VAKOROSE


1


1 Pauro, muapositora waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimotio, hama yedu,

2 kuvatsvene nehama dzakatendeka munaKristu vari paKorose: Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kunaMwari, Baba vedu.

3 Tinovonga Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu, nguva dzose kana tichikunyengetererai,

4 zvatakanzwa zvokutenda kwenyu munaKristu Jesu, norudo rwamunarwo kuvatsvene vose,

5 pamusoro petariro yamakachengeterwa kudenga, yamakanzwa kare pashoko rechokwadi reevhangeri;

6 iyo yakasvika kwamuri, sezvayakasvika panyika yosevo; ichibereka zvibereko, ichikura, sezvainoita kwamurivo, kubvira pazuva ramakanzwa nokuziva kwazvo nyasha dzaMwari muchokwadi;

7 sezvamakadzidza kunaEpafrasi, muranda pamwe chete nesu, unodikamwa, mushumiri wakatendeka waKristu nokuda kwenyu,

8 iye wakativudzavo zvorudo rwenyu muMweya.

9 Saka nesuvo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kose komeya;

10 kuti mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo;

11 muchisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubwinya kwake, muve nomoyo murefu, nomufaro;

12 muvonge Baba, vakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yavatsvene muchiedza.

13 vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muvushe bwoMwanakomana worudo rwavo;

14 watinedzikinuro maari, ndiko kukangamwirwa kwezvivi zvedu.

15 Ndiye mufananidzo waMwari usingavonekwi, dangwe rezvisikwa zvose;

16 nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika, zvinovonekwa nezvisingavonekwi, kana zviri zvigaro zvovushe kana vushe, kana vabati, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zviripo nokuda kwake.

17 Ndiye unotangira zvose, zvose zvakabatana maari.

18 Ndiye musoro womuviri, ndiyo kereke; ndiye wokutanga, dangwe ravakamuka kuvakafa; kuti iye ave mukuru pazvinhu zvose.

19 Nokuti Baba vakafara nazvo, kuti kuzara kose kugare maari,

20 kuti naye ayananise zvinhu zvose kwaari, amboita rugare neropa romuchinjikwa wake; naiye, kunyange zviri panyika, kunyange zviri kudenga.

21 Nemivo, kare maiva vaeni navavengi pakufunga kwenyu pamabasa enyu akaipa,

22 asi zino wakakuyananisai pamuviri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri vatsene, musinemhosa, musingapomerwi,

23 kana muchingorambira pakutenda, makateyiwa, mumire makasimba, musingabviswi patariro yeevhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga; iyo evhangeri yandakaitwa mushumiri wayo, ini Pauro.

24 Zvino ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu, ndichizadzisa panyama yangu zvakasara pamatambudziko aKristu, nokuda komuviri wake, iyo kereke;

25 iyo yandakaitwa mushumiri wayo sezvandakagoverwa naMwari pamusoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMwari;

26 ndicho chakavanzika, chakanga chakafukidzwa kubvira pakutanga kwenguva nendudzi, asi zvino chakaratidzwa vatsvene vake;

27 kunaivo Mwari waakada kuvazivisa vufumi bwokubwinya kwechakavanzika ichochi pakati pavahedheni, chokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubwinya;

28 iye watinoparidza isu, tichiraira munhu mumwe nomumwe, tichidzidzisa munhu mumwe nomumwe novuchenjeri bwose, kuti tiise munhu mumwe nomumwe akakwana munaKristu;

29 ndizvo zvandinobatiravo, ndichirwa, zvichiitwa nokubata kwake kunobata mukati mangu nesimba.


2


1 Nokuti ndinoda kuti muzive kurwa kukuru kwandinako pamusoro penyu, navari paRaodikia, navose vasina kumbovona chiso changu panyama;

2 kuti moyo yavo isimbiswe, vasunganidzwe murudo, vave nefuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti vazive kwazvo chakavanzika chaMwari, iye Kristu;

3 maari fuma yose yovuchenjeri nokuziva yakachengetwa.

4 Ndinoreva izvi, kuti kurege kuva nomunhu unokurashai namashoko anonyengera.

5 Nokuti kunyange ndisipo panyama, ndiripo nemwi pamweya, ndinofara ndichivona kunzwana kwenyu, nokusimba kokutenda kwenyu munaKristu.

6 Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari,

7 munemidzi yenyu nokuvakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, sezvamakadzidziswa, muchinyanya kuvonga.

8 Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu novuchenjeri, nokunyengera kusinamaturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu.

9 Nokuti kuzara kovuMwari kunogara maari pamuviri.

10 Maari nemivo makazadzwa, iye musoro wa vabativose namasimba;

11 iye wamakadzingiswavo maari nokudzingiswa kusingaitwi namavoko, muviri wenyama uchibviswa, nokudzingiswa kuri kwaKristu;;

12 maakavigwa pamwe chete naye pakubhabhatidzwa, pamakamutswavo pamwe chete naye nokutenda kwenyu simba raMwari wakamumutsa kuvakafa.

13 Nemi, imwi makanga makafa pakudarika kwenyu napakusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakupai vupenyu pamwe chete naye, akatikangamwira kudarika kwedu kose,

14 akadzima rugwaro rwakanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa;

15 akaparadza vabati namasimba, akavabudisa pachena, akavakunda mauri.

16 Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo unokutongai pazvokudya, kana zvokumwa, kana nokuda komusi womutambo, kana pakugara komwedzi, kana pasabata;

17 izvi mumvuri wezvichavuya; asi muviri ndowaKristu.

18 Munhu ngaarege kuvapo unokutorerai mubairo wenyu namavune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakavona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama,

19 asingabatisisi Musoro, uyo, maari muviri wose unosanganiswa nokusunganidzwa nezvisungo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMwari.

20 Zvino kana makafa pamwe chete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirairo, somugere munyika,

21 mirairo inoti: Usabata, usaravira, usagunzva,

22 (izvi zvose zvinofanira kuparadzwa kana zvobatwa nazvo); muchitevera mirairo nedzidziso dzavanhu?

23 Zvinhu zvakadai zvakaita sezvinovuchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudza muviri; asi hazvina simba rokukunda kuchiva kwenyama.


3


1 Naizvozvo, kana makamutswa pamwe chete naKristu, tsvakai zviri kumusoro, uko kunaKristu, ugere kurudyi rwaMwari.

2 Fungai zviri kumusoro, musafunga zviri pasi.

3 Nokuti makafa, vupenyu bwenyu bwakavigwa pamwe chete naKristu munaMwari.

4 Kana Kristu, iye vupenyu bwedu, achivonekwa, nemivo muchavonekwa pamwe chete naye pakubwinya.

5 Naizvozvo vurayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Vupombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo.

6 Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaMwari kunovuya pamusoro pavanavokusateerera;

7 nemivo maifamba mazviri kare, maigara muzvinhu izvi.

8 Asi zvino, imivo, bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu.

9 Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare, namabasa ake,

10 mukafuka munhu mutsva, unovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika;

11 apo hapana muGiriki nemuJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, musungwa kana wakasununguka;asi Kristu ndiye zvose, uye uri munavose.

12 Naizvozvo, savasanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikamwa, fukai moyo unetsitsi, nomoyo munyoro, nokusazvikudza, novunyoro, nomoyo murefu;

13 muitirane moyo murefu, muchikangamwirana, kana munhu anemhosva nomumwe; Kristu sezvaakakukangamwirai, muite saizvozvo nemivo.

14 Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.

15 Norugare rwaMwari ngaruteme zvirevo mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwavo mumuviri mumwe; ivai nokuvonga.

16 Shoko raKristu ngarigare mukati menyu riwande; nokuchenjera kose mudzidzisane, nokurairana namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvomweya, muimbire Mwari nenyasha mumoyo menyu;

17 uye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raShe Jesu, muchivonga Mwari Baba naye.

18 Vakadzi muzviise pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira munaShe.

19 Varume, idai vakadzi venyu, regai kuva nehasha navo.

20 Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka munaShe.

21 Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuvora moyo.

22 Varanda, teererai pazvinhu zvose vatenzi venyu panyama; regai kubata pamberi pameso avo, savafadzi vavanhu, asi nomoyo wakarurama muchitya Mwari.

23 Zvose zvamunoita, muzviitei nomoyo wose, sokunaShe, musingaitiri vanhu;

24 muchiziva kuti muchapiwa naShe mubairo wenhaka; nokuti munobatira Ishe Kristu.

25 Nokuti unoita zvisakarurama, uchapiwa zvisakarurama zvaakaita; hazvizi zvinovonekwa zvomunhu zvinotendwa.


4


1 Madzishe, itirai varanda venyu zvakarurama, zvakaringana; muzive kuti nemivo munaShe kudenga.

2 Tsungirirai pakunyengetera, murinde pakuri nokuvonga;

3 mutinyengeterere nesuvo, kuti Mwari atizarurire mukova weshoko, titaure chakavanzika chaKristu, chandakasungirwa icho;

4 kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.

5 Fambai nokuchenjera kunavari kunze, muchingwarira nguva. yenyu

6 Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.

7 Muchaziviswa zvangu zvose naTikiko, hama inodikamwa, mushumiri wakatendeka, nomuranda pamwe chete neni munaShe.

8 Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muzive zvedu, anyaradze moyo yenyu;

9 pamwe chete naOnesimo, hama yakatendeka, inodikamwa, mumwe wokwenyu. Ivo vachakuzivisai zvose zvapano.

10 Aristarko, musungwa pamwe chete neni, unokukwazisai, naMarko, hama yaBharnabhasi, (makarairwa pamusoro pake; kana achisvika, mumugamuchirei);

11 naJesu, unonzi Justo, vari vokudzingiswa; ndivavachetevanobata neni pavushe bwaMwari, ivo vakandinyaradza.

12 Epafrasi, mumwe wokwenyu, muranda waKristu Jesu, unokukwazisai, achirwa nguva dzose pakunyengetera nokuda kwenyu, kuti mumire makakwana, muchiziva kwazvo kuda kose kwaMwari.

13 Nokuti ndinomupupurira, kuti unotambudzika zvikuru nokuda kwenyu, naveRaodikia, naveHirapori.

14 Ruka, chiremba unodikamwa, naDhemasi, vanokukwazisai.

15 Ndikwazisirei hama dziri Raodikia, naNimfa, nekereke iri mumba mavo.

16 Kana mwadhi iyi yarabwa pakati penyu, ngairabwevo mukereke yavaRaodikia; imivo murave mwadhi inobva Raodikia.

17 Vudzai Arkipo, muti: Tarira basa rawakapiwa naShe, kuti uripedzise kwazvo.

18 Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu. Rangarirai kusungwa kwangu. Nyasha ngadzive nemi.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE