Johwani


1



1 Pakutanga Shoko wakanga aripo, Shoko wakanga anaMwari, Shoko wakanga ari Mwari.

2 Iyeyu wakanga anaMwari pakutanga.

3 Zvinhu zvose zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kunyange chinhu chimwe chakaitwa.

4 Upenyu bwaiva maari: upenyu bwaiva chiedza chavanhu,

5 nechiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kuchigamuchira.

6 Kwakanga kunomunhu wakatumwa kubva kunaMwari, zita rake richinzi * Johwani.

7 Iye wakavuyira vuchapupu, ape vuchapupu bwechiedza, kuti vose vatende naye.

8 Uyo wakanga asati ari icho chiedza, asi * wakatumwa kuzopupura pamusoro pechiedza.

9 Ichi chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe unovuya panyika.

10 Wakanga ari munyika nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.

11 Wakavuya kunezvake, asi vokwake havana kumugamuchira.

12 Asi vose vakamugamuchira, iye wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, kuna ivo vanotenda kuzita rake;

13 avo vakaberekwa kwete neropa, kana nokuda kwenyama. Kana nokuda komurume, asi naMwari.

14 Shoko wakazova nyama, akagara pakati pedu, tikavona kubwinya kwake, kubwinya sokowakaberekwa mumwe chete wababa, azere nenyasha nechokwadi.

15 Johwani akamupupurira, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti; uyu unouya shure kwangu wakavapo mberi kwangu; nokuti wakanditangira.

16 Nokuti pakuzara kwake isu tose takagamuchira nyasha pamusoro penyasha.

17 Nokuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakavuya naJesu Kristu.

18 Hakunomunhu wakatongovona Mwari chero nguva ipi, mwanakomana wakaberekwa mumwe woga, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.

19 Ubwu ndibwo vuchapupu bwaJohwani, apo vaJudha vakatuma vaprista navaRevhi, kubva Jerusarema kundomubvunza kuti: Iwe ndiwe aniko?

20 Akatenda pachena, haana kuramba, akatenda pachena, achiti *: Handizi Kristu.

21 Vakamubvunza vachiti *: Asi kudiniko? Ndiwe Eria here? Akati: Handizi. Ko uri uya muporofita here? Akapindura akati *: Kwete,

22 Zvino vakati kwaari: Ndiwe aniko? Kuti tigondopindura vakatituma; unozviti aniko?

23 Akati: Ini ndini * inzwi rounodana murenje: Ruramisai nzira yaShe; sezvakarebwa nomuporofita Isaya.

24 Ava vakanga vatumwa vaiva vavaFarisi,

25 Vakamubvunza vakati kwaari: Unogobhabhatidzireiko kana iwe usi Kristu, kana Eria, kana muporofita uya?

26 Johwani akavapindura achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi;

27 ndiye unovuya shure kwangu, asi uri mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.

28 Izvozvi zvakaitika paBhetaniya, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani.

29 Ava mangwana Johwani wakavona Jesu achivuya kwaari, akati: Tarirai, gwayana raMwari, rinobvisa rotakura zvivi zvenyika.

30 Uyu ndiye wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunovuya murume, wakavapo mberi kwangu, nokuti wakanditangira.

31 Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe vaIsraeri, ndizvo zvandakavuyira, ndichibhabhatidza nemvura.

32 Johwani akapupura, achiti: Ndakavona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.

33 Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunovona Mweya achiburuka pamusoro pake, nokugara pamusoro pake, ndiye unobhabhatidza noMweya Mutsvene.

34 Ini ndakavona ndikapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.

35 Ava mangwanazve Johwani wakanga amire navadzidzi vake vaviri;

36 akatarisisa Jesu achifamba, akati: Tarirai, gwayana raMwari!

37 Vadzidzi vaviri, vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu.

38 Ipapo Jesu akatendevuka akavavona vachitevera, akati kwavari: Munotswakeiko? Ivo Vakati kwaari: Rabhi (ndokuti Mudzidzisi, kana zvichishandurwa), munogarepiko?

39 Akati kwavari: Vuyai, muvone. Vakaenda vakandovona kwaaigara, vakagara naye zuva iroro; yakanga iri nguva inenge yegumi.

40 Mumwe wavaviri, vakanga vanzwa Johwani vakamutevera, vaiva Andiriyasi munun'una waSimoni Petro.

41 Akatanga kuwana mukoma wake Simoni, akati kwaari: Tawana Mesiasi (ndokuti Kristu, kana zvichishandurwa,)

42 Akamuisa kunaJesu. Jesu akati amutarira, akati: Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi (ndiko kuti dombo kana zvichishandurwa.)

43 Ava mangwana Jesu akada kuenda Gariri, akawana Firipi, akati kwaari: Nditevere.

44 Zvino Firipi wakanga ari weBhetisaidha, guta raAndiriyasi naPetro.

45 Firipi akawana Nataniyeri, akati kwaari: Tamuwana iye, wakanyorwa zvake naMozisi pamurairo navaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.

46 Nataniyeri akati kwaari: Kune chinhu chakanaka chingabuda muNazareta here? Firipi akati kwaari: Vuya uvone.

47 Jesu akavona Nataniyeri achivuya kwaari, akati pamusoro pake: Tarirai, muIsraeri wechokwadi, usinokunyengera maari.

48 Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepiko? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi momuvonde, ndakakuvona.

49 Nataniyeri akapindura, akati kwaari: Mudzidzisi, ndimwi Mwanakomana waMwari, ndimwi Ishe waIsraeri.

50 Jesu akapindura, akati kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri, ndakakuvona munyasi momuvonde here? Uchavona zvinhu zvikuru kunaizvozvi.

51 Akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchavona kudenga kwazarurwa, navatumwa vaMwari vachikwira, nokuburukira pamusoro poMwanakomana womunhu.


2


1 Zvino nezuva retatu, mutambo wokuwana waivapo paKana yeGariri; namai vaJesu vakanga varipo.

2 NaJesuvo navadzidzi vake vakadamwa kumutambo wokuwana.

3 Waini yakati ichishaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havana waini.

4 Jesu akati kwavari: Ndineiko newe, mukadzi? Nguva yangu ichigere kusvika.

5 Mai vake vakati kuvaranda: Zvose zvaanokuvudzai, muzviite.

6 Zvino kwakanga kwakaiswa zvirongo zvitanhatu zvamabwe, netsika yokunatsa yavaJudha, chimwe nechimwe chaizadzwa nezviyero zviviri kana zvitatu.

7 Jesu akati kwavari: Zadzai zvirongo nemvura. Vakazvizadza kusvikira pamiromo.

8 Akati kwavari: Cherai zvino mukumikidze kumubati womutambo. Vakaita saizvozvo.

9 Mubati womutambo wakati aravira mvura ikava waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womutambo akadana chikomba,

10 akati kwaari: Munhu mumwe nomumwe pakutanga unopa waini yakanaka, neisinganaki kana vamwa kwazvo, asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.

11 Ndiko kutanga kwezvishamiso kwakaitwa naJesu paKana yeGariri, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.

12 Shure kwaizvozvo wakaburukira Kapenaume, iye namai vake navanun'una vake, navadzidzi vake; akagarapo mazuva asiri mazvinji.

13 Zvino paseka yavaJudha yakanga yava pedo, Jesu akakwira Jerusarema.

14 Akawana mutembere avo vaitengesa mombe namakwai nenjiva, navatsinhanisi vemari vagere.

15 Zvino wakati aruka tyava yorwonzi rudiki, akavabudisa vose mutembere, namakwai nemombe; akatevura mari yavatsinhanisi, ndokukwidibira matafura avo.

16 Akati kuna vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvi pano; musaita imba yaBaba vangu imba yokutengesera.

17 Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi *: Kushingairira imba yenyu kwakandipedza.

18 Zvino vaJudha vakapindura, vakati kwaari: Ungatiratidza chiratidzo cheiko, chokuti unoita zvinhu izvi?

19 Jesu akapindura, akati kwavari: Putsai tembere iyi, uye namazuva matatu ndichaimutsa.

20 Ipapo vaJudha vakati: Makore anamakumi mana namatanhatu tembere iyi ichivakwa, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?

21 Asi iye waireva zvetembere yomuviri wake.

22 Zvino wakati amutswa kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira, kuti wakanga areva izvozvi kwavari; vakatenda magwaro neshoko rakanga rarebwa naJesu.

23 Zvino wakati ava muJerusarema papaseka pamutambo, vazhinji vakatenda kuzita rake, pavakavona zviratidzo zvaaiita.

24 Asi Jesu haana kuzvikumikidza kwavari, nokuti wakanga achivaziva vose.

25 Wakanga asingatsvaki kuti ani nani apupure zvomunhu; nokuti wakanga achiziva zvakanga zviri mumunhu.


3


1 Kwaivapo nomumwe murume wavaFarisi, Nikodhimo riri zita rake, mutungamiriri wavaJudha.

2 Iye wakavuya kuna Jesu vusiku, akati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kunaMwari; nokuti hakuna munhu unogona kuita zvishamiso izvi zvamunoita, kunze kokuti Mwari anaye.

3 Jesu akapindura akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kunze kokuti munhu aberekwa kutsva, haangavoni ushe bwaMwari.

4 Nikodhimo akati kwaari: Munhu ungagoberekwa seiko ava mukuru? Ungapinda rwechipiri mudumbu ramai vake agoberekwa here?

5 Jesu akapindura, akati *: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kunze kokuti munhu aberekwa nemvura noMweya, haangagoni kupinda muushe bwaMwari.

6 Icho chakaberekwa nenyama inyama; nechakaberekwa noMweya, mweya.

7 Usashamiswa nokuti ndati kwauri: Unofanira kuberekwa kutsva?

8 Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; ndizvo zvakaita mumwe nomumwe wakaberekwa noMweya.

9 Nikodhimo akapindura, akati kwaari: Zvinhu izvi zvingagoitika seiko?

10 Jesu akapindura, akati kwaari: Iwe uri mudzidzisi wavaIsraeri asi haunzwisisi zvinhu izvozvi here?

11 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva tichipupura zvatakavona; asi imwi hamugamuchiri vuchapupu bwedu.

12 Kana ndakakuvudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuvudzai zvinhu zvokudenga?

13 uye hakuna munhu wakakwira kudenga, asi iye wakaburuka kubva kudenga, Mwanakomana womunhu uri kudenga.

14 Zvekare Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvovo Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwa,

15 kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara asi ave noupenyu bwusingaperi.

16 Nokuti Mwari wakada nyika zvakadai, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa ari * mumwe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara, asi ave noupenyu bwusingaperi.

17 Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti ape nyika mhosva, asi kuti nyika nokuda kwake iponeswe.

18 Unotenda kwaari, haapiwi mhosva; asi usingatendi, watopiwa mhoswa, nokuti haana kutenda kuzita roMwanakomana waMwari wakaberekwa ari * mumwe woga.

19 Uku ndiko kupiwa mhosva, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima pane chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.

20 Nokuti mumwe nomumwe unoita zvakaipa unovenga chiedza, uye haavuyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kusvorwa.

21 Asi unoita chokwadi unovuya pachiedza, kuti mabasa ake aratidzwe kuti akaitwa munaMwari

22 Shure kwaizvozvo Jesu navadzidzi vake vakasvika munyika yeJudhiya, ipapo akagara navo achibhabhatidza.

23 NaJohwani wakanga achibhabhatidzavo muAinoni pedo neSarimi, nokuti paiva nemvura zhinji ipapo; vakavuya vakabhabhatidzwa.

24 Nokuti Johwani wakanga achigere kukandwa mutirongo.

25 Zvino nharo dzikamuka pakati pavadzidzi vaJohwani navaJudha pamusoro pokuzvinatsa.

26 Vakavuya kuna Johwani, vakati kwaari: Mudzidzisi, uya waiva nemwi mhiri kwaJorodhani, wamaimbopupurira, tarirai, ndiye unobhabhatidza, uye vose vanoenda kwaari.

27 Johwani akapindura, akati: Munhu haangagamuchiri chinhu, kunze kokuti chapiwa kwaari kubva kudenga.

28 Imwi mumene munondipupurira, kuti ndakati: Handizi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa pamberi pake.

29 Uyo unomwenga ndiye chikomba; asi shamwari yechikomba inomira ichimunzwa, inofara zvikuru nekuda kwenzwi rechikomba. Mufaro wangu uyu wazadziswa.

30 Iye unofanira kukura, asi ini kudukupiswa.

31 Unobva kumusoro ndiye uri pamusoro pezvose. Unobva panyika ndowenyika, unotaura zvenyika; unobva kudenga ndiye uri pamusoro pezvose.

32 Zvaakavona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu unogamuchira kupupura kwake.

33 Uyo wakagamuchira kupupura kwake, wakasimbisa kuti Mwari ndowechokwadi.

34 Nokuti wakatumwa naMwari, ndiye unotaura mashoko aMwari; nokuti haapi Mweya nechiyero.

35 Baba vanoda Mwanakomana, vakapa zvose muruvoko rwake.

36 Unotenda kuMwanakomana, unoupenyu bwusingaperi; asi usingateereri Mwanakomana, haangavoni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.


4


1 Zvino Ishe wakati aziva kuti vaFarisi vakanga vanzwa kuti Jesu wakaita nokubhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuvura Johwani,

2 kunyange Jesu pachake wakanga asingabhabhatidzi, asi vadzidzi vake,

3 akabva Judhiya, akaendazve muGariri.

4 Asi wakanga achifanira kupfuvura neSamaria.

5 Zvino wakasvika iye paguta reSamaria, rinonzi Sikari, pedo nenzvimbo yakanga yapa Jakobho mwanakomana wake Josefa.

6 Zvino tsime raJakobho rakanga riripo. Zvino Jesu aneta nokufamba wakagara zvake patsime. Yaiva nguva inenge yechitanhatu.

7 Ipapo kwakasvika mukadzi weSamaria kuzochera mvura; Jesu akati kwaari: Ndipevo ndimwe.

8 (Nokuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga zvokudya).

9 Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari: Ko zvingaitika sei kuti iwe uri muJudha, ukumbire kumwa kwandiri, ini ndiri mukadzi muSamaria? Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.

10 Jesu akapindura, akati kwaari: Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani unoti kwauri: Ndipevo ndimwe; ungadai waikumbira kwaari, uye ungadai akupa mvura mhenyu.

11 Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna chinhu chamungachera nacho, uye tsime rakadzika, zvino mungaiwanepiko mvura mhenyu ?

12 Ko muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime iri *, vakamwa pariri vamene navana vavo nenzombe dzavo here?

13 Jesu akapindura, akati kwaari: Mumwe nomumwe, unomwa mvura iyi, uchava nenyotazve.

14 Asi aninani, unomwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi asi mvura, yandichamupa, ichava maari tsime remvura, inovhaira kusvika kuupenyu bwusingaperi.

15 Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota, kana kuvuya pano kuzochera.

16 Jesu akati kwaari: Enda, undodana murume wako, ugovuya pano.

17 Mukadzi akapindura, akati: Handina murume. Jesu akati kwaari: Wareva zvakanaka, zvawati *: Handina murume.

18 Nokuti watova navarume vashanu, uyo waunaye zvino haazi murume wako; apo wareva chokwadi.

19 Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinovona kuti muri muporofita.

20 Madzibaba edu ainamata mugomo iri; asi imwi munoti muJerusarema ndimo muzvimbo munhu maanofanira kushumira.

21 Jesu akati kwaari: Mai, nditendei, kuti nguva inovuya, yamusingazonamati Baba mugomo iri, kana paJerusarema.

22 Imwi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva; nokuti ruponeso runobva kuvaJudha.

23 Asi nguva inovuya, nazvino yatova iyo, apo vashumiri vechokwadi vachashumira Baba mumweya nemuchokwadi; nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuti vamunamate.

24 Mwari Mweya; naavo vanomunamata, vanofanira kunamata mumweya nemuchokwadi.

25 Mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi unovuya unonzi Kristu; kana iye asvika, uchativudza zvinhu zvose.

26 Jesu akati kwaari: Ini, ndinotaura kwauri, ndini.

27 Zvino nenguva iyoyo vadzidzi vake vakasvika, vakashamiswa kuti unotaura nomukadzi; kunyange zvakadaro hakuno mumwe wakati: Munotsvakeiko? Kana: Munotaurireiko naye?

28 Ipapo mukadzi akasiya chirongo chake, akaenda muguta, akati kuvanhu:

29 Vuyai muvone munhu, wakandivudza zvinhu zvose zvandakaita. Ko uyu haasi iye Kristu here?

30 Zvino vakabuda muguta, vakaenda kwaari.

31 Nenguva iyo vadzidzi vake vakafanomunyengetedza, vachiti: Mudzidzisi, idyai.

32 Asi iye akati kwavari: Ini ndine zvokudya zvandinodya, zvamusingazivi,

33 zvino vadzidzi vakataurirana, vachiti *: kune mumwe wamuvigira zvokudya kanhi?

34 Jesu akati kwavari: Zvokudya zvangu kuita kuda kwaiye wakandituma, nokupedza basa rake.

35 Ko imwi hamuti: Kwasara mwedzi mina, kuti * kukohwa kusvike? Tarirai, ini ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, mutarire kuminda, kuti yatochena yamirira kukohwa.

36 Unokohwa unopiwa mubairo, unovunganidza zvibereko muupenyu bwusingaperi; kuti vose unokusha nounokohwa vafare pamwechete.

37 Nokuti pano iyi shumo ndeyechokwadi, inoti: Mumwe unokusha, mumwe achikohwa.

38 Ndakakutumai kundokohwa zvamusakabatira; vamwe vakabata, zvino imwi mapinda pabasa ravo

39 Zvino vaSamaria veguta iro vakatenda kwaari nekuda kweshoko romukadzi wakapupura, achiti *: Wandivudza zvose zvandakaita.

40 Zvino vaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetera kuti agare navo; akagarapo mazuva maviri.

41 Navamwezve vazhinji vakatenda nekuda kweshoko rake.

42 Vakati kumukadzi: Ikozvino hatichatendi nokureva kwako; nokuti tazvinzwira timene, tinoziva kuti uyu ndiye zvirokwazvo Kristu Muponesi wenyika.

43 Zvino mazuva maviri akati apfuvura akabvapo, akaenda Gariri.

44 Nokuti Jesu amene wakapupura kuti muporofita haana rukudzo munyika yake.

45 Zvino wakati achisvika Gariri, vaGariri vakamugamuchira, nokuti vakanga vavona zvinhu zvose zvaakaita Jerusarema pamutambo, nokuti naivo vakanga vaendavo kumutambo.

46 Zvino Jesu wakasvikazve paKana yeGariri, paakanga aita mvura ive * waini. Zvino ipapo pakanga pane rimwe jinda, mwanakomana waro wakanga achirwara paKapenaume.

47 rakati richinzwa kuti Jesu wabva Judhiya, wasvika Gariri, rikaenda kwaari, rikamugombedzera kuti aburukire kuzoporesa mwanakomana waro; nokuti wakanga wotandadza.

48 Zvino Jesu akati kwariri: Kunze kokuti mavona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.

49 Jinda rikati kwaari: Ishe, burukai henyu, mwana wangu asati afa.

50 Jesu akati kwaari: Enda hako, mwanakomana wako mupenyu. Munhu uyu akatenda shoko rakarebwa naJesu kwaari, akaenda.

51 Zvino wakati oburuka, varanda vake vakamuchingamidza vaka mu *vudza, vachiti: Mwana wenyu mupenyu.

52 Zvino akavabvunza nguva yaakatanga kunaya nayo. Vakati kwaari: Zuro nenguva yechinomwe fivhiri yakabva kwaari.

53 Zvino baba vakaziva kuti ndiyovo nguva Jesu yaakati kwaari: Mwanakomana wako mupenyu. Iye akatenda neimba yake yose.

54 Ichizve chishamiso chechipiri chakaitwa naJesu, abva Judhiya asvika Gariri.


5

5
1 Shure kwaizvozvo kwaiva nemutambo wavaJudha; Jesu akakwira Jerusarema.

2 Zvino paJerusarema pedo nesuvo * ramakwai paiva nedziva rinonzi Bhetisaidha nechiHebheru, rine mabiravira mashanu.

3 Mukati mawo makanga muvete chaunga chavairwara namapofu, zvirema, navakawonyana, vakamirira kubvongodzwa kwemvura.

4 Nokuti mutumwa waiburukira neimwe nguva mudziva iro, achibvongodza mvura; zvino aninani waitanga kupinda shure kokubvongodzwa kwemvura waiporeswa, pachirwere chipi zvacho chaaiva nacho.

5 Zvino kwaivapo mumwe munhu, wakanga anechifo kwamakore makumi matatu namasere.

6 Jesu wakati amuvona avete, achiziva kuti wakanga akadaro * nguva huru, akati kwaari: Unoda kuporeswa here?

7 Murwere akamupindura, akati *: Ishe, handina munhu, kana mvura ichibvongodzwa, unondiwisira mudziva; asi kana kana ndoenda, mumwe unoburukira mberi kwangu.

8 Jesu akati kwaari: Simuka, tora nhovo yako, ufambe.

9 Pakarepo munhu uyo akaporeswa, akatora nhovo dzake akafamba. Musi uwoyo waiva sabata.

10 Zvino vaJudha vakati kunowakaporeswa: Isabata, hazvisi pamutemo kuti utakure nhovo.

11 Iye akavapindura, akati *: Uyo wandiporesa ndiye wati kwandiri: Tora nhovo yako, ufambe?

12 Vakamubvunza, vachiti *: Ndianiko munhu uyo unoti kwauri: Tora nhovo yako, ufambe?

13 Zvino wakanga aporeswa haana kuziva kuti ndiani; nokuti Jesu wakanga abva, zvakwaiva nechaunga panzvimbo iyoyo *.

14 Shure kwezvinhu izvi Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira iwe waporeswa; usatadzazve, zvimwe chinhu chakaipa nokupfuvurisa chingakubata.

15 Munhu akabva akandovudza vaJudha kuti ndiJesu wakamuporesa.

16 Saka naizvozvo vaJudha vakatambudza Jesu, vakatsvaka kumuvuraya, nokuti wakaita zvinhu izvi nesabata.

17 Asi Jesu wakavapindura, akati *: Baba vangu vanoshanda kusvikira zvino, neni ndinoshandavo.

18 Naizvozvo vaJudha vakawedzera kutsvaka kumuvuraya, nokuti wakanga asingadariki sabata bedzi, asi wakativo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari.

19 Zvino Jesu akapindura, akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana haagoni kuita chinhu chomusoro wake, kana asingavoni Baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ndizvo zvinoitavo Mwanakomana.

20 Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, vanomuratidza zvose zvavanoita ivo; vachamuratidza mabasa makuru anopfuvura awa, kuti mushamiswe.

21 Nokuti Baba sezvavanomutsa vakafa, vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana unoraramisavo vaanoda.

22 Nokuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kose,

23 kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza baba. Usingakudzi Mwanakomana, haakudzi naBaba, vakamutuma.

24 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unonzwa shoko rangu, nokutenda kunowakandituma, unoupenyu bwusingaperi; haasviki mukupiwa mhosva, asi wapfuvura murufu, waenda muupenyu.

25 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Nguva inovuya, nazvino yatovapo, apo vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari; uye vanonzwa vachararama.

26 Nokuti baba sezvavanoupenyu mavari, saizvozvovo vakapa Mwanakomana kuti ave noupenyu maari.

27 Uye vakamupa simba rokutongavo, nokuti Mwanakomana womunhu.

28 Musashamiswa nezvizvi; nokuti nguva inovuya, apo vose vari mumabwiro vachanzwa inzwi rake,

29 zvino vachabuda avo vakaita zvakanaka, mukumukira muupenyu avo vakaita zvakaipa, mukumukira mukurashiwa.

30 Handigoni kuita chinhu chomusoro wangu; sezvandinonzwa, ndinotonga; uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwaBaba vakandituma.

31 Kana ndichizvipupurira, kupupura kwangu hakuzi kwechokwadi.

32 Uripo mumwe unondipupurira; ndinoziva kuti kupupura kwake kwaanondipupurira ndokwechokwadi

33 Makatuma Johwani, iye akapupurira chokwadi.

34 Ini handigamuchiri kupupura kunobva kumunhu, asi ndinoreva zvinhu izvi kuti muponeswe.

35 Iye wakanga achipfuta, ari mwenje unopfuta nokuvhenekera; imwi makanga muchishuva kufara kwechinguvana muchiedza chake.

36 Asi ini ndinevuchapupu vukuru bwa *Johwani; nokuti mabasa andakapiwa naBaba kuti ndiapedze, ndiwo mabasa andinoita, anondipupurira kuti Baba vakandituma.

37 NaBaba pachavo vakandituma, vakandipupurira. Hamuna kutongorinzwa inzwi rake, kana kuvona chimiro chake.

38 Uye hamuna shoko rake rinogara mamuri, nokuti uyo waakatuma, hamuna kutenda kwaari.

39 Nzverai magwaro, nokuti maari, munofunga kuti mune upenyu bwusingaperi ndiwo anondipupurira ini.

40 Asi hamudi kuvuya kwandiri, kuti muve noupenyu.

41 Handigamuchiri rukudzo kubva kuvanhu;

42 asi ndinokuzivai, kuti hamunorudo rwaMwari mamuri.

43 Ini ndakavuya muzita raBaba vangu, asi imwi hamuna kundigamuchira; kana mumwe akasvika muzita rake, muchamugamuchira iye.

44 Mungatenda seiko imwi munogamuchira rukudzo mumwe kunomumwe, asi musingatsvaki rukudzo rwunobva kunaMwari oga?

45 Musati ndichakupomerai mhosva kuna Baba; mumwe uriko unokupomerai mhosva, ndiye * Mozisi wamunovimba naye.

46 Nokuti dai maitenda Mozisi, mungadai mainditenda ini, nokuti iye wakanyora nezvangu.

47 Asi kana musingatendi magwaro ake, mungatenda seiko mashoko angu?


6


1 Shure kwezvinhu izvi Jesu wakaenda mhiri kwegungwa reGariri, ndiro reTibheriasi.

2 Zvino chaunga chikamutevera, nokuti vakavona zvishamiso zvaaiita kuvarwere.

3 Jesu akakwira mugomo, ipapo akagara anavadzidzi vake.

4 Zvino paseka mutambo wavaJudha, wakanga wava pedo.

5 Zvino Jesu paakasimudza meso, wakavona chaunga chikuru chichivuya kwaari, akati kuna Firipi: Tingatengepiko zvingwa, kuti vanhu ava vadye?

6 Wakareva izvozvo achimuidza, nokuti iye amene waiziva zvaakanga achida kuita.

7 Firipi akamupindura achiti *: Zvingwa zvamadenari* anamazana maviri hazvingavaringani, kuti mumwe nomumwe atore chimedu.

8 Mumwe wavadzidzi vake, Andiriyasi, munun'una waSimoni Petro, akati kwaari:

9 Pano pane kamukomana, kanezvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri duku; asi zvingava zvinyiko kuvazhinji vakadai?

10 Asi Jesu wakati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwakanga kunovuswa vuzhinji panzvimbo iyo. Naizvozvo varume vakagara pasi, muvuwandu vainge zvuru zvishanu.

11 Zvino Jesu akatora zvingwa; akati avonga, akagovanisa vadzidzi vadzidzi vakagovanisa * vakanga vagere pasi; nehovevo saizvozvo pavaida napo.

12 Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake; Vunganidzai zvimedu zvakasara, kuti kurege kurashika chinhu.

13 Naizvozvo vakazvivunganidza pamwechete, vakazadza matengu anegumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebari, zvakanga zvasara kuna vakadya.

14 Zvino vanhu avo vakati vavona chishamiso chakaitwa naJesu, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye uya muporofita, unofanira kuvuya panyika.

15 Zvino Jesu, zvaakaziva kuti voda kuvuya kuzomubata nesimba, kuzomuita mambo, akabvazve akaenda mugomo ari oga.

16 Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa,

17 vakapinda muchikepe, vakatanga kuyambuka gungwa kuenda Kapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, asi Jesu wakanga asati asvika kwavari.

18 Gungwa rikatanga kumutswa nemhepo huru yaivhuvhuta.

19 Zvino vakati vakwasva zvikuru masitadhiya* anenge makumi maviri namashanu kana makumi matatu, vakavona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pedo nechikepe; vakatya.

20 Asi iye wakati kwavari: Ndini, musatya.

21 Zvino vakafara kumugamuchira muchikepe, pakarepo chikepe chikasvika kunyika kwavakanga vachienda.

22 Fume mangwana chaunga chakanga chimire kune rumwe rutivi rwegungwa, pachakavona kuti pakanga pasina chimwe chikepe chiduku ipapo, kunze kwechimwe makanga mapinda vadzidzi vake, machiri, uye kuti Jesu haana kupinda navadzidzi vake muchikepe chidiki, asi vadzidzi vake vakaenda voga.

23 Asi kwakasvika zvimwe zvikepe zvidiki zvaibva Tibheriyasi pedo nenzvimbo pavakambodyira zvingwa, mushure mokunge Ishe ambovonga.

24 Zvino naizvozvo chaunga chakati chavona, kuti Jesu haapo, kana vadzidzi vake, vakapindavo vamene muzvikepe zvidiki, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu.

25 Zvino vakati vamuwana kune rumwe rutivi rwegungwa, vakati kwaari: Mudzidzisi, masvika pano rinhiko?

26 Jesu akavapindura, akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hamunditsvaki nokuti makavona zvishamiso, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta.

27 Musashandira zvokudya zvinoparara, asi zvokudya zvinogara kusvika kuupenyu bwusingaperi, zvamuchapiwa noMwanakomana womunhu; nokuti Mwari Baba, vakaisa chisimbiso kwaari.

28 Zvino ivo vakati kwaari: Tichaiteiko, kuti tibate mabasa aMwari?

29 Jesu akapindura akati kwavari: Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende kuna iye waakatuma.

30 Naizvozvo vakati kwaari: Munoita chiratidzo chipiko zvino kuti tivone, tikutendei? Imwi munobateiko?

31 Madzibaba edu akadya mana* murenje, sezvazvakanyorwa, zvichinzi *: Wakavapa chingwa chakabva kudenga, kuti vadye.

32 Zvino Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga, asi ndiBaba vangu vanokupai chingwa chechokwadi, chinobva kudenga.

33 Nokuti chingwa chaMwari ndiye unoburuka achibva kudenga, achipa upenyu kunyika.

34 Zvino vakati kwaari: Ishe, garai muchitipa chingwa ichi.

35 Jesu akati kwavari: Ndini chingwa choupenyu; uyo unovuya kwandiri, haangatongovi nenzara, nounotenda kwandiri haangatongovi nenyota.

36 Asi ndakati kwamuri: Nemwivo makandivona, asi hamutendi.

37 Zvose Baba zvavanondipa zvichavuya kwandiri; nounovuya kwandiri, handingatongomudzingiri kunze.

38 Nokuti handina kuburuka kubva kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwaiye wakandituma.

39 Uku ndiko kuda kwababa vakandituma, kuti pazvose zvaakandipa, ndisarasikirwa nechinhu, asi kuti ndichimutse nezuva rokupedzisira.

40 Uye ndiko kuda kowakandituma, kuti mumwe nomumwe, unotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave noupenyu bwusingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.

41 Zvino vaJudha vakagunun'una pamusoro pake, nokuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.

42 Vakati: Uyu haazi Jesu Mwanakomana waJosefa, baba namai vake vatinoziva here? Zvino ungagoti seiko: Ndakaburuka kubva kudenga.

43 Jesu akapindura naizvozvo, akati kwavari: Musagunun'una pakati penyu.

44 Hakuna munhu ungavuya kwandiri, kunze kokuti Baba vakandituma vamukweva; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.

45 Zvakanyorwa muvaporofita zvichinzi *: Vachadzidziswa vose naMwari. Mumwe nomumwe naizvozvo wakanzwa akadzidza naBaba, unovuya kwandiri.

46 Kwete kuti kune munhu wakavona Baba; kunze kweuyo unobva kunaMwari, ndiye wakavona Baba.

47 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda, kwandiri unoupenyu bwusingaperi.

48 Ndini chingwa icho choupenyu.

49 Madzibaba enyu akadya mana* murenje, akafa.

50 ichi ndicho chingwa chinoburuka kubva kudenga, kuti munhu achidye agorega kufa.

51 Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kubva kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, uchararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa inyama yangu, yandichapa bwuve upenyu bwenyika.

52 Naizvozvo vaJudha vakakakavadzana pakati pavo vachiti: Munhu uyu ungatipa seiko nyama tidye?

53 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kokuti madya nyama yoMwanakomana womunhu, uye mamwa ropa rake, hamunoupenyu mamuri.

54 Aninani unodya nyama yangu, nokumwa ropa rangu, unoupenyu bwusingaperi; uye ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.

55 Nokuti nyama yangu izvokudya zirokwazvo, neropa rangu izvokumwa zvirokwazvo.

56 Unodya nyama yangu, nokumwa ropa rangu, unogara mandiri, neni maari.

57 Baba vapenyu sezvavakandituma, neni ndinorarama naBaba; saizvozvo unondidya, naiyevo uchararama neni.

58 Ichi ndicho chingwa chiya chakaburuka kubva kudenga; hazvina kuita samadzibaba enyu akadya mana* akafa; unodya chingwa ichi uchararama nokusingaperi.

59 Zvinhu izvi wakazvireva musinagoge, achidzidzisa paKapenaume.

60 Naizvozvo vazhinji vavadzidzi vake vakati vachinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndianiko ungarinzwa?

61 Asi Jesu, aziva mumoyo make kuti vadzidzi vake vanon'un'una nazvo, wakati kwavari: Izvi zvinokugumbusai kanhi?

62 Muchagodiniko * kana muchivona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva pakutanga?

63 Mweya ndiye unoraramisa, nyama haibatsiri chinhu; mashoko andinotaura kwamuri, ndiwo mweya noupenyu.

64 Asi variko vamwe venyu vasingatendi nokuti Jesu wakanga achiziva kubva pakutanga, kuti ndivanaani vaisatenda, uye kuti ndiani waizomutengesa,

65 Akati: Naizvozvo ndati kwamuri: Hakuna munhu ungavuya kwandiri, kunze kokuti azvipiwa naBaba.

66 Kubva ipapo vazhinji vavadzidzi vake vakadzokera shure, vakasazofambazve naye,

67 Jesu akati kuna vanegumi navaviri: nemwi munoda kuendavo here?

68 Zvino Simoni Petro akamupindura, akati *: Ishe, tichagoenda kunaaniko? Ndimwi muna mashoko oupenyu bwusingaperi,

69 Isu tinotenda, uye tine chokwadi kuti ndimwi uya Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.

70 Jesu akapindura akati *: Ini handina kukusanangurai, imwi vanegumi navaviri here? asi mumwe wenyu ndiDhiabhurosi.

71 Waireva Judhasi, Isikarioti, waSimoni, nokuti iye ndiye waizomutengesa, ari mumwe wavanegumi navaviri.


7


1 Shure kwezvinhu izvi Jesu wakafamba muGariri; nokuti wakanga asingadi kufamba muJudhiya, nokuti vaJudha vakanga vachitsvaka kumuvuraya.

2 Zvino mutambo wavaJudha wamatumba wakanga wava pedo.

3 Naizvozvo vanun'una vake vakati kwaari: Ibvai pano, muende Judhiya, kuti vadzidzi venyu vavonevo mabasa enyu amunoita.

4 Nokuti hakuna munhu unoita chinhu muchivande, kana iye amene achitsvaka kuzikamwa pachena. Kana iwe uchiita zvinhu izvi, zviratidze kunyika.

5 Nokuti kunyange navanun'una vake vakanga vasingatendi kwaari.

6 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Nguva yangu ichigere kusvika; asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.

7 Nyika haingakuvengiyi imwi; asi ini inondivenga, nokuti ndinoipupurira, kuti mabasa ayo akaipa.

8 Kwirai imwi kumutambo uyu; ini handisati ndokwira kumutambo, nokuti nguva yangu ichigere kuzadzisika.

9 Wakati areva zvinhu izvozvi kwavari, wakagara Gariri.

10 Asi vanun'una vake vakati vakwira, iyevo pachake akabva okwira kumutambo, asingaendi pachena, asi panenge sapakavanda.

11 Zvino vaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Uripiko iye?

12 Kun'un'una kukuru kukavapo pakati pechaunga pamusoro pake, vamwe vachiti: Wakanaka; asi vamwe vachiti: Kwete, asi unotsausa chaunga.

13 Kunyange zvakadaro kwakanga kusinomunhu waitaura pachena pamusoro pake, nokutya vaJudha.

14 Zvino kwakati pava pakati pomutambo, Jesu akakwira kutembere, akadzidzisa.

15 Naizvozvo vaJudha vakashamiswa, vachiti: Munhu uyu unoziva seiko magwaro, asina kumbodzidza?

16 Jesu akavapindura, akati: Dzidziso yangu haizi yangu, asi yake wakandituma.

17 Kana munhu achida kuita kuda kwake, uchaziva zvedzidziso kana ichibva kunaMwari, kana kuti ndinotaura zvemusoro wangu.

18 Unozvitaurira nezvake, unotsvaka kurubidzwa kwake; asi unotsvaka kurumbidzwa kowakamutuma, ndiye wechokwadi, hapana kusarurama maari.

19 Mozisi haana kukupai murairo here? Asi hakunomumwe wenyu unochengeta murairo. Munotsvakireiko kundivuraya?

20 Chaunga chikapindira chikati: Unomweya wakaipa iwe; ndianiko unotsvaka kukuvuraya?

21 Jesu akapindura akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, mukashamiswa mose.

22 Naizvozvo Mozisi wakakupai dzingiso, (kusiri kuti ndeyaMozisi, asi yamadzibaba); zvino imwi nemusi wesabata munodzingisa munhu.

23 Zvino kana munhu akagamuchira dzingiso nesabata, kuti murairo waMozisi urege kuputswa, ko imwi monditsamwira nokuti ndaporesa munhu zvakakwana nemusi wesabata here?

24 Musatonga nezvinovonekwa, asi tongai kutonga kwakarurama.

25 Naizvozvo vamwe vaveJerusarema vakati: Ko haazi iye wavanotsvaka kuvuraya here?

26 Asi tarirai, unotaura pachena vasingarevi chinhu kwaari. Ko vakuru vanoziva kwazvo here kuti ndiye Kristu?

27 Zvino uyu tinoziva kwaanobva; asi Kristu kana achisvika, hakunomunhu ungaziva kwaanobva.

28 Zvino Jesu akadanidzira mutembere, achidzidzisa, achiti: Imwi mose munondiziva, uye imwi mose munoziva kwandakabva; handina kuvuya zvomusoro wangu, asi wakandituma ndowechokwadi, wamusingazivi imwi.

29 Ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari, uye ndiye wakandituma.

30 Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi hakuna munhu wakaisa ruvoko paari, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.

31 Asi vazhinji vechaunga vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achizosvika, ungaita zvishamiso zvizhinji kunezvizvi zvakaitwa nouyu here.

32 Zvino vaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachin'un'una zvinhu zvakadaro pamusoro pake; vaprista vakuru navaFarisi vakatuma vatariri kundomubata.

33 Ipapo Jesu akati kwavari: Ndichiri nemwi chinguvana, ndoenda kunowakandituma.

34 Imwi muchanditsvaka, mukasa ndi *wana; uye apo pandiri, imwi hamungasvikipo.

35 Zvino vaJudha vakataurirana, vachiti *: Unoda kuendepiko, kwatisingazomuwani? Ko unoda kuenda kuna vakapararira pakati pavaGiriki, kuti andodzidzisa vaGiriki here?

36 Ishokoiko iri raanoti *: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani, nepandiri, imwi hamungasvikipo?

37 Zvino nezuva rokupedzisira, guru romutambo, Jesu wakasimuka, akadanidzira, akati: Kana aninani anenyota, ngaauye kwandiri, amwe.

38 Unotenda kwandiri, sezvakarebwa norugwaro, mudumbu make muchaerera nzizi dzemvura mhenyu.

39 Asi izvi wakareva zvoMweya, waizogamuchirwa navo vaitenda kwaari, nokuti Mweya Mutsvene wakanga asati avapo *, nokuti Jesu wakanga asati akudzwa.

40 Naizvozvo vazhinji vechaunga vakati vachinzwa shoko iri vakati: Zvirokwazvo uyu muporofita.

41 Vamwe vakati: Uyu ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu ungabva Gariri here?

42 Rugwaro haruna kureva here kuti Kristu uchabva kuzvizvarwa zvaDhavhidhi, napamusha weBhetirehemu, paiva naDhavhidhi?

43 Naizvozvo pakava nekupesana pakati pechaunga pamusoro pake.

44 Vamwe vavo vakanga vachida kumubata; asi kwakanga kusina wakaisa mavoko kwaari.

45 Zvino vatariri vakavuya kuvaprista vakuru nokuvaFarisi; ivo vakati kwavari: Nemhaka yei musina kuvuya naye?

46 Vatariri vakapindura, vakati *: Hakuna munhu wakatongotaura somunhu uyu.

47 Zvino vaFarisi vakavapindura, vakati *: Nemwivo matsauswa kanhi?

48 Kunomumwe wavakuru nowavaFarisi wakatongotenda kwaari here?

49 Asi chaunga ichi chisingazivi murairo, chakatukwa.

50 Nikodhimo, uya akavuya kwaari vusiku, ari mumwe wavo, akati kwavari:

51 Murairo wedu unotonga munhu, usati wambomunzwa, nokuziva chaanoita here?

52 Vakapindura vakati kwaari: Ko newevo uri weGariri here? Nzvera, uvone kuti hakuna kumuka muporofita, unobva Gariri.

53 Ipapo mumwe nomumwe wakaenda kumba kwake.


8


1 Asi Jesu wakaenda kugomo reMiorivhi.

2 Zvino mambakwedza akadzokerazve kutembere, vanhu vose vakavuya kwaari; akagara pasi akavadzidzisa.

3 Zvino vanyori navaFarisi vakamuvigira mukadzi wakabatwa achifeva, vakamugadzika pakati pavo.

4 Vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wakabatwa achifeva, panzvimbo pomene.

5 Zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe namabwe; zvino imwi munoti kudiniko?

6 Izvozvi vakareva, vachimuidza, kuti vawane chavangamupomera mhosva nacho. Asi Jesu wakakotama, akanyora pasi nomumwe sousina kuvanzwa.

7 Zvino ivo vakati vachiramba vachimubvunza, akakotoroka, akati kwavari: Usine chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.

8 Zvino akakotamazve, akanyora pasi.

9 Zvino ivo vakati vachi zvi *nzwa, nokurova kwehana dzavo, vakabuda mumwe-mumwe, kutanga vakuru kusvikira kuno wokupedzisira; Jesu akasara ari oga, nomukadzi amire pakati.

10 Jesu wakati akotoroka akasavona munhu, asi mukadzi oga, wakati kwaari: Mai, varipiko vaya vakupomerai mhosva? Hakuna wakutongai here?

11 Iye akati: Hakuna, Ishe! Jesu akati kwaari: Nenivo handikupi mhosva. Enda hako, usatadzazve.

12 Zvino Jesu wakataurazve kwavari, akati: Ndini chiedza chenyika; unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza choupenyu.

13 Naizvozvo vaFarisi vakati kwaari: Unozvipupurira iwe; kupupura kwako hakuzi kwechokwadi.

14 Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichizvipupurira, kupupura kwangu ndokwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, nokwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, nokwandinoenda.

15 imwi munotonga nenyama; ini handitongi munhu.

16 Asi kunyange ndichitonga, kutonga kwangu ndokwechokwadi; nokuti handizi ndoga, asi ini naBaba vakandituma.

17 Uye mumurairo wenyu makanyorwa kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwechokwadi.

18 Ndini ndinozvipupurira, naBaba vakandituma vanondipupurira.

19 Zvino ivo vakati kwaari: Baba vako varipiko? Jesu akapindura, akati *: Hamundizivi ini, kunyange naBaba vanguvo; dai maindiziva ini, mungadai maizivavo naBaba vangu.

20 Jesu wakataura mashoko awa paimba yezvipo achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakaisa ruvoko kwaari, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.

21 Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ndinoenda, uye muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; pandinoenda, imwi hamungavuyipo.

22 Naizvozvo vaJudha vakati: Uchazvivuraya kanhi? zvaanoti: Pandinoenda, imwi hamungavuyipo?

23 Akati kwavari: Imwi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro; imwi muri venyika ino, ini handizi wenyika ino.

24 Naizvozvo ndati kwamuri: Muchafira muzvivi zvenyu, nokuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.

25 Zvino vakati kwaari: Iwe ndiwe aniko? Jesu akati kwavari: Ndizvo zvandagara ndichikuvudzai kubva pakutanga.

26 Ndine zvinhu zvizhinji zvokutaura nokutonga pamusoro penyu; asi uyo wakandituma ndowechokwadi; izvo zvandakanzwa kwaari, ndizvo zvandinotaura kunyika.

27 Havana kunzwisisa kuti unotaura kwavari zvaBaba.

28 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Kana masimudza Mwanakomana womunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye *, uye handiiti chinhu chomusoro wangu, asi sezvandakadzidziswa naBaba vangu, ndinotaura zvinhu izvi.

29 Zvino uyo wakandituma uneni; Baba havana kundisiya ndoga; nokuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza.

30 Wakati achareva izvozvi, vazhinji vakatenda kwaari.

31 Zvino Jesu wakati kuvaJudha avo vakatenda kaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo;

32 muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.

33 Vakamupindura, vakati *: Tiri zvizvarwa zvaAbhurahamu isu, hatina kutongova varanda vomunhu chero nguva ipi zvayo; zvino iwe ungareva seiko kuti * muchasunungurwa?

34 Jesu akavapindura, akati *: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unoita chivi, muranda wechivi.

35 Muranda haagari mumba nokusingaperi; mwanakomana unogara nokusingaperi.

36 Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunugurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo.

37 Ndinoziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahamu; asi munotsvaka kundivuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.

38 Ini ndinoreva izvo zvandakavona kunaBaba vangu; imwi munoita izvo zvamakavona kunababa venyu.

39 Vakapindura, vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahamu. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahamu, maiita mabasa aAbhurahamu.

40 Asi zvino munotsvaka kundivuraya, munhu wakakuvudzai chokwadi, chandakanzwa kunaMwari. Abhurahamu haana kuzviita.

41 Imwi munoita mabasa ababa venyu. Zvino ivo vakati kwaari: Hatina kuberekwa novupombwe; tina baba vamwe, Mwari.

42 Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva baba venyu, maindida; nokuti ini ndakabuda, ndikabva kunaMwari. Nokuti handinavo kuzvivuyira, asi ndiye wakandituma.

43 Nemhaka yei musinganzwisisi nhaurwa yangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu.

44 Imwi muri vababa venyu * Dhiabhorosi munoda kuita zvido zvababa venyu. Iye wakanga ari muvurai kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, unoreva zvemusoro wake nokuti ndiye murevi wenhema uye baba vadzo.

45 Asi nokuti ini ndinoreva chokwadi, hamunditendi.

46 Ndianiko kwamuri ungandipomera chivi? Uye kana ndichireva chokwadi, munoregereiko kunditenda?

47 Uyo uri waMwari unonzwa mashoko aMwari; imwi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamuzati muri vaMwari.

48 Naizvozvo vaJudha vakapindura, vakati kwaari: Hatina kureva kwazvo here kuti iwe uri muSamaria, unomweya wakaipa?

49 Jesu akapindura, akati *: Handina mweya wakaipa, asi ndinokudza baba vangu: zvino imwi mondizvidza.

50 Ini handitsvaki kurumbidzwa kwangu; uriko mumwe unotsvaka nokutonga..

51 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongovoni rufu nokusingaperi.

52 Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Zvino toziva kuti unomweya wakaipa; Abhurahamu wakafa, navaporofita, zvino iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu.

53 Ko iwe uri mukuru kunaBaba vedu Abhurahamu vakafa navaporofita vakafa here? Unozviita aniko?

54 Jesu akapindura, akati *: Kana ini ndichizvikudza, kuzvikudza kwangu hakuna maturo; ndiBaba vangu vanondikudza, avo vamunoti ndiMwari wenyu.

55 Asi imwi hamuna kuvaziva; asi ini ndinovaziva, kana ini ndikati handivazivi, ndichava murevi wenhema semwi; asi ndinovaziva ini, ndinochengeta shoko ravo.

56 Abhurahamu, baba venyu, vakafara, vachiti vachavona zuva rangu; vaka ri *vona, vakafara.

57 Ipapo vaJudha vakati kwaari: Iwe ugere kusvika makore anamakumi mashanu, wakavona Abhurahamu here?

58 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahamu asati avapo, ini ndiripo.

59 Ipapo vakanonga mabwe kuti vamuposhere; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere achipinda napakati pavo, akapfuvura saizvozvo.


9


1 Wakati achipfuvura, akavona munhu wakanga ari bofu kubva pakuberekwa.

2 Vadzidzi vake vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, ndianiko wakatadza, uyu munhu kana vabereki vake, zvaakazvarwa ari bofu?

3 Jesu akapindura, akati *: Uyu haana kutadza, kunyange navabereki vake; asi izvi zvakaitwa *kuti mabasa aMwari aratidzwe maari.

4 Ndinofanira kushanda mabasa owakandituma, achiri masikati; vusiku bwunovuya, apo pasina munhu angagona kushanda.

5 Kana ndichingori panyika chete, ndiri chiedza chenyika.

6 Wakati areva izvozvo, akapfira pasi, akakanya dope namate, akazodza meso ebofu nedope;

7 akati kwaari: Enda undo *shamba mudziva reSiroami, (ndokuti, kana zvichishandurwa, wakatumwa) Naizvozvo wakaenda akandoshamba, akadzoka achivona.

8 Naizvozvo vavakidzani navaisimbomuvona kuti wakanga ari bofu, vakati: Ko uyu haazi iye waigara achipemha here?

9 Vamwe vakati: Uyu ndiye; vamwe vakati *: Wakatodzana naye. Iye akati: Ndini.

10 Naizvozvo ivo vakati kwaari: Meso ako akasvinudzwa seiko?

11 Akapindura akati: Munhu unonzi Jesu wakanya dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami, undoshamba. Zvino ndikaenda ndikashamba, ndikavonazve.

12 Ipapo vakati kwaari: Iye uripiko? Akati: Handizivi.

13 Vakamuisa kuvaFarisi, iye waimbova bofu.

14 Zvino raiva zuva resabata apo Jesu akakanya dope, akasvinudza meso ake.

15 Ipapo zvekare vaFarisi vakamubvunzavo, kuti wakavonazve sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu, ndikandoshamba, zvino ndovona.

16 Naizvozvo vamwe vavaFarisi vakati: Munhu uyu haabvi kunaMwari, nokuti haachengeti sabata. Vamwe vakati: Ko munhu uri mutadzi ungaita seiko zvishamiso zvakadai? Kukava nokupesana pakati pavo.

17 Vakatizve kubofu: Iwe unoti kudiniko pamusoro pake, sezvo akasvinudza meso ako? Akati: Muporofita.

18 Naizvozvo vaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti wakanga ari bofu, akavonazve, kusvikira vadana vabereki vowakavoneswa,

19 vakavabvunza, vachiti: Uyu mwanakomana wenyu wamunoti wakaberekwa riri bofu here? Zvino unogovona seiko?

20 Vabereki vake vakavapindura vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti wakaberekwa ari bofu;

21 kuti zvino wovona sei, hatizivi; nowakasvinudza meso ake, hatizivi; wayaruka, iye pachake uchazvitaurira.

22 Vabereki vake vakareva izvozvo, nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana kare kuti aninani unopupura kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge.

23 Naizvozvo vabereki vake vakati: Wayaruka, mubvunzei.

24 Zvino vakamudanazve rwechipri, iye munhu wakanga ari bofu, vakati kwaari: Ipa Mwari rumbidzo; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.

25 Iye akapindura, akati: Kunyange ari mutadzi ini handizivi; chinhu chimwe chandinoziva, kuti ndaiva bofu, zvino ndovona.

26 Ipapo vakatizve kwaari: Wakaiteiko kwauri? Wakasvinudza meso ako sei?

27 Akavapindura, akati *: ndakuvudzai kare, mukasanzwa, munodireiko kunzwa zvekare? Nemwi munoda kuva vadzidzi vakevo kanhi?

28 Naizvozvo vakamutuka, vachiti: Iwe ndiwe mudzidzi wake, asi isu tiri vadzidzi vaMozisi.

29 Tinoziva kuti Mwari wakataura naMozisi; asi uyu hatizivi kwaakabva.

30 Munhu akapindura akati kwavari: Nyambera chinhu ichi chinoshamisa, kuti imwi hamuzivi kwaanobva, kunyange zvakadaro wakasvinudza meso angu.

31 Zvino toziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu ari mushumiri waMwari, achiita kuda kwake, unomunzwa iye.

32 Kubvira rinhi hakuna kumbonzwika kuti mumwe wakasvinudza meso omunhu wakaberekwa ari bofu.

33 Dai uyu anga asingabvi kunaMwari, haazaigona kuita chinhu.

34 Vakapindura, vakati kwaari: Iwe chigariro wakaberekerwa muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa here? Vakamudzingira kunze.

35 Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here

36 Akapindura, akati: Iye ndianiko, Ishe, kuti nditende kwaari?

37 Jesu akati kwaari: Iwe wamuvona, uye ndiye unotaura newe.

38 Ipapo akati: Ishe ndinotenda; akamunamata.

39 Jesu akati: Kutonga ndiko kwandakavuyira panyika ino, kuti vasingavoni vavone; navanovona vave mapofu.

40 Avo vavaFarisi vaiva naye vakanzwa zvhinhu izvi, vakati kwaari: Ko nesuvo tiri mapofu here?

41 Jesu akati kwavari: dai maiva mapofu, hamuzaiva nezvivi. Asi zvino munoti: Tinovona; zvivi zvenyu zvinoramba zviripo.


10


1 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Usingapindi napamukova mudanga ramakwai, asi unokwira nokumwe, ndiye mbavha negororo.

2 Asi unopinda napamukova, mufudzi wamakwai.

3 Murindi womukova unomuzarurira iye, namakwai anonzwa inzwi rake, uye unodana makwai ake nezita rawo, nokuakokera kunze.

4 Kana abudisa makwai ake, unoatungamirira; namakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake.

5 Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi ravaeni.

6 Jesu akareva mufananidzo uyu kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhu zvei zvaakavataurira.

7 Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ndini mukova wamakwai.

8 Vose vakanditangira kuvuya imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.

9 Ndini mukova; kana munhu apinda neni, uchaponeswa, uchapinda, nokubuda, uchawana mafuro.

10 Mbavha haivuyi asi kungozoba nokuvuraya nokuparadza. Ini ndakavuya, kuti ave noupenyu, uye ave nobwakawanda.

11 Ndini mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka unoradzikira pasi makwai ake upenyu bwake.

12 Asi muranda, usati ari mufudzi, makwai asati ari ake, unovona bere richivuya, akasiya makwai, ndokutiza; bere rinoabata, nokuparadzira makwai;

13 Muranda unotiza nokuti muranda, uye haanehanya namakwai.

14 Ini ndini mufudzi wakanaka, ndinoziva angu, ndinozikamwa neangu,

15 Baba sezvavanondiziva, saizvozvo nenivo ndinoziva Baba; ndinoradzikira pasi makwai angu upenyu bwangu.

16 Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuvuya nawovo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.

17 Naizvozvo Baba vanondida, nokuti ndinoradzika upenyu bwangu pasi, kuti ndigobwutorazve.

18 Hakuna munhu ungabwutora kubva kwandiri; asi ndinobwuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rokubwuradzika pasi, uye ndine simba rokubwutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kunababa vangu.

19 Ipapo kukavapo kupesana pakati pavaJudha nokuda kwamashoko iwawo.

20 Vazhinji vavo vakati: Unomweya wakaipa uye unopenga; munomuteerereiko?

21 Vamwe vakati: Mashoko awa haasati ari owakabatwa nomweya wakaipa; ko mweya wakaipa ungagona kusvinudza meso amapofu here?

22 Yaiva nguva yomutambo wokuvandudza paJerusarema, chaiva chando.

23 Jesu akafamba mutembere mubiravira raSoromoni.

24 Zvino vaJudha vakavuya vakamukomba, vakati kwaari: Uchatikahadzikisa kusvikira riniko? Kana uri Kristu iwe, tivudze pachena.

25 Jesu akavapindura akati: Ndakakuvudzai, mukasatenda; mabasa andinoita nezita rababa, ndiwo anondipupurira ini;

26 asi imwi hamutendi; nokuti hamuzi vamakwai angu sezvandakareva kwamuri.

27 Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera;

28 ndinopa kwaari upenyu bwusingaperi; uye haangafi nokusingaperi, uye hakunomunhu ungaabvuta muruvoko rwangu.

29 Baba vangu vakandipa iwo * vakuru kunavose; hakuna unogona kuabvuta muruvoko rwaBaba vangu.

30 Ini naBaba tiri mumwe.

31 Zvino vaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.

32 Jesu akavapindura akati *: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kunaBaba vangu; nderipiko ramabasa awa ramunonditakira?

33 VaJudha vakamupindura vakati: Hatikutakiri basa rakanaka; asi kumhura Mwari; uye nokuti iwe uri munhu unozviita Mwari.

34 Jesu akavapindura akati *; Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi *: Ini ndakati: Muri vamwari?

35 Zvino kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, (Rugwaro harungaputswi);

36 uyo wakatsaurwa naBaba, nokutumwa panyika, asi imwi munoti: Unomhura Mwari, nokuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari?

37 Asi kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, regai kunditenda.

38 Asi kana ndichi a *ita, kunyange musinganditendi ini, tendai mabasa; kuti mugoziva nokutenda kuti Baba vari * mandiri, neni mavari.

39 Zvino vakatsvakazve kumubata, asi iye wakapukunyuka pamavoko avo.

40 Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani, panzvimbo paibhabhatidza Johwani pakutanga; akagarapo,

41 Zvino vazhinji vakavuya kwaari, vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johwani pamusoro pomunhu uyu zvaiva zvechokwadi.

42 Vazhinji vakatenda kwaari ipapo.


11


1 Kwaiva noumwe wakanga achirwara, wainzi * Razaro weBhetaniya, musha waMaria nomukoma wake Marita.

2 Ndiye Maria wakazodza Ishe namafuta, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; hanzvadzi yake Razaro wakanga achirwara.

3 Naizvozvo hanzvadzi dzake dzakatumira shoko * kwaari, dzichiti: Ishe, tarirai uyo wamunoda unorwara.

4 Jesu wakati anzwa akati: Kurwara uku hakusviki murufu, asi ndokwembiri yaMwari, kuti noMwanakomana waMwari arumbidzwe nazvo.

5 Zvino Jesu wakanga achida Marita nomunun'una wake naRazaro.

6 Naizvozvo wakati anzwa kuti unorwara, akambogara mazuva maviri panzvimbo paakanga ari.

7 Shure kwaizvozvo akati kuvadzidzi: Hendeizve Judhiya.

8 Vadzidzi vakati kwaari: Mudzidzisi, vaJudha vakanga vachitsvaka kukutakai namabwe ikozvinozvino; zvino moendazve ikoko here?

9 Jesu akapindura akati *: Hapana maora gumi nemaviri pazuva here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti unovona chiedza chenyika ino.

10 Asi kana munhu achifamba vusiku, unogumburwa, nokuti hakuna chiedza maari.

11 Wakataura zvinhu izvi, shure kwaizvozvo akazoti kwavari: Shamwari yedu Razaro wavata; asi ndinoenda kuti ndimumutse pahope.

12 Zvino vadzidzi vake vakati: Ishe, kana avete uchanaya.

13 Asi Jesu wakareva kufa kwake; asi ivo vakafunga kuti unoreva kuzorora kwehope.

14 Ipapo Jesu akavavudza pachena: Razaro wafa.

15 Zvino Ndinofara nokuda kwenyu, kuti ndakanga ndisipo, kuti mugotenda; asi zvino hendei kwaari.

16 Ipapo Tomasi, wainzi Batya, akati kuna vamwe vadzidzi pamwe naye: Hendei nesuvo kuti tindofa naye.

17 Zvino Jesu wakati achisvika, akawana kuti wakanga atova mubwiro mazuva mana.

18 Zvino Bhetaniya rakanga riri pedo neJerusarema, masitadhiya* anenge gumi namashanu kubva ipapo *;

19 navazhinji vavaJudha vakanga vavuya kunaMarita naMaria, kuti vavanyaradze pamusoro pehanzvadzi yavo.

20 Zvino Marita wakati achingonzwa kuti Jesu wovuya, akaenda kundomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba.

21 Ipapo Marita akati kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.

22 Kunyange zvino ndinoziva kuti zvipi zvazvo zvamunokumbira kunaMwari, Mwari uchakupai.

23 Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamukazve.

24 Marita akati kwaari: Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.

25 Jesu akati kwaari: Ndini kumuka noupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama;

26 uye mumwe nomumwe mupenyu unotenda kwandiri, haangatongofi nokusingaperi. Unotenda izvozvi here?

27 Akati kwaari: Hongu, Ishe; ndinotenda kuti ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari, unofanira kuvuya panyika.

28 Wakati areva izvozvo akabuda akandodana Maria, munun'una wake pchivande, akati: Mudzidzisi wasvika, unokudana.

29 Iye wakati achi zvi *nzwa, akakurumidza kusimuka akaenda kwaari.

30 Zvino Jesu wakanga asati asvika pamusha, asi wakanga achiri panzvimbo iya paakachingamidzwa naMarita.

31 Naizvozvo vaJudha vakanga vari mumba naye vachimunyaradza, vakati vachivona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti unoenda kubwiro kundochemako.

32 Zvino Maria wakati achisvika pakanga panaJesu, achimuvona, akawira pasi patsoka dzake, achiti kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.

33 Zvino Jesu wakati achimuvona achichema, navaJudha vachichemavo vakanga vavuya naye, akagomera neshungu * mumweya, akatambudzika,

34 akati: Mamuradzikepiko? Vakati kwaari: Ishe, vuyai muvone.

35 Jesu akachema.

36 Ipapo vaJudha vakati: Tarirai kuti waimuda sei.

37 Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haazaiita here kuti uyu asafa?

38 Ipapo Jesu akagomerazve neshungu *mukati make asvika pabwiro. Iro raiva bako, nebwe rakanga riri pamusoro paro.

39 Jesu akati: Bvisai ibwe. Marita hanzvadzi yowakafa akati kwaari: Ishe, ikozvino wotonhuhwa, nokuti unamazuva mana.

40 Jesu akati kwaari: Handina kutaura here kwauri, kuti kana ukatenda, uchavona kubwinya kwaMwari?

41 Ipapo vakabvisa ibwe, apo pakanga paradzikwa wakafa. Zvino Jesu akasimudza meso, akati: Baba, ndinokuvongai, nokuti imwi mandinzwa.

42 Asi ndanga ndichiziva kuti munogara muchindinzwa; asi nokuda kwavazhinji vakandikomba ndareva kuti vatende kuti makandituma.

43 Wakati areva izvozvi, akadanidzira nenzwi guru, akati *: Razaro, buda!

44 Zvino uyo wakanga afa akabuda, akapombwa mavoko namakumbo nemicheka yebwiro, nechiso chake chakapombwa netauro, Jesu akati kwavari: Musunungurei, aende.

45 Naizvozvo vazhinji vavaJudha, vakanga vavuya kunaMaria vakati vavona zvakaitwa naJesu, vakatenda kwaari.

46 Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi, vakandovavudza zvinhu zvakanga zvaitwa naJesu.

47 Naizvozvo vaprista vakuru navaFarisi vakavunganidza dare, vakati: Todiniko? Nokuti uyu munhu unoita zviratidzo zvizhinji.

48 Kana tikamurega akadaro, vose vachatenda kwaari; navaRoma vachavuya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.

49 Asi mumwe wavo, Kayafasi, wakanga ari muprista mukuru gore iroro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu imwi,

50 uye hamurangariri kuti zvakatinakira, kuti munhu mumwe afire vanhu, rudzi rwose rurege kufa.

51 Asi haana kureva zvomusoro wake, asi zvaakanga ari muprista mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waifanira kufira rudzi urwo;

52 rusati ruri rudzi rwoga, asi kutivo avunganidze pamwe chete vana vaMwari vakapararira vave mumwe.

53 Zvino kubva pazuva iro vakarangana pamwechete kuti vamuvuraye.

54 Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha, asi wakabvapo akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efuremu, akagarako navadzidzi vake.

55 Zvino paseka yavaJudha yakanga yava pedo; vanhu vazhinji vakabuda munyika iyo vakakwira Jerusarema paseka isati yasvika, kuti vazvinatse.

56 Naizvozvo vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, vachiti *: Munofungeiko? Kuti haangavuyi kumutambo here?

57 Zvino vose vaprista vakuru navaFarisi vakanga varaira, kuti, kana aninani achiziva kwaari, azivise, kuti vamubate.


12


1 Zvino mazuva matanhatu paseka ichigere kusvika, Jesu wakasvika Bhetaniya, paiva naRazaro, wakanga afa, waakamutsa kuvakafa.

2 Ipapo vakamuitira chirayiro, Marita aka va *shandira; naRazaro wakanga ari mumwe wavakanga vagere naye pakudya.

3 Zvino Maria akatora paundi yamafuta enadhi*, anomutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuhwira kwamafuta.

4 Ipapo mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Isikariyoti, waSimoni wakanga achazomutengesa, akati:

5 Mafuta awa aregereiko kutengeswa namadhenari* mazana matatu, akapiwa varombo?

6 wakareva izvozvi kwete kuti wakarangarira varombo, asi nokuti waiva mbavha; waigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo.

7 Asi Jesu wakati: Muregei akadaro; wazviitira kuvigwa kwangu.

8 Nokuti varombo munavo nguva dzose; asi ini hamuneni nguva dzose.

9 Zvino chaunga chikuru chavaJudha chakanzwa kuti uripo; vakavuya, asi havana kuvuya nokuda kwaJesu chete, asi kuti vavone Razarovo, waakanga amutsa kuvakafa.

10 Asi vaprista vakuru vakarangana kuti vavuraye naRazarovo;

11 nokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vaibva, vachitenda kunaJesu.

12 Zvino ava mangwana chaunga chikuru chakanga chavuya kumutambo, chakati chanzwa kuti Jesu wovuya Jerusarema,

13 vakatora matavi emichindwe, vakabuda kundomuchingamidza, vakadanidzira, vachiti *: Hosana*! Wakaropafadzwa unovuya muzita raShe, Mambo wavaIsraeri.

14 Zvino Jesu wakati awana dhongwana, akagara pamusoro paro, sezvazvakanyorwa, zvichinzi *:

15 Usatya, mukunda weZiyoni; tarira, Mambo wako unovuya, agere pamusoro pedhongwana.

16 Vadzidzi vake havana kunzwisisa izvozvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, vakazorangarira kuti zvinhu izvozvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, uye vakanga vamuitira zvinhu izvozvo.

17 Naizvozvo chaunga chikuru chaiva naye pakudana kwake Razaro kuti abude mubwiro, nokumumutsa kuvakafa, chakapupura,

18 Saka chaunga chakamuchingamidzavo, nokuti vakanga vanzwa kuti wakaita chishamiso ichochi.

19 Naizvozvo vaFarisi vakataurirana, vachiti *: Munovona henyu kuti hamubatsiri chinhu; tarirai nyika inomutevera.

20 Zvino kwaiva navamwe vaGiriki pakati pavakanga vakwira kunoshumira kumutambo;

21 ndivo vakavuya kunaFiripi weBhetisaidha reGariri, vakamukumbira, vachiti: Ishe, tinoda kuvona Jesu.

22 Firipi akasvika akavudza Andiriyasi; zvinovo Andiriyasi naFiripi, vakavudza Jesu.

23 Jesu akavapindura akati: Nguva yasvika yokuti Mwanakomana womunhu akudzwe.

24 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kokuti tsanga yezviyo yawira muvhu ikafa, inogara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zvizhinji.

25 Uyo unoda upenyu bwake ucharashikirwa nabwo; nounovenga upenyu bwake panyika ino uchabwuchengeta kusvikira kuupenyu bwusingaperi.

26 Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri ini, nomuranda wangu uchavapovo. Kana munhu achindishumira, Baba vachamukudza.

27 Zvino mweya wangu unomanikidzwa; ndichatiyiko? Baba, ndiponesei panguva ino. Asi ndizvo zvandavuyira panguva ino.

28 Baba, kudzai zita renyu, Ipapo inzwi rakavuya, richibva kudenga, richiti *: Ndatorikudza, ndicharikudzazve.

29 Zvino chaunga chakanga chimirepo chichizvinzwa, chakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye.

30 Jesu akapindura akati: Inzwi iri harina kuvuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu.

31 Zvino ndiko kutongwa kwenyika ino; zvino muchinda wenyika ino uchadzingirwa panze.

32 Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.

33 Wakareva izvozvi, achiratidza kufa, kwaaizofa nako.

34 Zvino chaunga chakamupindura, chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu uchagara nokusingaperi; zvino moreva seiko imwi, kuti Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwa? Ndianiko uyu Mwanakomana womunhu?

35 Ipapo Jesu akati kwavari: Chiedza chichinemwi chinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, zvimwe rima ringakukundai; unofamba murima haazivi kwaanoenda,

36 Muchine chiedza, tendai kuchiedza, muve vana vechiedza. Jesu wakareva izvozvi, akabva, akazvivanza kwavari.

37 Asi kunyange akanga aita zvishamiso zvizhinji zvakadaro pamberi pavo, havana kutenda kwaari;

38 kuti shoko raIsaya muporofita riitike, raakareva, achiti *: Ishe, ndianiko wakatenda zvatakaparidza? Noruvoko rwaShe rwakaratidzwa kunaniko?

39 Naizvozvo vakanga vasingagoni kutenda, nokuti Isaya wakatizve:

40 Wakapofumadza meso avo, akawomesa moyo wavo; kuti varege kuvona nameso, nokunzwisisa nemoyo, Vatendevuke ndigovaporesa.

41 Isaya wakareva zvinhu izvozvi, paakavona kubwinya kwake, akamureva iye.

42 Asi kunyange zvakadaro, pakati pavatongi, vazhinji vakatenda kwaari; asi vakanga vasingamupupuri nokuda kwavaFarisi, kuti varege kubudiswa musinagoge;

43 nokuti vakanga vachida kukudza kwavanhu kupfuvura kukudza kwaMwari.

44 Zvino Jesu wakadanidzira akati: Unotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kunowakandituma.

45 Unondivona, unovona wakandituma.

46 Ini ndakavuya ndiri chiedza panyika, kuti aninani unotenda kwandiri arege kugara murima.

47 Zvino kana aninani achinzwa mashoko angu, akasatenda, handimutongi ini; nokuti handina kuvuya kuzotonga nyika, asi kuzoponesa nyika.

48 Uyo unondiramba asingagamuchiri mashoko angu unomumwe, unomutonga; shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rokupedzisira.

49 Nokuti handina kureva zvomusoro wangu, asi Baba vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura.

50 Uye ndinoziva kuti murairo wavo upenyu bwusingaperi; naizvozvo zvose zvandinotaura, ndinotaura sezvandakavudzwa naBaba.


13


1 Zvino mutambo wepaseka usati wasvika, Jesu woziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kunaBaba, ada vake vaiva munyika, wakavada kusvikira pakuguma.

2 Zvino kuraira kwakati kwapera, Dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Isikariyoti, waSimoni, kuti amupandukire,

3 Jesu achiziva kuti Baba vakapa zvinhu zvose mumavoko ake, uye kuti wakabva kuna Mwari uye kuti anoenda kunaMwari,

4 akasimuka pakurayira, akabvisa nguvo dzake *, akatora tauro akazvisunga chivuno.

5 Zvino akadira mvura mubhavhu, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi, akadzipusika netauro, raakanga akazvisunga naro.

6 Akasvika kunaSimoni Petro, iye akati kwaari: Ishe, imwi moshambidza tsoka dzangu here?

7 Jesu akapindura akati kwaari: Chandinoita ini hauzivi ikozvino; asi uchaziva pashure.

8 Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nokusingaperi. Jesu akamupindura akati *: Kana ndisingakushambidzi, haunomugove neni.

9 Simoni Petro akati kwaari: Dzirege kuva tsoka dzangu dzoga, asi mavoko nomusorovo.

10 Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu asi kushamba tsoka chete, asi wakachena iye wose; imwi makachena asi kwete mose.

11 Nokuti wakanga achiziva uyo waizomutengesa, naizvozvo wakati: Hamuna kuchena mose.

12 Zvino wakati ashambidza tsoka dzavo, akatora nguvo dzake, agarazve pasi, akati kwavari: Munoziva zvandakuitirai here?

13 Munondiidza Mudzidzisi, uye Ishe; munoreva zvakanaka, nokuti ndizvo * zvandiri.

14 Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndashambidza tsoka dzenyu, nemwivo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.

15 Nokuti ndakuratidzai muenzaniso kuti muite imwi sezvandaita kwamuri.

16 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kuna She wake, uye wakatumwa haazi * mukuru kuno wakamutuma.

17 Kana muchiziva zvinhu izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.

18 Handirevi imwi mose; ini ndinoziva avo vandakasanagura; asi kuti rugwaro ruzadzisike, runoti *: Uyo unodya chingwa neni, wakandisimudzira chitsitsinho chake.

19 Kubva zvino ndinokuvudzai zvisati zvaitika, kuti kana zvichiitika, mugotenda kuti ndini.

20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unogamuchira aninani wandinotuma, unogamuchireni, nounondigamuchira ini, unogamuchira wakandituma.

21 Zvino Jesu wakati areva kudaro akatambudzika mumweya, akapupura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mumwe wenyu uchanditengesa.

22 Naizvozvo vadzidzi vakatarirana, vachikahadzika kuti wareva ani.

23 Zvino kwakanga kwakasendama pachifuva chaJesu mumwe wavadzidzi vake waidikamwa naJesu.

24 Simoni Petro akamuninira, kuti abvunze kuti ndianiko waanoreva.

25 Iye akasendama pachifuva chaJesu, akati kwaari: Ishe, ndianiko?

26 Ipapo Jesu akapindura akati: Ndiye wandichapa chimedu kana ndachiseva. Zvino wakati aseva chimedu, akapa Judhasi Isikariyoti waSimoni.

27 Zvino shure kwechimedu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza.

28 Asi hakuna kuna vakanga vagere pakudya, wakaziva kuti wakareverei izvozvi kwaari.

29 Nokuti vamwe vakafunga kuti *, sezvo Judhasi aigara anechikwama, Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoshandisa pamutambo; kana kuti ape varombo chimwe chinhu.

30 Iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; bwakanga bwuri vusiku.

31 Zvino wakati abuda Jesu akati: Zvino Mwanakomana womunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari.

32 kana Mwari akudzwa maari, Mwari uchamukudzavo maari, uchamukudza pakarepo.

33 Vana vaduku, ndichiri nemwi chinguva chiduku. Muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, ndichiti *: kwandinoenda, imwi hamungagoni kuvuyako, zvino ndinoreva saizvozvovo kwamuri.

34 Murairo mutsva ndinokupai, kuti mudanane; sezvandakakudai, nemwi mudanevo.

35 Nokuda kwaizvozvo vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana munorudo mumwe kunomumwe.

36 Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoendepiko? Jesu akamupindura, akati *: Kwandinoenda, haunganditeveri ikozvino; asi uchanditevera pashure.

37 Petro akati kwaari: Ishe, handingagoni kukuteverai zvino neiko? Ndicharadzika upenyu bwangu pasi nokuda kwako.

38 Jesu akamupindura, akati *: ucharadzikira upenyu bwako ini here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwauri: Jongwe haringariri usati wandiramba katatu.


14


1 Moyo yenyu irege kutambudzika; imwi munotenda kunaMwari, mutendevo kwandiri.

2 Mumusha maBaba vangu mune dzimba zhinji; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuvudzai; ndinoenda kundokugadzirirai nzvimbo.

3 Kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichavuyazve ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemwi muvepovo.

4 Uye pandinoenda munopaziva, nenzira munoiziva.

5 Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi pamunoenda; ko nzira tingaiziva seiko?

6 Jesu akati kwaari: Ndini nzira, nechokwadi, noupenyu; hapana unovuya kuna Baba, asi nokwandiri.

7 Dai makanga mandiziva ini, mungadai maizivavo Baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.

8 Firipi akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, zvigotiringana.

9 Jesu akati kwaari: Ndakava nemwi nguva refu yakadai, ko hauzati wandiziva here, Firipi? Wandivona ini, wavona Baba; zvino unoreva seiko, uchiti *: Tiratidzei Baba?

10 Hautendi here kuti ndiri munaBaba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa.

11 Nditendei kuti ini ndiri * munaBaba, naBaba vari * mandiri; kana zvimwe nditendei nokuda kwamabasa amene.

12 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri mabasa andinoita, iye uchaaitavo, uchaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaBaba vangu.

13 Uye chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita, kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana.

14 Kana muchikumbira chinhu chipi kwandiri muzita rangu, ndicha chi *ita.

15 Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.

16 Neni ndichakumbira Baba, naivovo vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nokusingaperi,

17 Mweya wechokwadi, haugoni kugamuchirwa nenyika, nokuti haimuvoni, kana kumuziva; asi imwi munomuziva, nokuti ugere nemwi, uchava mukati menyu.

18 Handingakusiyiyi muri nherera; ndichavuya kwamuri.

19 Asi kwechinguvana, nyika haichazondivoni; asi imwi munondivona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemwivo muchava vapenyu.

20 Nezuva iro muchandiziva kuti ndiri muna baba, nemwi mandiri, neni mamuri.

21 Unemirairo yangu, achiichengeta, ndiye unondida; unondida uchadikamwa naBaba vangu; neni ndichamuda, ndichazviratidza kwaari.

22 Judhasi usati ari iye Isikariyoti) akati kwaari: Ishe, munodireiko kuzviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?

23 Jesu akapindura akati kwaari: Kana munhu achindida, uchachengeta shoko rangu, naBaba vangu vachamuda, tichavuya kwaari, tikaita vugaro bwedu maari.

24 Usingandidi, haachengeti mashoko angu; neshoko ramunonzwa, harizi rangu, asi nderababa vakandituma.

25 Zvinhu izvozvi ndakuvudzai ndichigere nemwi.

26 Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uchatumwa naBaba muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvinhu zvose, uye akuyevudzirei zvinhu zvose, zvandakareva kwamuri.

27 Ndinokusiyirai rugare; rugare rwangu ndinokupai kwete sokupa kwenyika ini ndinopa kwamuri. Moyo yenyu irege kutambudzika, irege kutya.

28 Makanzwa kuti ini ndakati kwamuri: Ndinoenda, ndigovuyazve kwamuri. Kana maindida, maifara, nokuti ndati ndinoenda kunaBaba; nokuti Baba vangu vakuru kwandiri.

29 Zvino ndakuvudzai zvisati zvaitika, kuti musi wazvinoitika mugotenda.

30 Kubva zvino handichazotauri zvizhinji nemwi, nokuti muchinda wenyika ino unovuya; asi haanechinhu kwandiri;

31 asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye kuti Baba sezvavakandiraira, ndizvo zvandinoita. Simukai, ngatibve pano.


15


1 Ndini muzambiringa wechokwadi, baba vangu ndivo murimi.

2 Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki chibereko vanoribvisa; rimwe nerimwe rinobereka chibereko, vanorichekerera, kuti riwedzere zvibereko.

3 Imwi matonatswa neshoko randareva kwamuri.

4 Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka zvibereko roga, kana risingagari mumuzambiringa, saizvozvo nemwivo, kana musingagari mandiri.

5 Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unobereka zvibereko zvakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.

6 Kana munhu asingagari mandiri, unorashwa kunze sedavi, ndokuwoma; vanoavunganidza, ndokukandira mumoto apiswe.

7 Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, muchakumbira zvamunoda, muchazviitirwa.

8 Baba vangu vanokudzwa naizvozvi, kuti mubereke zvibereko zvakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.

9 Baba sezvavakandida, saizvozvovo ndakakudai; garai murudo rwangu.

10 Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndakachengeta mirairo yaBaba vangu, ndinogara murudo rwavo.

11 Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzare.

12 Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudanane, sezvandakakudai.

13 Hakunomunhu unorudo rukuru kunourwu, kuti munhu aradzikire pasi shamwari dzake upenyu bwake.

14 imwi muri shamwari dzangu, kana muchiita chipi nechipi chandinokurairai.

15 Handichakuidziyi varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa nashe wake, asi ndinokuidzai shamwari; nokuti zvose zvandakanzwa naBaba vangu, ndakakuzivisai izvo.

16 Imwi hamuna kundisanangura, asi ini ndakakusanangurai ndikakugadzai, kuti muende mubereke zvibereko, uye zvibereko zenyu zvigare; kuti chinhu chipi nechipi chamuchakumbira kunaBaba muzita rangu, vakupei.

17 Izvi zvinhu ndinokurairai, kuti mudanane.

18 Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yakandivenga isati yakuvengai * imwi.

19 Kana maiva venyika, nyika yaida vayo; asi nokuti hamusi venyika, asi ini ndakakusanangurai kubva panyika, naizvozvo nyika inokuvengai.

20 Rangarirai shoko randakareva kwamuri: Muranda haazi mukuru kunashe wake. Kana vakatambudza ini, vachakutambudzaivo, kana vakachengeta shoko rangu nerenyuvo vachachengeta .

21 Asi izvi zvose vachakuitirai nokuda kwezita rangu, nokuti havamuzivi iye wakandituma.

22 Dai ndisina kuvuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi zvino havana manzvengero ezvivi zvavo.

23 Unondivenga, unovenga Baba vanguvo.

24 Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nomumwe munhu, vangadai vasina zvivi; asi zvino vakavona ndokuvenga zvose ini naBaba vangu.

25 Asi zvakaitwa, kuti shoko rizadzisike rakanyorwa pamurairo wavo, rinoti *: Vakandivenga ndisinemhosva.

26 Asi kana Munyaradzi avuya, wandichatuma kwamuri achibva kunaBaba, Mweya wechokwadi, unobuda kunaBaba, uchandipupurira.

27 Nemwivo muchapupura, nokuti maiva neni kubva pakutanga.


16


1 Zvinhu izvi ndakazvitaura kwamuri kuti murege kugumburwa.

2 Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inovuya, apo mumwe nomumwe unokuvurayai, uchati unobatira Mwari basa.

3 Nezvinhu izvozvi vachazviita kwamuri, nokuti havana kuziva baba, kana ini.

4 Asi ndataura zvinhu izvi kwamuri, kuti kana nguva yasvika mugozvirangarira, kuti ndakakuvudzai pamusoro pazvo. Handina kukuvudzai izvi kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemwi.

5 Asi zvino ndinoenda kunowakandituma; hakunomumwe wenyu unondibvunza, achiti *: Munoendepiko?

6 Asi nokuti ndareva zvinhu izvi kwamuri kushungurudzika kwazadza moyo yenyu.

7 Asi ini ndinokuvudzai chokwadi: Zviri nani kwamuri kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangavuyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.

8 Zvino kana asvika, uchatsiura nyika pamusoro pezvivi, napamusoro pokururama, napamusoro pokutongwa;

9 pamusoro pezvivi, nokuti havatendi kwandiri;

10 pamusoro pokururama, nokuti ndinoenda kunaBaba vangu, hamungazondivonizve;

11 pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino watongwa.

12 Ndichine zvizhinji zvokutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura zvino.

13 Asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, uchakutungamirirai muchokwadi chose; nokuti haangatauri zvomusoro wake, asi choga choga chaakanzwa uchachitaura, uye uchakuvudzai zvinovuya.

14 Uchandikudza, nokuti uchatora pane zvangu, uye ucha zvi *kumikidza kwamuri.

15 Zvose Baba zvavanazvo, ndezvangu; saka ndichiti: Uchatora pane zvangu, akaratidza kwamuri.

16 Kwechinguvana, hamuchazondivoni; uyezve chinguvana, muchandivona nokuti ndinoenda kunaBaba.

17 Zvino vamwe * vavadzidzi vake vakataurirana vachiti *: Chinyiko ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguva chiduku, hamuchazondivoni; uyezve kwechinguvana muchandivona, uye: Nokuti ndinoenda kunaBaba?

18 Naizvozvo vakati: Chinyiko chaanoti: Chinguvana? Hatizivi chaanotaura.

19 Jesu akaziva kuti vakanga vachida kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana here kuti ndati: Chinguvana hamuchazondivoni, uyezve chinguvana muchandivona?

20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi mucharira nokuchema, asi nyika ichafara; uye imwi muchashungurudzika, asi kushungurudzika kwenyu kuchashanduka mufaro.

21 Mukadzi kana achisununguka, unoshungurudzika, nokuti nguva yake yasvika; asi kana apona mwana, haachafungizve kutambudzika, nokufara kuti munhu waponwa panyika.

22 Naizvozvo nemwi zvino mune shungu; asi ndichakuvonaizve, nomoyo yenyu ichafara; hakunomunhu ungakutorerai mufaro wenyu.

23 Zvino nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kunaBaba muzita rangu vachakupai.

24 Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai muchagamuchira, mufaro wenyu uzare.

25 Zvinhu izvi ndataura kwamuri nemifananidzo, nguva inovuya yandisingazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndichakuvudzai pachena zvaBaba;

26 Nezuva iro muchakumbira muzita rangu; handikuvudziyi, kuti ndichakukumbirirai kunaBaba;

27 nokuti Baba vamene vanokudai, nokuti imwi makandida, mukatenda, kuti ini ndakabva kunaMwari.

28 Ndakabva kuna Baba, ndikavuya panyika; ndinobvazve panyika, ndichienda kunaBaba.

29 Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai, zvino motaura pachena, musingatauri nemadimikira.

30 Zvino toziva zvirokwazvo kuti munoziva zvinhu zvose, hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; naizvozvi tinotenda kuti makabuda kunaMwari.

31 Jesu akavapindura akati *: Motenda zvino here?

32 Tarirai, nguva inovuya, hongu yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe kune zvake, mundisiye ndiri ndoga; asi handizi ndoga, nokuti Baba vaneni.

33 Ndakareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve norugare mandiri. Panyika muchava namatambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.


17

1 Jesu wakataura izvozvi, akasimudzira meso ake kudenga, akati: Baba, nguva yasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzeivo imwi,

2 sezvamakamupa simba pamusoro penyama yose, kuti vose vamakamupa, avape upenyu bwusingaperi.

3 Zvino ubwu ndibwo upenyu bwusingaperi, kuti vakuzivei imwi Mwari woga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.

4 Ndakakukudzai panyika; ndapedza basa ramakandipa kuti ndiriite;

5 uye zvino imwi baba, mundikudze pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako nemwi, nyika isati yavapo.

6 Ndakaratidza zita renyu kuvanhu vamakandipa kubva panyika; vakanga vari venyu, uye makavapa ini, vakachengeta shoko renyu.

7 Zvino vanoziva kuti zvose-zvose, zvamakandipa zvinobva kwamuri.

8 Nokuti ndakapa kwavari mashoko amakandipa; vakaagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabuda kwamuri, vakatenda kuti makandituma.

9 Ndinovanyengeterera ivo; handinyengetereri nyika, asi avo vamakandipa, nokuti ndivo venyu.

10 Zvino zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; ndakakudzwa mavari.

11 Uye zvino ini handichiri munyika, asi iva vari munyika; ini ndinovuya kwamuri Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu, avo vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu.

12 Pandaiva navo panyika, ini ndaivachengeta muzita renyu, avo vamakandipa; ndikachengeta panyika, hapanomumwe wavo wakarashika, asi mwanakomana wokurashwa, kuti rugwaro ruitike.

13 Asi zvino ndovuya kwamuri, uye ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadziswa mavari.

14 Ini ndakavapa shoko renyu, nyika ikavavenga, nokuti havazi venyika, seni ndisi wenyika.

15 Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete kune zvakaipa

16 Havazi venyika, seni ndisi wenyika,

17 Vaitei vatsvene muchokwadi chenyu; shoko renyu ichokwadi.

18 Sezvamakandituma panyika, saizvozvo nenivo ndakavatuma panyika.

19 Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivovo vaitwe vatsvene muchokwadi.

20 Uye handinyengetereri ava chete, asi naivo vachatendavo kwandiri neshoko ravo;

21 kuti vose vave vamwe; semwi Baba mandiri, neni mamuri; kuti naivovo vave mumwe matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.

22 Nokubwinya kwamakandipa, ndakavapa, kuti vave mumwe, sesu tiri mumwe.

23 Ini mavari, nemwi mandiri, vazadziswe kuva mumwe; uye kuti nyika izive kuti makandituma, uye kuti makavada, sezvamakada ini.

24 Baba, ndinoda kuti naivovo vamakandipa, vave neni apo pandiri, kuti vavone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa.

25 Haiwa Baba vakarurama, nyika haina kukuzivai, asi ini ndakakuzivai, naivava vakaziva kuti makandituma;

26 uye ndakazivisa kwavari zita renyu, uye ndicha ri *zivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari, neni mavari.


18


1 Jesu wakati areva izvozvo akabuda navadzidzi vake, akaenda mhiri kkwerukova rweKedhironi paiva nomunda, akapinda mauri iye navadzidzi vake.

2 NaJudhasivo, wakamutengesa, wakanga achizivavo nzvimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waivunganapo navadzidzi vake.

3 Naizvozvo Judhasi, atora boka ravarwi, navatariri vaibva kuvaprista vakuru navaFarisi, akasvikapo nematochi nemarambi, nezvombo zvokurwa nazvo.

4 Zvino Jesu, zvaakanga achiziva zvose zvaifanira kumuwira, akabuda, akati kwavari: Munotsvaka aniko?

5 Vakamupindura, vakati *: Jesu weNazareta. Jesu akati kwavari: Ndini, naJudhasivo wakamutengesa, wakanga amirevo navo.

6 Zvino wakati achiti kwavari: Ndini, vakasudurukira shure, vakawira pasi.

7 Zvino akavabvunzazve achiti *: Munotsvaka aniko? Vakati: Jesu weNazareta.

8 Jesu akapindura akati *: Ndakuvudzai kuti ndini; naizvozvo kana muchitsvaka ini, regai ava vaende;

9 kuti shoko raakareva riitike rokuti: Kunaivavo vamakandipa, handina kurashikirwa nomumwe.

10 Zvino Simoni Petro wakanga anomunondo, akauvhomora akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Marikosi.

11 Zvino Jesu akati kunaPetro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa naBaba, handingaumwi here?

12 Zvino boka ravarwi nomukuru wechuru navatariri vavaJudha vakabata Jesu, vakamusunga,

13 vakatanga kumuisa kunaAnasi; nokuti wakanga ari mukarabwa waKayafasi, waiva muprista mukuru gore iro.

14 Zvino Kayafasi ndiye wakanga apa vaJudha zano, kuti zvakanaka kuti munhu mumwe afire vanhu.

15 Zvino Simoni Petro wakatevera Jesu, nomumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu waizikamwa nomuprista mukuru, akapinda naJesu muruvazhe rwomuprista mukuru;

16 asi Petro wakanga amire panze pamukova. Zvino uya mumwe mudzidzi, waizikamwa nomuprista mukuru, akataura nomukadzi wairinda mukova, akapinza Petro.

17 Zvino musikana wairinda mukova akati kunaPetro: Newevo hausi mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here? Akati: Handizi.

18 Zvino varanda navatariri vakanga vamirepo, vavesa moto wamazimbe, nokuti kwaitonhora, vakadziya moto . NaPetro akamiravo navo achidziya moto *.

19 Zvino muprista mukuru akabvunza Jesu zvavadzidzi vake, nedzidziso yake.

20 Jesu akamupindura akati *: Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinangoge nomutembere, panovungana vaJudha nguva dzose; handina kureva chinhu pakavanda.

21 Unondibvunzireiko ini? Bvunza ava vainzwa zvandaitaura kwavari; tarirai ava vanoziva zvandaireva.

22 Wakati areva zvinhu izvozvo, mumwe wavatariri wakanga amirepo, akarova Jesu nembama, achiti: Unopindura muprista mukuru uchidaro nhai?

23 Jesu akamupindura akati *: Kana ndareva zvakaipa, pupura zvakaipa zvacho; asi kana zvakanaka wagondirovereiko?

24 Zvino Anasi akamutumira akasungwa kunaKayafasi, muprista mukuru.

25 Zvino Simoni Petro wakanga amirepo, achidziya moto *; vakati kwaari: Hausivo mumwe wavadzidzi vake here? Akaramba, akati: Handizati.

26 Mumwe wavaranda vomuprista mukuru, ari hama yo *wakanga agurwa nzeve naPetro akati: Ini handina kukuvona unaye mubindu here?

27 Petro akarambazve; pakarepo jongwe rikarira.

28 Zvino vakabvisa Jesu kuna Kayafasi vakaenda kuimba yomutongi; aiva mangwanani, asi ivo havana kupinda mumba momubati, kuti varege kusvibiswa, vagodya paseka.

29 Ipapo Pirato akabudira kwavari, akati: Munomupa mhosva yeiko munhu uyu?

30 Vakapindura, vakati kwaari: Dai munhu uyu asaiva muiti wezvivi, tingadai tisina kumukumikidza kwamuri.

31 Zvino Pirato akati kwavari: Chimutorai imwi, mumutonge nomurairo wenyu. Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Hatina kutenderwa isu kuti tivuraye munhu;

32 kuti shoko raJesu raakareva riitike, achidudzira kufa kwaaifanira kufa nako.

33 Zvino Pirato akapindazve mumba momubati, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo wavaJudha here?

34 Jesu akapindura, akati *: Unozvireva izvi pachako here, kana wazvivudzwa navamwe pamusoro pangu?

35 Pirato akapindura, akati *: Ini ndiri muJudha here? Rudzi rwako navaprista vakuru vakakukumikidza kwandiri; waiteiko?

36 Jesu akapindura, akati *: Ushe bwangu habwuzi bwenyika ino; dai ushe bwangu bwaiva bwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kukumikidzwa kuvaJudha; asi zvino ushe bwangu habwuzi bwapano.

37 Ipapo Pirato akati kwaari: Saka iwe uri mambo here? Jesu akapindura akati: Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvozvo, ndakavuyira izvozvo munyika kuti ndipupurire chokwadi. Mumwe nomumwe wechokwadi unonzwa inzwi rangu.

38 Pirato akati kwaari: chokwadi chinyiko? Akati areva izvozvi, akabudirazve kuvaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari.

39 Asi imwi munetsika kuti ndikusunungurirei mumwe papaseka; zvino munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?

40 Ipapo vakadanidzirazve vose, vachiti: kwete munhu uyu, asi Bharabhasi! Zvino Bharabhasi wakanga ari gororo.


19


1 Zvino Pirato wakatora Jesu, akamurova netyava.

2 Varwi vakaruka korona yemhinzwa, vakaisa pamusoro wake, vakamupfekedza nguvo shava.

3 Vakati: Hekanhi, Mambo wavaJudha! Vakamurova nembama.

4 Ipapo Pirato akabudazve panze, akati kwavari: Tarirai, ndinomubudisira kwamuri, kuti muzive kuti handiwani mhosva kwaari.

5 Jesu akabuda panze, akadzika korona yemhinzwa, anenguvo shava. Pirato * akati kwavari: Tarirai munhu uyu!

6 Zvino vaprista vakuru navatariri vakati vachimuvona, vakadanidzira, vachiti: Rovera, rovera! Pirato akati kwavari: Chimutorai imwi, murovere; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.

7 VaJudha vakamupindura, vakati *: Isu tinomurairo, zvino nomurairo wedu unofanira kufa, nokuti wakazviita Mwanakomana waMwari.

8 Zvino Pirato wakati anzwa shoko iri, akanyanya kutya.

9 Akapindazve mumba momutongi, akati kuna Jesu Unobvepiko iwe? Asi Jesu haana kumupa mhinduro.

10 Ipapo Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukurovera uye ndine simba rokukusunungura?

11 Jesu akapindura, akati *: Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, kana usina kuripiwa richibva kumusoro; naizvozvo wakandikumikidza kwauri, unezvivi zvinokunda zvako.

12 Zvino kubva ipapo Pirato akatsvaka kumusunungura; asi vaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura munhu uyu, hamuzi shamwari yaKesari; mumwe nomumwe unozviita mambo, unoramba Kesari.

13 Zvino Pirato wakati anzwa shoko iroro, akabudisa Jesu, akagara pachigaro chokutonga, panzvimbo inonzi Pakarongwa naMambwe, asi nechiHebheru Gabhata.

14 Zvino raiva zuva re *gadziriro yepaseka; yaiva nguva inenge yechitanhatu. Akati kuvaJudha: Tarirai Mambo wenyu!

15 Asi vakadanidzira, vachiti *: Bvisa, bvisa, umurovere! Pirato akati kwavari: Ndorovera Mambo wenyu here? Vaprista vakuru vakapindura vachiti: Hatina mambo, asi Kesari chete.

16 Naizvozvo akamukumikidza kwavari, kuti aroverwe. Zvino vakatora Jesu vakaenda naye.

17 Akabuda akatakura muchinjikwa wake, akaenda kunzvimbo yainzi yeDehenya, nechiHebheru ichinzi Gorogota;

18 apo pavakamurovera navamwe vaviri naye, mumwe parutivi, mumwe parutivi, Jesu pakati.

19 Pirato akanyoravo chiziviso akachiisa pamuchinjikwa; chakanga chakanyorwa kuti *: JESU MUNAZARETA MAMBO WAVAJUDHA.

20 Zvino vazhinji vavaJudha vakarava chiziviso ichi; nokuti nzvimbo iyo pakanga pakaroverwa Jesu yaiva pedo neguta; rwakanyorwa nechiHebheru, nechiRoma, nechiGiriki.

21 Ipapo vaprista vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti *: Mambo wavaJudha, asi kuti uye wakati: Ndiri mambo wavaJudha.

22 Pirato akapindura akati *: Zvandanyora, ndanyora.

23 Zvino varwi vakati varovera Jesu, vakatora nguvo dzake, vakaita migove mina, murwi mumwe nomumwe mugove; nenguvo yapasivo. Zvino nguvo iyi yakanga isina pakasonwa, asi yakanga yakarukwa yose kubva kumusoro kwayo.

24 Naizvozvo vakataurirana, vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamusoro payo, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadzisike runoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo. Vakakanda mijenya pamusoro pechokufuka changu. Ndizvo zvakaitwa navarwi.

25 Zvino pamuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, nomunin'ina wamai vake, Maria, mukadzi * waKiropasi, naMaria Magadharini.

26 Zvino Jesu wakati achivona mai vake, nomudzidzi waaida, amirepo, akati kunamai vake: Mukadzi, tarira, mwanakomana wako.

27 Shure kwaizvozvo akati kumudzidzi: Tarira mai vako. Kubva panguva iyo mudzidzi akavatora, akavaisa kumba * kwake.

28 Shure kwaizvozvi, Jesu wakati achiziva kuti zvinhu zvose zvapera, kuti rugwaro ruzadzisike, akati: Ndinenyota.

29 Zvino pakanga pakagadzikwapo hari izere nevhiniga; zvino vakazadza chipanje nevhiniga vakaisa parutanda rwehisopi, vakaisa kumuromo wake.

30 Zvino Jesu wakati agamuchira vhiniga, akati: Zvapera! Akakotamisa musoro wake, akapa Mweya wake *.

31 Naizvozvo vaJudha nokuti wakanga uri musi wokugadzirira, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nezuva resabata (nokuti zuva resabata raiva zuva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, kuti vabviswe.

32 Naizvozvo varwi vakavuya, vakavhuna makumbo owokutanga, noomumwe wakanga aroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye;

33 asi vakati vachisvika kunaJesu, vakavona kuti watofa hake, havana kuvhuna makumbo ake,

34 asi mumwe murwi wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo ropa nemvura zvikabuda.

35 Uyo wakavona, ndiye wakapupura, uye kupupura kwake ndokwechokwadi; iye unoziva kuti unoreva zvirokwazvo, kuti imwi mutende.

36 Nokuti zvinhu izvi zvakaitwa kuti rugwaro ruzadzisike runoti: Fupa rake haringavhunwi.

37 Norumwe Rugwarozve runoti: Vachatarira uyo wavakabvovora.

38 Shure kwaizvozvi Josefa weArimatia, waiva mudzidzi waJesu, asi pakavanda nokutya vaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbi waJesu; Pirato akamutendera. Naizvozvo akavuya akabvisa mutumbi waJesu.

39 Kwakavuyavo naNikodhimo, iye pakutanga wakambovuya kuna Jesu vusiku, anemura* nearosi* zvakavhenganiswa, mapaundi anenge zana.

40 Ipapo vakatora mutumbi waJesu, vakamuputira nemicheka yerineni pamwe chete nezvinonhuhwira, setsika yavaJudha yokuviga.

41 Zvino panzvimbo iyo paakaroverwa pakanga pane bindu, mubindu imomo maiva nebwiro vutsva, makanga musina kumboiswa munhu.

42 Zvino vakaisa Jesu ipapo nokuda kwegadziriro yavaJudha, nokuti bwiro bwakanga bwuri pedo.


20


1 Zvino no musi * wokutanga wevhiki Maria Magadarene wakasvika pabwiro mambakwedza kuchakasviba, akavona ibwe rabviswa pabwiro.

2 Akamhanya, akasvika kuna Simoni Petro nokunomumwe mudzidzi waidikamwa naJesu, akati kwavari: Vabvisa Ishe mubwiro, hatizivi pavakamuradzika.

3 Zvino Petro akabuda nouya mumwe mudzidzi, vakasvika kubwiro.

4 Vakamhanya vari vaviri pamwechete; uya mumwe mudzidzi akamhanyisa akakunda Petro, akatanga kusvika pabwiro.

5 Wakati akotama achidongorera akavona micheka yerineni pasi, asi haana-kupinda.

6 Zvino Simoni Petro akasvikavo achimutevera akapinda mubwiro, akavona micheka iri pasi,

7 nemucheka wekumeso wakanga wakamonera mumusoro wake, usati uri kune micheka yerineni, asi wakapetwa uri pamwe woga.

8 Zvino uya mumwe mudzidzi wakatanga kusvika pabwiro akapindavo akavona, akatenda;

9 nokuti vakanga vachigere kunzwisisisa rugwaro, kuti unofanira kumuka kuvakafa.

10 Zvino vadzidzi vakabva vakaenda kwavo.

11 Asi Maria wakamira kunze pabwiro achichema; zvino achachema akakotama akadongorera mubwiro.

12 Akavona vatumwa vaviri, vane nguvo * chena vagere, mumwe kumusoro, mumwe kumakumbo, ipapo pakambenge parere mutumbi waJesu.

13 Ivo vakati kwaari: Mai, munochemeiko? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuisa.

14 Zvino wakati achireva izozvo akatendevukira shure, akavona Jesu amire, asi haana-kuziva kuti ndiJesu.

15 Jesu akati kwaari: Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko? Iye achifunga kuti ndiye murimi womunda, akati kwaari: Ishe, kana muri imwi mamubvisa, ndivudzei pamamuisa, ndindomutora.

16 Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendevuka akati kwaari: Rabhoni! ndokuti Mudzidzisi,

17 Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kunaBaba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari: Ndinokwira kunababa vangu naBaba venyu naMwari wangu naMwari wenyu.

18 Maria Magidharini akaenda akavudza vadzidzi kuti wavona Ishe, uye wakanga amuvudza zvinhu izvi.

19 Zvino ava madeko pazuva iroro, rokutanga revhiki, mikova yapfigwa pakanga pakavungana vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akasvika, akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri.

20 Zvino wakati areva izvozvo akavaratidza zvanza zvake * norutivi rwake *. Vadzidzi vakafara vachivona Ishe,

21 Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri; Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumaivo.

22 Zvino wakati areva izvozvi akafemera kwavari *, akati kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene.

23 Vose vamunokangamwira zvivi zvavo, vazvikangamwirwa; vose vamunobata zvavo zvabatwa.

24 Asi Tomasi, mumwe wavanegumi navaviri wainzi Batya, wakanga asipo pavari pakuvuya kwaJesu.

25 Zvino vamwe vadzidzi vakati kwaari: Tavona Ishe. Asi iye wakati kwavari: Kana ndikasavona mavanga embambo muzvanza zvake, nokuisa mumwe wangu paiva nembambo, nokuisa ruvoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.

26 Mushure mamazuva maserezve vadzidzi vakanga vari mukati, naTomasi anavo. Jesu akasvika, mikova yapfigwa, akamira pakati pavo akati: Rugare kwamuri.

27 Ipapo akati kunaTomasi: Vuyisa pano mumwe wako, uvone zvanza zvangu; vuyisa ruvoko rwako uise murutivi rwangu, usava usina kutenda, asi unotenda.

28 Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu, naMwari wangu!

29 Jesu akati kwaari: Tomasi, watenda nokuti wandivona? Vakaropafadzwa vasina-kuvona asi vakatenda.

30 Zvino Jesu wakaita zvimwe zvishamiso zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iyi;

31 asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari; uye kuti muchitenda muve noupenyu muzita rake.


21

21
1 Shure kwaizvozvi Jesu wakazviratidzazve kuvadzidzi vake pagungwa reTiberiasi; akazviratidza kudai:

2 VanaSimoni Petro, naTomasi, wainzi Batya, naNatanieri weKana yeGariri, navanakomana vaZebhedhi, navamwe vaviri vavadzidzi vake, vakanga vari pamwe chete.

3 Simoni Petro akati kwavari: Ndondobata hove. Vakati kwaari: Nesu tinoendavo newe. Vakabuda vakapinda muchikepe pakarepo; asi vusiku ubwo havana-kubata chinhu.

4 Zvino kwakati kwaidza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi vadzidzi vakanga vasingazivi kuti ndiJesu.

5 Zvino Jesu akati kwavari: Vana, mune chokudya here? Vakamupindura, vachiti *: Kwete.

6 Akati kwavari: Kandai mumbure kurutivi rworudyi rwechikepe mugowana. Ipapo vakakanda, vakasagona zvino kurukweva nokuwanda kwehove.

7 Zvino mudzidzi uya waidikamwa naJesu akati kunaPetro: NdiShe. Ipapo Simoni Petro wakati achinzwa kuti ndiShe, akasunga nguvo yake yokunze, nokuti wakanga asina kusimira, akazviwisira mugungwa.

8 Asi vamwe vadzidzi vakavuya nechikepe chidiki, vachikweva mumbure unehove, nokuti vakanga vasi kure nenyika asi makubhiti* anenge mazana maviri.

9 Zvino vakati vachangosvika panyika, vakavona moto wamazimbe ipapo, nehove yakaradzikwa pamusoro pawo, nechingwa.

10 Jesu akati kwavari: Vuyai nedzimwe * dzehove dzamabata ikozvino.

11 Simoni Petro akakwira akakwevera mumbure panyika, wakanga uzere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu; asi kunyange dzaiva zhinji dzakadai, mumbure hauna kubvaruka.

12 Jesu akati kwavari: Vuyai mudye. Asi kwakanga kusinomumwe wavadzidzi vake wakatsunga kumubvunza kuti *: Ndimwi aniko? Vachiziva kuti ndiyeShe.

13 Zvino Jesu wakauya, akatora chingwa, akavapa, nehovevo saizvozvo.

14 Urwu rwaiva rwechitatu Jesu achizviratidza kuvadzidzi vake, amuka kuvakafa.

15 Zvino vakati vadya, Jesu akati kunaSimoni Petro: Simoni, waJona, unondida kupfuvura ava here? Akati kwaari: Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Fudza makwayana angu,

16 Akati kwaaarizve rwechipiri: Simoni waJona unondida here? akati kwaari Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Fudza makwai angu.

17 Akati kwaari rwechitatu: Simoni waJona; Unondida here? Petro akarwadziwa moyo nokuti wakati kwaari rwechitatu: Unondida here? Akati kwaari: Ishe, imwi munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Fudza makwai angu.

18 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Uchiri muduku, waizvisunga chivuno, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatambanudza mavoko ako, mumwe uchakusunga chivuno, achi ku *isa kwausingadi.

19 Wakareva izvozvi, achitaridza kufa kwaaizokudza Mwari nako. Zvino wakati areva izvozvo, akati kwaari: Nditevere.

20 Petro akatendevuka akavona uya mudzidzi waidikamwa naJesu achitevera, ndiyevo wakasendamira pachifuva chake pachirayiro akati: Ishe, ndianiko uchakupandukirai?

21 Zvino Petro wakati achimuvona akati kunaJesu: Ishe, ko uyu?

22 Jesu akati kwaari: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichivuya, uneiko nazvo? Nditevere iwe.

23 Zvino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haangazofi; asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haangazofi; asi wakati *: Kana ndichida kuti agare kusvikira ndichivuya, uneiko nazvo iwe?

24 Ndiyeyu mudzidzi unopupura zvinhu izvi, nokunyoravo zvinhu izvi; zvino tinoziva kuti kupupura kwake ndokwechokwadi.

25 Zvimwe zvizhinji zviriko zvakaitwa naJesu; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinoti: Kunyange nenyika yose haizairingana bhuku dzinganyorwa. Amen.



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE