Matewu


1


1 Bhuku renhoroondo yamadzinza aJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu.

2 Abhurahamu wakabereka Isaka, Isaka akabereka Jakobho; Jakobho akabereka Judha navana vamai vake,

3 Judha akabereka Faresi naZara kunaTamari; Faresi akabereka Esiromi; Esiromi akabereka Arami;

4 Arami akabereka Aminadhabhi; Aminadhabhi akabereka Naasoni; Naasoni akabereka Sarimoni;

5 Sarimoni akabereka Bhowazi kunaRahabhi, Bhowazi akabereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi akabereka Jese;

6 Jese akabereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo akabereka Soromoni ku mukadzi * waiva * waUria;

7 Soromoni akabereka Robhoami; Robhoami akabereka Abhiya; Abhiya akabereka Asa;

8 Asa akabereka Josafati; Josafati akabereka Joramu; Joramu akabereka Oziasi;

9 Oziasi akabereka Jotamu; Jotamu akabereka Akazi; Akazi akabereka Hezekia;

10 Hezekia akabereka Manase; Manase akabereka Amoni; Amoni akabereka Josiya;

11 Josiya akabereka Jekonia navana vamai vake nenguva yavakatapirwa kuBhabhironi.

12 Zvino shure kokutapirwa kuBhabhironi, Jekonia akabereka Saratieri; Saratieri akabereka Zerubhabheri;

13 Zerubhabheri akabereka Abhiudhi; Abhiudhi akabereka Eriakimi; Eriakimi akabereka Azori;

14 Azori akabereka Sadhoki; Sadhoki akabereka Akimu; Akimi akabereka Eriyudhi;

15 Eriyudhi akabereka Eriazari; Eriazari akabereka Matan; Matani akabereka Jakobho;

16 Jakobho akabereka Josefa murume waMaria, unova ndiye wakazvara Jesu, unonzi Kristu.

17 Naizvozvo mazera ose kubva kunaAbhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi mazera anegumi namana, kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapirwa kuBhabhironi, mazera anegumi namana, kubva pakutapirwa uBhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu, mazera anegumi namana.

18 Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai; apo mai vake Maria, wakati atsidzirana kuwanana naJosefa, vasati vasangana, wakavonekwa ava nemimba noMweya Mutsvene.

19 Zvino Josefa murume wake zvaakanga ari wakarurama, asingadi kumufumura, wakafunga kumuramba muchivande.

20 Asi zvino wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waShe akavonekwa kwaari pakurota achiti: Josefa mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako, nokuti icho chakaberekwa maari ndecheMweya Mutsvene.

21 Iye uchabereka Mwanakomana, uye uchatumidza zita rake kuti * Jesu, nokuti uchaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.

22 Zvino zvose izvozvi zvakaitwa kuti zvizadziswe zvakarehwa naShe, nomuporofita achiti:

23 Tarira, mhandara ichava nemimba, ichazvara Mwanakomana, vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari unesu.

24 Zvino Josefa amuka pahope akaita sezvaakarairwa nomutumwa waShe, akazvitorera mukadzi wake;

25 asi haana kumuziva kusvikira azvara mwanakomana wake wedangwe, akatumidza zita rake kuti * Jesu.


2


1 Zvino Jesu wakati aberekwa muBhetirehemu reJudhiya, pamazuva aHerodhe mambo, tarira, kwakauya vachenjeri vachibva mabvazuva kuJerusarema,

2 vachiti: Uripiko iye wakazvarwa Mambo wavaJudha? Nokuti tavona nyeredzi yake kumabvazuva, tavuya kuzomunamata.

3 Zvino Herodhe mambo wakati anzwa, akatambudzika, neJerusarema rose naye.

4 Zvino wakati avunganidza vaprista vakuru vose navanyori vavanhu, akavabvunza kunofanira kuzvarirwa Kristu.

5 Zvino vakati kwaari: MuBhetirehemu reJudhiya; nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita zvichinzi *:

6 Newe Bhetirehemu, nyika yaJudha, hauzi mudukusa kuvabati vaJudha; nokuti kwauri kuchabuda mutongi, uchafudza vanhu vangu vaIsraeri.

7 Zvino Herodhe, wakati adana vachenjeri muchivande, akabvunzisisa kwavari nguva yakavonekwa nyeredzi nayo.

8 Akavatuma Bhetirehemu, akati: Endai munyatso-bvunzisisa zvomwana; kana ma mu *wana munditumirevo shokozve, kuti ndiuye kuzomunamatavo.

9 Vakati vanzwa mambo, vakabva; zvino tarira, nyeredzi yavakavona kumabvazuva yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro pepakanga panomwana.

10 Vakati vavona nyeredzi vakafara nomufaro mukuru kwazvo.

11 Vakati vapinda mumba, vakavona mwana naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata; zvino vakati vasunungura fuma yavo, vakamupa zvipo; ndarama, nezvipfungaidzo zvinonhuwira nemura.

12 Vakati vanyeverwa naMwari pakurota, kuti varege kudzokera kuna Herodhe, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.

13 Vakati vaenda, tarira, mutumwa waShe wakavonekwa kunaJosefa pakurota, achiti: Muka utore mwana namai vake, utizire Ijipiti, ugareko kusvikira ndichikutumira shoko; nokuti Herodhe uchatsvaka mwana kuti amuparadze.

14 Wakati amuka, akatora mwana namai vake vusiku, akabva akaenda Ijipiti;

15 akavako kusvikira pakufa kwaHerodhe: kuti zvizadzisike zvakarehwa naShe nomuporofita, achiti: Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.

16 Zvino Herodhe, wakati avona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa zvikurusa, akatuma, akaponda vanakomana vose vaiva muBhetirehemu napamigumo yayo yose, vaiva namakore maviri zvichiburuka, iri nguva yaakanga abvunzisisa kuvachenjeri.

17 Zvino zvakazadzisika zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti:

18 MuRama rakanzwika inzwi, kuungudza nokuchema nokurira kukuru, Rakeri achichema vana vake, asinganyaradziki, nokuti hava chi *po.

19 Asi Herodhe wakati afa, tarira, mutumwa waShe akavonekwa pakurota naJosefa muIjipiti,

20 achiti: Simuka, tora mwana muduku namai vake, uende kunyika yavaIsraeri; nokuti vakafa, avo vaitsaka upenyu hwomwana.

21 Akasimuka ndokutora mwana muduku namai vake akasvika kunyika yavaIsraeri.

22 Asi wakati achinzwa kuti Akerawo unotonga muJudhiya panzvimbo yababa vake Herodhe, akatya kuendako, asi akanyeverwa naMwari pakurota, akatendevukira kumativi eGariri.

23 Akasvika akandogara muguta rinonzi Nazareta, kuti zvizadziswe zvakarehwa navaporofita, kuti *: Uchanzi muNazareta.


3


1 Pamazuva iwayo kwakauya Johwani Mubhabhatidzi, achiparidza murenje reJudhiya,

2 achiti: Tendevukai imwi: nokuti ushe hwokudenga hwava pedo.

3 Nokuti uyu ndiye wakarehwa nezvake naIsaya muporofita, achiti: Inzwi rounodana murenje, gadzirirai mugwagwa waShe, ruramisai nzira yake.

4 Iyezve Johwani waiva nenguvo yake yamambava ekamera nebhanhire redehwe pachivuno chake; nezvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi hwedondo.

5 Zvino kwakabudira kwaari Jerusarema neJudhiya rose nedunhu rose rakapoteredza Jorodhani,

6 vakabhabhatidzwa naye muna Joridhani vachirevurura zvivi zvavo.

7 Asi wakati achivona vazhinji vavaFarisi navaSajusi vachivuya kurubhabhatidzo rwake, akati kwavari: Vana venyoka, ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunovuya?

8 Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendevuka.

9 Musafunga kutaura mukati menyu muchiti *: Tina Abhurahamu baba vedu *, nokuti ndinoti kwamuri: Mwari unokwanisa kubva pamatombo awa kumutsira Abhurahamu vana.

10 Zvinovo sanhu ratoiswa pamidzi yemiti, naizvozvo muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa ugokandirwa mumoto.

11 Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura mupinde mukutendevuka, asi uyo unovuya shure kwangu unesimba kupfuvureni, neshangu dzake handina kufanira kudzitakura, Iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.

12 Rusero rwake ruri * muruvoko rwake, uchatsvaira buriro rake kwazvo, agovunganidzira zviyo mudura, asi hundi ucha i *pisa nemoto usingadzimwi.

13 Zvino Jesu wakabva Gariri akasvika paJoridhani kuna Johwani, kuzobhabhatidzwa naye.

14 Asi Johwani wakamudzivisa achiti: Ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemwi, asi movuya kwandiri sei *?

15 Asi Jesu achipindura wakati kwaari: Tenda hako zvino nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kose. Ipapo akamutendera.

16 Asi Jesu, wakati abhabhatidzwa, akabuda pakarepo mumvura: Zvino tarira, kudenga kwakamuzarurirwa, akavona Mweya waMwari achiburuka senjiva, achivuya pamusoro pake.

17 Zvino tarira inzwi rakabva kudenga richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikamwa, wandinofadzwa naye kwazvo!


4


1 Zvino Jesu wakatungamirirwa noMweya kurenje kunoidzwa naDhiabhorosi.

2 Wakati atsanya mazuva anamakumi mana novusiku makumi mana, akanzwa nzara.

3 Zvino muidzi wakati avuya kwaari, akati: Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti matombo awa aitwe zvingwa.

4 Asi wakapindura akati: Kwakanyorwa kuchinzi *: Munhu haangararami nechingwa chete, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.

5 Zvino Dhiabhorosi akamutora akakwira naye muguta dzvene, akamuisa pachiruvu chetembere,

6 akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, uzvikandire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi *: Iye ucharaira vatumwa vake pamusoro pako: pamavoko avo vachakutakura, kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.

7 Jesu akati kwaari: Kwakanyorwavo, usaidza Ishe Mwari wako.

8 Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refusa, akamuratidza ushe hwose hwenyika, nokubwinya kwahwo.

9 Akati kwaari: Izvi zvose ndichapa kwauri kana ukawira pasi ukandinamata.

10 Ipapo Jesu akati kwaari: Ibvapo Satani nokuti kwakanyorwa kuchinzi *: Uchamata Ishe Mwari wako, umushumire Iye woga.

11 Ipapo Dhiabhorosi akamurega; zvino tarira vatumwa vakavuya vakamushumira.

12 Zvino Jesu wakati anzwa kuti Johwani wakandirwa mutirongo, akaenda Gariri.

13 Zvino wakabva Nazareta, akasvika akandogara muKapenaumi riri pamahombekombe egungwa, pamiganhu yeZebhuroni neNafitarimi,

14 kuti zvizadzisike zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:

15 Nyika yeZebhuroni nenyika yeNefitarimi, pa *nzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Gariri ravahedheni.

16 Vanhu vakanga vagere murima vakavona chiedza chikuru; navakanga vagere panharaunda nomumumvuri worufu, chiedza chakavabudira.

17 Kubva panguva iyoyo Jesu wakatanga kuparidza, nokuti: Tendevukai nokuti ushe hwokudenga hwaswedera.

18 Zvino Jesu, wakati * achifamba pagungwa reGariri, akavona vana vomunhu mumwe vaviri, Simoni unonzi Petro naAndiriya munun'una wake vachikandira mimbure mugungwa nokuti vakanga vari varedzi.

19 Akati kwavari: Nditeverei, ndigokuitai varedzi vavanhu.

20 Pakarepo vakasiya mimbure vakamutevera.

21 Zvino wakati apfuvurira mberi akavona vamwe vaviri vana vemunhu umwe muchikepe, Jakobho mwanakomana waZebhedhi naJohwani munun'una wake vana Zebhedhi baba vavo, vachigadzira mimbure yavo, akavadana.

22 Pakarepo vakasiya chikepe nababa vavo vakamutevera.

23 Jesu akapota neGariri rose achidzidzisa mumasinagoge avo. Achiparidza evhangeri youshe, achiporesa hosha dzamarudzi ose namarwere amarudzi ose pavanhu.

24 Mukurumbira wake ukapararira kuSiria yose; vakavuyisa kwaari varwere vose, vakabatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzo, navakanga vanemweya yakaipa, navaiva nezvipusha, navakanga vakawoma mitezo; akavaporesa.

25 Zvino akateverwa ne *chaunga chevanhu, vaibva Gariri neDhekapori, neJerusarema, neJudhiya, nemhiri kwaJoridhani.


5


1 Zvino wakati achivona chaunga, akakwira mugomo, zvino wakati agara pasi, vadzidzi vake vakauya kwaari;

2 akashamisa muromo wake, akavadzidzisa, achiti:

3 Vakaropafadzwa varombo mumweya; nokuti ushe hwokudenga ndohwavo.

4 Vakaropafadzwa vanochema; nokuti ivo vachanyaradzwa.

5 Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti vachagara nhaka yenyika.

6 Vakaropafadzwa vanenzara nenyota yokururama; nokuti vachagutiswa.

7 Vakaropafadzwa vanengoni; nokuti ndivo vachawana ngoni.

8 Vakaropafadzwa vakachena pamoyo; nokuti ndivo vachavona Mwari.

9 Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti ndivo vachanzi vana vaMwari.

10 Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kokururama; nokuti ushe hwokudenga ndohwavo.

11 Makaropafadzwa imwi, kana vanhu vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose dziri nhema nokuda kwangu.

12 Farai mupembere kwazvo, nokuti mubairo wenyu mukuru kudenga; nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai.

13 Imwi muri munyu wenyika, asi kana munyu usingachavavi, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurashirwa kunze, utsikwe navanhu.

14 Imwi muri chiedza chenyika, guta rakateyiwa pagomo haringavanziki;

15 nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, uvhenekere vose vari mumba.

16 Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vavone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.

17 Musafunga kuti ndavuya kuzoparadza murairo, kana vaporofita; handina kuvuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa.

18 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kusvikira denga nenyika zvichipfuvura, vara duku rimwe kana chidodzi chimwe chomurairo hazvingatongopfuvuri, kusvikira zvose zvaitika.

19 Naizvozvo ani nani unodarika mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu saizvozvo, uchanzi muduku muushe hwokudenga. Asi ani nani unoiita, akaidzidzisa saizvozvo uchanzi mukuru muushe hwokudenga;

20 nokuti ndinoti kwamuri: Kana kururama kwenyu kukasapfuvura kwavanyori nokwavaFarisi, hamungatongopindi muushe hwokudenga.

21 Makanzwa kuti zvakanzi kunevekare, Usavuraya; ani nani unovuraya uchava munjodzi yokutongwa.

22 Asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani unotsamwira mumwe wake pasina mhaka, uchapara mhosva ingatongwa; nounoti kuhama yake: Dununu! uchava munjodzi yamakurukota, unoti benzi uchava munjodzi yegehena remoto.

23 Naizvozvo kana iwe uchivuya nechipo chako kuaritari, ipapo ukarangarira kuti mumwe wako une mhosva newe,

24 siya ipapo chipo chako pamberi pearitari, uende umbondotanga wayanana nemumwe wako, ugozovuya wopa chipo chako.

25 Tenderana nomudzivisi wako nokukurumidza, uchiri munzira naye, kuti mudzivisi arege kukukumikidza kumutongi, mutongi kukukumikidza kumutariri, ukakandirwa mutirongo.

26 Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, usati waripa kamari kokupedzisira

27 Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usaita upombwe.

28 Asi ini ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unotarisa mukadzi achimuchiva, watoita upombwe naye nechekare mumoyo make.

29 Zvino kana ziso rako rorudyi richikugumbusa, uridzure urashire kure newe; nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako umwe ufe pane kuti muviri wako wose ukandirwe mugehena.

30 Zvino kana ruvoko rwako rworudyi ruchikugumbusa, ugure, ururashire kure newe nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako umwe ufe, pane kuti muviri wako wose ukandirwe mugehena.

31 Zvakanzivo: Aninani unoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwokurambana;

32 Asi ini ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unoramba mukadzi wake, asi bedzi * nemhosva youpombwe, unomuitisa upombwe, uye aninani unowana wakarambwa unoita upombwe.

33 Uyezve imwi makanzwavo kuti zvakanzi kunavekare, usapika nhema, asi uripire Ishe zvawakapikira.

34 Asi ini ndinoti kwamuri: Musatongopika; kana nedenga nokuti ndicho chigaro chaMwari choushe;

35 kana nenyika, nokuti ndicho chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo mukuru;

36 usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kuita ruvhudzi rumwe kuti ruve ruchena kana rutema.

37 Asi kutaura kwenyu ngakuve, hongu, hongu, kwete, kwete; zvinopfuvura izvozvi zvinobva kune wakaipa,

38 Makanzwa kuti zvakanzi, ziso rinotsihwa * neziso, zino nezino.

39 Asi ini ndinoti kwamuri: Musapikisa wakaipa; asi aninani unokurova padama rako rorudyi, umurinzire rimwevo.

40 Kana munhu achida kukukumikidza kumutemo, kuti akutorere shati yako, umutendere nejazi rakovo.

41 Aninani unokumanikidza kuenda newe maira imwe uende naye mbiri.

42 Ipa unokumbira kwauri, usafuratira unoda kukwereta kwauri.

43 Makanzwa kuti zvakanzi: Ude wokwako, uvenge muvengi wako;

44 Asi ini ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai, itirai zvakanaka vanokuvengai, munyengeterere vanokushandisai zvakaipa vachikutambudzai.

45 Kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kudenga, nokuti vanobudisira zuva ravo kune vakaipa navakanaka, nemvura vanoitumira vakarurama navasakarurama.

46 Nokuti kana muchida vanokudai, munomubairo weiko? vateresi havaiti saizvozvovo here?

47 Kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, munopfuvura vamwe * neiko? Ko navateresi havaiti saizvozvovo here?

48 Naizvozvo muve vakakwana saBaba venyu vari kudenga vakakwana.


6


1 Chenjerai kuti murege kupa varombo pamberi pavanhu, kuti muvonekwe navo; kana madaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kudenga.

2 Zvino kana muchipa varombo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomunzira dzomumisha, kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.

3 Asi iwe kana uchipa varombo, ruvoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa noruoko rwako rworudyi.

4 Kuti kupa kwako varombo kuve pakavanda; ipapo Baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo ivo pachena.

5 Zvino kana muchinyengetera, musava savanyengeri: nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumisha kuti vavonekwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vawana mubairo wavo.

6 Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yomukati; kana wazarira mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino baba vako vanovona pakavanda vachakupa mubairo pachena.

7 Asi kana muchinyengetera, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwikwa nokutaura kwavo kuzhinji.

8 Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshaiwa, musati mavakumbira.

9 Zvino imwi nyengeterai kudai: Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe.

10 ushe hwenyu ngahwuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika se zvakunoitwa * kudenga;

11 mutipei nhasi zvokudya zvedu zvemisi yose.

12 Mutikangamwire mhosva dzedu, sezvatinokangamwiravo vane mhosva nesu;

13 uye regai kutipinza pakuidzwa, asi mutisunungure panezvakaipa. Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba nokubwinya nokusingaperi. Ameni.

14 Nokuti kana muchikangamwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukangamwiraivo.

15 Asi kana musingakangamwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakukangamwiriivo kudarika kwenyu.

16 Uyezve kana muchitsanya, musava savanyengeri, regai kuva nechiso chinopunyaira; nokuti vanoipisa zviso zvavo, kuti vavonekwe navanhu kuti vanotsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vapiwa mubairo wavo.

17 Asi iwe kana uchitsanya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako,

18 kuti urege kuvonekwa navanhu kuti unotsanya, asi naBaba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanovona pakavanda, vachakupa mubairo pachena.

19 Regai kuzvivunganidzira fuma panyika, pane zvifusi nengura zvinovodza napane mbavha dzinopaza dzichiba;

20 asi muzvivunganidzire fuma kudenga, kusina zvifusi kana ngura zvinovodza, kusina mbavha dzinopaza dzichiba.

21 Nokuti panefuma yako, ndipo pachava nomoyo wakovo.

22 Mwenje womuviri iziso; zvino kana ziso rako rakanakisisa, muviri wako wose uchazara nechiedza.

23 Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchazara nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei!

24 Hapana munhu ungashumira vatenzi vaviri; nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe; kana uchanamatira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungabatiri Mwari naMamona*.

25 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana muchamwei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchafukeiko? Upenyu hahwupfuvuri zvokudya here, nomuviri zvokufuka here?

26 Tarirai shiri dzokudenga, hadzidzvari, hadzikohwi, hadzivunganidziri mumatura, asi Baba venyu vokudenga vanodzirurira. Imwi hamudzipfuvuri zvikuru here?

27 Ndianiko kwamuri nokufunganya ungawedzera kubhiti* rimwe pavurefu hwake?

28 Nezvokufuka munozvifungireiko? Fungai maruva enyika, kuti anokura sei, haabati, haaruki;

29 Asi ndinoti kwamuri: Kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kose haana kushongedzwa serimwe rawo.

30 Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo vuswa hwedondo buripo nhasi, huchakandirwa muchoto mangwana, haanga kufukidziyi * nokupfuurisa imwi vokutenda kuduku here?

31 Naizvozvo musafunga, muchiti: Tichadyei? Kana: Tichamwei? Kana: Tichafukei?

32 Nokuti izvozvi zvose vahedheni vanozvitsvaka vo *, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvose.

33 Asi tangai imwi kutsvaka ushe bwaMwari, nokururama kwake, zvino izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.

34 Naizvozvo musafunganya nezvamangwana, nokuti mangwana achazvifungira zvawo. Zuva rakakwanirwa nezvakaipa zvaro.


7


1 Musatonga, kuti imwi murege kutongwa,

2 nokuti nokutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako; nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwa nachovo.

3 Unotaririreiko rubanzu ruri muziso reumwe wako, asi usingarangariri danda riri muziso rako?

4 Kana ungataura seiko kuneumwe wako uchiti: Rega ndivhomore rubanzu muziso rako, asi tarira danda riri muziso rako?

5 Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda muziso rako, ugovona kwazvo kubvisa rubanzu muziso reumwe wako.

6 Musapa zvitsvene kumbwa, kana kukandira maparera* enyu pamberi penguruve, kuti dzirege kumatsika netsoka dzadzo, dzikatendevuka dzikakubvamburai.

7 Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.

8 Nokuti mumwe nomumwe unokumbira unogamuchira, nounotsvaka unowana, nounogogodza unozarurirwa.

9 Kana ndoupiko munhu kwamuri, kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, unomupa ibwe?

10 Kana akakumbira hove, unomupa nyoka here?

11 Zvino kana imwi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuvurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanomukumbira?

12 Saka pazvinhu zvose zvipi nezvipi zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitirevo ivo saizvozvo nokuti uyu ndiwo murairo navaporofita.

13 Pindai nesuvo rakamanikana, nokuti suvo rakafara nenzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa, vazhinji vanopinda naro.

14 Nokuti suvo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.

15 Asi chenjerai vaporofita venhema, vanovuya kwamuri nenguvo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza.

16 Muchavaziva nezvibereko zvavo; Vanhu vanombotanha mazambiringa pamhinzwa here, kana mavonde parukato?

17 Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa;

18 muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa nomuti wakaipa haubereki zvibereko zvakanaka.

19 Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa wokandirwa mumoto.

20 Naizvozvo muchavaziva nezvibereko zvavo.

21 Havazi vose vanoti kwandiri: Ishe, Ishe, vachapinda muushe hwokudenga; asi uyo unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.

22 Vazhinji vachati kwandiri pazuva iro, Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here? nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu? nokuita mabasa anoshamisa mazhinji muzita renyu?

23 Zvino ndichavapupurira ndichiti *: Handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri imwi vaiti vezvakaipa.

24 Naizvozvo mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akaaita, ndichamufananidza nomurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware.

25 Mvura ikaturuka, mafashame akavuya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova paimba, iyo ikasawa; nokuti yakanga yakateyiwa paruware.

26 Zvino mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akasaaita, uchafananidzwa nomurume benzi, wakavaka imba yake pajecha;

27 mvura ikaturuka, mafashame akavuya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.

28 Jesu wakati apedza mashoko iwawa, vanhu vazhinji vakashamiswa nedzidziso yake.

29 Nokuti wakavadzidzisa sounesimba, asingaiti savanyori.


8


1 Wakati aburuka mugomo, chaunga chikuru chikamutevera.

2 Zvino tarira kwakauya munhu unamaperembudzi, akamugombedzera achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.

3 Jesu akatandavadza ruvoko rwake, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa. Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.

4 Zvino Jesu akati kwaari: Vona kuti usavudza munhu asi enda unozviratidza kumuprista, ubayire chipo chakarairwa naMozisi chive chapupu kwavari.

5 Zvino Jesu wakati apinda Kapenaume, kwakauya kwaari mumwe mukuru wezana, achimukumbirisa,

6 achiti: Ishe, muranda wangu uvete kumba, murwere wakafa mutezo, unotambudzika kwazvo.

7 Zvino Jesu akati kwaari: Ndichavuya ndizomuporesa.

8 Mukuru wezana akapindura akati: Ishe, handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga remba * yangu; asi taurai henyu shoko chete, zvino muranda wangu uchapora.

9 Nokuti nenivo ndiri pasi pemasimba, ndina varwi pasi pangu; zvino ndinoti kune uyu: Enda, unoenda, nokunomumwe: Vuya, unovuya. nokumuranda wangu: Ita chichi, unoita.

10 Jesu wakati achinzwa izvozvo, * akashamiswa, akati kuna vai mu *tevera: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handina kumbowana kutenda kukuru kwakadai kunyangwe napakati paIsraeri.

11 Zvino ndinoti kwamuri: Vazhinji vachavuya vachibva kumabvazuva nokumavirira, vachagara naAbhurahamu naIsaka naJakobho, muushe hwokudenga,

12 asi vanakomana voushe vachakandirwa kurima rokunze; ipo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.

13 Zvino Jesu akati kumukuru wezana, enda, uitirwe sezvawakatenda. Muranda wake akapora nenguva iyo.

14 Jesu, wakati apinda mumba maPetro, akavona mbuyawasha vake vavete vane fivhiri.

15 Akabata ruvoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari: vakasimuka vakavashandira.

16 Akati ava madekwana vakavuya kwaari navazhinji vaiva vakabatwa nemweya yakaipa; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vose vairwara;

17 kuti zvizadzisike zvakarehwa naIsaya muporofita achiti: Iye wakatora vutera hwedu *, akatakura vurwere hwedu.

18 Jesu wakati achivona chaunga chikuru chakamukomba, akaraira kuti vabve vaende mhiri.

19 Zvino mumwe munyori akavuya akati kwaari: Mudzidzisi ndichakuteverai kose kwamunoenda.

20 Zvino Jesu akati kwaari: Mhungubwe dzine mwena, neshiri dzokudenga matendere; asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamhidza musoro.

21 Mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Ishe, ndiregei nditange ndambonoviga baba vangu.

22 Asi Jesu wakati kwaari: Nditevere, urege vakafa vavige vakafa vavo.

23 Wakati apinda muchikepe, vadzidzi vake vakamutevera.

24 Zvino tarira dutu guru remhepo rakamuka mugungwa, zvokuti igwa rakanga rofukidzwa namafungu. Asi Iye wakanga avete.

25 Zvino vadzidzi vake vakavuya, vakamumutsa, vachiti: Ishe tiponesei toparara!

26 Zvino Akati kwavari: Munotyireiko, imwi vokutenda kushoma? Zvino akamuka, akaraira mitutu negungwa; Kudzikama kukuru kukavapo.

27 Vanhu vakashamiswa vachiti: Uyu munhu rudzii anoti kunyange nemitutu negungwa zvinomuteerera?

28 Wakati asvika mhiri kunyika yavaGerigesi, akasangana navaviri vaiva nemweya yakaipa, vachibuda kumarinda, vane hasha kwazvo-kwazvo zvokuti kwakanga kusina munhu wagona kupfuvura nenzira iyo.

29 Zvino tarira vakadanidzira vachiti: Tineiko nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari? Mavuya pano kuzotitambudza nguva isati yasvika here?

30 Zvino kure navo kwakanga kune boka guru renguruve dzichifura.

31 Mweya yakaipa ikamukumbirisa ichiti: Kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende tinopinda muboka renguruve.

32 Zvino akati kwairi: Endai. Zvino yakati yabuda, ikapinda muboka renguruve; zvino tarira boka rose rakamhanyira kwazvo kumateru kugungwa, rikapararira mumvura.

33 Zvino vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakataura zvose nezvakaitirwa vakanga vane mweya yakaipa.

34 Zvino tarira, guta rose rakabuda kundosangana naJesu; vakati vamuvona, vakakumbira zvikuru kwaari kuti abve pamiganhu yavo.


9


1 Zvino wakapinda muchikepe, akayambuka ndokusvika muguta rake.

2 Zvino tarira, vakavuya kwaari nomunhu wakanga akawoma mitezo, avete panhovo; zvino Jesu achivona kutenda kwavo akati kumunhu wakanga akawoma mitezo: Mwana, tsunga moyo, wakangamwirwa zvivi zvako.

3 Zvino tarira, vamwe vavanyori vakati mumoyo yavo: Uyu unomhura Mwari.

4 Asi Jesu achiziva mifungo yavo akati: Munofungireiko zvakaipa mumoyo yenyu?

5 Nokuti chinyiko chakareruka, kuti: Wakangamwirwa zvivi zvako; kana kuti: Simuka ufambe?

6 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukangamwira zvivi, (Akati kumunhu wakanga akafa mitezo): Simuka, tora nhovo yako uende kumba kwako.

7 Akasimuka, akaenda kumba kwake.

8 Vanhu vazhinji vakati vachi zvi *vona vakashamiswa, vakarumbidza Mwari, wakapa simba rakadai kuvanhu.

9 Zvino Jesu wakati achipfuvurapo, akavona munhu, wainzi Matewu agere panotereswa. Akati kwaari: Nditevere! Ipapo akasimuka, akamutevera.

10 Zvino kwakati Jesu agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji navatadzi vakavuya vakagara pakudya naye navadzidzi vake.

11 Zvino vaFarisi vachi zvi *vona, vakati kuvadzidzi vake: Mudzidzisi wenyu unodyireiko navateresi navatadzi?

12 Asi Jesu wakati anzwa, akati kwavari: Vasingarwari havatsvaki murapi asi vanorwara.

13 Asi endai mudzidze kuti zvinorevei kuti *: Ndinoda ngoni handidi chibayiro; nokuti handina kuvuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendevuka.

14 Zvino kwakavuya kwaari vadzidzi vaJohwani, vachiti: Isu navaFarisi tinotsanyireiko kazhinji asi vadzidzi venyu havatsanyi?

15 Zvino Jesu akati kwavari: Vana veimba yomuchato vangachema seiko chikomba chichiri navo? Asi mazuva achasvika, achabviswa chikomba kwavari, zvino nenguva iyo vachatsanya.

16 Hakuna munhu unoisa chigamba chitsva panguvo sharu, nokuti chigamba chinobvarura nguvo buri rikanyanya.

17 Havadirivo waini itsva muhombodo sharu nokuti hombodo dzingaputika, waini ikatevuka nehombodo dzikapararawo, Asi vanodira waini itsva muhombodo itsva zvichengetwe pamwechete

18 Wakati achivavudza zvinhu izvozvi, tarira, mumwe mubati akasvika, akamufugamira, achiti: Mukunda wangu uchangofa; asi vuyai muise ruvoko rwenyu pamusoro pake, iye uchararama.

19 Zvino Jesu akasimuka akamutevera, navadzidzi vake.

20 Zvino, tarira, mukadzi waiva novurwere hwokubuda ropa makore anegumi namaviri, wakavuya shure kwake, akabata mupendero wenguvo dzake.

21 Nokuti wakati mumoyo make: Kana ndikangobata chete nguvo yake, ndichaporeswa.

22 Asi Jesu wakatendevuka akati amuvona, akati: Mukunda, tsunga moyo, kutenda kwako kwakuponesa. Zvino mukadzi akaponeswa kubva panguva iyo.

23 Zvino Jesu wakasvika mumba momubati akavona varidzi venyere navanhu vazhinji vachiita mhere-mhere,

24 akati kwavari, Ibvai nokuti musikana haana kufa asi uvete. Vakamuseka.

25 Asi ruzhinji rwakati rwabudiswa, akapinda, akamubata ruvoko, musikana ndokumuka.

26 Mukurumbira wazvo ukabudira kunyika iyo yose.

27 Zvino Jesu wakati achipfuvurapo, mapofu maviri akamutevera, achidanidzira achiti: Mwanakomani waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!

28 Zvino wakati apinda mumba, mapofu akavuya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvi here? Akati kwaari: Hongu, Ishe.

29 Zvino wakabata meso avo achiti: Ngazviitwe kwamuri sokutenda kwenyu.

30 Zvino meso avo akasvinudzwa; Jesu akavarairisa achiti: Vonai kuti zvirege kuzikamwa nomunhu.

31 Asi ivo vakati vabuda, vakaparidzira mukurumbira wake munyika iyo yose.

32 Zvino vakati vachibuda, tarira, vakavuya kwaari nembeveve yaiva nomweya wakaipa.

33 Zvino mweya wakaipa wakati wabudiswa, mbeveve ikataura; chaunga chikashamiswa chikati: Hakuna kumbovonekwa zvakadai pakati pavaIsraeri.

34 Asi vaFarisi vakati: Unobudisa mweya yakaipa namambo wemweya yakaipa.

35 Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza evhangeri youshe, nokuporesa vukosha hwose, nevurwere hwose pakati pavanhu.

36 Asi wakati achivona chaunga chevanhu *, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, vakapararira kose samakwai asina mufudzi.

37 Zvino akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo kukohwa kukuru asi vabati vashoma;

38 naizvozvo kumbirai kunaShe wokukohwa, kuti atumire vabati pakukohwa kwake.


10


1 Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake vanegumi navaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina, kuti vaibudise nokuporesa vukosha hwose novurwere hwose.

2 Zvino mazita avapositora vanegumi navaviri ndiwawa; wokutanga, Simoni, anonzi Petro, naAndiriya munun'una wake; Jakobho waZebedhi naJohwani munun'una wake;

3 Firipi, naBhatoromeo; Tomasi, naMatewu muteresi, Jakobho waArifiyo, naRabheu wainzivo Tadhiyo;

4 Simoni muKenani, naJudhasi Isikarioti uyavo wakamutengesa.

5 Ava vanegumi navaviri Jesu akavatuma, akavaraira, achiti: Musaenda munzira yavahedheni, musapinda muguta ravaSamaria;

6 asi zviri nani muende kumakwai akarashika eimba yaIsraeri.

7 Zvino kana muchifamba, muparidze muchiti: Ushe hwokudenga hwaswedera.

8 Poresai vanorwara, natsai vanamaperambudzi, mutsai vakafa, budisai mweya yakaipa: Makapiwa pachena, chipai pachena.

9 Musatora ndarama, kana sirivheri, kana ndarira muzvikwama zvenyu,

10 kana hombodo yerwendo, kana majazi maviri, kana shangu, kana tsvimbo; nokuti mubati wakafanirwa nezvokudya zvake.

11 Muguta ripi neripi kana mumusha upi noupi wamunopinda, bvunzai kuti ndiani urimo wakafanira, mugarepo, kusvikira muchibva.

12 Zvino kana muchipinda mumba, muikwazise.

13 Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo, asi kana isingafaniri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.

14 Ani nani usingakugamuchiriyi, kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana paguta iro, muzuze guruva riri patsoka dzenyu.

15 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvicharerukira nyika yeSodhoma neyeGomora nezuva rokutonga kupfuvura guta iro.

16 Tarirai ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka chenjerai senyoka mururame senjiva.

17 Asi chenjerai vanhu; nokuti vachakukumikidzai kumakurukota, uye vachakurovai zvikuru mumasinagoge avo;

18 Zvino muchaiswavo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari nokuvahedheni.

19 Asi kana vachikukumikidzai, musafunganya muchiti muchataura sei kana chinyiko; nokuti muchapiwa nenguva iyo zvamunofanira kutaura.

20 Nokuti hamuzimi munotaura asi Mweya waBaba venyu unotaura mamuri.

21 Mukoma uchaburusira munun'una kurufu, nababa mwana wavo *; vana vachamukira vabereki vavo nokuvavurayisa.

22 Uye muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi unotsungirira kusvika pakuguma, uchaponeswa.

23 Asi kana vachikutambudzai muguta iri, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamungapedzi maguta avaIsraeri, kusvikira Mwanakomana womunhu asvika.

24 Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi wake *, kana muranda pamusoro paishe wake.

25 Zvakaringana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake, nomuranda ave saShe wake. Zvavakaidza Ishe weimba kuti * Bheerizebhuri, vachadaro *zvikuru sei veimba yake?

26 Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazobvundunurwi; kana chakavanzika chisingazozikamwi.

27 Zvandinokuvudzai murima, taurai pachena, zvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pedzimba.

28 Zvino musatya vanovuraya muviri, asi vasingagoni kuvuraya mweya; asi mutye uyo unogona kuparadza zvose mweya nomuviri mugehena.

29 Ko vuvangu vuviri hahutengeswi nehafu yepeni here? Asi kamwe kahwo hakangawiri pasi kunze kokuda * kwaBaba venyu.

30 Kana muri imwi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose.

31 Naizvozvo musatya, nokuti imwi munopfuvura vuvangu vuzhinji.

32 Mumwe nomumwe uchandipupura pamberi pavanhu, naiye ndichamupupuravo pamberi paBaba vangu vari kudenga.

33 Asi mumwe nomumwe unondiramba pamberi pavanhu, naiye ndichamurambavo pamberi paBaba vangu vari kudenga.

34 Musafunga kuti ndakavuya kuzoisa rugare panyika; handina kuvuya kuzoisa rugare, asi munondo.

35 Nokuti ndakavuya kuzopesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake, nomurovora navamwene vake;

36 navavengi vomunhu ndeveimba yake.

37 Unoda baba kana mai kupfuvureni haana kufanireni; nounoda mwanakomana nomwanasikana kupfuvureni haana kufanireni;

38 Zvino usingatori muchinjikwa wake akanditevera, haana kufanireni.

39 Unowana upenyu hwake ucharashikirwa nahwo; asi unorashikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana.

40 Uyo unokugamuchirai unondigamuchira; nounogamuchira ini unogamuchira iye wakandituma.

41 Unogamuchira muporofita muzita romuporofita uchapiwa mubairo womuporofita; nounogamuchira munhu wakarurama muzita romunhu wakarurama uchapiwa mubairo womunhu wakarurama.

42 Uye aninani unopa mumwe wavaduku ava mukombe chete wemvura * inotonhora kuti amwe muzita romudzidzi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangatongorashikirwi nomubairo wake.


11


1 Zvino Jesu wakati apedza kuraira vadzidzi vake vanegumi navaviri, akabva akandodzidzisa nokuparidza pamaguta avo.

2 Zvino Johwani wakati anzwa ari mutirongo mabasa aKristu, akatuma vaviri vavadzidzi vake,

3 akati kwaari: Ko ndimwi unovuya here, kana titarisire mumwe?

4 Jesu akapindura akati kwavari: Endai mundovudza Johwani zvamunonzwa nezvamunovona:

5 Mapofu anovona, zvirema zvinofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa navarombo vanoparidzirwa evhangeri;

6 wakaropafadzwa aninani usingagumbuswi neni.

7 Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuvudza chaunga pamusoro paJohwani akati *: Makanga mabuda kurenje kunovoneiko? Rutsanga runozungunuswa nemhepo here?

8 Zvino makanga mabuda kundovoneiko? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanopfeka zvakapfava vari mudzimba dzamadzimambo.

9 Asi makanga mabuda kunooneiko? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Unopfuvura kwazvo muporofita;

10 Nokuti uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi *: Tarira, ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, uchakugadzirira nzira yako pamberi pako.

11 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna kumuka mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi. Asi muduku muushe hwokudenga mukuru kwaari.

12 Kubva pamazuva aJohwani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwokudenga hwunopambwa, nevapambi vanohwutora nesimba.

13 Nokuti vaporofita vose nomurairo vakaporofita kusvikira kuna Johwani;

14 kana muchida ku zvi *gamuchira, uyu ndiye Eria wakanga achizovuya.

15 Une nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.

16 Asi ndicharufananidza neiko rudzi urwu? Rwakafanana navana vagere pamisika, vanodanidzira kushamwari dzavo,

17 vachiti: Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasachema.

18 Nokuti Johwani wakavuya asingadyi kana kumwa, zvino vanoti: Unomweya wakaipa.

19 Mwanakomana womunhu wakavuya achidya, achimwa, zvino vanoti: Tarirai munhu unokara mumwi wewaini, shamwari yavateresi navatadzi. Asi njere dzinoruramiswa navana vake.

20 Zvino wakatanga kusvora maguta makanga maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendevuka, akati *:

21 Une nhamo iwe Korazini! une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti mabasa makuru akaitwa mukati menyu, dai aiitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendevuka kare vanamasaga nemadota.

22 Asi ndinoti kwamuri: Zvicharerukira Tire neSidhoni nezuva rokutongwa kupfuvuremwi.

23 Newevo Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchaburukira kuHadhesi; nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mauri akaitwa muSodhoma, ringadai richipo kusvikira zuva ranhasi.

24 Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nyore kunyika yeSodhoma nezuva rokutongwa kupfuvura iwe.

25 Nenguva iyo Jesu akapindura akati: Ndinokutendai, Baba, Ishe wokudenga napanyika, kuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera navakangwara, mukazvizarurira vacheche.

26 Hongu Baba nokuti ndizvo zvakakufadzai.

27 Zvinhu zvose zvakakumikidzwa kwandiri naBaBa vangu. Hakuna unoziva Mwanakomana asi Baba; hakuna unoziva Baba asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kuzarurira.

28 Vuyai kwandiri mose makaneta makaremerwa, zvino ndichakupai zororo.

29 Torai joko rangu muise * pamusoro penyu, mudzidze kwandiri nokuti ndiri munyoro, ndinomoyo unozvininipisa kuti muwane zororo pamweya yenyu.

30 Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu wakareruka.


12


1 Nenguva iyo. Jesu wakafamba nomusi wesabata nemuzviyo; zvino vadzidzi vake vakanga vane nzara, vakatanga kutanha hura vachidya.

2 Asi vaFarisi vakati vachivona; vakati, kwaari: Tarira vadzidzi vako vanoita zvisingatenderwi kuitwa nomusi wesabata.

3 Asi wakati kwavari: Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi waakanga aziya, navakanga vanaye;

4 kuti wakapinda sei mumba maMwari, akadya zvingwa zvokuratidza, zvisina kutenderwa kudyiwa naye kana navaiva naye asi navaprista chete?

5 Ko hamuna kurava here pamurairo, kuti nesabata vaprista vanosvibisa sabata mutembere asi vasina chavangapomerwa?

6 Asi ndinoti kwamuri: Uri pano mukuru kutembere.

7 Asi dai maiziva kuti zvinorevei kuti *: Ndinoda ngoni handidi chibayiro, mungadai musina kupa mhosva vasine-mhosva.

8 Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe kunyangwe wesabata.

9 Zvino wakati abvapo, akapinda musinagoge ravo.

10 Zvino tarira, kwakanga kunomunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti: Zvakatenderwa kuporesa nemasabata here? Kuti vamupomere mhosva.

11 Akati kwavari: Ndiani kwamuri ungava negwai rimwe kana rikawira mugomba nezuva resabata ungarega kuribata aka ri *budisa?

12 Munhu unopfuvura gwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka nesabata.

13 Zvino akati kumunhu: Tambanudza ruvoko rwako. Akarutambanudza, rukaporeswa rukava sorumwe.

14 Zvino vaFarisi vakabuda, vakarangana pamusoro pake kuti vangamuparadza sei.

15 Asi Jesu wakati achi zvi *ziva, akabvapo; chaunga chikuru chikamutevera, akavaporesa vose.

16 Akavaraira kuti varege kumuzivisa pachena *.

17 Kuti zvizadzisike zvakarehwa nomuporofita Isaya achiti:

18 Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikamwa wangu, unofarirwa nomweya wangu. Ndichaisa mweya wangu pamusoro pake, Iye uchazivisa vahedheni kutonga.

19 Haangarwisi kana kudanidzira, uye hakunomunhu uchanzwa inzwi rake munzira dzomumisha.

20 Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi. Kusvikira achituma kutonga mukukunda.

21 Vahedheni vachaita zita rake tariro yavo.

22 Zvino kwakavuyiswa kwaari mumwe akagarwa nomweya wakaipa, bofu nembeveve; akamuporesa, naizvozvo bofu mbeveve rakataura nokuvona.

23 Chaunga chose chikashamiswa chikati: Ko uyu haazi mwanakomana waDhavhidhi here?

24 Asi vaFarisi vakati vachi zvi *nzwa, vakati: Uyu haabudisi mweya yakaipa, asi naBheerizebhuri muchinda womweya yakaipa.

25 Zvino Jesu akaziva fungwa dzavo, akati kwavari: Ushe hwumwe nohwumwe hwunozvipesanisa hwunoparadzwa, neguta kana imba inozvipesanisa haingamiri.

26 NaSatani kana achibudisa Satani unozvipesanisa; ushe hwake hwuchamira seiko?

27 Uye kana ini ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Nokuda kwaizvozvo ivo vachava vatongi venyu.

28 Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa noMweya waMwari, ipapo ushe hwaMwari hwatosvika kwamuri.

29 Munhu ungapinda seiko mumba momunhu unesimba akapamba nhumbi dzake kana asati ambosunga uyo unesimba? Ipapo uchapamba imba yake.

30 Uyo usineni, unopesana neni nousingavunganidzi neni unoparadzira.

31 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Vanhu vachakangamwirwa zvivi zvose nokumhura Mwari, asi kumhura Mweya mutsvene hakungakangamwirwi munhu.

32 Aninani unotaura shoko rakaipa kuMwanakomana womunhu uchakangamwirwa. Asi ani nani unotaura shoko rakaipa kuMweya Mutsvene haangakangamwirwi, kana panguva ino kana kune inovuya.

33 Itai muti uve wakanaka nezvibereko zvawo zvakanakavo, kana itai muti uve wakaipa nezvibereko zvawo zvakaipavo, nokuti muti unozikamwa nezvibereko.

34 Vana venyoka, mungagona seiko, imwi makaipa kutaura zvinhu zvakanaka? Nokuti muromo unotaura zvizere mumoyo.

35 Munhu wakanaka unobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yake yakanaka yomoyo; nomunhu wakaipa unobudisa zvinhu zvakaipa pafuma yake yakaipa.

36 Asi ndinoti kwamuri: Shoko rimwe nerimwe risina maturo, rinorehwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro * nezuva rokutonga.

37 Nokuti namashoko ako ucharuramiswa, uye namashoko ako ucharashiwa.

38 Zvino vamwe vavanyori navaFarisi vakapindura vakati: Mudzidzisi tinoda kuvona chiratidzo kubva kwamuri.

39 Asi wakapindura akati kwavari: Rudzi rwakaipa runofeva runotsvaka chiratidzo asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwavari. Asi chiratidzo chomuporofita Jona.

40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehunga mazuva matatu novusiku vutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku vutatu.

41 Varume veNinivhi vachasimuka mukutongwa norudzi urwu, vacharupa mhosva; nokuti vakatendevuka nokuparidza kwaJona. Tarirai mukuru kuna Jona uri pano.

42 Mambokadzi wekuchamhembe uchasimuka mukutongwa norudzi urwu, ucharupa mhosva; nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa vuchenjeri hwaSoromoni. Zvino tarirai, mukuru kunaSoromoni pano.

43 Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu, unotenderera panzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo uchishaiwa.

44 Zvino unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda; asi uchisvika unoiwana isine-chiro, yakatsvairwa yakarongedzwa.

45 Zvino unoenda ndokutora pamwechete naye mimwe mweya minomwe yakaipa kumupfuvura, zvino ndokupinda, ndokugaramo; chimiro * chokupedzisira chomunhu uyu chakaipa kupfuvura chokutanga. Zvichaita saizvozvovo norudzi urwu rwakaipa.

46 Wakati achataura nechaunga, tarira, mai navana vamai vake vakamira panze, vachitsvaka kutaura naye.

47 Mumwe akati kwaari: Tarirai, mai venyu navana vamai venyu vamire panze, vachitsvaka kutaura nemwi.

48 Asi wakapindura akati kuna iye wakamuvudza: Mai vangu ndianiko? navana vamai vangu ndivanaaniko?

49 Zvino wakatandavadzira ruvoko rwake kuvadzidzi vake, akati: Tarirai, mai vangu navanun'una vangu.

50 Nokuti aninani unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga, ndiye munun'una wangu, nehanzvadzi namai.


13


1 Nezuva rimwechetero, Jesu wakabuda mumba akandogara pasi nechekugungwa.

2 Zvino chaunga chikuru chakavungana kwaari, nokudaro akapinda muchikepe, akagara pasi; vazhinji vose vakamira pamahombekombe.

3 Ipapo akataura zvinhu zvizhinji kwavari nemifananidzo, akati: Tarirai, mukushi wakabuda kundokusha.

4 Zvino pakukusha kwake, dzimwe mbeu * dzakawira kunzira; shiri dzikasvika dzikadzidya dzose.

5 Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakanga dzisinevhu zhinji, dzikamera pakarepo nokuti dzakanga dzisinavhu rakadzika.

6 Asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa, uye nokuti dzakanga dzisinomudzi, dzakasvava.

7 Dzimwe dzikawira mumhinzwa; mhinzwa ikakura, ikadzivhunga.

8 Asi dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka zvibereko, dzimwe zana, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe makumi matatu.

9 Une nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.

10 Zvino vadzidzi vakavuya, vakati kwaari: Munotaurireiko kwavari nemifananidzo?

11 Akapindura akati kwavari: Nokuti kwamuri kwakapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwokudenga asi ava havana kupiwa.

12 Nokuti ani nani unazvo uchapiwa ave nezvakawanda. Asi ani nani usina uchatorerwa kunyange nezvaanazvo.

13 Naizvozvo ini ndinotaura kwavari nemifananidzo, kuti vachivona, asi havangavoni; vachinzwa asi havanganzwi, kana kunzwisisa.

14 Kuporofita kwaIsaya kwakazadziswa kwavari kunoti: Nokunzwa muchanzwa, musingatongonzwisisi; nokuvona, muchavona, musingatongovonesesi.

15 Nokuti moyo yavanhu ava yava mikukutu, nenzeve dzavo * havanyatsonzwa; nameso avo vakaatsinzina. Kuti varege kutongovona nameso, nokunzwa nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, uye vatendevuke ndivaporese.

16 Asi akaropafadzwa meso enyu, nokuti anovona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa.

17 Nokuti zvirokwazvo ndinoti, kwamuri: Vaporofita navakarurama vazhinji vakanga vachishuva kuvona zvamunovona, asi havana kuzvivona nokunzwa zvamunonzwa asi havana kunzwa.

18 Naizvozvo imwi inzwai mufananidzo womukushi.

19 Mumwe nomumwe unonzwa shoko roushe, akasarinzwisisa, wakaipa unosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa panzira.

20 Asi wakakushwa parukangarahwe, ndiye unonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nomufaro.

21 Asi haana mudzi maari, asi ndiye wechinguvana, kana kushushwa nokutambudzika zvichivuya nokuda kweshoko, pakarepo unogumburwa.

22 Wakakushwa pakati pemhinzwavo ndiye unonzwa shoko zvino kufunganya kwenyika nokunyengera kwefuma zvinovhunga shoko rikashaiwa zvibereko.

23 Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye unonzwa shoko akanzwisisa, unobereka zvibereko, achiita, mumwe zana, mumwe makumi matanhatu mumwe makumi matatu.

24 Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti: Ushe hwokudenga hwunofananidzwa nomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.

25 Asi vanhu vavete, muvengi wake wakavuya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda.

26 Asi chirimwa chakati chamera nokubereka, zvino mashawi akavonekwavo.

27 Zvino varanda vomwene weimba vakavuya vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko mashawi?

28 Akati kwavari: Muvengi waita izvozvo. Varanda vakati kwaari: Ko munoda kuti tindoavunganidza here?

29 Akati: Kwete zvimwe kana muchivunganidza mashawi, mungadzura nezviyovo nawo.

30 Regai zvikure zvose kusvikira pakukohwa; zvino nenguva yokukohwa ndichati kuvakohwi: Tangai kuvunganidza mashawi, muasunge mwanda kuti apiswe; asi muvunganidze zviyo mudura rangu.

31 Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo achiti: Ushe hwokudenga hwakafanana netsanga yembeu yemasitadha yakatorwa nomunhu akaidzvara mumunda make.

32 Iyo iduku kwazvo kumbeu dzose, asi kana yakura ihuru pamirivo yose, inoita muti wokuti shiri dzokudenga dzinovuya dzichigara pamatavi awo.

33 Akataura mumwe mufananidzo kwavari akati *: Ushe hwokudenga hwakafanana nembiriso, yakatorwa nomukadzi, akaiviga muzviyero zvitatu zvovupfu kusvikira hwose hwaviriswa.

34 Izvi zvinhu zvose Jesu wakavudza chaunga nemifananidzo, Haana kutaura chinhu kwavari pasina mifananidzo;

35 kuti zvizadziswe zvakarehwa nomuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvakanga zvakavanzika kubva pakuvambwa kwenyika.

36 Zvino Jesu wakati aendisa ruzhinji, akapinda mumba; vadzidzi vake vakaswedera kwaari, vakati: Tidudzirei mufananidzo wamashawi omumunda.

37 Akapindura akati kwavari: Unokusha mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu;

38 munda inyika; mbeu yakanaka, ndivo vanakomana voushe; asi mashawi ndivo vanakomana vowakaipa.

39 Muvengi wakaakusha ndiye Dhiabhorosi; kukohwa ndiko kuguma kwenguva; vakohwi ndivo vatumwa.

40 Naizvozvo mashawi sezvaanovunganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika.

41 Mwanakomana womunhu uchatuma vatumwa vake, vagovunganidza muushe hwake zvinhu zvose zvinogumbusa navanoita zvisakafanira;

42 zvino vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.

43 Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe bwaBaba vavo. Une nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.

44 Zvekare ushe hwokudenga hwakafanana nefuma yakavigwa mumunda, iyo yakawanikwa nomunhu akaivigazve; zvino nokufara kwake unoenda, akanotengesa zvose zvaanazvo akatenga munda uwoyo. \s Mufananidzo wamaparera*

45 uyevo ushe hwokudenga hwakafanana nomushambadziri unotsvaka maparera* akanaka;

46 akati awana parera* rimwe rinomutengo mukuru, akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga.

47 Ushe hwokudenga hwakafananavo nomumbure unokandirwa mugungwa, unovunganidza marudzi ose ehove *.

48 Kana wazara vanoukwevera pamahombekombe, vogara pasi, vovunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vanodzirashira kunze.

49 Ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. Vatumwa vachabuda, vachazungura vakaipa pakati pavakarurama,

50 vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.

51 Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvose here? Vakati kwaari: Hongu Ishe.

52 Zvino akati kwavari: Naizvozvo munyori mumwe nomumwe wakadzidziswa zvoushe hwokudenga wakafana nomunhu, mwene weimba unobudisa zvinhu zvitsva nezvisharu pafuma yake.

53 Jesu wakati apedza mifananidzo iyi akabvapo.

54 Akasvika kunyika yake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvikira vashamiswa vakati: Uyu munhu wakawanepiko kuchenjera uku namabasa esimba?

55 Ko haazi mwanakomana womuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, navanunu'una vake Jakobho, naJose, naSimoni naJudhasi here?

56 Nehanzvadzi dzake hadzizi pakati pedu dzose here? Ko iye wakagowanepi zvinhu izvozvi zvose.

57 Vakagumbuswa naye. Asi, Jesu akati kwavari: Muporofita haangashaiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.

58 Akasaita mabasa esimba mazhinji ipapo nokuda kokusatenda kwavo.


14


1 Nenguva iyo Herodhe mumwe wavatongi vana wakanzwa mukurumbira waJesu.

2 Akati kuvaranda vake: Uyu ndiJohwani Mubhabhatidzi; wakamuka kuvakafa, saka mabasa esimba awa anobata maari.

3 Nokuti Herodhe wakanga abata Johwani akamusunga, aka mu *isa mutirongo nokuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripi munun'ina wake.

4 Nokuti Johwani akati kwaari: Hazvitenderwi kuti uve naye.

5 Zvino wakanga achida kumuvuraya, akatya chaunga, nokuti vaimutora somuporofita.

6 Asi vachichengetedza zuva rokuberekwa kwaHerodhe, mukunda waHerodhiasi akatamba pamberi pavo, akafadza Herodhe.

7 Naizvozvo wakamuvimbisa nemhiko kuti uchamupa chinhu chipi nechipi chaaizokumbira.

8 Zvino iye, wakati arairwa namai vake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohwani Mubhabhatidzi.

9 Mambo akashungurudzika, asi nokuda kwemhiko, uye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya, akaraira kuti apiwe.

10 Akatuma vanhu * vakandogura musoro waJohwani mutirongo.

11 Musoro wake ukavuyiwa nawo uri mundiro, ukapiwa musikana, aka u *isa kuna mai vake.

12 Vadzidzi vake vakavuya vakatora mutumbi, vakauviga, ndokuenda kundovudza Jesu.

13 Jesu wakati a zvi *nzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kurenje ari oga; zvino vanhu vakati vachinzwa vakabva kumaguta vakamutevera netsoka.

14 Zvino Jesu wakati achibuda muchikepe, akavona chaunga chikuru, akachinzwira tsitsi, akaporesa varwere vacho.

15 Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakavuya kwaari vakati: Pano inzvimbo yerenje, nguva dzaenda; regai chaunga chiyende; kuti vaende kumisha vandozvitengera zvokudya.

16 Asi Jesu wakati kwavari: Havafaniri kuenda; vapei imwi zvavangadya.

17 Asi vakati kwaari: Hatina chinhu pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri.

18 Iye akati: Vuyai nazvo vuno kwandiri.

19 Akaraira chaunga kuti chigare pasi pavuswa, akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, ndokutarira kudenga, akazviropafadza, akamedura zvingwa ndokupa vadzidzi, vadzidzi vakapa chaunga.

20 Vakadya vose, vakaguta, vakavunganidza zvimedu zvakasara, matengu azere anegumi nemaviri.

21 Vakanga vadya vaiva varume vane zvuru zvishanu vakadzi navana vasingaverengwi.

22 Pakarepo Jesu wakagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muchikepe, vamutungamirire mhiri, iye akasara achiendisa chaunga.

23 Zvino wakati aendisa chaunga, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera; madekwana akasvika aripo ari oga.

24 Asi chikepe zvino chakanga chava pakati pegungwa chichitambudzika namafungu; nokuti mhepo yakanga ichivarwisa.

25 Nenguva yechina yovusiku Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pegungwa.

26 Zvino vadzidzi vakati vachimuvona achifamba pamusoro pegungwa, vakamanikidzwa vachiti madzangaradzimu. Vakadanidzira nokutya.

27 Asi pakarepo Jesu akataura navo akati: Tsungai moyo; ndini; musatya.

28 Zvino Petro akamupindura akati: Ishe, kana murimwi ndirairei kuti ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.

29 Iye akati: Vuya. Petro akaburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura, akaenda kuna Jesu.

30 Asi wakati achivona mhepo ine simba akatya; zvino otanga kunyura, akadanidzira, achiti: Ishe, ndiponesei!

31 Pakarepo Jesu wakatandavadza ruvoko, akamubata, akati kwaari: Iwe unokutenda kuduku, unokahadzikireiko?

32 Vakati vapinda muchikepe, mhepo ikanyarara.

33 Ipapo vakanga vari muchikepe vakauya vakamunamata vachiti: Zvirokwazvo ndimwi Mwanakomana waMwari.

34 Vakati vayambukira mhiri, vakasvika panyika yeGenesareti.

35 Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva, vakatuma shoko * panyika yose iyo yakapoteredza, vakavuya kwaari navose vairwara.

36 Vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake, vose vakabata vakaporeswa zvirokwazvo.


15


1 Zvino vakavuya kuna Jesu, vaFarisi navanyori vachibva Jerusarema vakati:

2 Seiko vadzidzi venyu vachidarika tsika dzavakuru? Nokuti havashambi mavoko kana vachidya zvokudya?

3 Akapindura akati kwavari: Nemwivo munodarikireiko murairo waMwari nokuda kwetsika dzenyu?

4 Nokuti Mwari wakaraira akati: Kudza baba vako namai vako; nokuti unotuka baba kana mai, ngaafe rufu.

5 Asi imwi munoti: Aninani unoti kuna baba kana mai: Chipi nechipi chamungabatsirwa neni chibayiro,

6 naizvozvo haachakudzi baba vake kana mai vake; naizvozvo makashayisa murairo waMwari simba netsika dzenyu.

7 Vanyengeri, Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu achiti:

8 Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemiromo yavo, vachindikudza nemiromo; asi moyo wavo iri kure neni.

9 Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso dze *mirairo yavanhu.

10 Zvino akadanira chaunga pedo, akati kwachiri: Teererai munzwisise.

11 Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu; asi zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.

12 Zvino vadzidzi vakaswedera vakati kwaari: Munoziva kuti vaFarisi vakagumburwa vanzwa shoko iri here?

13 Asi wakapindura akati: Muti mumwe nomumwe, usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa.

14 Varegei vakadaro; mapofu anotungamirira mapofu; zvino kana bofu richitungamiraira bofu, vose achawira mugomba.

15 Petro akapindura akati kwaari: Tidudzireivo mufananidzo uyu.

16 Zvino Jesu akati: Nazvino nemwivo muchigere kunzwisisa here?

17 Hamunzwisisi here, kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvichizorashwa kunze?

18 Asi zvinhu izvo zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo; ndizvo zvinosvibisa munhu.

19 Nokuti mumoyo munobuda ndangariro dzakaipa, vumhondi, vufeve, upombwe, kuba, kupupura nhema, nokumhura Mwari.

20 Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya namavoko asati ashambwa hazvisvibisi munhu.

21 Zvino Jesu wakabvapo akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni.

22 Zvino tarira, mukadzi muKanani wakabva kumiganhu iyo akadana achiti: Ndinzwirei ngoni! Haiwa Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanasikana wangu wakabatwa zvakasimba nomweya wakaipa.

23 Asi haana kumupindura kana shoko rimwe. Ipapo vadzidzi vake vakavuya kwaari vakakumbira vachiti: Muendesei, nokuti unodanidzira shure kwedu.

24 Asi wakapindura akati: Handina kutumwa zvimwe *, asi kumakwai akarashika eimba yaIsraeri.

25 Zvino akavuya akamugombedzera akati: Ishe, dondibatsirai henyu.

26 Akapindura akati: Hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokukandira imbwanana.

27 Asi iye akati: Hongu, Ishe, kunyange nembwananavo dzinodya zvimedu zvinowa patafura yavatenzi vadzo.

28 Zvino Jesu akapindura akati kwaari: Haiwa mukadzi, kutenda kwako kukuru! ngazvive kwauri sezvaunoda. Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyoyo.

29 Jesu wakati achibva ipapo akaenda pedo negungwa reGariri; Akakwira mugomo, akagara pasi ipapo.

30 Zvino chaunga chikuru chikavuya kwaari nemhetamakumbo, namapofu nembeveve nezvirema, navamwe vazhinji vakakanda patsoka dzaJesu; akavaporesa.

31 Naizvozvo chaunga chakashamisika chichivona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvichiporeswa, nemhetamakumbo dzichifamba, namapofu achivona; vakarumbidza Mwari wavaIsraeri.

32 Zvino Jesu wakadana vadzidzi vake akati: Ndinetsitsi nechaunga, nokuti vakagara neni mazuva matatu, vasina chavakadya; handingavaindisi vasina kudya, zvimwe vangaziya panzira.

33 Vadzidzi vake vakati kwaari: Ticha wane *piko zvingwa zvakawanda zvakadaro murenje, kuti tigutise chaunga chakadai?

34 Jesu akati kwavari: Munezvingwa zvinganiko? Vakati: Zvinomwe, nehove duku shomanene.

35 Zvino akaraira chaunga kuti chigare pasi pavhu.

36 Akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akamedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa * chaunga.

37 Vakadya vose vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu manomwe azere.

38 Zvino avo vakadya vakanga vari varume vane zvuru zvina, vakadzi navana vasingaverengwi.

39 Zvino wakati aendisa chaunga, akapinda muchikepe, akasvika kumiganhu yeMagadhani.


16


1 VaFarisi navaSajusi vakati vavuya vachiidza; vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga.

2 Asi wakapindura akati kwavari: Kana ava madekwana munoti: Kunze kwakanaka nokuti denga rakatsvuka.

3 Mangwanani munoti *: Nhasi kunze kwakaipa; nokuti denga rakatsvuka richikwidibira. Haiwa vanyengeri, munoziva kuparadzanisa mamiriro edenga, asi hamugoni kuparadzanisa * zviratidzo zvenguva.

4 Rudzi rwakaipa runofeva, runotsvaka chiratidzo, asi hapana chiratidzo chingapiwa kwarwuri, asi chiratidzo chomuporofita Jona. Ipapo akavasiya, akaenda.

5 Zvino vadzidzi vakati vaenda mhiri, vakakangamwa kutora zvingwa.

6 Zvino Jesu akati kwavari: Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisi navaSajusi.

7 Vakarangana pakati pavo vachiti: Unodaro * nokuti hatina kutora chingwa.

8 Zvino Jesu achizviziva akati kwavari: Haiwa, imwi vokutenda kuduku, munorangana pakati penyu nemhaka yeiko nezvokusatora zvingwa?

9 Hamunzwisisi nazvino here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvavanezvuru zvishanu, uye matengu mangani amakawana?

10 Kana zvingwa zvinomwe zvavanezvuru zvina, uye matengu mangani amakavunganidza?

11 Hamunzwisisi neiko, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa kuti muchenjere mbiriso yavaFarisi navaSajusi?

12 Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa asi dzidziso yavaFarisi navaSajusi.

13 Jesu wakati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake, akati: Vanhu vanoti ini Mwanakomana womunhu ndini aniko?

14 Vakati: Vamwe vanoti * Johwani Mubhabhatidzi, vamwe Eria, vamwevo Jeremiya, kana mumwe wavaporofita.

15 Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani?

16 Ipapo Simoni Petro akapindura akati: Ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.

17 Jesu akapindura akati kwaari: Wakaropafadzwa iwe, Simoni mwanakomana waJona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzarurira izvozvo *, asi Baba vangu vari kudenga.

18 Nenivo ndinoti kwauri: Ndiwe Petro, zvino pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuvo ehedhesi* haangaikundi.

19 Zvino ndichapawo kwauri kiyi dzoushe hwokudenga; chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kudenga; nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.

20 Ipapo akarairisa vadzidzi vake kuti varege kuvudza munhu kuti ndiye Jesu unova Kristu.

21 Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza vadzidzi vake kuti unofanira kuenda sei Jerusarema, uye kutambudzwa zvizhinji navakuru, navaprista vakuru navanyori, nokuvurawa nokumutswazve nezuva retatu.

22 Petro akamutora parutivi, akatanga kumutsiura akati: Ngazvirege kuva kwamuri, Ishe; izvi hazvingaitiki kwamuri.

23 Asi wakatendeuka akati kuna Petro: Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.

24 Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake: Kana aninani achida kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.

25 Nokuti aninani unoda kuponesa upenyu hwake ucharashikirwa nahwo; asi ani nani unorashikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uchahwuwana.

26 Nokuti munhu unomubairo weiko kana akawana nyika yose, akarashikirwa nomweya wake? kana munhu ucharipeiko kuti adzikunure mweya wake?

27 Nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya nokubwinya kwaBaba vake navatumwa vake, ipapo uchapa mubairo mumwe nomumwe zvichienderana namabasa ake.

28 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kuna vamire pano, vasingazoraviri rufu kusvikira vavona Mwanakomana womunhu achivuya muushe hwake.


17


1 Shure kwemazuva matanhatu Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohwani munun'una wake, akaenda navo mugomo refu vari voga.

2 Akashandurwa chimiro pamberi pavo, chiso chake chikapenya sezuva, nguvo dzake dzikachena sechiedza.

3 Zvino tarira, Mozisi naEria vakavonekwa kwavari, vachitaura naye.

4 Zvino Petro akapindura, akati kunaJesu: Ishe, zvakatinakira kuva pano; kana muchida, ndichavaka matumba matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMozisi rimwe raEria.

5 Wakati achataura, tarira, gore rinobwinya rakavafukidza; zvino tarirazve inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodikamwa, unondifadza kwazvo mumunzwei.

6 Vadzidzi vakati vachi zvi *nzwa, vakawa nezviso zvavo, vakatya zvikuru.

7 Asi Jesu akaswedera akavabata, akati: Simukai, musatya.

8 Vakati vachisimudza meso avo, havana kuzovona munhu, asi Jesu chete.

9 Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, akati: Musavudza munhu chiratidzo, kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.

10 Vadzidzi vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanogotaurireiko, vachiti: Eria unofanira kutanga kuvuya?

11 Jesu akapindura, akati kwavari: Eria uchatanga kuvuya zvirokwazvo, avandudze zvinhu zvose.

12 Asi ndinotaura kwamuri kuti Eria wakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira chipi nechipi chavakada; saizvozvovo Mwanakomana womunhu uchabva wotambudzwa navo.

13 Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakataura kwavari zvaJohwani Mubhabhatidzi.

14 Vakati vasvika kuchaunga, kwakavuya kwaari munhu, akamufugamira, akati:

15 Ishe, donzwirai mwanakomana wangu ngoni, nokuti unezvipusha, unotambudzika kwazvo; nokuti kazhinji unowira mumoto, kazhinji mumvura.

16 Ndakamuvuyisa kuvadzidzi venyu, vakasagona kumuporesa.

17 Jesu akapindura, akati: Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemwi kusvikira rinhiko? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhiko? Vuyai naye pano kwandiri.

18 Zvino Jesu akatsiura, mweya wakaipa ukabuda kwaari, mukomana akapora kubva panguva iyoyo.

19 Zvino vadzidzi vakavuya kunaJesu parutivi, vakati: Ko isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?

20 Jesu akati kwavari: Nemhaka yokusatenda kwenyu. Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana munokutenda kwakaita setsanga yemasitadha, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko; ringaenda; hakune chinhu chingakukundai.

21 Asi rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera nokutsanya.

22 Zvino vachigara muGariri, Jesu akati kwavari: Mwanakomana womunhu wobva wokumikidzwa mumavoko avanhu,

23 zvino vachamuvuraya, asi nezuva retatu uchamutswazve. Vakashurukirwa zvikuru.

24 Vakati vachisvika Kapenaume, vanhu vaigamuchira mutero vakavuya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haaripi muripo wetembere here?

25 Akati: Hongu. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti: Unofungeiko Simoni? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunavana aniko? Kuvanakomana vavo kana kuvaeni?

26 Peturo akati kwavari: Kuveni. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka.

27 Asi, kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa ukande chiredzo; ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana mari; uitore, uvape iyo, ive yangu neyako.


18


1 Nenguva iyo vadzidzi vakavuya kuna Jesu vakati: Ndianiko mukurusa paushe hwokudenga?

2 Jesu akadanira kwaari mwana muduku akamumisa pakati pavo,

3 Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashanduki mukava savana vaduku, hamungatongopindi muushe hwokudenga.

4 Naizvozvo aninani unozvininipisa somwana muduku uyu ndiye mukurusa muushe hwokudenga.

5 Zvino aninani unogamuchira mwana muduku mumwe wakadai nezita rangu unogamuchira ini.

6 Asi aninani unogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zvirinani kwaari kuti guyo rinoremesa risungirirwe pamutsipa wake, anyudzwe mugungwa pakadzika.

7 Inenhamo nyika, nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvinofanira kuti zvigumbuso zviuye hazvo; asi une nhamo munhu uyo unovuya nezvigumbuso!

8 Zvino kana ruvoko rwako kana rutsoka rwako zvichikugumbusa, uzvigure, urashire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema kana uchikamhina pakukandirwa mumoto wokusingaperi unamavoko maviri kana tsoka mbiri

9 Kana ziso rako richikugumbusa uridzure urashire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uneziso rimwe pakuti unameso maviri ukandirwe mugehena romoto.

10 Chenjerai kuti murege kuzvidza mumwe wavaduku ava, nokuti ndinoti kwamuri: Kudenga vatumwa vavo vanogarovona chiso chaBaba vangu vari kudenga.

11 Nokuti Mwanakomana womunhu wakavuya kuzoponesa chakarashika.

12 Munofungeiko? Kana munhu anezana ramakwai, rimwe rawo rikarashika, haangasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, akaenda kumakomo kundotsvaka rakarashika here?

13 Kana zvikaitika kuti ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Unorifarira kupfuvura makumi mapfumbamwe namapfumbamwe asina kurashika.

14 Nokudaro hakuzi kuda kwaBaba venyu vari kudenga, kuti mumwe wavaduku ava aparare.

15 Asi kana hama yako yakutadzira, enda umuvudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, watsiura hama yako.

16 Asi kana asinganzwi, tora mumwe kana vaviri newe, kuti shoko rimwe nerimwe risimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.

17 Kana asina hanya nokuanzwa, uvudze kereke; kana asina hanya nokunzwa kereke, ngaave kwauri somuhedheni nomuteresi.

18 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchasunga panyika, chichasungwa kudenga; uye chipi nechipi chamunosunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.

19 Zvekare ndinoti kwamuri: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechinhu chipi nechipi chavanokumbira, vachachiitirwa naBaba vangu vari kudenga.

20 Nokuti apo pakavungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.

21 Zvino Petro wakavuya kwaari akati: Ishe, hama yangu ichanditadzira kanganiko, ndikaikangamwira? Kusvikira kanomwe here?

22 Jesu akati kwaari: Handiti kwauri kusvikira kanomwe, asi kusvikira makumi manomwe; akapamhidzirwa kanomwe.

23 Naizvozvo ushe hwokudenga hwunofananidzwa nomumwe mambo, wakanga achida kuongorora varanda vake.

24 Zvino wakati achitanga kuongorora, mumwe akavuyiswa kwaari wakanga anechikwereti chamatarenda* anezvuru zvamazana zvinegumi.

25 Asi wakati achishaiwa chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti muripo uitwe.

26 Naizvozvo muranda akawira pasi, akamunamata, akati: Ishe, ivai nomoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.

27 Zvino ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukangamwira chikwereti.

28 Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana mumwe muranda waibata * pamwe chete naye, wakanga anechikwereti kwaari chamadhenari* anezana; akamubata, aka mu *dzipa, akati: Ndiripe chikwereti changu.

29 Zvino muranda uyo waibata pamwe chete naye akawira pasi patsoka dzake akakumbira zvikuru kwaari, akati: Uve nomoyo murefu neni, ndichazokuripira zvose.

30 Asi iye wakaramba, akaenda, akamuisa mutirongo, kusvikira achizoripa chikwereti.

31 Zvino vamwe varanda vaibata pamwe chete naye vakati vachivona zvakanga zvaitika, vakashungurudzika kwazvo, vakaenda kundovudza ishe wavo zvose zvakaitwa.

32 Zvino ishe wake wakati amudana, akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukangamwira chikwereti icho chose, nokuti iwe wakandigombedzera zvikuru.

33 Ko iwe hauzaifanira kunzwira tsitsi mumwe muranda unobata * pamwe chete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here?

34 Zvino ishe wake akatsamwa, akamukumikidza kuvarwadzisi, kusvikira achizoripa zvose zvakafanira.

35 Saka saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraivo, kana musingakangamwiri mumwe nomumwe hama yake nomoyo yenyu yose.


19


1 Zvino Jesu wakati apedza mashoko iwayo, akabva Gariri, akasvika kumiganhu yeJudhiya mhiri kweJorodhani.

2 chaunga chikamutevera, akavaporesapo.

3 VaFarisi vakavuyavo kwaari, vakamuidza, vachiti kwaari: Ko munhu unotenderwa kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?

4 Akapindura, akati kwavari: Hamuna kurava here, kuti uyo waka va *sika pakutanga wakavaita murume nomukadzi?

5 Akati: Nokuda kwaizvozvo murume uchasiya baba namai, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe.

6 Nokudaro havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngarege kuzviparadzanisa.

7 Vakati kwaari: Mozisi wakagoraireiko kupa rugwaro rwokurambana, nokumudzinga?

8 Akati kwavari: Nokuda kovukukutu hwemoyo yenyu Mozisi wakakutenderai kuramba vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro.

9 Asi ndinoti kwamuri: Ani nani unoramba mukadzi wake, kunze kwemhaka youpombwe, akawana mumwe, unoita upombwe; nounowana wakarambwa unoita upombwe.

10 Vadzidzi vake vakati kwaari: Kana zvakadaro pakati pomurume nomukadzi, hazvina kunaka kuwana.

11 Asi iye akati kwavari: Vose havagamuchiri shoko iri, asi avo vakaripiwa.

12 Nokuti dziripo ngomwa, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai; uye kune ngomwa, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda koushe hwokudenga. Unogona kugamuchira shoko iri *, ngaagamuchire.

13 Zvino vakavuya kwaari navana vaduku, kuti aise mavoko pavari, anyengetere; asi vadzidzi vakavatsiura.

14 Asi Jesu wakati: Tenderai vana vaduku, musavadzivisa kuvuya kwandiri; nokuti ushe hwokudenga ndohwavakadai.

15 Akaisa mavoko pamusoro pavo, akabvapo.

16 Zvino tarira, mumwe wakavuya akati kwaari: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipiko, kuti ndive noupenyu hwusingaperi?

17 Akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna wakanaka, asi mumwe, ndiye * Mwari. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.

18 Akati kwaari: Ipiko? Jesu akati: Usavuraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema;

19 kudza baba vako namai, ude muvakidzani wako sezvaunozvida iwe.

20 Jaya rikati kwaari: Izvozvo zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku hwangu; ndichiri kushaiweiko?

21 Jesu akati kwaari: Kana uchida kukwana, enda utengese zvaunazvo, upe varombo, ugova nefuma kudenga; ugovuya unditevere.

22 Asi jaya rakati richinzwa shoko iro, rikaenda richishungurudzika; nokuti rakanga rine midziyo mizhinji.

23 Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mufumi ucharemerwa kupinda muushe hwokudenga.

24 Ndinotizve kwamuri: Kamera ingarerukirwa kupinda paburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.

25 Vadzidzi vakati va zvi *nzwa, vakashamisika kwazvo, vakati: Ndianiko ungagona kuponeswa?

26 Asi Jesu wakatarira akati kwavari: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.

27 Zvino Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai; tichagowaneiko?

28 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Imwi makanditevera, pakuberekwa kutsva kana Mwanakomana womunhu achizogara pachigaro choushe chokubwinya kwake, imwivo muchagara pazvigaro zvinegumi nezviviri, muchitonga marudzi anegumi namaviri aIsraeri.

29 Uye mumwe nomumwe wakasiya dzimba, kana vanun'una namadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvinezana, akagara nhaka youpenyu hwusingaperi.

30 Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira, vokutanga.


20


1 Nokuti ushe hwokudenga hwakafana nomunhu, mwene weimba, wakabuda mangwanani-ngwanani kundotsvakira munda wake wemizambiringa vabati.

2 Wakati atenderana navabati padhenari* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa.

3 Akabuda nenguva inenge yechitatu, akavona vamwe vamire pamisika, vasina chavaiita;

4 akati kwavari: Endai imwivo mumunda wemizambiringa, ndigokupai chero zvakafanira, vakaenda.

5 Akabudazve nenguva inenge yechitanhatu neyepfumbamwe, akaita saizvozvozve.

6 Zvino nenguva inenge yegumi neimwe, akabuda, akawana vamwe vamire vasina chavaiita, akati kwavari: Makamirireiko pano zuva rose musina chamunoita?

7 Vakati kwaari: Nokuti hapanomunhu wakatipa basa. Akati kwavari: Endai nemwivo mumunda wemizambiringa muchawana zvose zvakafanira.

8 Ava madekwana, mwene womunda wemizambiringa wakati kumutariri wake: Dana vabati, uvape mubairo, uchitanga kunovokupedzisira, kuswikira kunovokutanga.

9 Zvino vakati vachivuya, nenguva inenge yegumi neimwe, vakawana mumwe nomumwe dhenari*.

10 Asi vokutanga vakati vachivuya, vakafunga kuti vachapiwa zvakapfuvura; asi ivo vakapiwavo mumwe nomumwe dhenari*.

11 Vakati vagamuchira, vakagunun'unira mwene weimba,

12 vakati: Ava vokupedzisira, vakabata nguva imwe chete, asi mavaenzanisa nesu takatakura mutoro zuva rose tichitsva nezuva.

13 Akapindura, akati kunomumwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hatina kutenderana padhenari* here?

14 Tora zvako uende, ndichapa kune wokupedzisira sewe.

15 Ko handina kutenderwa kuita zvandinoda nezvangu here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?

16 Saizvozvo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira: nokuti vazhinji vachadamwa, asi vashoma vachasarudzwa.

17 Jesu wakati okwira Jerusarema, akatora vadzidzi vanegumi navaviri vari voga munzira, akati kwavari:

18 Tarirai, tinokwira Jerusarema, zvino Mwanakomana womunhu uchakumikidzwa kuvaprista vakuru navanyori, vachamutongera rufu.

19 Vachamukumikidza kuvahedheni, kuti vaseke, varove, nokurovera pamuchinjikwa, asi nezuva retatu uchamukazve.

20 Zvino kwakavuya kwaari mai vavanakomana vaZebhedhi navanakomana vavo, vakagombedzera vachikumbira chimwe chinhu kwaari.

21 Akati kwavari: Munodeiko? Vakati kwaari: Rairai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kuruvoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe, muushe hwenyu.

22 Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kumwa zvomukombe wandichamwa here? Kana kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here? Vakati kwaari: Tingagona.

23 Akati kwavari: Muchamwa zvirokwazvo zvomukombe wangu nokubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo, asi kugara kuruvoko rwangu rworudyi, nokuruboshwe, handizini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa naBaba vangu.

24 Vanegumi vakati vanzwa, vakatsamwira avo vana vaviri vomunhu mumwe.

25 Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti machinda enyika anovatsikirira, navakuru vavo vanoratidza simba pamusoro pavo.

26 Asi hazvingadaro pakati penyu; asi aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu.

27 Aninani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave muranda wenyu.

28 Sezvakaitavo Mwanakomana womunhu usina kuvuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.

29 Vakati vachibva Jeriko, chaunga chikamutevera.

30 Zvino tarira, mapofu maviri akanga agere paritivi rwenzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuvura, akadanidzira, achiti: Tinzwirei ngoni! Haiwa Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!

31 Chaunga chikaaraira kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Ishe, tinzwirei ngoni! Mwanakomana waDhavhidhi.

32 Ipapo Jesu akamira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitireiko?

33 Akati kwaari: Ishe, kuti meso edu asvinudzwe:

34 Jesu akanzwa tsitsi, akabata meso awo; pakarepo meso avo akasvinudzwa, akamutevera.


21


1 Vakati vachiswedera Jerusarema, vasvika Betefage, pagomo reMiorivhi, ipapo Jesu akatuma vadzidzi vaviri,

2 akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, inedhongwana; sunungurai, muvuyise kwandiri.

3 Kana aninani achitaura chinhu kwamuri, muchati: Ishe unozvida; pakarepo uchazvitumira,

4 Izvozvo zvakaitwa, kuti zvizadziswe zvakataurwa nomuporofita. achiti:

5 Vudzai mwanasikana weZiyoni: Tarira Mambo wako unovuya kwauri; ari munyoro, akatasva mbongoro, nedhongwana mwana wembongoro.

6 Vadzidzi vakaenda, vakaita sezvavakarairwa naJesu,

7 vakavuya nembongoro nedhongwana, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pazvo; vaka mu *gadza pamusoro pazvo.

8 Chaunga chikuru chikawarira nguvo dzacho munzira; vamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira.

9 chaunga chakanga chakamutungamirira nechakanga chichitevera chikadanidzira, chichiti: Hosana* kuMwanakomana waDavhidhi! Ngaarumbidzwe iye unovuya muzita raShe! Hosana* kumusoro-soro!

10 Wakati apinda Jerusarema, guta rose rikazungunuswa, vakati: Uyu ndianiko?

11 chaunga chikati: Uyu ndiJesu muporofita weNazareta reGariri.

12 Zvino Jesu wakapinda mutembere yaMwari, akabudisa vose vaitengesa navaitenga mutembere, akakwidibira matafura avaitsinhanha mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva.

13 Akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi *: Imba yangu ichanzi imba yomunyengetero, asi imwi munoiita bako ramakororo.

14 Zvino mapofu navaikamhina vakavuya kwaari mutembere; akavaporesa.

15 Asi vaprista vakuru navanyori vakati vachivona zvinhu zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana* kuMwanakomana waDhavhidhi! Vakatsamwa zvikuru,

16 vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivava here? Jesu akati kwavari: Hongu, imwi hamuna kutongorava here, kuti: Mumuromo mavacheche navanomwa makazadza kukudza?

17 Akavasiya, akabuda muguta, akaenda Bhetaniya, ndokuvatapo.

18 Mangwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.

19 Zvino, wakati achivona muvonde panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha chete; akati kwawuri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri nokusingaperi. Muvonde ukaswava pakarepo.

20 Vadzidzi vakati vachivona, vakashamiswa, vakati: Muvonde wasvava pakarepo seiko?

21 Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nokutenda, musingakahadziki, hamungaiti izvi kumuvonde chete, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe mugungwa, zvichaitwa.

22 Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa.

23 Wakati apinda mutembere, vaprista vakuru navakuru vavanhu vakavuya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri?

24 Jesu akapindura akati kwavari: Neni ndichakuvhunzaivo shoko rimwe; kana mukandivudza iro, neni ndichakuvudzaivo kuti ndinoita izvi nesimba ripi.

25 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabvepiko? Kudenga here kana kuvanhu? Vakataurirana vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati kwatiri: Makagoregerei kumutenda?

26 Asi kana tikati: Kuvanhu, tinotya vanhu vazhinji; nokuti vose vakatora, Johwani somuporofita.

27 Vakapindura Jesu vakati: Hatizivi, akati kwavari: Neni handingakuvudziyivo simba randinoita naro zvinhu izvi.

28 Zvino munofungeiko? Munhu waiva navanakomana vaviri; akavuya kunowokutanga, akati: Mwana, enda nhasi kundobata mumunda wangu wemizambiringa.

29 Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akatendeuka akenda.

30 Akaenda kunowechipiri akataura saizvozvo. Iye akapindura akati: Ndino enda *, Ishe; akasaenda.

31 Ndoupiko kunaivavo vaviri wakaita kuda kwababa? Vakati kwaari: Wokutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari.

32 Nokuti Johwani wakavuya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda; asi vateresi nezvifeve vakamutenda. Imwi makati muchivona izvozvo, hamuna kuzotendevuka kuti mumutende.

33 Inzwai mumwe mufananidzo. Kwaiva nomumwe, mwene weimba, wakasima munda wake wemizambiringa; akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira waini mauri, akavaka shongwe, akaupa varimi, akaenda kune imwe nyika.

34 Nguva yezvibereko yakati yaswedera, akatuma varanda vake kuvarimi kundotora zvibereko zvawo.

35 Asi varimi vakabata varanda vake, vakarova mumwe vakavuraya mumwe, vakataka mumwe namatimbo.

36 Akatumazve vamwe varanda, vazhinji kunovokutanga; vakavaitira saizvozvo.

37 Asi pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti: Vacharemekedza mwanakomana wangu .

38 Asi varimi vakati vachivona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai, ngatimuvurayeyi titore nhaka yake.

39 Zvino vakamubata vakabudisira kunze komunda wemizambiringa vakamuvuraya.

40 Naizvozvo kana mwene womunda wemizambiringa achizouya, uchaiteiko kuvarimi ivavo?.

41 Vakati kwaari: Uchaparadza zvakaipa vanhu avo vakaipa, akapa vamwe varimi munda wemizambiringa, vachazomupa zvibereko nenguva dzazvo.

42 Jesu akati kwavari: Hamuna kutongorava here pamagwaro panoti *: Ibwe rakarambwa navavaki, ndirovo rakazova musoro wekona; uku kuita kwaShe, zvinoshamisa pameso edu?

43 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Ushe hwaMwari hwuchatorwa kubva kwamuri, hwukapiwa vanhu vanobereka zvibereko zvahwo,

44 Unowira pamusoro pebwe iri, uchavhunika; asi upi noupi warinowira richamukuya akaita vupfu.

45 Vaprista vakuru navaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti unovareva ivo.

46 Zvino vakatsvaka kumubata asi * vakatya chaunga nokuti chaimuidza muporofita.


22


1 Zvino Jesu wakapindura, akataurazve navo nemifananidzo, akati:

2 Ushe hwokudenga hwakafananidzwa nomumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wokuwana;

3 akatuma varanda vake kundodana avo vakanga vakokwa kumutambo wokuwana, vakaramba kuvuya.

4 Akatumazve vamwe varanda, akati: Vudzai vakakokerwa muti *: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu, nzombe dzangu nezvakakora zvabayiwa, zvinhu zvose zvagadzirwa; vuyai kumutambo wokuwana.

5 Asi havana kuzviisa mufungwa, vakaenda, mumwe kumunda wake, mumwe kukutengeserana kwake;

6 vakasara vakabata varanda vake, vaka va *itira zvakaipa, vakavavuraya.

7 Zvino mambo wakati a zvi *nzwa, wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza vavurayi avo, akapisa guta ravo.

8 Zvino akati kuvaranda vake: Mutambo wokuwana wakagadzirwa, asi vakanga vakokwa vakanga vasina kufanirwa.

9 Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo wokuwana vose vamunowana.

10 Varanda ivavo vakabudira kunzira, vakavunganidza vose vavakawana, vakaipa navakanaka; imba yokuwana ikazara navagere pakudya.

11 Zvino mambo wakati achipinda kuzovona vakokwa, akavona munhu usina kupfeka nguvo yomutambo wokuwana;

12 akati kwaari: Shamwari, wapinda pano seiko, usinenguvo yomutambo wokuwana? Akashaya romuromo.

13 Zvino mambo akati kuvaranda: Musungei makumbo namavoko, mumutore, mumukandire kurima rokunze; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.

14 Nokuti vazhinji vakadamwa, asi vakasanangurwa vashoma.

15 Zvino vaFarisi vakaenda kundorangana kuti vangamubata sei pakutaura.

16 Vakatuma kwaari vadzidzi vavo navaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechchokwadi, munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, musingarangariri zvomunhu, nokuti hamutariri chimiro chomunhu.

17 Naizvozvo tivudzei, Imwi munofungei? Zvinotenderwa kuripira Kesari mutero here kana kwete?

18 Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzireiko, imwi vanyengeri?

19 Ndiratidzei mari yomutero. Vakamuvigira dhenari.*

20 Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu nechinyorwa ichi ndezvani?

21 Vakati kwaari: ZvaKesari. Akati kwavari: Naizvozvo, ipai Kesari zvinhu zvaKesari, naMwari zvinhu zvaMwari.

22 Vakati vanzwa vakashamiswa, vakamusiya, vakaenda.

23 Nezuva iroro vaSajusi vakasvika kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza,

24 vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakati, kana munhu akafa asina vana, munun'una wake ngaawane mukadzi wake, agomutsira mukoma wake vana.

25 Takanga tine vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa asina vana, akasiyira munun'una wake mukadzi wake;

26 Saizvozvovo wechipiri, nowechitatu, kusvikira kunowechinomwe.

27 Pakupedzisira mukadzi akafavo.

28 Zvino pakumuka kwavakafa, uchava mukadzi waaniko pavanomwe, nokuti vose vaiva naye.

29 Jesu akapindura, akati kwavari: Marashika, nokusaziva magwaro, kana simba raMwari;

30 nokuti pakumuka kwavakafa havawani, kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa vaMwari kudenga.

31 Asi maererano nokumuka kwavakafa, hamuna kurava here zvakataurwa kwamuri naMwari, achiti:

32 Ini ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Mwari haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu.

33 Zvino chaunga chichinzwa izvozvo, chakashamiswa nedzidziso yake.

34 VaFarisi vakati vachinzwa kuti wapwisa vaSajusi, vakavungana pamwe chete.

35 Zvino mumwe wavo, nyanzvi yomutemo, yakamubvunza, ichimuidza, ikati:

36 Mudzidzisi, ndoupiko murairo mukuru pamirairo?

37 Jesu akati kwaari: Ida Ishe Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nefungwa dzako dzose.

38 Ndiwo murairo wokutanga uye mukuru.

39 Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu *: Ida muvakidzani wako se zvaunozvida * iwe.

40 Murairo wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri.

41 Zvino vaFarisi vachakavungana pamwechete, Jesu akavabvunza,

42 akati: Munofungeiko pamusoro paKristu? Mwanakomana waaniko? Vakati kwaari: WaDhavhidhi,

43 Akati kwavari: Dhavhidhi wakagomudana seiko muMweya kuti * Ishe, achiti:

44 Ishe wakati kunaShe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?

45 Zvino, kana Dhavhidhi achimuti Ishe, ungagova mwanakomana wake seiko?

46 Zvino kukashaikwa munhu wakagona kumupindura shoko; uye kwakanga kusinomunhu kubva pazuva iro wakatsunga kumubvunzazve.


23


1 Zvino Jesu wakataura kuchaunga navadzidzi vake,

2 akati: Vanyori navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi;

3 saka zvose zvavanokuvudzai kuti muzvichengete, muzvichengete nokuzviita, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti.

4 Vanosunga mitoro inorema, inorwadza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo havadi kuibata nemimwe yavo.

5 Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vavonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera* avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo,

6 vanofarira zvigaro zvapamusoro pamabiko, nezvigaro zvikuru mumasinagoge,

7 nokukwaziswa pamisika, nokuidzwa mudzidzisi, mudzidzisi navanhu.

8 Asi imwi musaidzwa mudzidzisi, nokuti Mudzidzisi wenyu ndomumwe, Kristi; imwi mose muri hama.

9 Musaidza uri panyika baba venyu; nokuti mumwe chete ndiBaba venyu, ivo vari kudenga.

10 Musaidzwavo vatenzi; nokuti mumwe chete ndiTenzi wenyu, iye * Kristu.

11 Asi mukuru pakati penyu uchava muranda wenyu.

12 Aninani unozvikudza uchaninipiswa; ani nani unozvininipisa, uchakudzwa.

13 Asi Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwokudenga; nokuti imwi hamupindi, naivo, vanopinda, hamuvatenderi kupinda.

14 Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFarisi, vanyengeri, nokuti munoparadza dzimba dzechirikadzi muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchatongerwa kurashiwa nokupfuvurisa.

15 Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFaisi, vanyengeri, nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzoita mumwe ave muJudha; kana awanikwa, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri.

16 Vurombo kwamuri, imwi vatungamiriri vakapofumara, munoti: Ani nani unopika netembere, hachizi chinhu asi ani nani unopika nendarama yetembere, ndiye unemhosva.

17 Imwi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, ndarama kana tembere, inoita ndarama ive tsvene?

18 Uyezve; aninani unopika nearitari, hachizi chinhu; asi aninani unopika nechipo chiri pamusoro payo, ndiye unemhosva.

19 Mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, chipo kana aritari, inoita chipo chive chitsvene?

20 Naizvozvo, unopika nearitari, unopika nayo nezvose zviri pamusoro payo.

21 Nounopika netembere, unopika nayo, nounogara mairi,

22 Nounopika nokudenga, unopika nechigaro choushe chaMwari, nounogara pamusoro pacho.

23 Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopa chegumi cheminte*, neanise*, nekumini*, muchirega zvikuru zvomurairo zvinoti *: Kutonga, nengoni, nokutendeka; maifanira kuzviita izvi nokusarega kuita zvimwe.

24 imwi vatungamiriri vakapofumara, munomimina rutunga, muchimedza kamera.

25 Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze komukombe nendiro, asi mukati muzere nokupamba nokusazvidzora.

26 MuFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenavo.

27 Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anovonekwa saakanaka zvirokwazvo kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa a va *kafa netsvina yose.

28 Saizvozvo nemwivo munovonekwa navanhu kunze kwenyu makaita semakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa.

29 Vurombo kwamuri, imwi vanyori navaFarisi vanyengeri! Nokuti munovaka marinda avaporofita, nokushongedza marinda avakarurama,

30 muchiti: Dai taivapo pamazuva amadzibaba edu, tingadai tisina kuvabatsira paropa ravaporofita.

31 Saka munozvipupurira kuti muri vanakomana vavakavuraya vaporofita.

32 Zvino chizadzisai chiyero chamadzibaba enyu,

33 Imwi * nyoka; vana venyoka, muchatiza seiko kutonga kwegehena?

34 Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchavuraya vamwe * vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa vamwe * vavo mumasinagoge enyu, nokuvatambudza mumaguta ose.

35 Kuti ropa rose ravakarurama, rakatevurirwa panyika, riuye pamusoro penyu, kubva paropa raAberi wakanga akarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBarakia, wamakavuraya pakati petembere nearitari.

36 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvose zvichavuya pamusoro porudzi urwu.

37 Jerusarema! Jerusarema! Iwe unovuraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuvunganidza vana vako pamwechete, semhambo inovunganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro, asi mukaramba!

38 Tarirai, masiirwa imba yenyu rava dongo.

39 Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva zvino hamuchazondivoni, kusvikira muchiti: Wakaropafadzwa iye unovuya nezita raShe.


24


1 Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake vakavuya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetembere.

2 Jesu akati kwavari: Hamuvoni zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungazosiiwi ibwe rimwe pamusoro pebwe risingazowisirwi pasi.

3 Wakati agara pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakavuya kwaari pachivande vakati: Tivudzei, izvozvo zvichagova rinhiko? Nechiratidzo chokuvuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?

4 Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu;

5 nokuti vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti: Ndini Kristu; vachitsausa vazhinji.

6 Zvino muchanzwa zvehondo neguhu rehondo chenjerai musamanikidzwa nokuti zvose zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika.

7 Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, noushe hwuchamukira * ushe, uye kuchava nenzara, nehosha, nokudengenyika kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana.

8 Asi zvose izvozvi kutanga kwenhamo.

9 Zvino vachakukumikidzai kumatambudziko, vachakuvurayai; muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.

10 Zvino vazhinji vachagumburwa, vachatengesana, nokuvengana.

11 Vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji.

12 Nokuti kusarurama kuchawanda, rudo rwavazhinji ruchatonhora.

13 Asi unotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye uchaponeswa.

14 evhangeri iyi youshe ichaparidzwa munyika dzose chive chapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.

15 Naizvozvo kana muchivona nyangadzi yokuparadza yakarehwa nomuporofita Dhanyeri imire panzvimbo tsvene (unorava ngaacherekedze).

16 Zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;

17 uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make;

18 nouri kumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo dzake.

19 Vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo!

20 Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando, kana nesabata.

21 Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipozve.

22 Dai mazuva iwayo asaitapudzwa, hakuna nyama yairarama, asi nokuda kwavasanangurwa, mazuva iwayo achatapudzwa.

23 Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano kana apo, musatenda.

24 Nokuti kuchamuka vanaKristu venhema navaporofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvishamiso, kuti kana zvichibvira, vatsause navasanagurwavo.

25 Tarirai, ndagara ndakuvudzai.

26 Zvino kana vakati kwamuri: Tarirai, uri kurenje, musabuda; tarirai uri mudzimba dzomukati, musatenda.

27 Nokuti semheni inobva kumabvazuva ichipenyavo kumavirira, ndizvo zvichaita kuvuya koMwanakonana womunhu.

28 Apo pane chitunha ndipo pachavunganira magora.

29 Pakarepo shure kokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, nomwedzi hauchazopi chiedza chawo. Nyeredzi dzichawa kudenga namasimba okudenga achazungunuswa.

30 Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichavonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema achivona Mwanakomana womunhu achivuya pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.

31 Uchatuma vatumwa vake nekurira kwehwamanda kukuru, vachavunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina kubva kumuganhu mumwe wedenga kusvikira kunomumwe muganhu.

32 Asi dzidzai mufananidzo womuvonde; Kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti munakamwe w ava * pedo.

33 Saizvozvo nemwivo kana movona izvozvo zvose, zivai kuti wava pedo pamukova.

34 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongo-pfuvuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika.

35 Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri.

36 Asi kana riri zuva iro nenguva iyo hakuna unozviziva, kunyangwe vatumwa vokudenga, asi Baba vangu voga.

37 Asi sapamazuva aNowa ndizvo zvichaitavo kuvuya koMwanakomana womunhu.

38 Nokuti sepamazuva mafashame asati asvika, vaidya nokumwa, nokuwana, nokuwaniswa kusvikira zuva Nowa raakapinda naro muareka.

39 Vasingazivi kusvikira mvura zhinji yavabvisa vose, ndozvichaita kuvuya koMwanakomana womunhu.

40 Ipapo vaviri vachava mumunda; mumwe uchatorwa mumwe akasiyiwa.

41 Vaviri vachakuya paguyo rimwe; mumwe uchatorwa mumwe akasiyiwa.

42 Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaanovuya nayo.

43 Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nguva ichasvika mbavha ungadai airinda akasatendera imba yake kuti ipazwe.

44 Naizvozvo nemwivo garai makazvigadzirira; nokuti nenguva yamusingafungiri, Mwanakomana womunhu uchavuya.

45 Ndianiko muranda wakatendeka, wakangwara, wakagadzwa nashe wake kuti ave mutariri weimba yake kuti avape zvokudya nenguva yakafanira?

46 Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo.

47 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Uchamugadza pamusoro pezvose zvaanazvo.

48 Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuvuya.

49 Akatanga kurova vamwe varanda vanobata * pamwe chete naye, akadya nokumwa nezvidhakwa.

50 Ishe womuranda uyo uchasvika nezuva raasingatariri nenguva yaasingazivi,

51 akamugura napakati, akamupa mugove wake pamwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.


25


1 Ipapo ushe hwokudenga hwuchafananidzwa navasikana vanegumi. Vakatora marambi avo, vakabuda kundochingamidza chikomba.

2 Zvino vashanu vavo vakanga vakachenjera, vashanu vari mapenzi.

3 Avo vakanga vari mapenzi vakatora marambi avo vakasatora mafuta pamwechete navo.

4 Asi vakanga vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo.

5 Zvino chikomba chakati chichinonoka, vakatsumwaira vose vakavata.

6 Asi pakati povusiku kwakaitwa mhere-mhere: Tarirai, chikomba chovuya, budai mundochichingamidza!

7 Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira marambi avo.

8 Mapenzi akati kunavakachenjera: Tipeiwo mamwe mafuta enyu nokuti marambi edu odzima.

9 Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi tose; endai henyu kuna vanotengesa munozvitengera.

10 Asi vakati vachienda kundotenga, chikomba chikasvika. Zvino vakanga vakazvigadzirira vakapinda nacho mumutambo wokuwana, mukova ukapfigwa.

11 Pashure kwakavuyavo vamwe vasikana, vakati: Ishe, Ishe, tizarurirei!

12 Asi akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: handikuziviyi imwi.

13 Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana nguva Mwanakomana womunhu yaanovuya nayo.

14 Nokuti zvakaita somunhu wakaenda kuneimwe nyika, akadana varanda vake, akavapa midziyo yake.

15 Akapa mumwe matarenda* mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanirana nesimba rake, pakarepo akafamba rwendo.

16 Uye wakapiwa matarenda* mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe matarenda mashanu.

17 Saizvozvovo wemaviri akawana mamwe maviri.

18 Asi wakapiwa rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yashe wake.

19 Shure kwenguva refu, ishe wavaranda ivavo akasvika, akagadzira mashoko emari * navo.

20 Wakanga apiwa matarenda* mashanu akavuya namamwe matarenda* mashanu akati: Ishe makandikumikidza matarenda* mashanu, tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda* mashanu.

21 Ishe wake akati kwaari: Waita zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka. Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.

22 Uyo wakanga apiwa matarenda* maviri akavuyavo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda* maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda* maviri pamusoro pawo.

23 Ishe wake akati kwaari: Waita zvakanaka, muranda wakanaka, wakavimbika, wakanga wakavimbika pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.

24 Asi wakanga apiwa tarenda* rimwe naiye wakavuya akati: Ishe ndakanga ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusati makadzvara, munovunganidza pamusina kukusha;

25 Zvino ndakatya, ndikanoviga tarenda* renyu muvhu; tarirai, mava nechenyu!

26 Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa unovusimbe, wakanga uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichivunganidza pandisina kukusha.

27 Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi, kuti pakusvika kwangu ndingadai ndapiwa zvangu zvawanda;

28 Naizvozvo mutorerei tarenda*, mupe kune unamatarenda* anegumi.

29 Nokuti mumwe nomumwe unazvo uchapiwa ave nezvizhinji; asi usina uchatorerwa nezvaanazvo.

30 Budisirai muranda pasina kurima rokunze, ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.

31 Zvino kana Mwanakomana womunhu achivuya mukubwinya kwake, navatumwa vatsvene vose vanaye, ipapo uchagara pachigaro choushe chinobwinya.

32 Zvino pamberi pake pachavunganidzwa ndudzi dzose; uchadziparadzanisa imwe kubva kune imwe; somufudzi unoravura makwai kubva kumbudzi.

33 Uchamisa makwai kuruoko rwake rworudyi, asi mbudzi kuruboshwe.

34 Zvino Ishe uchati kuna vari kuruoko rwake rworudyi: Vuyai, imwi makaropfadzwa vaBaba vangu, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemwi kubva pakuvamba kwenyika.

35 Nokuti ndakanga ndinenzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, imwi mukandipa chokumwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira;

36 ndisina nguvo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandishanyira; ndakanga ndiri mutirongo mukavuya kwandiri.

37 Zvino vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuvonai rinhiko isu munenzara, tika ku *pai chokudya? Kana munenyota tikapa chokumwa?

38 Takakuvonai rinhiko muri mweni tikagamuchira, Kana musinenguvo tikapfekedza?

39 Takakuvonai rinhiko isu muchirwara, kana mutirongo, tikavuya kwamuri?

40 Ipao mambo uchapindura achiti kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makaitireni.

41 Ipapo uchativo kuna vari kuruoko rworuboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makatukwa, muende * kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Diaborosi navatumwa vake.

42 Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokumwa;

43 ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndisinenguvo, mukasandipfekedza; ndichirwara, nomutirongo, mukasandishanyira.

44 Ipapo naivava vachapinduravo vachiti: Ishe, takakuvonai rinhiko munenzara kana munenyota, kana muri mweni, kana musinenguvo kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushumirai?

45 Zvino uchavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusati makaitira mumwe wavaduku ava, hamuzakaitireni.

46 Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu hwusingaperi.


26


1 Jesu wakati apedza mashoko iwayo ose, akati kuvadzidzi vake:

2 Munoziva kuti kana mazuva maviri apfuvura ichava paseka, Mwanakomana womunhu uchakumikidzwa kuvatongi * kuti aroverwe.

3 Zvino kwakavungana vaprista vakuru navanyori navakuru vavanhu muruvazhe rwomuprista mukuru wainzi Kayafasi.

4 Vakarangana kuti vabate Jesu namano, vago mu *vuraya.

5 Asi vakati: Kwete pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu.

6 Zvino Jesu wakati ari paBhetaniya mumba maSimoni wamaperembudzi,

7 Kwakavuya kwaari mukadzi nechinu chearibhasiteri chechizoro chinokosha zvikuru, akadurura mumusoro wake agere pakudya.

8 Asi vadzidzi vake vakati vachivona, vakatsamwa kwazvo vakati: kurasikirwa kwakadaro kwaitirweiko?

9 Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.

10 Asi Jesu aziva akati kwavari: Munotambudzireko mukadzi? Nokuti waita basa rakanaka kwandiri;

11 nokuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose.

12 Nokuti pakundidira chizoro ichi pamuviri wangu, waitira kuvigwa kwangu.

13 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kose kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika dzose izvivo zvaitwa nomukadzi zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.

14 Zvino mumwe wavanegumi navaviri, wainzi Judhasi Isikariyoti, wakaenda kuvaprista vakuru,

15 akati: Muchandipeiko, ndigomuisa kwamuri? Vakatenderana naye pamasirivheri anamakumi matatu,*

16 Zvino kubva ipapo akatsvaka nguva yakafanira yokumukumikidza kwavari nayo.

17 Ne zuva * rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakavuya kuna Jesu vakati kwaari: Munoda kupiko kwatingakugadzirirai pasika kuti mudye?

18 Akati: Endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari: Mudzidzisi unoti: Nguva yangu yava pedo; ndichaita paseka paimba yako navadzidzi vangu.

19 Vadzidzi vakaita sezvavakarairwa naJesu; vakagadzira paseka.

20 Zvino ava madekwana akagara pasi navanegumi navaviri.

21 Vakati vachidya akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mumwe wenyu uchanditengesa.

22 Zvino vakashungurudzika kwazvo, vakatanga mumwe nomumwe kuti kwaari: Ishe ndini here?

23 Asi wakapindura akati: Unoisa ruvoko neni mundiro ndiye uchanditengesa.

24 Mwanakomana womunhu uchaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi unenhamo munhu uyo Mwanakomana womunhu waanotengeswa naye. Zvaiva nani kumunhu uyu kana asina kuberekwa.

25 Zvino Judhasi uyo wakamutengesa akapindura akati: Mudzidzisi, ndini here? Akati kwaari: Wataura iwe.

26 Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa vadzidzi achiti: Torai, idyai uyu ndiwo muviri wangu.

27 Akatora mukombe, akavonga, akavapa achiti: Imwai mose pauri.

28 Nokuti uyu iropa rangu resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji rokukangamwirwa kwezvivi.

29 Asi ndinoti kwamuri: Handichatongomwizve zvechibereko chomuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazomwa naro nemwi zvava zvitsva muushe hwaBaba vangu.

30 Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.

31 Zvino Jesu wakati kwavari: Imwi mose muchagumburwa nokuda kwangu vusiku hwuno; Nokuti kwakanyorwa kuchinzi *: Ndicharova mufudzi namakwai eboka achapararira.

32 Asi shure kokumutswa kwangu, ndichakutungamirirai Gariri.

33 Asi Petro wakapindura akati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa; nokuda kwenyu, ini handingatongogumburwi.

34 Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Kuti vusiku hwuno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.

35 Petro akati kwaari: Kunyange ndichifanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi ini. Vadzidzi vose vakadarovo.

36 Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi: Garai pano ini ndichienda kunonyengetera uko.

37 Akatora Petro navanakomana vaviri vaZebhedhi, akatanga kushungurudzika nokuzarirwa.

38 Akati kwavari: Mweya wangu unoshungurudzika kwazvo kunyange kusvikira pakufa, garai pano murinde neni.

39 Akapfuvura mberi zvishomanene, akawa nechiso chake, akanyengetera achiti: Haiwa Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuvure kwandiri. Asi kwete sokuda kwangu asi kwenyu.

40 Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavete, akati kunaPetro: Saka makoniwa kurinda neni awa rimwe here?

41 Rindai munyengetere, kuti murege kupinda mukuidzwa, mweya unoda zvirokwazvo asi nyama hainesimba.

42 Akaendazve rwechipiri akanyengetera, achiti: Haiwa Baba vangu kana mukombe uyu usingagoni kupfuvura kubva kwandiri, ndisina kuumwa, kuda kwenyu ngakuitwe.

43 Akadzoka, akavawana vavatazve, nokuti meso avo akanga orema.

44 Akavasiya, akaendazve akanyengetera rwechitatu, achitaurazve mashoko, iwawo.

45 Zvino akavuya kuvadzidzi akati kwavari: Chivatai henyu muzorore; tarirai, nguva yaswedera, Mwanakomana womunhu wotengeswa mumavoko avatadzi.

46 Simukai, ngatiende, tarirai, wonditengesa kwavari wava pedo.

47 Zvino achataura, tarira, Judhasi mumwe wavanegumi navaviri akasvika, ane chaunga chikuru vakabata minondo netsvimbo vachibva kuvaprista vakuru navakuru vavanhu.

48 Zvino iye wakamutengesa wakavapa chiratidzo achiti: Uyo wandichasveta ndiye, mumubate.

49 Pakarepo akasvika kuna Jesu, akati: Hekanhi Mudzidzisi! Akamusveta.

50 Jesu akati kwaari: Shamwari, wavingeiko?. Ipapo vakavuya vakaisa mavoko pana Jesu vakamubata.

51 Zvino tarirai, mumwe wavaiva naJesu akatambanudza ruvoko, akavhomora munondo wake akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake.

52 Zvino Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako munzvimbo mawo nokuti vose vanobata munondo vanoparadzwa nomunondo.

53 Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu vakandipa ikozvino mapoka avarwi anopfuvura makumi maviri?

54 Zvino magwaro angazadziswa seiko anoti: Zvinofanira kuti zvidaro?

55 Nenguva iyo Jesu akati kuchaunga: Mabuda semunovinga gororo neminondo netsvimbo kuzondibata here? Ndaigara nemwi mazuva ose ndichidzidzisa mutembere mukasandibata.

56 Asi izvi zvose zvaitwa, kuti magwaro avaporofita azadziswe. Zvino vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza.

57 Avo vakanga vabata Jesu vaka mu *endesa kunaKayafasi muprista mukuru, apo pakanga pavungana vanyori navakuru.

58 Asi Petro akamutevera ari kure kusvikira pamuzinda womuprista mukuru, akapinda mukati, akagara navaranda kuzovona kupera kwazvo.

59 Zvino vaprista vakuru navakuru namakurukota ose vakatsvaka vuchapupu hwenhema kuti vapomere Jesu, vamuvuraye.

60 Asi havana ku vu *wana, kunyange zvapupu zvizhinji zvenhema zvakavuya. Pakupedzisira zviviri zvakasvika,

61 zvikati: Munhu uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMwari, nokuivakazve namazuva matatu.

62 Zvino muprista mukuru akasimuka akati kwaari: Haupinduri chinhu here? Vuchapupu hwei hwunopupurirwa iwe?

63 Asi Jesu wakaramba anyerere. Muprista mukuru akapindura akati kwaari: Ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utivudze kana uri Kristu, Mwanakomana waMwari.

64 Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchavona Mwanakomana womunhu agere kuruoko rworudyi rwesimba, achivuya pamusoro pamakore okudenga.

65 Ipapo muprista mukuru akabvarura nguvo dzake akati: Wamhura Mwari; tichadireiko hwumwe vuchapupu? Tarirai, manzwa zvino kumhura Mwari kwake.

66 Munofungeiko? Vakapindura vakati: Unemhoswa yorufu.

67 Zvino vakamupfira mate pachiso, vakamurova netsiva, vamwe vakamurova nembama,

68 vachiti: Porofita kwatiri, iwe Kristu, ndiani wakurova. \s Kuramba kwaPetro

69 Petro wakanga agere panze pamuzinda. Zvino murandakadzi wakavuya kwaari akati: Newevo wakanga una Jesu weGariri.

70 Asi iye wakaramba pamberi pavose achiti: Handizivi zvaunoreva.

71 Zvino wakati abuda pasuvo, mumwe akamuvona, akati kuna vaivapo: Uyu wakanga anaJesu weNazareta.

72 Akarambazve nokupika, achiti *: Handimuzivi munhu uyu.

73 Chava chinguva vakanga vamirepo vakavuya vakaswedera vachiti kunaPetro: Zvirokwazvo newevo uri wavo nokuti kutaura kwako kunokutengesa.

74 Zvino wakatanga kutuka nokupika achiti *: Handimuzivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira.

75 Ipapo Petro akarangarira shoko raJesu raakati kwaari: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu, Ipapo akabuda panze akandochema zvikuru.


27


1 Kwakati kwaedza vaprista vakuru vose navakuru vavanhu vakarangana pamusoro paJesu kuti vamuvuraye.

2 Vakati vamusunga vakaendesa kuna Pondiyo Pirato mubati.

3 Zvino Judhasi wakanga amutengesa avona kuti warashwa, ndokuzvidya moyo akadzosera masirivheri aya anamakumi matatu kuvaprista vakuru navakuru,

4 Achiti: Ndatadza, ndatengesa ropa risinemhosva. Vakati: Tinei nazvo? Tavona iwe.

5 Akakandira pasi masirivheri mutembere, akabva akaenda akandozvisungirira.

6 Vaprista vakuru vakatora makobiri esirivheri vakati, hazvina kufanira kuti tiaise muchivigiro chemari, nokuti mutengo weropa.

7 Vakarangana, vakatenga nawo munda womuvumbi wehari, kuzovigapo vasugwa.

8 Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvikira zuva ranhasi.

9 Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti: Vakatora makobiri esirivheri anamakumi, matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo iye navana vaIsiraeri wavakatarira mutengo.

10 Vakaaripira munda womuvumbi wehari, sezvandakarairwa naShe.

11 Zvino Jesu wakamira pamberi pomubati. Mubati akamubvunza akati: Ndiwe mambo wavaJudha here? Jesu akati kwaari: Wataura iwe.

12 Asi wakati achipomerwa mhosva navaprista vakuru navakuru, haana kupindura chinhu.

13 Zvino Pirato akati kwaari: Haunzwi zvinhu kuti * zvingani zvavanokupupurira here?

14 Asi haana kumupindura kunyange neshoko rimwe chete, zvokuti mambo wakashamiswa kwazvo.

15 Zvino pamutambo mubati aisunungurira chaunga musungwa wavanenge vada.

16 Zvino vaiva nenguva iyo nomusungwa wakakurumbira wainzi Bharabhasi.

17 Naizvozvo vakati vavungana pamwechete, Pirato akati kwavari: Munoda kuti ndikusunungurirei aniko? Bharabhasi kana Jesu unonzi Kristu?

18 Nokuti wakanga achiziva kuti vakanga vamuisa kwaari negodo.

19 Zvino wakati agere pachigaro chokutonga, mukadzi wake akatumira kwaari, achiti: Usava nechokuita nomunhu uyo wakarurama, nokuti ndatambudzika zvinhu zvizhinji nhasi pakurota nokuda kwake.

20 Asi vaprista vakuru navakuru vakagombedzera chaunga kuti vakumbire Bharabhasi, Jesu aparadzwe.

21 Mubati akapindura akati kwavari: Ndoupiko pavaviri wamunoda kuti ndikusunungurirei? Vakati: Bharabhasi.

22 Pirato akati kwavari: Ndichagoiteiko naJesu unonzi Kristu? Vose vakati kwaari: Ngaaroverwe.

23 Mubati akati: Nemhaka yeyi? Chiiko chakaipa chaakagoita? Asi vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Ngaaroverwe!

24 Zvino Pirato achivona kuti haangadzivisi chinhu asi kuti pamuka bope, wakatora mvura akageza mavoko pamberi pechaunga achiti: Handina mhosva yeropa romunhu uyu wakarurama, Zvivonerei imwi!

25 Vanhu vose vakapindura vakati: Ropa rake ngarive * pamusoro pedu napamusoro pevana vedu.

26 Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi wakati arova Jesu, aka mu *kumikidza kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa.

27 Zvino varwi vomubati vakaisa Jesu mumba momubati, hondo yose ikavunganira kwaari.

28 Vakamukurura, vakamufukidza nguvo shava,

29 Vakaruka korona yemhinzwa, ndokuisa pamusoro wake, norutsanga muruvoko rwake rworudyi. Vakafugama mabvi pamberi pake vakamusweveredza vachiti: Hekanhi, Mambo wavaJudha!

30 Vakamupfira mate, vakatora rutsanga vakamurova musoro.

31 Vakati vamusweveredza, vakamubvisa nguvo tsvuku, vakamupfekedza nguvo dzake vakaenda naye kundorovera.

32 Vakati vachibuda, vakawana murume wekurini, wainzi Simoni. Iye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa wake.

33 Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorogota, ndokuti: Nzvimbo yedhehenya.

34 Vakamupa vhiniga yakavhenganiswa nenduru kuti amwe asi wakati aravira akaramba kumwa.

35 Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake pakati pavo, vachikanda mijenya kuti zvakarehwa nomuporofita zviitike zvinoti: Vakagovana nguvo dzangu, vakakanda mijenya pamusoro pezvokufuka zvangu.

36 Uye vakagara pasi, vakamurindapo.

37 Vakaisa pamusoro pemusoro wake rugwaro rwe *mhosva yake rwakanyorwa kuti *: UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.

38 Kwaiva namakororo maviri akaroverwa pamwe chete naye, mumwe kurudyi, mumwe kuruboshwe.

39 Vakanga vachipfuvura vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo,

40 vachiti: Iwe wokuputsa tembere noku i *vakazve namazuva matatu, zviponese; kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.

41 Saizvozvovo vaprista vakuru navanyori navakuru vakamusweveredza vachiti:

42 Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari Iye mambo wavaIsraeri, ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigomutenda.

43 Waivimba naMwari; ngaachimusunungura zvino kana achimuda. Nokuti wakati ndiri Mwanakomana waMwari.

44 Namakororo akaroverwa pamwe chete naye, akamuzvidza saizvozvo. \s Kufa kwaJesu

45 Zvino kubva paora rechitanhatu rima rakavapo panyika yose kusvikira paora repfumbamwe.

46 Neora rinenge repfumbamwe Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti: "Eri, Eri ramasabakatani?" Ndokuti: Mwari wangu, Mwari wangu mandisiyireiko?

47 Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa vakati: Uyo unodana Eria.

48 Pakarepo mumwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akazadza nevhiniga ndokuisa parutsanga, akamupa kuti amwe.

49 Asi vamwe vakati: Regai timbovona kana Eria achivuya kuzomuponesa.

50 Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru akabudisa mweya.

51 Zvino tarira, vheiri retembere rakabvaruka kuita mapandi * maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.

52 Mahwiro akazaruka; nemitumbi mizhinji yavatsvene vakanga vavete yakamutswa;

53 vakabuda pamahwiro iye amuka vakapinda muguta dzvene, vakavonekwa kuvazhinji.

54 Zvino mukuru wezana navaiva naye vakarinda Jesu vakati vachivona kudengenyeka kwenyika nezvakaitwa, vakatya zvikuru vakati: Zvirokwazvo uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari.

55 Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vakatarira vari kure, vakanga vatevera Jesu vachibva Gariri vachimushandira.

56 Pakati pavo kwakanga kunaMaria Magidharini, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vavanakomana vaZebhedhi.

57 Zvino ava manheru kukasvika mumwe mufumi weArimatiya wainzi Josefa. Iyevo pachake waiva mudzidzi waJesu.

58 Akaenda kunaPirato akakumbira mutumbi waJesu. Pirato akaraira kuti agamuchidzwe mutumbi.

59 Josefa wakati atora mutumbi, akauputira nomucheka werineni wakachena.

60 Akauviga muhwiro hwake hwutsva, hwaakanga achera muhwe; akakungurusira ihwe guru pamuromo wehwiro akabva.

61 Paivavo naMaria Magadharini nomumwe Maria vagere vakatarisana nehwiro.

62 Nezuva raitevera ndiro zuva raitevera zuva rokugadzirira, vaprista vakuru navaFarisi vakavungana kunaPirato,

63 vakati: Ishe tinorangarira kuti munyengeri uyu achiri mupenyu wakati: Mazuva matatu apfuvura ndichamuka.

64 Saka rairai kuti hwiro hwuchengetwe kusvikira nezuva retatu; zvimwe vadzidzi vake vangavuya vusiku vakamuba. Vagoti kuvanhu: Wakamutswa kuvakafa. Kurashika kokupedzisira kukazopfuvura kokutanga.

65 Pirato akati kwavari: Imwi munavarindi, endai muhwuchengete sezvamunoziva.

66 Vakaenda, vakandochengeta hwiro, vakaisa chiratidzo chokusimbisa pabwe, vakaisa varindi.


28


1 Nokupera kwesabata kotanga kuidza, no musi * wokutanga kwevhiki, Maria Magadarene nomumwe Maria vakavuya kuzovona hwiro.

2 Zvino tarira kukavapo kudengenyeka kwenyika kukuru, nokuti mutumwa waShe wakaburuka kubva kudenga, akavuya, akakungurusa ibwe kubva pamukova, akagara pamusoro paro.

3 Kuvonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni nezvokufuka zvake zvichena semagada echando.

4 Zvino varindi vakadedera nokutya, vakaita savakafa.

5 Zvino mutumwa akapindura akati kuvakadzi: Musatya imwi; nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakanga aroverwa.

6 Haapo pano; nokuti wakamuka sezvaakareva. Vuyai muvone pakanga pavete Ishe.

7 Kurumidzai muende mundovudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa; zvino tarirai unokutungamirirai Gariri, muchandomuvonapo; tarirai, ndakuvudzai.

8 Zvino vakakurumidza kubva pabwiro vachitya nomufaro mukuru. Vakamhanyira kunovudza vadzidzi vake.

9 Zvino vakati vachindovudza vadzidzi vake, tarira, Jesu wakasongana navo, akati: Hekanhi waro! Vakavuya vakabata tsoka dzake vakamunamata.

10 Zvino Jesu akati kwavari: Musatya; endai, mundovudza hama dzangu kuti vaende Gariri ndiko kwavachanondivona.

11 Zvino vachiri munzira, tarira, vamwe varindi vakasvika muguta, vakapira vaprista vakuru zvose zvakaitwa.

12 Vakati vavungana navakuru, vakarangana, vakapa varwi mari zhinji,

13 vachiti: Taurai muchiti, vadzidzi vake vakavuya vusiku vakamuba isu tivete.

14 Kana zvikazikamwa nomubati tichamunyengerera, Tikudzivirirei pamhoswa *

15 Zvino vakatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparidzirwa pakati pavaJudha kusvikira zuva ranhasi.

16 Zvino vadzidzi vanegumi nomumwe vakaenda Gariri, kugomo ravakarairwa naJesu;

17 vakati vachimuvona, vakamunamata; asi vamwe vakasagutsikana.

18 Ipapo Jesu wakasvika akataura kwavari, akati: Simba rose rakapiwa kwandiri kudenga napanyika.

19 Endai naizvozvo mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba nero Mwanakomana neroMweya Mutsvene;

20 Muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imwi; zvino tarirai ndinemwi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika. Ameni.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE