MARKO


1


1 Kutanga kweevhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari;

2 sezvazvakanyorwa muvaprofita zvichinzi *: Tarira, ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, uchagadzira nzira yako pamberi pako.

3 Inzwi rounodana murenje, richiti *: Gadzirai imwi nzira yaShe; ruramisai migwagwa yake.

4 Johwani wakabhabhatidza murenje, akaparidza rubhabhatidzo rwokutendevuka *kuitira kangamwiro yezvivi.

5 Zvino kwakabudira kwaari nyika yose yeJudhiya, naveJerusarema, vose vakabhabhatidzwa naye murwizi rweJoridhani vachirevurura zvivi zvavo.

6 Zvino Johwani wakanga akapfeka makushe ekamera, nebhanire rechikumba muchivuno chake, waidya mhashu novuchi hwesango.

7 Akaparidza, achiti: Kunovuya mumwe unesimba kupfuvureni shure kwangu. Wandisina kufanira kukotama kuti ndisununugure tambo yeshangu dzake.

8 Ini zvirokwazvo ndakakubhabhatidzai nemvura; asi iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene.

9 Zvino zvakaitika namazuva iwayo kuti Jesu wakabva Nazareta yeGariri, akabhabhatidzwa naJohwani muJoridhani.

10 Pakarepo achibuda mumvura, wakavona matenga akazarurwa, noMweya wakaita senjiva uchiburuka pamusoro pake.

11 Zvino kwakauya inzwi richibva kudenga richiti *: Ndiwe Mwanakomana wangu unodikamwa, unondifadza kwazvo.

12 Zvino pakarepo Mweya wakamubudisira kurenje.

13 Akavako murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani, uye wakanga ane mhuka dzesango, vatumwa vachimushumira.

14 Zvino shure kokuiswa kwaJohwani mutirongo, Jesu akasvika Gariri, achiparidza evhangeri youshe hwaMwari,

15 achiti: Nguva yazadziswa, uye ushe hwaMwari hwaswedera pedo; tendevukai, mutende evhangeri.

16 Wakati achifamba napagungwa reGariri, akavona Simoni naAndiriya munun'una wake vachikandira mimbure mugungwa; nokuti vakanga vari varedzi vehove.

17 Jesu akati kwavari: Nditeverei, ndichakuitai muve varedzi vevanhu.

18 Pakarepo vakasiya mimbure yavo, vakamutevera.

19 Wakati apfuvura ipapo zvishoma, akavona Jakobho waZebhedhi, naJohwani munun'una wake vari muchikepe vachigadzira mimbure.

20 Pakarepo akavadana; vakasiya baba vavo Zebhedhi muchikepe navashandi, vakamutevera.

21 Vakapinda muKapenaume; zvino pakarepo nomusi wesabata wakapinda musinagoge, akadzidzisa.

22 Vakashamiswa nedzidziso yake; nokuti wakavadzidzisa somunhu unesimba, asingaiti savanyori.

23 Zvino kwaivapo musinagoge ravo nomunhu wakanga anomweya wetsvina, akadanidzira

24 achiti: Tiregei, tineiko nemwi, Jesu weNazareta? Mavuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.

25 Zvino Jesu akamutsiura achiti: Nyarara, ubude kwaari!

26 Zvino mweya wetsvina wakati amubvundisa, ndokudanidzira nenzwi guru, ndokubuda kwaari.

27 Vakashamiswa vose, zvikuru kudai kuti vakavhunzana pakati pavo, vachiti: Chinyiko ichi? Idzidziso itswa yei iyi? nokuti nesimba unoraira kunyange mweya yakaipa, uye inomuteerera.

28 Zvino pakarepo mukurumbira wake ukanzwikwa kunze panyika yose yakapoteredza Gariri.

29 Zvino pakarepo vakati vachibuda musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndiriya, vanaJakobho naJohwani.

30 Asi mbuyawasha vaSimoni vakanga vavete vachirwara nefivhiri, pakarepo vakamuvudza nezvavo;

31 akaenda, akavabata ruvoko, akavamutsa; fivhiri ikavarega pakarepo vakavashandira.

32 Zvino madekwana, zuva ravira, vakaisa kwaari vose vakanga vachirwara navakanga vakabatwa nomweya yakaipa.

33 Zvino guta rose rakanga rakavungana pamwechete pamukova.

34 Akaporesa vazhinji vakanga vachirwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi wakanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva.

35 Zvino mangwanani kuchinerima guru, wakasimuka, akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akandonyengeterapo.

36 Simoni navakanga vanaye vakatevera vachimutsvaka.

37 Zvino vakati vamuwana vakati kwaari: Vose vanokutsvakai.

38 Akati kwavari: Ngatiende kumisha inotevera, kuti ndindoparidzavo ikoko, nokuti ndizvo zvandakavinga.

39 Zvino akaparidza mumasinagoge avo paGariri rose, achibudisa mweya yakaipa.

40 Zvino kwakavuya kwaari munhu unamaperembudzi, achimukumbirisa ndokufugama pamberi pake akati kwaari: Kana muchida munogona kundinatsa.

41 Jesu akanzwa ngoni, akatandavadza ruvoko, akamubata akati kwaari: Ndinoda, chinatswa;

42 pakarepo achangopedza kutaura, maperembudzi akabva kwaari, akanatswa.

43 Zvino akamuraira kwazvo, akamuendisa pakarepo,

44 Akati kwaari: Vona kuti urege kuvudza munhu chinhu; asi enda, uzviratidze kumuprista, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvinhu izvo zvakarairwa naMozisi, chive chapupu kwavari.

45 Asi iye wakabuda akatanga kuparidza zvikuru nokuvavaza kunze shoko iro, zvokuti Jesu wakanga asingagoni kupinda muguta pachena, asi wakanga ari kunze kunzvimbo dzerenje. Vakavuya kwaari vachibva kumativi ose.


2


1 Zvino akapindazve muKapenaume pashure pamazuva; zvikanzwikwa kuti uri mumba.

2 Zvino pakarepo vazhinji vakavungana pamwechete zvokuti pakanga pasina nzvimbo, kunyange pamukova, akataura shoko kwavari.

3 Vakavuya kwaari, vakaisa munhu wakanga akawoma mitezo, akatakurwa na vanhu * vana.

4 Zvino vakati vachikonewa kusvika pedo naye nokudzvinyidzirwa, vakazarura denga paakanga ari, vakati va ri *putsa vakaburusira nhovo yakanga ivete munhu wakanga akawoma mitezo.

5 Jesu wakati avona kutenda kwavo akati kunowakanga akawoma mitezo: Mwana zvivi zvako ngazvikangamwirwe iwe.

6 Zvino vamwe vavanyori vakanga vagerepo, vakafunga mumoyo yavo vachiti *:

7 Uyu unoiteiko achimhura Mwari? ndianiko unogona kukangamwira zvivi kunze komumwe chete, Mwari?

8 Zvino pakarepo Jesu paakanzwa mumweya wake kuti vanofunga kudaro mukati mavo akati kwavari: Munofungireiko zvinhu izvi mumoyo yenyu?

9 Chinyiko chakareruka, kuti kunowakawoma mitezo: Zvivi zvako zvakangamwirwa, kana kuti: Simuka, utore nhovo dzako, ufambe?

10 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukangamwira zvivi, (akati kuwakanga akawoma mitezo):

11 Ndinoti kwauri: Simuka utore nhovo yako, uende kumba kwako.

12 Zvino pakarepo akasimuka, akatora nhovo, ndokubuda pamberi pavo vose; zvokuti vose vakashamiswa, vakarumbidza Mwari, vachiti: Hatina kumbozvivona zvakadai.

13 Wakabudazve akaenda * kurutivi rwegungwa, chaunga chose chikavuya kwaari, akachidzidzisa.

14 Wakati achipfuvura, akavona Revhi waArifiyosi agere panogamuchirwa mutero, akati kwaari: Nditevere. Akasimuka akamutevera.

15 Zvino zvakaitika kuti wakati agere pakudya mumba make, vateresi vazhinji navatadzi vakagaravo pamwechete naJesu navadzidzi vake nokuti vakanga vari vazhinji vakamutevera.

16 Zvino vanyori navaFarisi vakati vamuvona achidya navateresi navatadzi, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yeiko achidya nokumwa navateresi navatadzi?

17 Jesu wakati achi zvi *nzwa akati kwavari: Avo vasingarwari havatsvaki chiremba, asi avo vanorwara. Handina kuvuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendevuka.

18 Zvino vadzidzi vaJohwani navavaFarisi vaigara vachitsanya; vakavuya vakati kwaari: Nemhaka yeyi vadzidzi vaJohwani navadzidzi vavaFarisi vachitsanya asi vadzidzi venyu havatsanyi?

19 Jesu akati kwavari: Vana veimba yomuchato vangatsanya here chikomba chichiri kwavari? Kana vachingova nechikomba kwavari, havangatsanyi;

20 asi mazuva achasvika apo chikomba chichabviswa kwavari, ipapo mazuva iwayo vachatsanya.

21 Hakuna munhu unosoneravo chigamba chitsva panguvo yakashakara zvimwe chigamba chitsva chinoiswa chinobvarura nguvo yakashakara vuri rikanyanya.

22 Hakunomunhu unodira waini itsva muhombodo sharu, nokuti waini itsva inoparusa hombodo, waini ikatevuka nehombodo ikaparara, asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva.

23 Zvino zvakaitika kuti wakapuvura nemuminda yezviyo nomusi wesabata, vadzidzi vake vakatanga vachifamba kutanha hura dzezviyo.

24 VaFarisi vakati kwaari: Tarirai, vanoitireiko nomusi wesabata zvisiri pamutemo?

25 Akati kwavari: Hamuna kutomborava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga ashaiwa, ava nenzara, iye navakanga vanaye?

26 Kuti wakapinda sei mumba maMwari namazuva aAbhiatari muprista mukuru, akadya zvingwa zvokuratidza zvakanga zvisiri pamutemo kudyiwa asi navaprista voga *, akapavo kwavari vaaiva naye?

27 Akati kwavari: Sabata rakaitirwa munhu, kwete munhu kuitirwa * sabata.

28 Naizvozvo Mwanakomana womunhu ndiShevo wesabata.


3



1 Zvino wakapindazve musinagoge, zvino kwakanga kunomunhuko wakanga anoruvoko rwakawonyana.

2 Zvino vakamutarisisa kuvona * kana angamuporesa nomusi wesabata, kuti vamupomere mhosva.

3 Zvino iye akati kumunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana: Simuka uuye pakati.

4 Akati kwavari: Zviri pamutemo here kuita zvakanaka namazuva esabata, kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu, kana kuvuraya? Asi vakanyarara.

5 Zvino wakati aringa-ringa kwavari, achivatarira nokutsamwa, ane shungu nokuda kokuwoma kwemoyo yavo; akati kumunhu: Tambanudza ruvoko rwako. Akatambanudza ruvoko rwake rukaporeswa rukava sorumwe.

6 Zvino vaFarisi vakati vabuda pakarepo vakarangana navaHerodhe pamusoro pake kuti vangamuparazda sei.

7 Zvino Jesu akabva navadzidzi vake vakaenda * kugungwa, chaunga chikuru chikamutevera chichibva Gariri nokuJudhiya,

8 neJerusarema, neIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani navakapoteredza Tire neSidhoni; chaunga chikuru, chakati chanzwa zvinhu zvikuru zvaanoita chikavuya kwaari.

9 Akataura kuvadzidzi vake kuti kachikepe kadiki kamugarire nokuda kwechaunga, zvimwe vangamutsikirira.

10 Nokuti wakanga aporesa vazhinji zvokuti vaitsikirirana pamuoro pake kuti vamubate vose vakanga vane zvirwere.

11 Nemweya yetsvina, payakamuvona yakawira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti: Ndiwe Mwanakomana waMwari!

12 Akairairisa zvikuru kuti irege kumuzivisa pachena *.

13 Zvino wakakwira mugomo, akadana vaakanga achida, vakavuya kwaari.

14 Akagadza vanegumi navaviri, kuti vagare naye, nokuti avatume kunoparidza,

15 uye vave nesimba rekuporesa vurwere nokubudisa mweya yakaipa.

16 NaSimoni aka mu *tumidza zita rinonzi Petro,

17 naJakobho waZebhedhi, naJohwani munun'una waJakobho akavatumidza ivo mazita anonzi Bowanegesi, ndokuti vanakomana vokutinhira;

18 naAndiriya, naFiripi, naBhatoromiyo naMatewu naTomasi naJakobho waArifiyosi, naTadhiyo, naSimoni muKenani,

19 naJudhasi Isikariyoti, iyevo wakamutengesa. Zvino wakapinda mumba.

20 Chaunga chikavunganazve pamwechete zvokuti vakanga vasingagoni kunyange kudya chingwa.

21 Vanhu vokwake vakati vachi zvi *nzwa vakabuda kuzomubata; nokuti vakati: Unopenga.

22 Navanyori vakaburuka vachibva Jerusarema vakati: Una Bheerizebhuri, uye unobudisa mweya yakaipa nomuchinda wemweya yakaipa.

23 Zvino akavadana, akati kwavari nemifananidzo: Satani ungabudisa Satani seiko?

24 Kana ushe hwukazvipesanisa, ushe uhwo hahwungagoni kumira.

25 Kana imba ikazvipesanisa, imba iyo haigoni kumira.

26 Zvino kana Satani achizvimukira, akazvipesanisa, haangagoni kumira, asi unopera.

27 Hakuno munhu ungapinda mumba momurume unesimba, akapamba nhumbi dzake, kunze kokuti ambosunga murume unesimba, zvino ungapamba imba yake.

28 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvose zvichakangamwirwa vanakomana vavanhu, nokumhura Mwari kose kwavanomhura Mwari nako;

29 asi ani nani wamhura Mwari Mweya Mutsvene haangatongokangamwirwi asi uri panjodzi yokutongerwa mhosva yokusingaperi.

30 Nokuti vakati: Unomweya wetsvina.

31 Zvino kwakavuya vanunu'una vake namai vake, vakamira kunze, vakatumira nhume * kwaari vachimudana.

32 Chaunga chakanga chigere chakamukomba; chikati kwaari: Tarirai, mai venyu navana vamai venyu vari panze vanokutsvakai.

33 Akavapindura achiti: Mai vangu ndiyaniko kana vanun'una vangu?

34 Zvino akaringa-ringa avo vakanga vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu navana vamai vangu.

35 Nokuti ani nani unoita kuda kwaMwari, ndiye mwana wamai vangu nehanzvadzi yangu namai.


4


1 Zvino wakatangazve kudzidzisa parutivi rwegungwa; kukavungana kwaari chaunga chikuru zvokuti wakapinda muchikepe akagara mugungwa; chaunga chose chakanga chiri parutivi rwegungwa panyika.

2 Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari mukudzidzisa kwake:

3 Teererai; tarirai, mukushi wakabuda kundokusha.

4 Zvino zvkaitika paakanga achikusha, imwe mbeu yakawira panhivi dzenzira; shiri dzokudenga dzikavuya dzikaidya yose.

5 Imwe yakawira parukangarabwe, payakanga isinevhu zhinji; ikamera pakarepo, nokuti yakanga isinevhu rakadzika;

6 asi zuva rakati rabuda, ikapiswa nokuti yakanga isina mudzi ikawoma.

7 Imwe yakawira pakati pemhinzwa, mhinzwa ikakura ikaivhunga, ikasabereka chibereko.

8 Imwe yakawira muvhu rakanaka; ikabereka zvibereko zvakakura zvikawedzera, ikabereka imwe makumi matatu imwe makumi matanhatu imwe zana.

9 Akati kwavari: Une nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.

10 Zvino wakati ari oga, vakanga vakamukomba navanegumi navaviri vakamubvunza zvemufananidzo.

11 Akati kwavari: Zvakavanzika zvoushe hwaMwari zvakapiwa kwamuri; asi kuna avo vari kunze, zvose zvinoitwa nemifananidzo.

12 Kuti kuvona vavone asi varege kuvonesesa nokunzwa vanzwe asi varege kunzwisisa kuti zvimwe varege kutendevuka, vakangamwirwe zvivi zvavo *.

13 Zvino akati kwavari: Hamuzivi here mufanandizo uyu? Zvino muchaziva seiko mifananidzo yose?

14 Mukushi unokusha shoko.

15 Zvino ava ndivo vari munzira, panokushwa shoko, vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani unovuya ndokubvisa shoko rakakushwa mumoyo mavo.

16 Saizvozvo Ava ndivovo vakakushwa parukangarabwe, kana vanzwa shoko, pakarepo vanorigamuchira nomufaro,

17 asi havanomudzi mavari, asi vanotsungirira kwechinguvana. Pashure kana matambudziko nokumanikidwa zvichivuya nokuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.

18 Zvino ava ndivo vanokushwa mumhinzwa, vanonzwa shoko,

19 asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwefuma nokuchiva zvimwe zvinhu zvinopinda, zvichivhunga shoko, roshaiwa zvibereko.

20 Zvino ana ndivo vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, nokugamuchira, vagobereka zvibereko mumwe makumi matatu, mumwe makumi matanhatu, mumwe zana.

21 Zvino wakati kwavari: Mwenje uripo kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pomubhedha here? Hauzipo kuti uiswe pachigadziko here?

22 Nokuti hapana chinhu chakavigwa chisingazobudi pachena, kana chakavanzika chisingazobudi pachena.

23 Kana pane munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.

24 Zvino wakati kwavari: Chenjererai zvamunonzwa; chiyero chamunoyera nacho muchayerwa nacho, nekwamuri imwi munonzwa, chichawedzerwa.

25 Nokuti ani nani unacho uchapiwa, asi usina uchatorerwa kunyange nechaanacho.

26 Zvino akati: Ndizvo zvakaita ushe hwaMwari, somunhu unokusha mbeu muvhu.

27 Zvino akavata, nokumuka, vusiku namasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti zvinoitika sei.

28 Ivhu rinongobereka zvibereko zvaro, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.

29 Kana zvibereko zvaibva, pakarepo unotuma jeko nokuti kukohwa kwasvika

30 Zvino wakati: Tichafananidza neiko ushe hwaMwari? Tichahwuenzanisa neiko?

31 Setsanga yemasitadha*, iyo kana ichidzvarwa muvhu, iduku kumbeu dzose dzapanyika;

32 asi kana yadzvarwa, inokura ichiva huru kumirivo yose, ichiita matavi makuru akadaro kuti shiri dzokudenga dzinogara pamumvuri wawo.

33 Zvino nemifananidzo mizhinji yakadaro, akataura shoko kwavari, pavaigona kunzwa napo.

34 Asi kunze kwemifananidzo haana kutaura kwavari; asi vava voga, wakadudzira vadzidzi vake.

35 Zvino nezuva iroro ava madekwana, wakati kwavari: Ngatiyambukire mhiri.

36 Vakarega vanhu vazhinji vachiinda, vakaenda naye akangodaro muchikepe. Zvino kwaivavo nezvimwe zvikepe zvidiki naye.

37 Zvino dutu guru remhepo rakamuka, mafungu akarova chikepe, chikange zvino chozadwa.

38 Asi Iye wakanga ari mushure mechikepe avete pamutsago, vakamumutsa, vakati kwaari: Mudzidzisi, hamunehanya kuti tofa here?

39 Akamuka akatsiura mhepo, akati kugungwa: Nyarara, ugadzikane! Mhepo ikanyarara, kukavapo kudzikama kukuru.

40 Zvino akati kwavari: Munotyireiko zvakadaro? Hamunokutenda seiko?

41 Vakatya nokutya kukuru, vakati mumwe kunomumwe: Munhu rudziiko uyu, kuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?


5


1 Vakasvika mhiri kwegungwa, kunyika yavaGadharini.

2 Zvino wakati abuda muchikepe, pakarepo akasongana nomunhu achibva kumarinda anomweya wetsvina,

3 uyo wakanga ane vugaro kumarinda, uye kwakanga kusina munhu wakanga achigona kumusunga kunyange neketani,

4 nokuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvamakumbo namaketani, asi maketani aidamburwa napakati naye, nezvisungo waidambura kuita zvidimbu; saizvozvo kwakanga kusina waigona kumupingudza.

5 Zvino nguva dzose, vusiku namasikati, waiva mumakomo nokumarinda achidanidzira, achizvicheka namabwe.

6 Zvino wakati achivona Jesu ari kure, akamhanya, ndokumunamata;

7 akadanidzira nenzwi guru akati: Ndineiko nemwi Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosa? Ndinokupikirai naMwari kuti murege kunditambudza.

8 Nokuti akati kwaari: Buda pamunhu, iwe * mweya wetsvina.

9 Akamubvunza akati *: Zita rako ndianiko? Akapindura achiti kwaari: Zita rangu rinonzi * Rigiyoni nokuti tiri vazhinji.

10 Vakamukumbira zvikuru kuti arege kuvadzinga panyika iyo.

11 Zvino kwakanga kuripo pedo negomo boka guru renguruve dzichifura.

12 Mweya yakaipa yose ikamukumbira zvikuru ichiti: Titumirei kunguruve kuti tindopinda madziri.

13 Pakarepo Jesu akaitendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve; boka rikamhanyira zvinesimba kumawere kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikafira mugungwa.

14 Zvino avo vaifudza nguruve vakatiza, vakandoreva muguta naparuwa. Vakavuya kuzovona kuti chii chainge chaitwa.

15 Vakasvika kuna Jesu, vakavona uyo wakanga ane mweya yakaipa, iye waiva neRigiyoni agere, akapfeka ari munhu kwaye; vakatya.

16 Vaya vakanga va zvi *vona, vakavarondedzera zvakaitirwa iye wakanga ane mweya yakaipa nenguruvevo.

17 Vakatanga kumugombedzera zvikuru kuti abve kumiganhu yavo.

18 Zvino wakati achipinda muchikepe, iye waiva nemweya yakaipa akamukumbirisa zvikuru kuti agare naye.

19 Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kuhama dzako, undovaudze kuti zvikuru sei zvawakaitirwa naShe, napawakaitirwa ngoni napo.

20 Akaenda akabva akatanga kuparidza muDhekapori kukura kwezvinhu zvaakaitirwa naJesu; vose vakashamiswa.

21 Jesu wakati ayambukazve nechikepe kune rimwe divi, vanhu vazhinji vakavunganira kwaari ava pedo negungwa.

22 Zvino tarira, kwakasvika mumwe wavakuru vesinagoge; nezita wainzi * Jairosi, zvino wakati amuvona, akawira patsoka dzake.

23 Akamugombedzera zvikuru achiti: Mukunda wangu muduku wotandadza, vuyai muise mavoko enyu pamusoro pake aponeswe uye uchararama.

24 Akaenda naye; chaunga chikuru chikamutevera, chichimutsikirira.

25 Zvino mumwe mukadzi waiva ne chirwere * chokubuda ropa makore anegumi namaviri,

26 wakanga atambura zvikuru kuvarapi vazhinji, wakanga apedza zvose zvaakanga anazvo, asina kutongobatsirika, asi kungonyanyisa.

27 Wakati anzwa zvaJesu, akavuya napakati pechaunga chaiva mushure, akabata nguvo yake.

28 Nokuti wakati: Kana ndikabata nguvo yake chete, ndichaporeswa.

29 Zvino pakarepo chitubu cheropa rake chikapwa, akanzwa mumuviri kuti waporeswa pakurwara uku.

30 Zvino pakarepo Jesu achiziva mukati make kuti simba rabuda kwaari, akatendevuka pakati pechaunga akati: Ndianiko wabata nguvo dzangu?

31 Vadzidzi vake vakati kwaari: Munovona chaunga chikuru chinokutsimbirirai, zvino moti ndiani wandibata?

32 Zvino wakaringa-ringa kuvona uyo wakanga aita chinhu ichi.

33 Asi mukadzi achitya, nokubvunda, achiziva zvakanga zvaitiwa maari, akavuya ndokuwira pasi pamberi pake, ndokumuvudza chokwadi chose.

34 Zvino akati kwaari: Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa, enda norugare, upore pachifo chako.

35 Wakati achataura, kwakasvika vamwe * vacibva kumba * kwemukuru wesinagoge vakati: Mukunda wenyu wafa, muchagotambudzireiko mudzidzisi?

36 Pakarepo Jesu achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda chete.

37 Akasatendera munhu kumutevera, kunze kwaPetro naJakobho naJohwani munun'una waJakobho.

38 Vakasvika mumba momukuru wesinagoge, akavona mhere-mhere navaichema nokurira zvikuru.

39 Zvino wakati apinda, akati kwavari: Munoitireiko mhere-mhere iyi muchichema? Mwana haana kufa asi uvete.

40 Vakamuseka vachimumhura. Asi iye wakati avabudisa vose panze, akatora baba vomwana namai navaakanga anavo, akapinda kwakanga kuvete mwana.

41 Akabata ruvoko rwomwana, akati kwaari: "Tarita kumi;" ndokuti kana zvichishandurwa: Musikana, Muka!

42 Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba, nokuti waiva wamakore anegumi namaviri; vakashamiswa nokushama kukuru.

43 Akavaraira zvikuru kuti hakuna munhu unofanira kuzviziva; akati apiwe zvokudya.


6



1 Zvino wakabvapo, akasvika kunyika yokwake; vadzidzi vake vakamutevera.

2 Zvino musi wesabata wakati wasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, vazhinji vachimunzwa, vakashamiswa vachiti: Uyu wakawanepiko izvozvi? Njere dzakapiwa munhu uyu ndedzeiko? kuti namabasa esimba akadai anoitwa namavoko ake?

3 Ko uyu haazi muvezi here, mwanakomana waMaria, nomukoma waJakobho naJose naJudha naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here? Vakagumburwa naye.

4 Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haangashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, napakati pehama dzake, nomumba make.

5 Akasagona kubata chero basa resimba ipapo, kunze kokuti wakaisa mavoko ake pamusoro pavairwara vashoma, akaporesa.

6 Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo akapota nemisha achidzidzisa.

7 Zvino wakadana vanegumi navaviri, akatanga kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina.

8 Akavaraira kuti varege kutongotora chinhu cherwendo asi mudonzvo chete; varege kutora * kana chingwa nehombodo nemari muchikwama.

9 Asi vafuke manyatera, varege kupfeka nguvo mbiri.

10 Zvino akati kwavari: Pose pamunopinda mumba, mugaremo, kusvikira muchibvapo.

11 Asi ani nani usingakugamuchiriyi nokukunzwai, kana muchibvapo, muzuze guruva pasi petsoka dzenyu, chive chapupu kwavari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvicharerukira Sodhoma neGomora nezuva rokutonga kupfuvura guta iro.

12 Vakabuda, vakaparidza kuti vatendevuke.

13 Zvino vakabudisa mweya yakaipa mizhinji, vakazodza mafuta vazhinji vairwara, vachiporesa.

14 Zvino mambo Herodhe waka zvi *nzwa, nokuti zita rake rakanga rakurumbira kose, akati: Johwani Mubhabhatidzi wakamuka kuvakafa, naizvozvo masimba awa anobata maari.

15 Vamwe vakati: NdiEria; vamwe vakati: Muporofita kana kuti * unoita * somumwe wavaporofita.

16 Asi Herodhe wakati anzwa, akati: Uyu ndiJohwani uya wandakagura ini musoro wamuka kuvakafa.

17 Nokuti Herodhe pachake wakanga atuma vanhu * akabata Johwani, akamusunga mutirongo nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munun'una wake; nokuti Herodhe * wakanga amuwana.

18 Nokuti Johwani wakanga ati kuna Herodhe: Hauna kutenderwa kuti uve nomukadzi womunun'una wako.

19 Herodhiasi akamuvenga nechemumoyo, akada kumuvuraya, akasagona;

20 nokuti Herodhe wakanga achitya Johwani, achiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Zvino paakamunzwa wakaita zvinhu zvakawanda, akamunzwa nomufaro.

21 Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhe nezuva rokuberekwa kwake akaitira chirairo madzishe ake navakuru vezvuru zvamazana navabati vakuru veGariri,

22 zvino mwanasikana waHerodhiasi uyo paakapinda akatamba, akafadza Herodhe navakanga vagere pakudya * naye; mambo akati kumwanasikana: Kumbira kwandiri chipi zvacho chaunoda, ndichakupa.

23 Zvino akamupikira achiti *: Chingava chii chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu youshe hwangu.

24 Akabuda, akati kunamai vake: Ndichakumbireiko? Vakati: Musoro waJohwani Mubhabhatidzi.

25 Pakarepo akakurumidza kupinda kunamambo, akakumbira achiti: Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohwani mubhabhatidzi.

26 Ipapo mambo akashungurudzika zvikuru, asi *nokuda kokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya, wakanga asingagoni kumurambira.

27 Pakarepo mambo akatuma murwi, akaraira kuti musoro wake uvuyiswe. Akaenda, akamugura musoro mutirongo,

28 akavuya nomusoro wake mundiro, akaupa kumusikana, musikana ndokuupa mai vake.

29 Vadzidzi vake vakati vachi zvi *nzwa, vakavuya vakatora chitunha chake, vakachiviga muhwiro.

30 Zvino vapositora vakavunganira kunaJesu, vakamuvudza zvose zvavakanga vaita, nezvavakanga vadzidzisa.

31 Akati kwavari: Vuyai imwi pachenyu muri moga kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma: Nokuti kwakanga kunavazhinji vaivuya nokuenda, vakasava nemukana kunyange wokudya.

32 Vakaenda nechikepe kunzvimbo yerenje pachivande.

33 Vanhu vakavavona vachienda, vazhinji vakamuziva, vakamhanyirako netsoka vose, vachibva pamaguta ose, vakavatangira, kusvika pamwechete kwaari.

34 Zvino Jesu wakati achibuda, akavona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakaita samakwai asinomufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.

35 Zvino nguva yakati yaenda, vadzidzi vake vakavuya kwaari vakati: Pano inzvimbo yerenje, zvino nguva yaenda;

36 vaendesei, kuti vaende kuruwa rwakapoteredza nemumisha vandozvitengera zvingwa. Nokuti havana chavangadya.

37 Akapindura akati kwavari: Imwi muvapei kuti vadye. Vakati kwaari: Tingaenda here kundotenga zvingwa zvamadhenari* anamazana maviri, tivape vadye?

38 Akati kwavari: Munezvingwa zvinganiko? Endai munovona. Vakati vaziva vakati: Zvishanu, nehove mbiri.

39 Zvino akavaraira kuti vavagarise vose pasi mumapoka-mapoka pavuswa vunyoro.

40 Zvino vakagara pasi vakaita mapoka akarongwa amazana naamakumi mashanu.

41 Zvino wakati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa kuvadzidzi vake, kuti vazviise pamberi pavo; nehove mbiri akadzigovera pakati pavo vose.

42 Zvino vakadya vose, vakaguta.

43 Vakanunga matengu anegumi namaviri azere nezvimedu, nezvehovevo.

44 Zvino avo vakadya zvingwa vaiva varume vanenge zvuru zvishanu.

45 Pakarepo akamanikidza vadzidzi vake kuti vapinde muchikepe, vatungamire kuenda mhiri kuBhetisaidha, iye achiendisa vanhu vazhinji.

46 Akati awonekana navo, akabva akaenda mugomo kundonyengetera.

47 Zvino ava madekwana chikepe chakanga chiri pakati pegungwa, iye ari oga panyika.

48 Zvino wakavavona vachitambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichipesana navo, akavuya kwavari nenguva inenge seyechina yovusiku, achifamba pamusoro pegungwa; achida kuvapfuvura.

49 Zvino vakati vachimuvona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti idzimudzangara, vakaridza mhere.

50 Nokuti vose vakamuvona, vakatambudzika; pakarepo akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya.

51 Akakwira kwavari muchikepe, mhepo ikanyarara; vakashamiswa kwazvo-kwazvo mukati mavo vakashamiswa.

52 Nokuti vakanga vasina kunzwisisa zvezvingwa, nokuti moyo wavo wakanga uri mukukutu. \s Jesu unoporesa vanhu paGenesareti

53 Vakati vayambukira mhiri, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira chikepe pamhenderekedzo.

54 Vakati vabuda muchikepe, pakarepo vakamuziva,

55 vakamhanyira munharaunda yose yakapoteredza, vakatanga kutakura vairwara panhovo, vakavaisa * kwavainzwa kuti ndiko kwaari.

56 Zvino pose paakapinda pamisha kana pamaguta, kana paruwa, vakaradzika vairwara panzira dzomumisha, vakamukumbira zvikuru kuti varwere * vabate kunyange mupendero wenguvo dzake chete; uye vose vakamubata vakaporeswa.


7


1 Zvino kwakavunganira kwaari vaFarisi navamwe vavanyori vaibva Jerusarema;

2 vakati vavona vamwe vavadzidzi vake vachidya chingwa namavoko anetsvina, ndiko kuti asina kushambwa vakatsutsumwa.

3 Nokuti vaFarisi, navaJudha vose havadyi kunze kokuti vamboshamba mavoko kwazvo, vachichengeta tsika dzavakuru.

4 Kana vachibva pamisika, kunze kokuti vamboshamba, havadyi; nezvimwe zvinhu zvizhinji zviripo zvavakanga vagamuchira, kuti vazvichengete, zvinoti *: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira neyematafura.

5 Ipapo vaFarisi navanyori vakamubvunza, vachiti *: Nemhaka yeiko vadzidzi venyu vasingafambi netsika yavakuru, asi vanodya chingwa namavoko asina kugezewa?

6 Akapindura akati kwavari: Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu imwi vanyengeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi *: Vanhu ava vanondikudza nemiromo, asi moyo yavo iri kure neni.

7 Asi vanondinamata pasina, Vachidzidzisa dzidziso, iri * mirairo yavanhu.

8 Nokuti munosiya mirairo yaMwari, muchichengeta tsika dzavanhu, se *kusuka mapoto nemikombe nezvimwe zvakadaro munozviita.

9 Zvino akati kwavari: Zvirokwazvo, munoramba murairo waMwari, kuti muchengete tsika dzenyu.

10 nokuti Mozisi wakati: Kudza baba vako namai vako; uye aninani unotuka baba kana mai, ngaafe rufu.

11 Asi imwi munoti: Kana munhu achiti kunababa vake kana mai: Chinhu chipi nechipi chamunobatsirwa nacho neni "iKorbani*", ndokuti chava chipo kunaMwari *,

12 hamuchamutenderi kuitira baba vake namai vake chinhu,

13 muchishayisa shoko raMwari simba netsika dzenyu dzamunogamuchidzana, nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.

14 Zvino wakati adanira chaunga chose kwaari * akati kwavari: Nditeererei mose, munzwisise.

15 Hapana chinhu chinobva kunze komunhu, chinoti kana chichipinda maari chingamusvibisa; asi zvinhu zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.

16 Kana ariko anenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.

17 Zvino wakati apinda mumba achibva kuchaunga, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pemufananidzo.

18 Akati kwavari: Nemwi hamunzwisisivo here? Hamunzwisisi here kuti chipi nechipi chinobva kunze, chichipinda mumunhu hachigoni kumusvibisa?

19 Nokuti hachipindi mumoyo make, asi mudumbu, chichibuda kunze; nokutaura kwakadaro * wakanatsa zvokudya zvose.

20 Ipapo akati: Izvo zvinobuda mumunhu, ndizvo zvinosvibisa munhu.

21 Nokuti kubva mukati, mumoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, vupombwe, vufeve, umhondi,

22 umbavha, ruchiva, kuipa, kunyengera, meso-meso, neziso rakaipa, kumhura Mwari, kuzvikudza, vupenzi;

23 zvakaipa izvozvi zvose zvinobva mukati, zvichisvibisa munhu.

24 Zvino kubva ipapo wakasimuka akaenda kumiganhu yeTire neSidoni; akapinda mumba, asingadi kuti zvizikamwe nomunhu, asi akakoniwa kuzvivanza.

25 Nokuti mumwe *mukadzi, waiva nomwanasikana muduku, wakanga anomweya wetsvina, wakanzwa nezvake, akavuya akawira patsoka dzake.

26 Zvino mukadzi waiva muGiriki, muSirofenike pakuzvarwa; akamugombedzera kuti abudise mweya wakaipa pamwanasikana wake.

27 Asi Jesu akati kwaari: Regai vana vatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokukandira kuimbwanana.

28 Akapindura akati kwaari: Hongu, Ishe; kunyange nembwananavo dziri *pasi petafura dzinodya zvimedu zvavana.

29 Akati kwaari: Nokuda kweshoko iro, enda; mweya wakaipa wabva pamwanasikana wako

30 Zvino akaenda kumba kwake, akawana mweya wakaipa wabuda, mwana avete panhovo.

31 Zvino wakatizve achibva kumiganhu yeTire neSidhoni, akasvika kugungwa reGariri, napakati pemuganhu weDhekapori.

32 Vakaisa kwaari umwe waiva matsi waikakamira, vakamugombedzera kuti aise ruvoko rwake pamusoro pake.

33 Akamutora parutivi kubva pachaunga, akapinza mimwe yake munzeve dzake, akapfira, ndokubata rurimi rwake.

34 Ipapo akatarira kudenga, akagomera, akati kwaari: "Efata"; ndiko kuti: Zarurwa!

35 Pakarepo nzeve dzake dzakadzivuka, chisungo chorurimi rwake chikasununguka, akataura zvakanaka.

36 Zvino wakavaraira, kuti varege kuvudza munhu; asi iye achinyanya kuvaraira, ivovo vakanyanyisa kuparidza izvozvo *.

37 Vakashamiswa zvikuru-kuru, vachiti: Wakaita zvose zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nembeveve kuti dzitaure.


8


1 Namazuva iwayo zvakwakanga kune chaunga chikuru, vasina zvavangadya, Jesu akadana vadzidzi vake, akati kwavari:

2 Ndinetsitsi nechaunga, nokuti chakagara neni mazuva atova matatu vasina zvavangadya.

3 Kana ndikavaendisa kumba kwavo vasina kudya, vachaziya panzira; nokuti vamwe vavo vanobva kure.

4 Vadzidzi vake vakamupindura, vakati *: Zvingabvepiko zvingwa munhu zvaangagutsa nazvo vanhu ava murenje muno?

5 Akavabvunza, akati *: Munezvingwa zvinganiko? Vakati: Zvinomwe.

6 Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, aka zvi *medura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo *; vakazviisa pamberi pavazhinji.

7 Uye vakanga vanehove duku shomanene; zvino aka dzi *ropafadza, akaraira kuti zviiswevo pamberi pavo *.

8 Naizvozvo vakadya, vakaguta; ndokuvunganidza zvimedu zvakasara, matengu manomwe.

9 Avo vakange vadya vainge vaiva zvuru zvina; akavaendisa.

10 Pakarepo akapinda muchikepe navadzidzi vake, akasvika kumativi eDharimanuta.

11 Zvino vaFarisi vakabuda, vakatanga kupikisana naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.

12 Akagomera zvikuru pamweya wake, akati: Rudzi urwu runotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna chiratidzo chingapiwa kurudzi urwu.

13 Ipapo akavasiya, akapindazve muchikepe, akabva akayambukira kune gumwe rutivi.

14 Zvino vakanga vakangamwa kutora zvingwa; uyevo vakanga vasina c *hinhu muchikepe chingapfuvura chingwa chimwe chete.

15 Zvino akavaraira, achiti: Ngwarirai, muchenjere, mbiriso yavaFarisi nembiriso yaHerodhe.

16 Vakarangana pakati pavo vachiti: Nokuti hatine zvingwa.

17 Zvino Jesu wakati achi zvi *ziva, akati kwavari: Munorangana nemhaka yeiko kuti hamunezingwa? Hamusati maziva, kana kunzwisisa here? Moyo yenyu ichiri mikukutu here?

18 Munameso hamuvoni here? Uye munenzeve, hamunzwi here? Zvekare hamurangariri here?

19 Musi wandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, matengu azere manganiko ezvimedu amakanonga? Vakati kwaari: Gumi namaviri.

20 uye nomusi wezvinomwe pavanezvuru zvina, matengu manganiko akazadzwa nezvimedu amakanonga? Vakati: Manomwe.

21 Akati kwavari: Nemhaka yeyi musinganzwisisi?

22 Zvino wakasvika Bhetisaidha; vakavuya nebofu kwaari, vakamugombedzera kuti arinyangate.

23 akabata bofu neruvoko rwaro *, akaribudisira kunze komusha, akati apfira meso aro, akaisa mavoko pamusoro paro, akaribvunza kana richivona chinhu.

24 Iro rikatarira kumusoro rikati: Ndinovona vanhu vakaita semiti, vachifamba.

25 Mushure maizvozvo akaisazve mavoko pamusoro pameso ake akamutaridza kudenga, akaporeswa, akavona zvose zvakanaka.

26 Akamuendesa kumba kwake, achiti: Usatongopinda mumusha kana kuvudza chero munhu mumusha.

27 Zvino Jesu akabuda navadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesaria Firipi; vari * munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini aniko?

28 Vakapindura vachiti *: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria, vamwezve, mumwe wavaporofita.

29 Zvino akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati kwaari: Imwi muri Kristu.

30 Akavaraira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu pamusoro pake.

31 Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nokurambwa navakuru, navaprista vakuru, navanyori, agovurawa, mushure mamazuva matatu, amukezve.

32 Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akamutora, akatanga kumutsiura.

33 Asi iye wakatendevuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.

34 Zvino wakadanira kwaari chaunga navadzidzi vakevo, akati kwavari: Aninani unoda kuvuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.

35 Nokuti ani nani unoda kuponesa upenyu hwake, ucharashikirwa nahwo, asi ani nani ucharashikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu nokweevhangeri, ndiye uchahwuponesa.

36 Nokuti zvinobatsireiko munhu, kana akawana nyika yose akarashikirwa nomweya wake?

37 Kana kuti munhu ucharipeiko kuti adzikinure mweya wake?

38 Nokuti aninani unonyara pamusoro pangu namashoko angu parudzi urwu rwovupombwe nokutadza, Mwanakomana womhunhu uchanyaravo pamusoro pake, paanovuya mukubwinya kwake naBaba vake navatumwa vatsvene.


9


1 Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kunavamire pano, vasingazoraviri rufu, vasati vavona ushe hwaMwari hwuchivuya nesimba.

2 Zvino mushure mamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, naJokobho, naJohwani, akavatungamirira mugomo refu, vari voga; akashandurwa pamberi pavo.

3 Nguvo dzake dzikapenya, dzikachenesesa zvikuru semagada echando; zvokuti hakunomusuki pano panyika, ungagona kudzichenesa dzikadaro *.

4 Zvino kwakavonekwa kwavari Eria naMozisi, vachitaurirana naJesu.

5 Petro akapindura akati kunaJesu: Mudzidzisi, zvakanaka kuti tive pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, uye rimwe raMozisi, nerimwe raEria.

6 Nokuti wakanga asingazivi chokutaura; nokuti vaitya zvikuru.

7 Zvino kwakava negore rakavafukidza, inzwi rikabuda mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodikamwa, mumunzwei!

8 Kamwe-kamwe, vakati varinga-ringa, havana kuzovona munhuzve, asi Jesu chete anavo.

9 Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti varege kuvudza munhu zvavakanga vavona kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.

10 Vakachengeta shoko iro mukati mavo, vachibvunzana kuti zvinorevei kuti kumuka kwavakafa?

11 Vakamubvunza, vachiti: Nemhaka yei vanyori vachiti Eria unofanira kutanga kuvuya?

12 Akapindura akati kwavari: Eria zvirokwazvo uchatanga kuvuya hake, avandudze zvinhu zvose; asi kwakagonyorwa seiko zvoMwanakomana womunhu, kuti unofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nokuzvidzwa?

13 Asi ndinoreva kwamuri kuti Eriavo wakatosvika, vakamuitira zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.

14 Zvino wakati asvika kuvadzidzi, vakavona chaunga chikuru chakavakomba, navanyori vachipikisana navo.

15 Pakarepo chaunga chose chakati chichimuvona chikashamiswa kwazvo, chikamhanyira kwaari *, chikamukwazisa.

16 Akabvunza vanyori akati *: Munopikisaneiko navo?

17 Mumwe wechaunga akapindura, akati: Mudzidzisi, ndavuya kwamuri nomwanakomana wangu, unomweya wembeveve;

18 pose paunomubata, unomubvambura; opupuma furo, nokugeda-geda meno ake, uye unowoma mutezo; zvino ndakataura navadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.

19 Akamupindura akati: Haiwa rudzi rusina kutenda, ndichagara nemwi kusvikira rinhiko? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhiko? Vuyai naye kwandiri.

20 Vakavuya naye kwaari; wakati achimuvona, pakarepo mweya ukamubvambura; akawira pasi, akakunguruka achipupuma furo.

21 Zvino akabvunza baba vake akati *: Yava nguva yakadiniko kubvira izvozvi zvichimuwira? Akati: Kubva pavuduku.

22 Kazhinji wakamuwisira mumoto nomumvura, kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.

23 Jesu akati kwaari: Kana iwe uchigona kutenda, zvinhu zvose zvinokwanisika kunounotenda.

24 Zvino pakarepo baba vomwana vakadanidzira nemisodzi vakati: Ndinotenda Ishe, ndibatsirei pakusatenda kwangu.

25 Zvino Jesu wakati achivona chaunga chichimhanyirana pamwe chete, akatsiura mweya wetsina, akati kwauri: Iwe *, mweya wembeveve namatsi, ndinokuraira kuti * ubve maari, urege kupindazve maari.

26 Zvino ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda maari; akaita somunhu wakafa, nokudaro vazhinji vakati: Wafa.

27 Asi Jesu wakabata ruvoko rwake, akamusimudza, iye akasimuka.

28 Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza pachivande vachiti: Nemhaka yei isu takanga tisingagoni kuubudisa?

29 Ipapo akati kwavari: Rudzi urwu harungatongobudi nechinhu, asi nokunyengetera nekutsanya.

30 Vakabva ipapo, vakagura neGariri, akaramba kuti zvizikamwe nomunhu.

31 Nokuti wakadzidzisa vadzidzi vake, akati kwavari: Mwanakomana womunhu uchakumikidzwa mumavoko avanhu, vachamuvuraya; kana avurawa, uchamuka nezuva retatu.

32 Asi havana kunzwisisa shoko iro, vakatya kumubvunza.

33 Zvino wakasvika Kapenaume; akati ava mumba, akavabvunza, achiti *: Makanga muchikakavadzanireiko munzira?

34 Asi vakaramba vanyerere, nokuti munzira vakanga vaita nharo pakati pavo kuti * mukuru ndiani.

35 Ipapo akagara pasi, akadana vanegumi navaviri, akati kwavari: Kana munhu achida kuva wokutanga, uchava wekupedzisira kunavose nomuranda wavose.

36 Akatora mwana muduku, akamuisa pakati pavo; akati amufungatira mumavoko, akati kwavari:

37 Aninani unogamuchira mumwe wavana vaduku vakadai muzita rangu, unondigamuchireni; uye ani nani unogamuchira ini, haandigamuchiri ini, asi uyo wakandituma.

38 Zvino Johwani akamupindura, achiti: Mudzidzisi, tavona mumwe achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, asingatiteveri tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.

39 Asi Jesu wakati: Musamudzivisa, nokuti hakunomunhu ungaita basa resimba muzita rangu, ungakurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu.

40 Nokuti usingapesani nesu, ndowedu.

41 Nokuti aninani unokupai mukombe wemvura kuti mumwe muzita rangu, nemhaka yokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangarashikirwi nomubairo wake.

42 Uye aninani unogumbusa mumwe wavaduku ava * vanotenda kwandiri, zvirinani kwaari kuti guyo guru riremberedzwe pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.

43 Kana ruvoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zvirinani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, pakuenda mugehena, mumoto usingazodzimwi, unamavoko maviri.

44 Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.

45 Kana rutsoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uchikamhina, pane kuti une tsoka mbiri ukandirwe mugehena mumoto usingazofi wakadzimwa.

46 Apo pasingafi honye yavo, nomoto usingadzimwipo.

47 Zvino kana ziso rako richikugumbusa, ridzure; zvirinani kwauri kupinda muushe hwaMwari uneziso rimwe, pakuti une maziso maviri, ukandirwe mugehena remoto.

48 Apo pasingafi honye yavo, nomoto usingadzimwipo.

49 Nokuti mumwe nomumwe ucharungwa nomoto nechibayiro chimwe nechimwe chicharungwa nemunyu.

50 Munyu wakanaka; asi kana munyu usingacharungi, mungaurunga neiko? Ivai nomunyu mamuri, muve norugare pakati penyu.


10


1 Zvino wakati asimukapo, akasvika kumiganhu yeJudhiya, nemhiri kwaJoridhani, chaunga chikavunganirazve kwaari; zvino akavadzidzisa zvese zvaakanga ajaira.

2 VaFarisi vakavuya kwaari, vakamubvunza, vachiti *: Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi wake *? vachimuidza.

3 Akapindura, akati kwavari: Mozisi wakakurairai chiiko?

4 Zvino vakati: Mozisi wakatendera kunyora rugwaro rwokurambana, noku mu *ramba.

5 Jesu akapindura akati kwavari: Nokuda kovukukutu hwemoyo yenyu, wakakunyorerai murairo uyu.

6 Asi kubva pakutanga kokusikwa, Mwari wakavaita murume nomukadzi.

7 Nokuda kwaizvozvo murume uchasiya baba namai vake, anamatire mukadzi wake;

8 zvino avo vaviri vachava nyama imwe. Nokudaro havasichiri vaviri, asi nyama imwe.

9 Naizvozvo Mwari zvaakabatanidza pamwechete, ngapasava nomunhu unoparadzanisa.

10 Zvino vava * mumba vadzidzi vake vakamubvunzazve pamusoro paizvozvo.

11 Zvino akati kwavari: Ani nani unoramba mukadzi wake, akawana mumwe, unoita vupombwe kwaari.

12 Uye kana mukadzi wakaramba murume wake, akawanikwa nomumwe, unoita vupombwe.

13 Zvino vakavuya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakadzivisa avo vaivuya navo. *

14 Zvino Jesu wakati a zvi *vona, akatsamwa zvikuru, akati kwavari: Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwavakadai.

15 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani usingagamuchiri ushe hwaMwari somwana muduku, haangapindi mahwuri

16 Ipapo akavafungatira mumavoko, ndokuisa mavoko pamusoro pavo, akavaropafadza.

17 Zvino wakati achibudira kunzira, kwakavuya mumwe achimhanya, akamufugamira akamubvunza, achiti *: Mudzidzisi wakanaka, ndingaiteko kuti ndigare nhaka youpenyu hwusingaperi?

18 Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze komumwe, iye * Mwari.

19 Unoiziva mirairo inoti *: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba namai vako.

20 Zvino akapindura akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku hwangu.

21 Ipapo Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari: Chinhu chimwe chaunoshaiwa; enda, utengese zvose zvaunazvo upe varombo, ipapo uchava nefuma kudenga; ugovuya utakure muchinjikwa, unditevere.

22 Asi wakatsamwa neshoko iro, akaenda neshungu nokuti wakanga anefuma zhinji.

23 Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vacharemerwa sei vane fuma kupinda paushe hwaMwari!

24 Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu wakapindurazve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kunavanovimba nefuma kupinda muushe hwaMwari;

25 zvingarerukira kamera kupinda nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.

26 Ipapo vakashamiswa zvikurusa, vakataurirana vachiti *: Ndiani zvino ungagoponeswa?

27 Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu hazvibviri, asi kwete kuna Mwari nokuti kuna Mwari zvinhu zvose zvinobvira.

28 Petro akatanga kuti kwaari: Tarirai, isu takasiya zvose tikakuteverai.

29 Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakunomunhu wakasiya imba, kana vanun'una namadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwangu nokweevhangeri,

30 usingazopiwi zvinezana nenguva ino, dzimba navanun'una namadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, navana, neminda, nokutambudzwa, noupenyu hwusingaperi munguva inovuya.

31 Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzira vokutanga.

32 Zvino vakanga vari munzira, vachikwira Jerusarema; Jesu akavatungamirira; vakashamiswa; zvino pavaitevera, vaitya. Ipapo akatorazve vanegumi navaviri, akatanga kuvavudza zvinhu zvakanga zvoda kuitika kwaari, achiti *:

33 Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mwanakomana womunhu uchakumikidzwa kuvaprista vakuru nokuvanyori, vachamutongera rufu, nokumukumikidza kuvahedheni.

34 Vachamusveveredza, vachamurovesa, nokumupfira mate, nokumuvuraya; zvino nezuva retatu uchamukazve.

35 Zvino Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vakavuya kwaari vachiti: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chero chatinokumbira kwamuri.

36 Akati kwavari: Chii chamunoda kuti ndikuitirei?

37 Vakati kwaari: Tipei kuti tigare, mumwe kuruvoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe mukubwinya kwenyu,

38 Asi Jesu wakati kwavari: Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kumwa zvomukombe wandinomwa here? nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo here?

39 Vakati kwaari: Tingagona, Jesu akati kwavari: Muchamwa zvirokwazvo zvomukombe wandinomwa ini, nokubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;

40 asi kugara kuruvoko rwangu rworudyi, kana kuruboshwe, hazvisi zvangu kuti ndikupei, asi ndezva *vakazvigadzirirwa izvo.

41 Vanegumi vakati vachi zvi *nzwa, vakatanga kutsamwira zvikuru Jakobho naJohwani.

42 Asi Jesu akavadana akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda avahedheni vanovatonga, navakuru vavo vanobata nesimba pamusoro pavo.

43 Zvino hazvingadaro pakati penyu; asi ani nani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu;

44 aninani wenyu unoda kuva wokutanga, ngaave mushandi wavose.

45 Nokuti kunyange Mwanakomana womunhu haana kuvuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa upenyu hwake ruve * rudzikinuro rwavazhinji.

46 Vakasvika Jeriko; zvino wakati achibuda Jeriko navadzidzi vake nechaunga chikuru, Bartimeo bofu, mwanakomana waTimeo, akanga agere padivi penzira achipemha.

47 Wakati anzwa, kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, nokuti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!

48 Vazhinji vakamuraira kuti anyarare; asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti *; Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!

49 Ipapo Jesu akaramba amire, akaraira kuti adamwe; vakadana bofu vachiti kwariri: Tsunga moyo; simuka, unokudana.

50 Ipapo akarasha nguvo yake akasimuka, akaenda kunaJesu.

51 Jesu akapindura, akati kwaari: Unoda kuti ndikuitireiko? Bofu rikati kwaari: Raboni*, kuti ndivonezve.

52 Jesu akati kwaari: Enda hako; kutenda kwako kwakuponesa. Pakarepo akavonazve, akatevera Jesu munzira.


11


1 Vakati vasvika pedo neJerusarema, paBhetifage neBhetaniya, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vavadzidzi vake,

2 akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi; pakarepo kana muchangopinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina-kumbotaswa nomunhu; murisunugure, mugovuya naro *.

3 Kana munhu akati kwamuri: Munoitireiko izvi? Muti: Ishe unorida. Pakarepo ucharitumira pano.

4 Vakaenda, vakandowana dhongwana rakasungirwa pamukova kunze, pamharadzano dzenzira; vakarisunungura.

5 Vamwe vavakanga vamirepo vakati kwavari: Munoiteiko muchisunungura dhongwana?

6 Vakavavudza sezvakarairwa naJesu; vakavarega vachiinda.

7 Zvino vakavuya nedhongwana kunaJesu; vakakandira nguvo dzavo pamusoro paro, akagara pamusoro paro.

8 Navazhinji vakawarira nguvo dzavo munzira, navamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira.

9 Zvino avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa iye unovuya muzita raShe;

10 hwakaropafadzwa ushe hwaBaba vedu Dhavhidhi, hwunovuya muzita raIshe! Hosana* kumusoro-soro!

11 Ipapo Jesu wakapinda Jerusarema nemutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvose, zuva zvarakanga ravira, akabuda, akaenda Bhetaniya navanegumi navaviri.

12 Zvino fume mangwana vakati vachibva Bhetaniya, akanzwa nzara.

13 Zvino wakati * achivona muvonde uri kure, unamashizha, akaendako achiti zvimwe angawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha; nokuti yakanga isi nguva yamavonde.

14 Zvino Jesu akapindura, akati kwauri: Kusava nomunhu unozodya zvibereko pauri kubva zvino nokusingaperi. Vadzidzi vake vaka zvi *nzwa.

15 Vakasvika Jerusarema; Jesu akapinda mutembere, akatanga kudzingira panze avo vaitengesa navaitenga mutembere; akakwidibira matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvaivo vaitengesa njiva.

16 Zvino akasatendera munhu kuti atakure mudziyo achipfuvura nemutembere.

17 Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi *: Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose? Asi imwi makaiita bako ramakororo.

18 Zvino vanyori navaprista vakuru vaka zvi *nzwa, vakatsvaka kuti vangamuparadza sei; nokuti vakanga vachimutya, nokuti chaunga chose chakashamiswa nedzidziso yake.

19 Zvino ava madekwana, wakabuda kunze kweguta,

20 Zvino mangwanani vakati vachipfuvura, vakavona muvonde wawoma kubva pamidzi.

21 Petro akarangarira akati kwaari: Mudzidzisi, tarirai muvonde wamakatuka wawoma.

22 Jesu akapindura, akati kwavari: Ivai nokutenda kunaMwari.

23 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, asingakahadziki mumoyo make, asi achitenda kuti zvinhu izvo zvaanoreva zvichaitika, zvuchaitika kwaari zvose zvaanoreva.

24 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Zvinhu zvose zvose zvamunokumbira muchinyengetera, tendai kuti muchagamuchira, zvino muchawana.

25 Kana mukamira muchinyengetera, kangamwirai kana munemhaka nomumwe; kuti naBaba venyuvo vari kudenga, vakukangamwirei kudarika kwenyu.

26 Asi kana imwi musingakangamwiri naBaba venyu vari kudenga havakangamwirivo kudarika kwenyu.

27 Vakasvikazve Jerusarema; zvino wakati achifamba mutembere, vaprista vakuru navanyori navakuru vakavuya kwaari,

28 zvino vakati kwaari: Unoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndianiko wakakupa simba rokuita zvinhu izvi?

29 Jesu akapindura akati kwavari: Nenivo ndichakubvunzai mubvunzo mumwe, mundipindure, neni ndichakuvudzaivo simba randinoita naro zvinhu izvozvi.

30 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu? Ndipindurei,

31 Vakataurirana, vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati: Makagoregerei kumutenda?

32 Asi kana tikati: Kuvanhu; vakanga vachitya vanhu; nokuti vose vakanga vachiverenga Johwani kuti muporofita zvirokwazvo.

33 Vakapindura vachiti kuna Jesu: Hatizivi. Jesu akapindura akati kwavari: Nenivo handingakuvudziyivo kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.


12


1 Zvino wakatanga kutaura kwavari nemifananidzo, achiti *: Munhu wakasima munda wemizambiringa, akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira, akavaka shongwe, akaukumikidza kuvarimi, ndokuenda kune imwe nyika.

2 Nenguva yakafanira, akatumira muranda kuvarimi, kuti agamuchire kubva kuvarimi zvezvibereko zvomunda wemizambiringa.

3 Vakabata vakamurova, vakadzosa asina chinhu,

4 Akatumazve kwavari mumwe muranda; vakamuposhera mambwe, vaka mu *kuvadza musoro, vakamudzingira kure achinyara.

5 Akatumazve mumwe; iye vakamuvuraya; navamwe vazhinji, vachirova vamwe, nokuvuraya vamwe.

6 Naizvozvo wakanga achinomwanakomana mumwe, mudikamwa wake, akamutumiravo kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu.

7 Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai ngatimuvurayei, zvino nhaka igova yedu.

8 Vakamutora, vakavuraya, vakaposhera kunze komunda wemizambiringa.

9 Zvino mwene womunda wemizambiringa uchaiteiko? Uchavuya akaparadza varimi, akapa munda wemizambiringa kune vamwe.

10 Ko hamuna kutongorava here rugwaro urwu runoti *: Ibwe rakarashwa navavaki, ndiro rava musoro wekona;

11 Izvozvo zvakaitwa naShe, uye zvinoshamisa pameso edu?

12 Ipapo vakatsvaka kumubata, asi vakatya chaunga; nokuti vaiziva kuti wakanga ataura nomufananidzo iwoyo pamusoro pavo. Vakamusiya vakabvapo.

13 Zvino vakatuma kwaari vamwe vavaFarisi navavaHerodhe, kuti vamubate pamashoko ake.

14 Zvino vakati vavuya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wechokwadi, hamutariri munhu; nokuti hamutariri chimiro chomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi: Zviri pamutemo kuterera Kesari mutero here, kana kwete?

15 Titere here, kana tirege kutera? Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari: Munondiidzireiko? Ndivigirei dhenari*, kuti ndivone.

16 Vaka ri *vuyisa. Ipapo akati kwavari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari.

17 Jesu akpindura akati kwavari: Ipai kuna Kesarai zvinhu zvaKesari, nokunaMwari zvinhu zvaMwari. Vakashamiswa naye.

18 Zvino kwakavuya kwaari vaSajusi, vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza vachiti:

19 Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti *: Kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi, akasasiya vana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.

20 Zvino kwakanga kunavanakomana vanomwe vomunhu mumwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa akasasiya vana.

21 Wechipiri akamutora, akafa, akasasiyavo vana; nowechitatu; saizvozvovo,

22 navanomwe vose vakamuwana, vakasasiya mwana; shure kwavose mukadzi akafavo.

23 Naizvozvo pakumuka kwavakafa, kana vachimuka, uchava mukadzi waniko kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye somukadzi.

24 Jesu akapindura akati kwavari: Hamuna kurashika here, nekuti hamuzivi magwaro kana simba raMwari?

25 Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani, kana kuwaniswa, asi vakaita savatumwa vari kudenga.

26 Zvino maererano navakafa, kuti vanomutswa, hamuna kurava here mubhuku raMozisi, kuti * Mwari wakataura naye sei mugwenzi, achiti: Ini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?

27 Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; imwi naizvozvo marashika kwazvo.

28 Zvino mumwe wavanyori wakasvika, wakati anzwa vachirangana, achiziva kuti wakanga avapindura zvakanaka, akamubvunza achiti *: Ndoupiko murairo wokutanga kune yose?

29 Jesu akamupindura, achiti *: Wokutanga kumirayiro yose ndiwoyu *: Inzwa Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiIshe mumwe chete!

30 Uye ida Ishe Mwari wako nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nefungwa dzako dzose, nesimba rako rose. Uyu murairo wokutanga.

31 Nowechipiri wakadai uyu: Ida muvakidzani wako sezvauno zvida *. Hakunomumwe murairo mukuru kune iyeyi,

32 Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka, Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo kuti kuna Mwari mumwe chete, uye hakuno mumwe kunze kwake;

33 nokumuda nomoyo wose, nokunzwisisa kose, , nomweya wose nesimba rose, nokuda wokwako sewe, zvinopfuvura zvipiriso zvose zvinopiswa nezvibayiro.

34 Zvino, Jesu wakati achizvivona kuti wapindura nenjere, akati kwaari: Hausi kure noushe hwaMwari. Kukasava nomunhu shure kwaizvozvo wakazotsunga kumubvunza.

35 Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura akati: Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi?

36 Dhavhidhi amene wakati noMweya Mutsvene: Ishe wakati kunaShe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.

37 Naizvozvo Dhavhidhi amene unomuidza Ishe, ungagova * mwanakomana wake seiko? Vazhinji-zhinji vakamunzwa nomufaro.

38 Zvino wakati kwavari pakudzidzisa kwake: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nokukwaziswa pamisika,

39 nezvigaro zvapamusoro mumasingagoge, nenzvimbo dzakakwirira pazvirairo;

40 vachidya dzimba dzechirikadzi, uye nokunyengera vachiita minyengetero mirefu; ivava vachagamuchira kurashwa kukuru.

41 Zvino wakanga agere akatarisana nechivigiro chemari, akatarira kuti chaunga chinokanda sei mari muchivigiro; zvino vafumi vazhinji vakanga vachiisa zvizhinji.

42 Zvino kwakasvika imwe chirikadzi yaitambura, ikakanda tumari tuviri tuduku tunoita fadzingi*.

43 Akadana vadzidzi vake, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda zvizhinji kupfuvura vose vakanda muchivigiro;

44 nokuti avo vose vakanda pazvizhinji zvavo; asi iye pakushaiwa kwake wakanda zvose zvaanazvo, zvose zvoupenyu hwake.


13


1 Zvino wakati achibuda mutembere, mumwe wavadzidzi vake wakati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe, kuti * akadini nezvivakwa kuti * zvakadini!

2 Jesu achipindura akati kwaari: Unovona zvivakwa izvi zvikuru here? hakungasiiwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.

3 Zvino wakati agere pagomo reMiorivhi, mhiri pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohwani, naAndiriya vakamubvunza pachivande, vachiti *:

4 Tivudzei, izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava * chipiko, kana izvozvi zvose zvozadziswa?

5 Zvino Jesu achivapindura akatanga kuti: Chenjerai kusava nounokutsausai.

6 Nokuti vazhinji vachavuya muzita rangu, vachiti: Ndini iye *, vachitsausa vazhinji.

7 Asi kana muchinzwa zvehondo, nerunyerekupe rwehondo, musatambudzika; nokuti zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere.

8 Nokuti rudzi ruchamukira rudzi; noushe hwuchamukira ushe; uye kuchava nekudengenyika kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye kuchava nenzara, nematambudziko; izvi kutanga kwekurwadziwa.

9 Zvichenjererei imwi, nokuti vachakukumikidzai kumakurukota, uye nomumasinagoge mucharohwa, muchakumikidzwa pamberi pavatongi namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari.

10 Asi evhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa pakati pemarudzi ose.

11 Asi kana vachi ku *kwevai, vachikukumikidzai kumakurukota *, musambofunganya pakutanga zvamuchataura kana kufanorangarira, asi chero zvamunenge mapiwa nenguva iyo imwi taurai izvozvo; nokuti hamuzimwi munotaura, asi Mweya Mutsvene.

12 Zvino mukoma uchatengesera munun'una kurufu, nababa mwanakomana; navana vachamukira vabereki nokuvavurayisa.

13 Uye muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi unotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye uchaponeswa.

14 Zvino kana muchivona nyangadzi yokuparadza yakataurwa naDhanyeri muporofita, imire paisingafaniri (unorava ngaanzwisise), zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;

15 nouri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburukira mumba, kana kupinda kunotora chinhu mumba make.

16 Nouri mumunda ngaarege kutendevukira shurezve kunotora nguvo yake.

17 Asi vurombo kune avo vanemimba naavo vanomwisa namazuva iwayo!

18 Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando.

19 Nokuti mu *mazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusati kwambovapo kubva pakutanga kokusikwa kwakasikwa naMwari kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.

20 Dai Ishe asina kutapudza mazuva iwayo, hakunenyama yaiponeswa; asi nokuda kwavakasanangurwa,vaakasanangura, wakatapudza mazuva iwawo *.

21 Zvino kana munhu achiti kwamuri: Tarirai, Kristu pano, tarirai papo, musatenda.

22 Nokuti vana Kristu venhema, navaporofita venhema vachamuka, vagoratidza zviratidzo nezvishamiso, kuti vatsause kana zvichibvira kunyange vasanangurwa.

23 Asi chenjerai imwi; tarirai, ndagara ndakuvudzai zvinhu zvose.

24 Asi namazuva iwayo, shure kokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazopi chiedza chawo,

25 nenyeredzi dzokudenga dzichawa, namasimba ari kudenga achazungunuswa.

26 Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya mumakore nesimba guru nokubwinya,

27 ipapo uchatuma vatumwa vake, vakavunganidza pamwechete vasangangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wokudenga.

28 Zvino dzidzai pamufananidzo womuvonde; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti munakamwe wava pedo.

29 Saizvozvo imwivo, kana movona izvozvo zvichiitika, zivai kuti wava pedo watova pamukova.

30 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuvuri, kusvikira zvinhu izvi zvose zvaitika.

31 Denga nenyika zvichapfuvura; asi mashoko angu haangapfuvuri.

32 Asi zvezuva iro nenguva, hakuna unoziva, kunyange vatumwa vari kudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba.

33 Chenjerai, murinde, munyengetere; nokuti hamuzivi kuti nguva ndeyarini.

34 Somunhu wakaenda kuneimwe nyika, akasiya imba yake, akapa simba kuvaranda vake, kunomumwe nomumwe basa rake, akarairavo murindi womukova kuti arinde.

35 Naizvozvo rindai imwi; nokuti hamuzivi kuti mwene weimba unovuya rinhi, manheru, kana pakati povusiku, kana pakurira kwejongwe, kana mangwanani;

36 kuti arege kuvuya kamwekamwe, akakuwanai muvete.

37 Zvandinokuvudzai imwi, ndinovudza vose, Rindai!


14


1 Shure kwamazuva maviri kwaiva nepasika no mutambo *wezvingwa zvisinembiriso; vaprista vakuru navanyori vakanga vachitsvaka mutovo wavangamubata nawo noumhare, uye va mu *vuraye.

2 Asi vakati: Kwete pamutambo, zvimwe kungava nebope ravanhu.

3 Zvino wakati ari paBhetaniya, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, kwakavuya mumwe mukadzi, anechinu chearibhasiteri* chechizoro chenaridho* chakakosha zvikuru; akaputsa chinu chearibhsiteri, akachidurura pamusoro wake.

4 Asi kwaiva nevamwe vakatsamwa mukati mavo, vakati: Kutambisa ikoku kwechizoro kwaitirweiko?

5 Nokuti chingadai chatengeswa namadhenari* anopfuvura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakamutsutsumwira.

6 Asi Jesu wakati: Musiyei akadaro; munomutambudzireiko? Wandiitira basa rakanaka.

7 Nokuti varombo munavo nguva dzose, uye nguva ipi neipi yamunoda, mungavaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzose.

8 Waita zvaanogona; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa.

9 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kose kose kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika dzose, zvaakaitavo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.

10 Zvino Judhasi Isikariyoti, mumwe wavanegumi navaviri, wakaenda kuvaprisita vakuru, kuti amutengese kwavari.

11 Ivo vakati vachi zvi *nzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari. Ipapo akatsvaka mutovo waangamutengesa nawo kwavari panguva yakafanira.

12 Nezuva rokutanga rechingwa chisinembiriso, pavaibaya paseka nawo, vadzidzi vake vakati kwaari: Munoda kuti tiende kupi kunogadzira kuti mudye paseka?

13 Akatuma vadzidzi vake vaviri, akati kwavari: Endai muguta, ipapo murume uchasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere.

14 Paanenge angopinda, muti kumwene weimba: Mudzidzisi wati: Imba yavaeni iripiko, pandingadyira paseka navadzidzi vangu?

15 Zvino iye uchakutaridzai imba huru yokumusoro ikarongedzwa, yakagadzirwa; tigadzirirei ipapo.

16 Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakandowana sezvaakanga areva kwavari; vakagadzirira paseka.

17 Ava madekwana akasvika navanegumi navaviri.

18 Zvino vakati vakagara vachidya, Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mumwe wenyu unodya neni uchanditengesa.

19 Ipapo vakatanga kushungurudzika, mumwe nomumwe akati kwaari: Ndini here? Mumwe ndini here?

20 Asi wakavapindura akati kwavari: Mumwe wavanegumi navaviri, unoisa ruvoko neni mundiro.

21 Mwanakomana womunhu unoenda zvirokwazvo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi vurombo kumunhu uyo, Mwanakomana womunhu waanotengeswa naye, zvingadai zvakanaka kumunhu uyo dai asina kuzvarwa.

22 Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akaropafadza, akamedura, ndokupa kwavari, achiti: Torai, mudye, uyu muviri wangu.

23 Akatora mukombe, akati avonga, akapa kwavari, vakamwa vose pauri.

24 Zvino akati kwavari: Iri iropa rangu resungano itsva, rinotevurirwa vazhinji.

25 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handichazomwizve zvezvibereko zvomuzambiringa, kusvikira nezuva iro randichazomwa naro zvava zvitsva, muushe hwaMwari.

26 Zvino vakati vaimba rwiyo rwokurumbidza, vakabuda, vakaenda kugomo reMiorivhi.

27 Zvino Jesu wakati kwavari: imwi mose muchagumburwa nokuda kwangu vusiku hwuno, nokuti kwakanyorwa kuchinzi *: Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.

28 Asi kana ndamuka, ndichatungamira mberi kwenyu kuGariri.

29 Asi Petro akati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa, asi kwete ini.

30 Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi, vusiku hwuno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.

31 Asi iye wakareva nesimba, achiti *: Kunyange ndikafanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Navose vakadarovo.

32 Zvino vakasvika panzvimbo yainzi Getsemani; akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ini ndichi ndo *nyengetera.

33 Akatora pamwechete naye Petro naJakobho naJohwani, akatanga kuvhunduka kwazvo nokuzarirwa.

34 Akati kwavari: Mweya wangu unoshungurudzika kwazvo kusvikira pakufa; garai pano murinde.

35 Akapfuvura mberi zvishoma, akawira pasi, akanyengetera, kuti kana zvichibvira, nguva ipfuvure kwaari.

36 Zvino akati: Abha*, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kwete zvandinoda ini, asi zvamunoda imwi.

37 Zvino akasvika, akavawana vavete; akati kunaPetro: Simoni, uvete here? Wakonewa kurinda awa rimwe here?

38 Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuidzwa. Mweya unoda hawo, asi nyama hainesimba.

39 Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko iwayo.

40 Zvino paakadzoka, akavawana vavatazve, nokuti meso avo akanga orema kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura.

41 Akavuyazve rwechitatu, akati kwavari: Chivatai henyu zvino muzorore. Zvaringana, nguva yasvika; tarirai, Mwanakomana womunhu wokumikidzwa mumavoko avatadzi.

42 Simukai, tiende; tarirai, wondikumikidza kwavari wava pedo.

43 Pakarepo, achataura, akabva asvika Judhasi, mumwe wavanegumi navaviri, ane chaunga chikuru vane minondo netsvimbo, vachibva kuvaprista vakuru navanyori navakuru.

44 Zvino iye, wakamutengesa wakanga avapa chiratidzo, achiti: Uyo wandinongosveta ndiye, mumutore muende naye makamuchengetedza.

45 Zvino wakati asvika, pakarepo akaswedera kwaari akati: Mudzidzisi! Mudzidzisi! Akamusveta.

46 Ipapo vakaisa mavoko kwaari, vakamubata.

47 Zvino mumwe wavakanga vamirepo wakavhomora munondo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake.

48 Ipapo Jesu akapindura akati kwavari: Mabuda somunorwisa gororo neminondo netsvimbo kuzondibata here?

49 Ndakanga ndinemwi mutembere mazuva ose, ndichidzidzisa, asi hamuna kundibata, asi izvi zvaitwa *, kuti magwaro azadziswe.

50 Ipapo vose vakamusiya, vakatiza.

51 Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakamonera mucheka werineni rakashama, majaya akaribata;

52 asi rakasiya mucheka werineni, rikatiza kwavari rakashama.

53 Zvino vakabudisira Jesu kumuprista mukuru vakavunganira kwaari vaprista vakuru vose navakuru navanyori.

54 Petro akamutevera ari kure kusvikira pamuzinda womuprista mukuru; akanga agere navatariri, achidziya moto.

55 Zvino vaprista vakuru nedare rose vakatsvaka vuchapupu pamusoro paJesu kuti vamuvuraye; asi vakashaiwa

56 Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi kupupura kwavo hakuna kupindirana.

57 Zvino vamwe vakasimuka vakamupupurira nhema vachiti:

58 Isu takamunzwa achiti: Ndichaputsa tembere iyi; yakaitwa namavoko, uye mumazuva matatu ndichavaka imwe, isina kuitwa namavoko.

59 Asi kunyange zvakadaro kupupura kwavo kwakapesana.

60 Zvino muprista mukuru akasimuka pakati pavo *, akabvunza Jesu, achiti: Haupinduri chinhu here? Vuchapupu hwei hwavanokupomedzera?

61 Asi iye wakanyarara, akasapindura chinhu. Muprista mukuru akamubvunzazve, akati kwaari: Ndiwe Kristu, Mwanakomana wowakaropafadzwa here?

62 Jesu akati: Ndini iye. nemwi muchavona Mwanakomana womunhu agere kuruoko rworudyi rwesimba, achivuya mumakore okudenga.

63 Ipapo muprista mukuru akabvarura nguvo dzake akati: Tichatsvakireiko zvimwe zvapupu?

64 Imwi manzwa kumhura Mwari; munofungeiko? Ipapo vose vakamurasha kuti ave nemhosva yorufu.

65 Vamwe vakatanga kumupfira, vakafukidza chiso chake, vakamurova netsiva, vachiti kwaari: Porofita; navaranda vakamurova nembama dzamavoko avo.

66 Zvino Petro achiri paruvazhe pasi, ipapo pakasvika mumwe vavarandakadzi vomuprista mukuru,

67 zvino akavona Petro achizvidziyisa, akamutarira akati: Newevo wakanga unaJesu weNazareta.

68 Asi iye wakaramba, achiti: Handizivi kana kunzwisisa ini zvaunoreva. Akabuda akaenda kumusuwo, jongwe rikarira.

69 Zvino murandakadzi akamuvonazve, akatanga kuti kunavakanga vamirepo : * Uyu ndowavo!

70 Asi iye wakarambazve. Zvino nguva duku yakati yapfuvura, vakanga vamirepo vakatizve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri wavo, nokuti iwe uri muGariri nomutauriro wako unotenderana nazvo *.

71 Ipapo akatanga kutuka nokupika, achiti *: Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.

72 Zvino jongwe rikarira rwechipiri. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rarehwa kwaari naJesu rokuti *: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo, akachema.


15


1 Pakarepo mangwanani vaprista vakuru vakarangana navakuru navanyori nedare rose, vakasunga Jesu, vakamutakura, vaka mu *kumikidza kunaPirato.

2 Pirato akamubvunza akati *: Ndiwe Mambo wavaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe.

3 Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji, asi haana kupindura chinhu.

4 Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvinganiko zvavanokupomera!

5 Asi Jesu haana kuzopindurazve chinhu, zvokuti Pirato wakashamiswa.

6 Zvino pamabiko waivasunungurira musungwa mumwe, wavaikumbira.

7 Zvino kwakanga kune wainzi Barabhasi, akasungwa navamwe vakanga vamutsa bope naye, vakavuraya pabope irero.

8 Zvino chaunga chakadanidzirisa, vakatanga kukumbira sezvaaisivaitira kuti avaitire.

9 Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha here?

10 Nokuti wakanga achiziva kuti vaprista vakuru vakanga vamukumikidza kwaari * negodo.

11 Zvino vaprista vakuru vakakurudzira chaunga kuti zvirinani avasunungurire Barabhasi.

12 Pirato akapindura, akatizve kwavari: Zvino munoda kuti ndi mu *itireiko, wamunoti ndiMambo wavaJudha?

13 Vakadanidzirazve vachiti *: Muroverei!

14 Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaiteiko chakaipa? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti *: Murovere!

15 Zvino Pirato, achida kufadza vanhu vazhinji, akavasunungurira Bharabhasi, asi wakakumikidza Jesu, a mu *rova netyava kuti aroverwe.

16 Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, rweimba yomubati, vakavunganidza hondo yose;

17 vakamupfekedza nguvo shava, vakaruka korona yemhinzwa, vakamudzika.

18 Vakatanga kumukwazisa, vachiti *: Hekanhi, Mambo wavaJudha!

19 Vakamurova musoro norutsanga, vakamupfira, vakafugama mabvi, vakamunamata.

20 Zvino vakati vamusweveredza, vakamubvisa nguvo shava, ndokumupfekedza nguvo dzake, vakaenda naye kundomurovera.

21 Zvino vakamanikidza mumwe waipfuvura wainzi * Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchnjikwa wake.

22 Vakamuisa kunzvimbo yainzi * Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya.

23 Vakamupa waini, yakavhenganiswa negavakava kuti amwe, asi haana kugamuchira.

24 Zvino vakati vamurovera, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo, kuti mumwe nomumwe uchatorei.

25 Yakanga yava nguva yechitatu, vakamurovera.

26 Norugwaro rwemhosva yake rwakanga rwakanyorwa pamusoro, ruchiti *: MAMBO WAVAJUDHA.

27 Pamwechete naye vakarovera makororo maviri, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe.

28 Rugwaro rukaitika, runoti: Wakaverengwa pamwechete navadariki.

29 Navaipfuvura vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Haiwa, Iwe, wokuputsa tembere, nokuvaka namazuva matatu,

30 zviponese, uburuke pamuchinjikwa!

31 Saizvozvo vaprista vakuru navanyori vakamusweveredza pakati pavo, vachiti *: Wakaponesa vamwe, zvino haagoni kuzviponesa.

32 Kristu, Mambo wavaIsraeri ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, kuti tivone titende. Navakanga varoverwa pamwe chete naye vakamuzvidza.

33 Zvino nguva yechitanhatu yakati yasvika, rima rikavapo panyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe.

34 Zvino nenguva yepfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: "Eroi, Eroi, rama Sabhakitani!" Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?

35 Vamwe vavakanga vamirepo vakati vachi zvi *nzwa, vakati: Tarirai, unodana Eria.

36 Ipapo mumwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti amwe, achiti: Regai timboona kana Eria achizovuya kumuburusa.

37 Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.

38 Vheiri retembere rikabvaruka kuita mapandi * maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi.

39 Zvino mukuru wezana wakanga amirepo akatarisana naye, wakati achivona kuti wadanidzira akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari.

40 Kwakanga kune vakadzivo vakatarira vari kure, pakati pavo kwakanga kuna Maria Magidharini, naMaria mai vaJakobho muduku naJose, naSarome,

41 (Vaimutevera achi muGariri, vachimushandira), navamwe vakadzi vazhinji vakanga vakwira Jerusarema naye.

42 Zvino ava manheru, zvarakanga riri gadziriro, ndokuti zuva rinotangira sabata,

43 Josefa weArimatea, gurukota rairemekedzwa wakanga akamiriravo ushe hwaMwari wakavuya akapinda kunaPirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu.

44 Pirato akashamiswa nokuti wakanga atofa; akadana mukuru wezana, akamubvunza kana akanguva afa.

45 Zvino wakati a zvi *nzwa nomukuru wezana, akapa Josefa chitunha.

46 Iye wakatenga mucheka * werineni, akamuburusa, akamuputira nerineni, ndokumuradzika muhwiro hwakanga hwakacherwa paruware, ndokukungurusira ihwe pamukova wehwiro.

47 Zvino Maria Magidharini, naMaria mai * vaJose, vakavona paakavigwa.


16


1 Sabata rakati rapfuvura, Maria Magidharini, naMaria mai * vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira, kuti vaende kunomuzodza.

2 Mangwanani-ngwanani omusi wokutanga wevhiki, vakaenda, kuhwiro, zuva robuda.

3 Vakati pakati pavo: Ndianiko uchatikungurusira ibwe kubva pamukova wehwiro?

4 Zvino vakati vachitarira, vakavona kuti ibwe rakanga ratokungurusirwa kure, nokuti raiva guru-guru.

5 Zvino vakati vapinda muhwiro, vakavona murume wechiduku wakanga agere kurutivi rworudyi, akapfeka nguvo chena yakareba, vakavhunduka;

6 akati kwavari: Musatya; munotsvaka Jesu weNazareta wakaroverwa here? Wamuka, haapo pano; tarirai pavakanga vamuradzika.

7 Asi endai, mundovudza vadzidzi vake naPetro, kuti unokutungamirirai Gariri, muchandomuvonako, sezvaakakuvudzai.

8 Vakabuda nokukurumidza vakatiza pahwiro; nokuti vakanga vabatwa nokudedera nokushamiswa; vakasataura chinhu kuna ani zvake, nokuti vakanga vachitya.

9 Zvino wakati amuka mangwanani nowokutanga wevhiki, wakavonekwa pakutanga kunaMaria Magidharini, waakanga abudisa mweya yakaipa minomwe kwaari.

10 Iye akaenda kundovudza avo vaaiva navo, pavaichichema nokurira.

11 Naivo pavakanzwa kuti mupenyu, uye kuti wakanga avonekwa naye, havana kutenda.

12 Shure kwaizvozvo wakazviratidza nechimwe chimiro kuvaviri vavo vachifamba, vachienda muruwa.

13 Naivovo vakaenda, vakandovudza vakanga vasara; naivo vakasavatendavo.

14 Pashure wakazviratidza kunavanegumi nomumwe vagere pakudya, akavasvora nokusatenda kwavo novukukutu hwemoyo, nokuti havana kutenda vaya vakanga vamuvona amuka.

15 Akati kwavari: Endai munyika yose muparidze evhangeri kuchisikwa choga-choga.

16 Uyo unotenda akabhabhatidzwa uchaponeswa; asi usingatendi ucharashwa.

17 Zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda; muzita rangu vachabudisa mweya yakaipa, vachitaura nendimi itsva;

18 vachanonga nyoka; kunyange vakamwa chinhu chinovuraya, hachingavakuvadzi; vachaisa mavoko pavarwere, vakapora.

19 Zvino Ishe wakati ataura kwavari, akagamuchirwa kumusoro kudenga, akagara kuruvoko rworudyi rwaMwari.

20 Ivo vakaenda, vakaparidza kose-kose, Ishe achibata navo *, achisimbisa shoko nezviratidzo zvaitevera. Amen.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE