1 VATESARONIKA


1


1 Pauro, naSivhano, naTimotio, kukereke yavaTesaronika, iri munaMwari, Baba, naShe Jesu Kristu: Nyasha ngadzive nemwi norugare zvinobva kuna Mwari baba vedu naShe Jesu Kristu.

2 Tinovonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu mose, tichikurangarirai pakunyengetera kwedu;

3 tichiramba tichirangarira basa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira vamwe kunobva parudo, nokutsungirira kunobva patariro munaShe wedu, Jesu Kristu, pamberi paMwari, Baba vedu;

4 tinoziva, hama dzinodikamwa naMwari, kusanangurwa kwenyu.

5 Nokuti evhangeri yedu haina kuvuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimbavo, noMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu.

6 nemwi makava vateveri vedu navaShe, zvamakagamuchira Shoko mumatambudziko mazhinji, nomufaro woMweya Mutsvene;

7 naizvozvo makatungamirira vose vanotenda muMakedhonia neAkaya.

8 Nokuti shoko raShe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedhonia neAkaya bedzi, asi kutenda kwenyu kunaMwari kwakasvika kose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu.

9 Nokuti ivo vamene vanoparidza kupinda kwedu kwamuri, kuti kwakanga kwakadini; vuye, kuti makatendevukira kunaMwari, muchibva pazvifananidzo, kuti mubatire Mwari mupenyu wechokwadi,

10 nokumirira Mwanakomana wake pakubva kwake kudenga, iye wakamutswa kuvakafa, ndiye Jesu unotisunungura pakutsamwa kunovuya.


2


1 Nokuti Nemi, hama dzangu, munoziva kuti kupinda kwedu kwamuri hakuna kuva pasina.

2 Asi kunyange takatambudzika nokuitirwa zvakaipa paFiripi, sezvamunoziva, takatsunga munaMwari wedu, tikakuparidzirai evhangeri yaMwari pakati pokudziviswa kukuru.

3 Nokuti kuraira kwedu hakuna kubva pakurashika, kana pakufunga kwakaipa, kana pakunyengera;

4 asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tipiwe evhangeri, ndizvo zvatinotaura; tisingaiti kuti tifadze vanhu, asi Mwari unoidza moyo yedu.

5 Nokuti, sezvamunoziva, hatina kutongoreva namashoko okubata kumeso, kana namano-mano okukarira fuma, Mwari chapupu;

6 tisingatsvaki kukudzwa navanhu kana nemi, kana navamwe, kunyange taigona kukuremedzai, zvatiri vapositora vaKristu.

7 Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake;

8 saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemwi evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduvo, nokuti makanga madikamwa nesu kwazvo.

9 Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata vusiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai evhangeri yaMwari.

10 imwi muri zvapupu, naMwarivo, kuti taifamba novutsvene nokururama, tisina chatingapomerwa kwamuri, imwi vanotenda.

11 Sezvamunoziva, kuti takaita nemi, mumwe nomumwe wenyu, sababa vanoita navana vavo,

12 tichikurairai, tichikusimbisai, tichikupupurirai, kuti mufambe zvakafanira Mwari, iye unokudanirai kuvushe bwake nokubwinya kwake.

13 Saka isuvo tinoramba tichivonga Mwari, kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobatavo mukati menyu, imwi munotenda.

14 Nokuti imi, hama dzangu, makava vateveri vekereke dzaMwari dziri muJudhiya munaKristu Jesu; nokuti nemivo makatambudzwa saizvozvo novokwenyu, sezvavakatambudzwa ivo navaJudha,

15 Ndivo vakavuraya Ishe Jesu navaporofita, vakatidzinga isu, vasingafadzi Mwari, vachirwa navanhu vose.

16 vanotidzivisa kuti tirege kuparidzira vahedheni, kuti vaponeswe; kuti varambe vachizadzisa zvivi zvavo; asi kutsamwa kwakaburukira pamusoro pavo kusvikira pakuguma.

17 Zvino isu, hama dzangu, zvatakaparadzaniswa nemwi chinguva chiduku pamuviri, pasati pari pamoyo, takashingairira zvikuru nokushuva kukuru kuti tivonane nemwi pachiso;

18 naizvozvo taida kuvuya kwamuri, ini Pauro, kamwe uye zve rwechipiri, asi Satani wakatidzivisa.

19 Nokuti tariro yedu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuzvirumbidza nayo? Hamuzimi here, pamberi paShe wedu Jesu Kristu pakuvuya kwake?

20 Nokuti imwi muri kubwinya kwedu nomufaro wedu.


3


1 Saka zvatakanga tisingagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiyiwe tiri toga paAtene;

2 tikatuma Timotio, hama yedu, mushumiri waMwari paevhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsungisai moyo pakutenda kwenyu;

3 kuti kurege kuva nomunhu unozununguswa nenhamo idzi, nokuti munoziva mumene kuti takagadzirirwa izvozvo.

4 Nokuti tichiri kwamuri takambokuvudzai kuti tichatambudzwa; sezvazvakaitika, nemwi munoziva.

5 Saka inivo, zvandakanga ndisichagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive kutenda kwenyu, ndichiti zvimwe muidzi wakakuidzai, izvo zvatakabata zvikava pasina.

6 Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achangobva kwamuri, akativudza mashoko akanaka okutenda kwenyu norudo rwenyu, uye kuti munongositifunga nomurangariro wakanaka, muchida zvikuru kutivona isu, sesuvo tichida kukuvonai imi;

7 saka, hama dzangu, takanyaradzwa pamusoro penyu pakutambudzika kwedu kose nenhamo nokutenda kwenyu;

8 nokuti zvino isu tinorarama, kana imwi mumire makasimba munaShe.

9 Nokuti tingavonga Mwari neiko pamusoro penyu nomufaro wose watinofara nawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu,

10 tichingokumbira zvikuru vusiku namasikati kuti tivone chiso chenyu, kuti tizadzise zvakataira pakutenda kwenyu?

11 Zvino iye Mwari, Baba vedu naShe wedu Jesu, ngaaruramisire nzira yedu kwamuri;

12 ishe akukurisei, akuwanzirei rudo pakati penyu nokuna vose, sezvatinoita isu kwamuri,

13 asimbise moyo yenyu kuti ive isina chaingapomerwa pavutsvene pamberi paMwari, Baba vedu, pakuvuya kwaShe wedu Jesu pamwe chete navatsvene vake vose.


4


1 Naizvozvo pakupedzisira, hama dzangu, tinokumbira kwamuri, nokukurairai munaShe Jesu, kuti, sezvamakadzidza kwatiri mutovo wamunofanira kufamba nokufadza Mwari nawo, sezvamunofambavo, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvo.

2 Nokuti munoziva mirairo yatakakupai, naShe Jesu.

3 Nokuti kuda kwaMwari ndibwo vutsvene bwenyu, murege vupombwe;

4 kuti mumwe nomumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake novutsvene nokukudzwa,

5 asingaiti nokukara kokuchiva, savahedheni, vasingazivi Mwari;

6 munhu ngaarege kuitira hama yake zvakaipa kana kumunyengera pachinhu ichi, nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvinhu izvozvo zvose, sezvatakakuvudzaivo nokukupupurirai kwazvo.

7 Nokuti Mwari haana kutidanira tsvina, asi muvutsvene.

8 Naizvozvo unoramba izvozvo, haarambi munhu, asi Mwari, unokupai Mweya wake, iwo Mutsvene.

9 Zvino, kana ruri rudo pakati pehama, hamufaniri kuti munyorerwe, nokuti imwi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudane;

10 nokuti ndizvovo zvamunoitira hama dzose dzeMakedhonia, yose asi tinokurairai, hama dzangu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvi;

11 Shingairirai kuva norugare, mumwe nomumwe abate zvake, muchibate basa namavoko enyu, sezvatakakurairai;

12 kuti mufambe nomutovo wakafanira kuna vari kunze, musingashaiwi chinhu.

13 Zvino, hama dzangu, hatidi kuti mushaiwe kuziva pamusoro pavavete, kuti murege kuchema savamwe vasinetariro.

14 Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa, akamukazve, saizvozvovo avo vakavata munaJesu, Mwari uchavavuyisa pamwe chete naye.

15 Nokuti tinokuvudzai neshoko raShe, kuti isu vapenyu, vakasara kusvikira pakuvuya kwaShe, hatingatongotangiri vakavata.

16 Nokuti Ishe amene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa munaKristu vachatanga kumuka;

17 zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naShe nguva dzose.

18 Naizvozvo nyaradzanai namashoko awa.


5


1 Asi kana dziri nguva nemisi, hama dzangu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe chinhu;

2 nokuti imwi mumene munoziva kwazvo, kuti zuva raShe rinosvika sembavha vusiku.

3 Kana vachiti, Rugare, nokugarika ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa komukadzi unemimba; havangatongopukunyuki.

4 Asi imi, hama dzangu, hamuzi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha.

5 Nokuti imwi mose muri vana vechiedza, navana vamasikati; hatizi vovusiku, kana verima.

6 Naizvozvo ngatirege kuvata savamwe, asi tirinde, tisvinure.

7 Nokuti vanovata, vanovata vusiku; vanobatwa nedoro, vanobatwa vusiku.

8 Asi isu, zvatiri vamasikati, ngatisvinuke, takapfeka chidzitiro chechifuva chokutenda norudo; nengowani ive tariro yoruponeso.

9 Nokuti Mwari haana kutiisira kutsamwa, asi kuti tiwane ruponeso naShe wedu Jesu Kristu,

10 wakatifira isu, kuti, kana tichirinda, kana tichivata, tirarame pamwe chete naye.

11 Saka nyaradzanai, musimbisane, sezvamunoita.

12 Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muzive avo vanobata pakati penyu, vanokutungamirirai munaShe, vanokurairai;

13 muvakudze zvikuru norudo, nokuda kwebasa ravo. Ivai norugare pakati penyu.

14 Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti muraire vasingateereri murairo, musimbise vanopera moyo, mutsigire vasinesimba, muve nomoyo murefu kunavose.

15 Chenjerai kuti mumwe arege kutsiva mumwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose mutevere zvinhu zvakanaka, mumwe kuno mumwe, nokunavose.

16 Farai nguva dzose.

17 Rambai muchinyengetera.

18 Vongai pazvinhu zvose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri munaKristu Jesu.

19 Musadzima Mweya;

20 musazvidza zvinoporofitwa;

21 idzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka;

22 regai marudzi ose ezvakaipa.

23 Mwari worugare amene ngaakuitei vatsvene kwazvo; Mweya wenyu, nomoyo, nomuviri, zvichengetwe kwazvo, zvisina zvazvingapomerwa pakuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu.

24 wakatendeka ndiye unokudanai, uchazviitavo.

25 Hama dzangu tinyengetererei.

26 Kwazisai hama dzose nokusveta kutsvene.

27 Ndinokupikirai naShe, kuti mwadhi iyi iverengerwe hama tsvene dzose.

28 Nyasha dzaShe wedu Jesu ngadzive nemi.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE