JUDHASI


1


1 Judhasi, muranda waJesu Kristu, munun'una waJakobho, kuna vakaitwa vatsvene vakadamwa, vakadikamwa munaMwari Baba, vakachengetwa munaJesu Kristu:

2 Ngoni, norugare, norudo ngazviwanzwe kwamuri.

3 Vadikamwa, ndakati ndichishingaira zvikuru kukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakavona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurairai kuti murwire kwazvo kutenda kwakadeya kupiwa vatsvene kamwe.

4 Nokuti kuna vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita vutere, vachiramba tenzi uyu mumwe chete, Ishe wedu Jesu Kristu.

5 Zvino ndinoda kukuyevudzai, kunyange maizviziva henyu kamwe kare zvose, kuti Ishe, wakati amborwira vanhu munyika yeIjipiti, akazoparadza avo vakanga vasingatendi.

6 Navatumwa, vasina kuchengeta vukuru bwavo, asi vakasiya pavaifanira kugara, wakavachengeta muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru kusvikira pakutongwa kwezuva guru;

7 seSodhoma neGomora, namaguta akapoteredza, akazvipa kwazvo saivo kuvupombwe nokutevera imwe nyama, akaitwa chiratidzo, akarobwa nomoto usingaperi.

8 Kunyange zvakadaro, vanhu ava pakurota kwavo vanosvibisa nyama yavo saizvozvo, vachiramba vukuru, nokutuka avo vanokubwinya.

9 Asi Mikaeri, mutumwa mukuru, nguva yaakarwa naDhiabhorosi, akaita nharo naye pamusoro pomuviri waMozisi, wakatya kumupa mhosva namashoko okutuka, asi wakati: Ishe ngaakuraire.

10 Asi vanhu ava vanotuka zvavasingazivi; napazvinhu izvo, zvavanonzwisisa kubva pakuberekwa kwavo, semhuka dzisingazivi, vanoparadzwa pazviri.

11 Vanenhamo, nokuti vakafamba nenzira yaKaini, vakapengera kukutsauka kwaBharami nokuda komubairo, vakaparadzwa nokukakavara kwaKora.

12 Vanhu ava mabwe akavanzika pamitambo yenyu yorudo, kana vodya nemwi vasingatyi, vafudzi vanongozvifudza ivo; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando isinezvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa nemidzi;

13 mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinofamba-famba, vakachengeterwa kusviba kwerima nokusingaperi.

14 Enoki, wechinomwe kubva kunaAdhamu, wakaprofitera ivava, achiti: Tarira, Ishe wakavuya navatsvene vake vanezvuru zvamazana,

15 kuti atonge vose, nokurova vose vasingadi Mwari pamusoro pamabasa avo ose okusada Mwari, avakaita nokusada kwavo Mwari, napamusoro pamashoko ose makukutu akataurwa navatadzi vasingadi Mwari.

16 Ivo van'un'uni navasingatendi nezvavanazvo, vanofamba nokuchiva kwavo; (miromo yavo inotaura mashoko okuzvikudza), vachikudza vanhu nokuda kokufumiswa.

17 Asi imwi vadikamwa, rangarirai mashoko akadeya kutaurwa navapositora vaShe wedu, Jesu Kristu;

18 kuti vakakuvudzai kuti nenguva yokupedzisira vaseki vachava'ko, vanofamba nokuchiva kwavo vasingadi Mwari.

19 Ndivo vanoparadzanisa, ndovenyama, vasinoMweya.

20 Asi imwi vadikamwa, muzvivake pakutenda kwenyu kutsvene tsvene, munyengetere muMweya Mutsvene,

21 Muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaShe wedu, Jesu Kristu, muve novupenyu bwusingaperi.

22 Ivai nengoni navamwe vanenyunyuto,

23 muvaponese muchivabvuta pamoto; vamwe muvaponese nokutya. muchivenga kunyange nenguvo yakasvibiswa nenyama.

24 Zvino kunaiye unogona kukuchengetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamungapomerwa, muchifara kwazvo,

25 kunaMwari mumwe chete wakachenjera, Muponesi wedu, naJesu Kristu, Ishe wedu, ngakuve kubwinya, novumambo, nesimba, novushe, zvino, nokusingaperi. Ameni.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE