Mwari angandiregerere sei?

Mabasa avapositori 13:38 inoti “Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri.”

Chii chinonzi ruregerero uye sei tichichida

Izwi rekuti ruregerero rinoreva kukanganwa zvese, kubvisa chikwereti. Tikakanyira vamwe tinokumbira ruregerero kuti tirambe tichiwirirana.munhu haangoregererwa nokuti akakodzera, hapana akakodzera kuregerwa. Ruregerero harurevi rudo, tsitsi kana nyasha.ruregerero kuzvipira kuti hauna chauchachengeta pamwoyo pamusoro pemunhu akukanyira zvisinei kuti atadzei.

Bhaibheri rinotiudza kuti tose tirivatadzi uye tinotoda ruregerero kubva kuna Mwari. Ecclesiastes 7:20 inoti hapana murume asina zvitema pano panyika anoita zvinodiwa naMwari nguva dzose asingatadzi. 1Johani 1:8 inoti “Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera uye chokwadi hachizi matiri.” Zvitadzo zvose kuramba mutemo waMwari (Mapisarema 51:4) izvi zvinoreva kuti tinoda ruregerero rwashe kuti tisazopedza hupenyu hwedu hose tichitsvira zvitadzo zvedu (Mateo 25:46;Johani 3:36)

Ruregerero-ndingarwuwana sei?

Tototenda kuti Ishe vanerudo rusingaperi-vatori neshungu dzekutiregerera zvitadzo zvedu! 2 Petro 3:9 inoti Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.” Mwari anoda kutiregerera hunge anotipa chipo chacho.

Mubairo wezvitadzo zvedu rufu. Varoma 6:23 inoti 23Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu..” zvitadzo zvedu zvakatipa rufu rusingaperi.Mwari nechirongwa chake akave munhu-jesu kristu(Johani 1:1,14).Jesu akafira pamuchinjikwa, achitora mutongo wedu uyo waive rufu.2 vakorinde 5:21 inotidzidzisa kuti “Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.” Jesu akafira pamuchinjikwa, achitora mutongo wedu. saMwari, kufa kwaJesu kwakaita kuti nyika yose iregererwe zvitema zvese. 1 Johani 2:2 inoti “Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose.” Jesu akafa akamuka kuratidza simba rake pane rufu nezvitadzo.Rumbidzai Mwari, tichishandisa mufananidzo wekufa nekumuka kwaJesu Kristu Varoma 6:23 inoti “23Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.”

Unoda kuregererwa zvitadzo zvako here? Unombonzwa kushungurudwa here kana kuita kunge unemhosva yaukatakura isingaperi?ukaisa hupenyu hwako mumawoko aJesu kristu uchivimba naye unoregererwa zvitadzo zvako zvese. Ephesians 1;7 inoti muropa rwake tinowana ruregerero rwezvitadzo zvese, zvese nekuwanda kwenyasha dzamwri” Jesu akatifira hunge chikwereti chedu chakapera chaungangoita kukumbira Mwari nemuzita reJesu kuti akuregerere anozokuregerera. Johani 3:16 inoti “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.”

Ruregerero: zviri nyore here kuregererwa

Hongu, unokwanisa kuita kuti Mwari akuregerere. Haukwanisi kubhadhara kuti Mwari akuregerere. Ruvimbo rwako munashe richakubatsira kuti uregererwe nokuti ane nyasha netsitsi. Kana uchida kugamuchira Ishe semuponisi wako kuti uregererwe unokwanisa kushandisa munamato uyu. Hausi munamato uyu chete asi kuvimba naShe kuchaita kuti uregererwe. Munamato uyu unongoshanda kutenda Ishe kuti akakuregerera nekumuratidza kuti unovimba nekutenda maari.

“Mwari, ndinoziva ndakatadza pamberi penyu, uye ndinofanirwa kurangwa. Asi Jesu Kristu akatora murango wangu kuti ini ndinokwanisa kuregererwa nekuvimba maari. Ndinoisa ruvimbo rwangu mamuri muponisi. Ndinokutendai nenyasha neruregerero. Ameni.”



AMAZING GRACE BIBLE INSTITUTE