; batisisa icho chaunacho, kuti urege kutorerwa korona yako.

12 Unokunda ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, haangazobudimozve; ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva rinoburuka kudenga kunaMwari wangu, nezita rangu idzva.

13 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.

14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodhikia, uti: Zvanzi naAmeni, chapupu chakatendeka, chechokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari;

15 Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Dai uchitonhora kana kupisa.

16 Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.

17 Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa, handishaiwi chinhu; usingazivi, kuti ndiwe unovurombo nenhamo, uri murombo nebofu usina chokufuka.

18 Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama yakaidzwa mumoto, kuti uve nefuma, nenguvo chena, kuti uzvifukidze, nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuvonekwa; nechizoro chameso, kuti uzore meso ako, uvone.

19 Vose vandinoda ndinovaranga nokuvarova; naizvozvo shingaira utendevuke.

20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza; kana munhu akanzwa inzwi rangu, akazarura mukova ndichapinda kwaari, ndicharayira naye, naiye ucharayira neni.

21 Unokunda ndichamupa chinhu ichi, kuti agare neni pachigaro changu chovushe, senivo ndakakunda, ndikagara pamwe chete nababa vangu pachigaro chavo chovushe.

22 Unenzeve ngaanzwe zinoreva Mweya kukereke.


4


1 Shure kwaizvozvo, ndakatarira ndikavona mukova wakazaruka kudenga; nenzwi rokutanga randakanzwa rakaita serehwamanda richitaura neni; richiti: Kwira pano, ndigokuratidza zvinofanira kuitwa shure kwaizvozvo.

2 Pakarepo ndakava muMweya; tarira chigaro chovushe chakagadzwa kudenga, nomumwe agere pachigaro.

3 Iye wakanga agerepo wakanga akafanana nebwe rejaspisi neresardio; kwakanga kunomurarabungu wakakomberedza chigaro chovushe, wakafanana nebwe resmaragdino.

4 Kwakanga kune zvigaro zvovushe zvinamakumi maviri nezvina zvakanga zvakakomberedza chigaro chovushe; napazvigaro pakanga pagere Vakuru vanamakumi maviri navana, vakapfeka nguvo chena; vakanga vanekorona dzendarama pamisoro yavo.

5 Napachigaro chovushe pakanga pachibuda mheni, namanzwi, nokutinhira; nemwenje minomwe yakanga ichipfuta pamberi pechigaro chovushe, iri Mweya minomwe yaMwari.

6 Pamberi pechigaro chovushe pakanga panegungwa rakavonekera, rakafanana nekristaro; napakati pechigaro chovushe, napamativi ose echigaro chovushe, pakanga panezvisikwa zvina zvipenyu, zvizere nameso mberi neshure kwazvo.

7 Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chinechiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobururuka.

8 Nezvisikwa zvipenyu izvi zvina zvakanga zvizere nameso kunhivi dzose nomukati; hazvizorori masikati novusiku, zvichiti: Mutsvene mutsvene mutsvene, iye Ishe Jehovha wehondo, wamasimba ose, iye wakanga aripo, uripo, nouchazovuya.

9 Zvino kana zvisikwa zvipenyu izvi zvovigira iye unogara pachigaro chovushe, iye uri mupenyu nokusingaperi-peri, kubwinya, nokukudzwa, nokuvonga,

10 Vakuru vanamakumi maviri navana vowira pasi pamberi paiye ugere pachigaro chovushe vachimunamata iye, uri mupenyu nokusingaperi-peri, vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro chovushe, vachiti:

11 imwi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvakasikwa nokuda kwenyu.


5


1 Zvino ndakavona muruvoko rworudyi rwaiye wakanga agere pachigaro chovushe bhuku yakanyorwa mukati nokunze kwayo, yakanamatidzwa nezvisimbiso zvinomwe.

2 Ipapo ndakavona mutumwa, unesimba, achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndianiko wakafanira kuti azarure bhuku iyi, nokusunungura zvisimbiso zvayo?

3 Asi kwakanga kusinomunhu kudenga napanyika, kana napasi penyika, wakagona kuzarura bhuku iyo, kana kutarira mairi.

4 Ipapo ndakachema zvikuru, zvakusina-kuwanikwa munhu, wakafanira kuti azarure bhuku, kana kuverenga kana kutarira mairi.

5 Zvino mumwe waVakuru wakati kwandiri; Usachema hako, tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, yakakunda kuti izarure bhuku nokusunungura nezvisimbiso zvayo zvinomwe.

6 Zvino ndakatarira ndikavona pakati pechigaro chovushe nezvisikwa zvipenyu zvina, napakati paVakuru, gwayana rimire, rakaita serakabayiwa, rinenyanga nomwe nameso manomwe, iri Mweya minomwe yaMwari, yakatumwa kunyika yose.

7 Iro rikavuya, rikatora bhuku muruvoko rworudyi rwaiye wakanga agere pachigaro chovushe.

8 Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina naVakuru vanamakumi maviri navana vakawira pasi pamberi pegwayana, mumwe nomumwe anorudimbwa, nendiro dzendarama, dzakanga dzizere nezvinonhuhwira, iri minyengetero yavatsvene.

9 Vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Ndimi makafanira kuti mutore bhuku nokuzarura zvisimbiso zvayo; nokuti makabayiwa, mukatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose;

10 mukavaitira Mwari wedu, kuti vave madzimambo navaprista, vabate vushe panyika.

11 Zvino ndakavona, ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji vakanga vakakomberedza chigaro chovushe nezvisikwa zvipenyu, naVakuru kuwanda kwavo kwakanga kuri zvuru zvezvuru nezvuru zvamazana

12 vachiti nenzwi guru: gwayana rakabayiwa rakafanira kuti rivigirwe vushe, nefuma, nokuchenjera, nesimba, nokukudzwa, nokubwinya, nokurumbidzwa.

13 Ndikanzwa zvisikwa zvipenyu zvose zviri kudenga, napanyika, nezvose zviri mukati mazvo, zvichiti: Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubwinya, nesimba ngazvive kunaiye ugere pamusoro pechigaro chovushe, nokugwayana nokusi ngaperiperi.

14 Ipapo zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Vakuru vanamakumi maviri navana vo vakawira pasi, vakanamata Iye unorarama nokusingaperi.


6


1 Zvino ndakavona gwayana richizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe, ndikanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi romutinhiro: Vuya uvone.

2 Ndikatarira, ndikavona bhiza jena, naiye wakanga akaritasva, wakanga anovuta; akapiwa korona, akabuda achikunda, uye kuti akunde.

3 Wakati azarura chisimbiso chechipiri, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Vuya uvone.

4 Ipapo rimwe bhiza rakabuda riri dzvuku; wakanga akaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti vavurayane; akapiwa munondo mukuru.

5 Wakati azarura chisimbiso chechitatu, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Vuya uvone. Ndikatarira, ndikavona bhiza dema; wakanga akaritasva wakanga anechiyereso muruvoko rwake.

6 Ndikanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina, richiti: Chiyero chezviyo chichatengwa nedhenari+, nezviyero* zvitatu zvebhari nedhenari+; usatadzira mafuta newaini.

7 Wakati azarura chisimbiso chechina, ndikanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Vuya uvone.

8 Ndikatarira, ndikavona bhiza rakachenuruka; wakanga akaritasva, zita rake Rufu; huye Hadhesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vavuraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.

9 Wakati azarura chisimbiso chechishanu, ndikavona panyasi pearitari mweya yavanhu vakanga vavurawa nokuda kweshoko raMwari, nokupupura kwavo kwavakapupura;

10 vakadana nenzwi guru vachiti: Tenzi mutsvene wechokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokuvatsiva ropa redu kusvikira riniko?

11 Ipapo mumwe nomumwe wavo wakapiwa nguvo chena; vakavudzwa kuti vambozorora chinguva chiduku, kusvikira vamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo, dzaifanira kuvurawa saivo, varinganiswa vose.

12 Zvino ndakavona pakuzarura kwake chisimbiso chechitanhatu, tarira kwakanga kunokudengenyeka kwenyika kukuru, zuva rikasviba segudza remvere, mwedzi wose ukaita seropa;

13 nenyeredzi dzedenga dzikawira pasi, somuvonde unozuza maganga awo, kana uchizununguswa nomututu mukuru.

14 Denga rikabva sebhuku, kana ichipetwa; namakomo ose nezviwi zvose zvakabviswa panzvimbo dzazvo.

15 Namadzimambo enyika, navakuru, navatungamiriri vehondo, navafumi, navanesimba, navaranda vose, navakasununguka vose vakandovanda mumapako nomumambwe amakomo;

16 vakati kumakomo nokumabwe: Tiwirei, mutivige pameso aiye unogara pachigaro chovushe, napakutsamwa kwegwayana;

17 nokuti zuva guru rokutsamwa kwaro rasvika; ndianiko unogona kumira?


7


1 Shure kwaizvozvo ndakavona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamiti yose.

2 Ipapo ndakavona mumwe mutumwa achikwira achibva kumabvazuva, anechisimbiso chaMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakanga vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,

3 achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.

4 Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vanezvuru zvinezana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana vaIsraeri.

5 Vorudzi rwaJudha vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvinegumi nezviviri. Kurudzi rwaRubheni vanezvuru zvinegumi nezviviri Vorudzi rwaGadi vanezvuru zvinegumi nezviviri;

6 Vorudzi rwaAseri vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaNafutarimi vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaManase vanezvuru zvinegumi nezviviri;

7 Vorudzi rwaSimiyoni vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaRevhi vanezvuru zvinegumi nezviviri Vorudzi rwaIsakari vanezvuru zvinegumi nezviviri;

8 Vorudzi rwaZebhuroni vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaJosefa vanezvuru zvine gumi nezviviri; Vorudzi rwaBenjamini vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvinegumi nezviviri.

9 Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikavona vazhinji-zhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro chovushe, napamberi pegwayana, vakapfeka nguvo chena, vakabata michindwe mumavoko avo;

10 vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: Ruponeso ngaruve kunaMwari unogara pachigaro chovushe, nokugwayana.

11 Ipapo vatumwa vose vakamira, vakakomba chigaro chovushe, naVakuru, nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawira pasi nezviso pamberi pechigaro chovushe, vakanamata Mwari,

12 vachiti: Ameni: Kurumbidzwa, nokubwinya, nokuchenjera, nokuvonga, nokukudzwa, novushe, nesimba, ngazvive kunaMwari nokusingaperi-peri. Ameni.

13 Ipapo mumwe waVakuru wakapindura, akati kwandiri: Ava vakapfeka nguvo chena ndivananiko? Vakabvepiko?

14 Ndikati kwaari; Ishe wangu, imwi munoziva. Akati kwandiri: Ndivo vanobva kukutambudzika kukuru, vakasuka nguvo dzavo vakadzichenesa muropa regwayana.

15 Naizvozvo vari pamberi pechigaro chovushe chaMwari, vanomushumira masikati novusiku mutembere yake; iye, unogara pachigaro chovushe, uchavadzitira netabernakeri.

16 Havachazoziyi nenzara, havachazofi nenyota; havangapiswi nezuva kana nokumwe kupisa;

17 nokuti gwayana riri pakati pechigaro chovushe richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura yovupenyu; Mwari uchapisika misodzi yose kumeso avo.


8


1 Wakati azarura chisimbiso chichinomwe, kunyarara kukavapo kudenga kunenge sehafu yenguva.

2 Ipapo ndakavona vatumwa vanomwe vamire pamberi paMwari; vakapiwa hwamanda nomwe.

3 Zvino mumwe mutumwa wakavuya, akamira paaritari, anomudziyo wendarama wezvinonhuhwira; akapiwa zvinonhuhwira zvizhinji kuti azviise pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose pamusoro pearitari yendarama, yakanga iri pamberi pechigaro chovushe.

4 Vutsi bwezvinonhuhwira bwukakwira pamberi paMwari bwuchibva muruvoko rwomutumwa pamwe chete neminyengetero yavatsvene.

5 Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuhwira, akauzadza nomoto wearitari, akaukandira panyika; ipapo kwakavuya kutinhira, namanzwi, nemheni, nokudengenyeka kwenyika.

6 Ipapo vatumwa vanomwe, vakanga vanehwamanda nomwe, vakazvigadzira kuti varidze.

7 Wokutanga wakaridza, kukavuya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, zvikakandirwa panyika; ipapo chetatu chenyika chikatsva, nechetatu chemiti chikatsva,novuswa, bwutema bwose bwakatswa.

8 Zvino mutumwa wechipiri wakaridza, chimwe chakaita segomo guru rinopfuta nomoto chikakandwa mugungwa; ipapo chetatu chegungwa chikashanduka ropa;

9 chetatu chezvisikwa zvakanga zviri mugungwa zvikafa, izvo, zvakanga zvinovupenyu; nechetatu chezvikepe chikaparadzwa.

10 Zvino mutumwa wechitatu wakaridza, nyeredzi huru, yakapfuta sezhenje, ikawa kudenga, ikawira pamusoro pechetatu chenzizi napamatsime emvura;

11 zita renyeredzi rakanga richinzi, Chinovava; ipapo chetatu chemvura chikavaviswa, vanhu vazhinji vakafa nemvura, nokuti yakanga yavaviswa.

12 Zvino mutumwa wechina wakaridza, chetatu chezuva chikarobwa, nechetatu chomwedzi, nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chamasikati chirege kuvhenekera, novusiku saizvozvo.

13 Ipapo ndakatarira, ndikanzwa mutumwa achibhururuka pakati pedenga, achiti nenzwi guru: Nhamo, nhamo, nhamo, kunavanogara panyika, nokuda kwamanzwi mamwe ehwamanda avatumwa vatatu vachazoridza.


9


1 Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, ndikavona nyeredzi,, yakabva kudenga, yawira pasi; ikapiwa kiyi yegomba rakadzika-dzika.

2 Ikazarura gomba rakadzika-dzika, vutsi bwukakwira bwuchibva mugomba, sovutsi bwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa novutsi bwegomba.

3 Muvutsi makabuda mhashu dzikavuya panyika, dzikapiwa simba sesimba rezvinyavada zvenyika.

4 Dzikavudzwa kuti dzirege kutadzira vuswa bwenyika, nechinhu chinyoro, kana miti yose, asi vanhuchetevasinechisimbiso chaMwari pahuma dzavo.

5 Hadzina kupiwa basa rokuvavuraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; kurwadzisa kwadzo kwakanga kwakaita sokurwadzisa kwechinyavada, kana chichiruma munhu.

6 Namazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangatongoruwani, vachavinga kufa, asi rufu ruchavatiza.

7 Pakuvonekwa kwadzo mhashu dzakanga dzakaita samabhiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakanga pane zvimwe zvakafanana nekorona dzakafanana nendarama, zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvavanhu.

8 Dzakanga dzinevhudzi rakaita sevhudzi ravakadzi, nameno adzo akanga akaita seeshumba.

9 Dzakanga dzinezvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvamatare; nokutinhira kwamapapiro adzo kwakaita sokutinhira kwengoro dzamabhiza mazhinji anomhanyira kurwa.

10 Dzakanga dzinemiswe, yakaita seyezvinyavada, novumborera; pamiswe yadzo pakanga panesimba rokukuvadza vanhu mwedzi mishanu.

11 Dzakanga dzinamambo wadzo, ari mutumwa wegomba rakadzika dzika, zita rake nechiHebheru ndiAbhadhoni, nechi Giriki zita rake ndi Aporioni.

12 Nhamo imwe yapfuvura; tarira, nhamo dzimwe mbiri dzinotevera shure kwaizvozvi.

13 Zvino mutumwa wechitanhatu wakaridza, ndikanzwa inzwi richibva panyanga ina dzearitari yendarama yakanga iri pamberi paMwari,

14 richiti kumutumwa wechitanhatu wakanga anehwamanda; Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru runonzi Yufratesi.

15 Ipapo vatumwa vana vakasunungurwa, vakanga vakagadzirirwa nguva, nezuva, nomwedzi, negore, kuti vavuraye chetatu chavanhu.

16 Kuwanda kwehondo dzavatasvi vamabhiza kwakanga kuri zvuru zvezvuru zvamazana maviri; ndikanzwa kuverengwa kwavo.

17 Saizvozvo vo ndakavona mabhiza pakuratidzwa kwangu, navakanga vakaatasva, vanezvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvomoto, nezvehiasinto, nezvesarufa; nemisoro yamabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makabuda moto, novutsi nesarufa.

18 Chetatu chavanhu chakavurawa namatambudziko awa matatu, anoti, moto novutsi nesarufa, zvakabuda mumiromo yawo.

19 Nokuti simba ramabhiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, inemisoro; anokuvadza nayo.

20 Vamwe vanhu vasina kuvurawa namatambudziko awa, havana kutendevuka pamabasa amavoko avo, kuti varege kunamata mweya yakaipa, nezvifananidzo zvendarama, nezvesirivheri, nezvendarira, nezvamabwe, nezvemiti, zvisingagoni kuvona, kana kunzwa, kana kufamba;

21 havana kutendevuka vo pakuvuraya kwavo, kana pakurowa kwavo, kana pavupombwe bwavo, kana pakuba kwavo.


10


1 Zvino ndakavona mumwe mutumwa unesimba achiburuka kudenga, akapfeka gore; murarabungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.

2 Wakanga akabata bhuku duku yakazaruka muruvoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamusoro pegungwa, norworuboswe pamusoro penyika;

3 akadanidzira nenzwi guru seshumba inorira; iye wakati adanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa manzwi ako.

4 Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakanga ndonyora, ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti kwandiri: Zarira zvarebwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.

5 Ipapo mutumwa uya wandakavona amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika, wakasimudzira ruvoko rwake rworudyi kudenga,

6 akapika naiye uri mupenyu nokusingaperi-peri, wakasika denga nezvirimo, nenyika nezvirimo, negungwa nezvirimo, kuti nguva haingazovipo.

7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita.

8 Ipapo inzwi riya randakanzwa richibva kudenga, rakataura zve kwandiri, richiti: Enda utore bhuku yakazaruka iri muruvoko rwomutumwa, umire pamusoro pegungwa napamusoro penyika.

9 Ndikaenda kumutumwa, ndikati kwaari: Ndipei bhuku duku. Iye akati kwandiri: Tora, uidye; ichavavisa mudumbu mako, asi mumuromo mako ichanaka sovuchi.

10 Ipapo ndakatora bhuku duku muruvoko rwomutumwa, ndikaidya; ikanaka mumuromo mangu sovuchi; asi ndakati ndaidya, mudumbu mangu makavaviswa.

11 Vakati kwandiri: Unofanira kuporofita zve pamusoro pavanhu vazhinji, nendudzi, nendimi, namadzimambo.


11


1 Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita somudonzvo; mutumwa akati: Simuka, uyere tembere yaMwari, nearitari, navanonamata mairi.

2 Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri.

3 Ndichapa zvapupu zvangu zviviri simba kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.

4 Ava ndiyo miorivhi miviri nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paMwari wenyika.

5 Kana kunomunhu unoda kuvakuvadza, moto uchabuda mumiromo yavo uchiparadza vavengi vavo; kana kunomunhu unoda kuvakuvadza, unofanira kuvurawa saizvozvo.

6 Vanesimba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vanesimba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namatambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.

7 Kana vapedza kupupura kwavo, chikara chinokwira chichibva mugomba rakadzika dzika chicharwa navo, chichivakunda nokuvavuraya.

8 Mitumbu yavo icharashwa panzira dzomuguta guru, rinonzi, nezita rokufananidzira, Sodhoma neIjipiti, pakaroverwa vo Ishe wavo pamuchinjikwa.

9 Vanobva kuvanhu, namarudzi, nendimi, nendudzi, vachavona mitumbi yavo mazuva matatu nehafu, vasingatenderi kuti ivigwe mubwiro.

10 Navanogara panyika vachafara nokupembera pamusoro pavo, vachitumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri vakatambudza avo vanogara panyika.

11 Zvino mazuva matatu nehafu akati apfuvura, mweya wovupenyu, wakabva kunaMwari, ukapinda mukati mavo, vakamira netsoka dzavo, kutya kukuru kukawira vose vakavavona.

12 Ipapo vakanzwa inzwi guru, rinobva kudenga, richiti kwavari: Kwirai pano. Vakakwira kudenga negore, vavengi vavo vakavavona.

13 Zvino nenguva iyo kudengenyeka kwenyika kwakavapo, chegumi cheguta chikaputsikira pasi, navanhu vanezvuru zvinomwe vakavurawa nokudengenyeka; vakasara vakatya, vakarumbidza Mwari wokudenga.

14 Nhamo yechipiri yapfuvura; tarira, nhamo yechitatu inokurumidza kusvika.

15 Zvino mutumwa wechinomwe wakaridza; manzwi makuru akavapo kudenga, achiti: Vushe bwenyika bwava bwaShe wedu, naKristu wake; uchabwubata nokusingaperi-peri.

16 Ipapo Vakuru vanamakumi maviri navana vanogara pazvigaro zvavo zvovushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari.

17 vachiti: Tinokuvongai imi, Ishe Mwari wamasimba ose, uripo, wakanga aripo, nouchazovapo; nokuti makatora simba renyu guru, mukabata vushe.

18 Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika, nenguva yavakafa, kuti vatongwe, uye kuti mupe varanda venyu mubairo, ivo vaporofita, navatsvene, navanotya zita renyu, vaduku navakuru; uye kuti muparadze avo vanoparadza nyika.

19 Ipapo tembere yaMwari iri kudenga yakazarurwa; areka yesungano ikavonekwa mutembere yake; ipapo kwakavapo mheni, namanzwi, nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nechimvuramabwe chikuru.


12


1 Zvino kudenga kwakavonekwa chiratidzo chikuru ichi: Mukadzi, wakanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona inenyeredzi dzinegumi nembiri;

2 iye wakanga anemimba, akadanidzira pakupona kwake, achitambudzika pakuzvara.

3 Ipapo kudenga kwakavonekwa chimwe chiratidzo ichi: Tarira, shato huru tsvuku inemisoro minomwe, nenyanga dzinegumi, napamisoro yayo korona nomwe.

4 Rumhinda rwayo rwakakweva chetatu chenyeredzi dzokudenga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi wakanga ozvara, kuti iparadze mwana wake kana azvara.

5 Akazvara mwana womukomana, unozofudza marudzi ose netsimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kunaMwari, nokuchigaro chake chovushe.

6 Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nzvimbo naMwari, kuti vamuchengetepo mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.

7 Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa inavatumwa vayo;

8 vakasakunda, nenzvimbo yavo hainakuzowanikwa kudenga.

9 Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiyabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo.

10 Ndikanzwa inzwi guru kudenga, richiti: Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, novushe bwaMwari wedu, novumambo bwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari we du masikati novusiku.

11 ivo vakamukunda neropa regwayana, uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda vupenyu bwavo kusvikira parufu.

12 Saka farai kudenga nemwi munogara'ko. Vurombo kwamuri imwi nyika navanogara panyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchinenguva duku.

13 Shato yakati yavona kuti yakandirwa pasi panyika, ikatambudza mukadzi wakazvara mwana womukomana.

14 Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanochengeterwa nguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kwaasingavonekwi nenyoka.

15 Ipapo nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure komukadzi kuti akukurwe norwizi.

16 Ipapo nyika yakabatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi rwakabudiswa neshato mumuromo mayo.

17 Zvino shato yakatsamwira mukadzi. Ikaenda kundorwa navamwe vana vake, vanochengeta mirairo yaMwari, navanobata kupupura kwaJesu Kristu.

18 Ikamira pajecha regungwa.


13


1 zvino ndakavona chikara chichikwira chichibva mugungwa, chinenyanga dzinegumi nemisoro minomwe; napamusoro penyanga dzacho pakanga panekorona dzinegumi, napamusoro pemisoro yacho mazita okumhura Mwari.

2 Chikara ichi chandakavona, chakanga chakaita sengwe; netsoka dzacho sedzebere, nomuromo wacho somuromo weshumba; shato ikachipa simba rayo, nechigaro chayo chovushe, namasimba makuru.

3 Mumwe musoro wacho wakanga wakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu; asi vanga, raifanira kuvuraya, rakanga rapora; nyika yose ikashamiswa ikatevera chikara.

4 Vakanamata shato, nokuti yakapa chikara masimba; vakanamata chikara, vachiti: Ndianiko wakafanana nechikara? Ndianiko unogona kurwa nacho?

5 Ipapo chakapiwa muromo unotaura mashoko makuru nezvokumhura; chakapiwa simba kuti chizviite mwedzi inamakumi mana nemiviri.

6 Chikashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, nokumhura zita rake netabernakeri yake naivo vanogara kudenga.

7 Chikapiwa masimba vo kuti chirwe navatsvene, nokuvakunda; chikapiwa masimba vo pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose, nendudzi dzose.

8 Vose vanogara panyika vachachinamata, ivo vasinakunyorwa mazita avo mubhuku yegwayana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika.

9 Unenzeve, ngaanzwe.

10 Kana munhu achitapa, uchatapwa, kana munhu achivuraya nomunondo unofanira kuvurawa nomunondo. Ndipo pano kutsungirira nokutenda kwavatsvene.

11 Zvino ndakavona chimwe chikara chichikwira, chichibva panyika; chakanga chinenyanga mbiri segwayana,, chikataura seshato.

12 Chinobata namasimba ose echikara chokutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika navagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiya chinevanga raifanira kuchivuraya.

13 Chinoita zviratidzo zvikuru, zvokuti chinoburusira moto unobva kudenga panyika pamberi pavanhu;

14 chinonyengera vanogara panyika nezviratidzo zvachakapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kunavanogara panyika kuti vaitire chikara mufananaidzo, chiya chakanga chinevanga romunondo chakararama.

15 Chakapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.

16 Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruvoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo;

17 kuti munhu arege kuvapo unogona kutenga nokutengesa, asi iye unechiratidzo, iro zita rechikara kana chiverengo chezita racho.

18 Ndipo panokuchenjera. Unoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chacho ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.


14



1 Zvino ndakatarira, ndikavona gwayana rimire pagomo reZiyoni, rinavamwe vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vanezita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo.

2 Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga, senzwi remvura zhinji, uye senzwi rokutinhira kukuru; nenzwi randakanzwa ranga rakaita seravaridzi vorudimbwa vachiridza vudimbwa bwavo.

3 Vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro chovushe, napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, naVakuru; hakunomunhu wakagona kudzidza rwiyo urwu, asi vaya vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vakadzikinurwa vachibva panyika.

4 Ndivo vasina kusvibiswa navakadzi; nokuti vakanaka semhandara. Ndivo vanotevera gwayana kose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kunaMwari nokugwayana.

5 Mumuromo mavo hamuna kuvonekwa nhema, havana chavangapomerwa pamberi pechigaro chaMwari.

6 Zvino ndakavona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, aneevhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose.

7 Akati nenzwi guru: Ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, wakasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.

8 ipapo mumwe mutumwa wakatevera, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakamwisa marudzi ose waini yokutsamwa kovupombwe bwaro.

9 ipapo mumwe mutumwa wechitatu wakatevera, akati nenzwi guru: Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruvoko rwake.

10 naiye uchamwa vo waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake; uchatambudzwa mumoto nesarufa pamberi pavatumwa vatsvene, napamberi pegwayana.

11 Vutsi bwokutambudzika kwavo bwunokwira nokusingaperi-peri; havanezororo masikati novusiku, ivo vanonamata chikara nomufananidzo wacho nounogamuchira chiratidzo chezita racho.

12 Ndipo panokutsungirira kwavatsvene, ndivo vanochengeta mirairo yaMwari nokutenda kwaJesu.

13 Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: kwandiri Nyora, uti: Vakafa, vanofira munaShe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hongo, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera.

14 Ipapo ndakatarira, ndikavona gore jena, nomumwe wakaita soMwanakomana womunhu agere pamusoro paro, anekorona yendarama pamusoro wake naparuvoko rwake anejeko rinopinza.

15 Zvino mumwe mutumwa wakabuda mutembere, akadanidzira nenzwi guru kunaiye wakanga agere pamusoro pegore, achiti: Tumai jeko renyu mucheke; nokuti nguva yokukohwa yenyu yasvika, nokuti kukohwa kwenyika kwaibva.

16 Ipapo wakanga agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nyika ikachekwa.

17 Zvino mumwe mutumwa wakabuda mutembere iri kudenga, naiye vo anejeko rinopinza.

18 Nomumwe mutumwa wakanga anesimba pamusoro pomoto, akabuda paaritari, akadanidzira nenzwi guru kunaiye wakanga anejeko rinopinza, achiti: Tumai jeko renyu rinopinza, mucheke masumbu omuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa ayo aibva.

19 Ipapo mutumwa wakakandira jeko rake panyika, akacheka muzambiringa wenyika, akazvikandira muchisviniro chikuru chokutsamwa kwaMwari.

20 Chisvinuro chakatsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisvinuro rikasvika pamatomu amabhiza, rikaenda mastadia anechuru chinamazana matanhatu.*


15


1 Zvino ndakavona chimwe chiratidzo kudenga, chikuru chinoshamisa, ichi: Vatumwa vanomwe vanamatambudziko manomwe okupedzisira, nokuti kutsamwa kwaMwari kwakapera nawo.

2 Ndikavona chakaita segungwa rinovonekera rakavhenganiswa nomoto, naivo vakavuya vakunda chikara nomufananidzo wacho, nechiratidzo chacho nechiverengo chezita racho, vamire pamusoro pegungwa rinovonekera, vanovudimbwa bwaMwari.

3 Vakaimba rwiyo rwaMozisi, muranda waMwari, norwiyo rwegwayana, vachiti: Ishe, Mwari wamasimba ose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzechokwadi, Imwi Ishe wavatsvene.

4 Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imwi moga muri mutsvene; nokuti marudzi ose achavuya, achinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.

5 Shure kwaizvozvo ndakatarira ndikavona tembere yetabernakeri yovuchapupu yokudenga yakazarurwa;

6 mutembere mukabuda vatumwa vanomwe vanamatambudziko manomwe, vakafuka mucheka wakachena unopenyu, vakasungwa pazvifuva zvavo namabhanire endarama.

7 Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzendarama, dzizere nokutsamwa kwaMwari, iye mupenyu nokusingaperiperi.

8 Tembere ikazara novutsi bwunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake; kukasava nomunhu wakagona kupinda patembere, kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.


16


1 Zvino ndakanzwa inzwi guru richibva mutembere, richiti kuvatumwa vanomwe: Endai, mundodurura panyika ndiro nomwe dzokutsamwa dzaMwari.

2 Wokutanga akaenda, akadurura ndiro yake panyika; ronda rakaipa rinorwadza rikavapo pavanhu vakanga vanechiratidzo chechikara, vakanamata mufananidzo wacho.

3 Wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa; rikashanduka ropa seromunhu wakafa; nezvipenyu zvose zvakanga zviri mugungwa zvikafa.

4 Wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, ikashanduka ropa.

5 Ndikanzwa mutumwa wemvura achiti: makarurama imwi Ishe, muripo makanga muripo nouchazovapo nokuti makatonga saizvozvo.

6 Nokuti vakadurura ropa ravatsvene neravaporofita, mukavapa ropa, kuti vamwe; vakafanirwa naizvozvo.

7 Ndikanzwa mumwe ari muaritari achiti: Hongo, Ishe, Mwari wamasimba ose, kutonga kwenyu ndokwazvokwadi kwakarurama.

8 Zvino wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva, rikapiwa simba kuti ripise vanhu nomoto.

9 Vanhu vakapiswa nokupisa kukuru, vakamhura zita raMwari, unesimba pamusoro pamambudziko awa; havana kutendevuka, kuti vamukudze.

10 Wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro chovushe chechikara; vushe bwacho bwukasvibiswa, vakatsenga marimi avo nokurwadzwa;

11 vakamhura Mwari wokudenga pamusoro pokurwadzwa kwavo namaronda avo; asi havana kutendevuka pamabasa avo.

12 Zvino wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro porwizi rukuru, runonzi Yufratesi; mvura yarwo ikapwa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuva dzigadzirwe.

13 Ipapo ndakavona mweya yetsvina mitatu yakaita samatafi ichibva mumuromo weshato nomumuromo wechikara, nomumuromo womuporofita wenhema;

14 Nokuti ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo inoenda kumadzimambo enyika yose, kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari wamasimba ose.

15 Tarira ndinovuya sembavha. Wakaropafadzwa unorinda, unochengeta nguvo dzake kuti arege kufamba asina kupfeka, vavone nyadzi dzake.

16 Akavavunganidzira panzvimbo inonzi Hamagedhoni nechiHebheru.

17 Zvino wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, inzwi guru rikabuda mutembere yokudenga muchigaro chovushe, richiti: Zvapera!

18 Ipapo mheni yakavapo, namanzwi nokutinhira; nokudengenyika kwenyika kukuru kwakavapo; kudengenyika kwenyika kwakakura kura kukadai hakuna kumbovapo kubva pakusikwa kwevanhu panyika.

19 Guta guru rikakamurwa rikaita zvikamu zvitatu, maguta amarudzi akaputsika; Bhabhironi guta guru rikarangarirwa pamberi paMwari, kuti ripiwe mukombe wewaini yokutsamwa kwehasha dzake.

20 Zviwi zvose zvikatiza, namakomo haana kuwanikwa.

21 Chimvuramabwe chikuru, chinobva kudenga, chikawira pamusoro pavanhu, kurema kwebwe rimwe nerimwe kukaita setarenda**; vanhu vakamhura Mwari nokuda kwedamabudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.


17


1 Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vanendiro nomwe, akavuya akataura neni, achiti: Vuya pano ndichakuratidza kutongwa kwemhombwe huru, inogara pamusoro pemvura zhinji;

2 madzimambo enyika akaita vupomwe nayo, navanogara panyika vakabatwa newaini yovupobwe bwayo.

3 Ipapo wakandiisa kurenje mumweya, ndikavona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere namazita okumhura Mwari, chinemisoro minomwe nenyanga gumi.

4 Mukadzi wakanga akapfeka nguvo tsvuku neshava, akashonga ndarama namabwe anokosha, namaparera, nomuruvoko rwake makanga munomudziyo wendarama uzere nezvinonyangadza netsvina yovupombwe bwake.

5 Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: BABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA.

6 Ipapo ndakavona mukadzi akabatwa neropa ravatsvene, uye neropa rezvapupu zvaJesu; ndikati ndichimuvona ndikashamiswa nokushamiswa kukuru.

7 Ipapo mutumwa akati kwandiri: Washamiswa neiko? Ndichakuvudza zvakavanzika zvomukadzi, nezvechikara chinomutakura chinemisoro minomwe nenyanga dzinegumi.

8 Chikara chawavona, chaivapo, hachichipo; chodokukwira chichibva mugomba rakadzikadzika kundoparadzwa; vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku yovupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana vachivona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, uye chichazovapo.

9 Ndipo panokufunga kunenjere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe, anogarwa nomukadzi.

10 Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, mumwe uripo, mumwe ugere kusvika; kana achisvika, unofanira kugara chinguva chiduku.

11 Chikara chaivapo, chisisipo, ndiye worusere, mumwe wavanomwe, unondoparadzwa.

12 Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi, achigere kupiwa vushe asi uchapiwa simba samadzimambo pamwe chete nechikara nguva imwe.

13 Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo nevushe bwavo.

14 Ava vacharwa negwayana, gwayana richavakunda; nokuti iro ndiro Ishe wamadziShe, namambo wamadzimambo; naivo vanaro ndivanhu vakadamwa vatsvene vakatendeka.

15 Zvino akati kwandiri: mvura yawavona inogarwa nemhobwe,ndivo vanhu, navazhinji namarudzi, nendimi.

16 Nyanga dzinegumi dzawavona nechikara ndivo vachavenga mhobwe, vachaiparadza nokuitorera nguvo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomoto.

17 Nokuti Mwari wakaisa mumoyo yavo kuti vaite kurangarira kwake, vave nokurangarira kumwe, vape chikara vushe bwavo, kusvikira mashoko aMwari aitika.

18 Mukadzi wawavona ndiro guta guru, rinobata vushe bwamadzimambo enyika.


18


1 Shure kwaizvozvi ndakavona mumwe mutumwa achiburuka kudenga, anesimba guru; nyika ikavhenekerwa nokubwinya kwake.

2 Akadanidzira nenzwi guru, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guru, yava nzvimbo inogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nhare yeshiri dzose dzinetsvina dzinovengwa.

3 Nokuti marudzi ose akamwa waini yokutsamwa kovupombwe bwaro, namadzimambo enyika akaita vupombwe naro, navatengesi venyika vakafuma nokuwanda kwefuma yaro.

4 Zvino ndakanzwa rimwe inzwi rinobva kudenga, richiti: Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa matambudziko aro.

5 Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari warangarira zvisakarurama zvaro.

6 Muritsivei parakakutsivai napo, muchiriitira kaviri parakabata napo; mumudziyo iwoyo marakadira iro, muridire kaviri.

7 Parakazvikudza nokuzvifadza napo, murirwadzise nokurichemedza; nokuti rinoti mumoyo maro: Ndinogara pachigaro chovushe ndiri vahosi, handizi chirikadzi, handingatongovoni kuchema.

8 Saka matambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu, nokuchema, nenzara; richapiswa kwazvo nomoto, nokuti Ishe Mwari unoritonga, unesimba.

9 Madzimambo enyika, akaita vupombwe nokuzvifadza naro, acharira nokuchema pamusoro paro, kana achivona vutsi bwokupiswa kwaro;

10 ivo vamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwakasvika nenguva imwe.

11 Vatengesi venyika vacharira nokuchema pamusoro paro, nokuti hakuchinomunhu unotenga nhumbi dzavo;

12 nhumbi dzendarama, nesirvheri, nedzamabwe anokosha, nedzamaparera nedzomucheka wakanaka, nedzemicheka mitsvuku, nedzesiriki, nedzemicheka mishava, namarudzi ose emidziyo yenyanga dzenzou, namarudzi ose emidziyo yamatanda anokosha, nedzesafuri, nedzedare, nedzamabwe machena;

13 nekinamoni, nomuamumoni, nezvinonhuhwira, namafuta okuzora, namafuta omuribanoni, newaini, namafuta omuorivhi, novupfu bwakatsetseka, nezviyo, nemombe, namakwai, nenhumbi dzamabiza, nedzengoro, nedzavatapwa, nedzemweya yavanhu.

14 Michero yaidikamwa nomoyo wako, yakabva kwauri, nezvinhu zvose zvakanaka nezvinopenya, zvakabva kwauri, vanhu havangatongozviwani zve.

15 Vatengesi vezvinhu izvi, vakanga vafumiswa naro, vachamira kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachirira nokuchema,

16 vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru rakanga rakapfeka mucheka wakanaka, mutsvuku nomushava, rakanga rakashonga ndarama, namabwe anokosha, namaparera!

17 Nokuti nenguva imwe fuma huru yakadai yaparadzwa. Zvino vafambisi vose vezvikepe, navose vanofamba nezvikepe papi napapi, navafambi navabati pagungwa, vakamira kure,

18 vakadanidzira va chivona vutsi bwokutsva kwaro, vachiti: Guta rakafanana neguta iri guru nderipiko?

19 Ipapo vakakandira guruva pamisoro yavo, vakadanidzira vachirira nokuchema, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, kwaifumiswa nezvinokosha zvaro vose vaiva nezvikepe zvavo pagungwa; nokuti rakaparadzwa nenguva imwe.

20 Farai pamusoro paro iwe denga, nemwi vatsvene navapositora, navaporofita, nokuti Mwari wakaritongera kutonga kwenyu.

21 Zvino mumwe mutumwa unesimba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti: Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikasatongowanikwazve.

22 Nenzwi ravanoridza vudimbwa, neravanoimba, neravanoridza nyere, neravanoridza hwamanda, harichatongonzwiki mauri, nemhizha yebasa ripi neripi haichatongowanikwi mauri, nenzwi reguyo harichatongonzwiki mauri;

23 chiedza chomwenje hachichatongovhenekeri mauri, nenzwi rechikomba kana romwenga harichatongonzwiki mauri; nokuti vatengesi vako vaiva vakuru venyika; nokuti novuroyi bwako marudzi ose akanyengerwa.

24 Mukati maro mukawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene, neravose vakavurawa panyika.


19


1 Shure kwaizvozvo ndakanzwa inzwi guru seravazhinji-zhinji kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso, nokubwinya, nokukudzwa nesimba kunaIshe Mwari wedu;

2 nokuti kutonga kwake ndokwazvokwadi kwakarurama; nokuti wakatonga mhombwe huru yakavodza nyika novupombwe bwayo, akatsiva ropa ravaranda vake paruvoko rwayo.

3 ipapo vakapamhidza, vachiti: Hareruya! Vutsi bwaro bwunokwira nokusingaperi-peri.

4 Zvino Vakuru vanamakumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi vakanamata Mwari wakanga agere pachigaro chovushe, vakati: Ameni, Hareruya!

5 Inzwi rikabva pachigaro chovushe, richiti: Rumbidzai Mwari, imwi mose varanda vake, imwi munomutya, vaduku navakuru.

6 Ipapo ndakanzwa senzwi ravazhinji-zhinji, senzwi remvura zhinji, senzwi rokutinhira kukuru richiti: Hareruya! Nokuti Ishe Mwari wedu wamasimba ose wobata vushe.

7 Ngatifarei, tifarisise, timukudze; nokuti mutambo wokuwana wegwayana wasvika, mukadzi waro wazvigadzira.

8 Wakapiwa simba kuti apfeke mucheka wakanaka, unopenya, usinetsvina; nokuti mucheka wakanaka ndizvo zvakarurama zvavatsvene.

9 Zvino akati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropfadzwa vakakokerwa kuchirayiro chokuwana chegwayana. Akati kwandiri: Mashoko awa ndaazvokwadi aMwari.

10 Ipapo ndakawira pasi pamberi petsoka dzake, kuti ndimunamate. Akati kwandiri: Rega kudaro, nokuti ndiri muranda pamwe chete newe nehama dzako dzinobata kupupura kwaJesu; namata Mwari, nokuti kupupura kwaJesu ndiwo mweya wokuporofita.

11 Ipapo ndakavona kudenga kwakazarurwa, ndikavona bhiza jena; naiye wakanga agere pamusoro paro wakanzi: Wakatendeka nowazvokwadi; unotonga nokurwa zvakarurama.

12 Meso ake akanga akaita somurazvo womoto; pamusoro wake pakanga panekorona zhinji; wakanga anezita rakanyorwa, risina kuzikamwa nomunhu, asi naiye bedzi.

13 Wakanga akapfeka nguvo yakanyikwa muropa; zita rake rinonzi Shoko raMwari.

14 Hondo dzokudenga dzakamutevera, dzakatasva mabhizha machena, dzakafuka mucheka wakanaka muchena, usinetsvina.

15 Mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti arove marudzi nawo; uchaafudza netsvimbo yedare; unotsika chisviniro chehasha dzokutsamwa kwaMwari wamasimba ose.

16 Panguvo yake napachidzva chake pakanga pakanyorwa zita rinoti: Mambo wamadzimambo, naShe Wamadzishe.

17 Zvino ndakavona mutumwa amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga: Vuyai, muvungane pachirayiro chikuru chaMwari.

18 kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yavakuru vezvuru zvamazana, nenyama yavanesimba, nenyama yamabhiza, neyavatasvi vawo nenyama yavanhu vose vakasununguka navakasungwa, vaduku navakuru.

19 Zvino ndakavona chikara chiya namadzimambo enyika nehondo dzavo, vakavungana kuti varwe naiye wakanga akatasva bhiza, nehondo dzake.

20 Ipapo chikara chakabatwa pamwe chete nomuporofita wenhema, wakaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakapiwa chiratidzo chechikara, navainamata mufananidzo wacho. Ava vaviri vakakandirwa vari vapenyu mugomba romoto unopfuta nesarufa.

21 Vakasara vakavurawa nomunondo waiye wakanga akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; shiri dzose dzikaguta nyama yavo.


20


1 Zvino ndakavona mutumwa achiburuka kudenga, anekiyi, yegomba rakadzika-dzika, neketani huru muruvoko rwake.

2 Akabata shato, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore anegumi ramazana,

3 akamukandira mugomba rakadzika-dzika, akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake kuti arege kuzonyengera marudzi kusvikira makore anegumi ramazana apera; shure kwaizvozvo unofanira kusunungurwa chinguva chiduku.

4 Ipapo ndakavona zvigaro zvovushe, vakagara pamusoro pazvo, vakapiwa simba rokutonga; ndikavona mweya yavakanga vagurwa misoro nokuda kokupupura kwaJesu, nokweshoko raMwari, navose vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, vasina kupiwa chiratidzo pahuma yavo naparuvoko rwavo; vakararama vakabata vushe pamwe chete naKristu makore anegumi ramazana.

5 Vamwe vakafa havana kumukazve kusvikira makore anegumi ramazana apera. Ndiko kumuka kokutanga.

6 Munhu unomugove pakumuka kokutanga wakaropafadzwa, mutsvene; rufu rwechipiri harunesimba pamusoro paivava; asi vachava vaprista vaMwari navaKristu, vachabata vushe pamwe chete naye makore anegumi ramazana.

7 Zvino kana makore anegumi ramazana apera, Satani uchasunungurwa mutirongo yake,

8 uchabuda kundonyengera marudzi ose ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, aavunganidzire kundorwa; kuwanda kwavo kwa kwakaita sejecha regungwa.

9 Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba misasa yavatsvene neguta rinodikamwa; ipapo moto wakaburuka uchibva kuna Mwari kudenga, ukavaparadza.

10 Zvino Dhiabhorosi, wakavanyengera, akakandwa mudziva romoto nesarufa, panechikara nomuporofita wenhema, kuti varwadzwe masikati novusiku no kusingaperi-peri.

11 Zvino ndakavona chigaro chovushe chikuru chichena, naiye wakanga agere pamusoro pacho, iye, nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo.

12 Ipapo ndakavona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro chovushe; bhuku dzikazarurwa,neimwe bhuku youpenyu ikazarurwa, vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata.

13 Gungwa rikabudisa vakafa vakanga vari mariri; norufu neHadhesi zvikabudisa vakafa vakanga vari mazviri; mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata.

14 Ipapo rufu neHadhesi zvakakandirwa mudziva romoto. Ndirwo rufu rwechipiri, ndiro dziva romoto.

15 Zvino kana munhu akawanikwa asina kunyorwa mubhuku yovupenyu, wakakandirwa mudziva romoto.


21


1 Zvino ndakavona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuvura; negungwa rakanga risisipo.

2 Ini Johwani ndikavona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kudenga richibva kunaMwari, rakagadzirwa somwenga wakashongedzerwa murume wake.

3 Ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: Tarirai, tabernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo.

4 Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokatanga zvapfuvura.

5 Wakanga agere pachigaro chovushe akati: Tarirai, ndinovandudza zvose akati kwandiri nyora: nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.

6 Akati kwandiri: Zvaitwa. Ndini Arifa neOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa unenyota zvinobva patsime remvura yovupenyu asigatengi.

7 Unokunda uchagara nhaka yezvinhu izvi: ndichava Mwari wake, iye uchava mwanakomana wangu.

8 Asi kana vari vanotya, navasingatendi navanyangadzi, navavurayi, nemhombwe, navaroyi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoreva nhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nomoto nesarufa; ndirwo rufu rwechipiri.

9 Zvino mumwe wavatumwa vanomwe vakanga vane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akavuya kwandiri akasvika akataura neni, achiti: Vuya pano, ndigokuratidza mwenga, mukadzi wegwayana.

10 Ipapo wakandiisa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza guta guru Jerusarema dzvene, richiburuka kudenga, richibva kunaMwari,

11 rinokubwinya kwaMwari; chiedza charo chakanga chakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipisi, rinovonekera sekiristaro;

12 rakanga rinorusvingo rukuru, rurefu, rakanga rinamasuvo anegumi namaviri; navatumwa vanegumi navaviri pamusuvo, namazita akanyorwa pamusoro pawo, ari mazita amarudzi anegumi namaviri avana vaIsraeri.

13 Kumabvazuva kwakanga kunamasuvo matatu; kumusoro masuvo matatu, zasi masuvo matatu, nokumavirira masuvo matatu;

14 rusvingo rweguta rwakanga runenheyo dzinegumi nembiri; napamusoro padzo mazita avapositora vanegumi navaviri vegwayana.

15 Uyo, wakataura neni, wakanga anorutsanga rwendarama rokuyera guta narwo, namasuvo aro norusingo rwaro.

16 Guta rakanga rakavakwa namativi mana akaenzana, kureba kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsanga, zvikasvika pamastadia anezvuru zvinegumi nezviviri*; kureba nokufara, nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana.

17 Akayera rusvingo rwaro, makubiti anezana namakumi mana namana, nechiyero chomunhu, chiri chiyero chomutumwa.

18 Rusvingo rwaro rwakanga rwakavakwa nejaspisi, uye guta rakanga riri rendarama, yakaisonaka, yakavonekera kwazvo.

19 Nheyo dzorusingo rweguta dzakanga dzakashongedzwa namabwe amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipisi; yechipiri yesafiri yetatu yekasidhoni yechina yesimaragidhino;

20 yechishanu yesardoniksi; yechitanhatu yesardio; yechinomwe yekrisoriti; yorusere yeberiri; yepfumbamwe yetopasi; yegumi yekirisoprasi; yegumi neimwe yehiakinti; yegumi nembiri yaametesti.

21 Masuvo anegumi namaviri akanga ari amaparera anegumi namaviri; suvo rimwe nerimwe rakanga riri reparera rimwe; nzira yomuguta yakanga iri yendarama yakaisvonaka, inoita seinovonekera.

22 Handina kuvona tembere mukati maro, nokuti Ishe Mwari wamasimba ose negwayana itembere yaro.

23 Guta haritsvaki zuva kana mwedzi, kuti rivhenekerwe nazvo; nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kwairi vhenekera, nomwenje waro ndiro gwayana.

24 uye marudzi avaya vanoponeswa achafamba nechiedza charo, madzimambo enyika achavuyisa kubwinya kwawo nokukudzwa kwawo mariri.

25 Masuvo aro haangatongozarirwi masikati, nokuti vusiku habwuchazovipo.

26 Vachavuyisa mukati maro kubwinya nokukudzwa kwendudzi.

27 Mukati maro hamungatongopindi chinhu chinosvibisa, kana chinonyangadza, kana chinenhema; asi avochetevakanyorwa mubhuku yovupenyu yegwayana.


22


1 Zvino wakandiratidza rwizi rwakachena rwemvura yovupenyu, yakapenya sekristaro, inobuda pachigaro chovushe chaMwari nechegwayana,

2 pakati penzira yaro. Kumativi maviri orwizi kwakanga kunomuti wovupenyu, unobereka zvibereko zvamarudzi anegumi namaviri, uchiita zvibereko zvawo mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi.

3 Hakuchavi nechinhu chakatukwa; chigaro chovushe chaMwari nechegwayana chichava mukati maro; varanda vake vachamushumira, vachavona chiso chake;

4 uye zita rake richava pahuma dzavo.

5 Vusiku habwuchazovipo; havatsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva; nokuti Ishe Mwari uchavavhenekera; vachabata vushe nokusingaperi-peri.

6 Zvino akati kwandiri: Mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi; Ishe, Mwari wemweya yavaporofita, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze varanda vake zvinhu zvoda kuitwa.

7 Tarirai, ndokurumidza kuvuya; unochengeta mashoko okuporofita kwebhuku iyi wakaropafadzwa.

8 Ini Johwani, ndini ndakanzwa, ndikavona izvozvi. Zvino ndakati ndichinzwa, nokuvona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumwa wakandiratidza izvozvi.

9 Akati kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe chete newe, nehama dzako, vaporofita, navanochengeta mashoko ebhuku iyi; namata Mwari.

10 Ipapo akati kwandiri: Usazarira mashoko okuporofita kwebhuku iyi, nokuti nguva yava pedo.

11 Usina kururama ngaarambe achiita zvisakarurama; unetsvina, ngaarambe a chisvibiswa; wakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; mutsvene ngaarambe achiitwa mutsvene.

12 Tarirai, ndinokurumidza kuvuya; mubairo wangu ndinawo, kuti ndipe mumwe nomumwe sezvaakabata.

13 Ndini Arifa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, kutanga nokuguma.

14 Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nesimba rokuvuya kumuti wovupenyu, vapinde napamasuvo eguta.

15 Kunze ndiko kunembwa, navaroyi, nemhombwe, navavurayi, navanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema vachidziita.

16 Ini Jesu ndakatuma mutumwa wangu kuti akupupurirei izvozvi pakereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, nyamasase inopenya.

17 Mweya nomwenga vanoti: Vuya! Naiye unonzwa ngaati: Vuya! Unenyota ngaavuye. Unoda ngaatore mvura yovupenyu asingatengi.

18 Ndinopupurira mumwe nomumwe unonzwa mashoko okuporofita kwebhuku iyi, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari uchawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iyi;

19 kana munhu akabvisa mashoko ebhuku yokuporofita uku, Mwari uchabvisa mugove wake pabhuku yovupenyu, nomuguta dzvene, napazvinhu zvakanyorwa mubhuku iyi.

20 Iye unopupura izvozvi unoti: Hongu, vuyai Ishe Jesu.

21 Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive navose. Ameni.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE