1 PETRO


1


1 Petro, muapositora waJesu Kristu, kunavakasanangurwa vari vaeni, vakapararira paPonto, neGaratia, neKapadhokia, neAsia, neBitinia,

2 vakasanangurwa nokuziva zviri mberi kwaMwari Baba, muvutsvene bwoMweya, kuti vateerere, vasaswe neropa raJesu Kristu: Nyasha norugare ngazviwanzwe kwamuri.

3 Mwari, Baba vaShe wedu, Jesu Kristu, ngaatendwe, wakatibereka zve nengoni dzake huru, kuti tive netariro mhenyu, inovuya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa,

4 kuti tive nenhaka isingavori, isina kusvibiswa, isingasvavi yamakachengeterwa kudenga,

5 imwi munorindwa nesimba raMwari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwakagadzirwa, kuti ruratidzwe nenguva yokupedzisira.

6 Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiidzo mizhinji;

7 kuti kuidzwa kokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuvura ndarama inopera hayo, kunyange ichiidzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuvonekwa kwaJesu Kristu;

8 iye wamunoda, kunyange musina kumuvona iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuvoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya;

9 muchipiwa chinovavarirwa nokutenda kwenyu,

10 Ndirwo ruponeso rwomweya yenyu.Ruponeso urwu rwakabvunzisiswa nokunzverwa kwazvo navaporofita, vakaporofita, zvenyasha dzamaizoitirwa imi,

11 vachinzvera kuti nguva ndeipi kana yakadini, yakataurwa noMweya waKristu, wakanga uri mukati mavo, nguva yaakapupura kare zvokutambudzika kwaKristu, nokubwinya kunozotevera izvozvo.

12 Avo, vakaratidzwa kuti vakanga vasingazvibatiri ivo, asi imi, pazvinhu izvo zvamakataurirwa zvino naivo vakakuparidzirai evhangeri noMweya Mutsvene wakatumwa achibva kudenga; zvinhu izvo vatumwa vanoda kuzvicherekedza.

13 Saka zvisungei zvivuno zvendangarairo dzenyu, musvinure, mutarire nomoyo wose kunyasha dzamuchazopiwa pakuvonekwa kwaJesu Kristu;

14 muve savana vanoteerera, musingaenzanisi mufambire wenyu nokuchiva kwakare pakusaziva kwenyu;

15 asi saiye mutsvene wakakudanai, nemivo mumene muve vatsvene pamufambire wenyu wose;

16 nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene,

17 Zvino kana muchimuidza Baba, iye unotonga achitarira zvakaitwa nomumwe nomumwe asingatariri zvinovonekwa zvomunhu, garai panguva yovutorwa bwenyu muchitya;

18 muchiziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinovora, nesirivheri kana ndarama, pamufambire wenyu usina maturo, wamakasiyirwa namadzibaba enyu;

19 asi neropa raKristu, seregwayana risina charingapomerwa, risinoruvara;

20 iye wakazikamwa kare, nyika isati yavambwa, asi wakaratidzwa pakuguma kwenguva nokuda kwenyu,

21 imi, munotenda naye kunaMwari, wakamumutsa kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive kunaMwari.

22 Zvamakanatsa mweya yenyu muchiteerera chokwadi Mumweya, kuti mude hama nokusanyengera, munofanira kudana zvikuru nomoyo wose;

23 nokuti makaberekwa kutsva, zvisingabvi pambeu inovora, asi pane isingavori, neshoko raMwari benyu rinogara nokusingaperi.

24 Nokuti, Nyama yose yakaita sovuswa, Nokunaka kose seruva rovuswa, Vuswa bwunosvava, neruva rinowira pasi;

25 Asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.Ndireri shoko romufaro ramakaparidzirwa.


2


1 Naizvozvo rashai zvakaipa zvose, nokunyengera kose, namano, mano negodo, nokuchera kose,

2 savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka womweya, usina kushatiswa, kuti mukure nawo, mugoponeswa;

3 kana makaravira kuti Ishe unomoyo munyoro.

4 Vuyai kwaari, iye ibwe benyu, rakarashwa navanhu, asi rakasanangurwa naMwari, rinokosha.

5 nemwi vo, samabwe mapenyu, muvakwe muve imba yoMweya, muve vuprista vutsvene, kuti mubayire zvibayiro zvoMweya, zvinofadza Mwari nokuda kwaJesu Kristu.

6 Nokuti muRugwaro zvirimo, zvinoti: Tarira, ndinoisa muZiyoni ibwe Rekona, rakasanangurwa, Rinokosha; nounotenda kwaari haanganyadziswi.

7 Asi kwamuri imwi munotenda, unokosha asi kuna vasingateereri, ibwe rakarabwa navavaki, ndiro rakazova musoro wekona.

8 uye Ibwe rokugumbusa, Nedombo rokupinganidza; Ndivo avo vanogumburwa neshoko, nokuti havariteereri; ndizvo zvavakaisirwa vo.

9 Asi imwi muri rudzi rwakasanangurwa, vuprista bwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakudanai, kuti mubve parima muvuye kuchiedza chake chinoshamisa.

10 imwi kare makanga musi vanhu, asi zvino muri vanhu vaMwari; makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino manzwirwa ngoni.

11 Vadikamwa, ndinokumbira zvikuru kwamuri, zvamuri vatorwa navaeni, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama kunorwa nomweya;

12 mufambire wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyigwa, kana vachivona mabasa enyu akanaka.

13 Muzviise pasi pechirevo chimwe nechimwe chavanhu nokuda kwaShe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru;

14 kana vari vabati, nokuti vakatumwa naye kuti vatsive vanoita zvakaipa, uye arumbidze vanoita zvakanaka.

15 Nokuti ndiko kuda kwaMwari, kuti nokuita kwenyu zvakanaka munyaradze kusaziva kwamapenzi;

16 savanhu vakasununguka, musingaiti kusununguka kwenyu kuti chive chifukidzo chezvakaipa, asi muve varanda vaMwari.

17 Kudzai vanhu vose. Idai hama dzose. Ityai Mwari. Kudzai mambo.

18 Varanda, teererai vatenzi venyu nokutya kose, musingazviiti kunavakanaka navanyoro bedzi, asi kuna vasakarurama vo.

19 Nokuti ndidzo nyasha kana munhu achitsungirira pakutambudzika nokuda kwehana kuna Mwari. Achitambudzika asinemhosva.

20 Nokuti kunerumbidzo yeiko, kana muchitsungirira matadza, mukarobwa? Asi kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka mukatambudzika, izvozvo inyasha kunaMwari.

21 Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraivo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake;

22 iye usina kuita zvivi, nokunyengera hakuna kuvonekwa mumuromo make;

23 iye wakati achitukwa, haana kutukazve; wakati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kunaiye unotonga zvakarurama;

24 iye wakatakura amene zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuzvivi, tiraramire zvakarurama; iye wamakaporeswa namavanga ake.

25 Nokuti makanga makatsauka samakwai; asi zvino madzokera kumufudzi nomutariri wemweya yenyu.


3


1 Saizvozvo, imwi vakadzi, ivai pasi pavarume venyu; kuti kunyange kana vamwe vasingateereri shoko, vadzorwe nomufambire wavakadzi vavo pasineshoko rinorebwa,

2 kana vachivona mufambire wenyu, wakachena pamwe chete nokutya Mwari.

3 Kushonga kwenyu ngakurege kuva kokunze, kokuruka vhudzi, nokushonga ndarama, kana kupfeka nguvo;

4 asi ngakuve munhu wakavanzika womoyo, wakashonga zvisingavori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari.

5 Nokuti saizvozvovo kare vakadzi vatsvene, vaivimba naMwari, vakazvishongedza, vachizviisa pasi pavarume vavo,

6 saSara waiteerera Abhurahamu, achimuidza ishe; mava vana vake zvino, kana muchiita zvakanaka, musingatyiswi nechinhu chipi nechipi chinovhundusa.

7 Saizvozvo imwi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo unesimba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka yenyasha yovupenyu pamwe chete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.

8 Pakupedzisira, muve nomoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomoyo munyoro, muzvininipise;

9 musingatsivi zvakaipa nezvakaipa, kana kutuka nokutuka; asi muropafadze, nokuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.

10 Nokuti, Uyo, unoda vupenyu, Nokuvona mazuva akanaka, Ngaadzore rurimi rwake panezvakaipa, Nemiromo yake, kuti irege kutaura zvinonyengera.

11 Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka; Ngaatsvake rugare, arutevere

12 Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama, Nenzeve dzake pakukumbira kwavo. Asi chiso chaShe chiri pamusoro pavanoita zvakaipa.

13 Ndianiko uchakuitirai zvakaipa, kana muchishingairira zvakanaka?

14 Asi kana muchitambudzika nokuda kokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwavo, uye musakanganiswa.

15 Asi itai Ishe Mwari mutsvene mumoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita novunyoro nokutya;

16 ivai nehana yakanaka, kuti pavanokucherai, ivo vanomhura mufambire wenyu wakanaka munaKristu, vanyadziswe.

17 Nokuti zvirinani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike kana muchiita zvakanaka pakuti kana muchiita zvakaipa.

18 Nokuti naKristu wakatambudzika vo kamwe chete pamusoro pezvivi, iye wakarurama nokuda kwavasakarurama, kuti atiise kunaMwari; wakavurawa hake panyama, asi wakararamiswa nomweya;

19 mauri wakandoparidziravo mweya iri pakusungwa,

20 yakanga isina kuteerera kare, panguva iya moyo murefu waMwari uchimirira kugadzirwa kweareka pamazuva aNowa; mukati mayo vashoma, ivo vanhu vasere, vakaponeswa nemvura.

21 Naiwo mufananidzo worubhabhatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwesvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kunaMwari nokumuka kwaJesu Kristu;

22 iye uri kurudyi rwaMwari; wakapinda kudenga, vatumwa namadzishe namasimba zvikaiswa pasi pake.


4


1 Naizvozvo, Kristu zvaakatamburira isu panyama, nemwi vo mushonge murangariro iwoyo; nokuti munhu wakatambudzika panyama warega zvivi;

2 kuti panguva yakasara panyama arege kurarama nokuchiva kwavanhu, asi nokuda kwaMwari.

3 Nokuti nguva yakapfuvura yakaringana kuita kuda kwavahedheni, nokufamba novutere, nokuchiva, nokumwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira;

4 vanoshamiswa nechinhu ichi, kuti hamufambidzani navo pakusazvidzora kwavo uku kwakawanda, vachikureverai zvakaipa.

5 Ivo vachazvidavirira kunaiye wakazvigadzira kutonga vapenyu navakafa.

6 Nokuti nokuda kwaizvozvi evhangeri yakaparidzirwa vakafa, kuti vatongwe havo panyama nomutovo wavanhu, asi vararame nomutovo waMwari pamweya.

7 Zvino kuguma kwezvinhu zvose kwava pedo; naizvozvo ivai vakachenjera musvinure kuti munyengetere.

8 Zvikuru kunezvose danai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidzira zvivi zvizhinji.

9 Itiranai rudo pakati penyu kana muri vaeni, musinganyunyuti.

10 Mumwe nomumwe sezvaakapiwa chipo chenyasha, shumiranai nacho savatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari.

11 Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge ari mashoko aMwari; kana munhu achishumira ngazviitwe nesimba raanopiwa naMwari; kuti Mwari akudzwe pazvose naJesu Kristu, iye unokubwinya nesimba nokusingaperi- peri. Ameni.

12 Vadikamwa, musashamiswa nokunyanyisa kokuidzwa pakati penyu, kwakavuya kukuidzai, muchiti mawirwa nechisingazikamwi;

13 asi farai zvamunogovana naKristu pakutambudzika kwake, kuti pakuvonekwa kokubwinya kwake mufare vo nomufaro mukuru.

14 Kana muchizvidzwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mweya wokubwinya waMwari ugere pamusoro penyu; kwavari pakati pavo unotaurirwa zvakaipa asi pakati penyu unokudzwa.

15 nokuti kurege kuva nomumwe wenyu uchatambudzika nemhaka yokuti muvurayi, kana mbavha, kana unoita zvakaipa, kana usingaregi zvavamwe;

16 asi kana munhu achitambudzika nokuda kokuti mukristu, ngaarege kunyadziswa; asi ngaakudze Mwari; nezita iri.

17 Nokuti nguva yasvika yokuti kutonga kutange paimba yaMwari zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwavasingateereri evhangeri yaMwari kuchagoveiko?

18 uye kana zvichiremera wakarurama kuti aponeswe, ko uyo, usingadi Mwari, nomutadzi, vachagovonekwepi?

19 Naizvozvo naivo, vanotambudzika nokuda kwaMwari, ngavaise mweya yavo kuMusiki wakatendeka vachiita zvakanaka.


5


1 Naizvozvo ndinoraira vakuru pakati penyu, ini mukuru pamwe chete navo nechapupu chamatambudziko aKristu, nomugovani navo wokubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti:

2 Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, musingazviiti nokurovererwa, asi nomoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kokukarira fuma yakaipa;

3 musingaiti nesimba nezvamakagoverwa asi muve vatungamiriri veboka.

4 Kana Mufudzi mukuru achizovonekwa, muchawana korona yokubwinya isingasvavi.

5 Saizvozvo imwi vaduku, muzviise pasi pavakuru, nemwi mose pfekai kuzvininipisa mumwe kunomumwe, nokuti Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.

6 Naizvozvo zvininipisei pasi poruvoko runesimba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira;

7 kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kose, nokuti iye unokuchengetai.

8 Svinurai, murinde; nokuti muvengi wenyu Dhiabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.

9 Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika.

10 Zvino Mwari wenyasha dzose, iye wakakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi munaJesu Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, uchakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai.

11 Kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.

12 Ndakakunyorerai mashoko mashomanene naSirivhano, hama yakatendeka pakufunga kwangu, ndichiraira, nokupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari; mirai madziri.

13 Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwe chete nemi, naMarko, mwanakomana wangu, vanokukwazisai.

14 Kwazisanai nokusveta korudo. Rugare ngaruve nemwi mose muri munaKristu.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE