1 VAKorinde


1


1
1 Pauro, wakadamwa nokuda kwaMwari, kuti ave muapositora waKristu Jesu, naSostene, hama yedu,

2 kukereke yaMwari iri paKorinde, kunavakaitwa vatsvene munaKristu Jesu, vakadamwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vanodana pose-pose zita raJesu Kristu, Ishe wedu, wavo nowedu:

3 Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu.

4 Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, pamusoro penyasha dzaMwari dzamakapiwa munaKristu Jesu;

5 kuti makafumiswa pazvose maari, pakutaura kose, napakuziva kose;

6 nokudaro vuchapupu bwaKristu bwakasimbiswa mamuri;

7 kuti hamushaiwi chipo chimwe; muchimirira kuratidzwa kwaShe wedu, Jesu Kristu;

8 uchakusimbisai kusvikira pakuguma, muve vasingapomerwi pazuva raShe Jesu Kristu.

9 Mwari ndiye wakatendeka, wamakadamwa naye kuyanana noMwanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe wedu.

10 Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu, Jesu Kristu, kuti imwi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.

11 Nokuti ndakavudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, navari vokwaKroe, kuti kunegakava pakati penyu.

12 Zvandinoreva ndizvo, kuti mumwe nomumwe wenyu unoti: Ini ndiri waPauro, ini waAporo, ini waKefasi, ini waKristu.

13 Ko Pauro wakaroverwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Ko makabhabhatidzwa muzita raPauro here?

14 Ndinovonga Mwari, kuti handina kubhabhatidza mumwe wenyu, asi Krispo naGayo;

15 kuti kurege kuva nomunhu ungati, makabhabhatidzwa muzita rangu.

16 Ndakabhabhatidzavo veimba yaStefana; asi vamwe, handizivi kana ndakabhabhatidza mumwe.

17 Nokuti Kristu haana kundituma kubhabhatidza, asi kuti ndiparidze evhangeri; ndisingaiti nenjere dzamashoko, kuti muchinjikwa waKrsitu urege kukoneswa.

18 Nokuti shoko romuchinjikwa vupenzi kunavanoparadzwa; asi kwatiri., isu tinoponeswa, isimba raMwari.

19 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza vuchenjeri bwavakachenjera, Ndichakonesa kuziva kwavanoziva.

20 Wakachenjera uripiko? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mwari haana kuita vuchenjeri bwenyika bwuve vupenzi here?

21 Nokuti pashure muvuchenjeri bwaMwari, nyika novuchenjeri bwayo haina kuziva Mwari, nokuti zvakafadza Mwari novupenzi bwokuparidza kuponesa vanotenda.

22 Nokuti vaJudha vanokumbira chiratidzo, navaGiriki vanotsvaka vuchenjeri;

23 asi isu tinoparidza Kristu, wakaroverwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha, novupenzi kuvahedheni;

24 asi kunavakadamwa, vaJudha navaGiriki Kristu isimba raMwari novuchenjeri hwaMwari.

25 Nokuti vupenzi bwaMwari bwakachenjera kupfuvura vanhu; novutera bwaMwari bwakasimba kupfuvura vanhu.

26 Nokuti tarirai kudamwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadamwa; havazi vazhinji vanesimba, havazi vazhinji vanokudzwa;

27 asi Mwari wakatsaura zvinhu zvovupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; Mwari wakatsaura zvinhu zvinozvidzwa zvenyika, kuti anyadzise izvo zvinesimba;

28 Mwari wakatsaura zvinhu zvinozidzwa zvenyika, nezvinoshovorwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zviripo simba razvo,

29 kuti kurege kuva nenyama ingazvikudza pamberi paMwari.

30 Asi naye muri munaKristu Jesu, iye wakatiitirwa isu vuchenjeri bwunobva kunaMwari, nokururama, nokuitwa vatsvene, norudzikinuro.

31 Kuti unozvirumbidza, ngaazvirumbidze munaShe, sezvazvakanyorwa.


2


1 Zvino ini, hama dzangu, pakuvuya kwangu kwamuri, handina kuvuya ndichikuparidzirai vuchapupu bwaMwari nokunaka kwamashoko, kana kovuchenjeri.

2 Nokuti ndakati, handingazivi chinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu, iye wakaroverwa pamuchinjikwa.

3 Ndakanga ndiri pakati penyu novutera, nokutya, nokudedera kukuru,

4 neshoko rangu nokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzera ovuchenjeri; hwavanhu asi nokuratidza koMweya nokwesimba;

5 kuti kutenda kwenyu kurege kuva muvuchenjeri bwavanhu, asi musimba raMwari.

6 Zvino tinotaura vuchenjeri pakati pavakakwana; asi vuchenjeri bwusati bwuri bwenyika ino, kana bwavabati venyika ino vanoshaiswa simba.

7 Asi tinotaura vuchenjeri bwaMwari bwakavanzika, bwakafukidzwa, bwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari, nyika isati yavapo;

8 bwusina kuzivikamwa nomumwe wavabati venyika ino; nokuti dai vaibwuziva, vangadai vaisarovera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa.

9 Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Izvo zvisina kuvonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.

10 Nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwatiri isu noMweya; nokuti Mweya unonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari.

11 Nokuti munhu ndoupiko unoziva zvomunhu, asi mweya womunhu, uri maari? Saizvozvo hakunomunhu unoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari.

12 Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kunaMwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari.

13 Ndizvo zvatinotauravo, tisingatauri namashoko atinodzidziswa novuchenjeri bwomunhu, asi anodzidziswa noMweya mutsvene; tichidudzira zvinhu zvoMweya kuvanhu voMweya.

14 Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya waMwari; nokuti vupenzi kwaari; haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa noMweya.

15 Asi uri woMweya unonzwisisa zvose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu.

16 Nokuti ndianiko wakaziva murangariro waShe, kuti amudzidzise? Asi isu tinomurangariro waKristu.


3


1 Ini, hama dzangu, ndakanga ndisingagoni kutaura nemwi sokuna voMweya, asi sokuna venyama, sokuna vacheche munaKristu.

2 Ndakakupai mukaka mumwe, handina kukupai zvokudya; nokuti makanga musingagoni kudya, nazvino hamugoni.

3 Nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachinegodo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutovo wavanhu here?

4 Nokuti kana mumwe achiti: Ini ndiri waPauro; mumwe; Ini ndiri waAporo; ko hamuzi venyama here?

5 Zvino Pauro ndiani? Aporo ndiani? Asi vabati vamakatenda navo.

6 Ini ndakasima, Aporo wakadiridza; asi Mwari wakameresa.

7 Naizvozvo unosima haazi chinhu, kana unodiridza' asi Mwari unomeresa.

8 Zvino unosima nounodiridza ndavamwe; asi mumwe nomumwe uchapiwa mubairo wake, sezvaakabata.

9 Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.

10 Nenyasha dzaMwari dzandakapiwa, ndakaronga nheyo somuvaki wakachenjera; mumwe unovaka pamusoro padzo. Zvino mumwe nomumwe ngaachenjere kuti unovaka sei pamusoro padzo.

11 Nokuti hakunomumwe ungaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu.

12 Zvino kana munhu achivaka pamusoro penheyo idzi, ndarama, kana siravheri, kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga;

13 basa romumwe nomumwe richavonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti zvicharatidzwa nomoto; moto uchaidza basa romumwe nomumwe kuti rakadini.

14 Kana basa romunhu raakavaka pamusoro padzo, richigara, uchapiwa mubairo.

15 Kana basa romunhu rikapiswa, ucharashikirwa, asi iye amene uchaponeswa, asi sowakabuda pamoto.

16 Ko hamuzivi kuti muri tembere yaMwari, uye kuti Mweya waMwari unogara mukati menyu here?

17 Kana munhu achitadzira tembere yaMwari Mwari uchamutadziravo; nokuti tembere yaMwari itsvene, ndimi iyo.

18 Kurege kuva nomunhu unozvinyengera. Kana munhu achiti ndakachenjera pakati penyu panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera.

19 Nokuti vuchenjeri bwenyika ino vupenzi kunaMwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Unobata vakachenjera, pamano avo.

20 Vuyezve: Ishe unoziva ndangariro dzavakachenjera, kuti hadzinamaturo.

21 Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu unovimba navanhu. Nokuti zvinhu zvose ndezvenyu;

22 kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana vupenyu; kana rufu, kana zvazvino, kana zvinovuya; zvose ndezvenyu;

23 imwi muri vaKristu; naKristu ndowaMwari.


4


1 Munhu upi noupi ngaarangarire saizvozvo kuti tiri varanda vaKristu.vachengeti vezvakavanzika zvaMwari.

2 Zvino, pazvinhu izvi, pavatariri panotsvakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka.

3 Zvino chinhu chiduku-duku kwandiri, kuti nditongwe nemi, kana nokutonga komunhu; handizvitongi ini ndimene.

4 Nokuti handizivi mhosva yandinayo; asi handiruramiswi naizvozvo; asi unonditonga ndiye'She.

5 Saka regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe avuya, iye uchabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, nokuratidza mifungo yomoyo; apo munhu mumwe nomumwe ucharumbidzwa naMwari.

6 Zvino, hama dzangu, zvinhu izvi ndakanyora ndichizvifananidzira ini naAporo, nokuda kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuvura izvo zvakanyorwa, kuti mumwe arege kuzvikudza, achitsaura mumwe kunomumwe.

7 Nokuti ndianiko wakakutsaura iwe? Chinyiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzireiko sousina kupiwa?

8 Matoguta, matofuma, mabata vushe kunze kwedu; dai maibata vushe henyu, kuti isu tibatevo pamwe chete nemi.

9 Nokuti ndinoti Mwari wakatigadza isu vapositora pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu; nokuti takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa navanhu.

10 Isu tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imwi makachenjera munaKristu; isu tinoshaiwa simba, asi imwi munesimba; imwi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa.

11 Kusvikira nguva ino isu tinenzara, tinenyota, hatina chatingafuka, tinorobwa netsiva, hatina nzvimbo kwayo yokugara;

12 tinotambudzika, tichibata namavoko edu; kana tichitukwa, tinoropafadza, kana tichitambudzwa, tinotsunga moyo;

13 kana tichipomerwa, tinovaraidza; takaitwa setsvina yenyika, marara avose kusvikira zvino.

14 Handikunyoreriyi zvinhu izvi, kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurairei savana vangu vanodikamwa.

15 Nokuti kunyange maiva navadzidzisi vanezvuru zvinegumi munaKristu, hamuna madzibaba mazhinji; nokuti munaJesu Kristu ini ndakakuberekai neevhangeri.

16 Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti muve vateveri vangu.

17 Nemhaka iyi ndakatuma Timotio kwamuri, mwana wangu unodikamwa, wakatendeka munaShe; iye uchakuyevudzai, mitovo yangu iri munaKristu Jesu, sezvandinodzidzisa kose pakereke dzose.

18 Zvino vamwe vanozvikudza, vachiti sokuti handingavuyi kwamuri.

19 Ndichakurumidza kuvuya kwamuri, kana Ishe achida; handingazivi shoko raivavo vanozvikudza, asi simba ravo.

20 Nokuti vushe bwaMwari habwuzi pamashoko, asi pasimba.

21 Munotsvakeiko? Ndivuye kwamuri neshamhu, kana norudo nomweya wovuyoro here?


5


1 Vanhu vose vanoti vupombwe bwuripo pakati penyu, vupombwe bwakadaro bwusingazikamwi kunyange pakati pavahedheni, bwokuti mumwe unogara nomukadzi wababa vake.

2 Munozvikudza, hazvizaiva nani here kuti dai makachema, kuti uyo wakabate basa iri abviswe pakati penyu?

3 Nokuti ini, zvirokwazvo, kunyange ndisipo nomuviri, asi ndiripo hangu nomweya, ndatotongesa uyo wakaita chinhu ichi, sendinenge ndiripo,

4 nemi, makavungana pamwe chete nomweya wangu nezita raShe Jesu Kristu, nesimba raShe wedu Jesu Kristu.

5 kuti munhu wakadai aiswe kunaSatani, nyama iparadzwe, kuti mweya uponeswe pazuva raShe Jesu.

6 Kuzvirumbidza kwenyu hakuna kunaka. Ko hamuzivi kuti mbiriso shoma inovirisa bundu rose here?

7 Bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa. Nokuti paseka yedu, yakatibayirwa isu, ndiKristu;

8 saka ngatiite mutambo, tisingaiti nembiriso yekare, kana nembiriso yokushata nokuipa; asi nechingwa chisina kuviriswa chokururama nechokwadi.

9 Ndakakunyorerai nemwadhi yangu, kuti murege kufambidzana nemhombwe;

10 handiti nemhobwe dzose dzenyika ino, kana vanoruchiva, kana makororo, kana vanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro maifanira kubva panyika.

11 Asi zvino ndinokunyorerai, kuti murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana achinamata zvifananidzo, kana mutuki, kana unosimwa doro, kana gororo; musadya nowakadai.

12 Nokuti ini ndichatongereiko vari kunze? Ko imwi hamutongi vari pakati penyu here?

13 Asi avo vari kunze. Mwari unovatonga. Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.


6


1 Ko kana mumwe wenyu anemhosva nomumwe, ungatsunga kumukwirira kuna vasakarurama, akasamukwirira kuna vatsvene here?

2 Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichitongwa nemi, ko imwi hamufaniri kutonga mhosva duku-duku here?

3 Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei izvo zvovupenyu bwuno!

4 Zvino kana mune mhosva dzovupenyu bwuno dzinofanira kutongwa, munogadza seiko avo vanozvidzwa pakereke, kuti ivo vatonge?

5 Ndinodaro kuti munyadziswe. Ko hakuna wakachenejera pakati pwenyu ungagona kutonga pakati pehama nehama yake here?

6 Asi hama inokwirira hama, achizviita pamberi pavasingatendi here?

7 Zvino matova nemhosva kwazvo pakati penyu, zvamunokwirirana. Munoregereiko kutenda kuitirwa zvisakarurama? Munoregereiko kutenda kubirwa?

8 Asi imwi munoita zvisakarurama, munonyengetera, muchizviitira hama.

9 Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka yovushe bwaMwari here? Musarashika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume,

10 kana mbavha, kana vanoruchiva, kana vanosimwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka yovushe bwaMwari.

11 Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene. Asi mukaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMweya waMwari wedu.

12 Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvinhu zvose hazvindibatsiri. Ndakatenderwa zvinhu zvose, asi handidi kukundwa nechinhu chimwe.

13 Zvokudya ndezvedumbu, nedumbu nderezvokudya; asi Mwari uchaparadza iro naizvo, zvose. Asi muviri hauzi wovupombwe, asi ndowaShe; naShe ndowomuviri;

14 Mwari wakamutsa Ishe, uye uchatimutsa isu nesimba rake.

15 Hamuzivi kuti miviri yenyu mitezo yaKristu, ndichatora mitezo yaKristu ndikaiita mitezo yechifeve here

16 hamuzivi kuti wakasonganiswa nemhombwe wava muviri mumwe naye here? Nokuti iye unoti: Ava vaviri vachava nyama imwe.

17 Asi wakasonganiswa naShe, wava mweya mumwe naye.

18 Tizai vupombwe. Zvivi zvose, zvinoitwa nomunhu, zviri kunze komuviri; asi unoita vupombwe, unotadzira muviri wake.

19 Hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yoMweya Mutsvene, uri mukati menyu, wamakapiwa naMwari? Hamuzi venyu;

20 nokuti makatengwa nomutengo; naizvozvo kudzai Mwari mumuviri wenyu uye mumweya yenyu iri yaMwari.


7


1 Zvino kana zviri zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kuti munhu arege kubata mukadzi.

2 Asi nokuda kovupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake.

3 Murume ngaape mukadzi zvakafanira; nomukadzi ngaadarovo kumurume.

4 Mukadzi haanesimba pamusoro pomuviri wake, asi murume; saizvozvovo murume haanesimba pamusoro pomuviri wake, asi mukadzi.

5 Musanyimana, asi muchiita nguva duku, mumbotenderana, kuti muve nenguva yokutsanya nokunyengetera, ndokusonganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusagona kwenyu kuzvidzora.

6 Asi ndinotaura izvi, ndichikutenderai, ndisingarairi.

7 Nokuti ndinoda kuti vanhu vose vave seni. Asi munhu mumwe nomumwe une chipiwa chake, chinobva kunaMwari, mumwe chorudzi urwu, mumwe chorumwe rudzi.

8 Asi ndinoti kunavasina kuwana,, nokuchirikadzi: Zvakanaka kuti vagare seni.

9 Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane; nokuti zvirinani kuti vawane pakutsva.

10 Zvino vakawana ndinovaraira, asi handizini, ndiShe, kuti mukadzi arege kubva kumurume wake,

11 (kana achibva, ngaagare asingawanikwi, kana ayanane nomumrume wake)

12 Zvino kunavamwe ndinoti ini, haazi Ishe; Kana hama inomukadzi usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumurasha.

13 Nomukadzi unomurume usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kurasha murume wake,

14 nokuti murume usingatendi unoitwa mutsvene nomukadzi wake, nomukadzi usingatendi unoitwa mutsvene nomurume; kana zvisina kudaro, vana venyu vaiva netsvina; asi zvino vatsvene.

15 Zvino kana usingatendi achienda, ngaaende hake. Hama, kana ari murume kana mukadzi, haisungwi nezvakadaro; asi Mwari wakakudanai kuti muve norugare.

16 Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko kuti uchaponesa murume wako?Kana iwe murume, unoziva seiko kuti uchaponesa mukadzi wako?

17 Asi, mumwe nomumwe sezvaakagoverwa naShe, mumwe nomumwe sezvaakadamwa naMwari, ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinoraira pakereke dzose.

18 Kana mumwe achinge akadamwa akadzingiswa, ngaarege kuitwa usakadzingiswa; kana mumwe achinge akadamwa asakadzingiswa, ngaaarege kudzingiswa.

19 Kudzingiswa hachizi chinhu, nokusadzingiswa hachizi chinhu, asi kuchengeta mirairo yaMwari.

20 Mumwe nomumwe ngaagare pakudamwa kwaakadamwa nako.

21 Wakadamwa uri muranda here? Usazvidya moyo; asi kana ungasunungurwa, zvirinani kuti udaro hako.

22 Nokuti wakadamwa munaShe, ari muranda, wava musunungurwa waShe; saizvozvovo, wakadamwa akasununguka, wava muranda waKristu.

23 Makatengwa nomutengo; regai kuva varanda vavanhu.

24 Hama dzangu, mumwe nomumwe ngaagare pamberi paMwari ipapo paakadamwa napo.

25 Zvino, pamusoro pemhandara, handinomurairo waShe; asi ndinotaura somunhu wakapiwa ngoni naShe kuti ave wakatendeka.

26 Naizvozvo ndinoti nokuda kwenhamo ino, zvakanaka kuti munhu agare akadaro.

27 Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa pamukadzi here?.

28 Zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai.

29 Zvino ndinozvitaura izvi, hama dzangu, nokuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vanavakadzi vave savasina;

30 navanochema vave savasingachemi; navanofara savasingafari; navanotenga savasinechinhu;

31 navanobata nezvenyika, savasingabatisisi nazvo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuvura.

32 Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Usina kuwana, unofunga zvaShe, kuti ungafadza Ishe wake sei.

33 Asi wakawana, unofunga zvenyika, kuti ungafadza mukadzi wake sei.

34 Panomusiyano pakati pomukadzi nemhandara usina kuwanikwa unofunga zvaShe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi wakawanikwa unofunga zvenyika, kuti ungafadza murume wake sei.

35 Izvi ndinotaura kuti mubatsirwe imi; ndisingadi kukusungai nomusungo, asi nokuda kwezvakafanira, uye kuti munamatire Ishe, musingakanganiswi.

36 Asi kana mumwe achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, kana zvirinani kuti zviitwe, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawaniswe havo.

37 Asi uyo unomira akasimba pamoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi anesimba pamusoro pokuda kwake, akatema mumoyo make chinhu ichi, kuti uchachengeta mhandara yake, iye unoita zvakanaka.

38 Naizvozvo, unomuwanisa unoita zvakanaka; nosingamuwanisi, unoita zvinopfuvura nokunaka.

39 Mukadzi wakasungwa nomurairo murume wake achiri mupenyu; zvino kana murume wake afa, wasununguka, kuti awanikwe nowaanoda; asi ngazviitwe munaShe.

40 Asi unganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu ini; zvino ndinoti nenivo ndinoMweya waMwari.


8


1 Zvino, pamusoro pezvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti tose tinako kuziva. Kuziva kunovuyisa kuzvikudza, asi rudo runosimbisa.

2 Kana munhu achiti, ndinoziva chinhu, ugere kutongoziva sezvaakafanira kuziva.

3 Asi kana munhu achida Mwari, iye unozikamwa naye.

4 Zvino kana kuri kudya zvinhu zvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu panyika, uye kuti hakuna Mwari, asi iye mumwe chete.

5 Nokuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga kana panyika; sezvavaripo vamwari vazhinji, namadzishe mazhinji;

6 asi isu tinongova naMwari mumwe bedzi, ndivo Baba; zvinhu zvose zvinobva kwaari, nesu tiri,po nokuda kwake; uye Ishe mumwe, Jesu Kristu;zvinhu zvose zviripo naye, nesu tiripo naye.

7 Asi vose havana kuziva ikoko; nokuti vamwe, vakarovera chifananidzo kusvikira zvino, vanodya vachiti zvakabayirwa zvifananidzo; hana yavo zvaisinesimba, inoshatiswa.

8 Zvino zvokudya hazvingatisvitsi kunaMwari; nokuti kana tisingadyi, hatiipiswi; kana tichidya, hatinatswi.

9 Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kunavasinesimba.

10 Nokuti kana mumwe achikuvona iwe, unako kuziva, ugere pakudya mutembere yechifananidzo, ko hana yaiyeye usinesimba haingatsungiswi, kuti adye izvo zvakabayirwa zvifananidzo here?

11 Nokuti nokuziva kwako uyo usinesimba unoparadzwa, iri hama yakafirwavo naKrsitu.

12 Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchirwadzisa hana yavo isinesimba, munotadzira Kristu.

13 Saka kana zvokudya zvichigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama nokusingaperi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.


9


1 Handizi wakasununguka here? Handizi muapositora here? Handina kuvona Jesu Kristu, Ishe wedu here? imwi hamuzi basa rangu munaShe here?

2 Kana ndisati ndiri muapositora kuna vamwe, kunyange zvakadaro zvirokwazo ndiri muapositora kwamuri hangu; nokuti imwi muri chisimbiso chovuapositora bwangu munaShe.

3 Kuzvidavirira kwangu kunaivo vanonditonga ndikoku:

4 Hatine simba rokudya nokumwa here?

5 Hatine simba rokufamba nomukadzi iri hama, savamwe vapositora navanun'una vaShe, naKefasi here?

6 Ko ini ndoga naBharnabhasi hatine simba rokurega kubata basa here?

7 Ndianiko ungandorwa achizviripira mubairo? Ndianiko unorima munda wemizambiringa, akasadya zvibereko zvawo? Ndianiko unofudza boka, akasadya mukaka weboka?

8 Izvi ndinozvitaura nokutaura kwavanhu here?

9 Nokuti pamurairo waMozisi pakanyorwa, pachiti: Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo. Ko Mwari unehanya nenzombe here?

10 Kana unoreva saizvozvo nokuda kwedu koga here? Zvirokwazvo, zvakanyorwa nokuda kwedu, nokuti unorima unofanira kurima netariro; nounopura, achitarira kuti uchagoverwavo.

11 Kana isu takakudzvarirai zvinhu zvomweya, chingava chinhu chikuru here kana tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama?

12 Kana vamwe vachipiwa simba pamusoro penyu, ko isu hatipiwi iro zvikuru here? Asi hatina kuzvibatira nesimba; asi tinotambudzika pazvose, kuti tirege kudzivisa evhangeri yaKristu..

13 Hamuzivi here kuti vanoshumira pazvinhu zvitsvene vanorarama nezvinhu zvetembere? uye kuti vanobata basa paaritari, vanogovana nearitari here?

14 Saizvozvovo Ishe wakaraira kuti vanoparidza evhangeri, vararame neevhangeri.

15 Asi ini handina kuzvibatira nechimwe chezvinhu izvo. Handinyori izvi kuti ndiitirwe saizvozvo ini; nokuti zvirinani kuti ndife, pakuti mumwe akonese icho chandinozvirumbidza nacho.

16 Nokuti kana ndichiparidza evhangeri, handina chandingazvirumbidza nacho, nokuti ndinoroveverwa; ndinenhamo, kana ndisingaparidzi evhangeri.

17 Nokuti kana ndichizviita ndichida ini, ndinomubairo; asi kana ndichizviita ndisingadi, ndakapiwa hangu vutariri.

18 Zvino mubairo wangu ndoweiko? Ndiwo, kuti kana ndichiparidza evhangeri, ndivigire vanhu evhangeri yaKristu vasingaripi, kuti ndirege kuzvibatira pandaigona napo nesimba randinaro reevhangeri.

19 Nokuti kunyange ndakasununguka kunavose, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.

20 KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kunavari pasi pomurairo, ndakava somunhu uri pasi pomurairo, kunyange ndisati ndiri pasi pomurairo hangu, kuti ndiwane vari pasi pomurairo;

21 kuna vasinomurairo, ndakava somunhu usinomurairo, kunyange ndisati ndiri munhu usinomurairo waMwari, asi pasi pomurairo waKristu, kuti ndiwane vasinomurairo.

22 Kuna vasinesimba ndakava sousinesimba, kuti ndiwane vasinesimba; ndakava zvose kuvanhu vose, kuti ndiponese vamwe nemitovo yose.

23 Zvinhu zvose ndinozviita nokuda kweevhangeri, kuti ndigoverwe iyo pamwe chete navamwe.

24 Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange, vanomhanya vose, asi mumwe chete unopiwa mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muwane.

25 Mumwe nomumwe, unoshingaira pakutamba, unozvidzora pazvose. Zvino ivo vanozviita kuti vawane korona inovora, asi isu kuti tiwane isingavori.

26 Zvino ini handirwi somunhu unorova mhepo;

27 asi ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva wakarashwa ndimene.


10


1 Nokuti handidi, hama dzangu, kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore, uye kuti vose vakayambuka gungwa;

2 vose vakabhabhatidzwa munaMozisi mugore nomugungwa;

3 vose vakadya zvokudya zvimwe zomweya;

4 vose vakamwa zvokumwa padombo romweya rakavatevera; dombo iro rakanga riri Kristu.

5 Asi Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; nokuti vakaparadzwa murenje.

6 Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri zviratidzo kwatiri, kuti isu tirege kuchiva zvakaipa, sezvavakachiva ivo.

7 imwi regai kunamata zvifananidzo, savamwe vavo; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu vakagara pasi pakudya nokumwa, vakasimuka kuti vatambe.

8 Zvino ngatirege kuita vupombwe, savamwe vavo vakaita vupombwe, vakafa nezuva rimwe venezvuru zvinamakumi maviri nezvitatu.

9 Ngatirege kuidza Kristu, savamwe vavo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka.

10 Murege kun'un'una savamwe vavo vakan'un'una, vakaparadzwa nomuparadzi.

11 Zvino, zvinhu izvi zvose zvakavawira, kuti vave zviratidzo; zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu, takasvikirwa nokuguma kwenyika.

12 Naizvozvo, unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.

13 Hakunomuidzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuvura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupaivo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.

14 Naizvozvo, vadikamwa vangu, tizai kunamata zvifananidzo.

15 Ndinotaura sokuna vakachenjera; fungai zvandinotaura.

16 Mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusongana neropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hakuzi kusongana nomuviri waKristu here?

17 Zvachiri chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe; nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.

18 Tarirai vaIsraeri panyama; avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here?

19 Zvino ndotiyiko? Kuti chakabayirwa chifananidzo chinhu here? kana chifananidzo chinhu here?

20 Kwete, asi ndinoti izvo zvinobayirwa navahedheni, havazvibayirwi Mwari, asi mweya yakaipa; zvino handidi kuti muyanane nemweya yakaipa.

21 Hamungamwiri pamukombe waShe, napamukombe wemweya yakaipa; hamungadyiri patafura yaShe napatafura yemweya yakaipa.

22 Ko tinoda kumutsa godo raShe here? Tinomukunda nesimba here?

23 Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvindibatsiri. Ndakatenderwa zvinhu zvose; asi zvose hazvisimbisi.

24 Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe.

25 Idyai zvose zvinotengwa panotengeswa nyama, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana;

26 nokuti nyika ndeyaShe nokuzara kwayo.

27 Kana mumwe wavasingatendi akakukokerai kuzodya, kana mukada kuenda, idyai zvose zvinoiswa pamberi penyu, musingabvunzi chinhu nokuda kwehana.

28 Asi kana mumwe akati kwamuri: Ichi chakabayirwa zvifananidzo, regai kudya nokuda kwaiye wakakuratidzai, uye nokuda kwehana;

29 handirevi hana yako, asi yomumwe;nokuti kusununguka kwangu kunotongerweiko nehana yomumwe?

30 Kana ini ndichidya ndichivonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandinovonga pamusoro pacho?

31 Naizvozvo, kana muchidya, kana muchimwa, kana muchiita chinhu chipi nechipi, itai zvose kuti Mwari akudzwe.

32 Regai kugumbusa kana vaJudha, kana vaGiriki, kana kereke yaMwari.

33 Senivo ndinofadza vanhu vose pazvinhu zvose, ndisingatsvaki zvingandibatsira ini, asi zvingabatsira vazhinji, kuti vaponeswe.


11


1 Ivai vateveri vangu, seni ndiri muteveri waKristu.

2 Zvino, ndinokurumbidzai, nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, muchichengeta tsika, sezvandakakupai idzo.

3 Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro womumwe nomumwe ndiye Kristu;vuye musoro womukadzi ndiye murume; uye musoro waKristu ndiye Mwari.

4 Murume mumwe nomumwe, unonyengetera kana kuporofita musoro wake wakafukidzwa, unoninipisa musoro wake.

5 Asi mukadzi mumwe nomumwe, unonyengetera kana kuporofita musoro wake usina kufukidzwa, unoninipisa musoro wake; nokuti ndizvo zvimwe nokuvevurwa.

6 Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaachekerwe vhudzi rakevo; asi kana zvisingafaniri kuti mukadzi achekerwe vhudzi, kana avevurwe, ngaafukidzwe.

7 Nokuti murume haafaniri kufukidza musoro, zvaari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi ndiye kubwinya komurume.

8 Nokuti murume haabvi kumukadzi; asi mukadzi unobva kumurume;

9 uye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume;

10 nokuda kweizvozvo mukadzi unofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake, nokuda kwavatumwa.

11 Kunyange zvakadaro munaShe mukadzi haazi kunze komurume,, nomurume haazi kunze komukadzi.

12 Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, nokudarovo murume unoberekwa nomukadzi; asi zvose zvinobva kunaMwari.

13 Tongai imwi mumene: Zvakafanira kuti mukadzi anyengetere kunaMwari asina kufukidzwa here?

14 Ko hamudzidziswi naiwo musikirwe wavanhu kuti kana murume anevhudzi refu, unonyadziswa nazvo here?

15 Asi kana mukadzi anevhudzi refu, ndiko kubwinya kwake; nokuti wakapiwa vhudzi rake, chive chifukidzo.

16 Zvino kana mumwe anenge achida kuita gakava, hatinetsika yakadaro isu, kunyange kereke dzaMwari.

17 Zvino kana ndichikuvudzai izvi, handikurumbidziyi, nokuti hamuvunganiri zvinopfuvura nokunaka, asi zvakaipa.

18 Nokuti shoko rokutanga, kana muchivungana mukereke, ndinonzwa kuti kupesana kuripo pakati penyu; pamwe ndinotenda kuti ndizvo.

19 Nokuti dzidziso dzakatsauka dzinofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vavonekwe pakati penyu.

20 Zvino kana muchivungana pamwe chete, hakuzi kuti mudye chirayiro chaShe;

21 nokuti kana modya, mumwe nomumwe unotangira vamwe kudya chirayiro chake; mumwe unenzara, mumwe wakabatwa.

22 Ko hamunedzimba kwamungadyira nokumwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasinechinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidziyi.

23 Nokuti ini ndakagamuchira kunaShe icho chandakakupaivo, kuti Ishe Jesu novusiku bwaakapandukirwa, wakatora chingwa;

24 akati avonga, akachimedura, akati: torai mudye. Ichi ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.

25 Saizvozvovo, vakati vapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu;itai izvi, nguva dzose kana muchimwa, muchindirangarira.

26 Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kumwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kusvikira achivuya.

27 Naizvozvo mumwe nomumwe unodya chingwa ichi, kana kumwa mukombe waShe, nomutovo usina kufanira, uchava nemhosva yomuviri neropa raShe.

28 Zvino munhu ngaazviidze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokumwa mukombe uyu.

29 Nokuti unodya nokumwa, nomutovo usina kufanira unozvidyira nokuzvimwira kurobwa zvaasinganyatsonzwisisa muviri waShe.

30 Nemhaka iyi vazhinji varipo pakati penyu vasinesimba, vanorwara; vazhinji vavete.

31 Nokuti dai taizviidza isu timene, hatizairobwa.

32 Zvino kana tichitongwa, tinorangwa naShe, kuti tirege kutongerwa kurohwa pamwe chete nenyika.

33 Naizvozvo, hama dzangu, kana muchivunganira pakudya, miriranai.

34 Kana munhu anenzara, ngaadye kumusha kwake; kuti murege kuvunganira kutongwa. Zvimwe zvakasara ndichazvigadzira kana ndichisvika.


12

1 Zvino, kana zviri zvipo zvoMweya, hama dzangu, handidi kuti muve vasingazivi.

2 Munoziva kuti panguva yamaiva vahedheni, makanga muchikweverwa kuzvifananidzo, zvisingagoni kutaura, sezvamaitungamirirwa.

3 Saka ndinokuzivisai kuti hakunomunhu unotaura noMweya waMwari, ungati: Jesu ngaatukwe! Vuye, hakunomunhu ungati: Jesu ndiye Ishe, asi noMweya Mutsvene.

4 Zvino marudzi mazhinji ezvipo aripo, asi Mweya ndomumwe.

5 Marudzi mazhinji okushumira aripo, uye Ishe mumwe.

6 Marudzi mazhinji amabasa aripo, asi Mwari mumwe, iye unobata zvose munavose.

7 Asi mumwe nomumwe unopiwa kuratidzwa koMweya, kuti vose vabatsirwe.

8 Nokuti mumwe unopiwa noMweya shoko rovuchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya iwoyu;

9 mumwe, kutende muMweya iwoyu; mumwe iwoyu; mumwe zipo zokuporesa muMweya iwoyu;

10 mumwe, kuita mabasa esimba; mumwe, kuporofita; mumwe, kuzivisisa mweya; mumwe, marudzi endimi; mumwe, kududzira ndimi;

11 asi izvi zvose zvinoitwa noMweya iwoyu mumwe chete, unogovera mumwe nomumwe sezvaanoda.

12 Nokuti somuviri uri mumwe, unemitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwe chete; wakadarovo Kristu.

13 Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzirwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiraiki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takamwiswa paMweya mumwe.

14 Nokuti muviri hauzi mutezo mumwe, asi mizhinji.

15 Kana rutsoka rukati: Zvandisati ndiri ruvoko, handizi womuviri; ko haruzi rwomuviri, zvarwadaro here?

16 Nenzeve kana ikati: Zvandisati ndiri ziso, handizi womuviri; ko haizi yomuviri here?

17 Kana muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepiko? Kana wose kwaiva kunzwa, kunhuwidza kwaivepiko?

18 Asi zvino Mwari wakaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada.

19 Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waive piko?

20 Asi zvino kune mitezo mizhinji, asi muviri mumwe.

21 Ziso haringati kuruvoko: Handikudi; kana musorovo kutsoka; Handikudiyi imi.

22 Kwete, zvikuru mitezo iyo yomuviri inenge isinesimba, ndiyo inodikamwa;

23 nemitezo iyo yomuviri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwazvo; nemitezo iyo yedu isina kunaka, ndiyo yova nokunaka kunopfuvurisa;

24 asi mitezo yedu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mwari wakabatanidza muviri wose, akakudza anokupfuvurisa mitezo inoshaiwa kunaka;

25 kuti pamuviri parege kuva nokupesana; asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana.

26 Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo.

27 Zvino, imwi muri muviri waKristu, nomumwe, nomumwe mitezo yawo.

28 Mwari wakaisa vamwe pakereke, pakutanga vapositora, rwechipiri vaporofita, rwechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri navabati, namarudzi mazhinji endimi.

29 Vose vapositora here? Vose vaporofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vaiti vamabasa esimba here?

30 Vose vanezvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?

31 Asi shingairirai zvipo zvikuru. Ndinokuratidzaivo nzira yakaisvonaka inopfuvura dzose.


13


1 Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisinorudo, ndava sendarira dzinorira, nedare rinongoti: Ngwere-ngwere!

2 Kunyange ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kose; kunyange ndinokutenda kose, kuti ndibvise makomo, ndisinorudo, handizi chinhu.

3 Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisinorudo, handibatsirwi chinhu.

4 Rudo runomoyo murefu, runomoyo munyoro; rudo harunegodo; rudo harunamanyawi, haruzvikudzi;

5 haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, harunezishura;

6 harufariri zvisakarurama, asi runofarira chokwadi;

7 runofukidza zvose, runotenda zvose, runetariro pazvose, runotsungirira pazvose.

8 Rudo harutongoperi; zvino kana kuri kuporofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana kuri kuziva, kuchabviswa.

9 Nokuti tinoziva zvisakakwana, tinoporofita zvisakakwana;

10 asi kana zvakakwana zvasvika, izvo zvisakakwana zvichabiswa.

11 Ini ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana.

12 Nokuti zvino tinovona pachivoni-voni, tisingavoni kwazvo; asi nenguva iyo tichavona nezviso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana, asi nenguva iyo ndichaziva sezvandakazikamwa nenivo.

13 Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.


14


1 Teverai rudo, shingairirai zvipo zvoMweya, asi zvikuru kuti muporofite.

2 Nokuti unotaura norumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kunaMwari; nokuti hakuna unomunzwa; asi noMweya unotaura zvakavanzika.

3 Asi unoporofita, unotaura kuvanhu, kuti vasimbiswe nokurairwa, nokunyaradzwa.

4 Unotaura norurimi, unozvisimbisa iye; asi unoporofita, unosimbisa kereke.

5 Zvino ndinoda kuti imwi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite; unoporofita mukuru kunounotaura nendimi, asi kana achidudzira, kuti kereke isimbiswe.

6 Asi zvino, hama dzangu, kana ndichivuya kwamuri, ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai neiko, kana ndisingatauri nokuzarurirwa, kana nokuziva, kana nokuporofita, kana nokudzidzisa?

7 Kunyange zvinhu zvisinovupenyu, zvinorira kana iri nyere, kana rudimbwa kana zvisingasiyani pakurira kwazvo, zvingazikamwa seiko chinoridzwa nenyere kana rudimbwa?

8 Nokuti kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko ungazvigadzira kundorwa?

9 Zvakadarovo nemi, kana musingatauri norurimi mashoko anonyatso-zikamwa, zvinotaurwa zvichazikamwa seiko? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo.

10 Manzwi anamarudzi mazhinji panyika, hakunechinhu chisinenzwi racho.

11 Zvino kana ndisingazivi kuti inzwi rinorevei, ini ndichava somunhu worumwe rurimi kuno unotaura, nounotaura uchava kwandiri somunhu worumwe rurimi.

12 Saizvozvovo imi, zvamunoshingairira zvinhu zvoMweya, tsvakai zvikuru kuti musimbise kereke.

13 Saka unotaura norumwe rurimi,ngaanyengetere kuti adudzirevo

14 Nokuti kana ndichinyengetera norumwe rurimi,mweya wangu unonyengetera asi kufunga kwangu kunoshaiwa zvibereko.

15 Zvino chinyiko? Ndichanyengetera nomweya wangu uye ndichanyengetera nokufunga kwanguvo; ndichaimba nomweya wangu, uye ndichaimba nokufunga kwanguvo.

16 Kana zvisakadaro, kana iwe uchivonga nomweya, ko uyo ugere pachigaro chavasina kudzidza, uchati Ameni seiko pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura iwe?

17 Nokuti iwe unovonga hako zvakanaka, asi mumwe haasimbiswi.

18 Ndinovonga Mwari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imwi mose;

19 asi pakereke ndinoda zvikuru kutaura mashoko mashoma nokufunga kwangu, kuti ndidzidzise vamwevo, pakutaura norumwe rurimi mashoko anezvuru zvinegumi.

20 Hama dzangu, musava vana pakuziva, asi muve vacheche pazvakaipa, asi pakuziva muve vakuru.

21 Pamurairo pakanyorwa, pachiti: Ndichataura kuvanhu ava, ndichireva navanhu vedzimwe ndimi nemimwe miromo; kunyange zvakadaro, havanganditeereri ndizvo zvinoreva Ishe.

22 Saka ndimi hadzizi chiratidzo kuna vanotenda, asi kuna vasingatendi; asi kuna vanotenda.

23 Naizvozvo, kana kereke yose yavungana, vose vakataura nendimi, vasinakudzidza kana vasina kutenda vakapinda, havati munopenga here?

24 Asi kana vose vakaporofita, mumwe usingatendi kana usina kudzidza akapinda, uchatendiswa; navose, uchatongwa navose;

25 nenzira iyi zvakavanzika zvomoyo wake zvinoratidzwa; naizvozvo uchawira pasi nechiso chake, achinamata Ishe, nokupupura kuti Mwari uri pakati penyu zvirokwazvo.

26 Zvino tichatiyiko, hama dzangu? Kana muchivungana, mumwe nomumwe unepisarema, unechokudzidzisa, unechaakazarurirwa, unorumwe rurimi, unechokududzira. Ngazviitwe zvose, kuti musimbiswe.

27 Kana mumwe achitaura norurimi, ngazviitwe navaviri, kana varege kupfuvura vatatu, vachiravana; nomumwe ngaadudzire.

28 Asi kana pasina unodudzira, ngaanyarare mukereke; ngaazvitaurire iye, nokunaMwari.

29 Vaporofita ngavataure vaviri, kana vatatu, navamwe ngavaidze.

30 Zvino kana chimwe chinhu chikazarurirwa mumwe ugerepo, wokutanga ngaanyarare.

31 Nokuti mungaporofita mose, muchiita mumwe-mumwe, kuti vose vadzidze, vose vanyaradzwe.

32 Mweya yavaporofita inozviisa pasi pavaporofita;

33 nokuti Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare, sapakereke dzose dzavatsvene.

34 Vanhukadzi venyu ngavanyarare mukereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi vanorairwa kuti vazviise pasi, sezvinorevavo murairo.

35 Kana vachida kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumusha; nokuti chinhu chinonyadzisa kuti vanhukadzi vataure mukereke.

36 Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here?

37 Kana munhu achiti, ndiri muporofita, kana ndiri womweya, ngaatende kuti izvo zvandinokunyorerai, murairo waShe,

38 Asi kana munhu asingazivi, ngaave usingazivi hake.

39 Saka, hama dzangu, shingairirai kuporofita, musingadzivisi mumwe kutaura nendimi.

40 Asi zinhu zvose ngazviitwe nomutovo wakafanira zvine mirairo yazvo.


15


1 Zvino, hama dzangu, ndinokuzivisai evhangeri yandakakuparidzirai, iyo yamagamuchiravo, neyamunomiravo mairi;

2 iyo yamunoponeswavo nayo, kana muchiibatisa nomutovo wandakaiparidza kwamuri, kana musina kutenda pasina.

3 Nokuti pakutanga ndakakupai izvo zvandakagamuchiravo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa paMagwaro;

4 uye kuti wakavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa paMagwaro;

5 akazviratidza kunaKefasi, ipapo kuna vanegumi navaviri;

6 ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuvura mazana mashanu kamwe-vazhinji vavo vapenyu kusvikira zvino, asi vamwe vavata.

7 Ipapo akazviratidza kunaJakobho; ipapo kunavapositora vose.

8 pakupedzisira akazviratidza kwandirivo, sokunowakazvarwa nguva isati yasvika.

9 Nokuti ini ndiri muduku kuvapositora vose, handifaniri kuti ndinzi muapositora, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari.

10 Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu wakadai zvino: nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuvura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni.

11 Naizvozvo, kana ndirini kana vari ivo, tinoparidza kudai, nemwi makatenda kudai.

12 Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti wakamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa?

13 Zvino, dai pasina kumuka kwavakafa, naKristu ungadai asina kumutswavo;

14 vuye, dai Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwenyu kungadai kuchivavo pasina.

15 Nesu taiwanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema; nokuti takapupura kuti Mwari wakamutsa Kristu, iye waasina kumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi.

16 Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naKristu, haana kumutswavo;

17 kana Kristu asina kumutswa, kutenda kwenyu hakuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu.

18 Zvino naivo vakafa muna Kristu vakarashikavo.

19 Kana tinetariro kunaKristu pavupenyu bwuno bedzi, tinonzwisa vurombo kukunda vanhu vose.

20 Nokuti zvino Kristu wakamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata.

21 Nokuti rufu zvarwakavuya nomunhu, kumuka kwavakafa kwakavuya nomunhuvo.

22 Nokuti vose sezvavanofa munaAdhamu, saizvozvovo vose vachararamiswa munaKristu.

23 Asi mumumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; tevere, avo vari vaKristu pakuvuya kwake.

24 Ipapo kuguma kunosvika, panguva yaachazopa Mwari, Baba, vushe panguva yaachaparadza kubata kose, novushe bwose, nesimba.

25 Nokuti unofanira kubata vushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake.

26 Muvengi wokupedzisira, uchaparadzwa, ndirwo rufu.

27 Nokuti wakaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti: Zvose zvakaiswa pasi pake, zvinovonekwa pachena kuti iye, wakaisa zvose pasi pake, haana kuiswapo.

28 Zvino kana zvose zvaiswa pasi pake, ipapo noMwanakomanavo amene uchaiswa pasi paiye wakaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose kunavose.

29 Kana zvisina kudaro, ko avo vanobhabhatidzwirwa vakafa, vachagoita seiko? Kana vakafa vasingatongomutswi, vakagobhabhatidzirweiko ivo vakafa?

30 Nesu tiri panjodzi nguva dzose neiko?

31 Ndinopika, hama dzangu, nokuzvirumbidza kwandinako pamusoro penyu munaKristu Jesu, Ishe wedu, kuti ndinofa zuva rimwe nerimwe.

32 Kana ndakarwa nezvikara paEfeso somunhu zvaindibatsireiko? Kana vakafa vasingamutswi, ngatidye, ngatimwe, nokuti mangwana tinofa.

33 Musanyengerwa; vushamwari bwakaipa bwunovodza tsika dzakanaka.

34 Pengenukai kune zvakarurama, murege kutadza, nokuti vamwe havazivi Mwari; ndinotaura izvi kuti munyadziswe.

35 Asi mumwe ungati: Vachavuya nomuviri wakaita sei?

36 Iwe benzi, icho chaunodzvara hachimeri, kana chisingafi.

37 Chaunodzvara, haudzwari muviri uchavapo, asi tsanga bedzi, kana yamapfunde, kana yezvimwe;

38 asi Mwari unoipa muviri paanoda napo, nembeu imwe neimwe muviri wayo.

39 Nyama yose haizi nyama imwe; asi imwe ndeyavanhu, imwe inyama yemhuka, imwe inyama yeshiri, imwe; ndeyehove.

40 Kune miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyokudenga ndokumwe, nokwenyika ndokumwe.

41 Kunokubwinya kwezuva, ndokumwe, nkubwinya komwedzi, ndokumwe kubwinya kwenyeredzi, ndokumwe nokuti imwe nyeredzi inosiyana neimwe pakubwinya.

42 Ndizvo zvakaitavo kumuka kwavakafa. Muviri unodzvarwa pakuvora; unomutswa pakusavora;

43 unodzvarwa pakuzvidzwa, unomutswa pakubwinya; unodzwarwa pavutera, unomutswa pasimba.

44 Unodzvarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya. Muviri wokuberekwa uripo, nomuviri womweya uripo.

45 Zvakanyorwavo saizvozvo, zvichinzi: Munhu wokutanga, Adhamu, wakaitwa munhu mupenyu; Adhamu wokupedzisira wakaitwa mweya, unopa vupenyu.

46 Asi zvomweya hazvizi zvokutanga, asi zvokuberekwa; tevere zvomweya.

47 Munhu wokutanga ndowenyika, ivhu; munhu wechipiri ndiIshe akabva kudenga.

48 Saiye wevhu, ndizvo zvakaitavo avo vevhu; saiye wokudenga, ndizvo zvakaitavo ivo vokudenga.

49 Vuye, sezvatakanga tinomufananidzo womunhu wevhu, tichavavo nomufananidzo waiye wokudenga.

50 Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka yovushe bwaMwari; nokuvora hakungagari nhaka yokusavora.

51 Tarirai, ndinokuvudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose;

52 pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa mukusavora; nesu tichashandurwa;

53 nokuti ichi chinovora chinofanira kufuka kusavora; nechichi chinofa chinofanira kufuka kusafa.

54 Zvino kana ichi chinovora chafuka kusavora; nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa richaitika, rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda.

55 Iwe rufu rumborera rwako ruripiko? Iwe bwiro kukunda kwako kuripiko?

56 Rumborera gorufu chivi, nesimba rechivi murairo.

57 Zvino Mwari ngaavongwe, unotipa kukunda munaKristu Jesu.

58 Saka, hama dzangu dzinodikamwa, mirai makasimba, murege kuzununguswa, mubatire Ishe zvikuru nguva dzose muchiziva kuti kubata kwenyu hakungavi pasina munaShe.


16


1 Zvino, kana zviri zvipo zakavunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira kereke dzeGaratia, itai nemivo seizvozvo.

2 Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, avunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuvunganidzwa, kana ndichisvika.

3 Kana ndasvika, ndichatuma avo vamunotenda nemwadhi, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusaremu.

4 Kana zvakafanira kuti ini ndiendevo, vangaenda neni.

5 Zvino ndichavuya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia.

6 Zvimwe ndichagara nemi, kunyange ndipedze chando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda.

7 Nokuti handidi kukuvonai zvino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndichazogara nemwi chinguva, kana Ishe achinditendera.

8 Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekosita.

9 Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru unebasa guru; navadzivisi vazhinji varipo.

10 Zvino kana Timotio achisvika, chenjerai kuti agare nemwi asingatyi; nokuti unobata basa raShe, sezvandinoita ini.

11 Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu unomuzvidza. Asi mumuperekedze norugare, kuti avuye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamwe chete nehama.

12 Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti avuye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama; asi wakanga asingatongodi kuvuya zvino, uchavuya hake kana awana nguva yakanaka.

13 Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe.

14 Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo.

15 Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, munoziva mhuri yaSitefana, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkaya, vakazviisa kuti vashumire vatsvene

16 Kuti nemivo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata.

17 Ndinofara nokuvuya kwaSitefana, naFotunato, naAkaiako; nokuti ivo vakandiitira zvamakanga musingagoni kuita imi.

18 Nokuti vakazorodza mweya wangu nowenyu; naizvozvo kudzai vakadaro.

19 Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru munaShe, pamwe chete nekereke iri mumba mavo.

20 Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokusveta kutsvene.

21 Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu.

22 Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave wakatukwa. Ishe unovuya!

23 Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive nemi.

24 Rudo rwangu ngaruve nemwi mose munaKristu Jesu. Ameni.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE