1 Johwani


1


1 Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, zvatakanzwa, zvatakavona nemeso edu, zvatakatarira, nezvatakabata namavoko edu, zveShoko rovupenyu

2 (vupenyu bwakaratidzwa, tikabwuvona, tinopupura nokukuparidzirai vupenyu bwusingaperi, bwakanga bwuri kunaBaba, bwukaratidzwa kwatiri);

3 Izvo zvatakavona, nezvatakanzwa, ndizvo zvatinokuparidziraivo, kuti nemivo muyanane nesu; kuyanana kwedu tinako naBaba, noMwanakomana wake Jesu Kristu.

4 Zvinhu izvi tinokunyorerai, kuti mufaro wenyu uzadziswe.

5 Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidzirai vo, kuti Mwari chiedza, hamunerima maari.

6 Kana tichiti, tinoyanana naye, tichifamba murima tinoreva nhema, hatiiti chokwadi;

7 asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari pachiedza, tinoyanana isu; neropa raJesu Kristu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.

8 Kana tichiti, hatinezvivi, tinozvinyengera, chokwadi hachizi matiri.

9 Kana tichizvirevurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikangamwira zvivi zvedu, nokutinatsa pakusarurama kose.

10 Kana tichiti, hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harizi matiri.


2


1 Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tinoMurevereri kunaBaba, iye Jesu Kristu wakarurama;

2 ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haazi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose vo.

3 Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake.

4 Uyo, unoti, ndinomuziva, asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, chokwadi hachizi maari;

5 asi uyo, unochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari;

6 uyo, unoti, ndinogara maari, unofanira kufamba vo sezvaakafamba iye.

7 Hama dzangu, handikunyoreriyi murairo mutsva, asi murairo wekare, wamakanga munawo kubva pakutanga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa.

8 Pamwe zve ndinokunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chachokwadi maari nomamuri; nokuti rima ropfuvura, chiedza chachokwadi chotovhenekera.

9 Uyo, unoti, ndiri muchiedza, achivenga hama yake, uchiri murima kusvikira zvino.

10 Unoda hama yake, unogara muchiedza, hapane chigumbuso maari.

11 Asi unovenga hama yake, uri murima, unofamba murima haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake.

12 Ndinokunyorerai, vana vaduku, nokuti makakangamwirwa zvivi nokuda kwezita rake.

13 Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye wakanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, vana vaduku, nokuti munoziva Baba.

14 Ndakunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye wakanga aripo kubva pakutanga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti munesimba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda wakaipa.

15 Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.

16 Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kovupenyu, hazvibvi kunaBaba, asi panyika.

17 Nyika inopfuvura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.

18 Vana vaduku, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti antikristu unovuya, nazvino vana antikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira.

19 Vakabva kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaive vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva kuti vavonekwe kuti vose havazi vedu.

20 imwi munokuzodzwa kunobva kunaiye Mutsvene, munoziva zvose.

21 Handina kukunyorerai ndichiti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munoiziva, uye nokuti hakunenhema dzingabva pachokwadi.

22 Ndianiko murevi wenhema, kana asati ari iye unoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye antikristu, unoramba Baba noMwanakomana.

23 Aninani unoramba Mwanakomana, naiye haana Babavo.

24 Kana muri imwi, izvo zvamakanzwa kubva pakutanga, ngazvigare mamuri, nemivo muchagara muMwanakomana, nomunaBaba.

25 Ndichochi chipikirwa chaakatipikira, ndibwo vupenyu bwusingaperi.

26 Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pavanokutsausai.

27 Kana muri imwi, kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodzwa kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwechokwadi, dzisati dziri nhema, se zvakwakakudzidzisai, garai maari.

28 Zvino, vana vaduku, garai maari,kuti, kana achizovoneswa, tive nokusatya, tirege kunyadziswa vo pamberi pake pakuvuya kwake.

29 Kana muchiziva kuti iye wakarurama zivaivo kuti mumwe nomumwe unoita zvakarurama wakaberekwa naye.


3


1 Tarirai kukura korudo rwa takaitirwa naBaba, kuti tinzi vanakomana vaMwari; ndizvo zvatiri vo; saka nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye.

2 Vadikamwa, zvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Tinoziva kuti kana achizovoneswa, isu tichafanana naye; nokuti tichamuvona sezvaakaita.

3 Mumwe nomumwe unetariro iyi kwaari, unozvichenesa sezvaakachena iye.

4 Mumwe nomumwe unoita zvivi, unodarika nomurairo vo; zvivi ndiko kudarika murairo.

5 Munoziva kuti iye wakavoneswa kuti abvise zvivi; maari hamunezvivi.

6 Mumwe nomumwe unogara maari, haaiti zvivi; mumwe nomumwe unoita zvivi, haana kumuvona kana kumuziva.

7 Vana vaduku, musatsauswa nomunhu; uyo, unoita zvakarurama, wakarurama, saiye akarurama.

8 Uyo, unoita zvivi, ndowaDhiabhorosi, nokuti Dhiabhorosi unoita zvivi kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari wakavoneswa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa aDiaborosi.

9 Mumwe nomumwe wakaberekwa naMwari haaiti zvivi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita zvivi, nokuti wakaberekwa naMwari.

10 Vana vaMwari vanovoneswa naizvozvi, navana vaDhiabhorosi; mumwe nomumwe usingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyevo usingadi hama yake.

11 Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidane;

12 tisingaiti saKaini, wakanga ari wowakaipa, akavuraya munununa wake. Wakamuvurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunun'una wake akanga akarurama.

13 Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.

14 Tinoziva kuti takabva murufu, tapinda muvupenyu, nokuti tinoda hama. Uyo, usingadi, hama yake unogara murufu.

15 Mumwe nomumwe unovenga hama yake, muvurayi; munoziva kuti hakunomuvurayi unovupenyu bwusingaperi bwugere maari.

16 Ndozvatinoziva rudo nazvo, kuti wakatipa vupenyu bwake; nesuvo tinofanira kupa hama vupenyu bwedu.

17 Asi kana munhu anefuma yenyika, akavona hama yake ichishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari?

18 Vana vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nechokwadi.

19 Ndizvo zvatichaziva nazvo kuti tiri vechokwadi, tigosimbisa moyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumoyo yedu, unoziva zvose.

20 nokuti kana moyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumwoyo vedu, unoziwa zose.

21 Vadikamwa, kana moyo usingatipi mhaka, tinako kusatya pamberi paMwari;

22 uye zvose zvatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinochengeta mirairo yake, tichiita zvinomufadza.

23 Ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye tidane, sezvaakatiraira.

24 Unochengeta mirairo yake, unogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti unogara matiri, noMweya waakatipa.


4


1 Vadikamwa, musatenda mweya yose, asi muidze mweya, kuti muvone kana yakabva kunaMwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika.

2 Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari: Mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu wakavuya munyama, ndowaMwari.

3 Mweya mumwe nomumwe usingapupuri kuti Jesu Kristu wakavuya panyama, hauzi waMwari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unovuya' nazvino watova panyika.

4 Vana vaduku, imi, muri vaMwari, makavakunda, nokuti uyo, uri mamuri, mukuru kunaiye, uri munyika.

5 Ivo ndovenyika, naizvozvo vanotaura savenyika, nenyika inovanzwa.

6 Isu tiri vaMwari; unoziva Mwari, unotinzwa; usi waMwari, haatinzwi. Ndizvo zvatinoziva nazvo Mweya wechokwadi, nomweya wokutsauka.

7 Vadikamwa, ngatidane; nokuti rudo runobva kunaMwari, mumwe nomumwe, unoda, wakaberekwa naMwari, unoziva Mwari.

8 Usingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.

9 Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa ari mumwe chete, munyika, kuti tive novupenyu naye.

10 Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu.

11 Vadikamwa, kana Mwari akatida saizvozvo, nesuvo tinofanira kudana.

12 Hakuna munhu wakambovona Mwari; kana tichidana, Mwari unogara matiri, norudo rwake runokwaniswa matiri.

13 Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa zvoMweya wake.

14 Isu takavona, uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika.

15 Aninani unopupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari unogara maari, naiye munaMwari.

16 Nesu takaziva, tikatenda rudo urwu, Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; unogara murudo, unogara munaMwari, naMwari maari.

17 Rudo rwakakwaniswa matiri pachinhu ichi, kuti tirege kutya nezuva rokutongwa; nokuti sezvaakaita iye, ndizvo zvatakaitavo panyika ino.

18 Hakunokutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorobwa; munhu, unotya, haana kukwaniswa parudo.

19 Isu tinoda, nokuti iye wakatanga kutida.

20 Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti usingadi hama yake yaakavona, ungada seiko Mwari, waasina kuvona?

21 Iwoyu murairo wakabva kwaari, tinawo, wokuti unoda Mwari, ngaade vo hama yake.


5


1 Mumwe nomumwe, unotenda kuti Jesu ndiye Kristu, iye wakaberekwa naMwari; mumwe nomumwe, unoda iye wakabereka, unodavo wakaberekwa naye.

2 Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, tichiita mirairo yake.

3 Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirairo yake; mirairo yake hairemi.

4 Nokuti chinhu chipi nechipi, chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; uku ndiko kukunda kunokunda nyika, ndiko kutenda kwedu.

5 Ndianiko unokunda nyika? Haazi iye unotenda kuti Jesu Kristu; ndiye mwanakomana waMwari here?

6 ndiye wakavuya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana kuvuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Mweya ndiye unopupura nokuti mweya ichokwadi

7 Nokuti vatatu vanopupura kudenga Baba, Shoko naMweya Mutsvene, ava vatatu ndimumwe.

8 Varipo vatatu vanopupura panyika zvinoti Mweya, mvura neropa izvi zvitatu ava vatatu vanotenderana pachinhu chimwe.

9 Kana tichigamuchira kupupura kwavanhu, kupupura kwaMwari kukuru; nokuti kupupura kwaMwari ndiko, kuti wakapupura pamusoro poMwanakomana wake.

10 Uyo, unotenda kuMwanakomana waMwari, kupupura unako mukati make; usingatendi Mwari, wakamuita murevi wenhema; nokuti haana kutenda kupupura kwakapupurirwa naMwari pamusoro poMwanakomana wake.

11 Kupupura ndiko, kuti Mwari wakatipa vupenyu bwusingaperi; zvino vupenyu ubwu bwuri muMwanakomana wake.

12 UnoMwanakomana, unovupenyu; usinoMwanakomana waMwari haanovupenyu.

13 Ndakakunyorerai zvinhu izvi kuti mugoziva kuti munovupenyu bwusingaperi, iyemwi munotenda kuzita romwanakomana waMwari.

14 Ndiko kusatya, kwatinako kwaari, kuti kana tichikumbira chinhu nokuda kwake, unotinzwa;

15 zvino kana tichiziva kuti unotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwa mikumbiro yatakakumbira kwaari.

16 Kana munhu achivona hama yake ichiita chinhu chisati chiri chorufu, uchakumbira, Mwari agomupa vupenyu bwunopiwa vasingaiti chivi chorufu. Chiripo chivi chorufu; handiti akumbire pamusoro pechichi.

17 Kusarurama kose chivi; zvino chivi chiripo chisati chiri chorufu.

18 Tinoziva kuti mumwe nomumwe wakaberekwa naMwari haaiti zvivi; asi wakaberekwa naMwari unochengetwa naye, wakaipa haangamubati.

19 Tinoziva kuti tiri vaMwari, nenyika yose ivete munaiye wakaipa.

20 Tinoziva kuti mwanakomana waMwari wakavuya, akatipa kuziva, kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri munaiye wechokwadi, mumwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi, novupenyu bwusingaperi.

21 Vana vaduku, zvichenjererei pazvifananidzo.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE