VAEFESO


1


1 Pauro, muapositora waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari paEfeso, nokuna vanotenda munaKristu Jesu:

2 Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu.

3 Ngaavongwe Mwari naBaba vaShe wedu Jesu Kristu, wakatiropafadza nokuropafadza kose koMweya, kudenga munaKristu,

4 sezvaakatisanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene vasinemhosva pamberi pake murudo;

5 akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake,

6 kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muMudikamwa wake, kurumbidzwe;

7 uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukangamwirwa kokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake;

8 dzaakawanza kwatiri nokuchenjera kose nokuziva;

9 akatizivisa zvakavanzika zvokuda kwake, sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari;

10 kuti afambise kuzara kwenguva, avunganidze munaKristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi.

11 munaiye, watakaitwavo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokuraira kwaiye, unoita zvose nokufunga kokuda kwake;

12 kuti tirumbidze kubwinya kwake, isu takatarira kare kunaKristu;

13 munaiye, nemivo, makanzwa shoko rechokwadi maari, iyo evhangeri yokuponeswa kwenyu; munaiye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa chisimbiso noMweya Mutsvene wamakapikirwa;

14 uri rubatso rwenhaka yedu, kuratidza kudzikinurwa kwavanhu vaMwari chaivo, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.

15 Saka nenivo, ndakati ndanzwa kutenda munaShe Jesu kuri pakati penyu, norudo kuvatsvene vose,

16 handiregi kuvonga pamusoro penyu, ndichikurangarirai paminyengetero yangu;

17 kuti Mwari waShe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya kukuru, akupei mweya wokuchenjera nowokuzarurirwa pakumuziva;

18 Mavhenekerwa meso omoyo wenyu kuti muzive kuti kudana kwake kunetariro yei, nefuma yokubwinya kwenhaka yake pakati pavatsvene.

19 novukuru bwakapfuvurisa bwesimba rake kwatiri isu tinotenda, nokubata kwesimba rake guru,

20 raakabata munaKristu, achimumutsa kuvakafa, nokumugarisa kurudyi rwake kudenga.,

21 kumusoro-soro kwavabati vose, novukuru, nesimba, novushe, namazita ose anorebwa, pasati pari panyika ino bedzi, asi paneinozovuyavo;

22 akaisa zvose pasi petsoka dzake, akapa kereke iye, kuti ave musoro wazvose,

23 ndiwo muviri wake, kuzara kwaiye unozadzisa zvose munavose.


2


1 Wakakuraramisai imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi zvenyu,

2 izvo zvamaifamba mukati mazvo kare, netsika dzenyika ino, nenzira dzomuchinda wesimba redenga, dzomweya unobata zvino muvana vokusateerera;

3 vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokokufunga kwedu, napakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa.

4 Zvino Mwari unenyasha zhinji-zhinji, nokuda korudo rwake rukuru, rwaakatida narwo,

5 kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, wakatiraramisa pamwe chete naKristu (makaponeswa nenyasha;

6 akatimutsa pamwe naye, akatigarisa kudenga pamwe chete naye, munaKristu Jesu;.

7 kuti nenguva dzinovuya aratidze fuma huru huru yenyasha dzake pavunyoro bwake kwatiri munaKristu Jesu;

8 nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari;

9 hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu unozvikudza.

10 Nokuti tiri basa rake, takasikwa kuti munaKristu Jesu tiite mabasa akanaka, akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari.

11 Naizvozvo rangarirai, kuti imwi vahedheni munyama, mainzi vasina kudzingiswa naivo vanonzi vokudzingiswa, kuri munyama, kunoitwa namavoko;

12 kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa pavushe bwavaIsraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa musina tariro, musina Mwari panyika.

13 Asi zvino munaKristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu.

14 Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwokuparadzanisa;

15 zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murairo wezvakarairwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo;

16 kuti mumuchinjikwa ayananisezve vose vaviri, vave muviri mumwe kunaMwari, zvaakavuraya kuvengana naiwo muchinjikwa;

17 akasvika, akaparidza rugare kwamuri, imwi maiva kure, norugare kunaivo vaiva pedo;

18 nokuti isu tose tinopinda naiye noMweya mumwe kunaBaba.

19 Naizvozvo, hamuzati muchiri vaeni navatorwa, asi vobwo pamwe chete navatsvene, naveimba yaMwari.

20 Makavakwa pamusoro penheyo dzavapositora navaporofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona.

21 Maari imba yose yakasonganiswa ichikura kuti ive tembere tsvene munaMwari.

22 Maari nemivo makavakwa pamwe chete, kuti muve vugaro bwaMwari muMweya.


3


1 Nemhaka iyi, ini Pauro, ndiri musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu, imwi vahedheni,

2 kana makanzwa henyu kugoverwa kwenyasha dzaMwari dzandakapiwa pamusoro penyu;

3 kuti zvakanga zvakavanzika zvakandiziviswa pakuzarurirwa, sezvandakambokunyorerai namashoko mashoma;

4 kana muchirava iwo, mungavona kuziva kwangu zvakavanzika zvaKristu;

5 zvakanga zvisina kuziviswa vanakomana vavanhu panedzimwe nguva, sezvazvakazarurirwa vapositora vatsvene, navaporofita zvino muMweya;

6 Kuti Vahedheni vave vadyi venhaka pamwe chete nesu, nomuviri mumwe nesu vagovani vechipikirwa chake pamwe chete nesu muna Kristu neevhangeri

7 yandakaitwa mushumiri wayo nechipo chenyasha dzaMwari, chandakapiwa nokubata kwesimba rake.

8 Ini, muduku kwazvo kuvatsvene vose, ndakapiwa nyasha idzi, kuti ndiparidzire vahedheni fuma isinganzverwi yaKristu,

9 nokuratidza vose kuti kugoverwa kwakadiniko kwezvakavanzika, zvakanga zvakafukidzwa munaMwari, wakasika zvose, naKristu Jesu kubva panguva yokutanga;

10 kuti zvino vabati navanesimba kudenga vaziviswe nekereke kuchenjera kukuru kwaMwari;

11 sechirevo chokutanga-tanga chaakatema munaKristu Jesu, Ishe wedu;

12 maari tinokutsunga kwedu nokupinda kwedu tisingatyi, nokutenda kwake.

13 Saka ndinokumbira kuti murege kupera moyo nokutambudzika kwangu pamusoro penyu; ndiko kukudzwa kwenyu.

14 Nemhaka iyi ndinofugama namabvi angu kunaBaba, vaShe wedu Jesu Kristu

15 avo, rudzi rwose kudenga napanyika runotumidzwa nezita ravo,

16 kuti vakupei pafuma yokubwinya kwavo kukuru, simba kuti musimbiswe noMweya wavo mumunhu womukati;

17 kuti Kristu agare pamoyo yenyu nokutenda; kuti imi, munemidzi yenyu nenheyo dzenyu murudo;

18 muve nesimba rokunzwisisa pamwe chete navatsvene vose, kuti kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika kwakadiniko,

19 nokuziva rudo rwaKristu, runopfuvura kuziva, kuti muzadziswe nokuzara kose kwaMwari.

20 Zvino, iye unesimba rokuita zvikuru kwazvo zvinopfuvura zvose zvatinokumbira kana zvatinofunga, nesimba rinobata mukati medu,

21 ngaave nokubwinya mukereke munaKristu Jesu, kusvikira kumarudzi ose nokusingaperi-peri, Ameni.


4


1 Naizvozvo ini musungwa munaShe, ndinokumbira zvikuru kuti mufambe zvakafanira kudamwa kwamakadamwa nako,

2 nokuzvininipisa kose novunyoro, nomoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo;

3 muchishingaira kuchengeta vumwe bwoMweya muchisungo chorugare.

4 Kuno muviri mumwe, noMweya mumwe, sezvamakadamwavo mutariro imwe yokudamwa kwenyu;

5 Ishe mumwe, nokutenda kumwe, norubhabhatidzo rumwe,

6 naMwari mumwe, naBaba vavose, uri pamusoro pavose, unobata navose, uri mukati menyu mose.

7 Asi mumwe nomumwe wedu wakapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu.

8 Naizvozvo unoti: Wakakwira kumusoro akatapa vatapwa, Akapa vanhu zvipo,

9 (Zvino kuti: Wakakwira, chinyiko, asi kuti, wakaburuka pakutangavo kumativi ari pasi panyika?

10 Wakaburuka ndiye wakakwiravo kumusoro-soro kwedenga rose, kuti azadzise zvose.)

11 Zvino wakapa vamwe kuti vave vapositora, vamwe vaporofita, vamwe vaevhangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi;

12 kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu;

13 kudzimana isu tose tisvike pavumwe bwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero chovukuru bwokuzara kwaKristu;

14 kuti tirege kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera;

15 asi tireve chokwadi murudo, tigokura maari pazvose, iye Kristu, Musoro;

16 muviri wose wakasonganiswa zvakanaka maari nokubatanidzwa nenhengo dzose dzino simbisa, mutezo mumwe nomumwe uchibata nechiyero chawo, kuti muviri ukuriswe pakuvakwa kwawo murudo.

17 Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi munaShe, ndichiti, musafamba savamwe vahedheni, vanofambavo novupenzi bwokurangarira kwavo,

18 vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa pavupenyu bwaMwari nokuda kokusaziva kuri mukati mavo, nokuda kovukukutu bwomoyo yavo;

19 vakazvipa vasine hanya kuvutere, kuti vabate mabasa ose etsvina nokuchiva.

20 Asi imwi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo,

21 kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, sechiri chokwadi munaJesu:

22 kuti pamufambire wenyu wokutanga mubvise munhu wekare, unovodzwa nokuchiva kokunyengera;

23 muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu,

24 mufuke munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, novutsvene bwechokwadi.

25 Naizvozvo bvisai nhema, mutaure chokwadi, mumwe nomumwe kuno wokwake; nokuti tiri mitezo, mumwe womumwe.

26 Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa;

27 musapa Dhiabhorosi nzvimbo.

28 Wakaba, ngaarege kuba zve; asi zvirinani kuti atambudzike, abate namavoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa unoshaiwa.

29 Mumuromo wenyu murege kubuda shoko rakavora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa.

30 Regai kuchemedza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaisirwa chisimbiso maari kusvikira pazuva rokudzikinurwa.

31 Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri;

32 muitirane moyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukangamwirane, se zvamakakangamwirwa naMwari.


5


1 Naizvozvo ivai vateveri vaMwari savana vanodikamwa;

2 fambai murudo, Kristu sezvaakakudaivo, akazvipa nokuda kwedu, kuti ave chipo nechibayiro kunaMwari, zviite bwema bwunonhuhwira.

3 Asi vupombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurebwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;

4 nezvakaipa, nokutaura zvovupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zvirinani kuvonga.

5 Nokuti munoziva kwazvo, kuti hakune mhombwe, kana munhu unetsvina, kana unochiva, ndiye unonamata zvifananidzo, ungadya nhaka muvushe bwaKristu nobwaMwari.

6 Ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunovuya pamusoro pavanakomana vokusateerera.

7 Naizvozvo regai kushamwaridzana navo;

8 nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza munaShe; fambai savana vechiedza.

9 (Nokuti chibereko chemweya chiri mukunaka kose, nokururama, nechokwadi),

10 muchiidza kuti ndezvipi zvinofadza Ishe.

11 Regai kuyanana namabasa erima asi nezvibereko, asi zvirinani kuti muraire;

12 nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirebwa.

13 Asi zvinhu zvose, kana zvarairwa, zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvose, zvinoratidzwa, chava chiedza.

14 Saka iye unoti: Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu uchakuvhenekera.

15 Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera;

16 mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa.

17 Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaShe.

18 Regai kubatwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora, asi muzadzwe noMweya;

19 mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumoyo yenyu;

20 muchivonga Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose, muzita raShe wedu, Jesu Kristu;

21 muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Mwari.

22 imwi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kunaShe.

23 Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuvo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri.

24 Asi kereke sezvairi pasi paKristu, vakadzi ngavadaro pazvinhu zvose kuvarume vavo.

25 imwi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadavo kereke, akazvipa nokuda kwayo;

26 kuti aiite tsvene achiinatsa nokushambidza kwemvura pashoko,

27 kuti azviisire pamberi pake kereke, inobwinya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana chinhu chakadai; asi ive tsvene, isinemhosva.

28 Saizvozvovo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida;

29 nokuti hakuno munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira kereke;

30 nokuti isu tiri mitezo yomuviri wake, yenyama yake neyamafupa ake.

31 Naizvozvo munhu uchasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake; ivavo vaviri vachava nyama imwe.

32 Chakavanzika ichi, chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke.

33 Asi imivo, mumwe nomumwe ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nomukadzi ngaatye murume wake.


6


1 imwi vana, teererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama.

2 Kudza baba vako namai ndiwo murairo wokutanga unechipikirwa

3 kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.

4 nemwi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokuraira kwaShe.

5 imwi varanda, teererai avo vari vatenzi venyu panyama, nokutya nokudedera, nemoyo yakarurama, muchizviita sokunaKristu;

6 musingabati kana muchivonekwa bedzi, savafudzi vavanhu, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari nomoyo wose;

7 muchibata nomoyo wakanaka, muchizviita sokunaShe, musingaitiri vanhu;

8 muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka, chinoitwa nomunhu mumwe nomumwe, uchachipiwa zve naShe, kana akasungwa kana akasununguka.

9 nemwi madzishe, muvaitire saizvozvo, murege kuvatyisa; nokuti munoziva kuti Ishe wavo nowenyu uri kudenga; haatendi zvinovonekwa zvomunhu.

10 Pakupedzisira hama dzangu,ivai nesimba munaShe, nomusimba rake guru.

11 Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiabhorosi.

12 Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga.

13 Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose.

14 Naizvozvo mirai makasunga zvivuno zvenyu nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chokururama,

15 makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweevhangeri yorugare;

16 pamusoro paizvozvi makatora nhovo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa.

17 Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro Shoko raMwari;

18 munyengetere nguva dzose nokunyengetera kose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kose nokukumbirira vatsvene vose.

19 nenivo, kuti ndipiwe shoko kana ndichishamisa muromo wangu, kuti ndidudzire ndisingatyi zvakavanzika zveevhangeri,

20 yandiri nhume yayo yakasungwa namatare; kuti ndizvitaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.

21 Zvino kuti muzivevo zvangu, kuti ndakadiniko, Tikiko, hama inodikamwa, nomushumiri wakatendeka munaShe, uchakuzivisai zvose;

22 ndakamutuma kwamuri neshoko iri, kuti muzive zvinhu zvedu, anyaradze moyo yenyu.

23 Rugare ngaruve nehama, norudo pamwe chete nokutenda, zvinobva kunaMwari, Baba,naShe Jesu Kristu,

24 Nyasha ngadzive navose vanoda Ishe wedu, Jesu Kristu, norudo rusingavori.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE