3 Johwani12 Mudikamwa, ndinoshuva pamusoro pezvinhu zvose, kuti ubudirire,uve wakasimba, somweya wako uchibudirira. 3 Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichipupurira chokwadi chako, dzichiti, unofamba muchokwadi. 4 Handinomufaro unopfuvura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi. 5 Mudikamwa, unobate-basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeni vo; 6 vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutovo wakafanira Mwari. 7 Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni. 8 Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi. 9 Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu. 10 Naizvozvo kana ndichivuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; vuye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mukereke. 11 Mudikamwa, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, unoita zvakanaka, ndowaMwari; unoita zvakaipa, haana kuvona Mwari. 12 Dhemetirio unopupurirwa navanhu vose, uye nechokwadi chomene; nesu tinopupura vo, iwe unoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi. 13 Ndakanga ndinezvizhinji zvandaida kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni; 14 asi ndinotarira kuti ndichakurumidza kukuvona, tigotaurirana nomuromo. Rugare ngaruve newe. Hama dzinokukwazisa. Ndikwazisire hama, mumwe nomumwe nezita rake, |