RUKA


1


1 Vazhinji sezvavakaisa ruvoko kuronga zvakafanira rondedzero yemashoko ezvinhu izvo zvamazvirokwazvo pakati pedu,

2 sezvavakapa kwatiri ivo avo kubva pakutanga vakazvionera nameso, vari varanda veshoko,

3 Zvakavonekwa zvakanaka nokwandirivo, ndanyatsoongorora zvinhu zvose kubva pakutanga, kuti ndikunyorereivo nokutevedzanisa, imwi Teofiro, makakurumbira,

4 kuti muzive chokwadi chezvinhu izvi zvamakadzidziswa.

5 Kwaivapo namazuva aHerodhe mambo weJudhiya mumwe muprista wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nomukadzi wake waiva* wavanasikana vaAroni, zita rake riri Erizabheti.

6 Zvino vose vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemurairo nezvimiso zvose zvaShe; vasina chavangapomerwa.

7 Uye vakanga vasinomwana, nokuda kokuti Erizabheti wakanga ari mhanje, uye vose vakanga vakwegura pamakore.

8 Zvino zvakaitika kuti wakati achibata basa rovuprista pamberi paMwari, padzoro reboka rake,

9 netsika dzebasa rovuprista, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuwira kana apinda mutembere yaShe.

10 Zvino chaunga chose chavanhu chakanga chichinyengetera kunze nenguva yezvinonhuhwira.

11 Zvino kwakavonekwa kwaari mutumwa waShe, amire kurutivi rworudyi rwearitari yezvifungaidzo zvinonhuhwira.

12 Zvino Zakaria wakati achi mu*vona akatambudzika, kutya kukamuwira.

13 Asi mutumwa akati kwaari: Usatya Zakaria; nokuti munyengetero wako wanzwikwa, nomukadzi wako Erizabheti uchakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani.

14 Uye uchava nomufaro nokupembera, navazhinji vachafarira kuberekwa kwake.

15 Nokuti iye uchava mukuru pamberi paShe; haangatongomwi waini kana zvinobata; uchazadzwa noMweya Mutsvene kubva padumbu ramai vake.

16 Zvino vazhinji vavana vaIsraeri uchadzorera kunaShe Mwari wavo;

17 uye iye uchafamba pamberi pake muMweya nesimba raEria, kuti adzorere moyo yamadzibaba kuvana, navasingateereri kuvuchenjeri hwavakarurama, agadzirire vanhu vakagadzirirwa kugamuchira* Ishe,

18 Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava munhu wakwegura, nomukadzi wangu wakwegura kwazvo pamakore.

19 Mutumwa achipindura akati kwaari: Ndini Gabhirieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikukumikidze mashoko awa akanaka.

20 Zvino tarira, uchava mbeveve, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo.

21 Vanhu vakanga vakamirira Zakaria vakashamiswa nokunonoka kwake mutembere.

22 Zvino wakati abuda, akasagona kutaura kwavari; vakaziva kuti wakanga avona chiratidzo mutembere; iye akavaninira namavoko, akaramba ari mbeveve.

23 Zvino zvakaitika kuti mazuva okushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake.

24 Zvino shure kwamazuva iwayo, mukadzi wake Erizabheti akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:

25 Ndizvo zvandakaitirwa naShe namazuva aaka ndi*tarira, kuti abvise kunyadzwa kwangu pakati pavanhu.

26 Zvino nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabrieri wakatumwa naMwari kuguta reGariri rinonzi Nazareta,

27 kumhandara, yakanga yatsidza kuwanikwa nomurume, zita rake raiva Josefa, weimba yaDhavhidhi; zita remhandara rainzi* Maria.

28 Mutumwa akapinda kwaari, akati: Hekanhi, iwe unodikamwa! Ishe u*newe, wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi.

29 Iye wakati achi mu*vona akatambudzika nokutaura kwake, akafunga mumoyo make kuti* kukwazisa kwakadai kunorevei.

30 Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya, Maria; nokuti wawana nyasha kunaMwari.

31 Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, ugotumidza zita rake kuti* Jesu.

32 Iye uchava mukuru, iye uchanzi Mwanakomana woWokumusoro-soro; Ishe Mwari uchapa kwaari chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi.

33 Uchatonga imba yaJakobho nokusingaperi, noushe hwake habvungavi nomugumo.

34 Ipapo Maria akati kumutumwa: Izvozvi zvingaitika seiko, zvandisingazivi murume?

35 Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchavuya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari.

36 Uye tarira, Erizabheti hama yako, naiyevo wava nemimba yomwanakomana pakuchembera kwake; nomwedzi uno wava wechitanhatu kunaiye wainzi mhanje.

37 Nokuti naMwari hakuna chinhu chisingagoneki.

38 Ipapo Maria akati: Tarirai, murandakadzi waShe; ngazvive kwandiri seshoko renyu, Mutumwa akabva kwaari.

39 Zvino Maria akasimuka namazuva iwayo akaenda kunyika yazvikomo nokukurumidza, kuguta reJudhiya;

40 akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti.

41 Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene,

42 akadana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako!

43 Ko zvandibvira nepiko, kuti mai vaShe wangu vauye kandiri?

44 Nokuti tarira, inzwi rokukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana akatamba mudumbu rangu nomufaro.

45 Uye wakaropafadzwa unotenda, nokuti zvirokwazvo zvakataurwa naShe kwaari zvichazadziswa.

46 Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,

47 Mweya wangu unofara munaMwari Muponesi wangu;

48 Zvaakavona kuzvidzwa komurandakadzi wake; Nokuti, tarira, kubva zvino mazera ose achati ndakaropafadzwa;

49 Nokuti uyo unamasimba wakandiitira zvinhu zvikuru; nezita rake i*dzvene.

50 Ngoni dzake dziri* kuna avo vanomutya kubva kumazera namazera.

51 Wakaita zvinesimba noruvoko rwake; Wakaparadzira vaizvikudza mundangariro dzemoyo yavo;

52 Wakaburusa vanemasimba pazvigaro zvoushe, akasimudza vakazvininipisa;

53 Vanenzara wakavagutsa nezvinhu zvakanaka, asi vafumi wakavadzosera vasina chinhu;

54 wakabatsira muranda wake Israeri kuti arangarire ngoni,

55 sezvaakataura kumadzibaba edu, kunaAbhurahamu nokuvana vake nokusingaperi.

56 Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumusha kwake.

57 Zvino nguva yaErizabheti yokusununguka kwake yakakwana; akabereka mwanakomana.

58 Zvino vakavakidzana navo nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakanga amuitira ngoni huru, vakafara naye.

59 Zvino zvakaitika kuti nezuva rorusere vakavuya kuzodzingisa mwana, vakamutumidza zita rababa vake, Zakaria.

60 Asi mai vake vakapindura vakati: Kwete, asi uchanzi Johwani.

61 Vakati kwaari: Hakunomunhu kuhama dzenyu unodaidzwa nezita iro.

62 Vakataura namavoko kunababa vake, kuti vanoda kuti anzi ani.

63 Vakakumbira pokunyorera, vakanyora vachiti: Johwani, ndiro zita rake; vakashamiswa vose.

64 Muromo wake ukashamiswa pakarepo, norurimi rwake rukasununguka*, akataura, achirumbidza Mwari.

65 Kutya kukawira vose vaigara vakamukomba; namashoko iwayo ose akanzwikwa kunyika yose yamakomo eJudhiya.

66 Zvino vose vakanzwa, vaka zvi*chengeta mumoyo mavo, vachiti: Uchazova mwana wakadiniko? Zvino ruvoko rwaShe rwakava naye.

67 Zvino baba vake Zakaria vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:

68 Ngaarumbidzwe Ishe Mwari waIsraeri, nokuti wakashanyira vanhu vake, nokuvadzikunura,

69 akatisimudzira runyanga rworuponeso mumba momuranda wake Dhavhidhi,

70 sezvaakataura nomuromo wavaporofita vake vatsvene, vakanga varipo kubva pakuvamba kwenyika,

71 ruponeso pavavengi vedu, naparuvoko rwavose vanotivenga;

72 kuitira madzibaba edu ngoni, nokurangarira sungano yake tsvene,

73 Mhiko yaakapika nayo kunababa vedu Abhurahamu,

74 kuti atipe isu, kuti tasunungurwa mumavoko avavengi vedu, timushumire tisingatyi,

75 muvutsvene nokururama pamberi pake mazuva ose eupenyu hwedu.

76 Newe, Mwana, uchanzi muporofita Wokumusoro-soro, nokuti iwe uchatungamira pamberi pechiso chaShe, kumugadzirira nzira dzake;

77 Kupa ruzivo rweruponeso kuvanhu vake nokukangamwirwa kwezvivi zvavo.

78 Nomoyo munyoro waMwari wedu, mahwuri mambakwedza okudenga anotishanyira,

79 Kupa chiedza kune vagere murima nemumvuri worufu; nokururamisa tsoka dzedu munzira yorugare.

80 Mwana akakura, akasimba mumweya, akagara mumarenje, kusvikira zuva rokuratidzwa kwake kuvaIsraeri.


2


1 Zvino zvakaitika kuti namazuva iwayo, chirevo chakabuda kubva kunaKesari Agasto, kuti nyika yose inyorwe mazita.

2 Kunyorwa uku ndokwaiva kokutanga kwakaitwa Kuriniosi ari mutongi weSiria.

3 Vose vakaenda kundonyorwa, mumwe nomumwe kuguta rake.

4 NaJosefavo akakwira achibva Gariri, muguta reNazareta, akaenda Judhiya, kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nokuti waiva weimba nedzinza raDhavhidhi;

5 kuti anyorwe naMaria mukadzi wake wakanga atsidzira kuwanikwa naye, ava nemimba.

6 Zvakaitika kuti vachipo, mazuva okuzvara kwake akasvika;

7 akazvara mwanakomana wake wedangwe, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti makanga musina nzvimbo yavo muimba yavaeni.

8 Zvino kwakanga kunavafudzi munyika iyoyo, vaigara kuvuragu vachirinda mapoka avo vusiku.

9 Zvino tarira, mutumwa waShe akamira pedo navo, nokubwinya kwaShe kukaratidzwa kwakavakomba, vakatya nokutya kukuru.

10 Ipapo mutumwa akati kwavari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko akanaka omufaro mukuru, uchava kuvanhu vose;

11 nokuti mazvarirwa nhasi muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe.

12 Ichi chiratidzo kwamuri: Muchandowana mwana akaputirwa nemicheka, avete muchidyiro chezvipfuwo.

13 Ipapo kamwe-kamwe kukavapo pamwe chete nomutumwa, chaunga chehondo yokudenga, chichirumbidza Mwari, chichiti:

14 Rumbidzo kunaMwari wokumusoro-soro, norugare panyika; moyo muchena kuvanhu.

15 Zvino kwakaitika kuti vatumwa vabva kwavari, vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende zvino Bhetirehemu, tindovona chinhu ichi chakaitika, chatakaziviswa naShe.

16 Ipapo vakakurumidza kusvika, vakawana vose Maria naJosefa, norusvava ruvete muchidyiro chezvipfuwo.

17 Vakati vavona, vakazivisa kose shoko ravakanga vavudzwa maererano nomwana uyo.

18 Zvino vose vakanzwa vakashamiswa nezvinhu izvi zvavakavudzwa navafudzi.

19 Asi Maria wakachengeta zvinhu izvi zvose, achifungisisa mumoyo make.

20 Zvino vafudzi vakadzokera kwakare, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakanga vanzwa nekuvona, sezvavakanga vavudzwa.

21 Mazuva masere akati apera kuti mwana adzingiswe, zita rake rikanzi Jesu, raakanga atumidzwa nomutumwa, asati agamuchirwa mudumbu.

22 Zvino mazuva okuzvinatsa kwake nomurairo waMozisi akati apera, vakavuya naye Jerusarema, kuti va mu*kumikidze kunaShe;

23 (sezvazvakanyorwa pamurairo waShe kuti mwana*rume mumwe nomumwe unotanga kuzarura chizvaro, uchanzi mutsvene kunaShe),

24 uye vabayire chibayiro sezvazvakarehwa pamurairo waShe, njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku.

25 Zvino tarira, kwakanga kunomunhu muJerusarema, zita rake rainzi* Simiyoni, ndiyevo munhu waiva akarurama akazvipira kushumira Mwari, akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, noMweya Mutsvene wakanga uri pamusoro pake.

26 Zvino zvakanga zvaratidzwa kwaari noMweya Mutsvene, kuti haangavoni rufu asati avona Kristu waShe.

27 Wakapinda mutembere noMweya; zvino vabereki vakati vachivuya nomwana Jesu, kuti vaite pamusoro pake setsika yomurairo,

28 iye akamutora akamubata mumavoko ake akavonga Mwari, achiti:

29 Tenzi zvino regai henyu muranda wenyu aende norugare, sezvakareva shoko renyu;

30 Nokuti meso angu avona ruponeso rwenyu,

31 rwamakagadzirira pamberi pezviso zvavanhu vose;

32 chiedza chokuvhenekera vahedheni, nokubwinya kwavanhu venyu vaIsraeri.

33 Josefa namai vake vakashamiswa nezvakarehwa pamusoro pake.

34 Ipapo Simiyoni akavaropafadza, akati kunaMaria mai vake: Tarira, uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pavaIsraeri, nokuva chiratidzo chichapikiswa;

35 uye newe munondo uchabaya mweya wakovo; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzibvundunurwe.

36 Zvino kwakanga kuno mumwe Ana muporofitakadzi, mukunda waFanueri, wedzinza raAsheri; iye wakanga akwegura kwazvo, wakanga anomurume makore manomwe kubvira pavumhandara hwake.

37 Iye ari chirikadzi yamakore makumi masere namana, wakanga asingabvi mutembere, achishumira nokutsanya nokunyengetera vusiku namasikati:

38 Naiye wakati achisvika nenguva iyo akatendavo Mwari, akataura pamusoro pake kunavose vakanga vachitarisira kusunungurwa kweJerusarema.

39 Zvino vakati vapedza zvinhu zvose zvomurairo waShe, vakadzokera Gariri, kuguta ravo Nazareta.

40 Mwana akakura akasimba mumweya, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzakanga dziri pamusoro pake.

41 Zvino vabereki vake vaienda Jerusarema makore ose pamutambo wepaseka.

42 Zvino wakati ava namakore anegumi namaviri, vakakwira Jerusarema netsika yomutambo,

43 vakati mazuva apera, pakudzoka kwavo mwana Jesu akasara Jerusarema, Josefa namai vake vasingazvizivi,

44 asi vaifunga kuti uri munavamwe vavakanga vachifamba navo, vakafamba mufambo wezuva rimwe, vakazomutsvaka pakati pehama nokuvazikani.

45 Asi vakati vamushaiwa, vakadzokera shurezve kuJerusarema vachimutsvaka.

46 Zvino zvakaitika kuti kwapera mazuva matatu, vakamuwana mutembere, agere pakati pavadzidzisi achivateerera nokuvabvunza.

47 Vose vakanga vachimunzwa, vakashamiswa nokuziva kwake nemhinduro dzake.

48 Zvino vakati vamuvona vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Tarira, baba vako neni tanga tichikutsvaka tichishungurudzika.

49 Akati kwavari: Makanga muchinditsvakireiko? Makanga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?

50 Asi ivo havana kunzwisisa shoko raakataura kwavari.

51 Ipapo akaburuka navo, akasvika Nazareta, akavateerera. Asi mai vake vakachengeta mashoko iwayo ose mumoyo mavo.

52 Jesu akawedzera panjere nokukura, napakudiwa naMwari navanhu.


3


1 Zvino negore regumi namashanu rokutonga kwaTiberio Kesari, Pontio Pirato ari mutongi weJudhiya, Herodhe ari mutongi wechina weGariri, Firipi munun'una wake, ari mutongi wechina weIturea nedunhu reTrakoniti, Risanio ari mutongi weAbhirene,

2 Anasi naKayafasi vari vaprista vakuru, shoko raMwari rakasvika kunaJohwani mwanakomana waZakaria murenje.

3 Iye akasvika munyika yose yakapoteredza yaJoridani, akaparidza rubhabhatidzo rwokutendevuka kuti kuve nekukangamwirwa kwezvivi;

4 sezvazvakanyorwa mubhuku ramashoko aIsaya muporofita zvichinzi: Inzwi rounodana murenje richiti*: Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.

5 Mipata yose ichafusirwa, makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; zvakakombama zvicharuramiswa, nzira dzamakwiringwindi dzienzaniswe;

6 uye nyama yose ichavona ruponeso rwaMwari.

7 Naizvozvo wakati kuchaunga chaibudira kuzobhabhatidzwa naye: Vana venyoka, ndianiko wakakuyambirai kuti mutize kutsamwa kunovuya?

8 Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendevuka; musatanga kureva mumoyo menyu, muchiti: Tina Abhurahamu baba vedu*; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari unogona kubva pamabwe awa kumutsira Abhurahamu vana.

9 Zvinovo sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti mumwe nomumwe usingabereki chibereko chakanaka, unotemerwa pasi, ukandirwe mumoto.

10 Chaunga chikamubvunza, chichiti: Zvino todiniko?

11 Akapindura akati kwavari: Une nguvo mbiri, ngaagovane nousina; nounezvokudya ngaaite saizvozvo.

12 Zvino kwakavuyavo vateresi kuzobhabhatidzwa, vakati kwaari: Mudzidzisi, toiteiko?

13 Akati kwavari: Musareva kupfuvura pamakatemerwa napo.

14 Navarwivo vakamubvunza, vachiti: Ko isu todiniko? Akati kwavari: Musatyityidzira munhu kana kupomera munhu nhema; uye migutsikane nemubairo wenyu.

15 Zvino vanhu vakati vachatarisira, vose vachirangarira mumoyo mavo pamusoro paJohwani, kuti zvimwe ndiKrustu,

16 Johwani akapindura achiti kunavose: Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura; asi mumwe unesimba kupfuvureni unovuya, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye uchakubhabhatidzai neMweya mutsvene nomoto

17 Rusero rwake rwuri* muruvoko rwake; uchanatsa kwazvo buriro rake; uye uchavunganidza zviyo mudura rake, asi hundi iye uchaipisa nemoto usingadzimwi.

18 Uye mukukurudzira kwake nezvinhu zvizhinji, akaparidzira vanhu evhangeri.

19 Asi Herodhe mutongi wechina, wakati asvorwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi womunun'una wake, nezvakaipa zvose zvaakanga zvaitwa naHerodhe,

20 wakawedzerazve pamusoro pezvose nezvizvi, kuti wakapfigira Johwani mutirongo.

21 Zvino zvakaitika kuti* vanhu vose vabhabhatidzwa, naJesuvo abhabhatidzwa, achinyengetera, denga rakazarurwa.

22 Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nechimiro chomuviri sowenjiva, inzwi rikabva kudenga, richiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikamwa; wandinofadzwa naye kwazvo.

23 Zvino iye Jesu wakanga achitanga kusvika makore anenge makumi matatu, ari sezvaifungidzirwa, mwanakomana waJosefa, wakanga ari waHeri,

24 wakanga ari waMatati, wakanga ari waRevhi, wakanga ari waMeriki, wakanga ari waJanasi, wakanga ari waJosefa,

25 wakanga ari waMatatiasi, wakanga ari waAmosi, wakanga ari waNaumi, wakanga ari waEsiri, wakanga ari waNagai,

26 wakanga ari waMaati, wakanga ari waMatatiasi, wakanga ari waSimeyini, wakanga ari waJosefa, wakanga ari waJudha,

27 wakanga ari waJohwanani, wakanga ari waResa, wakanga ari waZerubhabheri, wakanga ari waSaratieri, wakanga ari waNeri,

28 wakanga ari waMeriki, wakanga ari waAdhi, wakanga ari waKosamu, wakanga ari waErimodhamu, wakanga ari waEri,

29 wakanga ari waJose, wakanga ari waEriazeri, wakanga ari waJorimu, wakanga ari waMatati, wakanga ari waRevhi,

30 wakanga ari waSimiyoni, wakanga ari waJudha, wakanga ari waJosefa, wakanga ari waJonanu, wakanga ari waEriakimu,

31 wakanga ari waMerea, wakanga ari waMenani, wakanga ari waMatata, wakanga ari waNatatani, wakanga ari waDhavhidhi,

32 wakanga ari waJese, wakanga ari waObhedhi, wakanga ari waBhowazi, wakanga ari waSarimoni, wakanga ari waNaasoni,

33 wakanga ari waAminadhabhi, wakanga ari waAramu, wakanga ari waEziromi, wakanga ari waFaresi, wakanga ari waJudha,

34 wakanga ari waJakobho, wakanga ari waIsaka, wakanga ari waAbhurahamu, wakanga ari waTera, wakanga ari waNahori,

35 wakanga ari waSerugi, wakanga ari waRagau, wakanga ari waFareki, wakanga ari waEberi, wakanga ari waSarah,

36 wakanga ari waKainani, wakanga ari waArifakisadhi, wakanga ari waSemu, wakanga ari waNowa, wakanga ari waRameki,

37 wakanga ari waMatusara, wakanga ari waEnoki, wakanga ari waJaredhi, wakanga ari waMarereeri, wakanga ari waKainani,

38 wakanga ari waEnosi, wakanga ari waSeti, wakanga ari waAdhamu, wakanga ari waMwari.


4


1 Zvino Jesu azere noMweya Mutsvene, wakadzoka achibva paJorodhani, akatungamirirwa noMweya kuinda murenje,

2 achiidzwa naDhiabhorosi mazuva anamakumi mana. Wakanga asingadyi chinhu namazuva iwayo; zvino akati apera pashure akazonzwa nzara.

3 Zvino Dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, vudza ibwe iri kuti rive chingwa.

4 Jesu akamupindura, achiti: Kwakanyorwa kuti: Munhu haangararami nechingwa chete asi neshoko rimwe nerimwe raMwari.

5 Zvino Satani akamutora akamukwidza pagomo refu, akamuratidza ushe hwose hwenyika nenguva duku.

6 Dhiabhorosi akati kwaari: Simba iri rose ndichakupa nokukudzwa kwahwo, nokuti ndakahwupiwa ini, kuti ndihwupe aninani wandinoda.

7 Naizvozvo iwe kana ukandinamata, zvose zvichava zvako.

8 Jesu akapindura akati kwaari: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti kwakanyorwa kuchinzi*: Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.

9 Akaenda naye kuJerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano;

10 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi*: Ucharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;

11 uye pamavoko vachakusimudza, kuti urege kurovera rutsoka rwako pabwe.

12 Jesu achipindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe Mwari wako.

13 Dhiabhorosi akati apedza kuidza kose, akabva kwaari kusvikira pane imwe nguva.

14 Zvino Jesu wakadzokera Gariri nesimba roMweya; mukurumbira wake ukabudira kunyika yose yakapoteredza.

15 Iye akadzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa navose.

16 Akasvika paNazareta, paakanga arerwa; netsika yake wakapinda musinagoge nomusi wesabata, akasimuka kuti arave.

17 Akapiwa rugwaro rwomuporofita Isaya. Zvino wakati avhura rugwaro, akawana pakanga pakanyorwa kuti*:

18 Mweya waShe uri* pamusoro pangu, nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire evhangeri kuvarombo; wakandituma kuti ndiporese vakavodzwa moyo, kuparidza kusunungurwa kunavakatapwa, kuvona kumapofu, ndisunungure vakatsikirirwa,

19 nokuparidza gore rakanaka raShe.

20 Akapeta rugwaro akadzosera kumuranda, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa.

21 Zvino akatanga kuti kwavari: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.

22 Vose vakamupupurira, vakashamiswa namashoko enyasha akabuda mumuromo make, vakati: Ko uyu haazi mwanakomana waJosefa here?

23 Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura kwandiri shumo iyi: Murapi, zvirape iwe; zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaumi, uzviitevo nomuno munyika yako.

24 Akati: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakunomuporofita unogamuchirika munyika yake.

25 Asi chokwadi ndinoti kwamuri: Chirikadzi zhinji dzaivako kuvaIsraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose;

26 asi Eria haana kutumwa kunomumwe wavo, kunze kwekuna Sarepita weSidhoni, kumukadzi chirikadzi.

27 Uye vanemaperembudzi vazhinji vaivako kuvaIsraeri pamazuva omuporofita Erisha; asi hakunomumwe wavo vakanatswa, kunze kwaNaamani muSiria.

28 Ipapo vose vakanga vari musinagoge vakazara nehasha, vachinzwa zvinhu izvi.

29 vakasimuka, vakamudzingira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakwa guta ravo, kuti vamuwisire pasi nomusoro.

30 Asi iye wakapinda napakati pavo akaenda.

31 Zvino wakaburukira Kapenaume, guta reGariri; uye waivadzidzisa nemasabata.

32 Vakashamiswa nedzidziso yake, nokuti shoko rake rakanga rinesimba.

33 Zvino musinagoge makanga munomunhu waiva anomweya wetsvina wakaipa; akadanidzira nenzwi guru,

34 akati: Tisiyeyi! tineiko nemwi, Jesu weNazareta? Mavuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.

35 Ipapo Jesu akautsiura, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Mweya wakaipa wakati wamuwisira pakati, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza.

36 Kushamisika kukawira vose, vakataurirana, vachiti: Ishokoiko? Nokuti nesimba nechikuriri unoraira mweya yetsvina, ikabuda.

37 Mukurumbira wake ukabuda kunzvimbo dzose dzenyika yakapoteredza.

38 Zvino wakasimuka akabuda musinagoge, akanopinda mumba maSimoni; zvino mbuyawasha vaSimoni vakanga vakabatwa nefivhiri huru; vakavakumbirira kwaari,

39 Ipapo akamira pavari, atsiura fivhiri, ikavarega; pakarepo vakasimuka vakavashandira.

40 Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva navarwere vezvirwere zvakasiyana-siyana vakavuya navo kwaari; akaisa mavoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo akavaporesa.

41 Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira ichiti: Ndimwi Kristu mwanakomana waMwari. Iye aka i*tsiura akasaitendera kutaura nokuti yakanga ichiziva kuti ndiKristu

42 Zvino kwakati kwaedza akabuda, akaenda kunzvimbo yerenje, chaunga chikamutsvaka, chikasvika kwaari, chikamubatirira kuti arege kubva kwavari,

43 Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira evhangeri youshe hwaMwari mamwe magutavo; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.

44 Akasiparidza mumasinagoge eGariri.


5


1 Zvino zvakaitika kuti vanhu vazhinji vakati vachimumbandidzira kuti vanzwe shoko raMwari, iye akamira parutivi rwegungwa reGenesareta;

2 akavona zvikepe zviviri zvimire parutivi rwegungwa; asi vabati vehove vakanga vabuda mazviri vachisuka mimbure.

3 Akapinda mune chimwe chikepe chaiva chaSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo zvishoma. Zvino akagara, akadzidzisa chaunga ari muchikepe.

4 Wakati apedza kutaura, akati kunaSimoni: Pinda kwakadzika ukande mimbure yenyu kuti ubate.

5 Simoni akapindura, akati kwaari: Tenzi, tabhindauka vusiku hwose, tikasabata chinhu, asi zvamadaro imwi, ndichadzikisa mumbure.

6 Vakati vaita izvozvo, vakakomba dutu rehove zhinji; mimbure yavo ikange yobvaruka.

7 Vakaninira vamwe vavo* vakanga vari mune chimwe chikepe, kuti vauye kuzovabatsira; vakavuya vakazadza zvikepe zvose zviri zviviri, zvokuti zvakatanga kunyura.

8 Zvino Simoni Petro wakati achivona, akawira pasi pamabvi aJesu, akati: Ibvai kwandiri, Ishe, nokuti ndiri munhu mutadzi.

9 Nokuti wakanga abatwa nokushamiswa, iye navose vaakanga anavo nokubatwa kwehove dzavakanga vabata;

10 saizvozvovo Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebedhi, vaiva pamwechete naSimoni. Ipapo Jesu akati kuna Simoni: Usatya, kubva zvino uchabata vanhu.

11 Zvino, vakati vaisa zvikepe kunyika, vakasiya zvose vakamutevera.

12 Zvino zvakaitika, ari kune rimwe guta, tarira, murume wakanga azere maperembudzi; wakati achivona Jesu akawa nechiso, ndokumukumbira, achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.

13 Ipapo akatambanudza ruvoko, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa. Pakarepo maperembudzi akabva kwaari.

14 Akamuraira kuti asavudza munhu; akati*: Asi enda undozviratidza kumuprista, ubayire pamusoro pakunatswa kwako, sezvakarairwa naMozisi, chive chapupu kwavari.

15 Asi mukurumbira wake wakanyanya kupararira kose; zvaunga zvikuru zvakavungana kuzomunzwa, nokuporeswa naye matenda avo.

16 Asi iye waienda kunzvimbo dzerenje achinnoyengetera.

17 Zvino zvakaitika nerimwe ramazuva, iye wakanga achidzidzisa; zvino vaFarisi navadzidzisi vomurairo vakanga vagerepo, vaibva kumisha yose yeGariri neJudhiya neJerusarema; nesimba raShe rakanga riri po* kuvaporesa.

18 Zvino tarira, varume vakanga vakatakura munhu panhovo wakanga akawoma mitezo; vakatsvaka kumupinza vamuise pamberi pake.

19 Zvino, vakati vachishaiwa pavangamupinza napo, nokuda kwechaunga, vakakwira pamusoro peimba, vakamuburusira mukati nenhovo yake*, pamapfuriro pakati pamberi paJesu.

20 Iye wakati avona kutenda kwavo, akati kwaari: Murume, zvivi zvako wazvikangamwirwa.

21 Zvino vanyori navaFarisi vakatanga kufunga, vachiti: Ndianiko uyu unotaura achimhura Mwari? Ndianiko ungakangamwira zvivi, kunze kwaMwari oga?

22 Zvino Jesu, paakaziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari: Munofungeiko mumoyo yenyu?

23 Chinyiko chakareruka, kuti: Zvivi zvako wazviregererwa; kana kuti: Simuka, ufambe?

24 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokuregerera zvivi, (akati kunowairwara nokuwoma mitezo) Ndinoti kwauri: Simuka, utore nhovo yako, uende kumba kwako.

25 Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora chaakanga avete pamusoro pacho, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari.

26 Kushamisika kukabata vose, vakarumbidza Mwari, vakazadzwa nokutya, vachiti: Tavona chisivonekwe nhasi.

27 Zvino shure kwaizvozvo wakabuda, akavona muteresi, nezita wainzi* Revhi, agere paimba inotererwa, akati kwaari: Nditevere.

28 Iye akasiya zvose, akasimuka akamutevera.

29 Revhi akamuitira mutambo mukuru mumba make; kukavapo chaunga chikuru chavateresi navamwe vakanga vanavo pakudya.

30 Asi vanyori vavo navaFarisi vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti: Nemhaka yei muchidya nokumwa navateresi navatadzi?

31 Jesu akapindura akati kwavari: Vasingarwari havatsvaki murapi, asi avo vanorwara.

32 Handina kuvuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi, vauye mukutendevuka.

33 Zvino vakati kwaari: Nemhaka yei vadzidzi vaJohwani vachitsanya kazhinji, vachiita minyengetero, navavaFarisi vanodarovo, asi venyu vanodya nokumwa.

34 Asi wakati kwavari: Mungatsanyisa vana veimba yomuchato chikomba chiri kwavari here?

35 Asi mazuva achasvika, apo chikomba chichabviswa kwavari, zvino ipapo vachatsanya namazuva iwayo.

36 Akatauravo mufananidzo kwavari, akati*: Hakunomunhu unoisa chigamba chitsva panguvo sharu; kana zvakadaro naichovo chitsva chinobvarura, nechigamba chakabva panguvo* itsva hachipindirani nechisharu.

37 Uye hakunomunhu unodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvakadaro, waini itsva ichaparusa hombodo, ikatevuka, uye nehombodo dzikaparara.

38 Asi waini itsva inofanira kuiswa muhombodo itsva zvose zvichengetedzeke.

39 Uye hakuna munhu unoti kana amwa waini* sharu, pakarepo akashuva itsva; nokuti unoti: Sharu iri nani.


6


1 Zvino zvakaitika nesabata rechipiri shure kwerekutanga, kuti paakanga achifamba napakati peminda yezviyo, vadzidzi vake vatanha hura dzezviyo, vachidya, vachidzipukuta namavoko

2 Zvino vamwe vavaFarisi vakati kwavari: Munoitireiko zvisiri pamutemo nemisi yesabata?

3 Zvino Jesu achivapindura, wakati: Ko hamuna kurava pamusoro pezvizvi here? zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga ava nenzara iye navakanga vanaye,

4 kuti wakapinda sei mumba maMwari, akatora, akadya, zvingwa zvokuratidza, akapavo vakanga vanaye; izvo zvisiri pamutemo kudyiwa asi navaprista voga?

5 Akati kwavari: Mwanakomana womunhu ndiyevo Ishe wesabata.

6 Zvino zvakaitikavo nerimwe sabata kuti wakapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakanga kunomunhu ipapo aneruvoko rwake rworudyi rwakawonyana.

7 Vanyori navaFarisi vakamutarisisa, kuvona* kana angaporesa nomusi wesabata, kuti vawane kumupomera mhosva

8 Asi iye wakaziva mifungo yavo, akati kumunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana: Simuka, umire pakati pavanhu*. Akasimuka akamira.

9 Zvino Jesu akati kwavari: Ndinokubvunzai chinhu chimwe: Zviri pamutemo here nemasabata kuita zvakanaka kana zvakaipa? kuponesa upenyu kana kuparadza?

10 Ipapo akaringa-ringa kwavari vose, akati kumurume: Tambanudza ruvoko rwako. Akaita saizvozvo. ruvoko rwake rukararama rukava sorumwe.

11 Vakazara noupengo; vakataurirana mumwe nomumwe, kuti Jesu vangamuitei.

12 Zvino zvakaitika namazuva iwayo kuti wakabuda akaenda kugomo kundonyengetera; agara vusiku hwose mukunyengetera kuna Mwari.

13 Zvino kwakati kwaedza, akadana vadzidzi vake; akasanangura kwavari vanegumi navaviri vaakatumidzavo kuti* vapositora;

14 Simoni, waakatumidzavo Petro, naAndiriya munun'una wake, Jakobho naJohwani, Firipi naBhartoromiyo,

15 Matewu naTomasi, Jakobho waArifiyosi, naSimoni wainzi Ziroti;

16 naJudhasi waJakobho, naJudhasi Isikariyoti, wakazova mutengesi.

17 Akaburuka navo, akamira pakaenzana, nechaunga chevadzidzi vake, nechaunga chikuru chavanhu vaibva Judhiya rose neJerusarema, napamahombekombe egungwa reTire neSidoni, vakavuya kuzomunzwa, nokuporeswa hosha dzavo;

18 navakanga vachitambudziwa nemweya yetsvina, vakaporeswa.

19 Chaunga chose chakatsvaka kumunyangata: nokuti kwakabuda simba kwaari rikaporesa vose.

20 Zvino wakasimudzira meso ake kuvadzidzi vake, akati: Makaropafadzwa varombo, nokuti ushe bwaMwari ndobwenyu.

21 Makaropafadzwa imwi munenzara zvino, nokuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imwi munochema zvino, nokuti muchaseka.

22 Makaropafadzwa imwi, kana vanhu vachikuvengai, vachikusarudzai, vachikunyombai, vachirasha zita renyu serakashata, nokuda koMwanakomana womunhu.

23 Farai nezuva iro, mupembere nomufaro; nokuti tarirai, mubairo wenyu mukuru kudenga; nokuti saizvozvo ndizvo* zvakaita madzibaba avo kuvaporofita.

24 Asi Vurombo kwamuri imwi vafumi! Nokuti magamuchira nyaradzo yenyu.

25 Vurombo kwamuri imwi makaguta! Nokuti muchaziya. Vurombo kwamuri imwi munoseka zvino! Nokuti muchachema nokuwungudza.

26 Vurombo kwamuri kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu! Nokuti ndizvo zvakaita madzibaba avo kuvaporofita venhema.

27 Asi ndinoti kwamuri munonzwa: Idai vavengi venyu, muite zvakanaka kune avo vanokuvengai,

28 Muropafadze vanokutukai, munyengeterere avo vanokukubatai zvakaipa.

29 Kune uyo unokurova padama, umupe rimwevo; unokutorera nguvo yokunze, usarambidza nenguvo yomukativo.

30 Upe umwe noumwe unokumbira kwauri; nounokutorera zvako, usazvikumbirazve.

31 Sezvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitirevo saizvozvo.

32 Kana muchida avo vanokudai, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzivo vanoda vanovada.

33 Kana muchiitira zvakanaka kune avo vanokuitirai zvakanaka, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanoitavo saizvozvo.

34 Kana muchikwereta vamunotarisira kudzoserwa navo, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanokweretesavo vatadzi, kuti vapiwezve zvakaenzana nazvo.

35 Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka, mupe chikwereti musingatarisirizve chinhu; zvino mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vana voWokumusoro-soro; nokuti iye unomoyo munyoro kunavasingavongi navakaipa.

36 Naizvozvo ivai netsitsi, sababa venyuvo vanetsitsi.

37 Musatonga, nemwi hamungazotongwi; musapa mhaka, nemwi hamungazopiwi mhaka; regererai, nemwi mucharegererwa.

38 Ipai, nemwi muchapiwa; chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chinopfachukira; vachakupai pachifuva chenyu. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwavo nacho.

39 Akataura mufananidzo kwavari akati*: Bofu ringatungamirira bofu here? Haangawiri mugomba ose here?

40 Mudzidzi haapfuvuri mudzidzisi wake; asi mumwe nomumwe, kana azadziswa , uchava somudzidzisi wake.

41 Uye unotarireiko rubanzu ruri muziso reumwe wako, asi danda riri muziso rako haurivoni?

42 Kana ungareva seiko kuneumwe wako, uchiti*: Umwe wangu, rega ndibudise rubanzu ruri muziso rako, iwe pachako usingavoni danda riri muziso rako? Iwe munyengeri, budisa pakutanga danda riri muziso rako, zvino ipapo uchavon zvakanaka kubvisa rubanzu ruri muziso reumwe wako.

43 Nokuti muti wakanaka haugoni kubereka chibereko zvakaipa; uye muti wakaipa unobereka chibereko chakanaka.

44 nokuti muti umwe nomumwe unozikamwa nechibereko chawo. Nokuti pamhinzwa, vanhu havatanhi mavonde, kana parukato, havangatanhi mazambiringa.

45 Munhu wakanaka kubva pafuma yakanaka yomoyo wake, unobudisa izvo zvakanaka, nomunhu wakaipa kubva pafuma yakaipa yomoyo wake, unobudisa izvo zvakaipa; nokuti zvizere mumoyo make, ndizvo* zvinotaura muromo wake.

46 Munondiidzireiko Ishe, Ishe, musingaiti zvinhu zvandinoreva?

47 Ani nani unovuya kwandiri akanzwa mashoko angu akaaita, ini ndichakuratidzai waakafanana naye.

48 Wakafanana nomunhu wakavaka imba, akachera akadzikisa, akateya nheyo paruware; zvino mafashame akati asimuka, rukova rukarova zvinesimba paimba iyo, ikasagona kuizunungusa; nokuti yakanga yakateyiwa paruware.

49 Asi uyo unonzwa asingaiti, wakafanana nomunhu wakavaka imba isina nheyo pavhu; ipo rukova rwakarova nesimba, pakarepo ikawa, kuwa kweimba iyo kukava kukuru.


7


1 Zvino wakati apedza mashoko ake ose munzeve dzavanhu, akapinda Kapenaume;

2 zvino muranda womumwe mukuru wezana, waiva akakosha kwaari, wakanga achirwara, achitandadza.

3 Zvino wakati anzwa zvaJesu, akatuma kwaari vakuru vavaJudha, achikumbira kuti auye aporese muranda wake.

4 Zvino ivo, vakati vachisvika kunaJesu, vakamugombedzera zvikuru, vachiti: Iye wakafanira kuti mumuitire izvozvi;

5 nokuti unoda rudzi rwedu, uye ndiye wakativakira sinagoge.

6 Zvino Jesu akaenda navo. Zvino apo akanga asisiri kure neimba, mukuru wezana akatuma shamwari kwaari, achiti kwaari: Ishe, musazvitambudza henyu; nokuti handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga remba yangu;

7 naizvozvo handina kumbofunga ini pachangu sendakafanira kuvuya kwamuri; asi taurai henyu shoko, muranda wangu uchapora.

8 Nokuti nenivo ndiri munhu wakaiswa pasi pamasimba, ndinavarwi pasi pangu; ndinotivo kune uyu: Enda, unoenda; uye kunomumwe: Vuya, unovuya; nokumuranda wangu: Ita chichi, unoita.

9 Jesu wakati anzwa zvinhu izvi, akashamiswa naye, akatendevuka, akati kuchaunga chaimutevera: Ndinoti kwamuri: Handina kumbowana kutenda kukuru kwakadai, kunyange napakati pavaIsraeri.

10 Zvino avo vakanga vatumwa vodzokera kumba vakawana muranda airwara apora.

11 Zvino zvakaitika zuva raitevera, kuti wakaenda kuguta rainzi Naini; zvino vazhinji vavadzidzi vake navanhu vazhinji-zhinji vakaenda naye.

12 Zvino, wakati achiswedera pedo nesuvo reguta, tarira, kwaiva nomunhu wakanga akafa achibudwa naye* kunze, mwamakomana mumwe chete wamai vake vaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye.

13 Zvino Ishe wakati amuvona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema.

14 Ipapo akaswedera akabata bwanyanza; zvino navo vakanga vakatakura vakamira, Akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka!

15 Mushakabvu akagara, akatanga kutaura; akamupa kuna mai vake.

16 Kutya kukabata vose; vakarumbidza Mwari, vachiti: Muporofita mukuru wakamuka pakati pedu uyezve: Mwari washanyira vanhu vake.

17 Zvino mbiri iyi yake ikasvika muJudhiya rose nenharaunda yose yakapoteredza.

18 Vadzidzi vaJohwani vakamupira zvinhu izvozvi zvose.

19 Johwani akadana vamwe vaviri vavadzidzi vake, aka va*tuma kunaJesu achiti: Ko ndimwi unofanira kuvuya here, kana tichakataririra umwe?

20 Zvino varume vakati vasvika kwaari, vakati: Johwani Mubhabhatidzi watitumira kwamuri achiti: Ko ndimwi iye unovuya here? kana tichakataririra mumwe?

21 Zvino munguva imwecheteyo akaporesa vazhinji pahosha novurwere, nepamweya yakaipa; nokumapofu mazhinji akapa kuvona.

22 Ipapo Jesu akapindura akati kwavari: Endai mundovudza Johwani zvamakavona nezvamakanzwa; zvokuti, mapofu anovonazve, mhetamakumbo dzinofamba, vanamaperembudzi vanonatsva, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, varombo vanoparidzirwa evhangeri.

23 Zvino wakaropfadzwa ani nani usingagumbuswi neni.

24 Zvino vatumwa vaJohwani vakati vabva, wakatanga kutaura kuchaunga pamusoro paJohwani, achiti*: Makabudira kurenje kundovoneiko? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?

25 Asi makanga mabuda kundovoneiko? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanenguvo dzinobwinya, vachigara zvakanaka, vari mudzimba dzamadzimambo.

26 Asi makanga mabuda kundovoneiko? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Unopfuvura zvikuru muporofita.

27 Uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake, zvichinzi*: Tarira, ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, Uchagadzira nzira yako pamberi pako.

28 Nokuti ndinoti kwamuri: Pakati pavakaberekwa navakadzi, hakuna muporofita mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe bwaMwari mukuru kwaari.

29 Zvino vanhu vose vakati vachinzwa, navateresi vakati Mwari wakarurama, zvavakanga vabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwaJohwani.

30 Asi vaFarisi nenyanzvi dzomutemo vakaramba zano raMwari pamusoro pavo, vakasabhabhatidzwa naye.

31 Zvino Ishe akati: Zvino vanhu vorudzi urwu ndichavafananidza neiko? Vakafanana neiko?

32 Vakafanana navana vagere pamisika vachidanidzirana vachiti: Takakuridzirai nyere mukasatamba, takakuririrai mukasachema.

33 Nokuti Johwani Mubhabhatidzi wakavuya asingadyi chingwa kana kumwa waini, zvino moti: Unomweya wakaipa;

34 Mwanakomana womunhu wasvika achidya, achimwa, zvino moti tarirai munhu wamakaro nomumwi wewaini shamwari yavateresi navatadzi.

35 Asi vuchenjeri bwunonzi bwakarurama navana vake vose.

36 Zvino mumwe wavaFarisi wakakumbira kuti adye naye; akapinda mumba momuFarisi, akagara pasi pakudya.

37 Zvino tarira, mukadzi muguta iro*, waiva mutadzi, wakati aziva kuti ugere pakudya mumba momuFarisi, akavuya nechinu chearibhasiteri chechizoro.

38 akamira patsoka dzake mushure make*, achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akapusika nevhudzi romusoro wake, ndokusveta tsoka dzake ndoku dzi*zodza nechizoro.

39 Zvino muFarisi wakanga amudana wakati achi zvi*vona, akataura mumoyo make, achiti: Munhu uyu, dai aiva muporofita, ungadai aiziva kuti ndiani uye mukadzi wakadini unomubata, nokuti mutadzi.

40 Ipapo Jesu akapindura akati kwaari: Simoni, ndine shoko newe, Iye akati: Mudzidzisi, Revai henyu.

41 Kwakanga kune vakwereti vaviri kune mumwe mukweretesi; mumwe wakanga ane chikwereti chamadhenari* anamazana mashanu, mumwe makumi mashanu.

42 Vakati vasina chokuripisa, akangovakangamwira nomoyo wose vose. Zvino ndoupiko kuvaviri uchanyanya kumuda?

43 Simoni akapindura akati: Ndinofunga kuti ndouyo wakakangamwirwa zvizhinji. Akati kwaari: Watonga zvakanaka.

44 Zvino akatendevukira kumukadzi, akati kuna Simoni: Unovona mukadzi uyu here? Ndapinda mumba mako, mvura yetsoka dzangu hauna kundipa; asi uyu* wanyorevesa tsoka dzangu nemisodzi, akapusika nevudzi romusoro wake.

45 Hauna kundisveta, asi iye chinguri chandapinda, haana kumira kusveta tsoka dzangu.

46 Namafuta musoro wangu hauna ku u*zodza; asi nechizoro, mukadzi uyu wazodza tsoka dzangu.

47 Naizvozvo, ndinoti kwauri: Zvivi zvake zvizhinji zvaregererwa, nokuti wada zvikuru; asi unokangamwirwa zvishoma, unoda zvishoma.

48 Zvino akati kwaari: Zvivi zvako zvakangamwirwa .

49 Zvino avo vakanga vagere pakudya naye vakatanga kureva mukati mavo, vachiti*: Ndianiko uyu unokangamwira zvivivo?

50 Akati kumukadzi: Kutenda kwako kwakuponesa; enda norugare.


8


1 Zvino zvakaitika shure kwaizvozvo, kuti wakapfuvura nomumaguta ose nemisha, achidanidzira nokuparidza mashoko akanaka oushe bwaMwari, navanegumi naviri vanaye.

2 Navamwe vakadzi vakanga vaporeswa pamweya yakaipa novurwere, Maria unonzi Magidharini, iye* wakanga abuda mweya yakaipa minomwe maari,

3 naJohwana mukadzi waKuza mutariri waHerodhe, naSusana, navamwe vazhinji, vaimushumira nefuma yavo.

4 Zvino chaunga chikuru chakati chavungana, vaibva kumaguta ose vachiuya kwaari, akataura nomufananidzo Akati*:

5 Mukushi wakabuda kundokusha mbeu yake; zvino wakati pakukusha kwake, imwe yakawira kurutivi rwenzira, ikatsikwa netsoka, shiri dzokudenga dzikaidya dzikaipedza.

6 Imwe ikawira paruware; zvino ichangomera, ikawoma, nokushaiwa vunyoro.

7 imwe ikawira pakati pemhinzwa, mhinzwa ikakura pamwe chete nayo, ikaivhunga.

8 Imwe ikawira muvhu rakanaka, ikamera, ikabereka zvibereko zvinezana. Zvino wakati ataura zvinhu izvi, akadanidzira achiti*: Uyo unenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.

9 Zvino vadzidzi vake vakamubvunza vachiti: Mufananidzo uyo ungava weiko?

10 Iye akati: Kwamuri kwakapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe bwaMwari; asi kune vamwe zvinozvipiwa* mumifananidzo, kuti vachivona varege kuvona; uye vachinzwa varege kunzwisisa.

11 Zvino mufananidzo ndiwoyu; Mbeu ishoko raMwari.

12 Avo vaparutivi rwenzira ndivo vanonzwa, zvino dhiabhorosi unovuya, akabvisa shoko pamoyo yavo, kuti varege kutenda, vakaponeswa.

13 Navaparuware ndivo vaya, vanoti kana vanzwa, vanogamuchira shoko nomufaro; asi havanomudzi, vanongotenda kwechinguvana; asi nenguva yokuidzwa vanowa.

14 Neyakawira pakati pemhinzwa, ndivo vanoti kana vanzwa, zvino vanoenda ndokuvhungwa nokufunganya nefuma, nemafaro oupenyu b wuno*, vakasasvitsa zvibereko.

15 Asi yomuvhu rakanaka, ndivo avo vakati vanzwa shoko, vano ri*chengeta mumoyo wakarurama nowakanaka, vachibereka zvibereko nokutsungirira.

16 Hakunomunhu, unoti kana atungidza mwenje, unoufukidzira nomudziyo, kana kuisa pasi pomubhedha; asi unogadzika pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vavone chiedza.

17 Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazobudiswi pachena, kana chakavigwa, chisingazozikamwi nokubuda pachena.

18 Naizvozvo chenjerai, manzwiro amunoita; nokuti aninani unazvo, uchapiwa; uye aninani usina, uchatorerwa kunyange icho chaanoita sounacho.

19 Zvino kwakavuya kwaari mai navanun'una vake, vakasagona kusvika kwaari nekuda kwechaunga.

20 Akavudzwa nevamwe* vakati: Mai venyu navanun'una venyu vamire panze, vanoda kukuvonai.

21 Asi wakapindura akati kwavari: Mai vangu navanun'una vangu ndivo avo vanonzwa shoko raMwari vachiriita.

22 Zvino zvakaitika nerimwe ramazuva iwayo kuti iye wakapinda muchikepe navadzidzi vake, akati kwavari: Ngatiyambukire kune rumwe rutivi rwegungwa, vakaenda.

23 Zvino vakati vachienda nechikepe, akavata hope, kukavuya dutu guru remhepo pagungwa; vakatanga kuzarirwa nemvura*, vakava munjodzi.

24 Vakaswedera kwaari vakamumutsa, vachiti: Tenzi, tenzi, Toparara! Ipapo akamuka, akatsiura mhepo namafungu emvura; zvikaguma, kukava nekudzikama.

25 Zvino akati kwavari: Kutenda kwenyu kuripiko? Asi ivo vakatya vakashamiswa, vakataurirana vachiti: Munhu rudziiko uyu, nokuti unoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuteerera?

26 Zvino vakasvika nechikepe panyika yavaGadharini, yakatarisana neGariri.

27 Wakati achibudira panyika, akamuchingamidza mumwe murume achibva muguta, wakanga anemweya yakaipa nguva refu, asingapfeki nguvo, asingagari mumba, asi kumarinda.

28 Wakati achivona Jesu, akadanidzira ndokuwira pasi pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndineiko nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokukumbirai, musanditambudza.

29 Nokuti wakanga araira mweya wetsvina kuti ubude kumunhu; nokuti kazhinji wakanga wamubata uye waikachengetwa akasungwa namaketani nezvisungo; akadambura zvisungo, achitinhirwa kumarenje nomweya wakaipa.

30 Jesu akamubvunza, achiti: Zita rako ndianiko? Akati: ndiRigiyoni; nokuti mweya yakaipa mizhinji yakanga yapinda maari.

31 Ikamukumbirisa zvikuru kuti arege kuiraira kuti iende kwakadzika-dzika.

32 Zvino kwakanga kuripo boka renguruve zhinji raifura mugomo; ikamukumbirisa kuti aitendere kupinda madziri. Akaitendera.

33 Ipapo mweya yakaipa ikabuda kumunhu, ikapinda munguruve; ipapo boka rikapitirikira kumawere richiinda kugungwa, rikabitirirwa.

34 Zvino vai dzi*fudza vakati vavona zvaitika, vakatiza, vakaenda vakandotaura muguta naparuwa.

35 Zvino vakabuda kundovona zvaitika; vakasvika kunaJesu, vakawana munhu, wakanga abuda mweya yakaipa maari agere patsoka dzaJesu, akapfeka uye ari munhu kwaye; vakatya.

36 Ivovo vakanga va zvi*vonavo vakavavudza mutovo waakaporeswa nawo, iye waiva nemweya yakaipa.

37 Zvino chaunga chose chedunhu rakapoteredza vaGadharini chakakumbira kwaari kuti abve kwavari, nokuti vabatwa nokutya kukuru; akapinda muchikepe, akadzokerazve.

38 Asi murume uya*, wakanga abuda mweya yakaipa maari, wakakumbira kwaari kuti ave naye. Asi Jesu wakamuindisa, achiti:

39 Dzokera kumba kwako, undotaura kukura kwezvinhu zvaitwa naMwari kwauri. Akaenda, akandoparidza muguta rose kuti zvikuru sei Jesu zvaakamuitira.

40 Zvino zvakaitika kuti Jesu wakati adzoka, chaunga chikamugamuchira; nokuti vose vakanga vakamumirira.

41 Zvino tarira, kwakasvika murume, zita rake rainzi* Jairosi, wakanga ari mutungamiriri wesinagoge, akawira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti apinde mumba make.

42 Nokuti wakanga anomukunda mumwe chete we*makore anenge gumi namaviri, wakanga otandadza. Zvino wakati achienda, chaunga chikamumbandidzira.

43 Ipapo mumwe mukadzi, waibuda ropa makore anegumi namaviri, wakanga apedzera zvose zvoupenyu bwake kuvarapi, asingarapwi kunyange nemumwe.

44 akavuya mushure make*, akabata mupendero wenguvo yake; pakarepo kubuda kwake kweropa kukaguma.

45 Jesu akati: Ndiani wandibata? Zvino vose vakati vachiramba, Petro naavo vaiva naye vakati: Tenzi, chaunga chinokumbandidzirai noku ku*tsikirira i* zvino moti ndiani wandibata.

46 Asi Jesu wakati: Mumwe wandibata; nokuti ndanzwa kuti simba rabuda kwandiri.

47 Zvino mukadzi wakati achivona kuti haana kuvanzika, akavuya, achibvunda, akawira pasi pamberi pake, akapupura kwaari pamberi pavose kuti wakanga amubata nemhaka yei, uye kuti wakaporeswa pakarepo sei.

48 Zvino akati kwaari: Mukunda, tsunga moyo, kutenda kwako kwakuporesa; enda norugare.

49 Wakati achataura, kwakavuya vamwe, vachibva kumba* komukuru wesinagoge, achiti kwaari: Mukunda wenyu wafa; regai henyu kutambudza Mudzidzisi.

50 Asi Jesu wakati achinzwa, akamupindura, achiti: Usatya, tenda chete, iye uchaponeswa.

51 Zvino wakati apinda mumba, akasatendera munhu kupinda, kunze kwaPetro, naJohwani, naJakobho, nababa vomusikana, namai.

52 Uye vose vakachichema, vachimuungudzira. asi wakati: Musachema, haana kufa, asi uvete.

53 Vakamuseka nokumhura, vachiziva kuti wafa.

54 Asi wakavabudisira vose panze, akamubata noruvoko, akadana, achiti: Mukunda, muka!

55 Mweya wake ukadzokazve, akamuka pakarepo; akaraira kuti apiwe zvokudya.

56 Zvino vabereki vake vakashamiswa, asi wakavaraira kuti varege kuvudza munhu zvakaitika.


9


1 Zvino wakadana pamwechete vadzidzi vake vanegumi navaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemweya yakaipa yose, nokuporesa zvirwere.

2 Akavatuma kunoparidza ushe bwaMwari nokuporesa varwere.

3 Zvino akati kwavari: Musatongotora chinhu cherwendo, kana mudonzvo, kana nhava, kana chingwa, kana mari; musava nenguvo mbiri.

4 Uye imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo mugozobvapo.

5 Uye ani nani usingakugamuchirii, kana mobuda paguta iro, kunyange guruva rose riri patsoka dzenyu muzuze, chive chapupu kwavari.

6 Ipapo vakabva vakapota nemisha, vachiparidza evhangeri, nokuporesa panzvimbo dzose.

7 Zvino Herodhe, mumwe wavatongi vana, wakanzwa pamusoro pezvinhu zvose zvakaitwa naye; akakanganiswa, nokuti zvainzi navamwe Johwani wakange amutswa kuvakafa;

8 zvino kunevamwe, Eria wavonekwa; navamwe vachiti: Mumwe wavaporofita vekare wamuka.

9 Asi Herodhe wakati: Johwani ndakagura musoro; asi ndianiko uyu, wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake? Akashuva kumuvona.

10 Zvino Vapositora vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakanga vaita; akavatora, akaenda navo pachivande kunzvimbo yerenje reguta rinonzi Bhetisaidha.

11 Zvino chaunga chakati cha zvi*ziva, chikamutevera; akachigamuchira, akataura kwavari zvoushe bwokudenga, akaporesa vakanga vachida kuporeswa.

12 Zuva raiva rovira; vanegumi navaviri vakavuya vakati kwaari: Endisai chaunga, kuti chiende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, chigareko, chiwane zvokudya; nokuti pano patiri panzvimbo yerenje.

13 Asi iye wakati kwavari: Vapei imwi kuti vadye. Ivo vakati: Isu hatina zvingapfuvura zvingwa zvishanu, nehove mbiri, kunze kokuti taenda kundotengera vanhu ava vose zvokudya.

14 Nokuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi mumapoka, makumi mashanu paboka* roga roga.

15 Vakaita saizvozvo, vakavagarisa vose pasi.

16 Ipapo akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, aka zvi*medura, ndokupa vadzidzi kuti vagadzike pamberi pechaunga.

17 Ivo vakadya, vakaguta vose; kukanongwa zvimedu zvavakasarirwa nazvo, matengu anegumi namaviri.

18 Zvino zvakaitika ari oga achinyengetera, vadzidzi vake vakanga vanaye; akavabvunza, achiti: Ruzhinji rwunoti ndini aniko?

19 Ivo vakapindura, vakati: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; navamwe, kuti mumwe wavaporofita vekare wamukazve.

20 Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura, akati: Kristu waMwari.

21 Akavayambira zvikuru, nokuvaraira kuti varege kuzivisa munhu izvozvo;

22 achiti: Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji, nokurambwa navakuru navaprista vakuru navanyori, nokuvurawa, nokumutswa zuva retatu.

23 Zvino wakati kuna vose: Kana munhu achida kutevera shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.

24 Nokuti aninani unoda kuponesa upenyu bwake, ucharashikirwa nabwo; asi ani nani unorashikirwa noupenyu bwakwe nokuda kwangu, ndiye uchabwuponesa.

25 Nokuti munhu ungabatsirwa neiko, kana akawana nyika yose, akarashikirwa noupenyu hwake kana kurashirwa kure.?

26 Nokuti ani nani unonyara pamusoro pangu napamashoko angu, Mwanakomana womunhu uchanyaravo pamusoro pake paanovuya mukubwinya kwake nokwaBaba, nokwavatumwa vatsvene.

27 Asi ndinokuvudzai zvechokwadi: Varipo vamwe vamire pano vasingazoraviri rufu; kusvikira vavona ushe bwaMwari.

28 Zvino zvakaitika mazuva anenge masere mushure mamashoko awa, kuti wakatora Petro naJohwani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera.

29 Zvino zvakaitika mukunyengetera kwake, chimiro chechiso chake chikashanduka, nguvo dzake d zika*chena, dzika*penya.

30 Zvino tarira, varume vaviri vakataura naye, vaiva Mozisi naEria;

31 Vakavonekwa mukubwinya, akataura zvokuenda kwake kwaakanga achindopedzisa paJerusarema.

32 Asi Petro naivo vaiva naye vakanga varemerwa nehope; asi vakati vapepuka, vakavona kubwinya kwake, navarume vaviri vaiva vakamira naye.

33 Zvino zvakaitika apo vobva paari, Petro akati kunaJesu: Tenzi, zvakanaka kuti tive pano; zvino ngativake matumba matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.

34 Wakati achataura izvozvo, kwakavuya gore, rikavafukidza; vakatya vachipinda mugore.

35 Ipapo kukabuda inzwi mugore, richiti; Uyu Mwanakomana wangu, unodikamwa mumunzwei!

36 Zvino inzwi rakati raenda, Jesu akavonekwa ari oga. Asi vakanyarara, vakasavudza munhu namazuva iwayo chinhu chimwe nechimwe chavakanga vavona.

37 Zvino zvakaitika kuti nezuva raitevera, vakati vaburuka mugomo, chaunga chikuru chikamuchingamidza.

38 Zvino tarira, mumwe murume pakati pechaunga wakadanidzira, achiti: Mudzidzisi, ndinokukumbirai, tarirai mwanakomana wangu nokuti ndiye mwanakomana wangu woga,

39 zvino tarirai, mweya unomubata, pakarepo woridza mhere, uye unomubvundisa achipupuma furo; haudi kumurega, asi unomukuvadza zvikuru.

40 Zvino ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.

41 Jesu achipindura, akati: Haiwa! Rudzi rusina kutenda rwakatsauka, ndichava nemwi kusvikira rinhiko, ndichikuitirai moyo murefu? Vuyisa mwanakomana wako pano.

42 Zvino wakati achavuya, mweya wakaipa ukamudambura, ukamugwinhisa zvikuru; Asi Jesu wakatsiura mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamukumikidza zvakare kunaBaba vake.

43 Vose vakashamiswa novukuru bwaMwari. Zvino vose vachashamiswa nezvose zvakaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake:

44 Mashoko awa ngaadzike munzeve dzenyu: Nokuti Mwanakomana womunhu uchakumikidzwa mumavoko avanhu.

45 Asi ivo havana kunzwisisa shoko iri, rakanga rakavanzika kwavari, kuti varege kurinzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro peshoko iri.

46 Zvino kwakamuka nharo pakati pavo, kuti* ndiani ungava mukuru kwavari.

47 Asi Jesu wakati achivona kufunga kwemoyo yavo, akatora mwana muduku, akamuisa parutivi rwake,

48 akati kwavari: Aninani unogamuchira mwana uyu muzita rangu, unogamuchira ini, uye ani nani unogamuchira ini unogamuchira wakandituma; nokuti uyo uri muduku pakati penyu mose, uchava mukuru.

49 Johwani akapindura akati: Tenzi, tavona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateverani nesu.

50 Asi Jesu akati kwaari: Musa mu*dzivisa, nokuti uyo usingapesani nesu, ndowedu.

51 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva okukwidzwa kwake, kuti wakaramba akarinzira chiso chake kuenda Jerusarema,

52 akatuma vatumwa pamberi pechiso chake; ivo vakakaenda, vakapinda mumusha wavaSamaria, kundomugadzirira.

53 Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chakanga chakaringira Jerusarema.

54 Zvino vadzidzizi vake, Jakobho naJohwani, vakati vachi zvi*vona, vakati: Ishe, munoda kuti tiraire moto uburuke kubva kudenga, uvaparadze sezvakaitwa naEria here?

55 Asi wakatendevuka akavatsiura achiti: Hamuzivi kuti muri vomweya wakadii.

56 Nokuti mwanakomana womunhu haana kuvuya kuzoparadza upenyu hwavanhu asi ku bwu*ponesa. Ipapo vakaenda kuneumwe musha.

57 Zvino zvakaitika pavaifamba munzira, mumwe wakati kwaari: Ishe, ndichakuteverai kupi zvako kwamunoenda.

58 Jesu akati kwaari: Mhungubwe dzinemwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana womunhu haana paanotsamidza musoro.

59 Akati kunomumwe: Nditevere. Asi iye akati: Ishe, nditenderei kuti nditange kundoviga baba vangu.

60 Asi Jesu wakati kwaari: Rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe enda undoparidza ushe bwaMwari.

61 Mumwezve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi nditenderei henyu ndimbondovawonekana ivo vari mumba mangu.

62 Asi Jesu akati kwaari: Hakunomunhu ungati kana aisa ruvoko rwake pabadza, akacheukira shure, wakafanirwa noushe bwaMwari.


10


1 Shure kwezvinhu izvi, Ishe wakagadza vamwe vanamakumi manomwevo, akavatuma vaviri vaviri pamberi pechiso chake muguta rimwe nerimwe nenzvimbo imwe neimwe*, kwaakanga achida kuenda.

2 Naizvozvo wakati kwavari: kukohwa zvirokwazvo kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Ishe wokukohwa kuti abudise vashandi pakukohwa kwake.

3 Fambai henyu; tarirai, ini ndinokutumai samakwayana pakati pamapere.

4 Musatakura chikwama, kana hombodo, kana manyatera; uye musakwazisa munhu panzira.

5 Zvino paimba ipi neipi yamunopinda, tangai mati: Rugare kuimba ino.

6 Uye kana mwanakomana worugare aripo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro payo; kana zvisakadaro, ruchadzokera kwamuri.

7 Garai muimba iyo, muchidya nokumwa zvavanokupai; nokuti mubati wakafanirwa nomubairo wake; musapota-pota nedzimba.

8 Muguta ripi neripi mamunopinda, vakakugamuchirai, idyai zvamunopakurirwa,

9 muporese varwere varimo, muchiti kwavari: Ushe bwaMwari bwaswedera kwamuri.

10 Asi muguta ripi neripi mamunopinda, vakasakugamuchirayi, budirai munzira dzaro, muti:

11 Kunyange neguruva reguta renyu rakatinamatira, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi kuti ushe bwaMwari bwaswedera pedo nemwi.

12 Asi ndinoti kwamuri: Zvicharerukira Sodhoma nezuva iro, kupfuvura guta iro.

13 Vurombo kwauri, Korazini! Vurombo kwauri, Bhetisaidha! Nokuti dai mabasa esimba akaitwa mukati menyu, akaitwa muTire neSidoni, vangadai vatendevuka kare, vakagara vanamasaga nedota.

14 Asi zvichareruka Tire neSidoni pakutongwa, kupfuvuremwi.

15 Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchaburusirwa pasi kuHadhesi,

16 Unokunzwai imwi unondinzwa ini; unokurambai imwi unondiramba ini; unoramba ini unoramba iye wakandituma.

17 Vanamakumi manomwe vakadzoka zvakare nomufaro, vachiti: Ishe, kunyange nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu.

18 Zvino iye akati kwavari: Ndakavona Satani semheni achiwa kudenga,

19 Tarirai, ndakapa kwamuri simba rokutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, napamusoro pesimba rose romuvengi; hakune chinhu chingatongokukuvadzai.

20 Asi musafara chete nechinhu ichi kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi mufare nokuti mazita enyu akanyorwa kudenga.

21 Nenguva iyo Jesu wakafara mumweya, akati: Ndinokuvongai imwi, Haiwa Baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera navakangwara, mukazvizarurira vacheche; hongu, Baba, nokuti ndizvo zvakava zvakanaka pamberi penyu.

22 Zvinhu zvose zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna unoziva kuti Mwanakomana ndiyani, kunze kwaBaba, uye kuti baba ndiani, kunze koMwanakomana, naiye Mwanakomana waanoda kuzarurira.

23 Ipapo akatendevukira kuvadzidzi vake pachivande akati: Akaropafadzwa meso, anovona zvamunovona.

24 Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji namadzimambo vaishuva kuvona zvamunovona, vakasa zvi*vona, nokunzwa zvinhu izvo zvamunonzwa, vakasa zvi*nzwa.

25 Zvino tarira, imwe nyanzvi yomutemo yakasimuka, ichimuidza, ichiti: Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu hwusingaperi?

26 Zvino akati kwaari: Pamurairo pakanyorweiko? Unorava sei?

27 Iye achipindura, akati: Ude Ishe, Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose, nefungwa dzako dzose nemuvakidzani wako sezvauno zvida iwe*.

28 Akati kwaari: Wapindura zvakanaka; ita izvozvo ugorarama.

29 Iye, achida kuzvichenesa, wakati kunaJesu: Zvino ndianiko muvakidzani wangu?

30 Jesu akapindura akati: Mumwe munhu wakaburuka kubva Jerusarema achienda Jeriko; akawira mumakororo, akamukurura nguvo akamurova akaenda, ndokusiya oda kufa.

31 Zvakangoitikavo kuti mumwe muprista wakanga achiburuka hake nenzira iyo; akati achimuvona, akanyenyeredza.

32 Saizvozvovo muRevhi wakasvikapo, akamuvona, akanyenyeredza.

33 Zvino mumwe muSamaria, wakanga ari parwendo wakasvika napaaiva, akati achimuvona, akanzwa tsitsi,

34 akaenda kwaari* ndokupomba mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamugadza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta.

35 Zvino ava mangwana oenda, wakabudisa madhenari* maviri akapa kumwene weimba, akati kwaari: Muchengete; uye zvose zvaunomuripira kupfuvura izvi, ndichakupazve, kana ndichidzoka.

36 Ndoupiko wavatatu ava waunofunga kuti muvakidzani kuna iye wakawirwa namakororo?

37 Akati: Ndiye wakamuitira ngoni. Ipapo Jesu akati kwaari: Enda, undoita saizvozvo.

38 Zvino zvakaitika pavaifamba, kuti wakapinda munoumwe musha; mumwe mukadzi wainzi Marita akamugamuchira mumba make.

39 Iye wakanga anomunun'unavo wainzi Maria, wakagaravo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.

40 Asi Marita wakanga akabatikana nokushanda zvikuru, akavuya kwaari akati: Ishe, hamunehanya here nokuti munun'una wangu wandisiya ndoga ndichishanda? Muvudzei kuti andibatsire,

41 Jesu akapindura akati kwaari: Marita; Marita; Unochenjerera nokutambudzika nezvinhu zvizhinji,

42 asi chinhu chimwe chinodikamwa; zvino Maria wakasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.


11


1 Zvino zvakaitika kuti paainyengetera paneimwe nzvimbo achinyengetera, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johwani sezvaakadzidzisa vadzidzi vakevo.

2 Akati kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba, vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene; ushe bwenyu ngabwuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, kudenga sezvakunoitwa panyika.

3 Mutipei zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvemazuva ose.

4 Mutikangamwire zvivi zvedu nokuti isuvo tinokangamwira vose vane mhosva nesu. Musatipinza pakuidzwa, asi mutisunungure pane zvakaipa,

5 Akati kwavari: Ndianiko wenyu ungava neshamwari, zvirokwazvo aenda kwaari pakati povusiku, akati kwaari: Shamwari, ndikwerete zvingwa zvitatu,

6 nokuti shamwari yangu yasvika kwandiri ichibva parwendo, asi handina chinhu chandingamupakurira;

7 ari mukati akapindura akati: Usandinetsa; mukova watopfigwa, navana vangu vava neni panhovo; handingamuki ndikakupa.

8 Ndinoti kwamuri: Kunyange akasamuka akamupa, nokuda kokuti ishamwari yake, asi nokuda kokutsungirira kwake uchamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa.

9 Zvino ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchazvipiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.

10 Nokuti mumwe nomumwe unokumbira, unogamuchira; nounotsvaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa.

11 Kana ndianiko wenyu ari baba kana mwanakomana achikumbira chingwa, ungamupa ibwe? Kana hove, ungamupa nyoka panzvimbo yehove here?

12 Kana kuti akakumbira zai, ungamupa chinyavada here?

13 Kana imwi zvino makaipa muchiziva kupa zvipo zvakanaka vana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanovakumbira.

14 Zvino wakanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve. Zvino zvakaitika kuti mweya wakaipa wakati wabuda, mbeveve ikataura; chaunga chikashamiswa.

15 Asi vamwe vavo vakati: Unobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, mukuru wemweya yakaipa.

16 Asi vamwe vachiidza, vakakumbira kwaari chiratidzo chinobva kudenga.

17 Asi iye achiziva kufunga kwavo wakati kwavari: Ushe bwumwe nobwumwe bwunozvipesanisa bwunoparadzwa; neimba inozvipesanisa inowa.

18 NaSatanivo, kana achizvipesanisa, ushe bwake bwungamira seiko? Nokuti munoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri.

19 Asi kana ini ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanobudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.

20 Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomumwe waMwari, zvirokwazvo ushe bwaMwari bwasvika kwamuri.

21 Kana munhu unesimba, wakashonga nhumbi dzokurwa, achirinda imba yake, nhumbi dzake dzinorugare,

22 asi kana une simba kumupfuura akamurwisa, akamukunda, unomutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaanga achivimba nadzo, ndokugovera zvaapamba.

23 Uyo usineni, unopesana neni; nounovunganidza asineni, unoparadzira.

24 Kana mweya wetsvina wabuda mumunhu, unogura nemunzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; asi achishaiwa unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda.

25 Zvino kana wasvika, unowana yatsvairwa nokurongedzwa.

26 Ipapo unoenda ndokutora mimwe mweya minomwe yakanyanya kuipa kumupfuvura, ndokupinda ndokugaramo; kuguma komunhu uyo kwakaipa kupfuvura kutanga kwake.

27 Zvino zvakaitika paaitaura zvinhu izvozvi, mumwe mukadzi pakati pechaunga akasimudza inzwi, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakura, namazamu amakamwa.

28 Asi iye akati: Hongu, asi zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari, vachirichengeta.

29 Zvino kwakati kwavungana chaunga chakatsikirirana, akatanga kuti: Zera iri rakaipa; rinotsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.

30 Nokuti Jona sezvaakanga ari chiratidzo kuvaNinivhi, saizvozvo ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhu kuzera iri.

31 Mambokadzi wekuchamhembe uchasimuka pakutongwa navarume vezera iri akaripa mhosva, nokuti wakabva pamigumo yenyika kuzonzwa vuchenjeri bwaSoromoni, zvino tarirai, mukuru kunaSoromoni pano.

32 Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga nezera iri, vakaripa mhosva, nokuti vakatendevuka pakuparidza kwaJona; zvino tarira, mukuru kunaJona pano.

33 Hakunomunhuvo unoti kana atungidza mwenje ungaisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vavone chiedza.

34 Mwenje womuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uzere nechiedza; asi kana rakaipa, muviri wako wose uzere nerima.

35 Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chirege kuva rima.

36 Zvino kana muviri wako wose uzere nechiedza, pasinarutivi runerima, uchazara nechiedza wose, somwenje unokuvhenekera nokupenya kwawo.

37 Zvino wakati achataura, mumwe muFarisi akamukumbira kuti azodya naye; akapinda, akagara pakudya*.

38 Zvino muFarisi wakati achivona, akashamiswa kuti wakanga asina kushamba asati asvusvura.

39 Ipapo Ishe akati kwaari: Zvino imwi vaFarisi munosuka kunze komukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa.

40 Mapenzi, Ko uyo wakaita zviri kunze, haazi iye wakaita zviri mukativo here?

41 Asi zviri nani mupe zvipo pazvinhu zvomukati; ipapo tarirai zvose zvichava zvakanaka kwamuri.

42 Asi Vurombo kwamuri vaFarisi, nokuti munopa chegumi cheminte* neruyi* nemarudzi emirivo yose, muchirega kururamisira mhaka norudo rwaMwari; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo.

43 Vurombo kwamuri vaFaraise! Nokuti munoda zvigaro zvapamusoro mumasinagoge, nokukwaziswa pamisika.

44 Vurombo kwamuri, vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti makaita samarinda asingavonekwi, vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.

45 Zvino mumwe wenyanzvi dzomutemo wakapindura akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo munotituka nesuvo.

46 Iye akati: Vurombo kwamurivo nyanzvi dzomutemo! Nokuti munoremedza vanhu nemitoro inorema kutakurwa, asi imwi mumene hamubati mitoro iyo kunyange nomumwe wemimwe yenyu.

47 Vurombo kwamuri! Nokuti munovaka marinda avaporofita, uye namadzibaba enyu akavavuraya.

48 Naizvozvo munopupura kuti munotenderana namabasa amadzibaba enyu; nokuti ivo vakavavuraya zvirokwazvo, imwivo munovaka marinda avo.

49 Naizvozvo vuchenjeri bwaMwarivo bwunotivo: Ndichavatumira vaporofita navapositora, vamwe* vavo vachavuraya nokuvatambudza;

50 kuti ropa ravaporofita vose rakatevurwa kubva pakuvambwa kwenyika, ritsvakwe parudzi urwu;

51 kubva paropa raAberi kusvikira paropa raZakaria wakaparara pakati pearitari neImba yaMwari*; hongu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Richatsvakwa parudzi urwu.

52 Vurombo kwamuri nyanzvi dzomutemo! Nokuti makabvisa kiyi yoruzivo; hamuna kupinda mumene, uye makadzivisa avo vakanga vachipinda.

53 Wakati achitaura zvinhu izvi kwavari, vanyori navaFarisi vakatanga kupokana naye kwazvo, nokumubvunzisisa pamusoro pezvimwe zvizhinji,

54 vachimuteya, nokutsvaka kuti vamubate pashoko rinobuda mumuromo make, vagomupa mhosva.


12


1 Zvichakadaro chaunga chezvuru zvavanhu chakati chavunganira pamwe chete zvokuti vaitsikana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake pakutanga achiti*: Imwi chenjerai mbiriso yavaFarisi, ndiyo kunyengera.

2 Hakunechinhu chakafukidzwa, chisingazopenengurwi; kana chakavigwa, chisingazozikamwi.

3 Naizvozvo zvose zvamakataura murima zvichanzwikwa muchiedza; neizvo zvamakataura munzeve mudzimba dzomukati zvichaparidzwa pamusoro pedzimba.

4 Zvino ndinoti kwamuri shamwari dzangu: Musatya vanovuraya muviri, asi shure kwaizvozvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.

5 Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Mumutye iye, unoti kana avuraya, unesimbavo rokukandira mugehena. Hongu, ndinoti kwamuri: Mumutye iye.

6 Ko vuvangu vushanu habwutengeswi nemakobiri maviri here? Hakuna gumwe gwabwo gunokanganikwa pamberi paMwari.

7 Asi kunyangwe nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya naizvozvo, munokosha kupfuvura vuvangu vuzhinji.

8 Ndinotivo kwamuri: Mumwe nomumwe unondibvuma pamberi pavanhu, Iye Mwanakomana womunhu uchamubvumavo pamberi pavatumwa vaMwari;

9 asi iye unondiramba pamberi pavanhu, ucharambwa pamberi pavatumwa vaMwari.

10 uye mumwe nomumwe unoreva shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, uchakangamwirwa; asi uyo unomhura Mweya Mutsvene haangakangamwirwi.

11 Kana vachikuisai ku matare* e*masinagoge navatongi navanesimba, musafunganya kuti muchapindurei kana sei, kana muchataurei.

12 Nokuti Mweya Mutsvene uchakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura.

13 Zvino mumwe wechaunga wakati kwaari: Mudzidzisi, vudzai munin'ina wangu kuti agovane nhaka neni.

14 Asi wakati kwaari: Murume, ndianiko wakandigadza kuti ndive mutongi kana mugoveri pamusoro penyu?

15 Iye akati kwavari: Ngwarirai muchenjerere kuchiva, nokuti upenyu hwomunhu hahwusanganisi kuwanda kwezvinhu zvaanazvo.

16 Akataura mufananidzo kwavari, achiti: Munda womumwe mufumi wakabereka zvizhinji kwazvo;

17 akafunga mukati make, achiti: Ndichaiteiko? Nokuti handina nzvimbo pandingavunganidzira zvibereko zvangu.

18 Ipapo akati: Ndichaita kudai: Ndichaputsa matura angu, ndivake makuru, ipapo ndichavunganidzira zviyo zvangu, nezvose zvangu,

19 ndigoti kumweya wangu: Mweya, iwe une zvinhu zvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji; tora zororo rako, udye, umwe, ufare.

20 Asi Mwari akati kwaari: Dununu, vusiku bwuno mweya wako uchadikamwa kubva kwauri; ko izvo zvawagadzira, zvichagova zvaani?

21 Ndizvo zvakaita munhu unozvivunganidzira fuma, asi asingafumi kunaMwari.

22 Zvino wakati kuvadzidzi vake: Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro poupenyu bwenyu, kuti muchadyei; kana muviri wenyu, kuti muchapfekei.

23 Upenyu bwunopfuvura zvokudya, nomuviri zvokupfeka.

24 Fungai makunguvo, kuti haadzvari, kana kukohwa, naiwovo haanetsapi kana dura; asi Mwari unoapa zvokudya. Imwi munokunda zvikuru sei shiri?

25 Ndianiko kwamuri nokufunganya ungagona kuwedzera kubhiti* rimwe pavurefu bwake?

26 Zvino kana imwi musingagoni kuita chinhu ichi chidukusa, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe?

27 Fungai maruva, kuti* anokura sei; haashandi, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kose, haana kushongedzwa serimwe rawo.

28 Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo vuswa bwuri panyika nhasi, mangwana bwokandirwa muchoto, uchakupfekedzai* nokupfuvurisa sei, imwi vokutenda kuduku?

29 Imwi musatsvaka zvamuchadya kana zvamuchamwa; uye musazvidya moyo.

30 Nokuti zvinhu izvi zvose zvinotsvakwa namarudzi enyika; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.

31 Asi imwi tsvakai ushe bwaMwari, naizvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.

32 Musatya imwi* kapoka kaduku; nokuti mufaro waBaba venyu kukupai ushe.

33 Tengesai izvo zvamunazvo mupe zvipo. Muzviitire zvikwama zvisingasakari, fuma kudenga, isingaperi, pasina mbavha ingasvika kana zvipfunho zvingavodza.

34 Nokuti panefuma yenyu, ndipo pachava nomoyo wenyuvo.

35 Zvivuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje ichipfuta.

36 Nemwi muve savanhu vakarindira ishe wavo, pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti kana akasvika akagogodza, vangamuzarurira pakarepo.

37 Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti kana ishe achisvika unovawana vakarindira; zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Uchazvisunga chivuno iye, akavagarisa pakudya, akavuya akavapakurira.

38 Kana akasvika nenguva yokurindira yechipiri, kana kusvika nenguva yokurindira yechitatu, akawana va*kadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.

39 Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nguva inovuya nayo mbavha, ungadai akarinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.

40 Naizvozvo nemwivo mugare mazvigadzirira; nokuti nenguva yamusingafungiri Mwanakomana womunhu unovuya.

41 Zvino Petro akati kwaari: Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kunavose here?

42 Ishe akati: Ndianiko zvino mutariri uyu wakatendeka, wakachenjera, uchaitwa mutongi nashe pamusoro peimba yake, kuti ape mugove wezvokudya nenguva yakafanira?

43 Wakaropafadzwa muranda uyo unoti kana ishe wake achisvika, amuwane achiita saizvozvo.

44 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kuti uchamugadza pamusoro pezvose zvaanazvo,

45 Asi kana muranda uyo akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuvuya; akatanga kurova varandarume, navarandakadzi, akadya, akamwa, akadhakwa;

46 ishe womuranda uyo uchasvika nezuva raasingataririri, nenguva yaasingazivi, akamugura napakati, akamupa mugove wake pamwe chete navasakatendeka.

47 Muranda uyo waiziva kuda kwashe wake, akasagadzirira, kana kuita kuda kwake, ucharobwa ne shamhu* zhinji.

48 Asi wakanga asingazivi, akaita zvakafanira kurobwa, ucharobwa shamhu* shoma. Nokuti wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; neunobatiswa zvizhinji, vachareva zvinopfuvurisa kwaari.

49 Ndakavuya kuzokanda moto panyika zvino ndichadei iwo watobatidzwa?

50 Asi ini ndinorubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo, zvino ndinomanikidzwa sei kusvikira zvichipedziswa.

51 Munofunga imwi kuti ndakavuya kuzopa rugare panyika here? Kwete, ndinoti kwamuri, asi kupesanisa.

52 Nokuti kubva zvino vashanu veimba imwe vachapesana, vatatu vachipesana navaviri, uye vaviri navatatu,

53 Baba vachapesana nomwanakomana, nomwanakomana nababa; mai nomwanasikana, nomwanasikana namai; vamwene nomurovora wavo, nomurovora navamwene vake.

54 Akativo kuchaunga: Kana muchivona gore richisimuka kubva kumavirira, pakarepo munoti: Mvura inovuya; zvodaro.

55 Kana muchivona* mhepo yokuchamhembe ichivhuvhuta munoti: Kuchapisa; zvoitika.

56 Vanyengeri! Munoziva kududzira zvamunovona zvokudenga nezvenyika, asi hamududziri sei nguva ino?

57 Munoregereiko imwi kuzvitongera mumene zvakarurama

58 Nokuti kana uchienda kumutongi nomudzivisi wako, idza kuti uregedzwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwirira kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa mupurisa akukande mutirongo.

59 Ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kamari kokupedzisira.


13


1 Nenguva iyo kwakanga kune vamwe vakamuvudza zvavaGariri, ropa ravo Pirato raakanga avhenganisa nezvibayiro zvavo.

2 Jesu achipindura akati kwavari: Munofunga kuti vaGariri avo vakanga vari vatadzi here kupfuvura vaGariri vose, zvavakatambudzika zvinhu zvakadai?

3 Kwete; ndinoti kwamuri: Asi kana musingatendevuki, nemwi mose muchaparara saizvozvo.

4 Kana vaya vanegumi navasere, vakawirwa nerusvingo muSiroami, rwukavavuraya, munoti vakanga vari vatadzi kukunda vanhu vose vaigara Jerusarema here?

5 Kwete; ndinoti kwamuri: Asi kana musingatendevuki, imwi mose muchaparara saizvozvo.

6 Zvino wakatauravo mufananidzo uyu akati*: Mumwe wakanga anomuvonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akasvika achitsvaka zvibereko kwauri, asi akashaiwa.

7 Ipapo akati kumurimi womunda wemizambiringa: Tarira, kwamakore matatu aya ndakavuya ndichitsvaka zvibereko pamuvonde uyu, ndikashaiwa; utemere pasi, unovurayireiko ivhu?

8 Iye achipindura akati kwaari: Ishe, muregei henyu wakadaro nhakavo, kusvikira ndichiutimbira, nokuuisa mupfudze;

9 zvino kana ukazobereka zvibereko, zvakanaka*; asi kana usinga daro*, shure kwaizvozvo mungazoutema henyu.

10 Zvino iye wakanga achidzidzisa mune rimwe ramasinagoge nesabata;

11 zvino tarira, kwaivapo mukadzi waiva nomweya wovundonda makore anegumi namasere, wakanga akawonyana, asingatongogoni kana kutasamuka.

12 Zvino Jesu wakati achimuvona, aka mu*danira kwaari, akati kwaari: Mukadzi, wasunungurwa pavundonda bwako.

13 Akaisa mavoko pamusoro pake; pakarepo akatasanudzwa, akarumbidza Mwari.

14 Asi mutungamiriri wesinagoge akapindura nokutsamwa nokuti Jesu wakaporesa nomusi wesabata, akati kuchaunga: Pane mazuva matanhatu, anofanira kubatwa nawo; vuyai naiwayo muporeswe; asi kwete nomusi wesabata.

15 Asi Ishe wakamupindura, akati: Munyengeri, Ko mumwe nomumwe wenyu haangasununguri nzombe yake kana mbongoro pachidyiro nomusi wesabata, akaendesa kundoimwisa here?

16 Zvino uyu, ari mukunda waAbhurahamu, wakanga akasungwa naSatani, tarira, makore anegumi namasere, haazaifanira kusunungurwa pausungwa ubwu nomusi wesabata here?

17 Zvino wakati areva zvinhu izvozvi, vavengi vake vose vakanyadziswa; asi chaunga chose chakafara nezvinhu zvose zvinorumbidwa zvakaitwa naye.

18 Zvino iye akati: Ushe bwaMwari bwakafanana neiko? Ndichabwufananidza nei?

19 Bwakafanana netsanga yembeu yemasitadha, yakatorwa nomunhu akaikanda mubindu rake; ikakura, ikaita muti mukuru, neshiri dzokudenga dzikagara pamatavi awo.

20 Akatizve: Ndichabwufananidza neiko ushe bwaMwari?

21 Bwakafanana nembiriso, yakatorwa nomukadzi akaiviga muzviyero zvitatu zvovupfu, kusvikira bwose bwaviriswa.

22 Zvino wakafamba achipfuvura nomumaguta nemisha achidzidzisa, achienda Jerusarema.

23 Ipapo mumwe akati kwaari: Ishe, vachazoponeswa vashoma here? Akati kwavari:

24 Rwisai kupinda nesuvo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.

25 Panguva iyo kana mwene weimba asimuka avhara suvo, imwi mukatanga kumira kunze nokugogodza pasuvo, muchiti: Ishe, Ishe, Tizarurirei; iye agopindura achiti kwamuri: Handikuziviyi imwi kwamunobva.

26 Zvino muchatanga kuti: Taidya, nokumwa pamberi penyu, uye imwi makadzidzisa panzira dzokwedu.

27 Asi iye uchati: Ndinokuvudzai: Handikuziviyi kwamunobva; ibvai kwandiri, imwi mose vaiti vezvakaipa.

28 Apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno, kana muchivona Abhurahamu naIsaka naJakobho navaporofita vose muushe bwaMwari, asi imwi marasirwa kunze.

29 Zvino vachabva mabvazuva namavirira, uye kumaodzanyemba nechamhembe, vachagara muushe bwaMwari.

30 Zvino tarirai, varipo vokupedzisira vachava vokutanga, uye varipo vokutanga vachava vokupedzisira.

31 Nezuva iroro kwakasvika vamwe vaFarisi, vachiti kwaari: Budai mubve pano, nokuti Herodhe unoda kukuvurayai.

32 Akati kwavari: Endai, mundovudza mhungubwe iyo, muti*: Tarira, ndinobudisa mweya yakaipa nokuporesa nhasi namangwana, neretatu ndinopedziswa.

33 Asi ndinofanira kufamba nhasi namangwana nezuva rinotevera, nokuti hazvingaitiki kuti muporofita apararire kunze kweJerusarema.

34 Haiwa Jerusarema, Jerusarema, unovuraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuvunganidza vana vako pamwechete semhambo hukwana dzayo pasi mamapapiro, asi mukaramba

35 Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo; asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamuchazondivoni, kusvikira muchiti: Ngaarumbidzwe iye unovuya nezita raShe!


14


1 Zvino zvakaitika achipinda mumba momumwe wavakuru vavaFarisi kuzodya chingwa nomusi wesabata, kuti vakamucherekedza.

2 Zvino tarira, kwakanga kunomumwe munhu pamberi pake waiva norukandwe.

3 ipapo Jesu akapindura akataura kunyanzvi dzomutemo navaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nomusi wesabata here?

4 Asi vakaramba vanyerere. Zvino aka mu*tora akamuporesa ndokumurega achienda.

5 Akavapindura achiti: Ndianiko pakati penyu, ungati kana ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasayibudisa pakarepo nomusi wesabata.

6 Vakasagona kupindurazve pamusoro pezvinhu izvi.

7 Zvino wakataura mufananidzo kuna vakakokwa, paakavona kuti vanosanangurira sei zvigaro zvapamusoro, akati kwavari:

8 Kana wakokwa nani zvake kumutambo wokuwana, usagara pachigaro chapamusoro; zvimwe mumwe unokudzwa kupfuvurewe wakokwa vo* naye,

9 zvino wakakukoka iwe naye, asvike, ati kwauri: Dzivurira uyu nzvimbo; uchatanga kugara kuchigaro chepasi uchinyara.

10 Asi kana wakokwa, enda ugare pachigaro chepasi, kuti kana uyo wakakukoka, achisvika, agoti kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; Zvino uchakudzwa pamberi pavose vagere pakudya newe.

11 Nokuti ani nani unozvikudza, uchaninipiswa; nounozvininipisa uchakudzwa.

12 Ipapo akativo kuno wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirayiro, usadana shamwari dzako, kana vana vamai vako kana hama dzako, kana vafumi vawakavakidzana navo, zvimwe vangazokukokavo, ugoripirwa.

13 Asi kana waita mabiko, koka varombo, zvirema, mhetamakumbo, namapofu.

14 ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.

15 Mumwe wavakanga vagere naye pakudya wakati achinzwa izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo uchadya zvokudya paushe bwaMwari!

16 Iye akati kwaari: Mumwe munhu wakagadzira chirayiro chikuru, akakokera vazhinji.

17 Akatuma muranda wake nenguva yokurayira kuti ati kuna vakanga vakakokwa: Vuyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.

18 Ipapo vose vakatanga mumwe nomumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wokutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kuenda kumbondouvona; ndinokukumbira, undiregerere.

19 Mumwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, ndinoenda, kundodziidza; ndinokumbira undiregerere.

20 Mumwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handingavuyi.

21 Naizvozvo muranda akavuya, akakumikidza zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nokukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzomuguta, uuye pano navarombo, nezvirema, nemhetamakumbo, namapofu.

22 Muranda akati: Ishe, zvaitwa sezvamaraira, asi nzvimbo ichipo.

23 Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa mikuru nokuvuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe.

24 Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuno mumwe kunavarume avo vakakokwa ucharavira chirayiro changu.

25 Zvino zvaunga zvikuru zvaifamba naye; akatendevuka akati kwavari:

26 Kana aninani achivuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nomukadzi, navana, navanun'una namadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange noupenyu bwakevo, haangavi mudzidzi wangu.

27 Zvino ani nani usingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haangavi mudzidzi wangu.

28 Nokuti ndiani wenyu, unoti achida kuvaka rusvingo, usingatangi kugara pasi, akaverenga kudhura kwayo*, kana ane mari* yokuipedzisa nayo?

29 Kuti zvimwe akateya nheyo akakoniwa kupedzisa, vose vanovona vanotanga kumuseka,

30 vachiti: Uyu munhu wakatanga kuvaka, asi akakoniwa kupedzisa.

31 Kana ndoupiko mambo, kana achienda kuhondo akamirisana nomumwe mambo, usingatangi kugara pasi, akabvunza kana angakwanisa, nezvuru gumi, kusangana nounovuya akamirisana naye nezvuru makumi maviri?

32 Asi kana zvisakadaro, iye achiri kure, unotuma nhume, kundokumbira mashoko orugare.

33 Saka saizvozvovo, aninani kwamuri usingasiyi zvose zaanazvo, haangavi mudzidzi wangu.

34 Munyu wakanaka; asi kana munyu usingachivavi, ucharungwa neiko?

35 Hauchina kufanira kunyange pamunda, kana padutu romupfudze; vanourashira kunze. Unenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.


15


1 Zvino kwakaswedera kwaari vateresi navatadzi vose, kuzomunzwa.

2 VaFarisi navanyori vakatsutsumwa vachiti: Uyu unogamuchira vatadzi, achidya navo.

3 Zvino wakavavudza mufananidzo uyu, achiti:

4 Ndoupi munhu kwamuri ungati anamakwai anezana, kana akarashikirwa nerimwe rawo, ungasasiya makumi mapfumbamwe namapfumbamwe murenje, akatevera rakarashika kusvikira ariwana?

5 Kana a ri*wana, uno ri*isa pamafudzi ake achifara.

6 Zvino kana asvika kumusha, unodanira pamwechete shamwari navavakidzani, achiti kwavari: Farai neni, nokuti ndawana gwai rangu rakanga rakarashika.

7 Ndinoti kwamuri: Saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe unotendevuka, kupfuvura pamusoro pavakarurama vanamakumi mapfumbamwe navapfumbamwe, vasingatsvaki kutendevuka.

8 Kana ndoupiko mukadzi unamakobiri gumi esirivha, kana arashikirwa nekobiri rimwe, usingatungidzi mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa kusvikira a ri*wana?

9 Zvino kana a ri*wana, unodana shamwari navavakidzani pamwechete, achiti: Farai neni, nokuti ndawana kobiri randakanga ndarashikirwa naro.

10 Saizvozvo ndinoti kwamuri: Mufaro uripo pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe unotendevuka.

11 Zvino wakati: Mumwe munhu waiva anavanakomana vaviri;

12 zvino muduku wavo akati kunababa: Baba, ndipei mugove wenhumbi wakanangana neni. Akavagovera fuma yake*.

13 Pasina mzuva mashoma, mwanakomana muduku wakavunganidza zvose pamwechete, akasimuka akaenda kunyika iri kure; akaparadzako nhaka yake, achirarama nemitovo yakaipa.

14 Zvino wakati apedza zvose, kwakavuya nzara huru panyika iyo, akatanga kushaiwa.

15 Ipapo akaenda, akandozvisanganisa nemumwe wavanhu venyika iyo; akamutumira kuminda yake kundofudza nguruve.

16 Wakanga achishuva kugutsa dumbu rake namateko aidyiwa nenguruve; asi hakuna munhu waimupa.

17 Zvino wakati apengenuka, akati: Vashandi vazhinji sei vababa vangu vanezvingwa zvakawandisisa, asi ini ndofa pano nenzara.

18 Ndichasimuka ndiende kunababa vangu, ndigoti kwavari: Baba ndakatadzira kudenga, napamberi penyu;

19 uye handichafanirizve kunzi mwanakomana wenyu; mundiite somumwe wavashandi venyu.

20 Akasimuka akaenda kunababa vake. Asi wakati achiri kure, baba vake vakamuvona, vakanzwa tsitsi, vakamhanya, ndokumumbundikira pahuro, nokumusveta.

21 Zvino mwanakomana akati kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga napamberi penyu, uye handichafanirizve kunzi mwanakomana wenyu.

22 Asi baba vakati kuvaranda vavo: Budai nenguvo yakaisvonaka, mumupfekedze, muise mhete pamumwe wake, nemanyatera patsoka dzake*;

23 muuye nemhuru yakakodzwa, mubaye, ngatidye tifare;

24 nokuti uyu mwanakomana wangu wakanga afa, zvino wararamazve; wakanga arashika, asi wawanikwa; zvino vakatanga kufara.

25 Zvino mwanakomana wake mukuru wakanga ari kumunda; zvino wakati achisvika, oswedera pedo neimba, ndokunzwa kuimba nokutamba.

26 Ipapo akadanira kwaari mumwe wavaranda, akamubvunza kuti izvi zvinoreveiko.

27 Zvino akati kwaari: Munun'una wako wasvika; zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nokuti vamugamuchira ari mupenyu.

28 Asi iye wakatsamwa, akasada kupindamo; naizvozvo baba vake vakabuda, vakamugombedzera zvikuru,

29 Asi iye wakapindura akati kunababa: Tarirai, makore awa mazhinji ndakakubatirai, handina kumboarika chero nguva murairo wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu.

30 Asi mangoti mwanakomana wenyu uyu wakaparadza fuma yenyu nezvifeve achisvika, mamubaira mhuru yakakodzwa.

31 Ivo vakati kwaari: Mwana, iwe uneni nguva dzose, uye zvose zvandinazvo ndezvako.

32 Asi kwaifanira kuti tipembere nokufara, nokuti munun'una wako uyu wakanga afa, wararamazve; wakanga arashika, wawanikwa.


16


1 Zvino wakativo kuvadzidzi vake: Kwakanga kuno mumwe munhu mufumi, waiva nomutariri; iye akapomerwa kwaari, sounoparadza fuma yake.

2 Ipapo akamudana, akati kwaari: Zvinyiko izvi zvandinonzwa pamusoro pako? Rondedzera pamusoro povutariri bwako; nokuti haungazovi mutaririzve.

3 Zvino mutariri akati mumoyo make: Ndichaiteiko, ishe wangu zvowonditorera vutariri? Handigoni kuchera; kukumbira ndinonyara.

4 Ndaziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pavutariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.

5 Zvino akadana mumwe nomumwe wakanga anechikwereti nashe wake, akati kunowokutanga: Unechikwereti chakadiniko kunashe wangu?

6 Iye akati; Zviyero zvinezana zvamafuta. Akati kwaari: Tora rugwaro rwako ugare pasi nokukurumidza, unyore makumi mashanu.

7 Akati kunomumwe: Ko iwe, unechikwereti chakadiniko? Iye akati: Zviyero zvinezana zvezviyo. Akati kwaari: Tora rugwaro rwako, unyore makumi masere.

8 Ishe wake akarumbidza mutariri usakarurama, nokuti wakanga aita nokuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera pazera ravo ku kunda* vana vechiedza.

9 Zvino ndinoti kwamuri: Muzviitire ushamwari naMamona* usakarurama, kuti kana mokonewa, vakugamuchirei mudzimba dzokusingaperi.

10 Wakatendeka pazvinhu zviduku-duku wakatendekavo pazvikuru, nousakarurama pazvinhu zviduku-duku haana kururamavo pazvikuru.

11 Naizvozvo kana musina kuva vakatendeka kunaMamona* usakarurama, ndianiko uchakuvimbai nefuma yechokwadi?

12 Zvino kana musina kuva vakatendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko uchakupai zviri zvenyu.

13 Hakuna muranda ungagona kubatira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe uchavenga mumwe, akada mumwe; kana kuti uchanamatira kunomumwe, akazvidza mumwe. Hamungabatiri Mwari naMamona*.

14 Zvino navaFarisivo, vakanga vachida mari, vakanzwa zvinhu izvozvi zvose, vakamunyomba.

15 Zvino wakati kwavari: Imwi muri avo vanozviruramisa pamberi pavanhu, asi Mwari unoziva moyo yenyu; nokuti izvo zvinokudzwa pakati pavanhu, zvinonyagadza pamberi paMwari.

16 Murairo navaporofita zvakanga zviripo* kusvikira kunaJohwani; kubva panguva iyo evhangeri noushe bwaMwari zvinoparidzwa, mumwe nomumwe unosenerera mabwuri.

17 Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuvure, pakuti tsanga imwe yomurairo ikoneswe.

18 Ani nani unoramba mukadzi wake akawana mumwe unoita vupombwe; uye ani nani unowana wakarambwa nomurume unoita vupombwe.

19 Kwakanga kune mumwe murume mufumi, waipfeka nguvo shava nemicheka yerineni yakanaka, nokufara paumbosha misi yose.

20 Zvino kwakanga kune mumwe mupemhi wainzi Razaro, wakanga akaiswa pasuvo rake azere namaronda,

21 achishuva kuzvigutisa nemafufu aiwa patafura yomufumi; pamusoro pazvo, imbwa dzaivuya dzichinanzwa maronda ake.

22 Zvino zvakaitika kuti murombo wakafa, akatakurirwa navatumwa pachifuva chaAbhurahamu; mufumi akafavo, akavigwa.

23 Zvino ari muhadhesi wakasimudza meso ake, ari pakurwadziwa, akavona Abhurahamu ari kure, naRazaro ari pachifuva chake.

24 Iye akadanidzira achiti: Baba Abhurahamu, ndinzwirei ngoni, mutume Razaro, kuti anyike muromo womumwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu; nokuti ndinorwadziwa mumurazvo uyu womoto.

25 Asi Abhurahamu wakati: Mwanakomana, rangarira kuti muupenyu bwako wakapiwa zvakanaka zvako, saizvozvo naRazaro zvakaipa; asi zvino iye unonyaradzwa, iwe unorwadziwa.

26 Uye kunze kwezvinhu izvi zvose, pakati pedu pane mukaha mukuru wakaiswa, kuti vovuno vanoda kuyambuka mhiri kwamuri vakonewe, novoko varege kuyambukira* kwatiri.

27 Ipapo akati: Naizvozvo ndinokukumbirai, Baba, kuti mumutumire kuimba yababa vangu,

28 nokuti ndina vana vamai vangu vashanu; kuti andonyatso-vapupurira, zvimwe naivovo vangavuya panzvimbo ino yamarwadzo.

29 Abhurahamu akati kwaari: VanaMozisi navaporofita; ngavavanzwe ivo.

30 Iye akati: Kwete, Baba Abhurahamu; asi kana mumwe akaenda kwavari kubva kunavakafa, vangatendevuka.

31 Zvino akati kwaari: Kana vasinganzwi Mozisi navaporofita, havangatendiswi, kunyange mumwe akamuka kuvakafa.


17


1 Zvino wakati kuvadzidzi: Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisavuya; asi vurombo kune* wazvinovuya naye.

2 Zvaiva nani kwaari kuti guyo rinorema riremberedzwe pamutsipa wake, akandirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava.

3 Muzvichenjerere: kana hama yako ikakutadzira, umudzore; kana akatendevuka, umukangamwire.

4 Kunyange akutadzira kanomwe pazuva, akadzokerazve kwauri kanomwe, achiti: Ndatendevuka; umukangamwire.

5 Zvino vapositora vakati kunaShe: Wedzerai kwatiri kutenda.

6 Ishe akati: Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemasitadha, maiti kumuhabhurosi uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa, ukakuteererai.

7 Asi ndiani kwamuri ungava nomuranda unorima kana kufudza mombe, ungati kwaari achangopinda achibva kumunda: Swedera ugare pakudya.

8 Asi ungarega here kuti kwaari: Ndigadzirire zvandingadya, uzvisunge chivuno, undipakurire, kusvikira ini ndadya, ndikamwa; mushure iwe ugozodya nokumwa?

9 Ko ungatenda muranda, nokuti wakaita zvakanga zvarairwa here? Handifungi.

10 Saka saizvozvo imwi, kana maita zvose zvamakarairwa, muti: Tiri varanda pasina, taita sezvataifanira kuita.

11 Zvino zvakaitia pakuenda kwake Jerusarema, kuti wakapfuvura napakati peSamaria neGariri.

12 Zvino wakati achipinda munomumwe musha, akasongana navarume vanegumi vaiva namaperembudzi, vamire kure.

13 Vakasimudza inzwi, vachiti: Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!

14 Zvino wakati achi va*vona, akati kwavari: Endai mundozviratidza kuvaprista. Zvino zvakaitika kuti pavaienda, vakanatswa.

15 Zvino mumwe wavo wakati avona kuti waporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nenzwi guru;

16 ndokuwira pasi nechiso patsoka dzake, achimuvonga; zvino iye wakanga ari muSamaria.

17 Ipapo Jesu akapindura akati: Vanga vasiri vanegumi here vaporeswa? Vapfumbamwe varipiko?

18 Hapana kuwanikwa wadzokera kuzopa Mwari rukudzo, kunze kouyu mutorwa.

19 Ipapo akati kwaari: Simuka uende; kutenda kwako kwakuponesa.

20 Zvino wakati achibvunzwa navaFarisi kuti ushe bwaMwari bwunosvika rinhi, akapindura, akati: Ushe bwaMwari habwuvuyi bwuchivonekwa.

21 Uye havangati: Tarirai pano, Kana: Tarira uko. Nokuti tarirai, ushe bwaMwari bwuri mukati menyu.

22 Zvino wakati kuvadzidzi: Mazuva achasvika amuchashuva kuvona rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu, asi hamunga ri*voni.

23 Zvino vachati kwamuri: Tarirai pano, kana: Tarirai uko; Regai kuenda, kana kutevera;

24 nokuti semheni inopenya, ichibva kunorumwe rutivi* pasi pedenga ichivhenekera kusvikira kunorumwe rutivi* pasi pedenga, ndizvo zvichaitavo Mwanakomana womunhuvo nezuva rake.

25 Asi kutanga unofanira kumbotambudzika zvizhinji, nokurashwa nezera iri.

26 Zvino sezvazvakanga zvakaita namazuva aNowa, ndizvo zvazvichaitavo namazuva omwanakomana womunhu.

27 Vaidya, vaimwa vaiwana, vachiwaniswa, kusvikira zuva iro Nowa rakapinda naro muareka, mafashame akasvika, akavaparadza vose.

28 Saizvozvovo sezvazvakanga zvakaitavo namazuva aRoti; vaidya, vaimwa, vaitenga, vaitengesa, vaidzvara, vachivaka;

29 asi nomusi uyo wakabuda Roti muSodoma, kwakanaya moto nesarufa. Zvichibva kudenga, zvikaparadza vose.

30 Ndizvo zvazvichaitavo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachabudiswa pachena naro.

31 Nezuva iro, unenge ari pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka ku ndo*dzitora; nouri kumunda ngaarege kudzokera shure.

32 Rangarirai mukadzi waRoti.

33 Aninani unotsvaka kuponesa upenyu bwake, ucharashikirwa nabwo, uye aninani unorashikirwa nabwo uchabwuchengetedza.

34 Ndinoti kwamuri: Novusiku ubwo vaviri vachava panhovo imwe, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiiwa.

35 Vakadzi vaviri vachakuya pamwe chete, mumwe uchatorwa, mumwe asiiwe.

36 Vaviri vachava mumunda; mumwe uchatorwa, mumwe asiiwe.

37 Ipapo vakapindura, vakati, kwaari: Kupiko Ishe? Akati kwavari: Panomutumbi, ndipo panovunganira magora.


18


1 Zvino wakavavudzavo mufananidzo kuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, vasingavori moyo;

2 achiti: Kwaivapo mune rimwe guta mumwe mutongi, wakanga asingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu;

3 zvino kwakanga kune chirikadzi muguta iro, yakanga ichivuya kwaari, ichiti: Nditsivirei kumuvengi wangu.

4 Iye akamboramba kwechinguva; asi pashure akati mumoyo make: Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kunyara munhu;

5 asi nokuti chirikadzi iyi zvainonditambudza, ndichaitsivira, zvimwe nokuramba kwayo ichivuya ingandivodza moyo.

6 Ishe akati: Inzwai zvinorebwa nomutongi usakarurama.

7 Ko zvino Mwari haangatsiviri vakasanangurwa vake, vanochemera kwaari masikati novusiku, kunyange achivanonokera here?

8 Ndinoti kwamuri: Uchakurumidza kuvatsivira. Asizve kana mwanakomana womunhu achisvika, uchawana kutenda panyika here?

9 Wakarevavo mufananidzo uyu kuna vamwe, vakanga vachizvivimba kuti vakarurama, vachizvidza vamwe, akati*:

10 Vanhu vaviri vakakwira kutembere kundonyengetera; mumwe ari muFarisi, mumwe ari muteresi.

11 MuFarisi wakasimuka akanyengetera kudai achizvireva, akati*: Mwari ndinokutendai kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange nomuteresi uyu.

12 Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvose zvandinazvo.

13 Asi muteresi wakamira kure asingadi kunyange kusimudzira meso kudenga, asi wakazvirova chifuva, achiti: Mwari, ndinzwirei tsitsi ini mutadzi.

14 Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake aruramiswa pane uya. Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa uye uyo unozvininipisa uchakudzwa.

15 Zvino vakavuyisa kwaarivo vacheche, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakati vachi zvi*vona, vakavatsiura.

16 Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe bwaMwari ndobwavakadai.

17 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Aninani usingagamuchiri ushe bwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mabwuri.

18 Zvino mumwe mutongi wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhako youpenyu bwusingaperi?

19 Zvino Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze komumwe chete, Mwari.

20 Mirairo unoiziva, inoti*: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.

21 Iye akati: Izvi zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku bwangu.

22 Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvose zvaunazvo, ugovere varombo, ipapo uchava nefuma yakakosha kudenga; ugovuya wonditevere.

23 Zvino wakati anzwa izvozvi, akashungurudzika kwazvo; nokuti wakanga akafuma zvikuru.

24 Zvino Jesu wakati achivona kuti unoshungurudzika kwazvo akati: Zvicharema sei kuvanefuma kupinda muushe bwaMwari.

25 Nokuti zvakareruka kuti kamera ripinde nomuvuri retsono, kumufumi kupinda muushe bwaMwari.

26 Zvino avo vakanzwa, vakati: Zvino ndianiko ungagoponeswa?

27 Iye akati: Zvinhu zvisingabviri kuvanhu, zvinobvira kunaMwari.

28 Ipapo Petro akati: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.

29 Zvino iye akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuno munhu wakasiya imba, kana vabereki kana madzikoma navanin'ina, kana mukadzi, kana vana, nokuda koushe bwaMwari;

30 usingazogamuchiri zvizhinji kuna izvozvo nenguva ino, nemunguva inovuya upenyu bwusingaperi.

31 Zvino wakatora vanegumi navaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira Jerusarema, zvose zvakanyorwa navaporofita pamusoro pomwanakomana womunhu zvichazadziswa.

32 Nokuti uchakumikidzwa kuvahedheni, agosekwa, nokuitirwa zvakaipa, nokupfirwa mate,

33 vacha mu*rova netyava, nokumuvuraya, uye nezuva retatu uchamukazve.

34 Asi havana kunzwisisa chinhu chimwe chaizvozvi, uye shoko iri rakanga rakavanzika kwavari, uye havana kunzwisisa izvo zvakarebwa.

35 Zvino zvakaitika kuti paaiswedera Jeriko, rimwe bofu raigara padivi penzira richipemha,

36 rakati richinzwa chaunga chichipfuvura, rikabvunza kuti chaiva chinyiko.

37 Vakarivudza, vakati: Jesu weNazareta unopfuvura.

38 Ipapo rakadanidzira richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!

39 Zvino vakanga vakatungamira vakaritsiura, kuti rinyarare; asi rakanyanya kudanidzira, richiti*: Mwanakomana waDavidhi, ndinzwirei ngoni!

40 Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti rivuyiswe kwaari; rikati raswedera akaribvunza,

41 achiti: Unoda kuti ndikuitireiko? Rikati: Ishe, kuti ndivonezve.

42 Jesu akati kwaari: Chivonazve! kutenda kwako kwakuponesa.

43 Pakarepo rikavonazve, rikamutevera, richirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachi zvi*vona vakarumbidza Mwari.


19


1 Zvino Jesu* wakapinda, akapfuvura nemuJeriko.

2 Zvino tarira, murume wainzi Zakewu nezita; iye wakanga ari mukuru pavateresi, uye waiva mufumi;

3 wakatsvaka kuvona Jesu, kuti ndiyani; asi wakanga asingagoni nokutsikirirwa, nokuti wakanga akafupika pachimiro.

4 Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuti womuvonde kuti amuvone, nokuti wakanga achizopfuvura napo.

5 Zvino Jesu wakati achisvika panzvimbo iyo, akatarira mudenga, akamuvona, akati kwaari: Zakewu, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.

6 Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira achifara.

7 Zvino vakati va zvi*vona, vose vakan'un'una, vachiti: Unondova mweni womunhu mutadzi.

8 Ipapo Zakewu akamira, akati kunaShe: Tarirai, hafu yefuma yangu, ndinopa kuvarombo, uye kana ndakatora chinhu kune mumwe munhu nokunyengera, ndinodzosera runa.

9 Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno; nokuti naiyevo mwanakomana waAbhurahamu.

10 Nokuti Mwanakomana womunhu wakavuya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.

11 Vakati vachanzwa zvinhu izvozvi, akawedzera akataura mufananidzo, nokuti wakanga ava pedo neJerusarema, uye nokuti vaifunga kuti ushe bwaMwari bwobva bwovonekwa pakarepo.

12 Naizvozvo wakati: Mumwe munhu unembiri wakaenda kunyika iri kure, kuti andopiwa ushe agodzoka.

13 Akadana varanda vake vanegumi, akavapa pondo dzinegumi, akati kwavari: Bhindaukai kusvikira ndichivuya.

14 Asi vanhu venyika yake vakanga vachimuvenga, vakatuma nhume kumutevera, vachiti: Hatidi uyu kuti atitonge.

15 Zvino zvakaitika kuti adzoka apiwa ushe, akaraira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe wakawana zvakadini nokushambadzira kwake.

16 Wokutanga akasvika, akati: Ishe, pondo yenyu yakawana dzimwe pondo dzinegumizve.

17 Akati kwaari: Zvakanaka, uri muranda wakanaka; nokuti wakanga wakatendeka pazviduku-duku, uve nesimba pamaguta anegumi.

18 Wechipiri akasvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yakawedzera pondo shanu.

19 Akati kwaarivo: Newe, uvevo pamusoro pemaguta mashanu.

20 Zvino mumwe akasvika, achiti: Ishe, tarirai pondo yenyu, yandakanga ndachengeta mumucheka;

21 nokuti ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu wakawoma munotora zvamusakaisapo, muchicheka zvamusakadzvara.

22 Zvino akati kwaari: Ndichakutonga nezvino*buda mumuromo mako, muranda wakaipa. Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu unehasha, ndichitora zvandisakaisa, nokucheka zvandisakadzvara;

23 naizvozvo wakaregereiko kuisa mari yangu mubhanga, kuti pakuvuya kwangu, ndigozoitora yava nemubairo.

24 Ipapo akati kunavakanga vamirepo: Mutorerei pondo mupe unepondo dzinegumi.

25 Vakati kwaari: Ishe, wava nepondo dzinegumi.

26 Nokuti ndinoti kwamuri: Wose unazvo uchapiwa; asi uyo usina, uchatorerwa nezvaanazvo.

27 Asi vavengi vangu avo, vakanga vasingadi kuti ndivatonge, vuyai navo pano, mu va*vuraye pamberi pangu.

28 Wakati areva izvozvi, akatungamira mberi, achikwira Jerusarema.

29 Zvino zvakaitika paaiswedera Bhetifage neBhetaniya, kugomo rinonzi reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri,

30 achiti: Endai mumusha wakatarisana nemwi*; kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina kumbotaswa nomunhu; murisunungure, mugo ri*vuyisa.

31 Kana mumwe munhu akakubvunzai achiti*: Muno ri*sunungurireiko? Muchataura kwaari kudai: Ishe unorida.

32 Avo vakatumwa vakaenda vakandowana sezvaakanga ataura kwavari.

33 Zvino vakati vachisunungura dhongwana, vene varo vakati kwavari: Munosunungurireiko dhongwana?

34 Ivo vakati: Ishe unorida.

35 Vakavuya naro kuna Jesu; vakakanda nguvo dzavo pamusoro pedhongwana, vakatasvisa Jesu pariri.

36 Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira.

37 Zvino wakati oswedera pamateru egomo reMiorivhi, chaunga chevadzidzi vake chose chikatanga kufara nokurumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avakanga vavona.

38 vachiti: Wakaropafadzwa mambo unovuya muzita raShe; rugare kudenga, nokubwinya kumuso-soro.

39 Vamwe vaFarisi kubva pakati pechaunga vakati kwaari: Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu.

40 Akapindura akati kwavari: Ndinokuvudzai kuti kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira pakarepo.

41 Zvino wakati aswedera pedo, akavona guta, akachema pamusoro paro,

42 achiti: Dai waiziva iwe zuva rako rino zvinhu zvorugare rwako, asi zvino zvakavanzirwa meso ako!

43 Nokuti mazuva achakusvikira, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukudzvinyidzira pamativi ose,

44 vachakuwisira pasi iwe navana vako mukati mako; havangasii mukati mako ibwe rimwe pamusoro perimwe; nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.

45 Zvino wakapinda mutembere, akatanga kudzingira panze vakanga vachitengesamo navaitenga,

46 achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti* imba yangu imba yokunyengetera; asi imwi makaiita bako ramakororo.

47 Waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vaprista vakuru navanyori navakuru vavanhu vakanga vachitsvaka kumuparadza.

48 Asi vakanga vasingawani zvavangaita, nokuti vanhu vose vakamunamatira vachimunzwa.


20


1 Zvino zvakaitika nerime ramazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere, nokuparidza evhangeri, vaprista vakuru navanyori vakasvika navakuru,

2 vakataura kwaari vachiti : Tivudzei; munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndianiko iye wakakupai simba iri?

3 Akapindura akati kwavari: Ndichakubvunzaivo ini shoko rimwe; ndivudzei:

4 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga kana kuvanhu?

5 Vakataurirana, vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati: Zvino makagoregerei imwi kumutenda?

6 Asi kana tikati: Kuvanhu, vanhu vose vachatitaka namabwe; nokuti ivo vaiva nechokwadi kuti Johwani waiva muporofita.

7 Vakapindura, vachiti havazivi kwa rwa*kabva.

8 Zvino Jesu akati kwavari: Nenivo handingakuvudziyi kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.

9 Zvino wakatanga kuvudza vanhu mufananidzo uyu: Mumwe munhu wakasima munda wemizambiringa, akaupa varimi, akaenda kune imwe nyika nguva refu;

10 nenguva yakafanira wakatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvezvibereko zvomunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vaka mu*dzosa asina chinhu.

11 Akatumazve mumwe muranda; naiyevo vakamurova vaka mu*nyadzisa, vaka mu*dzosa asina chinhu.

12 Akatumazve wechitatu; zvino uyuvo vakamukuvadza, vaka mu*dzingira kunze.

13 Zvino mwene womunda wemizambiringa akati: Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu unodikamwa, zvimwe vakavona iye vachamukudza.

14 Asi varimi vakati vachimuvona vakarangana pakati pavo, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai, ngatimuvuraye, kuti nhaka igova yedu.

15 Vakamudzingira kunze komunda wemizambiringa, vakavuraya. Zvino mwene womunda wemizambiringa uchavaitireiko?

16 Uchavuya, akaparadza varimi ivava, akapa munda womuzambiringa vamwe. Zvino vachinzwa, vakati: Zvisadaro!

17 Asi wakavatarisa, akati: Zvino chinyiko ichi chakanyorwa, chinoti*: Ibwe rakarambwa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona?

18 Mumwe nomumwe unowira pamusoro pebwe iro, uchavhunika; asi ani nani warinowira richamukuya kuita upfu.

19 Zvino vaprista vakuru navanyori nenguva iyoyo vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakavareva ivo nomufananidzo uyo.

20 Vaka mu*cherekedza, vakatumira vashori vakazviita savanhu vakarurama, kuti vamubate pakutaura kwake, kuti vamukumikidze kuushe nesimba romutongi.

21 Vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, Tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvakarurama, uye hamugamuchiri zvinovonekwa zvo*munhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi,

22 Zviri pamutemo here kwatiri kuripira Kesari mutero, kana kwete?

23 Asi iye achiziva vumhare bwavo, akati kwavari: Munondiidzireiko?

24 Ndiratidzei dhenari*; Rinomufananidzo norunyoro rwaaniko? Vakapindura vakati: ZvaKesari.

25 Ipapo akati kwavari: Naizvozvo ipai kunaKesari zvinhu zvaKesari, nokunaMwari zvinhu zvaMwari.

26 Vakakoniwa kumubata namashoko ake pamberi pavanhu; vakashamiswa nokupindura kwake; ndokunyarara.

27 Zvino kwakavuya kwaari vamwe vavaSajusi, ivo vanoramba kuti kune kumuka kwavakafa, vakamubvunza,

28 vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti* kana mukoma womunhu akafa anomukadzi, asi iye akafa asina vana, munun'una wake unofanira kutora mukadzi wake, amutsire mukoma wake rudzi.

29 Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana;

30 nowechipiri akatora mukadzi, akafa asina mwana;

31 nowechitatu akamutora. zvikadarovo navanomwe vakasasiya vana, vakafa.

32 Pakupedzisira mukadzi akafavo.

33 Naizvozvo pakumuka kwavakafa, uchava mukadzi waaniko kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye somukadzi.

34 Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Vanakomana venyika ino vanowana; uye vanowaniswa;

35 asi avo vachanzi vakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwavakafa, havawani, kana kuwaniswa.

36 Nokuti havazofizve; nokuti vachaenzana navatumwa, uye vava vanakomana vaMwari zvavari vanakomana vokumuka kwavakafa.

37 Asi kuti vakafa vanomutswazve, kunyange Mozisivo wakaratidza pagwenzi, paakati Ishe ndiye Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.

38 Nokuti Mwari haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; nokuti vose vapenyu kwaari.

39 Ipapo vamwe vavanyori vakapindura vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka.

40 Pashure paizvozvo havana kuzotsunga kumubvunzazve chinhu.

41 Zvino akati kwavari: Vanoreva seiko kuti Kristu Mwanakomana waDavhidhi?

42 Nokuti Dhavhidhi pachake wakareva mubhuku yaMapisarema achiti*: Ishe wakati kuna She wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi,

43 Kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.

44 Naizvozvo Dhavhidhi unomuidza Ishe, zvino ungagova Mwanakomana wake seiko? \s Jesu unonyevera vadzidzi vake

45 Zvino vanhu vose vachizvinzwa, wakati kuvadzidzi vake:

46 Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, vachida kukwaziswa pamisika, nezvigaro zvapamusorosa mumasinagoge, novugaro bwapamberi pamabiko;

47 vanoparadza dzimba dzechirikadzi, vanonyengera nokuita minyengetero mirefu; ivavo vachatongerwa kurashwa kukuru.


21


1 Zvino wakatarira kumusoro akavona vafumi vachikanda zvipo zvavo muchivigiro chemari.

2 Akavonavo imwe chirikadzi murombo, achikandamo tumari tuviri tuduku.

3 Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo, yakanda kupfuvura vamwe vose;

4 nokuti avo vose vakanda muzvipo zvaMwari pazvizhinji zvavo, asi iye, pakushaiwa kwake, wakanda chose chaaiva nacho chaaifanira kurarama nacho*.

5 Zvino vamwe vakataura pamusoro petembere, kuti yakanga yakashongedzwa sei namabwe akanaka nezvipo, akati:

6 Zvinhu izvi zvamunovona, mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.

7 Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, kozvinhu izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava* chipi, kana izvozvi zvoitwa?

8 Iye akati: Chenjerai, kuti murege kunyengerwa; nokuti vazhinji vachavuya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu*; nguva yaswedera. Naizvozvo musavatevera.

9 Kana muchinzwa zvehondo, nenyonganiso, musavhunduswa henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitika; asi kuguma haku sviki* pakarepo.

10 Akati kwavari: Rudzi ruchamukira rudzi, noushe hwucha*mukira ushe.

11 Uye kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo kunzvimbo dzakasiyana siyana, nenzara nehosha, nezvinotyisa kuvona, uye zviratidzo zvikuru zvichabva kudenga zvichavapo.

12 Asi mberi kwaizvozvi zvose, vachakubatai, nokutambudza, vachi ku*kumikidzai kumasinagoge nomumatirongo, muchiiswa pamberi pamadzimambo navabati, nokuda kwezita rangu.

13 Izvi zvichashanduka vuchapupu kwamuri.

14 Naizvozvo zviisei mumoyo menyu, kuti murege kufanofungisisa zvamuchapindura.

15 Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonekamwa kupikiswa kana kurambwa navavengi venyu vose.

16 Muchatengeswa kunyange navabereki, navana vamai venyu, nehama, neshamwari, vamwe* venyu vachavurawa.

17 Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu.

18 Asi hakungaparari kunyange ruvhudzi rumwe rwomusoro wenyu.

19 Nokutsungirira kwenyu wanai mweya yenyu.

20 Zvino kana muchivona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti kuparadzwa kwaro kwaswedera.

21 Musi uyo vari muJudhiya ngavatizire kumakomo; navari mukati maro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo.

22 Nokuti iwayo ndiwo mazuva okutsiva, kuti zvose zvakanyorwa zvizadziswe.

23 Asi vurombo kune vanemimba navanomwisa namazuva iwayo, nokuti kuchavapo kutambudzika kukuru panyika, nokutsamwa pamusoro pavanhu ivava.

24 Vachawira pamuromo womunondo, nokutapwa kumarudzi ose; Jerusarema richatsikirwa pasi navahedheni, kusvikira nguva dzavahedheni dzazadziswa.

25 Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika kutambudzika kwamarudzi, nokukanganiswa, gungwa namafungu zvichivomba,

26 vanhu vachapera simba nokutya nokutarira zvinhu izvo zvinovuya panyika; nokuti masimba okudenga achazungunuswa.

27 Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya ari mugore, nesimba nokubwinya kukuru.

28 Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, zvino tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kudzikunurwa kwenyu kwaswedera.

29 Zvino akavataurira mufananidzo achiti*: Tarirai muvonde nemiti yose;

30 kana yotunga, munozvivonera nokuzvizivira mumene, kuti zvino munakamwe wava pedo.

31 Saizvozvo, nemwivo, kana movona zvinhu izvozvi zvoitika, zivai kuti ushe bwaMwari hwava pedo.

32 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuvuri, kusvikira zvose zvazadziswa.

33 Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri.

34 Zvino zvichenjererei kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya zvoupenyu hwuno, zuva iro rikuwirei makarivara.

35 Nokuti seriva richawira vose vagere pachiso chenyika yose.

36 Naizvozvo rindai nenguva dzose, munyengetere, kuti muverengwe samakafanira kupukunyuka zvinhu izvo zvose zvichaitika, nokumira pamberi poMwanakomana womunhu.

37 Zvino waidzidzisa masikati mutembere; asi vusiku waibuda, achindogara mugomo rinonzi reMiorivhi.

38 Vanhu vose vakavuya kwaari mutembere mangwanani-ngwanani kuzomunzwa.


22


1 Zvino mabiko ezvingwa zvisinembiriso aiswedera, anonzi paseka.

2 Vaprista vakuru navanyori vakatsvaka kuti vangamuvuraya sei; nokuti vakanga vachitya vanhu. \s Judhasi Isikariyoti unotsaka kutengesa Jesu

3 Zvino wakapinda Satani kuna Judhasi wainzi Isikariyoti, waiverengwa pavanegumi navaviri.

4 Akaenda, akandorangana navaprista vakuru namachinda, kuti ungamutengesa kwavari sei.

5 Vakafara, vakatenderana kumupa mari.

6 Iye akatenda, akatsvaka nguva yakafanira yokumutengesa nayo kwavari pasina chaunga.

7 Zvino zuva rezvingwa zvisinembiriso rakati rasvika, raifanira kubayiwa paseka naro.

8 akatuma Petro naJohwani, achiti: Endai mundotigadzirira paseka, kuti tidye.

9 Zvino vakati kwaari: Munoda kuti tigadzirirepiko?

10 Akati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, munhu uchasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye mumba maanopinda.

11 Muti kumwene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yavaeni iripiko, mandingadyira paseka navadzidzi vangu?

12 Uchakuratidzai imba huru yokumusoro yakarongedzwa; gadzirai ipapo.

13 Vakaenda, vakandowana sezvaakanga avavudza; vakagadzira paseka.

14 Zvino nguva yakati yasvika, akagara pasi navapositora vanegumi navaviri vanaye.

15 Akati kwavari: Nechishuvo ndakashuva zvikuru kudya paseka iyi nemwi ndisati ndatambudzika.

16 Nokuti ndinoti kwamuri: Handichazoidyizve, kusvikira yazadziswa muushe hwaMwari.

17 Zvino akatora mukombe; akavonga, akati: Torai ichi, mugovane pakati penyu.

18 Nokuti ndinoti kwamuri: Handichatongomwizve zvibereko zvomuzambiringa, kusvikira ushe bwaMwari bwasvika.

19 Akatora chingwa, akavonga, akamedura, akavapa, achiti: uyu muviri wangu, unopiwemwi; itai izvi muchindirangarira.

20 Saizvozvovo mukombe vapedza kurayira, achiti: Mukombe uyu, sungano itsva muropa rangu, rinotevurirwa imwi.

21 Asi tarirai, ruvoko rwaiye unondipandukira runeni patafura.

22 Zvino zvirokwazvo mwanakomana womunhu unoenda hake sezvazvakatemwa; asi vurombo kumunhu uyo waanotengeswa naye!

23 Ipapo vakatanga kubvunzana pakati pavo kuti ndianiko pavari uchaita chinhu ichi.

24 Zvino nharo dzakamukavo pakati pavo kuti* ndiani kwavari uchaverengwa somukuru.

25 Akati kwavari: Madzimambo avahedheni anotonga pamusoro pavo, navanoratidza simba pamusoro pavo vanonzi vabatsiri.

26 Zvino imwi zvisadaro, asi mukuru kwamuri ngaave somuduku, nomutungamiriri somushandiri.

27 Nokuti ndianiko mukuru, uyo ugere pakudya kana unoshandira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshandira.

28 Imwi ndimwi makagara neni pamiidzo yangu.

29 Ndinokugoverai ushe, saBaba vangu vakandisarudza.

30 kuti mugodya nokumwa patafura yangu muushe bwangu, mugare pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi anegumi namaviri avaIsraeri. \s Jesu unovudza Petro kuti uchamuramba

31 Ishe akati: Simoni! Simoni! Tarira Satani wakakumbira kuti a ku*zungure iwe sezviyo;

32 asi ini ndakunyengeterera iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendevuka, usimbise hama dzako.

33 Asi wakati kwaari: Ishe, ndakazvigadzirira kuenda nemwi mutirongo, kunyange kurufu.

34 Asi iye wakati: Ndinokuvudza, Petro, jongwe haringariri nhasi usati waramba katatu kuti unondiziva.

35 Zvino akati kwavari: Pandakakutumai, musinechikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hapana.

36 Zvino akati kwavari: Asi zvino, unechikwama, ngaatore, saizvozvovo unehombodo; neusina, ngaatengese nguvo yake atenge munondo.

37 Nokuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvinofanira kuzadziswa kwandiri, zvinoti*: Wakaverengwa pamwe chete navadariki vomurairo; nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvine mugumo.

38 Ipapo vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana.

39 Zvino wakabuda, akaenda sezvaaisiita kugomo reMiorivhi; navadzidzi vakevo vakamutevera.

40 Wakati asvika panzvimbo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pakuidzwa.

41 Akabva kwavari, chinhambwe chingasvika ibwe kana rikaposherwa; akafugama akanyengetera,

42 achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; Asi zvirokwazvo kusava kuda kwangu, asi kwenyu ngakuitwe.

43 Ipapo kwakavonekwa mutumwa kwaari, wakabva kudenga achimusimbisa.

44 Zvino, ari pakutambudzika kukuru, wakanyanya kunyengetera; ziya rake rikaita samadomwe makuru eropa achidonhera pasi.

45 Zvino wakati asimuka pakunyengetera, akaenda kuvadzidzi vake, akavawana vavata neshungu.

46 Akati kwavari: Mavatireiko? Mukai munyengetere, kuti murege kupinda pakuidzwa.

47 Wakati achataura, tarira, chaunga naiye wainzi Judhasi, mumwe wavanegumi navaviri, akavatungamirira, akaswedera kunaJesu, kuti amusvete.

48 Asi Jesu wakati kwaari: Judhasi, unotengesa Mwanakomana womunhu nokusveta here?

49 Zvino vaiva vakamukomba vakati vachivona zvaizoitika, vakati kwaari: Ishe, totema nemunondo here?

50 Ipapo mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yorudyi.

51 Jesu akapindura akati: Regai zvisvike ipapo. Akabata nzeve yake, akamuporesa.

52 Zvino Jesu akati kuvaprista vakuru namachinda etembere, navakuru vakanga vavuya kwaari: Mabuda neminondo netsvimbo semunorwisa gororo here?

53 Ini ndaiva nemwi mutembere mazuva ose, mukasatandavadzira ruvoko kwandiri; asi zvino inguva yenyu, nesimba rerima.

54 Zvino vakamutora, vakaenda naye, vakandomuisa kumba komuprista mukuru. Petro akatevera ari kure.

55 Vakati vavesa moto pakati pebiravira, vakagara pasi pamwechete, Petro akagara pasi pakati pavo.

56 Zvino mumwe murandakadzi wakamuvona agere pamoto akamutarisisa, akati: Uyu munhuvo wakanga anaye.

57 Asi iye wakaramba, achiti: Mukadzi, handimuzivi.

58 Shure kwechinguvana, mumwezve akamuvona, akati: Iwevo uri mumwe wavo. Petro akati: Murume, handizini.

59 Nguva inenge seora rimwe yakati yapfuvura, mumwezve akasimbisa ane chokwadi, achiti: Zvirokwazvo uyu wakanga anayevo; nokuti muGariri.

60 Petro akati: Murume, handizivi zvaunoreva. Pakarepo, achataura jongwe rikarira.

61 Ipapo Ishe akatendevuka akatarira Petro. Petro akarangarira shoko raShe, kuti akamuvudza sei, achiti*: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.

62 Petro akabuda, akachema zvikuru.

63 Varume vakanga vabata Jesu, vakamusweveredza, noku mu*rova.

64 Vakati vamuvhara kumeso, vakamurova kumeso, vakamubvunza, vachiti: Profita! Ndiani wakurova?

65 Nezvimwe zvizhinji vakareva kwaari, vachimunyomba.

66 Zvino kwakati kwaedza, vakuru vavanhu navaprista vakuru navanyori vakavungana, vakamuisa kumakurukota avo vachiti:

67 Kana uri Kristu, tivudze. Akati kwavari: Kana ndikakuvudzai, hamungatendi;

68 uye kana ndikabvunza, hamungandipinduri kana ku ndi*sunungura.

69 Kubva zvino Mwanakomana womunhu uchagara kurudyi rwesimba rwaMwari.

70 Ipapo vose vakati: Saka uri Mwanakomana waMwari kanhi? Iye akati kwavari: Mareva kuti ndini iye.

71 Ivo vakati: Tichadireiko vuchapupu? Nokuti isu timene tazvinzwira pamuromo wake.


23


1 Zvino chaunga chavo chose chikasimuka, vakamutungamirira kuna Pirato.

2 Zvino vakatanga kumupomera mhosva, vachiti: Takawana uyu achitsausa rudzi, achidzivisa kupa mutera kuna Kesari; achiti iye pachake ndiKristu Mambo.

3 Ipapo Pirato akamubvunza achiti: Ko uri Mambo wavaJudha here? Akamupindura, akati: Unoreva iwe.

4 Zvino Pirato akati kuvaprista vakuru nechaunga: Handiwani mhosva kumunhu uyu.

5 Ivo vakanyanya kusimbisa, vachiti: Unomutsa vanhu, achidzidzisa muJudhiya rose, achitanga paGariri kusvikira pano.

6 Pirato wakati anzwa zveGariri, akabvunza kana munhu uyu ari muGariri.

7 Akangoti anzwa kuti ndoweushe bwaHerodhe, akamutumira kunaHerodhe, iye wakanga ari muJerusarema amene pamazuva iwayo.

8 Zvino Herodhe wakati achivona Jesu akafara kwazvo-kwazvo; nokuti waishuva kumuvona kwe nguva* refu, nokuti wakanga anzwa zvinhu zvizhinji pamusoro pake; akatarisira kuti uchavona chimwe chiratidzo chingaitwa naye.

9 Akamubvunza namashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.

10 Zvino vaprista vakuru navanyori vakamira vakamupomera mhosva zvine simba.

11 NaHerodhe navarwi vake vakamuzvidza, nokusweveredza; vakazomupfekedza, nguvo dzinobwinya, vakamudzosera kunaPirato.

12 Nomusi iwoyo Pirato naHerodhe vakava shamwari; nokuti paimbova neruvengo pakati pavo.

13 Zvino Pirato wakati adanira pamwechete vaprista vakuru navatongi navanhu.

14 akati kwavari: Mavuya nomunhu uyu kwandiri sounotsausa vanhu; zvino tarirai ini ndabvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana mumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera;

15 kwete, kunyange naHerodhevo; nokuti ndinokutumaizve kwaari; zvino tarirai, hapana chakafanira rufu chakaitwa naye.

16 Naizvozvo ndichamurova ndigo mu*sunungura.

17 Nokuti waifanira kuvasunungurira mumwe pamutambo.

18 Asi vose vakadanidzira pamwe chete vachiti: Kure nouyu, mutisunungurire Bharabhasi!

19 Iye wakanga akandirwa mutirongo nemhaka yerimwe bope rakanga ramutswa muguta, nokuvuraya.

20 Zvino Pirato achida kusunungura Jesu, akataurazve kwavari.

21 Asi ivo vakadanidzira, vachiti: Rovera, murovere!

22 Akati kwavari rwechitatu: Nemhaka yei, waita chakaipa chipiko? Handina kuwana mhosva yorufu maari; naizvozvo ndichamurova ndigo mu*sunungura.

23 Asi ivo vakasimbisa namanzwi makuru, vachikumbira kuti aroverwe. Manzwi avo naavaprista vakuru akakunda.

24 Zvino Pirato akapa mutongo kuti zviitwe sezvavakakumbira;

25 akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakanga akandwa mutirongo nemhaka yebope neyokuvuraya; akakumikidza Jesu kuzvodo zvavo.

26 Zvino vakati vachienda naye, vakabata mumwe, wainzi* Simoni muKurini, achibva kuruwa vakaisa muchinjikwa pamusoro pake, kuti atakure shure kwaJesu.

27 Akateverwa nechaunga chikuru, navakadzi vaimuririravo nokumuchema.

28 Asi Jesu wakatendevukira kwavari, akati: Vakunda veJerusarema, musachema ini, asi muzvicheme imwi navana venyu;

29 nokuti tarirai, mazuva anovuya avachati nawo: Dzakaropafadzwa mhanje, nezvizvaro zvisina kutongobereka, namazamu asina kutongomwisa.

30 Zvino vachatanga kuti kumakomo: Wirai pamusoro pedu; nokuzvikomo: Tifukidzei.

31 Nokuti kana vachiita zvinhu izvi kumuti munyoro, zvinyi zvichaitwa kunowakawoma?

32 Zvino kwakanga kuna vamwe vaiti vezvakaipa vavirivo, kuti vavurawe pamwe chete naye.

33 Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi Dehenya, ipapo vakamurovera navaiti vezvakaipa mumwe kuruoko rworudyi nomumwe kuruboshwe.

34 Ipapo Jesu akati: Baba, vakangamwirei, nokuti havazivi chavanoita. Vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya.

35 Vanhu vakamira, vakatarira. Navatongivo pamwechete navo vaka mu*sweveredza, vachiti: Wakaponesa vamwe; ngaazviponese; kana ari Kristu, musanangurwa waMwari.

36 Navarwivo vakamusweveredza, vakavuya kwaari* vakamupa vhiniga,

37 vachiti: Kana uri Mambo wavaJudha, zviponese.

38 Zvino; kwakanga kuno rugwarovo rwakanyorwa pamusoro pake namavara echiGiriki nechiRoma nechiHebheru, rwaiti*: UYU NDIMAMBO WAVAJUDHA.

39 Zvino mumwe wavaiti vezvakaipa vakanga vakaremberedzwa wakamutuka achiti: Kana uri Kristu, zviponese iwe nesu.

40 Mumwe akapindura, akamutsiura, achiti: Iwe hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe?

41 Isu zvirokwazvo zvakatiruramira, nokuti isu tinogamuchira mubairo wemabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.

42 Zvino akati kuna Jesu: Ishe mundirangarire kana masvika muushe bwenyu.

43 Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi uchava neni muParadhiso.

44 Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; kukavapo rima panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe.

45 Zuva rikasvibiswa, vheiri retembere rikabvaruka napakati.

46 Zvino Jesu wakati adanidzira nenzwi guru, akati: Baba, mumavoko enyu ndinokumikidza mweya wangu; akati areva izvozvo, akapa mweya.

47 Ipapo mukuru wezana wakati avona zvakaitika, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo uyu wakanga ari munhu wakarurama.

48 Vazhinji vose vakanga vakavungana kuzovona izvozvo, vakati vachivona zvakaitika, vakadzoka vachirova zvifuva zvavo.

49 Navazikanwi vake vose, navakadzi vaimutevera vachibva Gariri, vakamira kure, vachivona zvinhu izvozvi.

50 Zvino tarira, murume wainzi Josefa, gurukota, murume wakanaka wakarurama;

51 iye wakanga asina kutenderana navo pakurangana nokuita kwavo; waiva* weArimatia, guta ravaJudha, iyevo wakanga achimirira ushe bwaMwari;

52 iye wakaenda kunaPirato akandokumbira mutumbi waJesu,

53 akauburusa, akauputira nerineni yakapfava, akauradzika mubwiro bwakanga bwakacherwa pabwe, makanga musina kumbovigwa munhu.

54 Zvino waiva musi wokugadzirira, sabata roswedera.

55 Navakadzivo, vakanga vavuya naye vachibva Gariri, vakatevera mumashure, vakavona bwiro, nomuisirwe womutumbi wake.

56 Vakadzoka, vakagadzira zvinonhuhwira nezvizoro vakazorora nesabata sezvinoreva murairo.


24


1 Zvino no mu*si wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakavuya kubwiro, vakabata zvinonhuhwira, zvavakanga vagadzira nevamwe navo.

2 Vakawana ibwe rakakunguruswa, rabviswa pabwiro.

3 vakapinda, vakasawana mutumbi waShe Jesu.

4 Zvino zvakaitika vachakakanganiswa nazvo, tarira, varume vaviri vakamira navo vanenguvo dzinopenya;

5 zvino vachiri kutya vakakotamira pasi nezviso, vatumwa* vakati kwavari: Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa?

6 Haapo pano, asi wamuka; rangarirai kuti wakataura sei kwamuri achiri muGariri,

7 achiti: Mwanakomana womunhu unofanira kukumikidzwa mumavoko avanhu vezvivi, nokuroverwa, nezuva retatu agomukazve.

8 Ipapo vakarangarira mashoko ake.

9 Vakadzoka vachibva kubwiro, vakavudza zvinhu izvi zvose vanegumi nomumwe navamwe vose.

10 Vaiva Maria Magadarene naJohwana naMaria mai* vaJakobho, navamwe vavaiva navo, vakandovudza vapositora izvozvo.

11 Mashoko awa akaita sengano dzisina maturo kwavari; vakasaatenda.

12 Zvino Petro akasimuka, akamhanyira kubwiro; akadongorera akakotama, akavona micheka yerineni yakaradzikwa yoga; ndokudzoka, ashamiswa nezvakanga zvaitika.

13 Zvino tarira, pazuva irero vamwe vaviri vavo vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, wakanga uri kure neJerusarema masitadhia* anamakumi matanhatu;

14 vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.

15 Zvino zvakaitika kuti vachitaurirana nokubvunzana, Jesu amene akaswedera, akafamba navo,

16 asi meso avo akanga abatwa kuti vasamuziva.

17 Akati kwavari: Inhauriano dzeiko idzi dzamunadzo pakati penyu muchifamba makatsamwa?

18 Mumwe wavo, zita rake rainzi Kiriyopasi, akapindura, akati kwaari: Ko ndiwe woga mutorwa muJerusarema, usati aziva zvakaitikamo mazuva ano here?

19 Akati kwavari: Zvinyiko? Vakati kwaari: Maererano naJesu weNazareta, waiva amuporofita unesimba pabasa napashoko pamberi paMwari napavanhu vose;

20 uye kuti vaprista vakuru navatongi vedu vakamukumikidza sei kuvatongi kuti atongerwe rufu, vakamurovera.

21 Asi isu takanga tichivimba kuti ndiye waizodzikunura vaIsraeri. Asi pamusoro paizvozvo zvose, nhasi rava zuva retatu zvinhu izvi zvaitika.

22 Asi vamwe vakadzi vokwedu vatishamisa, vanga vafumira kubwiro;

23 zvino vati vachishaiwa muviri wake, vakavuya vachiti vavona chiratidzo chavatumwa, vakati mupenyu.

24 Zvino vamwe vaiva nesu, vaenda kubwiro, vakandowana sezvanga zvarebwa navakadzi; asi iye havana kumuvona.

25 Zvino iye akati kwavari: Imwi vokusanzwisisa, munemoyo inononoka kutenda zvose zvakataurwa navaporofita!

26 Ko Kristu wakanga asingafaniri kutambudzika zvinhu izvi, nokupinda pakubwinya kwake here?

27 Ipapo akatanga kunaMozisi navaporofita vose, akadudzira kwavari magwaro ose zvinhu zviri maererano naye.

28 Zvino vakaswedera pedo nemusha kwavakanga vachienda; iye akaita sowoda kupfuvura.

29 Asi vakamugombedzera, vachiti: Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva raenda. Ipapo akapinda kundogara navo.

30 Zvino zvakaitika agere navo pakudya, akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari.

31 Ipapo meso avo akasvinudzwa, vakamuziva; akanyangarika pameso avo.

32 Vakataurirana vachiti*: Ko moyo yedu yakanga isingapisi mukati medu here paanga achitaura nesu munzira, nepaanga achitizarurira magwaro here?

33 Vakasimuka nenguva iyoyo, vakadzokera Jerusarema, vakawana vanegumi nomumwe vakavungana pamwechete navaiva navo.

34 Vachiti: Ishe wamuka zvirokwazvo; wavonekwa naSimoni.

35 Vakarondedzera zvinhu zvakaitika* munzira, uye kuti wakazikamwa navo sei pakumedura chingwa.

36 Zvino vakati vachataura zvinhu izvozvi, Jesu amene akamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri.

37 Asi vakavhunduka, vakatya kwazvo, vakafunga kuti zvimwe vavona mweya.

38 Akati kwavari: Munotambudzika nemhaka yeiko? Mifungo inomukireiko mumoyo yenyu?

39 Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndimene. Ndibatei, muvone, nokuti mweya haunenyama namafupa, sezvamunovona ini ndinazvo.

40 Zvino wakati areva izvozvo akavaratidza zvanza netsoka dzake*.

41 Zvino vakati vachigere kutenda nokufara vachishamiswa, akati kwavari: Munezvokudya pano here?

42 Vakamupa nhindi yehove yakagochwa nezinga rovuchi.

43 Akatora akadya pamberi pavo.

44 Akati kwavari: Awa mashoko andakakuvudzai ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvose zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, na*pavaporofita napaMapisarema pamusoro pangu.

45 Ipapo akadzivura kunzwisisa kwavo, kuti vanzwisise magwaro.

46 Akati kwavari: Ndizvo zvakanyorwa, uye Kristu unofanira kutambudzika, nokumuka kuvakafa zuva retatu;

47 kuti kutendevuka nokukangamwirwa kwezvivi kunofanira kuparidzirwa marudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.

48 Imwi muri zvapupu zvezvinhu izvi.

49 Zvino tarirai, ndinotuma chipikirwa chaBaba vangu pamusoro penyu; asi imwi garai muguta reJerusarema kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.

50 Zvino akavatungamirira kunze kusvikira Bhetaniya, ndokusimudza mavoko ake akavaropafadza.

51 Zvino zvakaitika achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.

52 Ipapo vakamunamata, vakadzokera Jerusarema vanomufaro mukuru;

53 vakarambira mutembere, vachirumbidza nokutenda Mwari.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE