VAFIRIPI


1


1 Pauro naTimotio, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose munaKristu Jesu, vari paFiripi, navatariri navaranda vekereke:

2 Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu.

3 Ndinovonga Mwari wangu nguva imwe neimwe kana ndichikurangarirai,

4 ndichikumbira nomufaro nguva dzose pakukumbira kwangu kose, pamusoro penyu mose

5 nokuda kokusongana kwenyu paevhangeri kubva pazuva rokutanga kusvikira zvino;

6 ndichiziva chinhu ichi, kuti iye wakatanga basa rakanaka mukati menyu, ucharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu;

7 sezvazvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, zvandinokurangarirai mumoyo mangu, nokuti pakusungwa kwangu napakutavirira nokusimbisa evhangeri, imwi makagoverwa nyasha pamwe chete neni.

8 Nokuti Mwari chapupu changu kuti ndinokushuvai mose zvikuru netsitsi dzaKristu Jesu.

9 Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakunzva nokunzwisisa kose;

10 kuti muidze muzive kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi, kuti muve vakarurama, navasine mhosva, kusvikira pazuva raKristu;

11 muzere nechibereko chokururama, chinovuya naJesu Kristu, kuti Mwari ave nokubwinya nokurumbidzwa.

12 Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti izvo zvakandiwira zvakatofambisa evhangeri;

13 nokudaro kuti kusungwa kwangu kwakazikamwa muimba yashe yose, nokuna vamwe vose kuti kuri munaKristu.

14 Nehama zhinji munaShe, dzakasimbiswa nokusungwa kwangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi.

15 Vamwe havo vanoparidza Kristu negodo negakava, vamwe nomoyo wakanaka;

16 mumwe unoparidza Kristu nenharo, asingaiti nomoyo wakachena, vachiti vawedzere nhamo pakusungwa kwangu.

17 Vamwe havo vanoita norudo, vachiziva kuti ndakagadzwa kuti nditavirire evhangeri.

18 Zvisinei hazvo? asi kuti Kristu unoparidzwa hake nenzira dzose, kana namanomano, kana nechokwadi; ndinofara nazvo, uye ndichasifara hangu nazvo.

19 Nokuti ndinoziva kuti nokuda kokukumbira kwenyu nokusimbiswa koMweya waJesu Kristu, izvozvi zvichava kuponeswa kwangu,

20 zvandinotarira zvikuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu chimwe asi kuti zvino, sapanguva dzose, nokusatya kwangu kose Kristu uchakudzwa mumuviri wangu, kana novupenyu, kana nokufa.

21 Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kufuma.

22 Zvino kana ndichirarama panyama, izvo zvichandipa zvibereko zvokubata kwangu; handizivi chandichasanangura;

23 zvino ndinomanikidzwa nezvinhu zviviri: ndinoda kubva, kuti ndive naKristu, nokuti ndizvo zvinopfuvura nokunaka;

24 asi nokuda kwenyu zvakanaka kuti ndigare panyama.

25 Zvino ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemwi mose, kuti mupfuvurire mberi, mufare pakutenda;

26 kuti muzvirumbidze zvikuru munaKristu Jesu pamusoro pangu nokuda kokudzokera kwangu kwamuri.

27 Asi fambaichetezvakafanira evhangeri yaKristu; kuti kunyange ndikavuya ndikakuvonai, kunyange ndisipo, ndinzwe pamusoro penyu kuti mumire nesimba nomweya mumwe, nomoyo mumwe, muchirwira kutenda kweevhangeri;

28 musingatyiswi pachinhu chimwe navanorwa nemi. Ndizvo zvichava chiratidzo chokuparadzwa kwavari, asi kwamuri chokuponeswa; chinhu ichi chinobva kunaMwari.

29 Nokuti nokuda kwaKristu imwi makatenderwa kuti murege kutenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzike vo nokuda kwake;

30 imwi muchirwa vo nokurwa uku kwamakavona kwandiri, kwamunonzwa kuti ndinorwa nazvino.


2


1 Zvino kana kuvaraidzwa kuripo kunaKristu, kana kunyaradza korudo, kana kuyanana koMweya, kana mumoyo nokunzwira tsitsi,

2 zadzisai mufaro wangu, muve nokufunga kumwe, muchiva norudo rumwe, nomweya mumwe, nendangariro imwe,

3 musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuvura iye pakunaka;

4 mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire zvavamwe vo.

5 Ivai nomoyo uyo, wakanga uri munaKristu Jesu vo;

6 iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndechinhu chinofanira kubatisiswa;

7 asi wakazviita usina maturo, akazvitorera chimiro chomuranda, akaitwa nomufananidzo womunhu.

8 akati awanikwa anomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa.

9 Saka Mwari wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuvura mazita ose;

10 kuti muzita raJesu mabvi ose afugame, ezviri kudenga nezviri panyika, nezviri pasi penyika,

11 kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiyeShe, kuti Mwari, baba, arumbidzwe.

12 Naizvozvo, vadikamwa vangu, sezvamakateerera nguva dzose, ndisati ndiripo, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera;

13 nokuti ndiMwari unobata mukati menyu, kuti mude uye muite kuda kwake kwakanaka.

14 Itai zvose musinganyunyuti, musinenharo;

15 kuti muve vanhu vasina chavangapomerwa, navasina kusarurama, vana vaMwari vasine mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunopenya pakati parwo semwenje panyika;

16 makabatisisa shoko rovupenyu; kuti ndive nechandinga zvirumbidza nacho nezuva raKristu, ndizive kuti handina kumhanya pasina, kana kubata pasina.

17 Kunyange ndikadururwa pamusoro pechibayiro nebasa rokutenda kwenyu, ndinofara nokufarisisa nemwi mose.

18 Nokuda kwaizvozvo nemwi vo mufare nokufarisisa neni.

19 MunaShe Jesu ndinoti ndichakurumidza kutuma Timotio kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa zvenyu.

20 Nokuti handino mumwe munhu unomoyo wakaita sowake, uchava nehanya kwazvo nezvenyu.

21 Nokuti vose vanozvitsvakira zvavo, zvisati zviri zvaKristu Jesu.

22 Asi munoziva kutendeka kwake, kuti akabata pamwe chete neni paEvangeri, somwana unobatira baba vake.

23 Zvino ndiye wandinoti ndichatuma kwamuri pakarepo, kana ndavona kuti zvangu zvakadini;

24 asi ndinotenda munaShe kuti neni vo ndimene ndichakurumidza kuvuya.

25 Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama yangu, nomubatsiri wangu pamabasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri wangu pakushaiwa kwangu;

26 zvaakanga achikushuvai zvikuru imwi mose, akatambudzika kwazvo, nokuti imwi makanga manzwa kuti unorwara.

27 Nokuti wakanga achirwara kwazvo, ari pedo nokufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye bedzi, asi neni vo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamusoro penhamo.

28 Naizvozvo ndakashingaira kumutuma kwamuri, kuti mumuvone, mufarezve, neni ndirege kuva nenhamo.

29 Naizvozvo mumugamuchirei munaShe nomufaro wose, uye mukudze vakadai;

30 nokuti nokuda kwebasa raKristu wakanga oda kufa, akasarangarira vupenyu bwake, achida kukwanisa pamakanga musingagoni kundishumira imi.


3


1 Pakupedzisira, hama dzangu, farai munaShe. Ini handinetswi nokukunyorerai zve zvinhu zviya, asi zvinokusimbisai imi.

2 Ityai imbwa, ityai vabati vakaipa, ityai vokucheka;

3 nokuti isu tiri vokudzingiswa, tinonamata Mwari muMweya, tinozvirumbidza munaKristu Jesu, tisingavimbi nenyama,

4 kunyange ini hangu ndingavimba nenyama; kana kunomumwe munhu unoti ndinovimba nenyama, zvikuru ini.

5 Ndakadzingiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwavaIsraeri veimba yaBenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurairo ndiri muFarisi;

6 pakushingaira kwangu, ndaitambudza kereke; pakururama kunorebwa nomurairo ndakanga ndisina chandingapomerwa.

7 Asi izvozvo, zvaiva fuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu.

8 Hongu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kokunaka kokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu,wandakarashikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviidza marara, kuti ndiwane Kristu;

9 ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kuri komurairo, asi kuri kokutenda kunaKristu, ndiko kururama kunobva kunaMwari nenzira yokutenda

10 kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusongana naye pamatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake;

11 kuti zvimwe ndisvike pakumuka kwavakafa.

12 Handiti ndatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshingairira 'ko, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira.

13 Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokangamwa zviri shure, ndichinanavira kunezviri mberi.

14 ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubairo wokudana kwaMwari kunobva kudenga, munaKristu Jesu.

15 Naizvozvo isu tose, takakwana, ngative nomoyo wakadaro; kana imwi muno mumwe moyo, Mwari uchakuratidzai naizvozvo vo.

16 Asi, apo patasvika ngatirambe tichifambachetenomurairo iwoyu tifunge chinhu chimwe.

17 Hama dzangu, ivai vateveri vangu mose; natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakakutungamirirai su.

18 Nokuti vazhinji, vandakakuvudzai kazhinji, nazvino ndinokuvudzai vo nokuchema, vanofamba vari vavengi vomuchinjikwa waKristu;

19 kuguma kwavo ndiko kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, vanozvirumbidza pamusoro pezvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvenyika.

20 Nokuti nyika yedu iri kudenga, uko kwatakatarira kuvuya koMuponesi Ishe Jesu Kristu;

21 uyo uchavandudza muviri wokuninipiswa kwedu, kuti ufanane nomuviri wokubwinya kwake, nesimba iro raanogona vo naro kuzviisira zvose pasi pake.


4


1 Naizvozvo, hama dzangu, vadikamwa vandinoshuva kwazvo, mufaro wangu, nekorona yangu, mirai nesimba saizvozvo munaShe, vadikamwa.

2 Ndinokumbira zvikuru Yuodia, ndinokumbira zvikuru Sindike, kuti vave nomoyo mumwe munaShe.

3 Hongu, newe vo, shamwari yangu yechokwadi pabasa, ndinokumbira kwauri kuti ubatsire vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni paevhangeri, pamwe chete naKiremenzi, navamwe vakabata pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku yovupenyu.

4 Farai munaShe nguva dzose; ndichapamhidza zve: Farai.

5 Vunyoro bwenyu ngabwuzikamwe navanhu vose. Ishe uri pedo.

6 Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuvonga.

7 Zvino rugare rwaMwari runopfuvura kunzwisisa kose, rucharinda moyo yenyu nemifungo yenyu munaKristu Jesu.

8 Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikamwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.

9 Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakavona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi.

10 Ndakafara zvikuru munaShe, nokuti zvino makapepukazve mukandirangarira; makanga marangarira henyu, asi makashaiwa nguva.

11 Handirevi izvozvi nokuti ndinoshaiwa, nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo.

12 Ndinoziva vurombo, ndinozivavo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushaiwa.

13 Ndingaita zvinhu zvose naKristu unondisimbisa.

14 Kunyange zvakadaro, makaita zvakanaka zvamakasongana neni pakutambudzika kwangu.

15 Munoziva vo, imwi vaFiripi, kuti pakutanga kweevhangeri, ndichibva Makedhonia, pakanga pasinekereke imwe yakasongana neni pashoko rokupa nokugamuchira, asi imwi moga;

16 nokuti napaTesaronika makanditumira kamwe, norwechipiri zve, pakushaiwa kwangu.

17 Handirevi kudaro kuti nditsvake chipo, asi ndinotsvaka chibereko chamunozofumiswa nacho.

18 Zvino ndava nezvose, ndafumiswa; ndaguta, ndagamuchira kunaEpafrodito izvo, zvinobva kwamuri, zvakaita sobwema bwunonhuhwira, nechibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.

19 Zvino Mwari wangu uchazadzisa kushaiwa kwenyu kose pafuma yake, mukubwinya, munaKristu Jesu.

20 Zvino Mwari, Baba vedu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.

21 Ndikwazisirei mutsvene mumwe nomumwe munaKristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai.

22 Vatsvene vose vanokukwazisai, zvikuru avo veimba yaKesari.

23 Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Amen.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE