VAHEBHERU


1


1 Mwari wakataura kare kunamadzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, uye nemitovo mizhinji,

2 zvino pakupedzisira kwamazuva ano wakataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitavo naye nyika;

3 iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, unotakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati anatsa zvivi zvedu iye pachake, akagara kurudyi rwoVumambo kudenga,

4 akapfuvura vatumwa nokunaka saizvozvo, sezita raakagara nhaka yaro,

5 Nokuti wakambotaura kunani wavatumwa, achiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakubereka? uye zve: Ndichava Baba vake, Iye uchava Mwanakomana wangu?

6 Vuye, kana achizovuyisazve dangwe rake panyika, unoti: Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.

7 Napamusoro pavatumwa unoti: Iye unoita vatumwa vake kuti vave Mhepo, Navaranda vake, kuti vave murazvo womoto;

8 Asi pamusoro poMwanakomana, unoti: Chigaro chenyu chovushe, imwi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri, Netsvimbo yokururama ndiyo tsvimbo yovushe bwako.

9 Makada kururama, mukavenga kusarurama; Saka Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuvura shamwari dzenyu.

10 Vuye, Imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutanga, Nedenga ndiro basa ramavoko enyu;

11 Iro richapera, asi imwi mucharamba muripo;Richasakara rose senguvo;

12 Mucharipeta sechinofukwa, Senguvo, rikashandurwa; Asi imwi makangodaro, namakore enyu haangagumi.

13 Asi wakambotaura kunani wavatumwa, achiti: Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako?

14 Ko havazi vose mweya inoshumira, yakatumwa, kuzobata nokuda kwavanodya nhaka yokuponeswa here?


2


1 Saka tinofanira kuteerera zvikuru izvo zvatakanzwa, kuti tirege kukukurwa.

2 Nokuti kana shoko, rakanga rataurwa navatumwa, rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kose kwakapiwa mubairo wakarurama,

3 ko isu tichapukunyuka sei, kana tisinehanya nokuponeswa kukuru kwakadai? Uku kwakaparidzwa pakutanga naShe, kukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa;

4 naiye Mwarivo achipupurirana navo nezviratidzo nezvinoshamisa, namabasa esimba mazhinji, nezvipo zvoMweya Mutsvene, nokuda kwake.

5 Nokuti nyika, inozovuya, yatinoreva, haana kuiisa pasi pavatumwa.

6 Asi mumwe wakapupura kwazvo paneimwe nzvimbo, achiti: Ko munhu chinyiko, zvamunomufunga? Kana mwanakomana womunhu, zvamunomushanyira?

7 Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa, Makamushongedza korona nokubwinya nokukudzwa, mukamubatisa vushe hwamabasa amavoko enyu.

8 Mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Nokuti pakuisa kwake zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chimwe, chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tigere kuvona kuti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.

9 Asi tinomuvona, iye Jesu, wakaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, nokuda kokutambudzika korufu, wakashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa,kuti nokuda kwenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira munhu wose.

10 Nokuti zvakanga zvakafanira kuti iye, wakaitirwa zvinhu zvose, uye wakaita zvinhu zvose, pakuisa kwake vanakomana vazhinji pakubwinya, akwanise Mutungamiriri wokuponeswa kwavo nenzira yokutambudzika.

11 Nokuti uyo, unovaita vatsvene, naivo vanoitwa vatsvene, vose vakabva kunomumwe; nemhaka iyi haanenyadzi kuvaidza hama,

12 Zvaanoti: Ndichaparidzira hama dzangu zita renyu, Ndichakuimbirai pakati pekereke.

13 Vuyezve: Ndichavimba naye. Vuyezve: Tarirai, ini navana vandakapiwa naMwari.

14 Naizvozvo, vana zvavakagoverwa ropa nenyama, naiyevo wakagovana navo panaizvozvi; kuti nokufa kwake iye aparadze uyo unesimba rorufu, iye Dhiabhorosi;

15 agosunungura avo vaiva varanda pavupenyu bwavo bwose nokuda kokutya rufu.

16 Nokuti zvirokwazvo, haana kutora chimiro chavatumwa, asi wakazvitorera vana vaAbhurahamu.

17 Naizvozvo wakafanira kuti aenzaniswe nehama dzake pazvinhu zvose, kuti ave muprista mukuru unengoni, wakatendeka pazvinhu zvaMwari, kuti adzikinure zvivi zvavanhu.

18 Nokuti zvaakatambudzika iye amene pakuidzwa kwake, unogona kubatsira vanoidzwa.


3


1 Naizvozvo, hama tsvene, vagoverani neni pakudamwa kunobva kudenga, fungai zvakanaka Muapositora noMuprista mukuru wokupupura kwedu, iye Jesu Kristu,

2 wakanga akatendeka kunaiye wakamugadza, saMozisivo muimba yake yose.

3 Nokuti uyu wakanzi wakafanira kukudzwa kupfuvura Mozisi, muvaki weimba sezvaanokudzwa kupfuvura imba;

4 nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi iye, wakavaka zvose, ndiye Mwari.

5 Zvino Mozisi wakanga akatendeka muimba yake yose somuranda, kuti ave chapupu chezvinhu zvinofanira kuzotaurwa,

6 asi Kristu soMwanakomana, wakaiswa pamusoro peimba yake; iye, tiri imba yake isu, kana tikabatisisa kusvika pakuguma kusatya kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.

7 Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene, achiti: Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,

8 Musawomese moyo yenyu, sapanguva yokutsamwiswa, nezuva rokuidzwa murenje

9 Pandakaidzwa namadzibaba enyu, vachindinetsa, Vakavona mabasa angu makore Anamakumi mana.

10 Naizvozvo ndakanzwa shungu pamusoro porudzi urwu, Ndikati: Vanogara vachitsauka Pamoyo yavo; Asi havana kuziva nzira dzangu;

11 Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangapindi pazororo rangu. Vanotenda voga ndivo vanopinda pazororo.

12 Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kunaMwari mupenyu,

13 asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi; kuti kurege kuva nomumwe wenyu unowomeswa nokunyengera kwezvivi.

14 Nokuti tava vagoverani pamwe chete naKristu, kana tichibatisisa kuvamba kokutenda kwedu kusvikira pakuguma;

15 zvichinzi: Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, Musawomesa moyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa.

16 Nokuti ndivanani vakanzwa, vakamutsamwisa? Havazi ivo vose vakabva Ijipiti naMozisi here?

17 Wakanzwa shungu makore anamakumi mana pamusoro pavanani? Havazi ivo vakatadza, mitumbu yavo ikawira murenje here?

18 Wakapika pamusoro pavanani kuti havangapindi pazororo rake? Havazi ivo vasina kutenda here?

19 Zvino tinovona kuti vakanga vasingagoni kupinda nokusatenda kwavo.


4


1 Naizvozvo, chipikirwa chokupinda muzororo rake zvachichipo, tinofanira kutya kuti zvimwe kurege kuva nomumwe wenyu uchawanikwa asingafaniri kupindamo.

2 Nokuti nesuvo takaparidzirwa evhangeri, saivo; asi shoko ravakanzwa, harina kuvabatsira, nokuti harina kuvhenganiswa nokutenda kwaivo vakanzwa.

3 Nokuti isu vakatenda, tinopinda pazororo irero, sezvaakareva, achiti: Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangapindi muzororo rangu; kunyange mabasa ake akanga akwaniswa kubva pakuvambwa kwenyika.

4 Nokuti paneimwe nzvimbo wakataura pamusoro pezuva rechinomwe, achiti: Mwari wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ose;

5 napano zve: Havangapindi muzororo rangu.

6 Naizvozvo, shoko zvarichipo kuti vamwe vachapinda pariri, uye kuti avo vakaparidzirwa evhangeri kare havana kupinda nokusateerera kwavo,

7 unotara zve rimwe zuva, achiti muna Dhavhidhi, Nhasi nguva huru yakadai yapfuvura, sezvakwakambotaurwa kare, zvichinzi, Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musawomesa moyo yenyu.

8 Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, haazaizoreva rimwe zuva pashure.

9 Zvino zororo resabata ravanhu vaMwari richipo.

10 Nokuti uyo wakapinda muzororo rake, wakazorora iye amene pamabasa ake, saMwari panaake.

11 Naizvozvo ngatishingaire kuti tipinde muzororo irero, kuti munhu arege kuvapo unozowa achitevera nzira iyo yokusateerera.

12 Nokuti shoko raMwari ibenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomoyo.

13 Hakune chisikwa chisingavonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.

14 Naizvozvo, zvatinomuprista mukuru kwazvo, wakapinda napakati pokudenga, iye Jesu, Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu.

15 Nokuti hatinomuprista mukuru usingagoni kutinzwira tsitsi pavutera bwedu, asi wakaidzwa pazvinhu zvose sesu, asinezvivi.

16 Naizvozvo, ngatiswederei tisingatyi kuchigaro chovushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira.


5


1 Nokuti muprista mukuru mumwe nomumwe, wakatorwa kuvanhu, unogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi;

2 iye unogona kunzwira tsitsi avo vasingazivi navakatsauka, nokuti naiyevo amene wakakomberedzwa novutera.

3 Nemhaka iyo iye amene unofanira kuzvibayira pamusoro pezvivi zvake, sezvaanobayira zvavanhu.

4 Hakuna munhu ungazvitorera basa iri rinokudzwa, asi kana achidamwa naMwari saiye Aroni.

5 Saizvozvovo Kristu haana kuzvikudza iye, achiitwa muprista mukuru, asi wakakudzwa naiye, wakati kwaari; Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakubereka;

6 Sezvaanorevavo paneimwe nzvimbo, achiti: Ndiwe Muprista nokusingaperi wegwara "reimba" yaMerkizedheki.

7 Iye, pamazuva enyama yake, wakavuya kunaiye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kokutya kwake Mwari;

8 kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuteerera nezvaakatambudzika;

9 akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kunavose vanomuteerera;

10 akanzi naMwari Muprista mukuru wegwara "reimba" yaMerikizedheki.

11 Tinamashoko mazhinji atingataura pamusoro pake, anorema kududzira, zvamava vanhu vasichagoni kunzwisisa kwazvo.

12 Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe unokudzidzisai zvidzidzo zvokutanga zvokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu.

13 Nokuti mumwe nomumwe unodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucheche hake.

14 Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.


6


1 Naizvozvo ngatisiye shoko rokutanga kwaKristu, tipfuvurire mberi pakukwaniswa, tisingaisi zve nheyo dzokutendevuka pamabasa akafa, nedzokutenda kunaMwari,

2 nedzedzidziso dzebhabhatidzo, nedzokuisa mavoko, nedzokumuka kwavakafa, nedzokutongwa kusingaperi.

3 Ndizvo zvatichaita, kana Mwari achitendera.

4 Nokuti kana vari ivo, vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene,

5 vakaravira shoko rakanaka raMwari, namasimba enyika inovuya,

6 kana vakazotsauka, hazvibviri kuvavandudzazve kuti vatendevuke, nokuti vanozvirovererazve Mwanakomana waMwari pamuchinjikwa, vachimunyadzisa pachena.

7 Nokuti nyika iyo, inoti kana yamwa mvura inosinaya pamusoro payo kazhinji, ikabereka mirivo yakafaniravo avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari;

8 asi kana ikabereka mhinzwa norukato, inorashwa, yobva yotukwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa.

9 Asi vadikamwa, kunyange tichitaura kudai, tinoziva kwazvo pamusoro penyu zvinhu zvinopfuvura nokunaka, zvinoisa kukuponeswa.

10 Nokuti Mwari haazati ari usakarurama, ungakangamwa basa renyu rorudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino.

11 Zvino tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ashingaire saizvozvo, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma.

12 Kuti murege kuva novusimbe, asi muve vateveri vaivo vanodya nhaka yezvipikirwa nenzira yokutenda nokutsungirira.

13 Nokuti Mwari pakupikira Abhurahamu, wakapika naiye amene, nokuti wakanga asinomukuru kwaari waangapika naye,

14 akati: Zvirokwazvo nokuropafadza ndichakuropafadza, nokuwanza ndichakuwanza.

15 Nokudaro, wakati atsungirira, akawana chipikirwa.

16 Nokuti vanhu vanopika nomukuru kwavari; nemhiko inosimbisa ndiyo inogumisa gakava rose pakati pavo.

17 Saizvozvo Mwari wakati achida zvikuru kuratidza vadyi venhaka yechipikirwa, kuti chirevo chake hachishandurwi, wakapinda pakati nokupika;

18 kuti nezvinhu zviviri zvisingashandurwi, (nokuti pazviri Mwari haagoni kureva nhema), tive nesimbiso yakabata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi pedu, kuti tibate;

19 yatinayo sechibatiso choMweya, tariro isingazununguswi, yakasimba, inopinda kunezviri mukati mechidzitiro chetembere;

20 pakapinda mutungamiriri nokuda kwedu, iye Jesu wakaitwa muprista mukuru nokusingaperi,wegwara reimba yaMerikizedheki.


7


1 Nokuti Merikizedheki uyo, mambo weSaremi, muprista waMwari Wokumusoro-soro, wakasongana naAbhurahamu pakudzoka kwake andovuraya madzimambo, akamuropafadza;

2 Abhurahamu akamupavo chegumi chezvose; iye pakutanga ari mambo wokururama, kana zvichishandurwa, uye zve, mambo weSaremi, ndokuti, mambo werugare;

3 asinababa, asinamai, asinamadzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kovupenyu, asi wakafananidzwa noMwanakomana waMwari, unogara ari muprista nokusingaperi.

4 Zvino fungai kukura komunhu uyu, wakapiwa nateteguru Abhurahamu chegumi chezvaakapamba.

5 Zvino avo, vari vanakomana vaRevhi, vanopiwa basa rovuprista, vakarairwa nomurairo kuti vatore chegumi kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyange vakabva muchivuno chaAbhurahamu,

6 asi uyu, asina kuravirwa rudzi rwake kwavari, wakapiwa zvegumi naAbhurahamu akamuropafadza iye wakanga anezvipikirwa.

7 Zvino hatingarambi kuti muduku ndiye unoropafadzwa nounopfuvura nokunaka.

8 uye pano, vanhu, vanofa, vanopiwa zvegumi; asi apo uyo unopiwa, unopupurirwa zvichinzi mupenyu.

9 Zvino tingati naRevhi, unopiwa zvegumi, iyevo wakapa zvegumi munaAbhurahamu;

10 nokuti wakanga achiri muchivuno chababa vake, pakusongana kwaMerikizedheki naye.

11 Naizvozvo, kana kukwaniswa kwaivapo nenzira yovuprista bwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murairo nokuda kwabwo), ko mumwe muprista waifanira kuzomuka seiko unorudzi naMerikizedheki, asinganzi unorudzi naAroni?

12 Nokuti kana vuprista bwuchishandurwa, nomurairo unofanira kuti ushandurwevo.

13 Nokuti uyo unorebwa zvinhu izvi pamusoro pake, wakanga ari worumwe rudzi, rwakanga rusino munhu wakambobate-basa paaritari.

14 Nokuti zvinovonekwa pachena, kuti Ishe wedu wakabva kunaJudha; pamusoro porudzi urwu Mozisi haana kureva zvavaprista.

15 Izvi zvinoratidzwavo kwazvo, kana kuchimuka mumwe muprista wakafanana naMerikizedheki,

16 usina kuitwa muprista nomurairo wokuraira kwenyama, asi nesimba rovupenyu bwusingapedzwi.

17 Nokuti iye unopupurirwa, zvichinzi: Iwe uri muprista nokusingaperi, Unorudzi naMerikizedheki.

18 Nokuti murau wokutanga unokoneswa nokuda kovutera bwawo, uye nokuti haunamaturo,

19 (nokuti murairo hauna kukwanisa chinhu), zvino tariro, inopfuvura nokunaka, ikaiswapo, yatinoswedera nayo kuna Mwari.

20 uye zve, zvaasina kuitwa muprista kusinemhiko;

21 (nokuti ivo vakaitwa vaprista kusinemhiko, asi iye nokupika kwaiye, wakati kwaari: Ishe wakapika, haangazvidyi moyozve, achiti: Iwe uri muprista nokusingaperi wegwara "reimba" yaMerikizedheki);

22 Saizvozvo Jesu wakaitwa rubatso rwesungano inopfuvura nokunaka.

23 Ivo vaiva vaprista vazhinji, nokuti vakadziviswa norufu kugara nokusingaperi,

24 Asi iye zvaanogara nokusingaperi unovuprista bwusingapfuvudzwi.

25 Naizvozvo unesimba rokuponesa kwazvo-kwazvo avo vanovuya kunaMwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere.

26 Nokuti muprista mukuru wakadai ndiye wataifanira kuva naye mutsvene, usinechakaipa, usina kusvibiswa, wakaparadzaniswa navatadzi, wakakwidzwa kumusoro kwedenga;

27 usingafaniri, savaya vaprista vakuru, kubayira zuva rimwe nerimwe, pakutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu; nokuti wakaita izvozvi kamwe chete, zvikapera, pakuzviita kwake chibayiro.

28 Nokuti murairo unogadza vanhu vanovutera, kuti vave vaprista vakuru; asi shoko rokupika, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwaniswa nokusingaperi.


8


1 Zvino, shoko guru panaizvozvo zvatataura, ndiro kuti: Tinomuprista mukuru wakadai wakagara kurudyi rwechigaro chovushe chovumambo kudenga;

2 iye mushumiri wezvinhu zvitsvene, nowetabhernakeri chaiyo, yakamiswa naShe, isina kumiswa nomunhu.

3 Nokuti muprista mukuru mumwe nomumwe wakagadzwa, kuti abayire Mwari zvipo nezvibayiro; naizvozvo naiye waifanira kuti ave nechaangabayiravo;

4 nokuti dai aiva panyika, ungadai asina kuva muprista, nokuti vaparista varipo, vanobayira Mwari zvipo sezvinorebwa nomurairo;

5 ivo vanoshumira mufananidzo nomumvuri wezvokudenga, sezvaakarairwa iye Mozisi oda kuita tabhernakeri;nokuti wakati: Tarira, uite zvose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.

6 Asi zvino wakapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari Murevereri wesungano inopfuvura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuvura nokunaka.

7 Nokuti dai iya yokutanga yakanga isina chaingapomerwa, yechipiri ingadai isina kutsvakirwa nzvimbo.

8 Nokuti unovapa mhosva, achiti: Tarirai, mazuva anovuya, ndizvo zvinotaura Ishe Andichaita nawo sungano itsva neImba yaIsraeri, uye neimba yaJudha.

9 Isina kuita sesungano yandakaita Namadzibaba avo, Pazuva randakabata ruvoko rwavo, kuti ndivabudise munyika yeIjipiti;Nokuti havana kurambira musungano yangu, Neni ndikasava nehanya navo, ndizvo zvinotaura Ishe;

10 Nokuti ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri Kana mazuva iwayo apfuvura, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirairo yangu pakufunga kwavo,Ivo vachava vanhu vangu;

11 Mumwe nomumwe haangazodzidzisi wokwake, Kana mumwe nomumwe hama yake, achiti: Ziva Ishe; Nokuti vose vachandiziva, Kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo.

12 Nokuti ndichava nengoni nokusarurama kwavo, Nezvivi zvavo nokuipa kwavo handichazozvirangariri.

13 Zvaanoti: Sungano itsva, yakasakadza yokutanga; zvino chinhu chosakara, chova chakare, choda kurova.


9


1 Zvino, neyiyi sungano yokutanga yakanga inemirairo yokushumira Mwari nayo, neimba tsvene yenyika.

2 Nokuti tabhernakeri, yaiva yokutanga, yakagadzirwa, makanga mune chigadziko chemwenje, netafura, nezvingwa zvokuratidza; ndipo panonzi Patsvene.

3 Zvino mberi kwechidzitiro chechipiri pakanga panetabhernakeri yainzi Patsvene-tsvene;

4 pakanga panendiro yendarama yezvinonhuhwira, neareka yesungano, yakanga yakanamwa nhivi dzose nendarama, imomo makanga munehari yendarama, yakanga inemana, netsvimbo yaAroni, yakadeya kutunga, namabwendefa esungano;

5 pamusoro payo pakanga panamakerubhi okubwinya, akadzikatira chifunhiro chengoni; hatigoni kurondedzera izvozvo tichiita chimwe-chimwe zvino.

6 Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vaparista vaipinda mutabernakeri yokutanga nguva dzose, vachibata mabasa okushumira Mwari;

7 asi muneyechipiri muprista mukuru waipinda ari oga, kamwe chete negore, asingapindi asineropa, raaizvibayirira iye nezvivi zvavanhu;

8 Mweya Mutsvene achiratidza chinhu ichi, kuti nzira inoenda kuNzvimbo Tsvene yakanga isati yataridzwa, tabernakeri yokutanga ichimire;

9 wakanga uri mufananidzo wenguva inoyavanobayira nayo zvipo nezvibayiro, zvisingagoni kukwanisa pahana yake iye unoshumira;

10 nokuti yaingova mirairo yenyama, yezvokudya, nezvokumwa, nokushamba kuzhinji, yavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa.

11 Asi Kristu wakati asvika ari muprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozovuya, akapinda napatabhernakeri yakapfuvura pakukura napakukwana, isina kuitwa namavoko, ndiko kuti isati iri yokusikwa kuno,

12 haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwe , zvikapera, panzvimbo tsvene, akatiwanira rudzikinuro rusingaperi.

13 Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru, kana zvichisaswa pamusoro pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene, kuti vanatswe panyama,

14 zvikuru sei ropa raKrsitu, iye wakazviita noMweya usingaperi chibayiro kunaMwari, chisina chachingapomerwa, richanatsa hana dzedu pamabasa akafa, kuti tishumire Mwari mupenyu.

15 Nemhaka iyo, iye ndiMurevereri wesungano itsva, kuti, rufu zvarwakasvika kuzodzikunura avo vakadarika pasungano yokutanga, vakadamwa vagopiwa chipikirwa chenhaka isingaperi.

16 Nokuti apo pane testamente, panofanira kuvapovo rufu rwaiye wakaiita.

17 Nokuti testamente inesimba kana vanhu vafa; nokuti haitongovi nesimba kana wakaiita achiri mupenyu.

18 Naizvozvo nesungano yokutanga haina kuvambwa pasine ropa.

19 Nokuti zvirevo zvose zvakati zvataurwa kuvanhu vose naMozisi sezvakareva murairo, iye akatora ropa remhuru nerembudzi, pamwe chete nemvura namakushe matsuku, nehisopi, akasasa bhuku imene navanhu vose,

20 achiti: Iri iropa resungano, yamakarairwa naMwari.

21 uye zve, wakasasa saizvozvo neropa tabhernakeri nemidziyo yose yokushumira nayo.

22 Zvirokwazvo tingati pamurairo zvinhu zvinenge zvose zvinonatswa neropa; uye kana kusineropa rinotevurwa, hakunekangamwiro.

23 Naizvozvo mifananidzo yezviri kudenga yaifanira kuti inatswe nezvibayiro izvi; asi zvinhu zvokudenga zvimene kuti zvinatswe nezvibayiro zvinopfuvura izvi nokunaka.

24 Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa namavoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi wakapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu;

25 uye haana kupinda kuti azviite chibayiro kazhinji, somuprista mukuru unopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe, akabata ropa rezvimwe zvinhu;

26 nokuti dai zvakanga zvakadaro, ungadai aitambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi zvino wakavonekwa kamwe chete pakupedzisira kwenguva, kuti aparadze zvivi, nokuzviita chibairo kwake.

27 uye vanhu zvavakatemerwa kuti vafe kamwe chete, kutongeswa kugotevera,

28 saizvozvo Kristu, wakaitwa chibayiro kamwe chete, kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji, uchazovonekwa rwechipiri, asingatakuri zvivi, naivo vanomutarira kuti avaponese.


10


1 Nokuti murairo zvaunomumvuri wezvinhu zvakanaka zvino vuya usati uri mufananidzo chaiwo wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kukwanisa avo vanoswedera gore rimwe nerimwe naizvozvo zvibayiro zvavanoramba vachibayira Mwari.

2 dai zvakanga zvakadaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? Nokuti vanonamata, kana vakanga vanatswa kamwe chete, vangadai vasina kuzoyevudzwa zvivi zvavo.

3 Asi nezvibayiro izvozvo vanoyevudzirwa zvivi gore rimwe nerimwe.

4 Nokuti ropa renzombe nerembudzi haritongogoni kubvisa zvivi.

5 saka pakusvika kwake panyika, unoti: Chibayiro nechipo makazviramba, Asi makandigadzirira muviri;

6 hamuna kuda zvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi;

7 Zvino ndikati: Tarirai, ndavuya, (Murugwaro makanyorwa pamusoro pangu) Kuti ndiite kuda kwenyu, imwi Mwari.

8 Zvaanoti pakutanga: Zvibayiro nezvipo, nezvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi hamuna kuzvida, hamuna kufadzwa nazvo) zviri izvo zvinobayirwa Mwari sezvinoreva murairo),

9 Ndokuzoti: Tarirai, ndinovuya kuzoita kuda kwenyu imwi Mwari. Unobvisa chokutanga kuti amise chechipiri.

10 Nokuda ikoku takaitwa vatsvene nechibayiro chomuviri waJesu Kristu, chakabayirwa kamwe .

11 Muprista mumwe nomumwe unomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvisingagoni kubvisa zvivi;

12 asi murume uyu wakati abayira chibayiro kamwe chete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari;

13 kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.

14 Nokuti nechibayiro chimwe chete wakakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene.

15 NoMweya Mutsvene unotipupuriravo; nokuti wakatanga, achiti:

16 Iyi ndiyo sungano yandichaita navo Shure kwamazuva iwayo, ndizo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirairo yangu pamoyo yavo, Nokuinyora pakufunga kwavo; Ndokuzoti:

17 Zvivi zvavo nokudarika kwavo handichatongozvirangariri.

18 Zvino, kana zvinhu izvi zvakangamwirwa, zvivi hazvichabayirwi.

19 Naizvozvo, hama dzangu, zvatingatsunga kupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu,

20 nenzira itsva mhenyu, yaakativambira iye nokupinda kwake pachidzitiro chetembere, ndiyo nyama yake;

21 uye zvatinomuprista mukuru paimba yaMwari,

22 ngatiswedere nomoyo wechokwadi, nokutenda kwakasimba, moyo yedu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakanaka.

23 Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka; nokuti iye, wakapikira, wakatendeka;

24 ngatirangarirane, timutsane moyo kuti tive norudo namabasa akanaka,

25 tisarega kuvungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirairane; zvikuru zvamunovona kuti zuva roswedera.

26 Nokuti kana tichitadza nobwoni, kana tambogamuchira zivo yechokwadi, hakuchinechibayiro pamusoro pezvivi,

27 asi kungomirira tichitya kutongeswa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vevengi.

28 Munhu, wakaramba murairo waMozisi, unofa asinganzwirwi tsitsi, kana panezvapupu zviviri kana zvitatu;

29 hamufungi here kuti munhu, wakatsika Mwanakomana waMwari pasi petsoka dzake, uye akati ropa resungano raakaitwa mutsvene naro harinamaturo zvaro, uye akazvidza Mweya wenyasha, kuti iye haanganzi wakafanirwa nokurobwa kunopfuvura uku kwazvo here?

30 Nokuti tinomuziva iye wakati: Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinotaura Mwari. uye zve: Ishe uchatonga mhosva dzavanhu vake.

31 Zvinotyisa kuwira pamavoko aMwari mupenyu.

32 Asi rangarirai mazuva akare, amakati mavhenekerwa, mukatsunga pakurwa kukuru kwedambudziko;

33 pamwe nokuti makaitwa chinhu chinotarirwa nokuzvidzwa nokutambudzwa; pamwe nokuti makagovana naivo vakaitirwa izvozvo.

34 Nokuti makanzwira tsitsi kusungwa kwangu, makatendavo nomufaro kuti nhumbi dzenyu dzipambwe, muchiziva kuti imwi mumene munefuma yakapfuvura nokunaka, inogara iri kudenga.

35 Naizvozvo regai kurasha kusatya kwenyu kunomubayiro mukuru.

36 Nokuti munofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugopiwa chipikirwa.

37 Nokuti kanguva kaduku-duku kachi'ko, Iye unovuya, uchavuya, asinganonoki.

38 Asi wakarurama wangu uchaponeswa nokutenda; Zvino kana akadzokera shure, moyo wangu haungafari naye.

39 Zvino isu hatizi ivo vokudzokera shure, kuti tiparadzwe; asi tiri vokutenda kuti tiponese mweya.


11


1 Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotaririra, umbowo bwezvinhu zvatisingavoni.

2 Nokuti naiko vanhu vakare vakapupurirwa zvakanaka.

3 Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika dzakanatsorongedzwa nenzwi raMwari, naizvozvo zvinhu zvinovonekwa, hazvina kuitwa nezvinhu zvinovonekwa..

4 Nokutenda Abheri wakabayira Mwari chibayiro chakanaka kunechaKaini; akapupurirwa nacho kuti wakanga akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naiko kutenda iye, kunyange afa hake, uchangotaura nazvino.

5 Nokutenda Enoki wakatorwa,kuti arege kuvona rufu; akasavonekwa, nokuti Mwari wakanga amutora; nokuti asati atorwa wakapupurirwa kuti wakanga achifadza Mwari.

6 Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti unovuya kunaMwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, uye kuti unopa vanomutsvaka mubairo wavo.

7 Nokutenda Nowa wakati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuvonekwa,nokutya Mwari, akagadzira areka , kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akagara nhaka yokururama kunovuya nokutenda.

8 Nokutenda Abhurahamu, wakati adamwa, akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi uchaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda.

9 Nokutenda wakandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatente naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwe chete naye;

10 nokuti wakanga achitarira guta rinenheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.

11 Nokutenda naiye Sara wakapiwa simba rokutora mimba akazvara mwana, kunyange akanga achembera, nokuti wakati iye wamupikira wakatendeka.

12 Saka kumunhu mumwe, wakanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyeredzi dzokudenga nokuwanda kwavo, uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa risingaverengwi.

13 Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazvivona zviri kure, vakazvikwazisa, vakazvimbundikira vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika.

14 Nokuti vanotaura zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yavo chaiyo.

15 Nokuti kana vairamba vachifunga nyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vawana nguva yokudzoka.

16 Asi zvino vanoda imwe inopfuvura nokunaka, ndiyo yokudenga; naizvozvo Mwari haanenyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta.

17 Nokutenda Abhurahamu, achiidzwa, wakabayira Isaka; iye wakanga agamuchira kwazvo zvipikirwa, wakanga achibayira mwana wake wakaberekwa mumwe woga;

18 iye wakanga avudzwa, zvichinzi: MunaIsaka vana vako vachatumidzwa;

19 nokuti wakati Mwari unogona kumutsa munhu kunyange kuvakafa; ndipapovo, kana tichitaura nomufananidzo, paakamudzoserwa.

20 Nokutenda Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinozoitika.

21 Nokutenda Jakobho pakufa kwake wakaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa; akanamata akasendamira pamusoro pomudonzvo wake.

22 Nokutenda Josefa, ofa, wakataura zvokubuda kwavana vaIsraeri, akavaraira pamusoro pamafupa ake.

23 Nokutenda Mozisi pakuberekwa kwake wakavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakavona kuti wakanga ari mwana wakanaka; havana kutya murairo wamambo.

24 Nokutenda Mozisi, akura, wakaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao,

25 akati zvirinani kuitirwa zvakaipa pamwe chete navanhu vaMwari panokufara muzvivi nguva duku;

26 akati kuzvidzwa kwaKristu ifuma huru kukufuma kose kweIjipiti; nokuti wakatarira mubairo.

27 Nokutenda wakabva Ijipiti, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti wakatsungirira somunhu unovona iye usingavonekwi.

28 Nokutenda wakavamba paseka nokusasa ropa, kuti muvurayi wamatangwe avarege ivo.

29 Nokutenda vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakawoma; vaIjipiti vachiidza izvozvo, vakabitirirwa.

30 Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe.

31 Nokutenda Rakabi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuteerera, nokuti wakanga agamuchira vashori norugare.

32 Ndichataurireiko zvimwe? Nokuti ndichapererwa nenguva, kana ndikataura zvaGideoni, naBaraki, naSamusoni, naJefta, naDhavhidhi, naSamueri, navaporofita;

33 avo vakakunda vushe nokutenda kwavo vakaita zvakarurama, vakapiwa zvipikirwa, vakadzivira miromo yeshumba.

34 Vakadzima simba romoto, vakatiza minondo inopinza, vakasimbiswa pavutera, vakava nesimba pakurwa, vakadzinga hondo dzamamwe marudzi.

35 Vakadzi vakapiwa zve vakafa vavo, vamutswa; vamwe vakapurwa, vakasagamuchira kusunungurwa, kuti vawane kumuka kwakapfuvura nokunaka;

36 vamwe vakaidzwa, vachisekwa, vachirobwa zvikuru, vuyezve vachisungwa, vachiiswa mutirongo;

37 vakatakwa nambwe, vakatemwa-temwa nejeko, vakaidzwa, vakavurawa nomunondo; vakafamba vakafuka matebwe amakwai, nenguvo dzembudzi; vasinechinhu, va chitambudzika, vachiitirwa zvakaipa;

38 (nyika haina kufanirwa navo), vachidzungaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika.

39 Ava vose vakanga vapupurirwa nokutenda kwavo, asi havana kupiwa zvipikirwa,

40 nokuti Mwari wakanga atigadzirira chimwe chinhu chinopfuvura nokunaka, kuti ivo varege kukwaniswa kunze kwedu.


12


1 Naizvozvo, nesuvo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, mberi kwedu

2 tichitarira kunaJesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda komufaro wakaiswa pamberi pake, akashovora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro chovushe chaMwari.

3 Nokuti cherekedzai uyo wakatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imwi murege kuneta nokupera simba pamweya yenyu.

4 Muchigere kudzivirira kusvikira ropa richibuda pakurwa kwenyu nezvivi.

5 uye makakangamwa kwazvo kuraira kunotaura kwamuri sokuvanakomana, kuchiti: Mwanakomana wangu, usazvidza Kuranga kwaShe, Usapera moyo kana uchirairwa naye;

6 Nokuti waanoda Ishe unomuranga, Unorova zvikuru mwanakomana mumwe nomumwe waanogamuchira.

7 Tsungai henyu moyo kuti murangwe; Mwari unobata nemwi savanakomana; nokuti mwanakomana ndoupi usingarangwi nababa?

8 Asi kana musingarangwi sezvinoitirwa vose, muri vana vovupombwe, hamuzi vanakomana chaivo.

9 uye zve isu taiva namadzibaba edu enyama, vaitiranga, tikavakudza; ko hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya, kuti tirarame here?

10 Nokuti ivo, zvirokwazvo, vakatiranga mazuva mashoma, sezvavaifunga: asi iye unotiranga kuti tibatsirwe, tigogoverwa vutsvene bwake.

11 Zvino kuranga kose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, asi mariro, asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.

12 Saka simbisaizve mavoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba;

13 gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi chiporeswe.

14 Tsvakai rugare navanhu vose novutsvene, nokuti kunze kwabwo hakunomunhu uchavona Ishe;

15 Muchichenjerera kuti kurege kuva nomunhu unokonewa panyasha dzaMwari; kuti mudzi wokuvava urege kumuka, ukutambudzei, vazhinji vagosvibiswa nawo;

16 kurege kuvapo nemhombwe, kana nousinehanya naMwari, saEsau wakatengesa vudangwe bwake nokudya kamwe chete.

17 Nokuti munoziva kuti achizoda hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, wakarambwa; nokuti haana kuwana nzvimbo yokutendevuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi. \p Sungano itsva inofananidzwa nesungano yekare

18 Nokuti hamuna kuswedera kugomo ringabatwa namavoko, rinopfuta, uye kurima, nokusviba, nokudutu guru,

19 nokurira kwehwamanda, nokunzwi ramashoko;ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rimwe rirege kuzovataurirwa;

20 nokuti vakakoniwa kutevera chakanga charairwa, chokuti: Kunyange nemhuka kana ikabata gomo, ichatakwa namabwe;kana kufugwa nomuseve.

21 icho chakavonekwa chakatyisa kudai, kuti naMozisi wakati: Ndinotya kwazvo, ndinodedera;

22 asi imwi makaswedera kugomo reZiyoni, nokuguta raMwari mupenyu, Jerusarema riri kudenga, nokumazana namazana avatumwa vasingaverengwi,

23 nokuvungano huru, nokukereke yamatangwe akanyorwa kudenga, nokunaMwari, mutongi wavose, nokumweya yavakarurama vakakwaniswa,

24 nokunaJesu, Murevereri wesungno itsva, nokuropa rakasaswa, rinotaura zvakanaka kupfuvura ropa raAbheri.

25 Chenjerai kuti murege kuramba unotaura; nokuti kana avo vakamuramba nguva yaakavaraira panyika, vasina kupukunyuka, zvikuru isu kana tikafuratira iye wokudenga;

26 inzwi rake rakazungusa nyika nenguva iyo; asi zvino wakapikira, achiti: Ndichabvundisa zve kamwe chete,isati iri nyika bedzi, asi nedengavo.

27 Zvino shoko iri rokuti, kamwe chete, rinoratidza kubviswa kwezvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti izvo zvisingazununguki zvigare.

28 Saka, zvatinopiwa vushe bwusingazununguki, ngative nokuvonga kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya.

29 Nokuti Mwari wedu moto unoparadza.


13


1 Rudo pakati pehama ngarugare.

2 Musakangamwa kuitira vaeni rudo; nokuti vachidaro vamwe vakagarisa vatumwa mumba, vasingazvizivi.

3 Fungai vakasungwa, somunenge makasungwa pamwe chete navo; naivo vanoitirwa zvakaipa, somunenge muri mumuviri imivo.

4 Wanano ngaikudzwe navose, nenhovo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari uchatongesa mhombwe navanofeva.

5 Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye amene wakati: Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.

6 Naizvozvo tinotsunga moyo, tichiti: Ishe ndiye mubatsiri wangu; handingatyi; Munhu ungandiiteiko?

7 Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kuguma kokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo.

8 Jesu Kristu unogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi.

9 Musatorwa nedzidziso dzimwe dzisingazikamwi; nokuti zakanaka kuti moyo usimbiswe nenyasha; urege kusimbiswa nezvokudya zvisina kubatsira vakafamba mazviri.

10 Isu tine aritari, pasingatenderwi kudyiwa navanoshumira tabhernakeri.

11 Nokuti mitumbu yezvipfuwo, zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene nomuprista mukuru nokuda kwe zvivi, inopiswa kunze kwemisasa.

12 Saka naiye Jesuvo wakatambudzika kunze kwesuvo, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake.

13 Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemisasa, titakure kunyadziswa kwake.

14 Nokuti pano hatineguta richagara, asi tinotsvaka richazovapo.

15 Naizvozvo ngatirambe tichibayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.

16 Asi musakangamwa kuita zvakanaka nokugovana; nokuti Mwari unofara nezvibayiro zvakadai.

17 teererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanorinda mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingazviiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu.

18 Tinyengetererei; nokuti tinoziva kwazvo kuti tinehana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.

19 Ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti muite izvozvo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.

20 Zvino Mwari worugare, wakadzosa kuvakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe wedu Jesu Kristu, neropa resungano isingaperi,

21 ngaakukwanisei pazvinhu zvose zvakanaka, kuti muite kuda kwake, iye achiita mukati medu izvo zvinofadza pamberi pake, naJesu Krisu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.

22 Asi ndinokurairai, hama dzangu,kuti mutende neshoko rokuraira, nokuti ndakakunyorerai mashoko mashoma.

23 Zivai kuti hama yedu Timotio wakasunungurwa; kana akakurumidza kusvika, ndinozokuvonai pamwe chete naye.

24 Ndikwazisirei vatungamiriri venyu vose navatsvene vose. VeItaria vanokukwazisai.

25 Nyasha ngadzive nemwi mose. Ameni.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE