1 TIMOTIO


1


1 Pauro, muapositora waShe Kristu Jesu nokuraira kwaMwari, Muponesi wedu, naKristu Jesu, tariro yedu;

2 kunaTimotio, mwana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kunaMwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu, ngazvive newe.

3 Sezvandakakumbira zvikuru kwauri, ini ndichienda Makedhonia, ndinoti, usare paEfeso, kuti uraire vamwe varege kudzidzisa dzimwe dzidziso.

4 kana kurangarira ngano namazita amadzitetegeru asingaperi, zvinongomutsa nharo, zvisingatendisi zvakarairwa naMwari, zviri mukutenda.

5 Asi chinovavarirwa nomurairo ndirwo rudo runobva pamoyo wakachena, napahana yakanaka, napakutenda kusinganyengeri;

6 vamwe vakarashika pazvinhu izvozvi, vakatsaukira kukutaura kusinamaturo;

7 vachitsvaka kuti vave vadzidzisi vomurairo, vasingazivi zvavanoreva kana zvavanosimbisa.

8 Asi tinoziva kuti murairo wakanaka, kana munhu achiita nawo sezvinoreva murairo,

9 achiziva kuti murairo hauna kuitirwa wakarurama, asi vasinehanya nomurairo, navasingateereri, navasingadi Mwari, navatadzi, navasi vatsvene, navasinehanya naMwari, navanorova madzibaba, navanorova madzimai,navanovuraya vanhu;

10 nemhombwe, navanopombora navarume,navanoba vanhu, navanoreva nhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chiri'ko chinopesana nedzidziso yakarurama;

11 sezvinoreva evhangeri yokubwinya kwaMwari womufaro, yandakapiwa ini.

12 Ndinomuvonga iye Kristu Jesu, Ishe wedu, wakandipa simba, nokuti wakati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake;

13 kunyange ini ndaimhura Mwari kare, nomutambudza ndichiitira vanhu zvakaipa; asi ndakaitirwa ngoni, nokuti ndakanga ndichizviita nokusaziva pakusatenda;

14 asi nyasha dzaShe wedu dzakawanda zvikuru nokutenda, norudo ruri munaKristu Jesu.

15 Ishoko rechokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo, kuti Kristu Jesu wakavuya panyika kuzoponesa vatadzi; avo, ini ndiri mukuru wavo;

16 asi naizvozvo ndakaitirwa ngoni, kuti Jesu Kristu aratidze moyo wake wose murefu mandiri, ini mukuru wavatadzi, kuti ndive chiratidzo kuna vanozotenda kwaari, zvinovaisa kuvupenyu bwusingaperi.

17 Zvino iye Ishe usingaperi, usingafi, usingavonekwi, Mwari woga, wakachenjera ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.

18 Basa iri, rakarairwa, ndinokupa iro, iwe Timotio, mwana wangu, kuti sezvazvakaprofitwa kare pamusoro pako, urwe pfumo rakanaka mazviri;

19 wakabata kutenda nehana yakarurama; iyo yakarashwa navamwe, vakarashikirwa nokutenda;

20 vamwe vavo ndiHimenio naArekizandro, vandakaisa kunaSatani, vadzidziswe kuti varege kumhura Mwari.


2


1 Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinoraira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe;

2 madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kose, nomugarire unokudzwa.

3 Ndizvo zvakanaka, zvinofadza pamberi paMwari, Muponesi wedu;

4 uyo unoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva chokwadi.

5 Nokuti kunongova naMwari mumwe chete, noMureveri mumwe chete vo, pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,

6 wakazvipa iye, kuti ave rudzikinuro rwavose, chive chapupu panguva dzakafanira,

7 icho chandakaitirwa muparidzi nomuapositora (ndinoreva zvirokwazvo, muna Kristu handirevi nhema), nomudzidzisi wavahedheni pakutenda nechokwadi.

8 Naizvozvo ndinoda kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza mavoko matsvene, vasina kutsamwa nenharo.

9 Saizvozvovo, kuti vakadzi vashonge nguvo dzakafanira, vanokunyara nokuzvidzora; vasava nevhudzi rakarukwa, nendarama, kana maparera, kana nguvo dzinodya mari zhinji;

10 asi ngavashonge mabasa akanaka, sezvinofanira vakadzi vanoti tinonamata Mwari.

11 Mukadzi ngaadzidze nokunyarara nokuzviisa pasi kose.

12 Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume, asi ngaanyarare.

13 Nokuti Adhamu wakatanga kuvumbwa, tevere Evha;

14 naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi wakanyengerwa akapinda pakudarika;

15 asi uchaponeswa nokubereka vana, kana vachirambira mukutenda norudo, novutsvene pamwe chete nokuzvidzora.


3


1 Ishoko rechokwadi, rokuti, kana munhu achitsvaka basa romutariri, unoda basa rakanaka.

2 Naizvozvo mutariri unofanira kuva munhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, wakangwara, wakachenjera, unomugarire wakafanira, unoitira vaeni rudo, unoziva kudzidzisa,

3 usingadi waini, usingarwi; asi munyoro, usinegakava, usingakariri mari;

4 unobata imba yake zvakanaka, unavana vanozviisa pasi nomugarire wose unokudzwa;

5 (kana munhu asingazivi kubata imba yake, ungachengeta seiko kereke yaMwari?)

6 Asava mutendi mutsva, kuti arege kuzvikudza, akawira mukutongwa kumwe naDhiabhorosi

7 Vuyezve, unofanira kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuti arege kuzvidzwa nokubatwa nemusungo waDhiabhorosi.

8 Saizvozvo vo vashumiri ngavave vanokudzwa, vasinamanzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa;

9 vanochengeta zvakavanzika zvokutenda muhana yakanaka.

10 Naivo ngavatange kuidzwa vo, ipapo vashumire, kana vasina chavangapomerwa.

11 Saizvozvo navakadzi ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe, vakasvinuka, vakatendeka pazvose.

12 Vashumiri ngavave varume vanomukadzi mumwe chete, vanobata vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka;

13 nokuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira zita rinokudzwa nokutsunga kukuru pakutenda kwavo munaKristu Jesu.

14 Zvinhu izvi zvose ndinokunyorera, ndichiti ndichakurumidza kuvuya kwauri;

15 zvino kana ndikanonoka, ndinoda kuti uzive kuti vanhu vanofanira kufamba sei mumba maMwari, iyo kereke yaMwari mupenyu, mbiru nechitsigiro chechokwadi.

16 Hakuna ungaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye Mwari wakaratidzwa panyama, wakaruramiswa pamweya, wakavonekwa navatumwa, wakaparidzwa pakati pavahedheni, wakatendwa panyika, wakakwidzwa mukubwinya.


4


1 Zvino Mweya unoreva pachena, kuti panguva dzinovuya vamwe va chatsauka pakutenda, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemweya yakaipa,

2 vachinyengerwa navanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo nedare rinopisa,

3 vachidzivisa vanhu kuwanana, nokuraira kuti zvimwe zvokudya zviregwe, zvakasikwa naMwari, kuti zvigamuchirwe nokuvonga navanotenda, vanoziva chokwadi.

4 Nokuti zvose zvakasikwa naMwari zvakanaka, hakunechinhu chingafanira kurashwa, kana chichigamuchirwa nokuvonga;

5 nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.

6 Kana uchiyevudzira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waKristu Jesu, wakarerwa namashoko okutenda needzidziso yakanaka, yawakatevera nomoyo wose.

7 Asi urambe ngano dzisine hanya naMwari nedzechembere. Uzvirovedze kunamata Mwari.

8 Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako, asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa chovupenyu bwazvino nobwunovuya.

9 Ishoko rechokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo.

10 Nokuti ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yedu iri kunaMwari mupenyu, Muponesi wavanhu vose, zvikuru wavanotenda.

11 Raira nokudzidzisa zvinhu izvi:

12 Munhu ngaarege kuvapo unozvidza vuduku bwako, asi uitire vanotenda makwara, pashoko napamufambire, naparudo, napaMweya napakutenda, napakuchena komoyo.

13 Shingaira pakurava, napakuraira, napakudzidzisa, kusvikira ndichivuya.

14 Usarega kuchengeta chipiwa chiri mauri, nokuporofita, nokuiswa mavoko avakuru.

15 Shingairira zvinhu izvi, uzviite nomoyo wose, kuti kupfuvurira mberi kwako kuvonekwe navanhu vose.

16 Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.


5


1 Usatuka mukuru, asi umuraire sababa, navaduku savanun'una,

2 navakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena komoyo kose.

3 Kudza chirikadzi, dziri chirikadzi chaidzo.

4 Asi kana chirikadzi inavana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari.

5 Zvino kana iri chirikadzi chaiyo, yakasiyiwa iri yoga, ndiyo inovimba naMwari, inogara ichikumbira nokunyengetera vusiku namasikati.

6 Asi iyo inokarira zvinofadza, yakafa ichiri mhenyu.

7 Raira vo zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.

8 Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.

9 Chirikadzi ngairege kunyorwa zita, asi kana yasvika makore makumi matanhatu, yaiva mukadzi womurume mumwe chete,

10 inorumbidzwa pamusoro pamabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaifarira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzavatsvene, kana yaibatsira vari munjodzi, kana yaishingairira mabasa ose akanaka.

11 Asi urambe chirikadzi kana vachiri vakadzi vaduku, nokuti kana dzopesana naKristu, dzotsvaka kuwanikwa;

12 dzava nemhosva, nokuti dzaramba kutenda kokutanga;

13 uye zve, dzinodzidza kuva novusimbe dzichipota nedzimba; hadzizi simbe bedzi, asi vaiti vo vamakuhwa, dzisingaregi zvavamwe, dzichitaura zvisakafanira.

14 Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziwanikwe, dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo, kuti dzirege kutongopa muvengi nzira yokupomera nayo.

15 Nokuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani.

16 Kana murume kana mukadzi mutendi anechirikadzi, ngadzibatsire, kereke irege kuremedzwa kuti igobatsira chirikadzi chaidzo.

17 Vakuru vanobata kereke zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa.

18 Nokuti Rugwaro runoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; uye zve: Mubati wakafanirwa nomubairo wake.

19 Usangotenda mhaka inopomerwa mukuru, asi kana ichibva pamiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.

20 Vanotadza uvarange pamberi pavose, kuti vamwe vagotya.

21 Ndinokuraira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, navatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingatongi usati wambonzwa kwazvo, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu.

22 Usakurumidza kuisa mavoko pamusoro pomunhu, kana kusongana pazvivi zvavamwe; uzvichengete kuti uve wakachena.

23 Usaramba uchingomwa mvura bedzi, asi umwe waini shoma nokuda komudumbu mako novutera bwako bwuzhinji.

24 Zvivi zvavamwe vanhu zvinovonekwa pachena, zvinotungamirira kutongwa kwavo vamwe zve vanoteverwa nazvo,

25 Saizvozvo vo kunamabasa akanaka anovonekwa pachena, naasina kudaro haangavanzwi.


6


1 Vose vari varanda pasi pejoko, ngavati vatenzi vavo vanofanirwa nokukudzwa kose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kumhurwa.

2 Avo vana vatenzi vanotenda, ngavarege kuvazvidza zvadziri hama, asi zvikuru ngavavabatire, zvavari vatendi navanodikamwa vanobatsirwa nokubata kwavo kwakanaka. Dzidzisa zvinhu izvi, uzviraire.

3 Kana kunomunhu unodzidzisa imwe dzidziso, asingabvumiri mashoko akarurama, mashoko aShe wedu, Jesu Kristu, nedzidziso inofambirana nokunamata Mwari,

4 unongozvikudza, asingazivi chinhu, asi unongokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa godo, negakava, nokutuka, nokufungidzira kwakaipa,

5 nokukakavadzana kusingaperi kwavanhu vanomurangariro wakavodzwa, vakatorerwa chokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa.

6 Zvino kunamata Mwari pamwechete nokugutsikana nezvatinazvo ndizvo zvinofumisa kwazvo;

7 nokuti hatina kuvuya nechinhu panyika, hatigonivo kubuda tine chinhu.

8 asi kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo.

9 Asi vanotsvaka kufuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva koupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa.

10 Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.

11 Asi iwe, munhu waMwari, tiza zvinhu izvi; utevere kururama nokunamata Mwari, nokutenda, norudo, nokutsungirira, novunyoro.

12 Urwe kurwa kwakanaka kokutenda, ubatisise vupenyu bwusingaperi, bwawakadanirwa kwabwuri, ukapupura kupupura kwakanaka pamberi pe zvapupu zvizhinji.

13 Ndinokuraira pamberi paMwari, unopa zvinhu zvose vupenyu bwazvo, napamberi paKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato;

14 kuti uchengete murairo, usinoruvara, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuvonekwa kwaShe wedu, Jesu Kristu;

15 kwaachazoratidza panguva dzake, iye oga wakaropafadzwa nowamasimbaose, Mambo wamadzimambo, Ishe wamadzishe';

16 iye oga usingafi, ugere pachiedza chisingagoni kuti munhu aswedere kwachiri; usina kumbovonekwa nomunhu, uye usingagoni kuvonekwa; kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni.

17 Raira vafumi panyika yazvino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingagari, asi naMwari, unotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo;

18 kuti vaite zvakanaka, vave vafumi pamabasa akanaka, vafarire kupa vamwe, nokugovana;

19 vazvirongedzere nheyo dzakanaka dzenguva inovuya, kuti vabatisise vupenyu chaibwo.

20 Iwe, Timotio, chengeta icho chawakapiwa, ufuratire kutaura kusinehanya naMwari nokuramba kunobva pazivo inonzi zivo., dziri nhema hadzo;

21 iyo yakapupurwa navamwe, vakazorashika pakutenda. Nyasha ngadzive nemi.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE