2 TIMOTIO


1


1 Pauro, muapositora waJesu Kristu, nokuda kwaMwari, nokuda kwechipikirwa chovupenyu bwuri munaKristu Jesu,

2 kunaTimotio, mwana wangu unodikamwa: Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kunaMwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu, ngazvive newe.

3 Ndinovonga Mwari, wandinoshumira samadziteteguru angu, nehana yakachena, kana ndichiramba ndichikurangarira pakukumbira kwangu vusiku namasikati,

4 ndichishuva zvikuru kukuvona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nomufaro;

5 ndichiyevudzwa kutenda kusinganyengeri kuri mauri, kwaimbogara pakutanga muna mbuya vako Roisi, nomuna mai vako, vaJunika kwandinoziva kwazvo kuti kunogaravo mauri.

6 Nemhaka iyi ndinokuyevudzira kuti ukuchidzire chipiwa chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamavoko angu.

7 Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya asi wesimba, noworudo, nowechokwadi.

8 Naizvozvo usanyadziswa nokupupurira Ishe wedu, kana ini, musungwa wake, asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kweevhangeri nesimba raMwari,

9 wakatiponesa, akatidana nokudana kutsvene, zvisingabvi pamabasa edu, asi nokufunga kwake, nenyasha dzaakatiitira munaKristu Jesu nguva dzisati dzavapo,

10 asi kwakaratidzwa zvino nokuvonekwa koMuponesi wedu, Kristu Jesu, iye wakaparadza rufu, akabudisa pachena vupenyu nokusavora nenzira yeevhangeri,

11 yandakaitwa muparidzi, nomuapositora, nomudzidzisi waVahedheni.

12 Nemhaka iyi ndinotambudzika vo nezvinhu izvi, asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, ndinoziva kwazvo, kuti unogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva irero.

13 Batisisa zvawakaratidzwa zvamashoko akarurama, izvo zvawakanzwa kwandiri mukutenda norudo ruri munaKristu Jesu.

14 Icho chakanaka, chawakapiwa, uchichengete noMweya Mutsvene unogara matiri.

15 Unozviziva hako kuti vose vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo panaFigero naHermogene.

16 Ishe ngaaitire imba yaOnesiforo ngoni, nokuti kazhinji wakandisimbisa, asi nganyadziswi neketani yangu.

17 Asi wakati asvika Roma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana.

18 (Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kunaShe nezuva irero); newe unoziva kwazvo vukuru bwokushumira kwake paEfeso.


2


1 Naizvozvo iwe, mwana wangu, iva nesimba munyasha dziri munaKristu Jesu.

2 Izvo zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanogona vo kudzidzisa vamwe.

3 Utambudzike pamwe chete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu.

4 Hakunomunhu unorwa papfumo unozvipinganidza namabasa ovupenyu bwuno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo.

5 Nomunhuvo kana achivivana navamwe, haashongedzwi korona, kana asina kuvivana sezvakarairwa.

6 Murimi unobate-basa ndiye unofanira kutanga kudya zvibereko.

7 Funga zvandinoreva, nokuti Ishe uchakupa kunzwisisa pazvinhu zvose.

8 Rangarira Jesu Kristu wakamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, sezvandinoparidza paevhangeri yangu;

9 yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa somunyangadzi; asi shoko raMwari harina kusungwa.

10 Saka ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavakasanangurwa, kuti naivo vawane kuponeswa kuri munaKristu Jesu, pamwe chete nokubwinya kusingaperi.

11 Ishoko rechokwadi; nokuti kana tikafa pamwe chete naye, tichararama vo pamwe chete naye.

12 Kana tikatsungirira, tichabata vushe pamwe chete naye; kana tikamuramba, iye uchatirambavo.

13 Kana isu tisakatendeka, iye unoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi iye.

14 Uvayevudzire zvinhu izvi, uvaraire pamberi paMwari, kuti varege kuita nharo dzisina maturo, zvinongoparadza vanonzwa.

15 Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko rechokwadi.

16 Nzvenga kutaura kusinehanya naMwari; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusanamata Mwari,

17 neshoko ravo richanyenga seronda; pakati pavo kunaHimenayo naFireto;

18 ivo vakarashika pachokwadi, vachiti, kumuka kwavakafa kwatopfuvura, vachikanganisa kutenda kwavamwe.

19 Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzinechisimbiso ichi: Ishe unoziva vanhu vake; vuye: Mumwe nomumwe unoreva zita raShe ngaabve pakusarurama.

20 Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirvheri bedzi, asi mimwe yamatanda vo, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi.

21 Naizvozvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, uchava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka.

22 Asi tiza kuchiva kovujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwe chete navanodana kunaShe nomoyo wakachena.

23 Asi urambe mibvunzo yovupenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara.

24 Zvino muranda waShe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakaipa,

25 unodzidzisa novunyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendevuka vagoziva chokwadi,

26 vapengenukezve, vabve pamusungo waDhiabhorosi, wavakanga vakabatwa naye kuti vaite kuda kwake.


3


1 Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika.

2 Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasati vari vatsvene,

3 vasinorudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanehasha, vasingadi zvinhu zvakanaka,

4 vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuvura Mwari;

5 vanomufananidzochetewokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako; ufuratire vanhu ivavavo.

6 Nokuti pakati pavo varipo vanopinda mudzimba vachiverevedza, vachitapa zvikadzi zvakaremedzwa nezvivi, zvinokwebwa nokuchiva kuzhinji,

7 zvinongogara zvichidzidza, asi hazvitongogoni kusvika pakuziva chokwadi.

8 Jane naJambre sezvavakadzivisa Mozisi, saizvozvo ivo vanodzivisa chokwadi, vari vanhu vanendangariro dzakavodzwa, vakarashika pakutenda.

9 Asi havachapfuvuriri mberi, nokuti vupenzi bwavo bwuchavonekwa navose, sezvakazoita bwavo.

10 Asi iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambire, nokufunga, nokutenda, nomoyo murefu, norudo, nokutsungirira,

11 namatambudziko, nenhamo, izvo zvakandiwira paAntiokia, napaIkonio, napaRistra; matambudziko makuru sei andakanzwa pazvinhu izvozvo zvose Ishe wakandisunungura.

12 Zvino, navose vanoda kunamata Mwari munaKristu Jesu vachatambudzwa.

13 Asi vanhu vakaipa navanyengeri va chanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.

14 Asi iwe, rambira pane zvawakadzidza zvikasimbiswa kwauri, uzive kuti wakazvidzidza kuna ani,

15 kuti kubvira pavucheche bwako wakaziva Manyoro Matsvene anogona kukupa vuchenjeri bwunoisa kukuponeswa nokutenda kuri munaKristu Jesu.

16 Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama,

17 kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.


4


1 Ndinokupupurira kwazvo naizvozvo pamberi paMwari, naShe Jesu Kristu, iye uchatonga vapenyu navakafa pakuvonekwa kwake novushe bwake;

2 paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; raira, tuka, ranga nomoyo murefu zvikuru nokudzidzisa.

3 Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi, vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachizvivunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo,

4 vachifuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitsaukira kungano.

5 Asi iwe svinura pazvinhu zvose, tambudzika, bata basa romuevhangeri, upedzise basa rako kwazvo.

6 Nokuti ini ndotodururwa, nguva yokuenda kwangu yasvika.

7 Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda;

8 kubva zvino ndakachengeterwa, korona yokururama, yandichapiwa naShe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vanoda kuvonekwa kwake.

9 Shingaira kuti ukurumidze kuvuya kwandiri.

10 Nokuti Dhemasi wakandisiya, akada nyika yazvino. Akaenda Tesaronika; Kreske wakaenda Garatia, naTito wakaenda Dharmatia.

11 Ruka oga uneni. Tora Mako uvuye naye nokuti unondibatsira kwazvo pabasa.

12 Asi Tikiko ndakamutuma Efeso.

13 Nguvo yandakasiya paTroa kunaKarpo, uvuye nayo pakuvuya kwako, nebhuku, zvikuru magwaro amatebwe.

14 Areksandro, mupfuri wendarira, wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe uchamutsiva paakaita napo;

15 newevo umuchenjere, nokuti wakadzivisa zvikuru mashoko edu.

16 Pakuzvidavirira kwangu kokutanga kwakanga kusino munhu wakandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kuravirwa izvozvi.

17 Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwazvo kuparidza kwangu, vahedheni vose vanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba.

18 Ishe uchandirwira pamabasa ose akaipa, uchandiponesa ndipinde vushe bwake bwokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.

19 Ndikwazisirei Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo.

20 Erasto wakasara paKorinde, asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara.

21 Shingaira kuvuya, chando chisati chasvika. Yubhuro, naPudhe, naRina, naKraudhia nehama dzose vanokukwazisa.

22 Ishe Jesu Kristu ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive nemi. Ameni.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE