MABASA AVAPOSITORA


1


1 Rondedzero yokutanga ndakaiita Teofiro, nezvose Jesu zvaakatanga zvose kuita nokudzidzisa,

2 kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira noMweya Mutsvene kuvapositora vaakanga asanangura;

3 vaakazviratidzavo kwavari ari mupenyu shure kokutambudzika kwake neuchapupu uzhinji, husingagoni kurambwa, achivonekwa navo mazuva anamakumi mana, achitaura zvinhu zvovushe bwaMwari;

4 zvino avungana navo, akavaraira kuti varege kubva Jerusarema asi vamirire chivimbiso chaBaba, chamakanzwa neni;

5 nokuti Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene kusati kwapfuura mazuva mazhinji.

6 Naizvozvo ivo vakati vavungana, vakamubvunza vachiti: Ishe, muchadzosera vushe kuvaIsraeri nenguva ino here?

7 Akati kwavari: Hazvisi zvenyu kuziva nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo;

8 Asi muchagamuchira simba, Mweya Mutsvene avuya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu kose paJerusarema neJudhiya rose neSamaria, nokumugumo wenyika.

9 Zvino wakati areva izvozvi, akakwidzwa, vakatarira negore rikamubvisa pazviso zvavo.

10 Zvino vachitarisisa kudenga, achikwira, zvino tarira, varume vaviri vamire navo nenguvo chena;

11 ivovo vakati: Imwi varume veGariri, makamirireiko makatarira kudenga? iyeyu Jesu, unobviswa kwamuri, achikwidzwa* kudenga, uchavuya saizvozvo nenzira yamunomuona achienda nayo kudenga.

12 Zvino vakadzokera Jerusarema, vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi, riri pedo neJerusarema, chinhambwe* cherwendo rwesabata.

13 Vakati vapinda, vakakwira muimba yepamusoro, apo pavaigara, Peturo naJohwani naJakobho naAndiriya, Firipi naTomasi, Bhatironomiyo naMatewu, Jakobho waAerfeo naSimoni Zeroti, naJudhasi waJakobho.

14 Ava vose vakatsungirira nomoyo mumwe mukunyengetera nokukumbira, pamwe navakadzi, naMaria mai vaJesu, uye navanun'una vake.

15 Zvino namazuva iwayo Peturo wakasimuka pakati pevadzidzi, kwaiva nechaunga navanhu pamwechete vanenge zana namakumi maviri, akati:

16 Varume hama, zvakafanira kuti rugwaro urwu rwuzadziswe, Mweya Mutsvene warwakagara wataura nomuromo waDhavhidhi, pamusoro paJudhasi, wakanga ari mutungamiriri wavaya vakabata Jesu.

17 Nokuti wakanga achiverengwa pamwe chete nesu, akagamuchira mugove wake pabasa iri.

18 Zvino munhu uyu wakatenga munda nomubairo wezvisakarurama, akawa nemusoro, akaparuka napakati, ura hwake hwese hwukabvajukira kunze.

19 Zvikanzwika navose vaigara Jerusarema; kusvikira nharaunda iyo yatumidzwa norurimi rwavo kuti* Akeridhama, ndokuti: Nharaunda yeropa.

20 Nokuti zvakanyorwa mubhuku raMapisarema, zvichinzi*: Musha wake ngauitwe dongo, kurege kuva nomunhu unogaramo; vuye: Mumwe ngaatore vutariri bwake.

21 Naizvozvo zvakafanira pavarume vaifamba nesu nguva yose, apo Ishe Jesu aipinda nokubuda pakati pedu,

22 kutanga parubhabhatidzo rwaJohwani, kusvikira pazuva raakabviswa kwatiri, achikwidzwa, mumwe wavo unofanira kuva chapupu chokumuka kwake pamwe chete nesu.

23 Zvino vakamisa vaviri: Josefa, wainzi Bhasabha, wakatumidzwavo Jusito, naMatiasi.

24 Vakanyengetera, vachiti: Ishe, munoziva moyo yavose, sarudzai pavaviri ratidzai kuti wamunosanangura kunaivava vaviri ndoupi

25 kuti apiwe chikamu pabasa novuapositora uhwu, Judhasi hwaakatorerwa nokudarika, kuti iye aende panzvimbo yake.

26 Zvino vakavapa mijenya ikabata Matia; akaverengwa pamwe chete navapositora vanegumi nomumwe.


2


1 Zvino zuva rePendekosita* rakati razadzisika, vose vakanga vari pamwechete nomoyo mumwe.

2 Pakarepo kukauya kutinhira kubva kudenga sokwemhepo inovhuvhuta nesimba, kukazadza imba yose mavakanga vagere,

3 kukavonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa dzinenge dzomoto, ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo.

4 Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, sokupiwa kwavakaita noMweya kutaura.

5 Zvino pakanga pagere paJerusarema vaJudha, varume vakarurama, vaibva kumarudzi ose avari pasi pedenga.

6 Zvino nokunzwikwa kokutinhira uku, chaunga chaungana pamwechete chakakanganiswa, nokuti mumwe nomumwe wakavanzwa vachitaura norurimi rwake.

7 Vakakatyamara vose vakashamiswa vakataura mumwe kunomumwe vachiti: Tarirai, ava vose vanotaura havazi vaGariri here?

8 Zvino tinonzwa seiko mumwe nomumwe norurimi rwedu, rwatakaberekwa narwo?

9 VaPatia, navaMedia, navaEramu navagari veMesopotamia naveJudhiya, neKapadokia, nePonto, neAsia,

10 neFrigia, nePamfiria, neIjipiti, namativi eRibia, ari pedo neKurini, navaeni veRoma, navaJudha, navakatendeukira kuvaJudha,

11 vaKrete, navaAraAbhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa anoshamisa aMwari.

12 Vakakatyamara vose, vakakahadzika vachiti mumwe kune mumwe: Izvi zvingava chiiko?

13 Asi vamwe vakasweveredza vachiti: Vaguta waini itsva.

14 Zvino Peturo amire navanegumi nomumwe, akasimudza inzwi rake akati kwavari: Varume imwi maJudha navose vagere Jerusarema, chinhu ichi ngachizikamwe kwamuri, muteerere mashoko angu.

15 nokuti ava havana kudhakwa sezvamunofunga imwi, nokuti inguva yechitatu yezuva,

16 asi ichi ndicho chiya chakarebwa nomuporofita Joweri achiti*:

17 Zvino zvichaitika mumazuva okupedzisira ndizvo zvinotaura Mwari, ndichadurura zvoMweya wangu pamusoro penyama yose; navanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; majaya enyu achavona zviratidzo, navatariri venyu vacharota hope.

18 Napamusoro pavaranda vangu napamusoro pavarandakadzi vangu, namazuva iwayo ndichadurura zvomweya wangu; uye vachaporofita.

19 Zvino ndichauyisa zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi; ropa, nomoto, nemhute yovutsi.

20 Zuva richashandurwa rive rima, nomwedzi uve ropa, risati rasvika zuva guru raShe rinembiri;

21 zvino zvichaitika kuti* aninani unodana zita raShe uchaponeswa.

22 Varume vaIsraeri, donzwai mashoko awa; Jesu weNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu namabasa esimba nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imwi mumene,

23 iye, wakakumikidzwa kwamuri nezano nokuziva zviri mberi kwaMwari, imwi makamutora, uye namavoko akaipa mukarovera nokuvuraya;

24 iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo.

25 Nokuti Dhavhidhi wakataura pamusoro pake: Ndakavona Ishe pamberi pangu nguva dzose; nokuti uri kuruoko rworudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.

26 Naizvozvo moyo wangu wakafara, norurimi rwangu rwakafarisisa; uye kunyange, nenyama yangu ichazorora mutariro.

27 Nokuti hamungasiyi mweya wangu mugehena, hamungatenderi Mutsvene wenyu kuti avone kuvora.

28 Makazivisa kwandiri nzira dzovupenyu; Muchandizadza nomufaro pamberi penyu.

29 Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti vakafa vakavigwa, bwiro bwavo bwuri pakati pedu kusvikira zuva ranhasi.

30 Zvino zvaari muporofita, achizivavo kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kunomumwe wezvibereko zvechivuno chake munyama, uchasimudza Kristu uchagadza pachigaro chake chovushe.

31 achivona zviri mberi, wakareva pamusoro pokumuka kwaKristu, kuti mweya wake hauna kusiyiwa paHad, nenyama yake haina kuvona kuvora.

32 Uyu Jesu Mwari wakamumutswa, zvatiri zvapupu zvazvo tose.

33 Zvino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, agamuchira kunaBaba chipikirwa choMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunovona nezvamunonzwa ikozvino.

34 Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi unoti amene: Ishe wakati kunaShe wangu; Gara kurudyi rwangu,

35 kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.

36 Zvino imba yose yavaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti Mwari wakaita iyeyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Ishe naKristu.

37 Zvino vakati vachinzwa izvozvo*, vakabayiwa pamoyo, vakati kunaPeturo nokunavamwe vapositora: Varume, hama, tichaiteiko?

38 Ipapo Peturo akati kwavari: Tendevukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu nezita raJesu Kristu, kuti mukangamwirwe zvivi, zvino muchagamuchira Mweya Mutsvene.

39 Nokuti chipikirwa ndechenyu, nechevana venyu, navose vari kure, uwandu sehwevanozodamwa naShe, Mwari wedu.

40 Namamwe mashoko mazhinji, akapupura kwazvo akavasimudzira, achiti: Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.

41 Zvino avo vakagamuchira nomufaro shoko rake, vakabhabhatidzwa; uye nezuva iro vakawedzera mweya inenge zvuru zvitatu.

42 Vakatsungirira pakudzidzisa kwavapositora, napakuyanana, napakumedura chingwa, napaminyengetero.

43 Kutya kukawira mweya woga woga; zvinoshamisa zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapositora.

44 Navaitenda vose vaiva pamwe chete, vakati zvinhu zvose ndezvavose;

45 vakatengesa fuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashaiwa napo.

46 Zuva rimwe nerimwe vakanga vachitsungirira mutembere nomoyo mumwe, vachimedura chingwa imba neimba, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomoyo wakachena,

47 vachirumbidza Mwari, vachidikamwa navanhu vose. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vaifanira kuponeswa.


3


1 Zvino Peturo naJohwani vakakwira pamwechete kutembere nenguva yokunyengetera yepfumbamwe.

2 Zvino mumwe murume, waikamhina kubva mudumbu ramai vake, waitakurirwa zuva rimwe nerimwe pamukova wetembere, wainzi Wakanaka, kuti akumbire zvipo kunavaipinda mutembere.

3 Iye wakati achivona Peturo naJohwani voda kupinda mutembere, akakumbira chipo.

4 Zvino Peturo akamudzvokora, anaJohwani, akati: Titarire!

5 Akavadzvokora, achitarisira kugamuchira chinhu kwavari.

6 Ipapo Peturo akati: Sirivheri nendarama handina; asi icho chandinacho ndicho chandinokupa: Nezita raJesu weNazareta, simuka ufambe.

7 Akamubata ruvoko rworudyi, aka mu*simudza; pakarepo tsoka dzake nezviziso zvetsoka dzake zvakasimbiswa.

8 Akavhazuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda navo mutembere, akafamba achipembera achirumbidza Mwari.

9 Vanhu vose vakamuvona achifamba, achirumbidza Mwari.

10 Vakaziva, kuti ndiye waigarira zvipo pamukova Wakanaka wetembere; vakazadzwa nekukatyamara nokushamiswa nezvaakaitika kwaari.

11 Zvino murume waikamhina, wakanga aporeswa achakabatira Peturo naJohwani, vanhu vose vakamhanyira pamwechete kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vachishamiswa kwazvo.

12 Zvino Peturo wakati achivona izvozvo*, akapindura vanhu, akati*: Varume vaIsraeri, mashamisirweiko pamusoro pezvizvi? Munotidzvokorereiko, setinenge tamufambisa nesimba redu kana nokunamata kwedu Mwari?

13 Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, Mwari wamadzibaba edu, ndiye wakakudza Mwanakomana wake Jesu, wamakakumikidza imwi kuvatongi* mukamuramba pamberi paPirato, iye azvipira kumusunungura.

14 Asi imwi makaramba uyo Mutsvene, nohwakarurama, mukakumbira kuti mupiwe muvurayi:

15 mukavuraya Muvambi wovupenyu; iye Mwari, waakamutswa kuvakafa; iye, watiri zvapupu zvake.

16 Nokutenda kuzita rake, munhu uyu wamunovona nowamunoziva, nezita rake ramusimbisa; vuye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa zvakanaka kudai pamberi penyu mose.

17 Asi zvino, hama dzangu ndinoziva kuti makaita nokusaziva, savabati venyuvo.

18 Asi zvinhu izvo Mwari zvaakamboreva nomuromo wavaporofita vose, kuti Kristu uchazotambudzika wakazvizadzisa.

19 Naizvozvo tendevukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva pamberi pechiso chaShe, dzisvike;

20 Uchatuma Jesu Kristu, wakaparidzwa kwamuri kare;

21 wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvikira nguva yokugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarebwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene vose kubva pakutanga kwenyika.

22 Nokuti Mozisi zvirokwazvo wakati: Ishe, Mwari wenyu, uchamumutsira Muporofita pahama dzenyu, wakafanana neni; muchamuteerera pazvose, zvaanotaura kwamuri.

23 Zvino zvichaitika, mweya mumwe nomumwe kana asingateereri Muporofita uyo, uchaparadzwa kwazvo pakati pavanhu.

24 Navaporofita vosevo kubva kunaSamueri, navakamutevera, naivo vose vakataura vakaporofitavo zvinhu izvozvi.

25 Imwi muri vanakomana vavaporofita, navesungano, yakaitwa naMwari namadzibaba edu, achiti kunaAbhurahamu: Muvana vako marudzi ose enyika acharopafadzwa.

26 Mwari wakatanga kukumutsirai imwi Mwanakomana wake Jesu, akamutuma kukuropafadzai, achidzora mumwe nomumwe wenyu pazvakaipa zvake.


4


1 Zvino vakati vachataura kuvanhu, vaprista nomukuru wetembere navaSajhusi vakavuya kwavari,

2 vashungurudzika kuti va vaidzidzisa vanhu, vachiparidza kumuka kwavakafa munaJesu.

3 Vakavabata, vakaisa mutirongo kusvikira kwaedza; nokuti akanga ava madekwana.

4 Asi vazhinji kunavakanzwa shoko vakatenda; uwandu hwavarume vanosvika zvuru zvinenge zvishanu pakuverengwa kwavo.

5 Zvino zvakaitika chifume kwakaungana vabati vavo, navakuru, navanyori paJerusarema;

6 naAnasi, muprista mukuru, naKayafasi, naJohwani, naArekizandira, nehama dzose dzomuprista mukuru vakavungana vose paJesursarema.

7 Vakavaisa pakati pavo, vakabvunza, vachiti: Makazviita izvozvi nesimba rei, kana nezita ripiko?

8 Zvino Peturo, akazadzwa noMweya Mutsvene, akati kwavari: imwi vabati vavanhu,navakuru vavaIsraeri.

9 kana isu tichibvunzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka, rakaitirwa munhu chirema, kuti* wakaponeswa sei;

10 ngazvizikamwe kwamuri mose, nokuvanhu vose vaIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakarovera, iye wakamutswa naMwari kuvakafa, naye munhu uyu umire pano pamberi penyu apora.

11 Iri ndiro ibwe rakarashwa nemwi vavaki, rakazova musoro wekona.

12 Uyezve hakuna kuponeswa kunomumwe; nokuti hakunerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingaponeswa naro.

13 Zvino vakati vachivona kusatya kwaPeturo naJohwani, vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza, vasingazivi chinhu, vakashamiswa; vakavaziva kuti vaiva naJesu.

14 Vakavonavo munhu wakanga aporeswa amire navo, vakashaiwa chavanga zvi*pikisa.

15 Zvino vakati vavaraira kuti vabude parutivi kunze kwevungano, vakarangana pakati pavo,

16 vachiti: Tichavaita seiko navanhu ava? Nokuti chiratidzo chinoonekwa chaitwa navo kuratidza kuvanhu vose vagere Jerusarema, hatigoni kuzviramba.

17 Asi kuti zvirege kuramba zvichipararira pakati pevanhu, ngativanyevere kuti varege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri.

18 Vakavadana, vakavaraira kuti varege kutongotaura kana kudzidzisa nezita raJesu.

19 Asi Peturo naJohwani vakapindura, vakati kwavari: Tongai henyu imwi, kana zvingava zvakarurama pamberi paMwari, kuteerera imwi kupfuvura Mwari.

20 Nokuti hatingaregi isu kurega kutaura zvatakavona, nezvatakanzwa.

21 Zvino vakati vawedzera kuvayambira, vakavaregedza, vasingawani chinhu chavangavarangira nokuda kwavanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitwa;

22 nokuti munhu wakanga wakanga anamakore anopfuura makumi mana akaitirwa chiratidzo paari.

23 Vakati varegedzwa, vakaenda kunovokwavo, vakandopira zvose zvavakanga vavudzwa navaprista vakuru navakuru.

24 Ivo vakati vanzwa, vakasimudzira inzwi kunaMwari nomoyo mumwe, vakati: Tenzi, ndimwi Mwari makaita denga napasi, negungwa nezvose zviri mukati mazvo;

25 wamakareva nomuranda wenyu Dhavhidhi, muranda wenyu, muchiti: Vahedheni vakaitireiko hasha, Navanhu vakafungireiko zvisina maturo?

26 Madzimambo enyika akasimuka, navabati vakavungana pamwe chete, kumirisana naShe naKristu wake.

27 Nokuti zvirokwazvo vose Herodhe, naPondio Pirato, navahedheni, navanhu vaIsraeri vakaungana kumirisana naJesu Muranda wenyu mutsvene wamakazodza,

28 kuti zvose ruoko rwenyu nezano renyu zvazvakatema; nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu, Muranda wenyu mutsvene.

29 Zvino, Ishe, tarirai kuyambira kwavo, mupe varanda venyu kuti vataure shoko renyu varingatongotyi,

30 Mukutambanudza ruvoko rwenyu kuporesa; neziratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu Mwanakomana wenyu mutsvene.

31 Zvino vakati vanyengetera nzvimbo yavakanga vakavungana pairi ikazununguswa; vakazadzwa vose noMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi.

32 Zvino chaunga chose chavaitenda vaiva nomoyo mumwe nomweya mumwe; kwakanga kusinomumwe waiti chimwe chaaiva nacho ndechake, asi zvinhu zvose vakati ndezvavose.

33 Nesimba guru vapositora vakapa vuchapupu hwokumuka kwaJesu; nyasha huru ikavapo pamusoro pavo vose.

34 Nokuti pakanga pasina pakati pavo waishaiwa, nokuti vose vaiva neminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakavuya nomutengo wezvakate ngeswa.

35 vakazviisa patsoka dzavapositora; mumwe nomumwe akagoverwa paakashaiwa napo.

36 NaJosefa, wakatumidzwa navapositora, Bhanabhasi, (ndokuti Mwanakomana wokunyaradza, kana zvichishandurwa), muRevhi, munhu weKupro parudzi rwake,

37 waiva nomunda, akautengesa, akavuya nemari akaisa patsoka dzavapositora.


5


1 Asi mumwe murume, wainzi Ananiasi, wakatengesa fuma yake anaSafira mukadzi wake,

2 akasara nemumwe mugove pamutengo, mukadzi wake achizvizivavo, akavuya nomumwe mugove, ndokuuisa patsoka dzavapositora.

3 Asi Peturo akati: Ananiasi, Satani wazadzireiko moyo wako, kuti unyengere Mweya Mutsvene, nokuzvikamurira zvomutengo womunda?

4 Iwo uchiripo, wakanga usi wako here? Watengeswa, wakanga usi musimba nazvo here? Nemhaka yeiko waisa mumoyo mako chinhu ichi? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kunaMwari.

5 Ananiasi, wakati achinzwa mashoko iwayo, akawira pasi, akabudisa mweya; kutya kukuru kukawira vose vakazvinzwa.

6 Majaya akasimuka akamuputira ndokumutakurira kunze ndokumuviga.

7 Nguva dzinege senhatu dzakati dzapfuvura, mukadzi wake akapinda asingazivi zvaitwa.

8 Peturo akapindura, akati: Ndivudze kana makatengesa munda nemari yakadai? Iye akati: Hongu, neyakadai.

9 Peturo akati kwaari: Maita seiko zvamarangana kuidza Mweya waShe? Tarira, tsoka dzavaviga murume wako, pamukova, vachakutakuriravo kunze.

10 Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akabudisa mweya; majaya akapinda, akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga kumurume wake.

11 Kutya kukuru kukawira kereke yose navose vakanzwa zvinhu izvi.

12 Uye namaoko avapositora kwakaitwa zviratidzo nezvinoshamisa zvizhinji zvakaitwa pakati pavanhu; vose vaiva nomoyo mumwe pabiravira raSoromoni.

13 Asi pakati pavamwe kwakanga kusinomunhu wakatsunga kuzvisanganisa kwavari; asi vanhu vaivakudza zvikuru

14 Vatendi vakawedzerwa vakawanda kwazvo kunaIshe zvaunga zviviri vakadzi navarume, varume navakadzi, vairamba vachiwedzerwa kunaShe.

15 Kusvikira vatakurira varwere munzira dzomumusha, vakaradzika pamibhedha napanhovo, kuti mumvuri waPeturo achipfuura ufukidze umwe wavo.

16 Uye kwakauyawo chaunga chemaguta akapoteredza Jerusarema, vachivuya navarwere, navaitambudzwa nemweya yetsvina, vakaporeswa vose.

17 Zvino muprista mukuru akasimuka, navose vaiva naye vaiva vechikamu chevaSajusi, vanegodo kwazvo;

18 vakabata vapositora vakavaisa mutirongo maipinzwa vanhu vose.

19 Asi mutumwa waShe wakazarura mikova yetirongo vusiku akavabudisa akati:

20 Endai, mumire muchitaura mutembere kuvanhu mashoko ose ovupenyu ubwu.

21 Vakati vachinzwa, vakapinda mutembere mangwanani, vakadzidzisa. Zvino muprista mukuru akasvika navaiva naye, vakakokera makurukota nevungano yose yavakuru vavana vaIsraeri; vakatumira vanhu* kutirongo kuti vavuye navo.

22 Asi varanda vakati vachisvikapo, vakawana vasimo mutirongo; vakadzoka, vakavavudza izvozvo,

23 tvachiti irongo zvirokwazvo takaiwana yakazarirwa zvakasimba kwazvo, navarindi vamire panze pamikova; asi tati tichizarura, tikasawana munhu mukati.

24 Zvino Muprista nomukuru wetembere navaprista vakuru vakati vachinzwa mashoko iwayo, vakakahadzika pamusoro pazvo, vasingazivi kuti zvinozodini.

25 Ipapo mumwe munhu akasvika akavavudza achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutirongo, vamire mutembere, vachidzidzisa vanhu.

26 Zvino mutungamiriri wavarwi, navatariri, vakaenda, vakavuya navo, vasingaiti nesimba, nokuti vakanga vachitya vanhu kuti zvimwe vangatakwa namabwe.

27 Vakati vasvika navo, vakavaisa kumakurukota. Muprista mukuru akavabvunza

28 achiti: Ko hatina kukurairai zvikuru kuti musadzidzisa nezita iri here? Zvino tarirai, mazadza Jerusarema nedzidziso yenyu; muchida kuti ropa romunhu uyu rivuye pamusoro pedu.

29 Zvino Peturo navapositora vakapindura vakati: Tinofanira kuteerera Mwari panokuteerera vanhu.

30 Mwari wamadzibaba edu wakamutsa Jesu iye wamakavuraya imwi muchimuturika pamuti,

31 Mwari wakamusimudza iye noruvoko rwake rworudyi, ave* Mutungamiriri noMuponesi, kuti ape vaIsraeri kutendevuka nekangamwiro yezvivi.

32 Isu tiri zvapupu zvamashoko iwawa; noMweya Mutsvenevo, Mwari waakapa ivo vanomuteerera.

33 Zvino ivo vakati vanzwa vakafa neshungu, vakarangana kuvavuraya.

34 Ipapo mumwe muFarisi akasimuka pamakurukota, wainzi Gamarieri, mudzidzisi womurairo, waikudzwa navanhu vose, akaraira kuti vapositora vabudiswe chinguva chiduku;

35 akati kwavari: Varume vaIsraeri, zvichenjererei maererano nezvamunoda kuitira vanhu ava.

36 Nokuti mberi kwemazuva awa kwakambomuka Tudasi, achizvikudza kuti* munhu, vanhu vanenge mazana mana vakazvisanganisa naye; iye akavurawa, navose vaimuteerera vakaparadzirwa, nokuparadzwa.

37 Shure komunhu uyu kukamuka Judhasi weGariri, pamazuva okuverengwa, akatsausa vanhu kuti vamutevere; iye akaparara, navose vakamuteerera, vakaparadzirwa.

38 Zvino ndinoti kwamuri: Sudurukai kuvanhu ava, muvasiye vakadaro, nokuti kana zano iri nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa.

39 Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe muwanikwe muchirwa naMwari.

40 Vakamuteerera; ipapo vakati vadana vapositora vakarova, vakavaraira kuti varege kutaura nezita raJesu; vakavaregedza.

41 Ipapo vakabva pazviso zvamakurukota, vachifara, kuti vakafanirwa kunyadziswa nokuda kwezita rake.

42 Uye mazuva ose havana kurega kudzidzisa, nokuparidza zvaKristu Jesu, mutembere kana kudzimba dzavo.


6


1 Zvino namazuva iwayo, uwandu hwavadzidzi huchiwedzera, vaJudha, vaitaura chiGiriki vakanyunyutira vaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa komusi mumwe nomumwe.

2 Zvino vanegumi navaviri vakadanira kwavari chaunga chevadzidzi, vakati: Hazvifaniri kuti isu tirege shoko raMwari, tishumire pamatafura.

3 Naizvozvo hama, sanangurai pakati penyu varume vanomwe vanopupurirwa zvakanaka, vazere noMweya Mutsvene novuchenjeri, vatingaisa pabasa iri.

4 Asi isu tichatsungirira pakunyengetera napabasa reshoko.

5 Shoko iri rikafadza chaunga chose, vakasanangura Stefano, murume wakanga azere nokutenda noMweya Mutsvene, naFiripi, naProkoro, Nikanori, naTimoni, naPamenasi, naNikorasi, muproserite weAntiokia.

6 Vakavaisa pamberi pavapositora; vakati vanyengetera vakaisa mavoko pamusoro pavo.

7 Shoko raMwari rikakura, vadzidzi vakawanda zvikuru paJerusarema; navaprista vazhinji vakateerera kutenda.

8 Zvino Stefano azere nenyasha nesimba wakaita zvinoshamisa nezviratidzo zvikuru pakati pavanhu.

9 Ipapo kukamuka vamwe vesinagoge rinonzi raVasununguki, navaKureni, navaAreksandira, naveKirikia, neveEzhiya, vakaita nharo naStefano.

10 Asi vakanga vasingagoni kumirisana novuchenjeri noMweya waaitaura nawo.

11 Ipapo vakamutsa varume, vaiti: Takamunzwa achitaura mashoko anomhura maererano naMozisi naMwari.

12 Vakakurudzira vanhu, navakuru navanyori, vakamusvikira vakamubata vakamuisa kumakurukota.

13 vakaisapo zvapupu zvenhema, zvaiti: Munhu uyu haaregi kutaura mashoko anomhura imba iyi tsvene nomurairo,

14 nokuti takamunzwa achiti: Uyu Jesu weNazareta uchaparadza nzvimbo iyi nokushandura tsika dzatakapiwa naMozisi.

15 Zvino vose vakanga vagere pamakurukota, vakamudzvokora, vakavona chiso chake chakaita sechiso chomutumwa.


7


1 Ipapo muprista mukuru akati: Zvinhu izvi ndizvo nhai?

2 Iye akati: Varume, hama namadzibaba, teererai. Mwari wokubwinya wakazviratidza kunababa vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani,

3 akati kwavari: Buda munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.

4 Ipapo akabuda munyika yavaKaradhia, akagara Harani; zvino kubva ipapo baba vake vakati vafa, Mwari akamubvisa akamugarisa kunyika ino yamugere.

5 Asi haana kumupa nhaka mairi, kunyange paangatsika rutsoka rwake, asi wakamupikira kuti uchamupa iyo, ive yake neyavana vake vaizomutevera, asati a tongo*va nomwana.

6 Mwari akataura saizvozvo achiti, vana vake vachava vatorwa kunyika yavamwe; uye kuti vacha va*ita varanda, nokuvavonesa nhamo makore anamazana mana.

7 Rudzi rwavachava varanda kwarwuri, ndicharutonga ini, ndizvo zvinoreva Mwari; shure kwaizvozvo vachabuda vagondishumira panzvimbo iyi.

8 Akamupa sungano yedzingiso, Naizvozvo wakabereka Isaka, akamudzingisa zuva rorusere, Isaka Jakobho; naJakobho mateteguru anegumi namaviri.

9 Mateteguru zvaakanga anegodo vakatengesa Josefa, kuIjipiti; asi Mwari akava naye.

10 Akamusunungura pamatambudziko ake ose, akamupa nyasha nenjere pamberi paFarao, mambo weIjipiti; iye akamuita mutariri pamusoro peimba yake yose.

11 Zvino nzara ikasvika paIjipiti yose neKanani, nedambudziko guru; madzibaba edu akashaiwa zvokudya.

12 Asi Jakobho, wakati anzwa kuti kunezviyo Ijipiti, akatuma pakutanga madzibaba edu.

13 Zvino rwechipiri Josefa wakaziviswa kuvakuru vake; rudzi rwaJosefa rukaratidzwa naFarao.

14 Zvino Josefa akavatumira kundodana baba vake Jakobho, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu.

15 Jakobho akaburukira Ijipiti, akazofa iye namadzibaba edu;

16 vakatakurirwa Shekemi, vakavigwa pabwiro bwakanga bwatengwa naAbhurahamu nomutengo wesirivheri kuvanakomana vaEmori weShekemi.

17 Zvino nguva yechipikirwa chaMwari chaakanga apikira Abhurahamu, yakati ichiswedera, vanhu vakawanda, vakaita vazhinji muIjipiti;

18 kusvikira mumwe mambo amuka muIjipiti, wakanga asina kuziva Josefa.

19 Iye akabata rudzi rwedu namano, akatambudza madzibaba edu, akavarashira vacheche vavo, kuti varege kurarama.

20 Nenguva iyoyo Mozisi akaberekwa, wakanga akaisvonaka kwazvo kunaMwari; akarerwa mwedzi mitatu mumba mababa vake.

21 Zvino wakati arashwa, mukunda waFarao akamunonga, akamurera kuti ave mwanakomana wake*.

22 Mozisi akadzidziswa vuchenjeri bwose bwavaIjipiti; akava nesimba pamashoko napamabasa.

23 Zvino wakati asvika makore anamakumi mana akazara zvikasvika mumoyo make kushanyira hama dzake, vana vaIsraeri.

24 Zvino wakavona mumwe achiitirwa zvisakarurama, ndoku mu*rwira, achitsiva wakanga achitambudzwa akavuraya muIjipiti.

25 Aifunga kuti zvimwe hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari wakanga achida kuvaponesa noruvoko rwake; asi havana kunzwisisa.

26 Zvino fume mangwana wakazvionesa kwavari akavawana vachikakavadzana, akavayananisa nesimba, achiti: Varume, muri hama, munoitirana zvisakarurama neiko?

27 Zvino iye wakanga achiitira muvakidzani wake zvisakarurama akamusundira kure, achiti: Ndianiko wakakuita mubati nomutongi wedu?

28 Unoda kundivuraya, sezvawakavuraya muIjipiti zuro kanhi?

29 Neshoko iri Mozisi akatiza, akandova mutorwa kunyika yeMidiani, kwaakandobereka vanakomana vaviri.

30 Zvino makore makumi mana akati apera, kwakaonekwa kwaari murenje regomo reSinai mutumwa waShe, mumurazvo womoto mugwenzi.

31 Mozisi wakati achi zvi*vona, akashamiswa nezvaakavona; zvino akati achiswedera kuzocherekedza, inzwi raShe rikasvika kwaari richiti*:

32 Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, ipapo Mozisi akadedera akatya kucherekedza.

33 Zvino Ishe akati kwaari: Bvisa shangu patsoka dzako, nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene.

34 Ndaona nokuona kutambudzika kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndikanzwa kugomera kwavo, ndaburuka kuzovasunungura; zvino vuya ndikutume Ijipiti.

35 Uyu Mozisi wavakaramba,vachiti: Ndiani wakakuita mubati nomutongi? Ndiye Mwari waakatuma kuti ave* mutongi nomudzukunuri noruoko rwomutumwa naMwari, akavonekwa naye mugwenzi.

36 Iye akavabudisa, akaita zvinoshamisa nezviratidzo munyika yeIjipiti, nepaGungwa Dzvuku, nomurenje, makore anamakumi mana.

37 Ndiyeye Mozisi wakati kuvana vaIsraeri: Ishe Mwari wenyu uchakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni uyu ndiye wamuchanzwa.

38 Ndiyeye wakanga ari kuvungano murenje, anomutumwa wakataura naye mugomo reSinai, anamadzibaba edu vo, wakagamuchira mashoko mapenyu kuzotipa.

39 Ndiye, wavakanga vasingadi kumutevera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Ijipiti nemoyo yavo.

40 Vakati kunaAroni: Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mozisi uyu, wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.

41 Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakavuya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amavoko avo.

42 Zvino Mwari akavafuratira, akavarega kuti vashumire hondo yokudenga, sezvakanyorwa mubhuku ravaporofita, zvichinzi: Ko makandivigira zvipfuwo zvakabayiwa nezvibayiro Makore makumi mana murenje, imi, imba yavaIsraeri here?

43 Makatakura tabhenekeri yaMoroki, Nenyeredzi yamwari wenyu Remfani, Zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; Ndichakutamisai mberi kweBhabhironi.

44 Madzibaba edu aiva netabhenekeri yovuchapupu murenje, yakanga yakavakwa sezvaakaraira iye, wakataura naMozisi achiti aite nomufananidzo waakavona.

45 Yakati yagamuchirwa namadzibaba edu, vakapinda nayo naJoshua munyika yavahedheni,vakadzingwa naMwari pamberi pamadzibaba edu, kusvikira pamazuva aDhavhidhi.

46 iye akanzwirwa nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuvakira Mwari waJakobho pokugara.

47 Soromoni akamuvakira imba.

48 Asi Wokumusoro haagari mudzimba dzakavakwa namavoko, sezvakarebwa nomuporofita, achiti:

49 Denga ndicho chigaro changu chovushe. Nenyika chitsiko chetsoka dzangu; Muchandivakira imba yakadiniko? Ndizvo zvinoreva Ishe; Kana nzvimbo yandingazorora pairi ndeipi?

50 Ko ruvoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?

51 imwi vemitsipa mikukutu, musinakudzingiswa pamoyo nenzeve, munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene; samadzibaba enyu, nemivo.

52 Ndoupiko pakati pavaporofita, usinakutambudzwa namadzibaba enyu? Vakavuraya avo vaiparidza kuvuya koWakarurama, iye wamakapandukira nokumuvuraya zvino.

53 Iyemi, makapiwa murairo sezvawakarairwa navatumwa, mukasauchengeta.

54 Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakamugeda-gedera meno.

55 Asi iye azere noMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akavona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruvoko rwurudyi rwaMwari,

56 akati: Tarirai, ndinovona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu amire kuruvoko rworudyi rwaMwari.

57 Zvino vakadanidzira nenzwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira kwaari vose pamwe chete;

58 vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka namabwe; zvapupu zvikaisa nguvo dzazvo patsoka dzejaya, rainzi Sauro.

59 Vakataka Stefano, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.

60 Akafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi, Akati areva izvozvo, akavata rufu.


8


1 Sauro wakanga achitenda kuvurawa kwake. Zvino nenguva iyo kereke yapaJerusarema yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhiya neSamaria, vakasara vapositora bedzi.

2 Varume vakarurama vakaviga Stefano, vakamuchema zvikuru.

3 Zvino Sauro akaparadza kereke, achipinda mudzimba dzose, achikakata varume navakadzi, nokuvaisa mutirongo.

4 Zvino avo vakaparadzirwa, vakapotenyika, vachiparidza shoko.

5 NaFiripi wakaburukira kuguta reSamaria, akavaparidzira Kristu.

6 Vanhu vazhinji vakateerera nomoyo mumwe zvairebwa naFiripi, vachinzwa nokuvona zviratidzo zvaakanga achiita.

7 Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nenzwi guru; navazhinji vakanga vakawoma mitezo navaikamhina vakaporeswa.

8 Mufaro mukuru ukavapo paguta iro.

9 Zvino kwakanga kunomumwe murume, wainzi Simoni, waiva n'anga kare paguta iro, waishamisa vanhu veSamaria, achizviita munhu mukuru.

10 Vose, vaduku navakuru, vakamuteerera, vachiti: Uyu munhu isimba guru raMwari,

11 Vakamuteerera, nokuti wakanga avashamisa novun'anga bwake nguva huru.

12 Zvino vakati vatenda Firipi, wakaparidza mashoko ovushe bwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa varume navakadzi.

13 Naiye Simoni akatendavo, ndokubhabhatidzwavo, akagara naFiripi; akashamiswa, achivona zviratidzo namabasa esimba makuru, akanga achiitwa.

14 Zvino vapositora vaiva paJerusarema, vakati vanzwa kuti vaSamaria vakanga vagamuchira shoko raMwari, vakatuma Peturo naJohwani kwavari.

15 Ivo vakaburukira'ko, vakavanyengeterera kuti vapiwe Mweya Mutsvene;

16 nokuti wakanga asina kuburukira pamusoro pomumwe wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raShe Jesu bedzi.

17 Ipapo vakaisa mavoko avo pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene.

18 Zvino Simoni wakati achivona kuti Mweya Mutsvene wapiwa nokuiswa kwamavoko avapositora, akavuya kwavari nemari,

19 achiti: Ndipei nenivo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa mavoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene.

20 Zvino Peturo akati kwaari: Sirivheri yako ngaiparadzwe pamwechete newe, nokuti wakafunga kutenga chipo chaMwari nemari.

21 Hauna mugove, kana chikamu, pachinhu ichi, nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari.

22 Naizvozvo tendevuka pakuipa kwako, ukumbire kunaShe, kuti zvimwe ukangamwirwe murangariro womwoyo wako.

23 Nokuti ndinovona kuti wapinda munduru inovava, napakusungwa kusakarurama.

24 Simoni akapindura, akati: Mundikumbirire zvikuru imwi kunaShe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva.

25 Zvino vakati vapupura kwazvo nokutaura shoko raShe, vakadzokera zve Jerusarema, vachiparidza evhangeri mumisha mizhinji yavaSamaria.

26 Zvino mutumwa waShe akataura naFiripi, akati: Simuka, uende Zasi kunzira inobva Jerusarema ichiburukira Gaza; iyo nyika irenje.

27 Akasimuka, akaenda; zvino kwakanga kunomurume weEtiopia, muranda mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi weEtiopia, waichengeta fuma yake yose, wakanga avuya Jerusarema kuzonamata;

28 wakanga achidzoka, agere mungoro yake achirava muporofita Isaya.

29 Mweya akati kunaFiripi: Swedera, urambire pangoro iyo.

30 Firipi akamhanyira'ko, akamunzwa achirava muporofita Isaya, akati: Unonzwisisa zvaunorava here?

31 Iye akati: Ndingagona seiko, kana mumwe asingandidudziri? Akakumbira zvikuru kunaFiripi kuti akwire, agare naye.

32 Zvino paakanga achirava paRugwaro paiti: Wakaiswa pakubayiwa segwai; Segwayana rinyerere pamberi pomuvevuri waro, Saizvozvo haana kushamisa muromo wake;

33 Pakuzvidzwa kwake kutongwa kwake kwakabviswa; Ndianiko ucharondedzera rudzi rwake? Nokuti vupenyu bwake bwunobviswa panyika.

34 Muranda akapindura Firipi, akati: Ndinokumbira kwauri, undivudze kuti muporofita unoreva aniko achidaro? Unozvireva iye amene, kana mumwe?

35 Ipapo Firipi akashamisa muromo wake; akatanga parugwaro urwu, akamuparidzira Jesu.

36 Zvino vakati vachifamba munzira akati: Heyi mvura; chinyiko chingadzivisa ndirege kubhabhatidzwa?

37 Firipi akati: Kana uchitenda nomoyo wako wose, zvingaitwa. Akapindura, akati: Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.

38 Akaraira kuti ngoro imire; vakaburukira vose mumvura, iye Firipi nomuranda; akamubhabhatidza.

39 Zvino vakati vachibuda mumvura, Mweya waShe ukabvisa Firipi; muranda akasazomuvona zve; nokuti wakafamba rwendo rwake, achifara.

40 Asi Firipi wakawanika paAzoto, akapota nyika achiparidza evhangeri pamaguta ose, kusvikira paKesaria.


9


1 Asi Sauro achingorangarira kutyisa nokuvuraya vadzidzi vaShe, wakaenda kumuprista mukuru,,

2 akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Dhamaseko kumasinagoge, kuti kana awana vamwe vaiva veNzira iyo, varume kana vakadzi, avuye navo Jerusarema vakasungwa.

3 Zvino wakati ari parwendo, oswedera pedo neDhamaseko, kamwe-kamwe chiedza chakabva kudenga chikamupenyera pamativi ose,

4 akawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?

5 Iye akati: Ndimi aniko, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza; zvinokuremera kupfura zvibayiso.

6 Iye achidedera nokutya, akati: Ishe, munoda kuti ndiiteiko? Ishe akati kwaari: Simuka, uende muguta, uchandovudzwa zvaunofanira kuita.

7 Varume vaiva parwendo naye, vakamira vanyerere, vachinzwa inzwi, asi vasingavoni munhu.

8 Zvino Sauro akasimuka pasi; asi achisvunudza meso ake, haana kuvona chinhu; vakamubata ruvoko, vakaenda naye Dhamaseko.

9 Akaita mazuva matatu, asingavoni, asingadyi, asingamwi chinhu.

10 Zvino paDhamaseko pakanga panomumwe mudzidzi, wainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari nezvaakaratidzwa: Ananiasi! Iye akati: Ndiri pano Ishe!

11 Ishe akati kwaari: Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudhasi, munhu unonzi Sauro weTaso; nokuti tarira, unonyengetera;

12 naiye wakavona murume, unonzi Ananiasi achipinda, achiisa mavoko ake pamusoro pake, kuti avone zve.

13 Zvino Ananiasi akapindura, akati: Ishe, ndakanzwa navanhu vazhinji zvomunhu uyu, kuti wakaitira vatsvene venyu paJerusarema zvakaipa zvizhinji;

14 napano unesimba raakapiwa navaprista vakuru, kuti asunge vose vanonamata nezita renyu.

15 Asi Ishe, akati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsraeri;

16 nokuti ndichamuratidza zvose, zvaachafanira kutamburira nokuda kwezita rangu.

17 Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa mavoko ake pamusoro pake, akati: Sauro, hama, Ishe Jesu, wakazviratidza kwauri munzira yawakavuya nayo, wakandituma, kuti uvone zve, uzadzwe noMweya Mutsvene.

18 Pakarepo pameso ake pakabva zvinhu zvinenge mafunhurwa, akavona zve; akasimuka, ndokusimbiswa.

19 Akagara navadzidzi paDhamaseko mamwe mazuva.

20 Pakarepo akaparidza Kristu mumasinagoge, kuti ndiye Mwanakomana waMwari.

21 Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati: Ko uyu haazi iye waiparadza vaidana kuzita iri paJerusarema here, akavuyira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvaprista vakuru?

22 Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akakunda vaJudha vakanga vagere Dhamaseko, achiratidza kuti Jesu ndiye Kristu.

23 Zvino mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kuti vamuvuraye.

24 Asi kurangana kwavo kwakazikamwa naSauro. Vakarindavo masuvo masikati novusiku, kuti vamuvuraye.

25 Zvino vadzidzi vake vakamutora vusiku, vakamuburusa naparusvingo, vamuisa mudengu.

26 Zvino wakati asvika Jerusarema, akaidza kufambidzana navadzidzi; asi ivo vakamutya vose vasingatendi kuti wava mudzidzi.

27 Zvino Bharnabhasi akamutora, akaenda naye kuvapositora, ndokuvarondedzera kuti wakavona Ishe munzira, uye kuti wakataura naye, uye kuti wakaparidza nezita raJesu paDhamaseko asingatyi.

28 Akagara navo paJerusarema, achifambidzana navo,

29 akaparidza nezita raShe asingatyi. Akataura nokuita nharo navaJudha vaitaura chiGiriki; asi ivo vakaidza kumuvuraya.

30 Zvino hama dzakati dzichizviziva, dzikamuburusira Kesaria, ndokumutumira Taso.

31 Zvino kereke yakanga inorugare paJudhiya rose neGariri, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, ichifamba ichitya Ishe, ichinyaradzwa noMweya Mutsvene.

32 Zvino Peturo wakati achipota nyika kose, akaburukiravo kuvatsvene vakanga vagere Ridha,

33 Akawanapo mumwe munhu, wainzi Eneasi, wakanga avete panhovo makore masere, akawoma mitezo.

34 Peturo akati kwaari: Eneasi, Jesu Kristu unokuporesa; simuka,, uwarure nhovo dzako! Akasimuka pakarepo.

35 Zvino vose vakanga vagere Ridha neSaroni vakamuvona, vakatendevukira kunaShe.

36 Zvino paJopa pakanga panomukadzi waiva mudzidzi, wainzi Tabhita, ndokuti Dorkasi, kana zvichishandurwa. Iye wakashingaira zvikuru pamabasa akanaka nezvipo.

37 Zvino namazuva iwayo iye akarwara, ndokufa. Vakati vamushambidza, vakamuisa muimba yokumusoro,

38 Zvino Ridha zvawakanga uri pedo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Peturo uripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti: Usanonoka hako kuvuya kwatiri.

39 Ipapo Peturo akasimuka, akaenda navo. Wakati asvika, vakamuisa kuimba yokumusoro chirikadzi dzose dzikamira naye dzichichema, vakamuratidza zvokupfeka nenguvo, dzavakanga vaitirwa naDorkasi, achiri navo.

40 Zvino Peturo akavabudisira panze vose, akafugama, akanyengetera, ndokutendevukira kumutumbi, akati: Tabhita, muka! Akasvunura meso ake; zvino wakati achivona Peturo, akagara.

41 Akamubata noruvoko rwake, akamusimudza; akadana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu.

42 Zvikazikamwa navose paJopa; vazhinji vakatenda kunaShe.

43 Ipapo akagara mazuva mazhinji paJopa, kunomumwe Simoni, musuki wamatebwe.


10


1 Zvino kwakanga kunomumwe murume paKesaria, wainzi Kornerio, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria,

2 Munhu, wainamata nowaitya Mwari, iye neveimba yake yose, waipa vanhu zvipo zvizhinji, nokunyengetera kunaMwari misi yose.

3 Zvino nenguva inenge yepfumbamwe yezuva akavona kwazvo, nezvaakaratidzwa, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari: Kornerio!

4 Iye akamutarisisa, akatya, akati; Chinyiko Ishe? Akati kwaari: Minyengetero yako nezvipo zvako zvakwira pamberi paMwari, zvarangarirwa.

5 Zvino tuma varume Jopa kundodana Simoni, unotumidzwa Peturo.

6 Unogara nomumwe unonzi Simoni, musuki wamatebwe, imba yake iri pagungwa iye uchakuvudza zvaunofanira kuita.

7 Zvino mutumwa, wakataura naye, wakati abva, akadana varanda vake vaviri nomurwi wakarurama pakati pavaisimushumira,

8 akavavudza zvose, ndokuvatumira Jopa.

9 Zvino fume mangwana vachiri parwendo, vava pedo neguta, Peturo akakwira pamusoro peimba kundonyengetera nenguva inenge yechitanhatu.

10 Akaziya kwazvo, akada kudya; zvino vakati vachagadzira akabatwa nomweya;

11 akavona denga razarurwa, nechimwe chinhu chichiburuka somucheka mukuru unoburusirwa pasi wakasungwa miromo mina.

12 Maiva nemhuka dzose dzinamakumbo mana nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga.

13 Inzwi rikavuya kwaari, richiti: Simuka Peturo, baya, udye.

14 Asi Peturo akati: Kwete, Ishe, nokuti handina kutongodya chinhu chisakanaka, chinetsvina.

15 ipapo inzwi rikavuya zve kwaari rwechipiri, richiti: Chakanatswa naMwari, usati, chine tsvina iwe.

16 Izvozvo zvakaitwa katatu, chinhu chikakwidzwa pakarepo kudenga.

17 Zvino Peturo wakati achakanganiswa mumoyo make kuti chiratidzo chaakanga avona chairevei, tarira varume vakanga vatumwa naKornerio, vamira pasuvo vachibvunza imba yaSimoni;

18 vakadana, vakabvunza kana Simoni, unonzi Peturo, agerepo.

19 Zvino Peturo, achafunga chiratidzo, Mweya akati kwaari: Tarira, varume vatatu vanokutsvaka.

20 Zvino simuka, uburuke, uende navo, usinganyunyuti, nokuti ndini ndava tuma.

21 Ipapo Peturo akaburukira kuvarume avo, akati kwavari: Tarirai, ndini wamunotsvaka; shoko ramavuyira ndereiko?

22 Vakati: Kornerio, mukuru wezana, murume wakarurama, unotya Mwari, unorumbidzwa norudzi rwose rwavaJudha, wakarairwa naMwari nomutumwa mutsvene, kuti anzwe mashoko kwamuri.

23 Ipapo akavadana mumba, akati vagarepo. Fume mangwana akasimuka, akaenda navo; nedzimwe hama dzapaJopa dzikamuperekedza.

24 Fume zve mangwana akapinda Kesaria, Zvino Kornerio wakanga akavamirira, akakokera hama dzake neshamwari dzake dzaidikamwa.

25 Zvino Peturo wakati achipinda, Kornerio akamuchingamidza, akawira pasi petsoka dzake, akamunamata.

26 Asi Peturo wakamusimudza, akati: Simuka, neni ndiri munhuvo.

27 Zvino wakati achataura naye, akapinda, akawana vazhinji vakavungana,

28 akati kwavari: imwi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi, kana kuvuya kwaari: Asi Mwari wakandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana kunaka, kana kuti unetsvina;

29 naizvozvo ndavuya, ndisingarambi, zvandadamwa; zvino ndinobvunza kuti mandidanireiko.

30 Kornerio akati: Ava mazuva mana kusvikira nguva ino, ini ndakanga ndichinyengetera mumba mangu nenguva yepfumbamwe, ipapo ndikavona murume amire pamberi pangu, anenguvo dzinopenya.

31 akati: Kornerio, kunyengetera kwako kwanzwika, nezvipo zvako zvarangarirwa naMwari.

32 Naizvozvo chitumira vanhu Jopa, udane Simoni, unonzi Peturo; unogara mumba maSimoni musuki wamatebwe, pagungwa iye kana auya uchataura newe.

33 Naizvozvo ndakakurumidza kutuma kwamuri; zvino maita zvakanaka, zvamavuya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari, kuti tinzwe zvamarairwa naShe.

34 Ipapo Peturo akashamisa muromo wake, akati: Zvirokwazvo, ndinovona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu;

35 asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.

36 Ndiro shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe wavose),

37 imwi munoziva shoko iro rakaparidzwa paJudhiya rose, rakatanga paGariri, shure kokubhabhatidzwa kwakaparidzwa naJohwani;

38 raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza noMweya Mutsvene nesimba; iye waipotenyika, achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiabhorosi; nokuti Mwari waiva naye.

39 Nesu tiri zvapupu zvazvose, zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusarema; ndiye wavakavuraya, vachimuturika pamuti.

40 Ndiye wakamutswa naMwari nezuva retatu, akamupa simba kuti avonekwe pachena;

41 akasavonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakagara zvatsaurwa naMwari, iyesu taidya nokumwa naye, amuka kuvakafa.

42 Akatiraira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuti ave Mutongi wavapenyu navakafa.

43 Vaporofita vose vanomupupurira kuti nezita rake mumwe nomumwe unotenda kwaari uchapiwa kangamwiro yezvivi.

44 Peturo wakati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavose, vakanzwa shoko.

45 Zvino vatendivokudzingisa, vakanga vavuya naPeturo, vakashamiswa, nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururwa pamusoro pavahedhenivo;

46 nokuti vakavanzwa vachitaura nedzimwe ndimi, vachirumbidza Mwari. Ipapo Peturo akapindura akati:

47 Kunomunhu here ungadzivisa mvura, kuti ava, vakapiwa Mweya Mutsvene sesu, varege kubhabhatidzwa?

48 Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira kwaari, kuti ambogara mamwe mazuva.


11


1 Zvino vapositora nehama, vaiva paJudhiya, vakanzwa kuti vahedheni vakagamuchiravo shoko raMwari

2 Zvino Peturo wakati akwira Jerusarema,vatendi vokudzingisa vakaita nharo naye,

3 vachiti: Wakapinda iwe kuvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.

4 Zvino Peturo akatanga kuvarondedzera zvose, zvichitevedzana, achiti:

5 Ndakanga ndiri muguta reJopa, ndichinyengetera; ndikabatwa nomweya, ndikavona chiratidzo; chimwe chinhu chakaburuka, chinenge mucheka mukuru unoburuswa kudenga wakasungwa miromo mina, chikasvika kwandiri;

6 ndakati ndachitarisisa, nokucherekedza, ndikavona mhuka dzenyika dzinamakumbo mana nezvikara, nezvinokambaira, neshiri dzedenga,

7 ndikanzwavo inzwi richiti kwandiri: Simuka Peturo, baya, udye.

8 Asi ini ndikati: Kwete Ishe, nokuti mumuromo mangu hamuna kumbopinda chinhu chisakanaka, chinetsvina.

9 Asi inzwi rakapindura rwechipiri, richibva kudenga, richiti: Icho chakanatswa naMwari, iwe usati, hachinakunaka.

10 Izvozvi zvakaitwa katatu, zvose zvikakwidzwa zve kudenga.

11 Ipapo tarira pakarepo varume vatatu vamire pamberi peimba matakanga tiri vakanga vatumirwa kwandiri vachibva Kesaria.

12 Ipapo ndikakokerwa noMweya, kuti ndienda navo, ndisinganyunyuti. Nehama idzi nhanhatuvo dzakandiperekedza, tikapinda mumba momurume uyu.

13 Iye akativudzavo kuti wakavona mutumwa amire mumba make, achiti: Tumira Jopa, udane Simoni, unonzi Peturo;

14 iye uchakuvudza mashoko auchaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose.

15 Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavo, sapamusoro peduvo pakutanga.

16 Ini ndikarangarira shoko raShe, rokuti: Johwani wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.

17 Zvino kana Mwari akavapa chipo icho chaakatipa isu, pakutenda kwedu kunaShe Jesu Kristu, ini ndaigova ani, waigona kudzivisa Mwari?

18 Zvino vakati vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari vachiti: Zvirokwazvo, Mwari wakapa vahedhenivo kutendevuka kovupenyu.

19 Zvino avo vakaparadzirwa nokutambudzika kwakamuka pamusoro paSitefano, vakaenda kusvikira paFenikia neKupuro, neAndiokia, vasingatauri shoko kumunhu, asi kunavaJudha bedzi.

20 Zvino pakati pavo paiva navamwe varume veKupro neKurini ivo vakati vasvika Antiokia, vakataura kuvaGirikivo, vachiparidza Ishe Jesu.

21 Ruvoko rwaShe rukava navo, vazhinji vakatenda, vakatendevukira kunaShe.

22 Mashoko avo akanzwika nekereke paJerusarema, vakatuma Bharnabhasi kuti aende Antiokia.

23 Iye wakati asvika, avona nyasha dzaMwari, akafara; akaraira vose kuti vanamatire Ishe nomoyo wakasimba;

24 nokuti waiva murume wakanaka, uzere noMweya Mutsvene nokutenda; vazhinji-zhinji vakawedzerwa kunaShe.

25 Iye akaenda Taso achindotsvaka Sauro.

26 Zvino wakati amuwana, akavuya naye Antiokia. Ipapo vakavungana nekereke gore rose, vakadzidzisa vanhu vazhinji-zhinji; paAndiokia vadzidzi vakatanga kunzi Vakristu.

27 Namazuva iwayo vaporofita vakaburuka vachibva Jerusarema, vakaenda Antiokia.

28 Mumwe wavo wainzi Agabho, akasimuka, ndokuvazivisa noMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; iyo ikasvika panguva yaKiraudhio.

29 Ipapo vadzidzi vakatenderana, kuti mumwe nomumwe paaigona napo atume zvingabatsira hama dzigere Judhiya.

30 Vakaita kudaro, vakazvitumira naBharnabhasi naSauro kuvakuru.


12


1 Zvino nenguva inenge iyeyo mambo Herodhe akatambanudza mavoko ake kuti atambudze vamwe vekereke;

2 akavuraya Jakobho, mukuru waJohwani, nomunondo.

3 Zvino wakati achivona kuti zvafadza vaJudha, ndokupfuvura akabata Peturovo. Aiva mazuva ezvingwa zvisinembiriso.

4 Zvino wakati amubata, akamusunga mutirongo, akamuisa kumapoka mana, rimwe nerimwe rinavarwi vana, kuti vamurinde, achiti amuise pamberi pavanhu, kana paseka yapfuvura.

5 Naizvozvo Peturo akachengetwa mutirongo,; asi wakanga achinyengetererwa zvikuru nekereke kunaMwari.

6 Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, vusiku ibwobwo Peturo wakanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa namaketani maviri; navarindi vakanga vachirinda tirongo pamberi pomukova.

7 Ipapo, tarira, mutumwa waShe wakamirapo, chiedza chikapenya mumba; akarova Peturo parutivi, ndokumumutsa, achiti: Muka, ukurumidze. Ipapo maketani akawa pamavoko ake.

8 Mutumwa akati kwaari: Zvisunge chivuno, usungire shangu dzako. Akaita saizvozvo. Akati kwaari: Fuka nguvo yako, unditevere.

9 Akabuda, akamutevera, asingazivi kuti zvirokwazvo zvinoitwa nomutumwa; asi wakati ndinovona chiratidzo.

10 Zvino vakati vapfuvura murindi wokutanga nowechipiri, vakasvika pasuvo ramatare, pavaipinda napo paguta; rikangovazarukira roga; vakabuda, vakapfuvura neimwe nzira, mutumwa ndokubva kwaari pakarepo.

11 Peturo wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe wakatuma mutumwa wake, akandirwira paruvoko rwaHerodhe napazvose zvakanga zvichifungwa navanhu vavaJudha.

12 Zvino wakati arangarira izvozvo, akaenda kumba kwaMaria, mai vaJohwani, wainzi Marko; vazhinji vakanga vakavunganapo, vachinyengetera.

13 Zvino wakati agogodza pagonhi resuvo, musikana wainzi Rodha akavuya kuzoteerera.

14 Iye akati achinzwa inzwi raPeturo, akasazarura suvo nomufaro, asi wakamhanyira mukati akavavudza kuti Peturo umire pasuvo.

15 Ivo vakati kwaari: Unopenga. Asi iye wakasimbisa achiti ndizvozvo. Ivo vakati: Mutumwa wake.

16 Asi Peturo wakaramba achigogodza; vakazozarura, vakamuvona, vakashamiswa.

17 Zvino iye akavaninira noruvoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutovo waakabudiswa nawo naShe patirongo. Akati: Vudzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe.

18 Zvino kwakati kwaedza, bope guru rikavapo pakati pavarwi, vachiti Peturo waitiwa sei?

19 Herodhe wakati amutsvaka, akamushaiwa, ndokubvunzisisa varindi, akaraira kuti vavurawe. Zvino akaburuka Judhiya, akaenda Kesaria, akandogara'ko.

20 Zvino akatsamwira zvikuru vanhu veTire neSidhoni; ivo ndokuvuya kwaari vose pamwe chete, vakaita vushamwari naBrasto, mutariri weimba yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa zvokudya nenyika yamambo.

21 Ipapo nezuva rakanga ratarwa, Herodhe akafuka nguvo dzovumambo, akagara pachigaro chake chovushe, akataura kwavari.

22 Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti: Inzwi raMwari, harizi romunhu.

23 Pakarepo mutumwa waShe ukamurova, nokuti wakanga asina kukudza Mwari; akadyiwa nehonye, akafa.

24 Asi shoko raMwari rakakura rikawanda.

25 Zvino Bharnabhasi naSauro vakati vapedzisa basa ravo, vakadzokera Jerusarema, vakaenda naJohwani, wainzi Marko.


13


1 Zvino pakereke yapaAntiokia paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Bharnabhasi naSimiyoni, wainzi Nigeri, naRukio weKurini, naManaeni wakanga arerwa pamwe chete naHerodhe mubati, naSauro.

2 Vakati vachishumira Ishe, nokutsanya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Barnabhasi naSauro kubata basa randakavadanira.

3 Ipapo vakatsanya, vakanyengetera, vakaisa mavoko pamusoro pavo, ndokuvaendisa.

4 Naizvozvo vakati vatumwa noMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia; vakabvapo vakaenda Kupro nechikepe.

5 Vachisvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge avaJudha. Vakanga vanaJohwanivo, waiva mubatsiri wavo.

6 Vakati vagura chiwi chose kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, waiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi Bari-Jesu.

7 Waigara pamubati wenyika, wainzi Sejiyo Pauro, munhu wakachenjera. Iye ndokudana Bharnabhasi naSauro, achitsvaka kunzwa shoko raMwari.

8 Asi n'anga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana richishandurwa), akavadzivisa, achitsvaka kutsausa mubati pakutenda.

9 Asi Sauro (ndiye Paurovo), azere noMweya Mutsvene, akamutarisisa, akati:

10 Iwe, uzere nokunyengera kose namano akaipa ose, mwanakomana waDhiabhorosi, muvengi wokururama kose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaShe?

11 Zvino, tarira, ruvoko rwaShe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingavoni zuva. Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota-pota, achitsvaka vangamusesedza noruvoko.

12 Zvino mubati wakati achivona zvaitika, akatenda, akashamiswa nedzidziso yaShe.

13 Zvino Pauro navaiva naye, vakabva Pafosi, ndokusvika Perga muPamfiria; Johwani akabva kwavari, ndokudzokera Jerusarema.

14 Asi ivo vakabva Perga, vakasvika Antiokia paPisidia; vakapinda musinagoge nezuva resabata, ndokugara pasi.

15 Zvino murairo navaporofita zvakati zvarabwa, vabati vesinagoge vakatuma shoko kwavari, vachiti: Varume, hama, kana muneshoko rokuvaraidza vanhu, taurai henyu.

16 Ipapo Pauro akasimuka, akavaninira noruvoko, akati: Varume vaIsraeri, nemwi munotya Mwari, teererai:

17 Mwari wavanhu ava vaIsraeri wakasanangura madzibaba edu, akakudza vanhu ava, vachiri vatorwa munyika yeIjipiti; akavabudisa mairi noruvoko runesimba,

18 akava nomoyo murefu namafambire avo murenje makore anenge makumi mana,

19 akaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani, akavagovera nyika yavo nemijenya, ive nhaka yavo makore anenge mazana mana namakumi mashanu.

20 Shure kwaizvozvo akavapa vatongi kusvikira kumuporofita Samueri.

21 Pashure vakakumbira mambo; Mwari akavapa Sauro, mwanakaomana waKisi, murume worudzi rwaBenjamini, makore makumi mana.

22 Akamubvisa akamutsa Dhavhidhi, kuti ave mambo wavo, waakapupura achiti: Ndawana Dhavhidhi, mwanakomana waJese murume womoyo wangu, uchaita kuda kwangu kose.

23 Parudzi rwaiyeyo, Mwari akamutsira vaIsraeri Muponesi Jesu, se zvaakanga avapikira;

24 iye asati asvika, Johwani akamboparidzira vanhu vaIsraeri rubhabhatidzo rwokutendevuka.

25 Zvino Johwani wakati opedzisa basa rake, akati: Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe unovuya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake.

26 Varume, hama, vana vorudzi rwaAbhurahamu, navari pakati penyu vanotya Mwari, shoko roruponeso urwu rakatitumirwa isu.

27 Nokuti vaigara Jerusarema navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana manzwi avaporofita, anorabwa sabata rimwe nerimwe vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo.

28 Kunyange vasina kuwana mhosva yorufu kwaari, vakakumbira kunaPirato kuti avurawe.

29 Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuviga mubwiro.

30 Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa.

31 Akavonekwa mazuva mazhinji navakanga vakwira naye Jerusarema, vachibva Gariri, avo vari zvapupu zvake zvino kuvanhu.

32 zvino tinokuparidzirai mashoko emufaro kuti chipikirwa chakaitwa kumadzibaba edu.

33 Kuti Mwari wakachizadzisa kwatiri isu vana vavo pakuti wakasimudzazve Jesu sezvazvakanyorwa mupisarema rechipiri ndiwe mwanakomana wangu nhasi ndakubereka.

34 Zvino zvaanoti wakamumutsa kuvakafa kuti asazodzokerazve kukuvora wakareva kudai ndichakupai mikomborera mitsvene inotendwa yaDhavhidhi.

35 Nokuti unoreva panerimwe Pisarema, achiti: Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti avone kuvora.

36 Nokuti Dhavhidhi wakati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kunamadzibaba ake, akavona kuvora.

37 Asi uyu, wakamutswa naMwari haana kuvora.

38 Naizvozvo varume, hama, muzive imi, kuti kangamwiro yezvivi noyuyu inokuparidzirwai imi.

39 Noyuyu, mumwe nomumwe unotenda, unoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurairo waMozisi.

40 Naizvozvo chenjerai, kuti murege kuwirwa nezvakarebwa navaporofita, zvinoti:

41 Tarirai, imwi vazvidzi, mushamiswe, muparare; Nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, Basa ramucharamba kutongotenda, kana muchizvivudzwa nomunhu.

42 Zvino vakati vachibuda musinagoge, vakakumbira zvikuru kuti vaparidzirwezve mashoko iwayo nesabata rinotevera.

43 Zvino vesinagoge vakati vapararira, vaJudha vazhinji navaproserite vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBharnabhasi; ivo vakataurirana navo, vakavaraira kuti varambire panyasha dzaMwari.

44 Nesabata rakatevera guta rinenge rose. Rakavungana kuzonzwa shoko raMwari.

45 Zvino vaJudha vakati vachivona vanhu vazhinji, vakazara negodo, vakaramba zvakarebwa naPauro, vachimhura Mwari.

46 Ipapo Pauro, naBharnabhasi vakataura vasingatyi, vakati: Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi novupenyu bwusingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni.

47 Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo, achiti: Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.

48 Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvozvo, vakafara, vakakudza shoko raShe; navose vakanga vatarirwa vupenyu bwusingaperi vakatenda.

49 Shoko raShe rikaparidzirwa kunyika yose.

50 Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vainamata Mwari, vaikudzwa, navakuru veguta; vakamutsira Pauro naBharnabhasi dambudziko, vakavadzinga munyika yavo.

51 Asi ivo vakazuza guruva patsoka dzavo, vakaenda Ikonio.

52 Vadzidzi vakaramba vachizadzwa nomufaro noMweya Mutsvene.


14


1 Zvino paIkonio vakapinda pamwechete vose musinagoge ravaJudha, vakataura nokudaro kuti vazhinji-zhinji vavaJudha navaGiriki vakatenda.

2 Asi vaJudha vasina kuteerera, vakamutsa moyo yavahedheni, kuti vavenge hama.

3 Naizvozvo vakagarapo nguva refu, vachitaura munaShe vasingatyi; iye akapupurira shoko renyasha dzake, akavapa simba kuti zviratidzo nezvishamiso zviitwe namavoko avo.

4 Asi vanhu vazhinji veguta vakapesana, vamwe vakava kuvaJudha, vamwe kuvapositora.

5 Zvino vahedheni, navaJudha, navabati vavo vakati vachivavarira kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe;

6 ivo vakazviziva, vakatizira Ristra neDerbe, aiva maguta eRikaonia, nokunyika yakapoteredza;

7 vakaparidzira evhangeri ikoko.

8 Zvino paRistra paigara mumwe murume wakanga asinesimba patsoka dzake, chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.

9 Iye wakanzwa Pauro achitaura; zvino iye wakati achimutarisisa, akavona kuti unokutenda kuti ungaporeswa,

10 akati nenzwi guru: Mira kwazvo netsoka dzako. Iye akavhazuka, akafamba.

11 Vanhu vazhinji vakati vavona zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwavaRikaonia, vachiti: Vamwari vaburukira kwatiri, vakaita savanhu.

12 Bharnabhasi vakamutumidza Jupiteri, naPauro Merkurio, nokuti ndiye waiva mutauri mukuru.

13 Ipapo muprista waJupiteri waiva netembere yake pamberi peguta, akavuya pamasuvo nenzombe namaruva okushonga, achida kuvabayira, anavanhu vazhinji naye.

14 Zvino vapositora, Bharnabhasi naPauro, vakati vachinzwa izozvo, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pavanhu vazhinji, vakadanidzira.

15 vachiti: Varume, munoitireiko izvozvi? Nesu tiri vanhu semivo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaizvozvo zvisinamaturo, mutendevukire kunaMwari mupenyu wakaita denga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo.

16 Iye, panguva dzakapfuvura wakatendera vahedheni vose kufamba nenzira dzavo.

17 Asi haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva dzezviyo zvizhinji, achizadza moyo yenyu nezvokudya nomufaro.

18 Nokutaura kwavo saizvozvo, vakatambura kwazvo kudzivisa vanhu kuti varege kuvabayira.

19 Ipapo vaJudha vakabva Antiokia neIkonio, vakasvika, vakamutsa moyo yavanhu vazhinji, vakataka Pauro namabwe, vakamukwevera kunze kweguta vachiti wafa.

20 Asi vadzidzi vakati vamukomba, iye akasimuka, akapinda muguta. Fume mangwana akaenda Dhebhe naBharnabhasi.

21 Vakati vaparidza evhangeri paguta iro, vakaita vadzidzi vazhinji, ndokudzokera Ristra, neIkonio, neAntiokia,

22 vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivaraira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, tinofanira kupinda vushe bwaMwari namatambudziko mazhinji.

23 Vakavasanangurira vakuru pakereke imwe neimwe, vakanyengetera, vachitsanya, vakavaisa kunaShe, wavaitenda.

24 Vakagura nePisidia, ndokusvika Pamfiria.

25 Vakati vaparidza shoko paPerga, vakaburukira Ataria.

26 Vakabvapo, vakaenda Antiokia nechikepe, apo pavakanga vaiswa panyasha dzaMwari kubata basa ravakanga vapedzisa zvino.

27 Vakati vasvika, vakavunganidza kereke, vakarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari navo, uye kuti wakanga azarurira vahedheni mukova wokutenda.

28 Vakagara nguva huru navadzidzi.


15


1 Zvino vamwe vakaburuka Judhiya, vakadzidzisa hama, vachiti: Kana musingadzingiswi netsika yaMozisi, hamungaponeswi.

2 Asi Pauro naBharnabhasi vakapesana kwazvo navo, nokuita nharo navo, vakazotenderana kuti Pauro naBharnabhasi navamwe vavo vakwire Jerusarema kuvapositora navakuru pamusoro peshoko iri.

3 Naizvozvo vakaperekedzwa nekereke, vakagura neFenike neSamaria, vakataura zvokutendevuka kwavahedheni; vakafadza zvikuru hama dzose.

4 Zvino vakati vasvika Jerusarema, vakagamuchirwa nekereke, navapositora, navakuru; vakarondedzera zvose zvakaitwa naMwari navo.

5 Asi vamwe vedzidziso yavaFarisi, vaitenda, vakasimuka, vakati, vanofanira kudzingiswa nokurairwa kuti vachengete murairo waMozisi.

6 Ipapo vapositora navakuru vakavungana kuti varangane pamusoro peshoko iri.

7 Zvino, nharo huru dzakati dzavapo. Peturo akasimuka akati kwavari: Varume, hama, munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari wakandisanangura pakati penyu, kuti vahedheni vanzwe shoko reevhangeri nomuromo wangu, vatende.

8 Zvino Mwari, muzivi womoyo, wakavapupurira, akavapa Mweya Mutsvene sesu;

9 haana kutsaura pakati pedu navo, zvaakanatsa moyo yavo nokutenda.

10 Naizvozvo zvino munoidzirei Mwari, muchiisa pamitsipa yavadzidzi joko, rakanga risingagoni kutakurwa namadzibaba edu kunyange nesu?

11 Asi tinotenda kuti isu tichaponeswa nenyasha dzaShe Jesu Kristu nomutovo mumwe navo.

12 Ipapo vanhu vazhinji vose vakaramba vanyerere, vakateerera vana Bharnabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso, zvakaitwa naMwari navo pakati pavahedheni.

13 Zvino vakati vanyarara, Jakobho akapindura, akati: Varume, hama, nditeererei.

14 Simiyoni wakarondedzera mutangire waMwari kumutsa vahedheni, kuti atore kwavari vanhu vezita rake.

15 Namashoko avaporofita anobvumira izvozvi; sezvazvakanyorwa zvichinzi:

16 Shure kwaizvozvi ndichadzoka, Ndivake tabhenekeri yaDhavhidhi, yakawa;Ndichavaka zve matongo ayo, Ndichiimutsa;

17 Ndizvo zvinotaura Ishe, Navahedheni vose vakadamwa nezita rangu,

18 Mabasa ake ose kubva pakuvamba kwenyika anozikamwa kunaMwari.

19 Naizvozvi ini ndinoti, ngatirege kugumbusa avo pakati pavahedheni vakatendevukira kunaMwari;

20 asi tivanyorere kuti varege zvakashatiswa nezvifananidzo, novupombwe, ne zvakadzipwa, neropa.

21 Nokuti Mozisi kubva pamarudzi ekare, waiva navanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achirabwa mumasinagoge sabata rimwe nerimwe.

22 Ipapo vapositora, navakuru, nekereke yose, vakati zvakanaka kuti vasanangure varume pakati pavo, vavatumire Antiokia pamwe chete naPauro naBharnabhasi, naSirasi, vakuru pakati pehama.

23 Vakanyora mwadhi, vakaituma navo, yaiti: vapositora navakuru kuhama, dzokuvahedheni paAntiokia, napaSiria, napaKirikia; Mufaro!

24 Zvatakanzwa, kuti vamwe vakabva kwatiri, vatisina kuraira, vakakukanganisai namashoko, vachidziyanisa mweya yenyu vachiti munofanira kudzingiswa nokuchengeta murairo.

25 takati nomwoyo mumwe zvakanaka kuti tisanangure varume, tivatumire kwamuri, pamwe chete naBharnabhasi naPauro, vadikamwa vedu;

26 vanhu vakazvidza vupenyu bwavo nokuda kwezita raShe wedu Jesu Kristu.

27 Zvino tatuma Judhasi naSirasi, ivo vanozokuvudzai vamene izvozvi nomuromo.

28 Nokuti Mweya Mutsvene nesu takati zvakanaka, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kunezvinhu izvi zvakafanira,

29 zvinoti: Regai zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, novupombwe; kana mukazvidzora pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.

30 Zvino vakati vaendiswa, vakaburukira Antiokia; vakavunganidza vanhu vazhinji,vakavapa mwadhi.

31 Ivo vakati vairava, vakafara zvikuru pamusoro pokuvaraidzwa.

32 Judhasi naSirasi, vaiva vaporofita vamene, vakavaraidza hama namashoko mazhinji, nokuvasimbisa.

33 Vakati vagara'ko nguva, vakaendiswa nehama nomufaro, vakaenda kunavakanga vavatuma.

34 Kunyange zvakadaro Sirasi wakavona zvakanaka kugarapo.

35 Pauro naBaranabasi vakagara Antiokia, vachidzidzisa nokuparidza shoko raShe, navamwe vazhinjivo.

36 Zvino mamwe mazuva akati apfuvura, Pauro akati kunaBharnabhasi: Ngatidzoke zve tindoshanyira hama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raShe, tivone kuti vakadini.

37 Zvino Bharnabhasi wakanga achida kutora Johwanivo, wainzi Marko;

38 asi Pauro wakati hazvina kunaka kumutora iye, wakambovasiya paPamfiria, akasaenda navo kubasa.

39 Ipapo kupesana kukavapo, nokudaro vakaparadzana, Bharnabhasi akatora Marko, akaenda Kupro nechikepe;

40 asi Pauro wakasanangura Sirasi; akenda, akaiswa nehama panyasha dzaShe;

41 akagura neSiria neKirikia, achisimbisa kereke.


16


1 Akasvikavo paDerbe neRistra. Zvino ipapo paiva nomumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana womukadzi mutendi, waiva muJudha; asi baba vake vaiva muGiriki.

2 Iye waipupurirwa zvakanaka nehama dzapaRistra neIkonio.

3 Pauro akada kuti aende naye, akamutora, akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vose vakanga vachiziva kuti baba vake muGiriki.

4 Vakafamba namaguta, vakavapa zvirevo zvakatemwa navapositora navakuru vapaJerusarema, kuti vazvichengete.

5 Naizvozvo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuverengwa kwadzo zuva rimwe nerimwe.

6 Vakagura nenyika yeFrigia neyeGaratia, vambodziviswa noMweya Mutsvene kuparidza shoko paAsia.

7 Zvino vakati vasvika pakatarisana neMisia, vakaidza kuenda Bitinia, asi Mweya haana kuvatendera.

8 Vakati vapfuvura Misia, vakaburukira Troa.

9 Chiratidzo chikavonekwa naPauro vusiku; murume weMakedhonia wakanga amire, akakumbira zvikuru kwaari, achiti: Yambukira Makedhonia, utibatsire.

10 Zvino wakati avona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kuenda Makedhonia, tichiti, Mwari watidana kuti tindovaparidzira evhangeri.

11 Naizvozvo takabva Troa nechikepe, tikaruramira Samotrake; fume mangwana tikasvika Neapori;

12 tikabvapo, tikaenda Firipi, guta guru renyika yeMakedhonia, raiva koroni yeRoma; tikagara mamwe mazuva muguta iro

13 Nezuva resabata tikabuda kunze kwesuvo kurwizi, pataiti vanenge vanonyengeterapo; tikagara pasi, tikaparidzira vakadzi vakanga vavunganapo.

14 Zvino mumwe mukadzi, wainzi Ridia, mutengesi wenguvo tsvuku, womusha weTiatira, wainamata Mwari, akatinzwa; Ishe akazarura moyo wake, kuti ateererae zvaitaurwa naPauro.

15 Wakati abhabhatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru; achiti: Kana muchiti ndakatenda kunaShe, pindai mumba mangu mugare. Akatitendisa.

16 Zvino takati tichipinda panzvimbo yokunyengetera, tikasongana nomumwe musikana waiva nomweya wokuvuka, waiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake.

17 Iye akatevera Pauro nesu, akadanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo.

18 Akaita izvozvo mazuva mazhinji. Zvino Pauro akafa neshungu, akatendevuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Ukabuda nenguva iyeyo.

19 Zvino vatenzi vake vakati vachivona kuti tariro yokufumiswa kwavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira, kudare pamberi pavabati,

20 vakaenda navo kuvatongi, vakati: Vanhu ava vaJudha, vanopesanisa guta redu,

21 vachiparidza tsika dzatisinakutenderwa kugamuchira, kana kuita, isu vaRoma.

22 Ipapo vanhu vazhinji vakavamukira vose, vatongi vakava bvarurira nguvo dzavo, vakaraira kuti varobwe neshamhu.

23 Zvino vakati vavarova zvikuru, vakavaisa mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti ava chengete kwazvo.

24 Iye akati arairwa kudaro, akavaisa mutirongo yomukati, akasunga makumbo avo mumatanda.

25 Zvino panenge pakati povusiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavateerera.

26 Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kukavapo, naizvozvo nheyo dzeimba dzikazununguswa; pakarepo mikova yose yeimba ikazarurwa, nemisungo yavose ikasununguka.

27 Ipapo murindi wetirongo akapepuka, ndokuvona mikova yetirongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzvivuraya, achiti vasungwa vatiza.

28 Ipapo Pauro akadanidzira nenzwi guru, akati: Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose.

29 Zvino wakati akumbira mwenje, akamhanyiramo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, a chibvunda;

30 akavabudisira kunze, akati: Vatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?

31 Vakati: Tenda kunaShe Jesu Kristu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.

32 Vakaparidza shoko raMwari kwaari navose vaiva mumba make.

33 Akavatora nenguva iyeyo yovusiku, akakupa mavanga avo, ndokubhabhatidzwa pakarepo, iye navose vake.

34 Akaenda navo mumba make, ndokuisa zvokudya pamberi pavo, akafara zvikuru, iye nemhuri yake yose, achitenda kunaMwari.

35 Zvino kwakati kwaedza, vatongi vakatuma mapurisa, vachiti: Sunungurai vanhu vaya.

36 Murindi wetirongo akavudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatongi vatuma shoko kuti musunungurwe; naizvozvo budai henyu zvino, muende norugare.

37 Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutirongo; zvino vodokutibudisa chinyararire here? Haiwa, kwete! Ngavavuye vamene vatibudise.

38 Mupurisa akavudza vatongi mashoko iwayo; vakatya vachinzwa kuti vaRoma;

39 vakasvika, vakakumbira zvikuru kwavari; vakavabudisa, ndokukumbira kuti vabve muguta ravo.

40 Ipapo vakabuda mutirongo, vakapinda mumba maRidia; vakavona hama, vakavanyaradza, ndokuenda.


17


1 Zvino vakati vagura neAmfipori neAporonia, vakasvika paTesaronika paiva nesinagoge ravaJudha.

2 Zvino Pauro, sezvaaisiita, akapinda kwavari; akataurirana navo zvaMagwaro masabata matatu,

3 achivazarurira nokuvazivisa, kuti Kristu waifanira kutambudzika nokumuka kuvakafa, uye kuti Jesu uyu, wandinokuparidzirai, ndiye Kristu.

4 Vamwe vavo vakatendiswa, vakatevera Pauro naSirasi, navazhinji vavaGiriki, vainamata Mwari, navakadzi vaikudzwa vazhinji.

5 Asi vaJudha vakanga vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa, dzaiva simbe, vakavunganidza vanhu vazhinji, vakakanganisa guta; vakawira imba yaJasoni, vachida kuvabudisira kuvanhu.

6 Vakati vachivashaiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vakadana, vachiti: Ava vakakanganisa nyika yose, vakasvika napanovo,

7 Jasoni akavagamuchira; ava vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaKesari, vachiti, mumwe mambo uri'ko, unonzi Jesu.

8 Vakapesanisa vanhu navabati veguta, vachinzwa izvozvo.

9 Zvino, vakati vatora rubatso kunaJasoni navamwe, vakavarega.

10 Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Bheriya vusiku. Ivo vakati vachisvikapo, vakapinda musinagoge ravaJudha.

11 Ava vakanga vachinzwisisa kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.

12 Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, navakadzi vaikudzwa vavaGiriki, navarume vazhinji.

13 Asi vaJudha veTesaronika, vakati vachinzwa kuti shoko raMwari roparidzwa naPauro paBheriya, vakasvikavo ipapo, vakamutsa nokupesanisa vazhinji.

14 Ipapo hama dzakatuma Pauro pakarepo kusvikira kugungwa, asi Sirasi naTimotio vakasarapo.

15 Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa Atene; vakati varairwa kuvudza Sirasi naTimotio, kuti vakurumidze kuvuya kwaari, vakabva.

16 Zvino Pauro, achakavagarira paAtene, akanzwa shungu pamoyo, achivona kuti guta rizere nezvifananidzo.

17 Naizvozvo akataurirana musinagoge navaJudha, navainamata Mwari, napadare zuva rimwe nerimwe, navaakasongana navo.

18 Zvino vamwe vakachenjera vavaEpikuro navaStoiko, vakaita nharo naye; vamwe vakati: Ko uyu mutauri wezvisinamaturo unoda kureveiko? Vamwe zve vakati: Unenge muparidzi wavamwari vasingazikamwi; nokuti wakavaparidzira Jesu nokumuka kwavakafa.

19 ipapo vakamubata, vakamuisa paAreopago, vakati: Ngatinzwevo kuti dzidziso iyi itsva, inotaurwa newe, ndeyeiko?

20 Nokuti unoreva zvimwe zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kunzwa, kuti zvinhu izvi ndezveiko?

21 (Zvino vaAtene vose, navatorwa vaigarapo, vaingofarira chinhu chimwe chete, kutaura kana kunzwa chinhu chitsva.)

22 Zvino Pauro, amire pakati peAreopago, akati: imwi varume veAtene, pazvinhu zvose ndinovona kuti munonamata zvikuru.

23 Nokuti ndakati ndichipfuvura, ndichicherekedza zvamunonamata, ndakawanavo aritari yakanyorwa izvi: KUNAMWARI USINGAZIKAmwI. Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai.

24 Mwari wakasika nyika nezvose zviri mairi, iye Tenzi wedenga napasi, haagari mutembere dzakaitwa namavoko.

25 Haashumirwi namavoko avanhu, saachinge achishaiwa chinhu, zvaari iye amene unopa vose vupenyu, nokufema, nezvose;

26 wakaita neropa rimwe marudzi ose avanhu, achibva kunomumwe chete, kuti agare pose panyika; ambotara nguva dzavakatemerwa, nemiganhu yukugara kwavo;

27 kuti vatsvake Mwari, zvimwe vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu.

28 Nokuti maari tinovupenyu, tinofamba, tiripo; sezvavakareva vamwe vanyori venziyo vokwenyu, vachiti: Nokuti tiri rudzi rwakevo,

29 Zvatiri rudzi rwaMwari, hatifaniri kufunga kuti vuMwari bwakafanana nendarama, kana sirivheri, kana ibwe, rakavezwa novumhizha kana kuchenjera komunhu.

30 Naizvozvo Mwari wakarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino unoraira vanhu vose kose-kose kuti vatendevuke.

31 Nokuti wakatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kunavose, pakumumutsa kuvakafa.

32 Zvino vakati vachinzwa zvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati: Tichazokunzwa zve pamusoro paizvozvi,

33 Naizvozvo Pauro akabuda pakati pavo,

34 Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo kwaiva naDhionisio, muAreopago, nomukadzi wainzi Dhamari, navamwe pamwe chete navo.


18


1 Shure kwaizvozvo, Pauro wakabva Atene, akasvika Korinde;

2 akawana mumwe muJudha, wainzi Akwira, chizvagwa chePonto, achangobva Itaria, naPrisira mukadzi wake; (nokuti Kraudio wakanga araira kuti vaJudha vose vabve Roma); akaenda kwavari;

3 zvino zvaakanga anebasa rimwe navo, akagara navo vachibata; nokuti basa ravo raiva rokuita matende.

4 Sabata rimwe nerimwe akataurirana navo musinagoge, akaidza kugombedzera vaJudha navaGiriki.

5 Zvino Sirasi naTimotio vakati vachizoburuka vachibva Makedhonia, Pauro akamanikidzwa neshoko, achipupurira vaJudha kwazvo kuti Jesu ndiye Kristu.

6 Zvino vakati vachimudzivisa, nokumutuka, akazuza nguvo dzake, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena, kubva zvino ndichaenda kuvahedheni.

7 Akabvapo, akapinda mumba momumwe, wainzi Tito Justo, wainamata Mwari, imba yake yaiva pedo nesinagoge.

8 NaKrispo, mukuru wesinagoge. Akatenda kunaShe naveimba yake yose; navazhinji veKorinde vakanzwa, vakatenda, vakabhabhatidzwa.

9 Zvino Ishe akati kunaPauro vusiku nechiratidzo: Usatya hako, asi taura, usanyarara;

10 nokuti ini ndinewe; hapanomunhu ungakumukira akakuitira zvakaipa, nokuti ndinavanhu vazhinji muguta rino.

11 Akagarapo gore rimwe nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.

12 Zvino Gario wakati ava mubati weAkaya, vaJudha vakamukira Pauro nomwoyo mumwe, vakavuya naye pachigaro chokutonga,

13 vachiti: Uyu unogombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira isingatenderwi nomurairo.

14 Zvino Pauro wakati oda kushamisa muromo wake, Gario akati kuvaJudha: Dai yaiva mhosva yezvisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuva nomoyo murefu kwamuri, imwi vaJudha

15 Asi kana dziri nharo pamusoro pamashoko namazita nomurairo wenyu, tambai henyu imwi mhosva iyo; ini handidi kuva mutongi waizvozvo.

16 Akavadzinga pachigaro chokutonga.

17 Zvino vose vakabata Sositeni, mukuru wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chokutonga; asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe chaizvozvo.

18 Pauro wakati agarapo mazuva mazhinji, akawonekana nehama, akabvapo, akaenda Siria nechikepe, anaPrisira naAkwira, avevura musoro wake paKenkrea, nokuti wakanga apika.

19 Vakasvika Efeso, akavasiyapo; asi iye amene wakapinda musinagoge, akataurirana navaJudha.

20 Zvino vakati vachikumbira kuti agare navo nguva refu, haana kutenda;

21 akawonekana navo, achiti: Ndinofanira chose kuchengeta mutambo uyu unoitwa muJerusarema. Ndichadzokerazve kwamuri, kana Mwari achida, akabva paEfeso nechikepe.

22 Wakati asvika Kesaria, akakwira kundokwazisa kereke, akaburukira Antiokia.

23 Wakati agarapo nguva, akabva, akagura nenyika dzeGaratia neFrigia achidzitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vose.

24 Zvino mumwe muJudha wainzi Aporo, worudzi rwapaArekasandira, murume wakanga akadzidza zvikuru, wakasvika Efeso; wakanga anesimba pamagwaro.

25 Uyu wakanga adzidziswa nzira yaShe, akashingaira nomweya, achitaura nokunyatsodzidzisa zvaJesu, achiziva rubhabhatidzo rwaJohwani bedzi.

26 Iye akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanatsomududzira nzira yaMwari.

27 Zvino wakati achida kuyambukira Akaya, hama dzikamusimbisa, vakanyorera vadzidzi kuti vamugamuchire. Zvino wakati asvika, akabatsira zvikuru ivo vakatenda nenyasha.

28 Nokuti wakakunda vaJudha nesimba pachena, achiratidza naMagwaro, kuti Jesu ndiyeKristu.


19


1 Zvino Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura namativi enyika okumusoro, akasvika Efeso, akawana vamwe vadzidzi,

2 akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here? vakati kwaari kwete, hatina kutongonzwa kuti Mweya Mutsvene uripo.

3 Akati: ko makabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwupiko? Vakati: Norubhabhatidzo rwaJohwani.

4 Zvino Pauro akati: Johwani wakabhabhatidza norubhabhatidzo rwokutendevuka, achivudza vanhu kuti vatende kunaiye unozovuya shure kwake, iye Jesu Kristu.

5 Vakati vazvinzwa izvozvo, vakabhabhatidzwa muzita raShe Jesu,

6 Zvino Pauro wakati aisa mavoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akavuya pamusoro pavo, vakataura nendimi, vakaporofita.

7 Ivavo vose vaiva varume vanenge gumi navaviri.

8 Zvino wakapinda musinagoge, akataura asingatyi mwedzi mitatu, achitaurirana navo, achivagombedzera namashoko ovushe bwaMwari.

9 Asi vamwe vakati vachiwomesa moyo, vasingateereri, vachizvidza Nzira iyo pamberi pavazhinji akabva kwavari, akataura navadzidzi, akataurirana navo zuva rimwe nerimwe muchikoro chaTirano.

10 Izvozvo zvikaitwa makore maviri; nokudaro vose vakanga vagere paAsia vakanzwa shoko raShe Jesu, vaJudha navaGiriki.

11 NaMwari akaita zvishamiso nemavoko aPauro,

12 nokudaro micheka nenguvo, zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda.

13 Zvino vamwe vaJudha, vavuki, vaipota-pota, vakaidza kudana zita raShe Jesu pamusoro pavaiva nemweya yakaipa, vachiti: Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro.

14 Vaiva vanakomana vanomwe vomumwe muJudha, wainzi Sikevha, muprista mukuru, vaiita izvozvo.

15 Mweya wakaipa ukapindura, ukati kwavari: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinomuziva, asi imwi ndimi vana aniko?

16 Ipapo munhu waiva nomweya wakaipa akavamukira simba, akavakurira vose vari vaviri, akavakunda; nokudaro vakatiza mumba imomo, vasinenguvo, vakuvadzwa.

17 Izvozvo zvakazikamwa navose vaJudha navaGiriki, vakanga vagere Efeso vakatya vose, zita raShe Jesu rikakudzwa.

18 Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakavuya, vakazvirevurura, nokurondedzera mabasa avo.

19 Navamwe vazhinji vaiita zvovun'anga, vakavunganidza bhuku dzavo, vakadzipisa pamberi pavose; vakaverenga mutengo wadzo, vakawana kuti waiva masirivheri anezvuru zvinamakumi mashanu.*

20 Naizvozvo shoko raShe rikakura nesimba, rikakunda.

21 Izvozvo zvakati zvapedziswa, Pauro akafunga mumoyo make kuenda Jerusarema, kana ambogura napaMakedhonia neAkaya, achiti: Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundovona Romavo.

22 Zvino akatumira Makedhonia vaviri vavaimushumira, vanaTimoito naErasto, iye amene akagara Ezhiya nguva duku.

23 Zvino nenguva iyo bope guru rikavapo pamusoro peNzira iyo.

24 Nokuti mumwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirivheri, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirivheri, waifumisa zvikuru mhizha dzapo.

25 Akavavunganidza ivo pamwe chete navamwe vabati vezvakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tinowana fuma yedu.

26 Zvino munovona, nokunzwa, kuti Pauro uyu wakatendisa nokutsausa vazhinji, pasati pari paEfeso bedzi, asi panenge paAsia yose, achiti, zvakaitwa namavoko havazi vamwari.

27 Zvino njodzi ndiyo kuti habwuzi vumhizha bweduchetebwungazvidzwa, asi kuti tembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichashovorwa, naiye amene, unonamatwa paAsia yose nenyika yose, abviswe pavukuru bwake.

28 Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakadanidzira, vachiti: Dhiana wavaEfeso mukuru!

29 Guta rikakanganiswa kwazvo; vakamhanyira nomoyo mumwe panzvimbo paitambwa, vabata Gayo naAristarko, varume veMakedhonia, vaiperekedza Pauro.

30 Zvino Pauro akada kupinda kuvanhu, vadzidzi vakasamutendera.

31 Navamwe vakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kupinda panzvimbo paitambwa.

32 Zvino vamwe vakadanidzira zvimwe, vamwe zvimwe zve; nokuti vungano yakanga yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakavunganira.

33 Ipapo vakabudisa Arekisandro mukati mavanhu vazhinji, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Areksandro akaninira noruvoko, achida kuzvidavirira pamberi pavanhu.

34 Ipapo vakati vachivona kuti iye muJudha, inzwi rimwe rikamuka kuna vose, vakadanidzira nguva dzinenge mbiri, vachiti: Dhiana wavaEfeso mukuru!

35 Zvino munyori weguta wakanyaradza vanhu, akati: Varume veEfeso, munhu ndoupiko usingazivi, kuti guta ravaEfeso ndiro mushumiri wamwari kadzi mukuru Dhiana nowechifananidzo chakawa kubva kunaJupiteri.

36 Zvazvisingagoni kurambwa izvozvi, maifanira kunyarara musingaiti chinhu nokusarangarira kwazvo.

37 Nokuti mavuya navarume ava, vasati vari mbavha dzetembere kana vamhuri vamwarikadzi wedu.

38 Zvino kana Dhemetrio nedzimwe mhizha dzinaye vanemhosva nomunhu, misi yokutonga iripo, navatongi varipo; ngavakwirirane havo.

39 Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu pamusoro pedzimwe mhosva, zvingatemwa pavungano yakafanira.

40 Nokuti njodzi ndiyo kuti tingakwirirwa pamusoro pebope ranhasi, zvakusinemhosva; kana chiri chinhu ichi hatingagoni kupindura pamusoro pemhere-mhere iyi.

41 Wakati ataura izvozvo, akaendisa vungano.


20


1 Bopoto rakati ranyarara, Pauro akadana vadzidzi, akavaraira, ndokuwonekana navo, akabva achida kuenda Makedhonia.

2 Akagura namativi enyika idzo, akaraira vatendi namashoko mazhinji, ndokusvika panyika yavaGiriki.

3 Akati agara mwedzi mitatu, rangano yakaipa ikaitwa navaJudha pamusoro pake, oda kuenda Siria nechikepe, akati ndodzokera napaMakedhonia.

4 Akaperekedzwa naSopatro weBheriya, mwanakomana waPiro; naAristarko naSekundo, veTesaronika; naGayo weDerbe, naTimotio; uye Tikiko naTrofimo veAsia.

5 Ivo vakatungamira, vakatimirira paTroa.

6 Isu tikabva Firipi nechikepe mazuva ezvingwa zvisinembiriso apfuvura; tikasvika kwavari paTroa namazuva mashanu; tikagarapo, mazuva manomwe.

7 Zvino nomusi wokutanga wevhiki, takavungana kuti timedure chingwa, Pauro akataurirana navo, achida kuenda mangwana; akaramba achiparidza shoko kusvikira pakati povusiku.

8 Kwakanga kunemwenje mizhinji muimba yokumusoro matakanga tavungana.

9 Zvino pahwindi pakanga pagere rimwe jaya, rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo, zvino Pauro, wakati achingoramba achiparidza, iye akabatwa nehope, akawira pasi, achibva paimba yechitatu yokumusoro, akasimudzwa afa.

10 Ipapo Pauro akaburuka, akazviwisira pamusoro pake, akamufungatira, akati: Musaita bopoto, nokuti mweya wake uchiri maari.

11 Zvino wakati akwirazve kumusoro, akamedura chingwa, akadya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, ndokuenda.

12 Vakavuya nomukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa kwazvo.

13 Asi isu takatungamira kuchikepe, tikaenda Aso, tichida kutora Pauro ipapo, nokuti wakanga araira saizvozvo, iye achida kufamba namakumbo.

14 Takati tasongana naye paAso, tikamutora, tikandosvika Mitirene;

15 tikabva ipapo nechikepe, fume mangwana tikasvika pakatarisana neKiyo; fume mangwana tikapfuvura napaSamo; fume mangwana zve tikasvika Mireto.

16 Nokuti Pauro wakanga achiti: Ndichapfuvura Efeso nechikepe, kuti arege kunonoka paAsia; nokuti wakanga achikurumidza kuti kana zvichibvira ave Jerusarema nezuva rePendekosita.

17 Zvino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundodana vakuru vekereke.

18 Vakati vasvika kwaari, akati kwavari: imwi munoziva mugarire wangu pakati penyu nguva dzose, kubva pazuva rokutanga randakasvika naro paAsia;

19 ndichibatira Ishe nokuzvininipisa zvikuru, nemisodzi, namatambudziko akandiwira nerangano dzakaipa dzavaJudha;

20 kuti handina kutya kukuparidzirai zvingakubatsirai nokukudzidzisai pachena padzimba dzose;

21 ndichipupurira kwazvo vaJudha navaGiriki, kuti vatendevukire kunaMwari, nokutenda kunaShe wedu Jesu Kristu.

22 Zvino tarirai, ndinoenda Jerusarema ndakasungwa pamweya ndisingazivi zvichandiwira ikoko;

23 asi kuti Mweya Mutsvene unondipupurira kwazvo muguta rimwe nerimwe, kuti kusungwa nenhamo zvakandigarira.

24 Asi hakuna chimwe chezvinhu izvi chinondidzosera shure uye handiverengi kuti upenyu hwangu hunokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nomufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rokupupura kwazvo evhangeri yenyasha dzaMwari.

25 Zvino tarirai, ndinoziva kuti imwi mose, vandakafamba pakati penyu, ndichiparidza vushe bwaMwari hamuchazovoni chiso changu.

26 Naizvozvo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakachena paropa ravanhu vose.

27 Nokuti handina kutya kukuparidzirai kuda kose kwaMwari.

28 Zvichenjererei imi, neboka rose ramakaitwa vatariri varo noMweya Mutsene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake.

29 Ini ndinoziva kuti kana ndaenda mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka.

30 Vuye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere.

31 Naizvozvo rindai, murangarire kuti makore matatu handina kurega vusiku namasikati kuraira mumwe nomumwe nemisodzi.

32 Zvino hama dzangu ndinokuisai kunaShe, neshoko renyasha dzake, iye unesimba rokukuvakisai, nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene vose.

33 Handina kuchochora sirivheri, kana ndarama, kana nguvo dzomunhu mumwe.

34 Hongu munoziva imwi mumene, kuti mavoko awa akabatira kushaiwa kwangu nokwavanhu vandaiva navo.

35 Pazvinhu zvose ndakakuratidzai, kuti muchibata muchidai, munofanira kubatsira vasinesimba, nokurangarira mashoko aShe Jesu, sezvaakataura amene achiti: Kupa kuna maropafadzo kupfuvura kugamuchira.

36 Wakati ataura izvozvo, akafugama, akanyengetera navo vose.

37 Vakachema zvikuru vose; vakawira pamutsipa waPauro, vakawonekana naye nokumusveta,

38 vaneshungu kwazvo neshoko raakataura rokuti havachazovoni chiso chake. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.


21


1 Zvino takati taparadzana navo, tikabva nechikepe, tikarurama, tikasvika Kose; fume mangwana tikasvika Rodhe; tikabvapo, tikasvika Patara.

2 Takati tawanapo chikepe, chaiyambukira Finikia, tikapinda mukati macho, tikaenda.

3 Takati tavona Kupro, tikaisiya kuruboshwe, tichienda Siria, tikasvika Tire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo;

4 zvino takati tawanapo vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati nomweya kunaPauro kuti arege kukwira Jerusarema.

5 Zvino takati tapedzapo mazuva tikabva, tikaenda; ivo vose, navakadzi navana, vakatiperekedza kusvikira tabuda paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyengetera.

6 Tikawonekana, isu tikaenda kuchikepe, ivo vakadzokera kumusha kwavo.

7 Isu takati tapedza rwendo tichibva Tire, tikasvika Toremai, tikakwazisa hama, ndokuswera zuva rimwe navo.

8 Fume mangwana isu taiva veboka raPauro tikabvapo, tikasvika Kesaria; ipapo tikapinda mumba maFiripi, Muevhangeri, mumwe wavanomwe, tikagara naye.

9 Iye wakanga anavakunda vana, mhandara, vaiporofita.

10 Zvino takati tichigarapo mazuva mazhinji, mumwe muporofita, wainzi Akabho, akaburuka achibva Judhiya,

11 akavuya kwatiri, akatora bhanire raPauro, akazvisunga makumbo namavoko ake, akati: Mweya Mutsvene unoreva kudai: Saizvozvo vaJudha paJerusarema vachasunga murume, mwene webhanire iri, nokumuisa pamavoko avahedheni.

12 Takati tichinzwa izvozvo, isu navamwe vaipapo tikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kukwira Jerusarema.

13 Ipapo Pauro akapindura, akati; Munoiteiko, muchichema nokuputsa moyo wangu? Nokuti ini handina kuzvigadzirira kusungwa bedzi, asi kunyange kufira zita raShe Jesu paJerusarema.

14 Zvino wakati achiramba kukundwa, tikanyarara, tikati: Kuda kwaShe ngakuitwe.

15 Mazuva iwayo akati apera, tikarongedza, tikakwira Jerusarema.

16 Navamwe vadzidzi veKesaria vakaenda nesu, vakavuya vo nomumwe, wainzi Naasoni, mudzidzi wakare weKupro, wataindogara naye.

17 Zvino takati tichisvika Jerusarema, hama dzikatigamuchira nomufaro.

18 Fume mangwana Pauro akapinda nesu kunaJakobho; navakuru vakanga varipo vose.

19 Akavakwazisa, ndokuvarondedzera, chimwe nechimwe, zvakaitwa naMwari pakati pavahedheni nebasa rake.

20 Ivo vakati vazvinzwa, vakakudza Mwari, vakati kwaari: Hama, unovona kuti zvuru zvingani zvavaJudha vanotenda; vose vanoshingairira murairo;

21 zvino vakavudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose vari pakati pavahedheni, kuti varambe Mozisi, uchiti, varege kudzingisa vana vavo, kana kufamba netsika dzomurairo.

22 Zvino todiniko? Vachanzwa havo kuti wasvika.

23 Naizvozvo ita izvi zvatinotaura kwauri: Tinavarume vana vakazvisunga nokupika;

24 uvatore, uzvinatse pamwe chete navo, uvaripire, vagovevura misoro yavo; ipapo vose vachaziva, kuti haazi mashoko echokwadi, avakavudzwa pamusoro pako; asi kuti iwevo unofamba zvakanaka uchichengeta murairo umene.

25 Asi kana vari vahedheni vakatenda, takavanyorera kuti vasachengeta zvinhu zvakadai, asi kuti vazvidzore panezvakabayirwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa novupombwe.

26 Ipapo Pauro akatora varume avo, akazvinatsa pamwe chete navo nezuva rakatevera, akapinda mutembere kuti azivise kupera kwamazuva okunatsa, kusvikira mumwe nomumwe abayirwa chibayiro.

27 Zvino mazuva manomwe akati opera, vaJudha veAsia vakamuvona mutembere, vakamutsa vanhu vazhinji, vakamubata.

28 vakadanidzira, vachiti: Varume vaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu unodzidzisa vanhu kose-kose zvinopesana navanhu, nomurairo, nenzvimbo ino, uye zve vakavuya navaGiriki mutembere, akasvibisa nzvimbo ino tsvene.

29 Nokuti vakanga vavona Trofimo muEfeso, anaye muguta, vakati zvimwe Pauro wapinda naye mutembere.

30 Ipapo guta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwe chete; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere, mikova ikazarirwa pakarepo.

31 Zvino vakati vachitsvaka kumuvuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru chamazana, kuti Jerusarema rose ranyonganiswa.

32 Iye akatora pakarepo varwi navakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari: ivo vakati vachivona mukuru wechuru chemazana navarwi, vakarega kurova Pauro.

33 Zvino mukuru wechuru chemazana akaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe namaketani maviri; akabvunza kuti ndiani, uye kuti waiteiko.

34 Zvino vamwe pakati pavazhinji vakadanidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe chinhu; zvino iye asingagoni kuziva chokwadi nokuda kwebopoto, akaraira kuti vamuise kuimba yavarwi.

35 Wakati achisvika pazvikwiriso, akaita sokutakurwa navarwi, nokuda kwesimba ravanhu vazhinji;

36 nokuti vanhu vazhinji vakatevera, vachidanidzira, vachiti: Mubvisei!

37 Zvino oda kupinzwa muimba yavarwi, Pauro akati kumukuru wechuru chamazana; Ko ndingataura nemwi here? Iye akati unoziva chiGiriki here?

38 Ko hauzi uya muIjipiti, wakadeya kukanganisa vanhu panguva yapfuvura, akaenda navavurayi vanezvuru zvina kurenje here?

39 Ipapo Pauro akati: Ini ndiri muJudha weTaso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure navanhu.

40 Zvino wakati amutendera, Pauro akamira pazvikwiriso, akaninira vanhu noruvoko rwake; zvino vakati vanyarara kwazvo, akataura norurimi rwechiHebheru, achiti:


22


1 Varume, hama, namadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu pamberi penyu zvino.

2 Ivo vakati vachinzwa, kuti wotaura navo norurimi rwechiHebheru, vakanyanya kunyarara. Iye akati:

3 Ini ndiri muJudha, ndakaberekwa paTaso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurairo wamadzibaba edu, ndichishingairira Mwari, semi mose nhasi;

4 ndikatambudza veNzira Iyi kusvikira pakuvuraya, ndichisunga varume navakadzi nokuvaisa mutirongo.,

5 muprista mukuru sezaangandipupuriravo namakurukota ose; ndikapiwa mwadhi navo kuhama, ndikaenda Dhamaseko kuti ndiise Jerusarema avo vaigara'ko, vakasungwa, kuti varobwe.

6 Zvino ndakati ndichifamba, ndoswedera Dhamaseko, anenge masikati, pakarepo ndikapenyerwa kose nechiedza chikuru, chaibva kudenga.

7 Ndikawira pasi, ndikanzwa inzwi richiti kwandiri: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?

8 Ndikapindura, ndikati: Ndimi aniko Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta, waunotambudza.

9 Zvino vaiva neni vakavona chiedza, vakatya asi havana kunzwa inzwi rowakataura neni.

10 Ndikati: Ndodiniko, Ishe? Ishe akati kwandiri: Simuka, uende Dhamaseko; apo uchavudzwa zvose zvakatarwa kuti uzviite.

11 Zvino zvandakanga ndisingagoni kuvona nokupenya kwechiedza icho, ndikasesedzwa noruvoko navaiva neni, ndikasvika Dhamaseko.

12 Zvino mumwe murume, wainzi Ananiasi, munhu wainamata Mwari sezvinoreva murairo, waipupurirwa zvakanaka navaJudha vose vakanga vagerepo,

13 akavuya kwandiri akamira, akati kwandiri: Sauro, hama, chivona! Nenguva iyo ndikamuvona.

14 Iye akati: Mwari wamadzibaba edu wakakusanangura, kuti uzive kuda kwake, nokumuvona iye wakarurama, nokunzwa inzwi rinobva mumuromo make.

15 Nokuti iwe uchava chapupu chake kuvanhu vose chezvawakavona nezvawakanzwa.

16 Zvino uchanonokereiko? Simuka, ubhabhatidzwe, usukwe zvivi zvako, udane zita raShe.

17 Zvino ndakati ndadzokera Jerusarema, ndichinyengetera mutembere, ndikaita sokubatwa nomweya,

18 ndikamuvona, achiti kwandiri: Kurumidza, ubve Jerusarema zvino-zvino, nokuti havangagamuchiri kupupura kwako pamusoro pangu.

19 Ipapo ndikati: Ishe, vanoziva vamene kuti ini ndaiisa mutirongo, nokurova mumasinagoge, avo vaitenda kwamuri;

20 vuye, musi wakadururwa ropa raStafano, chapupu chenyu, nenivo ndakanga ndimirepo, ndichibvumira, kuvurawa kwake ndikachengeta nguvo dzavaimuvuraya.

21 Ipapo akati kwandiri: Enda, ndichakutuma kure kuvahedheni.

22 Vakamuteerera kusvikira pashoko iro; ipapo vakadanidzira, vachiti: Wakadai ngaabviswe panyika; nokuti haafaniri kurarama.

23 Vakadanidzira, vakakandira nguvo dzavo pasi, vachikushira ivhu kudenga,

24 mukuru wechuru chamazana akaraira, kuti aiswe kuimba yavarwi, achiti abvunzwe nokurobwa zvikuru, kuti azive mhosva yavaimupopotera kudai.

25 Zvino vakati vamusunga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, wakanga amirepo: Makatenderwa kurova munhu uri muRoma, asina kutongwa here?

26 Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaenda kumutungamiri mukuru, akati kwaari chenjerai zvamunoita, Nokuti munhu uyu muRoma.

27 Mutungamiri mukuru akavuya akati kwaari: Ndivudze, uri muRoma here? Akati: Hongu.

28 Mutungamiri mukuru akati: Ini ndakatenga simba iri rokuve muRoma nomutengo mukuru. Pauro akati: Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.

29 Zvino vakanga vomubvunzisisa, vakabva kwaari pakarepo, nomutungamiri mukuru wakatyavo achiziva kuti iye muRoma, uye nokuti wakanga amusunga.

30 Zvino fume mangwana, achida kuziva kwazvo kuti vaJudha vakamupomera mhosva yei, akamusunungura, akaraira kuti vaprista vakuru namakurukota ose vavungane, akaburusa Pauro, ndokumuisa pamberi pavo.


23


1 Zvino Pauro wakati achitarisisa kumakurukota, akati: Varume, hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yakarurama kusvikira zuva ranhasi.

2 Ipapo Ananiasi, muprista mukuru, akaraira vakanga vamire naye kuti vamurove muromo.

3 Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari uchakurova iwe, rusvingo rwakacheneswa; ugerepo kuti unditonge nomurairo, zvino woraira kuti ndirobwe, uchidarika murairo here?

4 Vakanga vamirepo vakati: Ko unotuka muprista mukuru waMwari here?

5 Pauro akati: Hama dzangu, ndakanga ndisingazivi kuti ndiye muprista mukuru; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.

6 Zvino Pauro wakati achivona kuti vamwe ndivaSajusi navamwe vaFarisi, akadanidzira mumakurukota, akati: Varume, hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wavaFarisi, ndotongwa pamusoro petariro nokumuka kwavakafa.

7 Wakati adaro, kupesana kukavapo pakati pavaFarisi navaSaduse; vungano ikaparadzana.

8 Nokuti vaSajusi vaiti hapana kumuka kwavakafa, kana mutumwa, kana mweya; asi vaFarisi vaitenda izvozvo zvose.

9 Zvino bope guru rikavapo; vamwe vanyori vokuvaFarisi vakasimuka, vakaita nharo, vachiti: Ngatirege kugwa naMwari, hativoni chinhu chakaipa kumunhu uyu; zvimwe mweya wakataura naye, kana mutumwa.

10 Zvino kupesana kukuru kuchida kumuka, mutungamiri Mukuru akatya kuti Pauro ungabvamburwa navo, akaraira varwi kuti vaburuke, vamubvute pakati pavo, vamuise muimba yavarwi.

11 Vusiku; bwakatevera, Ishe akamira naye, akati: Tsunga moyo, sezvawakandipupurira kwazvo paJerusarema, unofanira kupupura paRomavo.

12 Zvino kwakati kwaedza, vaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nokupika, vachiti, havangadyi kana kumwa kusvikira vavuraya Pauro.

13 Vakanga vaita rangano iyo, vakapfuvura makumi mana.

14 Ava vakaenda kuvaprista vakuru navakuru, vakati: Tazvisunga nokupika kukuru, kuti hatingadyi chinhu, kusvikira tavuraya Pauro.

15 Naizvozvo zvino imi, namakurukota, mutaridzire mutungamiri mukuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, muchiita somunoda kunatso-bvunzisisa mhosva yake; isu tazvigadzira kuti timuvuraye, asati aswedera.

16 Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuvandira kwavo, akaenda, akapinda mumba mavarwi, akavudza Pauro.

17 Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana, akati: Isa jaya iri kumutungamiri Mukuru; nokuti uneshoko raanoda kumuvudza.

18 Naizvozvo akamutora, akaenda naye kumutungamiri Mukuru, akati: Pauro musungwa, wakandidana akakumbira, kuti ndivuye nejaya iri kwamuri; uneshoko raanoda kukuvudzai.

19 Mutungamiri Mukuru akabata ruvoko rwake, akaenda naye vari voga, akamubvunza vari voga, akati: Uneshoko reiko, raunoda kundivudza?

20 Iye akati: VaJudha vakatenderana kukumbira kwamuri, kuti muburuse Pauro kumakurukota mangwana, vachiita savanoda kumubvunzisisa mhosva yake.

21 Naizvozvo musavatendera; nokuti pakati pavo kunavarume vanopfuvura makumi mana vanomuvandira vakazvisunga nokupika, kuti havangadyi, kana kumwa, kusvikira vamuvuraya; zvino vakazvigadzirira vachimirira chivimbiso, chinobva kwamuri.

22 Naizvozvo Mutungamiri Mukuru akaendesa jaya amuraira achiti: Usavudza munhu, kuti wandizivisa izvozvo.

23 Zvino akadana vakuru vezana vaviri, akati: Gadzirai varwi vanamazana maviri, navanotasva mabhiza vanamakumi manomwe, navanamapfumo vanamazana maviri, vaende Kesaria nenguva yechitatu yovusiku;

24 muvatsvakire zvipfuwo, kuti vatasvise Pauro, vagonyatsomuisa kumubati Feriksi.

25 Akanyora mwadi yakanga ichiti:

26 Kraudio Risia, kunaFeriksi, mubati wakakurumbira kwazvo, kwaziwai!

27 Uyu munhu wakabatwa navaJudha, akanga oda kuvurawa navo, ini ndikasvika navarwi, ndikamurwira, zvandakanzwa kuti muRoma.

28 Zvino ndakati ndichida kuziva mhosva yavakamukwirira nayo, ndikamuburusira kumakurukota avo;

29 ndakawana kuti wakwirirwa pamusoro pamashoko omurairo wavo, asi asinemhosva yechinhu chingafanira rufu kana kusungwa.

30 Zvino ndakati ndavudzwa, kuti voda kuvandira munhu uyu, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikaraira vanomukwirira kuti vataure pamberi penyu mhosva yake.

31 Zvino varwi vakatora Pauro sezvavakarairwa, vakamuisa Antipatri vusiku.

32 Fume mangwana vakarega vatasvi vamabhiza, kuti vaende naye, ivo vakadzokera kuimba yavarwi.

33 Vaya vakati vasvika Kesaria, vakapa mubati mwadhi, vakaisavo Pauro pamberi pake.

34 Wakati arava, akabvunza kuti ndowenyika ipi; zvino wakati anzwa kuti ndoweKirikia,

35 akati: Ndichakunzwa kwazvo, kana vanokukwirira vasvikavo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe.


24


1 Zvino mazuva mashanu akati apfuvura, Ananiasi, muprista mukuru, akaburuka navamwe vakuru, nomumwe mureveri, wainzi Terturo; vakamhan'arira Pauro kumubati.

2 Iye akati adamwa, Terturo akatanga kumupomera mhosva achiti: Zvatinovona rugare rukuru nemi, norudzi urwu zvarunoruramisirwa mhosva nokubata kwenyu kwakanaka;

3 tinozvigamuchira nemitovo yose napanzvimbo dzose nokuvonga kukuru, imi, Feriksi wakakurumbira zvikuru.

4 Asi, zvandisingadi kukunonosai, ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti mutinzwei nengoni dzenyu zvishomanene.

5 Nokuti takavona kuti murume uyu wakashata kwazvo, unomutsa bope pavaJudha vose panyika dzose, ari mutungamiriri weboka ravaNazareni.

6 Iye wakaidzavo kushatisa tembere, tikamubata, tichida kumutonga nomurairo wedu.

7 Asi Risia, mutungamiri mukuru, ndokuvuya, akamubvisa mumavoko edu nesimba guru,

8 akaraira vanomupomera kuti vavuye pamberi penyu. Kana mukamubvunzisisa mumene, muchagona kuziva izvozvo zvose zvatakamukwirira nazvo.

9 NavaJudha vakabvumiravo pakumhangara, vakasimbisa kuti zvinhu izvozvo ndizvo.

10 Zvino mubati wakati amuninira kuti ataure, Pauro akapindura, akati: Zvandinoziva kuti mava mutongi wavanhu ava makore mazhinji, ndinozvidavirira nomufaro,

11 nokuti munzwisise kuti mazuva achigere kupfuvura gumi namaviri, kubvira panguva yandakakwira Jerusarema kundonamata.

12 Havana kundiwana ndichiita nharo mutembere nomunhu, kana muguta;

13 havangagonivo kusimbisa kwamuri izvo zvavanondipomera nazvo zvino.

14 Asi ndinotenda hangu kwamuri, kuti ndinoshumira Mwari wamadzibaba edu neNzira, yavanoti idzidziso yakatsauka, ndichitenda zvose zvomurairo nezvakanyorwa pavaporofita;

15 ndinetariro kunaMwari, iyo yavanotendavo vamene, kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.

16 Pachinhu ichi ndinoidza zvikuru kuti misi yose ndive nehana isinemhosva kunaMwari nokuvanhu.

17 Zvino makore mazhinji akati apfuvura, ndakavuya nezvipo nezvibayiro kuvanhu vangu.

18 Ndizvozvo zvavakandiwana ndichiita mutembere, ndanatswa, ndisina vanhu vazhinji, kana bopoto;

19 asi vamwe vaJudha veAsia vaivapo ivo vaifanira kuva pano pamberi penyu, kundipomera mhosva, kana vaiva nechinhu neni.

20 Kunyange naivava ngavareve vamene chisakarurama chavakawana, musi wandakamira pamberi pamakurukota

21 asi shoko iri bedzi, randakadanidzira, ndimire pakati pavo, ndichiti: Ndinotongwa nhasi pamusoro pokumuka kwavakafa.

22 Asi Feriksi, zvaakazivisisa zvakanaka. Nzira iyo, akavavetsa, achiti: Kana Risia, mutungamiri mukuru aburukira pano, ndichanatso-bvunzisisa mhaka yenyu.

23 Akaraira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe, arerusirwe, uye kuti varege kudzivisa mumwe wokwake kumushumira.

24 Zvino mamwe mazuva akati apfuvura, Feriksi akasvika, nomukadzi wake Drusira, waiva muJudha, akadana Pauro, akamunzwa pamusoro pokutenda kunaKristu Jesu.

25 Zvino wakati achitaura zvokururama, nokuzvidzora, nokutonga kunovuya, Feriksi akatya zvikuru, akapindura, akati: Enda hako zvino; kana ndikazova nenguva yakanaka, ndichakudana.

26 Wakativo zvimwe uchazopiwa mari naPauro; amusunungure naizvozvo wakamudana kazhinji, achitaura naye.

27 Asi makore maviri akati apera, Porkio Festo akapinda panzvimbo yaFerikisi, zvino Ferikisi achida kufadza vaJudha, akasiya Pauro akasungwa.


25


1 Zvino Festo wakati asvika panyika iyo, mazuva matatu apfuvura, akakwira Jerusarema, achibva Kesaria.

2 vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakamhangarira Pauro kwaari, vakamunyengetera,

3 vakakumbira kuti avafadze pamusoro pake, amudanire Jerusarema, kuti vamuvandire vamuvuraye panzira.

4 Asi Festo wakapindura, achiti Pauro wakachengetwa Kesaria, uye kuti iye amene wakanga okurumidza kuenda'ko.

5 Akati: Avo vanesimba pakati penyu, ngavaburuke neni; kana kunechinhu chisakafanira kumunhu uyu, ngavamupomere mhosva.

6 Akagara pakati pavo mazuva asingapfuvuri masere kana gumi, ndokuburukira Kesaria; fume mangwana akagara pachigaro chokutonga, akaraira kuti vavuye naPauro.

7 Wakati asvika, vaJudha vakabva Jerusarema, vakamukomba, vakamupomera mhosva zhinji dzakaipa, dzavakanga vasingagoni kusimbisa.

8 Zvino Pauro akazvidavirira, akati: Handina kutadzira murairo wavaJudha, kana tembere, kana Kesari.

9 Zvino Festo achida kufadza vaJudha, akapindura Pauro akati: Unoda here kukwira Jerusarema, undotongwa'ko pamberi pangu pamusoro pezvinhu izvi?

10 Ipapo Pauro akati: Ndinomira pamberi pechigaro chokutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; handina kuitira vaJudha zvisakarurama, sezvamunoziva nemivo zvakanaka.

11 Zvino kana ndinemhosva kana kuti ndakaita chinhu chakafanira rufu handirambi kufa; asi kana pasinechinhu chechokwadi pazvinhu zvavanondipomera, hakunomunhu ungandiisa mumavoko avo.Ndinozviisa kunaKesari.

12 Ipapo Festo akataurirana namakurukota, akapindura, akati: Wazviisa kunaKesari; kunaKesari uchaenda.

13 Zvino mamwe mazuva akati apfuvura, mambo Agripa naBernike vakasvika Kesaria kuzokwazisa Festo.

14 Vakati vagara mazuva mazhinji, Festo akaisa mhosva yaPauro kunamambo, achiti: Kunomumwe murume wakasiyiwa pano naFeriksi, akasungwa;

15 ndichiri paJerusarema, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakamumhangarira, vachikumbira kuti atongerwe rufu.

16 Ndikavapindura, ndikati; haizi tsika yavaRoma kutongera munhu rufu, uyo unopomerwa asati ambotarisana navanomupomera, akapiwa chinguva yokuzvipindurira pamusoro penyaya yaanopomerwa.

17 Zvino vakati vavungana pano, handina kunonoka, asi fume mangwana ndakagara pachigaro chokutonga, ndikaraira kuti vavuye nomurume uyo.

18 Zvino vapomeri vakasimuka, asi havana kumupomera mhosva yezvinhu zvakaipa zvandakanga ndichiti vachamupomera nazvo;

19 asi vakanga vanamamwe mashoko okupira kwavo, nomumwe Jesu wakanga afa, wainzi naPauro mupenyu.

20 Zvino ini, zvandakanga ndisingazivi mubvunzire wezvinhu zvakadai, ndikabvunza kana achida kuenda Jerusasrema kundotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvozvo.

21 Pauro wakati azviisa kuna mambo mukuru ndikaraira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.

22 Ipapo Agripa akati kunaFesto; Neni ndinoda kunzwa munhu uyu ndimene. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.

23 Fume mangwana Agripa wakati asvika naBhenike, vashonga kwazvo, vakapinda mumba maitambirwa mhaka, navatungamiriri vakuru, navakuru veguta, vakavuya naPauro varairwa naFesto.

24 Zvino Festo akati: Mambo Agripa, nemwi varume vose vaneni, munovona munhu uyu, wandakanyengeterwa navaJudha vose paJerusarema napano, vakadanidzira, vachiti: Haafaniri kuva mupenyu.

25 Asi ini ndakawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye zvaakakumbira kuiswa kunamambo mukuru, ndakati, ndichamutuma.

26 Asi handineshoko kwaro rechokwadi randinganyorera ishe pamusoro pake, saka ndavuya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, imwi mambo Agripa, kuti kana abvunzisiswa nemi, ndigova nezvandinganyora.

27 Nokuti kwandiri zvakaita sezvisina kufanira kutuma musungwa, mhosva dzaakakwirirwa nadzo dzisingaziviswivo.


26


1 Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvidavirira. Ipapo Pauro akatambanudza ruvoko rwake, akazvidavirira, achiti;

2 Mambo Agripa, ndinozvikorokotedza, zvandingazvidavirira nhasi pamberi penyu pamusoro pezvose zvandinokwirirwa nazvo navaJudha;

3 zvikuru nokuti munoziva tsika dzose namashoko ose pakati pavaJudha; naizvozvo ndinokumbira kwamuri, kuti mundinzwe nomoyo murefu.

4 VaJudha vose vanoziva mufambire wangu, kubva pavuduku bwangu, waiva pakati porudzi rwangu napaJerusarema kubva pakutanga;

5 vakandiziva kare kana vachida kupupura, kuti ndaiva muFarisi, nedzidziso yokupira kwedu yakaisvorurama.

6 Nazvino ndinomira pano, kuti nditongwe nokuda kokutarira chipikirwa chakapikirwa madzibaba edu naMwari.

7 Marudzi edu anegumi namaviri anoshumira Mwari vusiku namasikati, achiti achasvika pachipikirwa icho.Pamusoro pokutarira uku, imwi mambo, ndinokwirirwa navaJudha.

8 Munofungireiko imwi kuti hazvingatendwi kuti Mwari ungamutsa vakafa?

9 Zvino neni ndaiti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta.

10 Ndakazviitavo paJerusarema, ndikapfigira vatsvene vazhinji mutirongo, ndapiwa simba navaprista vakuru; uye kana vaivurawa, neni ndaibvumiravo.

11 Nomumasinagoge ose ndaivatambudza, ndichivaroverera kuti vamhure Mwari; ndikanyanya kuvapengera, ndikavatambudza kusvikira kumaguta ari kure nenyika ino.

12 Ndakati ndichaita izvozvi, ndikaenda Dhamaseko nesimba uye nomurairo wavaprista vakuru,

13 zvino, mambo masikati makuru, ndiri munzira, ndikavona chiedza chaibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichindipenyera kumativi ose navandaifamba navo.

14 Zvino takati tawira pasi tose, ndikanzwa izwi richiti kwandiri norurimi rwechiHebheru: Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko? Zvinokuremera kupfura zvibayiso.

15 Ndakati: Ndimi aniko, Ishe akati: Ndini Jesu, waunotambudza.

16 Asi simuka, umire namakumbo ako; nokuti ndazviratidza kwauri nezvizvi, kuti ndikuite munyai nechapupu chezvawakavona, nezvandichazviratidza nazvo kwauri;

17 ndichakurwira kuvanhu nokuvahedheni, vandinokutumira kwavari;

18 kuti usvinudze meso avo, vabve murima, vaende kuchiedza, nokubva pasimba raSatani, vaende kunaMwari. Kuti vagamuchire kangamwiro yezvivi zvavo, nenhaka pakati pavakaitwa vatsvene, nokutenda kwandiri.

19 Naizvozvo, mambo Agripa handina kuramba kuteerera chiratidzo chokudenga;

20 asi ndakatanga kuparidza kuna veDhamaseko, nokuna veJerusarema, nenyika yose yeJudhiya, nokuvahedheni, kuti vatendevuke, varingire kunaMwari, vaite mabasa akafanira kutendevuka.

21 Pamusoro paizvozvi vaJudha vakandibata mutembere, vakaidza kundivuraya.

22 Asi ndakabatsirwa naMwari, ndikamira kusvikira zuva ranhasi, ndichipupurira vaduku navakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu asi zvakataurwa navaporofita naMozisi, kuti zvichaitika;

23 zvokuti Kristu wakafanira kutambudzika, uye kuti ave wokutanga kumuka kuvakafa, aparidzire vanhu navahedheni chiedza.

24 Zvino wakati achizvidavirira saizvozvo Festo akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kwako kukuru kunokupenza.

25 Asi Pauro akati: Handipengi, Festo wakakurumbira; asi ndinotaura mashoko echokwadi novuchenjeri.

26 Nokuti mambo wandinotaura naye ndisingatyi, unoziva izvozvi, nokuti ndinoziva kuti hapane chinhu chaizvozvo chakavanzika kwaari, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pakavanda.

27 Mambo Agripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.

28 Agripa akati kunaPauro: Unenge unoda kundiita mukristu nenguva duku.

29 Pauro akati: ndinonyengetera kunaMwari kana nenguva duku, kana nehuru, kuti musava imwi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vaitwe seni, asi vasinezvisungo izvi.

30 Ipapo mambo akasimuka, nomubati naBerinike, navakanga vagere navo;

31 vakabuda vakataurirana, vakati: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana kusungwa.

32 Ipapo Agripa akati kunaFesto: Munhu uyu dai asina kuzviisa kuna Kesari ungadai asunungurwa.


27


1 Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende Itaria nechikepe, vakaisa Pauro navamwe vasungwa kumukuru wezana, wainzi Jurio, wehondo yaAugusto.

2 Zvino takati tapinda muchikepe cheAdramiteni, chakanga choenda napamisha yemhenderekedzo dzeAsia, tikabva tinaAristarko muMakedhonia, waibva Tesaronika.

3 Fume mangwana tikasvika Sidhoni, Jurio akaitira Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari dzake, achengetwe navo.

4 Tikabva ipapo, tikapfuvura nenyasi kweKupro, nokuti mhepo yakatidzivisa.

5 Zvino tayambuka gungwa reKirikia nePamfiria, tikasvika Mira, musha weRikia.

6 Mukuru wezana akawanapo chikepe cheAreksandira, chaienda Itaria, ndokutipinzamo.

7 Zvino takanyatsofamba mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinido tichitambudzika, mhepo zvayakanga isingatitenderi kufamba, tikapfuvura nenyasi kweKrita, napakatarisana neSarmoni.

8 Tikapfuvura napo tichitambudzika, ndokusvika pamwe painzi Zororo Rakanaka, pedo neguta reRasea.

9 Zvino nguva huru yakati yapfuvura, nokufamba negungwa kwava nenjodzi, nokuti nguva yokutsanya yakanga yatopfuvura, Pauro akavaraira,

10 akati kwavari: Varume, ndinovona kuti rwendo rwedu ruchava nokutambudzika nokurashikirwa kukuru, zvisani zviri zvomutoro nechikepe bedzi, asi nokuvupenyu bwedu vo.

11 Asi mukuru wezana wakateerera mufambisi wechikepe, nomwene wacho, kupfuvura zvakarebwa naPauro,

12 nokuti zororo zvarakanga risina kunaka kuti vagarepo chando, vamwe vazhinji vakati zvirinani kuti vabvepo kuti zvimwe vangasvika Fenika vagarepo chando; ndiro zororo reKrita, rakanga rakatarira mabvazuva kumusoro nezasi.

13 Zvino mhepo yezasi yakati ichirira zvishoma, vakati tawana zvatakanga tichivavarira, vakabvapo, vakafamba pedo neKirita.

14 Zvino gare-gare mhepo inesimba, yainzi Yura-kuro, ikaburuka ichibva kwairi, ikatiwira.

15 Zvino chikepe chakati chichibatwa, tisingagoni kufamba tichingotorwa.

16 Zvino tikafamba nyasi kwechimwe chiwi chiduku, chainzi Krauda, tikanga tokoniwa kusunga igwa.

17 Vakati varisimudza, vakatora zvibatsiro, vakasunga chikepe nenyasi; zvino vakatya kuti vachakandirwa pajecha reSirtisi, vakaderedza maseiri, ndokungotorwa.

18 Fume mangwana, zvatakatambura kwazvo nedutu remhepo, vakakandira nhumbi kunze;

19 nezuva retatu, vakakandira zvinhu zvechikepe kunze namavoko avo.

20 Zvino zvatakanga tisina kubudirwa nezuva kana nyeredzi mazuva mazhinji, nedutu guru remhepo richiramba riripo, takatorerwa tariro yose yokuti tichaponeswa.

21 Zvino vakati vagara nguva refu vasingadyi, Pauro akamira pakati pavo, akati: Varume, maifanira kunditeerera, mukasabva Krita, mukasawirwa nokutambudzika nokurashikirwa uku.

22 Asi zvino ndinokurairai kuti mutsunge moyo; nokuti hakuna ungarashikirwa novupenyu bwake pakati penyu, asi chikepe bedzi.

23 Nokuti vusiku bwuno mutumwa waMwari, wandiri wake, nowandinoshumira vo, wakamira neni,

24 akati: Pauro, usatya; unofanira kumira pamberi paKesari; tarira, Mwari wakakupa vose vanofamba newe muchikepe.

25 Naizvozvo, varume, tsungai moyo nokuti ndinotenda Mwari kuti zvichaitika sezvandakavudzwa.

26 Asi tinofanira kukandirwa pane chimwe chiwi.

27 Zvino vusiku bwegumi novuna bwakati bwasvika, tichangotorwa-torwa mugungwa reAdra, pakati povusiku vafambisi vechikepe vakati voswedera kuneimwe nyika.

28 Vakayera kudzika kwemvura, vakawana pakati mafadomi* makumi maviri; vakapfuvura zvishoma, ndokuyerazve, vakawana pakaita mafadomi* anegumi namashanu.

29 Zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvimiso zvina neshure kwechikepe, vakachema vachiti kuedze.

30 Zvino vafambisi vakati vachida kutiza muchikepe, vakaburusira igwa mugungwa, vachiita savanenge vokanda zvimiso kumuromo wacho.

31 Pauro akati kumukuru wezana navarwi: Hamungararami kana ava vasingagari muchikepe.

32 Ipapo varwi vakagura mabote egwa, vakarirega, rikawa.

33 Zvino kwakati koedza, Pauro akakumbira zvikuru kwavari vose kuti vadye, achiti: Nhasi rava zuva regumi nerechina, ramakagara muchizvinyima kudya, musingadyi chinhu.

34 Saka ndinokumbira zvikuru kuti mudye, nokuti ndizvo zvichakuponesai; nokuti hakunoruvudzi rumwe ruchaparadzwa pamusoro womumwe wenyu.

35 Wakati areva izvozvo akatora chingwa akavonga Mwari pamberi pavo vose, akachimedura, ndokutanga kudya iye.

36 Ipapo vakatsunga moyo vose vakadyavo vamene.

37 Isu tose taive muchikepe, taiva mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu.

38 Zvino vakati vaguta, vakarerusa chikepe, vachikandira zviyo mugungwa.

39 Kwakati koedza, vakasaziva nyika; asi vakavona zororo raiva nejecha, vakarangana kana zvaibvira kuitika, kuti vaise chikepe pariri.

40 Ipapo vakagura zvimiso, vakazviisa mugungwa, vakasunungura zvisungo zvokudzoresa nazvo, vakasimudzira seiri rapamberi kumhepo, vakaruramira kumhenderekedzo.

41 Zvino vakati vachisvika paidira makungwa maviri, vakagumirisa chikepe pasi; muromo wacho ukabatwa kwazvo usingazununguki, asi rutivi rwacho rweshure rukavhunika nesimba remvura.

42 Zvino varwi vakati zvirinani kuti vasungwa vavurawe, kuti vamwe varege kutiza vachishambira.

43 Asi mukuru wezana wakada kuponesa Pauro, akavadzivisa zvavakanga vachida kuita; akaraira kuti vanogona kushambira, vatange kuzviwisira mumvura, vabude kunyika;

44 vamwe, vasara, vabude vamwe pamatanda, vamwe panezvimwe zvinhu zvechikepe. Naizvozvo zvakaitika kuti vose vakasvika kunyika vari vapenyu.


28


1 Zvino takati taponeswa, tikaziva kuti chiwi chinonzi Merita.

2 Vanhu venyika iyi vakatiitira vunyoro kwazvo; nokuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose nokuda kwemvura yakanga ichinaya uye nokuda kwechando.

3 Zvino Pauro wakati avunganidza svinga rovutsotso, akabwuisa pamoto, kukabuda nyoka nokudziya, ikanamatira paruvoko rwake.

4 Vanhu venyika iyo vakati vachivona chikara chakaremberera paruvoko rwake, vakataurirana, vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu muvurayi, nokuti kunyange adoponeswa hake pagungwa, Kururama hakumutenderi kuti ave mupenyu.

5 Asi iye wakazuzira chikara mumoto, akasanzwa kurwadzwa.

6 Ivo vakati uchazvimba, kana kuwira pasi pakarepo, akafa; zvino vakati vatarira nguva refu, vakavona kuti haana kusvikirwa nenjodzi, vakashanduka voti: Iye ndimwari.

7 Zvino pedo ipapo paiva neminda yomukuru wechiwi, wainzi Pubhirio; iye wakatigamuchira, akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.

8 Zvino baba vaPubhirio vakanga vavete pasi, vakabatwa nefivhiri nokubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa mavoko ake pamusoro pavo, akavaporesa.

9 Izvo zvakati zvaitwa, navamwevo vechiwi, vairwara, vakavuya, vakaporeswa.

10 Vakatikudza nokukudza kukuru; tichizoenda vakaisa pachikepe zvinhu zvatakanga tichishaiwa.

11 Mwedzi mitatu yakati yapfuvura, tikaenda nechikepe cheArekizandiria, chakanga chagara chando pachiwi, chaiva nechiratidzo chokuti Dioskuri.

12 Zvino tikaenda napaSirakuse, tikagara.po mazuva matatu.

13 Tikabvapo, tikapota ndokusvika Regio; zuva rimwe rikati rapfuvura, mhepo yaibva zasi ikasimuka, tikasvika Puteori nezuva repiri;

14 tikawanapo hama, dzakakumbira zvikuru kuti tigare nadzo mazuva manomwe; naizvozvo tikasvika Roma.

15 Zvino hama dzakati dzatinzwa, dzikabvapo, dzikavuya kuzotichingamidza, dzikasvika Apio Foro napaTaberne Nhatu; Pauro akati adzivona idzo, akavonga Mwari, akatsunga moyo.

16 Zvino takati tapinda Roma, mubati wechuru akaisa vasungwa kumutungamiriri mukuru, Pauro akatenderwa kugara ari oga, anomurwi waimurinda.

17 Mazuva matatu akati apfuvura, akakokera avo, vakanga vari vakuru vavaJudha. Vakati vavungana, akati kwavari: Varume, hama, kunyange ndisina kuitira vanhu chinhu chakaipa, kana tsika dzamadzibaba edu, ndakabva Jerusarema ndakasungwa, ndaiswa pamavoko avaRoma;

18 ivo, vakati vandibvunzisisa, vakada kundisunungura, nokuti pakanga pasinemhosva yorufu kwandiri.

19 Asi vaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuzviisa kuna Kesari; kusi kuti ndaiva nechinhu chokupomera rudzi rwangu.

20 Zvino ndakakudanai pamusoro pemhosva iyi, kuti ndikuvonei, nditaurirane nemi, nokuti ndakasungwa neketani iri nokuda kwetariro yavaIsraeri.

21 Vakati kwaari: Hatina kugamuchira mwadhi pamusoro pako, dzaibva Judhiya, uye hakunomumwe wehama wakasvika akativudza zvako, kana kutaura zvakaipa pamusoro pako.

22 Asi tinoda kunzwa kwauri zvaunofunga; nokuti kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kose-kose.

23 Zvino vakati vamutarira zuva, vakavuya kwaari vari vazhinji, kwaakanga agere, akavadudzira, achivapupurira kwazvo vushe bwaMwari, akavagombedzera pamusoro paJesu, nomurairo waMozisi navaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana.

24 Vamwe vakatenda zvakataurwa, asi vamwe havana kutenda.

25 Zvino zvavakanga vasinganzwani, vakaenda, Pauro akataura shoko rimwe chete kwavari, rokuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka nomuporofita Isaya kunamadzibaba enyu,

26 achiti: Enda kuvanhu ava uti: Nokunzwa muchanzwa, musingatongonzwisisi nokuvona muchavona musingatongovonesesi.

27 Nokuti moyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka, Vakatsinzina meso avo; Kuti varege kutongovona nemeso avo, Nokunzwa nenzeve dzavo, Nokunzwisisa nemoyo yavo, Vatendevuke, Ndivaponese

28 Zvino zivai imi, kuti ruponeso urwu rwakatumirwa vahedheni; ivo vachanzwavo.

29 Wakati ataura izvozvo, vaJudha vakaenda, vachiita nyaya huru pakati pavo.

30 Iye akapedza makore maviri agere muimba yake yairipirwa mari, akagamuchira vose vaipinda kwaari,

31 achiparidza vushe bwaMwari, achidzidzisa zvaShe Jesu Kristu, asingatongotyi, asingadziviswi nomunhu.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE