3 Johwani


1


2 Mudikamwa, ndinoshuva pamusoro pezvinhu zvose, kuti ubudirire,uve wakasimba, somweya wako uchibudirira.

3 Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichipupurira chokwadi chako, dzichiti, unofamba muchokwadi.

4 Handinomufaro unopfuvura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi.

5 Mudikamwa, unobate-basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeni vo;

6 vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutovo wakafanira Mwari.

7 Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni.

8 Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi.

9 Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu.

10 Naizvozvo kana ndichivuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; vuye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mukereke.

11 Mudikamwa, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, unoita zvakanaka, ndowaMwari; unoita zvakaipa, haana kuvona Mwari.

12 Dhemetirio unopupurirwa navanhu vose, uye nechokwadi chomene; nesu tinopupura vo, iwe unoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi.

13 Ndakanga ndinezvizhinji zvandaida kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;

14 asi ndinotarira kuti ndichakurumidza kukuvona, tigotaurirana nomuromo. Rugare ngaruve newe. Hama dzinokukwazisa. Ndikwazisire hama, mumwe nomumwe nezita rake,



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE